Shona Stories 2🇿🇼
June 10, 2025 at 07:06 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* Season 2 https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *[Season 2]* Chapter 13 *Lyra* Mai Kalindi pavakataura kutaura zvenhumbu ndakarohwa nehana.Vakafugura hembe yangu vakatarisa dumbu rangu.Ndakazoona vatarisa mazamu angu.Vakabva vabata muromo ndakaona vafonera Shylet hameno zvavakataura naye. “Mom tell us chiii“ asked Kalindi “Rega Shylet auye nepreg test tione.But semaonero andaita une nhumbu Lyra“ Hana yakatanga kurova misodzi ikatanga kuyerera pamatama angu.Shylet akazouya nepreg test iya.Ndakazochema worse pandakaona ndaitova nenhumbu worse.Even Kalindi cried akanditarisa. “Lyra baba vemwana ndiani“ asked Mai Kalindi Handina kukwanisa kutaura chinhu.Chakanyanya kundirwadza inyaya yekuti zvikoro zvanga zvasarwa ne week kuti zvivhurwe.Ko Randon wacho aizotambira nhumbu iyi here. “Lyra ndiri kutaura newe“ “Randon Joto“ i said “Lyra asi why unoziva ndarwadziwa ndanga ndisina kutarisira zvakadai from you.Randon wacho ndoda kumuona ngauye pano mufonere now kana akaramba wondiudza address yepamba pavo but this issue inenge yakuda tete vako ndivo vanofana kumira panyaya dzakadai“ said amai “Zviri nani titange taenda kwatete vake totaura nyaya iyi first then ivo voronga zvofambiswa sei" said Shylet Takazoenda kumba kwa tete vangu.Takasvika vakatozvigarira havo mudinning vakatitambira zvakanaka. “Tete vaLyra kuona tauya kudai zvinhu hazvina kumira zvakanaka“ said Shylet “Unorevei chii chaitika.Ko Lyra aitwei“ “Ndiri kushaya ndotangira papi“ said Shylet “Wava kundityisa taura nyaya yacho“ “Lyra akazvitakura“ said Shylet Ndakaona tete vabata muromo vakanditarisa.Vakabva vasimuka vachiuya pandanga ndiri. “Kuzvitakura?? Lyra ichokwadi here“ she asked vakanditarisa ndikaramba ndakanyarara ndikazonzwa ndapihwa mbama “Pindura inhumbu yaani“ she asked “Randon" “Nhai Mwari uyo atoriwo mwana wechikoro.Saka wakandinyepera pandakakubvunza kuti wakarara naye here ukati hauna.Utondiona sebenzi nhai“ said Aunt Mitchy “Sorry aunt“ “Nyarara hako wagara haubatsirike busy kuvhura makumbo instead yekuti uvake life yako.Ndaidanana newe iwe wondinyadzisa kudai.Wandi prover kuti uri hure like your mother“ said Aunt Mitchy “Umm tete calm down" said Shylet “Usandiudza zvekunditi calm down.I protected and encourage Lyra semwana wangu.I did everything for her nhasi mondiudza amitiswa.This is not fair“ said Aunt Mitchy Ndakatanga kuchema Shylet tried kutaura na aunt vangu asi vakaramba. “Lyra unoziva kwawakapirwa mimba iyoyo woenda ikoko.Watobuda mumaoko angi zvachose.Ndageza maoko pauri“ she said vakabva vagara pasofa I tried kutaura navo asi vanga vakuto ignore.Ndakatora hembe dzangu dzose ndikabuda kuenda kumba kwana Randon.Kalindi naShylet ndivo vakandiperekedza takasvika kwakuda kusviba.Takasvika pangori naRandon chete ari mushop. “Ko kwakanaka here zvamauya nemabags kudai“ “Dai uri umwe watipinza mumba tataura takagara pasi haidi takamira“ said Shylet Takapinda mumba macho ndipo pakapindawo Floria,Livia naNora vakatikwazisa vakagara pamasofa. “Ko mai vako varipi ndaida kuvaona“ said Shylet “Vanodzoka manje manje vambobuda.Kana mune nyaya navo mokwanisa kundiudza ndozosara ndichisvitsa nyaya“ said Randon “Randon uchiona tauya pano.Tauya nemudzimai wako.Lyra akazvitakura and ane pamuviri pako“ said Shylet “Lyra ane nhumbu" asked Randon achivhunduka akanditarisa “Usanyepere kuvhiringika zvako Randon“ said Shylet Randon akabva atarisa pasi.Akamboita kanguva akanyarara.Ndipo pakasvika Mai Joto vakatikwazisa vakagara pasofa vakaudziwa nyaya iripo. “Randon ichokwadi here chiri kutaurwa apa“ asked Mai Joto “Kana makazvitarisa munoona chiri chokwadi here amai.They are lying handina zuva randakamborara nemusikana mulife mangu“ said Randon “Wakufarisa manje Randon saka uri kuti Lyra akapusa