Shona Stories 2🇿🇼
June 11, 2025 at 04:18 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT* Season 2 https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V *_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_* ~LeeMarzy~ +26377⁸⁶³⁴221 _Edited by Ruruwashe_ *[Season 2]* Chapter 16 *Kalindi* Mazuva haana kumira kufamba utwo twuvana twacho twaikura but Alister ainetsa.Alisha kanga kari cool.Yakasvika nguva yemabhora Randon akaita mbiri kupfuura yakaita ari form 3.This time team yedu yakawinna kumaNash.Randon was selected akanzi aizotambira Team Zimbabwe Under 20 kuma Youth Games. “Randon Joto was selected kuti ave umwe anenge akamirira nyika kuma Youth Games kuAngola Luanda pamabhora ema Under 20 Izvi zvinofadza Randon Joto aisa record isati yakamboiswa nani pachikoro pano panyaya dzesporting“ said Sir Makebe Vanhu vakaombera maoko.Iye wacho anga anyararisa mazuva aya. “Ari kuzviziva here kuti kwane matwins“ asked Samma “Ehe ndakamuudza akati haasi vana vangu haadi kuzvinzwa“ “Imbwa ndakachivenga nxaa.Ndotoshaya inini ndakadanana nemunhu uyu sei“ i asked Takazobva pa assembley everyone aingotaura zvaRandon.Akatoreswa passport nechikoro and everything apa anga akuzvida sei.Ndakazoona auya muclass medu akamira pamberi pangu. “Ndokubatsirai nei“ i asked “Kalindi do you still remember muchiti hee ndaramba nhumbu ndichazviona.Tarisa Mwari vari kundirangarira ndakutokwira ndega nekuda kwetalent yangu.Next time musazodzikisira vanhu movapomera mhosva dzavasina.Iwewe ndaikuda but hauna kubvira wazviona hako even nanhasi ndichiri kukuda“ “Undikwanire Randon unofunga kuti ndichadzokerana newe nekuda kwekuti wakunokwira ndege here.It's just matter of time tichadzikwirawo ndege dzacho.Ndide hako but handife ndakadzokerana newe.Zvawakaita sister yangu handina kuzvikanganwa.Mubairo wako uchasangana nawo just wait and see hako“ “Kalindi wakapusawo unoramba Randon ari kupisa.Kumba kwenyu kune akambokwira ndege here une shavi renhamo“ said Opalia Ndakamutarisa ndikanhonga chair ndaida kumutema nayo ndikaona ndabatwa naSamma. “Randon buda muno“ said Samma “Ko mumba mako here zvaunonditi ndibude“ asked Randon akaisa maoko muhomwe “Kalindi uri munhu wangu unondida unongohwanda nekuti hee Lyra is my sister.I think ndakambokupa space pese apa yava high time yekuti tigadzirisane“ said Randon Ndakamupa mbama ndakuda kumurova futi akabata ruoko rwangu. “Kalindi i respect you.Ukatarisa pawakandituka kana kundirova hapana pandakambodzosera back unoziva why.I respect you and ndinokuda" he said akabva atobuda Randon ndiye munhu anga akufarisa manje.Ndakaona Opalia akuseka akamira pawindow.Rakasvika zuva rekuenda kwaRandon akaunganirwa nevanhu vemuclass vake vachimuita magood luck. “Ndine nyaya yandikuda kutaura nemi mose“ said Lyra “Taura hako wakasununguka mai 2“ “Chekutanga ndinoda kutenda nerudo rwenyu rwamakandiratidza kubva ndiine nhumbu kusvika ndizvare.After ndazvara you teached me everything mwana anobatwa sei.Panguva diki iyoyo makandipa rudo rwandakatadza kupihw namai vangu.Kalindi you are the best sister ever.Wakamira neni pakawandisa handitokwanise kutsanangura“ said Lyra “Lyra you are my daughter saka ndongokubata zvakafanana nemabatiro andinoita Kalindi.Zvisinei ndikufara tuvazukuru twangu twuri kukura zvakanaka“ said mom “Ehe ndokudai mhamha“ said Lyra “Ndinonamata kuti Mwari vakurangarire vazadzise zvishuwo zvemoyo wako“ said mom “Amen..But nyaya yangu iri pakuti I want to move out not because you are not treating me well but because I want to be independent and take care of myself nevana vangu ava.I don't want to depend on you too much. As a young adult I need to learn to face real life challenges on my own and work hard.Sorry kana ndakanganisa kutaura“ she said “Lyra vana vachiri vadiki ava.Zvekugara wega zvawataura ndazvinzwisisa manje zvoda une something chaunoitawo.Vana ava vanotoda care yakasimba vachiri vadiki“ said mom “Yes the kids are still young and I will take care of them as their mother. I will play both roles, being there for them as both mom and dad.Trust me mhamha one day you will be proud of me.Please understand and accept my decision“ said Lyra “Lyra wakundiomera kutaura chokwadi.Zvawataura ndanzwisisa but hazviite ubude“ said mom “Mhamha please accept my decision.If I stay here I won't be able to provide for my kids the way I want to.I want to be a good mother, take care of them and do everything other mothers do.I have a big responsibility and I need to take it seriously“ she said Ndakaona Lyra aitova serious.Mhamha vakazobvuma after vatoona Lyra akuchema.Ndakachemawo ndaisada abve asi ndaisakwanisa kupikisa decision yake. “Saka pekugara pacho wakapaona here" “Handisati ndikungoda ka1 room kangu.Mari dzamaindipa ndaichengera izvozvi ndine $250 ndichatenga everything nayo“ said Lyra “Mira ndikutsvagire imba pagroup rekuchurch" said mom Mom vakafonera vanhu vekuchurch.Hazvina kunyanya kunetsa paiva neroom riripo raida munhu pamba pacho pakanakira paiva nedurahall saka anenge ari safe “$60 yakanaka zvese nemagetsi nemvura" said mom “Ehe ndopada" Takaenda kunoona pamba pacho tikaona room racho rakanaka ranga rakati kurei.Mhamha vakatenga bed vakatora imwe wardrope vakapa Lyra.Netuma beds twaAlister naAlisha twakauyiwa natwo. “Mhamha zvamaita ndinokutendai zvimwe zvasara ndichatenga nemari yandinayo“ said Lyra “No ndoda kutenga everything handidi ushaye anything“ "Ayehwa mhamha from now ndakufana kuzviraramira life yangu.Kana zvazooma munoona ndauya" "Lyra ndafarira kaspirit kako.Asi uzvibate uye unamate“ said mom vakabva vatoenda Lyra akazotenga zvimwe zvasara nemari yake.Ndakazodzoka kumba since mangwana ndaida kuenda kuchikoro.Pamba panga pakutobhowa tanga tangova vaviri namhamha. Mazuva akafamba Lyra anga akuita zvemusika ndakashaya akazvitanga how.Apa worse aitoenda nevana ndakaona its was not easy for her.Sometimes ndaitoenda kunomutandadza nekumubatsira pavana.Randon akazodzoka akapfeka track suit yegreen yakanzi Team Zimbabwe zvese necap yacho.Takanzwa kuti akarema ikoko Zimbabwe yakarohwa mufinal neAngola. Takazosvika pakunyora bvunzo dzekupera kwegore.Even Lyra akanyorawo kune imwe college kwaanga aka register.Takasvika pakupedza kunyora tachimirira maresults edu eZimsec apa twana 2 twaindifarira sei.Inyaya yekuti twanga twakajairana neni sometimes ndini ndaitugezesa.Ndini ndanga ndakusara nevana uyu Lyra achienda kumapurazi achinohodha zvinhu zvake zvekutengesa. “But business rako riri kufamba here“ i asked “Ehe riri kufamba zvisingaite“ she said “Okay Mai 2“ i said Takazopesana ndichienda kumba.Ndaitoda kutsvaga basa rekuita ndakamirira maresults.Ndakazoona rimwe pamba so paivakwa durahall.I was surprised kuona that guy anonzi Jace. “Karie right“ he asked “Kalie kwete Karie“ “Ehe unorikwanisa here basa racho wakaita kunga musalad.Uri shop yangu inyowani ndoda munhu anoshanda imomo but Off only Sunday " he said ari calm apa akanditarisa mumaziso Akabva ataura nesalary yacho ndakafara yanga yakanaka zvayo. “But unenge uchigara pano.Chikafu don't worry unongodya patodyawo uri pano tatova one family chanetsa tell me.I will introduce kune mamwe mafamily members angu anouya mangwana“ he said “Thanks mkoma Jace" i said “Okay huya ndikuratidze room rako nebathroom netoilet“ Takapinda mumba macho apa ngamunake sei.Akandiratidza room racho zvese nebathroom netoilet. “Feel comfortable inini most of the time ndinenge ndisipo unenge uchigara nesister yangu“ said Jace Ndakabva ndanzwa moyo kugadzikana nekuti pekutanga ndaitya kuti saka ndinenge ndichigara naye.Takazopinda mushop macho akatanga kundiudza everything. “Mira ndikupe number dzangu wondipawo dzako" he said Ndakamupa yangu akandipa yake ndakasaver dzangu kuti Kalie.Iye ndakazoona dzake anga asina kusaver ndakazosaver kuti Boss Jace. “Saka apa regai ndinotora bag rangu nekuudza mai vangu" i said “Hapana chakaipa apa ndiri kutaura nesister yangu yati iri kuuya nhasi saka manheru anenge asvika.Mangwana ndiri kumukira kubuda handizive ndozodzoka rini“ he said “Okay Boss“ “Just call me Jace“ he said "Okay mukoma Jace“ He smiled akanditarisa apa zvekunditarisa anenge aitozvidawo.Ndakabva ndatoenda kumba ndine imwe happiness.Ndakasvika kuudza mai vangu vakada kumboramba asi ndakazovachemera vakabvuma.Ndakazoenda kubasa kwaLyra ndikamuudza akafara neni akati akawana time achazouya kuona pandawana basa..... *Watch Out For Chapter 17*
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 🇿🇼 🐴 👊 326

Comments