TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
June 4, 2025 at 11:48 AM
*CONFUSED LOVE*💘💘💘 https://whatsapp.com/channel/0029VaPANd40wajk6Y5ndI02 Huyai kuchannel tigare taiita follow kune nhapitapi yemanovels What'saap group ⬇️ https://chat.whatsapp.com/LbwsYL38bxo2HtJhAjbjA7 READ, LIKE & SHARE CHAPTER 50 STORY BY TADIWA *CAROLINE* Ndakabva ndanyatsomuti "muriseiko bamunini" Delan"mu ri sei mainini" Ahh aive akukaka yowe kokuzotaura munhu achikakama chii ndakaita kunge ndichaseka zvangu ndipo pakabva pati Kevy Kevy"handisi kuda kutambisa nguva ndikuda time nemusikana wangu getitaire nyaya ipere iwewe Delan wakamitisa musikana uyu ukamusiya apa woramba futi kuti mwana haasi wako apa ndewako ngaafanane newe kudaro wakambomuona here kana kuti watanga kuona mwana uyu nhasi asi Delan chii" Delan" haa Kevy uyuu hure uyuu mwana haasi wangu uyu" "Hure anii Delan kaa ukati haupengi here uwewe wakamuona asina kukwana here uyu kana kuti ndiwe hako wakatikuvadzira mwana haaa Delan haaa" Kevy"noo Carol don't interfere let me speak with him" Kevy "yahh Delan ukureva kuti mwana uyu l mean Mitchell wakamuona asiri Virgin here Saka ukuti mwana haasi wako" Delan"ehee aive hake Virgin asi mwana anga asiri wangu" Kevy "haa iwewe kaa mwana ndewako uyu apa ngaafanane newe hanty nhumbu inotobata here ahh Delan kaa" Delan"yahh" Kevy"haa iwe Saka mwana ndewako zvee hapana nyaya apa tora mukadzi uchengete hako" "yahh unoda kuti mwana akure asina vabereki vake vakakwana varipanzvimbo 1 here" l said Kevy"nhaiyi usaite kunge munhu ane pfungwa dzekuhotspotwa funga my gee hausi kuona kuti mwana akafanana newe apa mukomana tarisa chet Delan chii asi nhayii" Delan"yahh " Kevy"uati yah yahh kaa ita kuti mwana nemukadzi ndotora ndogara navo vese woroora mukadzi mafaro ukutii iwee" Delan"Mitchy ndotomuda nemwana wangu vese asi uyu Kiara ndiye wandaiitya" "ahh kumutya kudii ndiye anodii kana wamuramba wane mukadzi wane mukadzi shaa full stop igotwe renyika here muzukuru here waanoti kana adanana nemukomana ndiroore nonsense akajaidzwa Mitchell ndiye mukadzi wako uyu" Kevy" nhai anopenga Saka iwewe ukuti woita sei inini ndikuti tora mukadzi zvawakaita izvii chivharanzi chaicho" "inini ndikutoti chero nhasi chaiye wozomuroora hako izvezvi chaiye motobva moenda kumba kwenyu zvirinani uchimupawo rudo chii ichocho nhayi Delan" l said Delan"yahh ndomuroora hangu Carol nekuti inini Mitchy ndotomudawo hangu asi ndaive Confused chete" "Confused nelove heree nhayi Delan iwewe chaiye ameno asi usazoshungurudze sisi vangu nekuti tauya kutaura newe woti ndoda kumuroorera idzo hama dzake idzodzo iwe usingamude usamutambise Mitchy" Delan" haa kana ndotomuda hangu zvese nemwana wangu" "KoMitchy Delan unomuda here Mitchy"... mm e h e" haana kana kutauta zvainzwisisika "Mitchy raura zviripamoyo pako" "Ehee" Kevy "aahh Saka hapana nyaya apa rongai zvine musoro mese modanana imi mozotiudza date ramoroorana Delan munbu kuchata" "sure" ndakatodairirawo Kevy "Carol huya timboenda somewhere " "okay let's goobabe Mitchy tonana kumba handiti" Mitchy "okay bye" Takabva tatobuda zvedu takatofamba tiri 2 kuenda kumota takabatana maoko l hope vanowirirana chetee ahh Delan kaa anyways takasvika akandivhurira door ini kwakupinda iye akutenderera hake kwakupinda Kevy "babe hesi" "bho hangu urisei ndandakusuwa shaa" Kevy "kana ini kwakurisei kuchikoro" "haa bho " Kevy "apa wawedzera kunaka eish ndandichatorerwa apa" "iii kanaa ini handisi kuona kuchinja ini ndingori zvandandiri wanii" " iii wachinja babe ndikuda kiss shaa" " kevyy..." Kevy "shuwa" Ndakaramba ndiri ziii.... Akabva auya pandandiri