TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
June 5, 2025 at 10:26 AM
*CONFUSED LOVE*💘💘💘 https://whatsapp.com/channel/0029VaPANd40wajk6Y5ndI02 Whatsaap group ⬇️ https://chat.whatsapp.com/LbwsYL38bxo2HtJhAjbjA7 *FREE BOOK* READ , LIKE & SHARE CHAPTER 52 STORY BY TADIWA *CAROLINE* Tete Neshamba" ngatingoitei zvekuti ga ga ga hama topedza todzokera kumabasa edu sandizvo maiguru sezvamataura ngatichingoitei' Mhamha"ngatingoitei zvipere shuwa tisatambise nguva dzedu" Bamukuru" yahh Saka ngatitangeyi kunyora" List rakatanga kunyorwa asi mari imwe yakazotaurwa natete mushonga soo vaiita kunge vaitsiva hameno vaiitsivei chaizvo ava bamukuru havo vaive nevana 4 3 boys 1 girl of which musikana wacho anga akatizira ndiye aive first born mukomana wacho aive akaroora ska tongoti 2 ndovavasarwa navo ava bamunini vana vavo havo vachiri kuchikoro ava zvana zvaTete vangu ndinganyepe handitozive nezvazvo hangu Tete Neshamba ndovandongoziva vane vana 2 Mukomana nemusikana ende futi vachiri kuchikoro vese. Vakapedza kunyora list rrmari nemagrocery zvinonyorwapo vapedza vakadzokera vose kudzimba kwavo semuuyiro wavanga vaiita ndini ndakatovabikira hangu ndakatoti vaenda Kuna mhamha "Ava vanhu ava vanoita kunge vanepfungwa mukanwa vanongotaura ahh satete mushonga iii" Mhamha" ahh iwe shuwa chavangofunga kutaura vanototaura havanyari vavo vakashaiwa nyadzi" "they don't know how to safe words" Mhamha"shuwa ahh zvakaoma chero zvapfuura hazvo' "yahh dai vakasataurisa musi wacho" Mhamha"shuwa zvingoitike murunyararo apa vanoda mari wapanzwa panzi natete Neshamba asingade ngaabude the door is open hapana abuda kana kuedzesera kusimuka kkkkk ndazoseka iwee mwari kaa kune vanhu vanoda zvinhu zvavo nhasi ndavaona" "haya vane jealous" Mhamha"shuwa" Taitokurukura zvangu namhamha takatogara ndipo pandakazotanga kubika zvemadoko.Iwo Mazuva akafamba then mumwe musi ndipo pandakanzwa hanzi date ratovepo itori next week Saturday ahhh ndakashamisika kuti hezvo zvapaitove padhuze. Apa Mitchell sahwira wangu akazondiudza hanzi zvinhu zvangu naDelan zvasettled akutoda kunomuroora aitororwa Saturday iyoyo apa mutenderobwaiindiita kaa aisapedza day asina kumbondimhoresa kana ini ndisina aiita kufara zvake mwana hanzi kumba zvazvatochinja mudirwo waakuitwa nadaddy vacho kaa hanzi zvazvatochinja kana mwana iye Delan mwana wake anomudawo Zvisingaite... Then the other day Kevy akatondiudza kuti ndipiwe mameasurement ana Tete namhamha nanabamunini vaida kuti vasoneserwe madress neshirt attires vakatondipa havo vese akatondiudza day rekuti tisangane mutown ndakatomupinda mutown zvangu ndakatoona aina Tete takatavaga machira zvikaita then tikanopa tailor anosona zvakanaka mutown contract neday rekuuya kuzotora. Tapedza takaperekedza Tete kumba kwavo tikaenda panenge like papark rave two hedu naKevy takasvika tikakazodii paaye takaita inonzi romance yaiita kundipa rimwe zemo Soo iii ndainzwa mazikufeelings eish Kevy romance haa murume wangu ipapo mukombe anawo kana weti unozviitiraa ndatenda anogona mukomana uyu ndakazomuti zvakwana ini ndaitotyawo ndakaudzwa kuti zvorwadza ndoswera kuvhura makumbo mumota chii ichocho izvi zvorwadza izvozvo zvandakamboudzwa naMitchy eehh ndakamutsa imwe nyaya nekuti hanzi ndozvamunofurirana kaa zvekuudzana kufurirana manje dakukudambura ipapo ahhh ndakamuudz kuti kana tazoroorana ndipo patingazozviite apa iiii ini ndaitotyawo ini kumbochinja step 2 kumboita madays uri mumarwadzo Mitchy akanditi hanzi unoita kunge wachekwa nerazor iiii nezvinoita razor kana ikakucheka nemistake iii zvorwadza guys hameno manje ini musi wehoney moon wacho ndomutiza ini ahh........... akazondiperekedza