
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
June 6, 2025 at 01:08 PM
*CONFUSED LOVE*💘💘💘
https://whatsapp.com/channel/0029VaPANd40wajk6Y5ndI02
What'saap group ⬇️
https://chat.whatsapp.com/LbwsYL38bxo2HtJhAjbjA7
*FREE BOOK*
READ , LIKE & SHARE
CHAPTER 54
STORY BY TADIWA
*CAROLINE*
Ndakatoona iri message yamhamha Patie zvavo ava yavaisa this time kwakanaka here yakanzi
Mhamha Patie"Carol udza mhamha havasi online ndikusvika Zim mangwana around 13 munditambire namhamha paairport"
" ahhh mukuuya A nei musina kutiudzawo kuti masimuka mhamha kaa saka mukuuya nani"
Mhamha Patie"ahh its a surprise ndina Tina"
Tina aive mudiki ndofunga anga achemera
"musazodaro horaiti mhamha "
Mhamha Patty"yah uvaudze mhamha nekuti maimanje takutosvika"
"ahh ok getigadzirire tibude"
Mhamha Patty"okay"
Ndakatosimuka pandandakagara ndikadeedza Mhamha vaitove kubedroom kwavo ndakasvikoti
"hanzi namhamha Patir ndirimundege ndikusvika na12"
Mhamha"ahhh nhasii here kohaataure here nhai"
"Aiwa mangwana hanzi it's a surprise"
Mhamha"ahh ndofunga atondiisira message handina zvangu data"
"Mhamha Patie heree"
Mhamha"Mai vako ava kaa gendirare"
Ndakabva ndatobuda zvangu kwakunorara the following day takagadzirira kuenda ku airport tesee zvedu tiri 4 ndomhuri yacho
Takatosvika kuairport na12 but takazogara dzinenge 30mins wo ndaitozviziva hangu kuti munenge makumboita check out zvakawanda wanda kutsvaga mabags enyu kudii ma1 pandakaona vachibudikira ndakaita kuvamhanyira kuita kunge ndichapinda nemusingapindwe mufunge imii
" mhamha"
Mhamha Patie" mwanangu mhandara yangu "
Ndakaita kuvambundira kani
" muriseiko mhamha "
Mhama Patie"drirbho zvangu"
Mhamha"iii kufarirana here Mai nemwana"
Mhamha Patie" kufarirana zvangu nemwana wangu muriseiko akoma "
Mhamha" ndiribho zvangu munin'ina urisei hupenyu"
Mhamha Patie"haa ndihwohu zvawo"
Mhamh"haa bho chandei hedu kumba tinonyatso mhoresana "
Mhamha Patie"yahh sure"
Takatowana tax yedu zvedu kwakukwira tese ndokusvitswa pamba chaipo takaburutsa mabags edu kwakupinda mumba tisati kana tatombogara Tete Neshamba vakabva vatosvika vachitoti
Tete" gogoyi"
Mhamha"pindai"
Vakatopinda mhamha ndokutoti
Mhamha" ende maita lucy vatete nhasi mamuchigara panze tikutosvika tatisipo"
Tete"ahh ndinonyumwa ini mamuchida kutipedzera kaa zveUK manje nooo tazvisvikira"
Mhamha Patie" kupedzerwa chaiko " vachitoseka
Tete"ahh sure ndaizowanei zvangu ndaiwana ave mapepa akanzi made in UK oga"
" yowheeee mazondinakidza manje"
Mhamha Patie"yoo panoti made in UK ndopamazondipedza apo" vakaita kuseka
"Makadiyiko atete" mhamha Patie said nemunhu wese
Tete"ndiripo zvangu muroora kwakadii ko mhiri kwemakungwa"
Mhamha Patty"bho zvako uku hameno kuno ndimi makasanotibaatira basa kaa iriri"
Tete"haa sure toti makorokoto oga kufarwa kani"
Mhamha Patie"haaa sure"
Nyaya dzakataurwa ndakazosimuka zvangu ndoenda kunobika ndakatonobika kasadza nekachicken nekuti ndizvo zvavaiifarira mhamha Patie stereki haa yaive good meal yavo kani ndakatobatsirana naCharmy kubika achindiudza nyaya nezverelationship yake nebrendon taiita kunakidzwa hedu uku
Takazopedza kubika kwakupakurira munhu wese takadya tikaguta Chichie ndiye akazoenda zvake kunosuka takagara hedu mhamha. Patie vakazoti
Mhamha Patie"Tina tora kaa bag riye randakaisa gown"
Tina"okay"
Akasimuka akauya naro bag racho paside namhamha,, vakavhura vakabuditsa gown raive nemaglitters richiita kuwaima wow wedding gown rangu