kwakunditi dzvii muwaist achidzikisa achidzikisa maoko kusvika kumagaro andibata manje uku kwakunditi kiss akatanga kundikisa umm ndandasuwa malips emukomana wangu zvisingaite panguva iyi soo l felt as if l was in a 7th planet guys munyika yangu ndega ndega kiss yacho yakandikanganwisa hama haa mhofu vangu can kiss zvee apa ini manje ndaimbove ndakasticker asi ndakazenge ndakutevedzerawo nemo nemo ndandagarisa guys ndisina kukiswa kutomusuwa ndaiita kakushinyira paye mafeelings osimuka Ndakazomutswinya ndaona eishh zvanyanya apa tirimumota.. Kevy"ahh Carol chii nhai ndandakusuwa" "Babe we are in the car" Kevy "ahh ndemedu kaa hazvina basa anyways let's talk now....." "about..." Kevy "about our marriage babe ndakuda kukuroora..." "hooo " Kevy"ndichatoudza mhamha nadaddy voudza ana sekuru babe vofambisa nyaya dzacho kumba kwenyu lm seriously ndakuda kukuroora" "Okay unovaudza" Kevy "yahh babe zvese nekuchata ndiri serious " Takatogara mumota muye tichitaura nyaya tichiseka Soo and Soo tichimboromancer akatombonditengera ice cream ndikadya kuma 2 akazonditengera chicken inn nedrink yandakambodya yakawanda here ndakatoisiya ini ndaisadya zvangu and zvazvaworse but kusimba ndaitosimba tapedza akazondiperekedza kumba kwedu akandisiiira paindisiira ipapa ndandakutobuda zvangu Kevy"Saka ukutoenda" "haa hanty ndasvika here babe" Kevy"pasina hug" Ahhh " ohh ops" Ndakabva ndaenda padhuze naye kwakumupa a warm hug ndainyatsonzwa mazamu angu akagumhana nemachest ake iii zvandainzwa sooo zveipapo kaaa apa taitotaura zvedu kuudzana masweet nothing words takadaro takaramba takadaro for 5minutes chaidzo ndakazomuregedza iye ndakamuti "ndakuenda babe" Kevy"okay l will see you " " maybe mangwana ndogona kuenda kwana mhamha" Kevy "okay ndouya ndokutora ndokusiya ndoenda kubasa" "Ndoenda babe" "Ahh nooo ndati ndokuperekedza inini" "Babe" "Yesss" "Okay anyways...." Kevy "okay bye remember you are beautiful and you are always only mine right..." " and you my man remember that you are only mine" Ndakatozoburuka zvangu ndakatoenda kumba kwakusangana nevamwe amai vaive nemakuhwa sooo iii Mai vaindibhowa zvangu ivavo vaive nemakuhwa vakanditi " Carol ndiwe zvako" " ndini hangu " " Makatiigireiko vasikana" "Hapana ndandisina kuenda kunoshanda" " Hoo vasikana kana kuuya nechocolate zvayo" " hanty moziva inotengwa nemari plus handina kuenda kunoshanda kaini" " Hoo toonana" koiko kufinyama vachipima nxaa mai ava Ahh mom's iyi yaindibhowa xvayo yayisina kukwana makuhwa avo anondibhowa Ndakasvika kumba kutona Charmy naChichie ndakatovapa zvangu chicken inn yiya nedrink vakadya zvavo hameno chii ini ndaisatodyisa Ndakanogeza nekuti ndansageza makuseni ndichibva ndaenda kunobika takadya zvemadoko Mhamha vaive vadzoka takazoenda zvedu kunorara zvemusi uyu zvakapfuura before ndandatotaura naKevy zvinenge zve1hr . Tapedza ndakabva ndarara kuita flat... The following day ndapedza basa Kevy akauya akanditora takaenda kumba kwana mhamha vakafara kani pavakandiona luckily Tete Mai Tino vaitoveko vese vakafara kundiona kana ini takatomboita good time tiri tese. Kevy paakangondisiya akabva aenda zvake kubasa kwake akazokurumbidza kudzoka futi kwakunondisiya kumba kwedu. NaKevy taitaura zvedu paphone akatondiudza kuti akaudza daddy vake namhamha nasekuru vake kuti akuda kuroora saka shoko hanzi rakanosvitswa kunatete vangu Neshamba akavapa madirections iye and aive serious ausada kana kudzoka kumashure zvake mukomana wangu... *3 DAYS LATER* Taive takatogara zvedu mudinning yaitove Saturday iyi mhamha vasina kuenda kubasa ndipo pakasvika Tete Neshamba , Tete Mushonga , naTete