kumba kwedu akanondisiya pagate chaipo ndakatoburuka kwakupinda mumba zvangu ndakatomubhabhaisa ndapinda vanhu vaive mudinning "maswera cy' Mhamha"ndaswera zvaita' "yahh zvaita " Mhamha"ahh Saka bho kana zvafamba zvakanaka kudaro " "Sure gendogeza ndatsva iii nhasi kwambopisawo" Mhamha"shuwa nhasi kwambopisawo" "yahh gendimboenda kunogeza" Ndakatoenda hangu kunogeza ndichidzoka ndakatobva ndaenda online kwakuenda kuwhattsaap ndakaona message yamhamha Patie yakanzi Mhamha Patty" mwanangu ndanzwa kuti wakuroorwa kaa isure" " ehe mhamha isure" Mhamha"hoo Saka wozoshanda wako kana kuti zvatovharana " " yeah ndinoshanda hangu kana akabvuma Kevy" Mhamha" Hooo ahh pakanaka inga makorokoto ndichatouya kuri kumuchato week racho umuudze pamberi nemuchato" "Sure pamuchato mofanhira kutouya chaiko musaregedze" Mhamha"okay handimboregi my daughter" "okay mhamha" Ndakatoziva kuti vaive vaudzwa namhamha kuti ndikuroorwa. *3 DAYS LATER* musi wairoorwa Mitchell wakasvika akatonditi ndorarira kumba kwavo ndakanorarira hangu ikoko ndakatoudza mhamha kuti arikuroorwa Saka ndorara ikoko sasawhira mukuru zvee vakatobvuma havo nekuti vaitoziva kuti ende taive matrue friends. Mangwana acho akasvika aitoitwa Sunday takamuka kugadzirira gadzirira zvedu ndipo pakakanditi takatogara muspare make Mitchy"Carol ndinokutenda nezvose zvaunondiitira muhupenyu hwangu dai usiri iwe dai ndisiri pandiri apa wakashinga zvako Carol l wish dai ndikashingawo sewe ndinokutenda Carol nebasa rawakaita mukati mehupenyu hwangu rikuru kudai ndinonzwa kufara Delan akazongondida nekuda kwako Carol une magic iwewe" "uchitendeiko hako Mitchy ndozvinofanha kuita mukadzi shinga shinga zviite haufanhirwe kuitwa chipuppet you are not a puppet have your own desires my friend and boost self confidence handiti" Mhamha vake vakapinda ndokuvhara door Mhamha"Vasikana nyatsondiudzai chaizvo ndizvo here zvandirikufunga" "Kutii ah...." Ndakatoshamisika kutii ndakutoda kuvhunza Mitchell akabva anditi Mitchy"Rega ndivatsanangurire" Akavatsanangurira zvese zvandakamuitira nekumubatsira in detail nechese chandaitaura kunaye nezvandakaita kunaDelan Mhamha"ndinokutenda mwanangu wakamira nemwana wangu mwari ngavakuzarurire nemakomborero mukati mehupenyu hwako mwanangu urambe wakashinga kudaro iwewe " " ndinotenda mwari uri shamwarii yakanaka iwewe hauna jealousy iwewe" Mhamha"ndinokutenda nemwoyo wako wakanaka" Ndakatozovati zvakwana vanhu vakazogadzirira zvavo kuti marooro achitanga nekuti vakwasha vaive vamunzira pavakazosvika marooro akatanga anga akachena Mitchell dress take raive reblue wow rarakanaka zvaro Mitchell akaroorwa zvinodadisa kani iye aiita kufara kuroorwa kunongokuita kuti ungonzwe zvimwe Soo kachiremerera akapera maroor nguva ichiripo zvayo aizoperekedzwa kumba kwavo kwaaizogara naDelan nanatete vake nanambuya kunoita chivanhu chinoitwa chacho here. Ndakatoonawo Kevy atoriko but aive kwaive nevakwasha kuti ndiendeko zvaiisaita Saka eish ndakabva ndangomuwaver neruoko akatondionawo akakwidza maeye brows akewo nekundiwaver anga akachena mukomana wangu akanaka guys Kelvin eish akanaka . Ndakazomuudza Mitchy kuti ndakuenda "Sawhi toonana wofamba zvakanaka inini ndakuenda " Mitchy"okay besty ufambe zvakanaka chimbouya kunoku kubedroom timboita makuhwa" "umm iwewe kaa ukuda kuti ndifambe kwadoka kaaa" Mitchy"chimbouya kani" Ndakaenda akasviko buditsa 30us kwakunditi ooo ndakamuti "haa kana best noo " Mitchy"haurambe kaa haa kana shaa ukairamba kaa hazvibudi mushe kana ka1 and unenge usingandide" " Mitchell don't worry kani unotengera Delroy something " Mitchy" noo baba vake variko tambira besty plizzz" Akazondipa 30 yiya ndikamumbabhaisa