Mhamha Patty"tora wedding dress rako umboedza tione ndakaona size here"
Mhamha"Charmy tora shit tiwaridze pasi apfeke aripamusoro risasvibe"
Tete"sure"
Charmy akadzoka zvikanzi natete
Tete"waridza zvako apa ubva wanyatsopfeka zvose "
" kkk tete "
Mhamha Patie"sure zvee pfeka zvese"
Ndakazobvisa hangu imomo kwakupfeka ndakatobatsirana natete raitondiremerera ini
Ndakazopedza kupfeka ndakazonzwa Tete vakuti
Mhamha Patty"hilelele lelelelel ululululululu mwanangu azviita uyo*
Tete "muzukuru wangu iyeye one and only"
Mhamha"mwana wamamoyo iyeye *
" imimi kaa kokuzoti musi zvee" ndakatoseka
Mhamha Patie"seni inini hangu kutomborova majaivhi chaiwo"
Tete "kumboti kudaro ini kutotamba kaseve chaiko"
"yohweeee vanhu imi kaa"
Mhamha"kunakirwa zvedu"
Tete"ahh inini ndanonokerwa"
Mhamha Patie"shuwa kani ngawusvike"
Ndakazoribvisa hangu ndandakutonzwa kutsva hameno musi wacho ndaizorikwanisa here naiko futi kurema kwacho............................
takagara tichiita kutaura nyaya tichiona zvedu tv manheru takabika zvemanheru kwakunorara pakurara apa ndopaizonetsa Mhamha Patie namhamha vakarara pabed vari 2 vaitopazadza uyu Tina akawaridzirwa imomo pasi , Charity nacharmaine ndivo vakarara muimwe room then ini natete mubedroom medu hedu.
Takatorara haa kuita flat ndandaneta muzuva mangwana acho ndakamutswa makuseni natete
Tete"mainini mukayi mukayi"
"Tete regai ndizorore hangu kondoda kuendepi"
Tete"pane kwandiri kuda kuti mundiperekedze"
"Tete tobuda time time kani "
Tete"haa kana mukayi mukayi kokana mamumba menyu"
"horaiti regai ndimuke"
Ahh ndakasvotekana handidi kunyepa hope dzangu dzaiita kundinaka sei ndakazomuka hangu kwakuenda kunogeza pandakadzoka ndipo pandakanzwa ndichishevedzwa namhamha Patie kubedroom ndakatoenda hangu
"mamukasei matii..."
Mhamha Patie" tora dress mubag muye matakatora gown ndanzwa kuti ukuda kubuda unogona kungobuda wakaripfeka rakadzikama haro nderenevy blue ndakatotenga mushop yiya yemaziglass waizova"
"Ohh iyo ndaiziva okay maitabasa mhamha "
Ndakaritsvaga ndikariwana but eish zvaranga rakaita rarakanaka rakadzikama but raive rakaenzana nemabvi ndakangosvika kubedro nekuritsveta kwakutsvaga skin jean rangu nekacrop top kangu nemasneaker ndakatopfeka hangu ndakabva ndatozviona aiwa ndandachena zvisingaite crop top yacho yaindifitawo zveee sei portable b**bs
" Tete ndapedza handei"
Tete "yowweee mukadzi wemunhu akaroorwa here uyu ana atezvara naambhuya bvisa bvisa pfeka dress rawapihwa wakabata ahh ndochii chawapfeka ichi hedee imi vana Mai vevanhu huyai muone!! Zviri muno ahh"
"ii Tete Saka ndikaroorwa hembe dzangu handichapfeke here"
Tete"ahh pfeka hako iroro izvi sira ana Charmy naCharityy izvii ahhh mainini kaa itai fast munhu akuuya kunditora atoti atopa arena"
"Tete ndekupi koo kwatiri kumbonyatsoenda kwacho kwamandibvisisa hembe dzangu"
Tete "mutown umu "
"kwatouya kutorwa nemunhu"
Tete" ehe pane wandoda kusangana naye"
"okay"
Ahhh tete Soo ndakazongobvisa zvangu ndokupfeka zvanga zvavataura kwakuti
Tet* hamuchioni manje kana Kevy akakuonai anoti yaahh hecho chimhandra changu Mai chaivo vevana vake "
" ummm Tete chandei uko tononoka"
" handei hedu"
Ndakanobhabhaisa munhu wese kwakubuda munhu uya aitove nemota aive apagate takasviko,, takatopinda hedu mota yakarohwa yakamhanya takasvika pamwe panhu soo paiita kunge like pacollage kunge payi hameno papakaita kunaka
"asi tasvika"
Tete "ehe Rega ndimufonere"
Vakatofonera munhu wacho ndikanzwa vakuti okay okay ahh hameno.