Maizivei , bamunini BaTariro nabamukuru baFadzai vari 5 an tete vaishedzwa nemazita evarume vavo vakatouya nemota yabamukuru vari 5 kudaro apa ana bamukuru vangu nevamwe ana atete ava vanga vakapedzisira kuuya was chiyoo ndongoti panyaradzo yaDaddy chaipo hameno kana vaive vakambouya pa4years dzandaive ndisipo zvangu but l doubt kana vaive vakambouya vakatopinda zvavo mumba vose vakagara sezvo tese taive mudinning ini ndakatogara hangu pasi masofa aive azara Mhamha"makadii ana Tete nabamukuru" "makadii henyu ana Daddy nanatete" Tete Mushonga"ahh nhaj mainini nevana hamugoni kutimhoresa zvine tsika heree muchatinyadzisa munhu akuda kuroorwa" Tete Neshamba" iiiiii imi moda kumhoreswa zvakaita seiko imii" Tete Maizivei"zvinetsika ahhh chii ichocho kutimhoresa here uku tiri shmwari dzake heree dzaanoti murisei " Mhamha "makadii Tete Maizivei , Tete Neshamba, bamukuru baFadzai, Bamunini BaTariro natete Mushonga" Vese"tinofara makasimba here mainini vamwe vaiti muroora" Ini nevanini'ina vangu takangodarowo zvee hanty ndozvavaida bamukuru baFadzai vakabva vati Bamukuru Fadzai" ehe handidi kuwaster time kaa zvangu tanzwa kuti mwana akuda kuroorwa shoko ranga rakasvika kwamuri here nhayi mai Carol" Mhamha" aiwa hapana chandoziva" Tete Mushonga"haiwa musade kunyepedzera kuzungaira imi muchiziva chokwadi mwana akuudzai uyu" Mhamha"hee nhai atete kokana ndisina kuudzwa ndonyeperi ndogainer chii ipapa anotoirwa handiti mwana wangu heree musade kuita pamuromo pasina ahh" Tete Neshamba"ngatiutei zvine production iwe Lucy tidzikamire usapapauke papauke kunge kahuku kechibhoyi handiti bata befu rako udzikame panapa tiite basa" Tete Mushonga ndivo vainzi Lucy Tete Mushonga"ndanyarara itai zvinhu zvenyu mega kwacho manga muchimbondisheedzereiko kana musingade kuti nditaure haaa madii mapedza mega kundishedza handiti maona kuti hamukwanise mega kupedza" Tete Neshamba"haisi mhosva kuti washedzwa wanzwa ende..... nxaa gendinyarare nemashoko angu zvangu hatina kuuya kuita pamuromo pamba pemuroora" Bamukuru baFadzai"ehe makakatanwa ndeeyi maiguru list ndakanyora motarisawo kuti riribho here" Bamunini BaTariro" umm ngazvingoitwa fast veduwe shuwa toda kuenda kumabasa isu hatiite chinhu 1 kaaa zvekuroorwa pamacents iyaya kusiya basa reduu" Tete Neshamba"buda zvako kana waona zvakubhohwa munhu ngaabude the door is open ende ukabuda usauye pamororo wononga mari ini mai Neshamba ndataura uyuu mwna uyu ndoroodza ndiri one zvigotoita baba vake kwavari ikoko vanotozvitambira vagotomira neni manzwa saka asingade the door is open beyaa simuka wakaendaa mari dzemakombi tinadzo isu" Ahh bamunini netumwe tuna Tete 2 utwu ummmm paive nebasa zvese nepamuromo zvisingaite vaindibhowa asi bamukuru natete Neshamba haa vaive vanhu bhoo Bamunini "ehoi regai tigare kwacho" haaaa ndakatoseka inonzi mari hanzi regayi tigare Tete Neshamba"heede inonzi mari sezvinonzi maimbouya kuvapa mari asi nhasi uno mava kuda mari kana kumboti maiguru batai neapa muchengeti vana ahh makhoti school fees iyo chimbobhadharawo zvako term imwe zvayo pa2 years zvapo aaa mainini chimbobatai kagrocery aka mumbochengeta vana vemukoma wangu chero zvako kungoti sezvo iri holiday vana ngavambouya asi iiii makatoti nooo munhu kumba kwangu asi nhasi kungonzwa kuti arikuda kuroorwa kufara kuti mwana wehanzvadzi yangu parikuda list speed kuuya smile iri kugotsi heede makaoma zvenyu vanhu vekwaMuchena ndaisimudza maoko oohh makawana muroora akanyarara dai ndanga iri ini mesee imii ndaikupfekerai pant mumusori kwete zvamai Carol izvii kunyarara havoo"............ END OF CHAPTER Stay tuned 🌹
❤️ 😂 👍 🙏 😮 😢 971

Comments