Shona Stories 2🇿🇼
June 11, 2025 at 10:08 AM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT*
Season 2
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
*_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_*
~LeeMarzy~
+26377⁸⁶³⁴221
_Edited by Ruruwashe_
*[Season 2]*
Chapter 15
*Kalindi*
Kutaura chokwadi Opalia ndiye munhu aindinzwisa hasha.Tanga tazovengana kusvika pekupedzisira.Sammantha akandiperekedza kumba akandisiya pagate.Ndakapinda ndikaona Lyra akarara pamakumbo amhamha.
“Ko kuuya wakasviba kudaro chiiko“
“Ndadonha" i said
Ndakaenda kunogeza nekubva ndachinja hembe ndikagara pabed.Lyra akapinda akamira pamberi pangu.
“Chii chaitika“
"Ndarovana naOpalia“ i said
“Kalindi handidi urwe nevanhu.Une hasha unofana kuzvi controller please.Opalia haumuzive kuti anopenga here“
“Anga azoenderera handidi munhu anotuka family yangu“ i said
“Bestie“
Ndakabuda tikaenda mukitchen ndikatanga kudya.
“Ndiri kuda kudzoka kuSA kubasa.Shylet make sure unotarisa vana ava“ said Amai
“Don't worry mom“
“Lyra haafani kushaya chinhu chaanoda.Chimwe chinhu handidi kunzwa nezvekakomana ikako kanonzi Randon.Ndichauya December“
“Ndipo pandiri kuroorwa“ said Shylet
“Hoo zviye ndoda kuona mukomana wako ndisati uuye naye pano“ said mom
Mazuva haana kumira kufamba zvawo.Dr Kiddo vakauya vakaonana namai vangu.After that amai vakabva vadzokera kuSouth Africa.Shylet hameno akaita sei kubasa kwake akadzingwa.Anga akuswera pamba naLyra.Chandainyanya kuda Julia naSamantha vaipota vachiuya kuona Lyra.Zvese zvataita kuchikoro ndaiuya ndichiudza Lyra.Pandaiverenga aibva averengawo akati anoda kunyora next year chero ava nemwana.
“Ndoda kamwana kaita kamusikana“ i said
“Kana neni ndoda kafanane neni ndokati Kalindi“ said Lyra
“Aaah unomupa rake.Handidi azoita kunga ini amana“
"I want her to be like you“she said
“Manje kachabva kaita kamukomana“
“Tingadii tongotambira zviripo“ she said
Takabuda tikaenda kumashops kunotenga mabream.Takasvika kutenga zvedu pakudzoka kumba takasangana naRandon achifamba akabata bhora nemashooters ake.Haana kutaura nesu takangopfuurana kunga tisingazive.Ndakacheuka ndikaona Lyra amira akatarisa Randon.Apa anga atojenga misodzi ndakaona Lyra anoda Randon.Ndaitoda aite move asiyane nemupengo uyo.Haashaye anozomuda nemwana wake.
Takaenda kumba tikasvika kubika tikadya zvedu.Mazuva akafamba gore rakupera top yanga yakudaidzirwa since tanga takuvhara.
“Number 5 Julia“
“Number 4 Randon
“Number 3 Miller “
“Number 2 Samantha
“Number 1 yadzoka kumuridzi wayo Kalindi Marowa“ said Madam Kasupu vachidaidzira
Ndakafara zvisingaite ndakasimuka ndichinyemwerera.I could see Randon haana kufara.Takazovhara tikaenda kumba mhamha vakati havasi kuuya but vakuuya next year.But pavachauye vanenge vasingachadzoke SA vaida kungouya ka1 nadad.
“Congrats my sister wadadisa first position yadzoka kumuridzi“ said Lyra akabata report yangu
Apa dumbu raLyra ranga rakuoneka zvaro.Kalife kepamba kaingonakidza so.Nyaya yekuroorwa kwaShylet ndoyakaita Mom and Dad vauye.Pamarooro i was busy zvangu.Zvinoitwa zvakaita marooro akafamba zvakanaka.Dr Kiddo promised muchato.
“But why Jericho asina kuuyawo“ asked Shylet
“Uyo mazuvano ari busy nebasa.Ndatova nenguva ndisina kumuona.Ndakamufonera akati haakwanise kuuya“
“He is always busy regai agare ari bhachura“ said Shylet
Lyra anga atoenda kunorara mazuva anga akuda zvekurara.Takazobuda nemota yaDr Kiddo tikasvika kumba kwavo.Apa ngapanake sei Lyra takaenda naye.Hatina kuzogarisa takabva tadzoka kumba.