Takatoburuka mumota muye kwakumira ndipo pandakaona pauya vamwe vakadzi Soo 2 vakasvikonditi
Vakadzi" carol makhoti wedu uku"
Tete"ndiye endai naye ndikuteera"
"kotete ndoyipi" ndakavhunza ndaive Confused ahh ndikuendwesepi
Tete"vateere ndikuteera ndovaziva kani ungati ndokubisa here"
"noo okay "
Vakadzi "don't worry makhoti ykudiwa makhoti mukati"
"okay "
Ndakazvishingisa hangu but ndaitya. Takavhurirwa door ndikaitirwa noise imwe Soo ahh ndakavhunduka . I wanted kubuda but vakadzi vaye vakandibata ndakafugidzwa kumeso ndandakutochema shame. Ndakaendwa neni nevakadzi vaye kufront but ndakatowedzera kuchema iii guys yaive tears of happiness mamakaita kuzara kumberi kwakanzi our makhoti Caroline wow yaive surprised kitchen party nhayi
Ndakazonzwa kubatwa nekuudzwa munzeve natete ndakashaya kuti vavapinda nguvayi
Tete :"chinyarara Carol zvakawanda tauya kuzofara newe on your bridal shower same Day you kitchen party wadadisa muzukuru"
I nodded ndichizvipukuta kumeso nemaoko ndichibva ndatarisa vanhu ,, manga makaita kuzara but kwete zvekudaro vaingova vakadzi chete maybe around 20 ikoko kani Tete vakange vakatogara panext neni chaipo nemusikana mukuru Weyouth wekuchurch kwedu newekwa vamwene vangu,,, l sighed zvangu kwakuti " l can't believe this is really happening to me Carol for rwal"
Pakaitwa prayer naMai mufundisi. Vachipedza vanhu vakadya . Vanhu vachingopedza kudya MC akasimuka kwakuti
MC "Caroline Masawi, vamwene vako ndivo varonga izvi nemwana wavo Kiara . Isu hedu tauya kuzodya zvino iwe wacho tinoda kuti uzove muroora akanaka . Varoora vazhinji hatina kukwana kungoroorwa zvako zvatonaka kwauri ukazvara mwana kungorwara nekaflue zvakutonzi ndivamwene zvadaro makutotenga salt yemomagodo momwaya imba yese muchitukirira muchiti idyai venyu vana makajaidzwa stereki aikaka movatukireikoo Carol iwee wandimzwa heree"
"Vanhu vakaseka kana ini ndakatosekawo munoziva
MC"amwene chiuyai muoneke pliz"
Akadaro MC kwakugara pasi
Amwene"regai nditi gagaga ndadzingwa kubva kudhara. Present yako muroora ikubva kuSouth iWashing machine necleaning machine zviri 2 izvozvo chete ndichiti makorokoto makhoti wangu"
Pakaitwa mhurururu vanhu vakafara vakabva vaperekedzwa kubuda naMai mufundisi nevamwe vandisingazive zvangu vachivaperekdza kumota yavo maybe nekuti vanga vakutoenda nhayii
MC" Mai mufundisi vekuMethodist huyai mugamuchire muroora wenyu"
Vakauya havo vakataura zvese vachitaura kuti ndinamatire imba yangu zuva nezuva.