hangu takambohuggerna kwakuzoenda kumba ndakatokwira kombi chaiyo ndakasvika kumba kunaCharity "asi hauna kuenda kuchurch" Charity"ehe musoro ukurwadza" "ahh unononamatirwa kaa " Charity"ahh ndandichinzwa dzungu chairo ezvino zvaanani" "Hooo" Ndakatotanga hangu kubika bika pakaazosvika ana Mhamha ndokudya tese manheru takazongodya zvirilight nekuti tatakaguta hedu seni.. Musi wekuti tichinotora hembe dzedu wakasvika ndakatomuka hangu makuseni kwakugadzirira yaitove Wednesday zvayo ndaifanhirwa kusangana natete mutown Kevy aiuya kunditora. Akandiudza kuti asvika ndakatoenda kwaArena ndakasvika apo ndakaviko vhura door ndikapinda ndakamuti "hesi" Kevy "ani" "nhai Kevy tirivangani" Kevy"tiri 2 but not like that" "ingawani ukuziva ukuda ndikumhorese sei" Kevy" zvakanaka and zviriromantic woo kaa" "ummm ...' kugadzirira pahuro''babe urisei " Kevy" better but not best bho hangu iwewe urisei hako" " bho chandeyi tikasike kuuya" Akamutsa mota takapfuura tichitora Tete mutown tikaenda navo takasviko tora hedu ngaanake imi anga akanaka ana Chichie aive nekamwe kadesign Soo avo anga akafanana zvavo vari2 takatodzokera kumba ndakatoti kuna Kevy dakusvikonorukwa akatobvuma zvake akanondisiya pagate chaipo then ivo kwakuenda havo ndakatoburuka nemapaper bag angu ehembe. Kevy pandakamuudza zvekurukwa akabva andipa 30 us zvanzi ndeyekurukwa nekutenga zvimwe ndakatoitambira kuti ndirambe zvaisatombobuda kana ka1 Kevy haazvidi kundipa Mari ndoram kana... Ndaksvikopinda Mumba maitove namhamha " maswera cy" Mhamha"ndaswera zvafamba mushe" " ehe haa vakapedza" Mhamha"hoo ahh Saka better" "yahh ndaneta ini dakutonogeza nekumborara chaiko" Mhamha"enda hako ana Tete vako vanogona kuuya mangwana Thursday kumazuva rodoka kana neFriday handizivi hangu" " hoo aa totenda vauya zvavo" Mhamha"shuwa kutenda chaiko" Ndakatozoenda zvangu kunogeza ndichidzoka ndakabva ndatongozvambarara pabed ndiye flat nehope. Ndakatozomutswa ndakunzi ndidye ndakatodya zvangu kwakuzonosuka ndichidzoka kuti ndirare hope ndingadziwane ndakadzishaiwa ndakatoenda online kwakuona message hobho aKevy ahh handina kumboverenga ese "Kevy musoro wangu wanga uchirwadza Saka ndandakarara" Kevy "hoo ahh very sorry babe Saka wapora here plus hazvisi zvawarukwa" " handina kana kutozonorukwa kwacho" Apa ndainyepa ini aiwa ndaitozotongeswa tongeswa zvee manje inini ahh kana Takataura nyaya dzinenge 3hrs kusvika mid night ndakasvinura kwakuzorara nyaya dzacho here dzevari murudo munoziva hadzipere panopera imwe ndopanotanga imwe. Ndakazorara hangu. The following day ndakanonoka kumuka ndakamuka nekuti ndakazenge ndanonoka kurara zvee ndakatomuka nekungoita 1 or 2 tumabasawo ava an Charity vaive zvavo vakatovhara Saka ndivo vakatanga kundibatsira kurudunura musoro ndapedza ndakabva ndawukama kwakuzoenda kunogeza ndichidzoka ndakabva ndapfeka hangu dress rakangodaro zvaro ndokuenda kunorukwa nevamwe amai sooo ndiyonoption yandandangosarwa nayo apa Mai ava vaindibhowera kuti vaive very slow kuti ndipinde mutown ndirukwe haa nguva dzadzaenda kuruka vaitogona zvavo zvekudaro vanodoba ndaisavashora zvavo pavaizondibhowera pahuslowness apa chete. Vakazondipedza kundiruka kuma6 apa nzara magaro oti kupisa iii haa ndandasvuza apa zvavaindiruka zvacho manje free hand yemabraids inedesign pacentre nekugotsi neaside eish Ndakabva ndaenda zvangu kumba chero vandaive ndambouya navo ana Chichie vakasvikira pakuendawo kumba zvavakandiruka zvaive zvakandifita hazvo. Ndakatosvika kumba kwane vanhu vakawanda vana vatete Neshamba nevamwe vaTete Mushonga bamunini, bamukuru nedzimwe hama ii vavakawandirira ndakatovamhoresa vese zvangu kwakuenda kubedroom