haazive munhu akarara naye here“ said Shylet “Saka moda ndibvume zvinhu zvandisina kubvira ndaita here.Nhumbu yaanayo haisi yangu musada kushatisa zita rangu please.I'm trying to be a good son imi mouya nenyaya dzenyu dzenhema“ said Randon “Randon wakambodanana naLyra here.Nekuti i still remember Lyra naKalindi vachimbouya pano kuona Randon pairwara“ said Mai Joto “Handina kubvira ndadanana naye.Saka ndiri kushaya kuti zvekuti ane nhumbu yangu ari kuzviwana kupi“ said Randon “Uri imbwa wanzwa hauna kubvuma kuti wakarara naLyra kaviri kese here iwewe pawakauya uchikumbira ruregerero“ said Kalindi Ndakaona umwe murume asvika wandisina kuziva.Ndakazoziva later kuti ndiBaba Livia after paitwa ma intro.Randon akavipira nyaya iyi. “Type yevasikana vakadai mahure.Vanenge vakuona magarika.Kana Randon achiti haana kurara naLyra wacho hapasisina nyaya“ “I feel this girl ari kutaura chokwadi.Uye Randon waimbonzi une musikana wawaivharira pano.Iwe Floria taura tinzwe ndiwe wakandiudza" asked mom “Ehe ndiye Lyra wacho uyu“ said Floria “Saka you trust munhu wekunzi than your son.Randon said haisi nhumbu yake moda paitwe sei.You feel feel kudii kwacho uri muporofita here.Imimi ibvai pano izvozvi mudzidze kushanda nesimba“ Ndakaona Kalindi asimuka akabva apa Randon mbama. “Game yawatanga iyi tichasangana pakuyambuka.Warwadzisa sister yangu and thanks for that.Amai Joto you tried kuda kuti mugadzirise nyaya asi baba avo vemusoro wakabhenda naRandon wavo havana kunzwisisa“ said Kalindi Ndakarwadziwa ndakashaya ndoenda kupi manje.Shylet naKalindi vakadzoka neni kumba.Amai vakapirwa nyaya vakarwadziwa zvisingaite. “Lyra i hope wadzidza nesimba.Ko ndogokurasira aniko uchagara pano asi wotoziva zvechikoro hapasisina.Havatambire vanhu vakazvitakura uko“ said Maiguru Ndakasimuka ndikaenda muroom maKalindi.I cried ndakarara pabed.Ndakazvituka nezvese zvandakaita.Chainyanya kundirwadza Randon akaramba everything. “Lyra i'm with you don't cry please“ said Kalindi “Everything is over dai ndafa hangu“ i said “Don't say that please Lyra.Everything is not over yet.You still have chance yekuti uyenderere mberi nechikoro.I promised kuti handikusiye i will help you pa everything.Ivo varamba nhumbu uchazoona mangwana vachakuda be strong" Kalindi akazama kundisimbisa asi moyo wairwadza zvechikoro zvavharana.Ndakazobatwa nehope kana chikafu handina kudya zuva iri.Mazuva akafamba chikoro chikavhurwa handina kuenda kuchikoro.Ndakazobuda masikati ndikasangana naRandon. “Tora muti uyu wotsenga unobvisa mimba.I'm not ready to be a father.Plus ndine madreams angu andoda kuzadzisa first.Chechipiri you know i don't love you.Dai ndakabvuma nhumbu iyi zvechikoro zvangu zvaigona kuvharana of which ndikuda kuzopihwa schoolarship yekuti ndiende kunodzidza kwenyika ndichitamba bhora“ “Asi Randon ndakakutadzirei" i asked "Iwewe pawakaona ndichitundira mukati waifunga uri kuwedzerwa ropa here.That day ndanga ndakadhakwa you was suppose kundidzora asi hauna.Plus waifana kuita changamu changamu wakatsvaga zvekudzivirira“ “Randon Mwari ave newe“ i said "Chechitatu ndakakuwana usiri mhandara saka zvonetsa kuziva inhumbu zveshuwa here.Wadhamba iwewe wakararwa nevanhu vakwandisa and you act like uri innocent ukauya kumba kwedu uchitaura nonsense tonetsa or kuudza brother yangu about this“ said Randon “Randon mwana handisi kuzobvisa.Wamuramba ndichachengeta mwana wangu.Asi ziva handidi kukuona uchizouya kwandiri uchiti hee mwana wangu“ “Mwana haasi wangu inga wakutaura kuti unochengeta maybe une mbinga yako“ he said Ndakamupa mbama iri strong.Akanditarisa ndikamusvipira mate kumeso akanzwa hasha.Paanga akuda kundirova ndakazoona Kalindi asvika achipusha Randon achidonhera pasi.Randon akasimuka akabva atoenda haana zvakazotaura.Ndakaudza Kalindi everything..... Watch Out For Chapter 14
❤️ 🙏 👍 😂 😮 😢 🇿🇼 🍆 👏 330

Comments