Mai mufundisi"murume wako ndiye shamwari yako yekutanga haufanire kutsamwira murume .Murume haanyimwe bonde ungatonyengererwa nemurume kuti ukumunyima bonde kana nyaya haitongeke inonetsa iyoyo Carol mwanangu "
" Veduwe nyaya dzacho dzonyadzisa ndandakunyara"l sighed myself ndichitarisa pasi
Mai mufundisi " usatombonyare zvako makhoti yatidi imba izotambudza nenyaya iyoyo. Murume ukamunyima bonde anotanga achikukumbira but ukaona akubuda chete kudzoka kwake konetsa hatidi kuti uzogadzirisa maerrors iwayo aitika nemuchishona chinyii usazoyeuka bako mvura yanaya handiti"
Vakataura kani vakatogara havo pasi mhamha mufundisi vekwedu vakataurawo zvavowo . Vanhu vakauya vachitaura zvakasiyana siyana kani . Nguva dzatopera ndipo pakazosimuka MC akuti
MC" nyaya yasarira kwandiri handitii.. umm Carol imba inonaka mhani Makhoti wangu. Ndoda kunyanyo taura zvemubedroom because ndizvo zvauri kunyanya kuyendera kuna Kevy. Teerera hatidi kuzodaidzwa naKevy zvichinji Carol arikuoma musoro hanty. Varume vanoda bonde Carol. Musi wehoney moon ndozviziva uchambochema hako. First day Haina kuchipa baa handidi kukunyepera zvinopora after 3 days waporawo zvee woita zvinoitwa ... Waist ngaitambiswe iyi .... Communicate kumurume kuti muudze kuti zvikunaka daddy . Muudze uchichemerera . chemerera munzeve ita kuti kuti aite manyukunyuku nyuku kani carol bonde harimirirwe kuti kutange kwasviba tozoita nooo izvozvo taramba Carol iwee murume ngaapihwe chero mutub muchigezaa mukitchen uchimona sadza muchiri 2 kudayi imba ngaibviree nerudoo Carol ngaibviree chero mungori mega pamba penyu chete. Carol ngachitsve munhu agare mabhora ake ari empty not kuita kunge matrouse achapaduka nekutadza kukwana nekugara pipe yakaremerwa ahhhh kwete kungoti zvee murume ndiye anonditanga tazviramba futi iwee mutange kutomutanga kumubata Bata chaiko kumuita yese yese...
Paakataura izvozvzo aitoita achitoita zvinotonyadzisa chaizvo mukadzi uyu ndaisambomuziva ini
MC"Carol hausati watanga kaa ndoda kuti ndikudzidzise kukoira handiti usaite danda kuna Kevy muviri ugare uchidziya uyuu anatete momuudzawo kwekuwana zvinodziyisa muviri nekukudza nzeve idzii.."
Akandisimudza neni kwaive kwakawaridzwa pasi
MC "gara wakatambarara "
" esshh"
MC "ita iwe"
Ndakagara
MC" rara negotsi tomboti ndini Kevy nhasi ndoda kupabvarura "
"noo iii"
Ndakatobuditsa tumusodzi kuti vandinzwire tsitsi iiii vakazondisiya zvavo kwakudzokera kunogara iii yayava porno kaa iyi ahhh imi ngavakwane ahh
MC" Kevy ane basa apa kuchafiwa uko mumwe achadzoka ave kuenda kumochari akaita zvekutamba anodzoka asina kupagumha nekuti umm sisi vane Jinja ava kkk"
Ahah vakazotaura havo zvishoma . Vanhu vakazotanga kunyoresa mapresents .
Ndanga ndakutya ini kuti Saka ndakutonogara nemurume umm ndandakutya asi kudzidza heree ndakadzidziswa zvemba zvese and ndakanzwa handidi kushira
Vanhu vakazooneka havo takazobva apa panzvimbo ndokuenda ndakatoenda nemota yatete Mai Tino kumba kwedu ndiyo yatakakwira tiri 4 nanamai mufundisi natete vangu,,
Takasvika kumba hedu ndaitoti ummm hama dzemurume wangu dzimwe dzodada zvino l was mistaken dzinondida imi dzimwe dzaivepo dzaisada neni ipapa ndatenda hangu
Ndakatoswedza vamwe kwakumboenda kunogeza haa ndandaudziridzwa kani yuuu what is that kuudzwa chaiko ndozodei haa kana Kevy ndichamuitira..
Takatodya hedu zvemanheru tamumagumbeze Tete vakatonditi
Tete "umm unodiwa muzukuru nehama dzemurume wako udzibatisise wanzwa"
" ndoita sekudaro Tete"
Tete " umm dzokubata kunge hama yavo chaiyo ndazviona iwewe inini kwandakaroorwa handidiwe kusvika palevel rako iri ahh udzikoshese"
" sure tete ndoozvionawo"
Tete"iii kana ivo vamwene vako ava kuita kukubata semwana sikana wavo kudaro that my makhoti iii vanokuda uvadewo handiti
"Ehoi Tete"
Takazotaura hedu dzimwe nyaya tirimuma blankets kwakuzorara
Mangwana acho makuseni ndakaona message yakanzi ......... neunknown number
💬"Carol wakatobvuma kutobvisirwa shuwa inga unofarisa nhayi just like that wakatotora mukomana wangu n'anga apa ndinoenda"....
Iiii ndiyanii kouyu kuti akanganisa number gendimuti
💬"sorry maybe wrong number" apa ndaiziva haaa hakuna mumwe ndiKimberly chete nezita rajeso hapana zvaunondiita uyuu nezvimushonga zvake Amen.....
END OF CHAPTER
STAY TUNED 🌹
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
640