kunozvivharira ndakadya ndokubva ndarara pandakazomuka mangwana acho makuseni ndipo pandakamuka paside pangu paina Tete Neshamba, ,Charity, Charmaine nashanty tese tatakakwana pamubhedha . Ndakatomuka zvangu kwakunogadzira mumba sezvo vanhu vaive vasati vamuka ndakatogadzira mumba ndokusanobika tea ndopakamuka mhamha kwakundibetsera zvavo takapedza vanhu vakamuka ndokuenda kunogeza pavakapedza vose takabva tamwa tea , vamwe ndokuenda kunosuka ndakazoona kumasikati pamba pakutsvairwa tsavirwa ,, lawn ichigadziriswa nanabamunini zvinhu zviungwanda ngwanda zvichibviswa zvisina basa zvakapiswa juma 4 zvazvaita pamba iii ndatenda papaita kunaka kuita kunge uri kusurbub nairo gate rarakaiswa namhamha durawall ravavakagqdzirisa iri chachangosara zvidhoma chete haa vanenge tatapedza masports. Masikati ndipo pandakapa munhu wese african attire yake yaive yakasonwa Tete Neshamba ndivo vakatotenda zvakanaka nabamukuru imwe club yese iyi haa iproblem vari vatatu jealous rovakurira zvisingaite Muswere wezuva wese handina kana kutaura naKevy ndandatomusuwa mukomana wangu zvisingaite. Around kuma 5 P.M ikoko ndipo pandakaona vamwe vanhu vavakungosvika vachisvika zvekuti manheru vanhu vaive vatowanda pamba poto yakabikwa manheru yaitove ihombe Soo yeblack panze chaipo pahunob. Pakurara vamwe vakarara mubedroom mamhamha pasi vamwe mubedroom medu vamwe muimwe spare yaive isina mubhedha vakangorara havo pasi soo haa takakwana zvakanaka..... Busy yacho heree papakaipa Kevy handina kana kutaura naye nguva yephone chaiyo ndaitoshaya .... The following day wakasvika eish the day randaive ndakamirira all this long ndakamutswa kuma5 A.M natete iii hameno kuti vaida ndiite sei asii ndakatovati " imi Tete hakusati kwaedza" Tete "heede mwana wahanzvadzi mukadzi anomuka na5 kwete kuti na7 muka uende wogeza hatizodi kuti ugeze kwaedza wozotanga kungopfuura pfuura panze unofanhira kugara mumba kusvika wazoshedzwa uku zvatanga handiti mukai' "iiii Tete ndomuka nahalf 6 kani " Tete"hee jesi mambo munhu wemukadzi arinormal semi muchangotanga unofanhirwa Kuma na5 chaidzo ukunzwa vanhu vakuti gudugudu vamuka vanhu ava vakutocleaner hanty ukuziva kuti zvinhu zvikutanga nguvayi kaaa itai tone ahh" "Zvikutanga nguvayi" Tete "na9 sharp" "hooo" Tete "zvauriwe wozotangirwa nemurume kumuka munhu muka iwe woisira murume wako mvura yekugeza chero pamba iripo ipapo chera iwewe unoiisa mubath sipo zvese zvaanoda kushandisa kugezesa iye chake kuzongozvigeza osiya ndiwe futi uchanotora ndizvo here murume haazomboita mahure kana kundifferantiater iwewe nemumwe munhu kana kuvatarisa vamwe vakadzi zvlo ita zvido zvoda murume wako kutomutora semucheche ndiye your first baby " "Hee Tete mati ndonomutorera zvaageza futi imi hakuzi kushandisana here uku handisi maid kaini" Tete "iwe Carol chisalad kaa ngachisare kuno uko hakuna usatinyadzise iwe ahh murume anoitirwa zvese zvaanoda murume haakwidzirwe voice handiti hatidi kunyadziswa isu kana kushorwa ahh" " ehoi Tete" Ndakazoenda kunogeza pandakadzoka dzadzatokuma to 6 nekuti tanga takumborairwa zvee nanatete zvee zvekuroorwa izvi zvazvitori basa nhai ahh kuita kuudzwai zvinyadzi kana vari satete mushonga yooo l surrender vanenge vachitoda kutoita example chaiyo zvakaoma .... Dzave kumapast 7 ndapedza kugadzirira nditori busy ndipo pandakaona mubedroom mangu muchipinda vamwe vasikana soo ,,tete varipamberi vakasvikovhara door vasikana ava vanga vane zvakafanana kunge zvekucompany ndakaverenga ohhh vaive vauya kundiisa make up ndiKevy chete hakuna mumwe ndakaita kusekerera hangu................ END OF CHAPTER Stay tuned 🌹
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 995

Comments