Shona Stories 2🇿🇼
June 11, 2025 at 04:54 PM
*HIGH SCHOOL HEARTBEAT*
Season 2
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
*_Written by •𝙆𝙞𝙣𝙜 𝙇𝙚𝙚•_*
~LeeMarzy~
+26377⁸⁶³⁴221
_Edited by Ruruwashe_
*[Season 2]*
Chapter 17
*Lyra*
Sometimes life is unpredictable and you end up living a life you didn't expect.I promised myself I would work hard for my kids.Being a vendor is not easy.It is a tough job. If you see vendors please respect them it's hard work.
Vendors face many challenges like being chased by council officials.Some days you go home with hardly any sales.It's a tough life but vendors work hard to provide for their families. Let's respect them for their struggles and determination.No one wants to be a vendor by choice, but life's circumstances force them to do so to feed their families.I pray to God to bless all vendors worldwide.In my opinion most vendors have clean hearts and are hardworking people.
Ndakatanga ndichimborwadziwa kusvika ndajaira.Pakanyora vanhu maExmas ndakaenda kunonyorawo pane imwe college apa zvinhu zvacho ngazviome.Ndakaona Opalia achifamba naChipo pavakandiona vakauya pandiri.
“Kalindi wako akukusiya uchitambura.Ndakakuudza kuti hushamwari hwenyu ndewe fake“ said Opalia
“Ndomabasa ekusagona kuvhara makumbo iwayo“ said Chipo
“Chipo naOpalia handisi kuda zvekutaura nemi please“
“Randon akutoita tumhari twake guess akaenda kuAngola akakwira ndega akadzoka.Izvozvi tikunzwa akwana club yekutambira bhora kuSA“ said Randon
Pandakanzwa izvi moyo wangu wakarwadza.Saka Randon akazotofuratidza zvekusada kundinzwa nevana.Kana kumbouyawo kuona mwana.Hapana kana anyone wekufamily kwake akambouya kuona vana.Chaizonyanya kundibhowa vana vacho ngavafanane naRandon pazvese.
“Guess akudanana nani“ asked Opalia
“Hazvina kana basa neni ndokumbirawo musiyane neni“
Pakabva pauya customer asi Opalia akaramba akamira pamberi.
“Opalia suduruka ndoda kusevha customer yangu“ i said
"Kana neniwo ndiri customer wani“
Ndakasiyana naye ndikasevha customer ikabva yatoenda.
“Opalia wati hausi kuda kubva here tiite zvemaoko“ i said ndakupeta hembe yangu yakareba
Opalia akabva atoenda aiziva kuti ndomurova ndanga ndine advantage yebody hombe.Kalindi akazouya achindiudzawo zvekuti awana basa.Ndakafara zvisingaite manheru ezuva iri ndakanonoka kuenda kumba.Ndichisvika ndanga ndakaneta.I was surprised kuona Alisha naAlister vatogezeswa.Chikafu changa chabikwa naKalindi.Ndakageza nekubva ndagara pachair ndikadya.
"Wafemerwa kani nzara yandanga ndinayo apa kuneta.Nhasi masango anga ari matema“
“Mazuva haafanani zvinoita Mai 2 " said Kalindi
“Ehe saka havana kumbonetsa here vana ava“
“Havana but umm that guy“ said Kalindi
“Ndianiko i can see une nyaya yauri kuda kundiudza“
“I mean boss vangu Jace.Unoziva mukomana iyeye takasangana naye paye akatiperekedza kumba.He is cool and ....“
“And what“ i asked ndakuseka
“Handsome kani.Handisi kuti ndomuda but aripo“ said Kalindi
“Ndipo pazvinotangira ndakakuona wakaita crush naye from day 1.But Kalindi i hope wakadzidza something from me.Handidi ufambe nenzira yandakafamba naye.Kana mazodanana mukomana havhurirwe makumbo.Munhu anovhurirwa munhu akubvisira ndoda utevedze tsoka dzasis Shylet“ i said
“Thanks mom“ said Kalindi
“Ukwane ndiri mom vako here“
“Ukutaura samhamha" said Kalindi
“Ehe life yandidzidzisa zvakawanda.I can see une crush naJace.Zviri normal izvi hapana musikana asina kubvira amboita crush.Vamwe vedu vanotoita macrush nema indians or koreans unozviziva“ i said
“Handina crush ini kungoti watadza kundinzwisisa.Saka ukacommenta zvawaona zvakanaka pamunhu watova necrush naye here“
“Kalindi i know you.Zvisinei ngaipere nyaya yacho“ i said
Takazorara zvedu iye akamukira kuenda kubasa kwake.Ndakaenda kunosiya vana kuna Mai Kalindi.Ndakaenda kunohodha zvinhu zvangu.Zuva iri ndakaenda kunowaridza mutown.Ndakatengerwa zvisingaite ndakafara ndakazoona Kanzuru yasvika tikasamudza zvinhu kutiza.