“Nditengerewo maheu anotonhorera" said Lyra
“Mira pano ndokutengera“
Ndakabva ndacrossa road.Kwanga kwakutosviba ndakatenga ndakudzoka kwandasiya Lyra ndakapotsa ndatsikwa nemota ndakatsamwa ndiani anodriver zviri careless kudai.Mota yacho yakabva yamira but yakapotsa padiki yanditsika.
“Asi makatora license neback door kani“ i said ndichipopota
Ndakaona madzika mukomana anga akapfeka maglass necap but handina kunatsa kuona chiso chake since kwanga kwati svibei.
“I'm very sorry hamuna kukuvara here.Ndanga ndiri pahurry sahwira wangu aroora nhasi saka ndanonoka“ he said ari calm
“It's okay mukoma but becareful next time" i said
Ndakabva ndatoona Lyra asvika pandiri.Akaramba akatarisa mukomana uyu.
“Munonzi ani" asked Lyra
“My name is Jace“ he said
“Ndiri kukufananidzai nasomeone anyway it's okay" said Lyra
Mukomana uya akabvunza kwatanga tichienda tikamuudza akatikwiza mumota make akatisiya pamashops.Apa mumota make manga mune kamwe kascent kamwe so kari hot.Apa airidza tuma loves song twaNashie Zim.
“Zvimwe ndingataure moziva music yekunzwa“ i said
“Kungonzwawo but zverudo zvine calling izvi“ he said
We laughed naLyra tikabva taenda.
“Akafanana naJericho even nevoice" said Lyra
“Dai ariye Jericho ataura zita rake manje uyu ati anonzi Jace“ i said
“I can see matapirirwa naye“ said Lyra
“Ayehwa usafunga izvozvo ndangofarira music yairidza uye munhu ari cool.Pandamuitira hasha haana kumbondiitira hasha ataura neni ari calm uye abvuma ari wrong“ i said
Mazuva haana kumira kufamba tikapinda mugore idzva.Tanga tava mabook 4.Apa nhumbu yaLyra yanga yava mu8 months.Jace handina kuzombosangana futi naye.
Pakazokwana 9 months dza Lyra tanga tanyoresa kare.Lucky mhamha vanga varipo.Dad ndivo vakadzoka SA vega.Ndakamukira kuenda kuchikoro semazuva ose.
“Nhasi toda kunoona Lyra tamusuwa“ said Julia
"Ehe handei tinomuona ari sei" said Sammantha
Patakapedza malessons tikaenda kumba.Ndakasvika pasina munhu.Ndakazofonerwa na mhamha vachifara paphone vakati ndiuye kuchipatara.Takaenda kuchipatara kwacho takapfeka ma uniforms edu.Takasvika kuona amai vanhu vari panze.
“Lyra abatsirwa makuseni mufaro wandinawo wakanyanyisa“ said mom
“Are you serious.Ko tazvarirwa mwanayi“
“A boy and a girl“
"Mukureva kuti matwins here" asked Julia
“Ehe ndizvo chaizvo“
“Hiiiiiiiiiiiiiii i'm so happy.Ndoda kuona vangu ini“ i said misodzi wakutobuda
“Uchamuona visit yakwana izvozvi pasara 1 hour kuti ikwane“
“Mwari variko ndafara zvisingaite nenews idzi.Regai tinotsvaga zvekuti tipinde takabatawo“ said Samma
Takabuda tiri vatatu tikanotenga mafruits.
“I can't believe Lyra azvara matwins ini aaah“ i said
“Madyiro ake aya airatidza kuti akatakura vanhu vaviri“ said Julia
Takadzoka kuna mom tikatanga kutaura nyaya pakakwana hour takaenda kunoona Lyra.I could see she was tired and aiva low low.Ndakazotarisa tuvana twacho twanga twakarara.
“Makorokoto Mai 2“ i said
“Ndakutodawo wangu mwana aaah" said Julia
"Watanga kurotomoka iwe“ said Samma
Shylet akabva asvikawo aine paperbag.Everyone was so happy handidi kunyepa.Lyra akaita 5 days akazobuda tikaenda kumba.
“Apa ngatufanane naRandon wacho“ said Shylet
“Ndaida vafanane neni but hazvisi fair.Kana mazogara kuzvara kunorwadza ndakunzwisisa pain inosangana nana mai kulabour uko“ said Lyra
“Umm" i said
"Kalindi hapana chaunoti umm uchazozvionawo“ said Lyra
“Ndosaka zvichinzi amai vakakosha“ said mom
“Saka vana havasati vane mazita" asked Shylet
"Alister & Alisha“ said Lyra
“Yes mazita akanaka aya Mai 2“
Mazita evana ndakamafarira zvisingaite.Ndaishaya ndoita sei nemufaro.Ndakazoona pavana ava Alister kamukomana ndiko kainyanya kunetsa....
Watch Out For Chapter 16
❤️
🙏
👍
😂
❤
😮
😢
🔥
🇿🇼
🍆
483