Patakaona Kanzuru yarova pasi takadzoka futi kuwaridza.Ndiwo akava mararamiro angu aya ndanga ndatojaira.Rimwe zuva ndakafunga kuenda kunoona panoshanda Kalindi ndakasvika kumuona ari mushop.Anga akandiudza ma directions saka handina kurasika.Ndanga ndakabereka mwana kumusana kamwe ndakakabata mumaoko.Kalindi achindiona akasvika kutora kaiva kumusana.
“Uri kurarama zvakanaka here pano" i asked
“Ehe ndiri kugara zvakanaka guess togara tiri vatatu chete“
“Iwewe Jace nani“
“Jace haapo uyo ndogara naLivia naNora“ she said
“Whatt!!! Saka Jace ndiJericho nhai“ i said
“Why wadaro saka akandinyepera zita here“
“Maybe anogona aine mazita maviri.But pawataura zvaNora naLivia ndabva ndatobatanidza everything.That guy ndiJericho“ i said
“Saka ndiye Jericho wacho?“ she asked achiratidza kuvhiringika
“Saka uri kuvhiringikei“
Ndakaona kaNora kasvika tanga takagara panze.Kakabva kamhanyira Kalindi ndakaona vanga vakuwirirana.
“Aaah ndipeiwo kamwana ndikabatewo" akadaro Nora
“Ndakamupa kaAlister akakabata iko kakatanga kusekerera zvako“
“Ropa rapindirana Alister kusekerera munhu“ said Kalindi
“Zvatondinetsawo uyu Alisha ndiye asina kuomera nemasmile.Zvisinei hanty uyu mwana waJericho saka havangatadzi kupindirana iropa rimwe“ i said
“Nora chienda unochinja wotanga wadya wozouya uchitamba nemwana“ said Kalindi
“Handidi ko vakanditiza“
“Havakutize chienda uniform yako inozosviba“ said Kalindi
Nora kacho kakabva katomhanya kupinda mumba.
“Saka wabvuma kuti uri kushandira Jericho“
“Ndatova confused kana zvirizvo ndingadii chandoda imari“ she said
“Ko Livia aripi“
“Ari kushanda mutown anobatika manheru“ said Kalindi
“Ndadzoka chindipai mwana“ said Nora achigara paside naKalindi
Kalindi akabva amupa mwana.Kalie akatora kandanga ndakabata.
“Kanonzi ani“
“Aka kanonzi Alisha uyu anonzi Alister“ said Kalindi
“I can see mowirirana“ i said
“Ehe ndokafarira most of the time kanondivaraidza.Apa kari cute sababa vacho“ said Kalie
“Watanga Kalie“
“Kuti kunyepa here nhai Mai 2“
Ndakazopesana naKalindi ndakuenda kumba kwangu.Muroad ndakasangana naStep father vangu vekundibata chibharo makore apfuura.Vakabva vanditarisa vakafamba kuuya kwandiri ndakatanga kupindwa nefear mandiri ndakufunga zvakaitika kumashure
“Lyra wakura kuita chisikana“ he said
Ndakabva ndatanga kufamba ndakaona vamhanya vakamira pamberi pangu.
“Ndiri kutaura newe Lyra.Saka uchakanditsamwira pane zvakaitika here.Sorry but ziva ndini ndakatanga ku....“
Havana kupedza kutaura ndavasvipira mate kumeso.Ndakatanga kufamba kusvika ndipinde padurahall.Ndakachema pandakapinda muroom mangu.Papera kanguva ndakanzwa knock ndakavhura ndikaona ndivo vanga vanditevera ndakashaya vanga vaziva sei pandogara.Kutaura chokwadi ndakapindwa nefear.
“Lyra wakugara wega asi wakaroorwa“ he asked vakatarisa muroom mangu
I pushed him kunze ndikabva ndaloka door ndakanzwa vakunoka.Ndakazonzwa yava zii ndikaziva vatoenda.Ndakafonera Kalindi ndikatanga kumuchemera.Pasina nguva ndakaona atosvika.
“Uri kuchema and vana vakuchemawo chii chaitika pabiwa here“
“Ndakutya ini Kalindi“ i said
“Kutyei ndiudze“
“Step father vangu vakundibata chibharo ndavaona vanditevera pano vatomira padoor apa.Ko vakazondivinga futi.Ndakasikirwa kutambura vanhu vakuita zvavanoda neni“ i said
“Don't say that vanonzi ani tiende kumapurisa“
“Kuenda kumapurisa hazvishandi izvi“ i said
Kalindi akandisimbisa asi manheru ezuva handina kurara mumusoro manga mangozara mavision ezvinhu zvakaitika kumashure.Ndakazvishingisa kuenda kubasa kwangu.Kalindi ndiye akatora vana akaenda navo kubasa kwake.Ndakatanga kutengesa zvinhu zuva iri hameno ndakavarairwa nei Kanzuru yakasvika ndakanonoka kutora zvinhu ndakatiza.Vakabva vatora zvinhu zvangu vakaenda nazvo ndikaona ndaita loss yakawanda apa kuti utevere zvinhu zvacho panenge pachida mari.....
Watch Out For Chapter 18
❤️
😢
🙏
👍
😂
😮
❤
😭
💃
💯
497