TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
June 8, 2025 at 10:29 AM
https://chat.whatsapp.com/GxnwVxnoEhpBM26X9TiVoo follow up our channel guys kune hot https://whatsapp.com/channel/0029VaPANd40wajk6Y5ndI02 *MARRY ME*💍💍💍 STORY BY TADIWA CHAPTER 1 *LUCY*🪷 Taive tobatsira Tete vaive votogadzirira havo kuenda kwavo kuChegutu kwavaive vabva zuva rapfuura vaive vatishanyira kumbotionawo vana vehanzvadzi yavo nemuroora wavo kauyu mhamha aiwa Tete vedu towirirana vane moyo wakanaka vatosiyana nemunin'ina wavo ane pamuromo ........ Inini ndinonzi Lucy Sibanda a girl aged 17yrs ndogara namhamha nadaddy nemunin'ina wangu ane 15 yrs ari form 2 zvake inini ndakanyora form 4 yangu this year chandakamirira maresults parizvino toona zvinenge zvabuda toona kuti ndoiita zvipii kuenda A level here or kutotsvaga zvimwe chaizvo... Takatozvarwa hedu tiri 2 mumba medu inini baLindy . Daddy vanoshanda pacompany but zvekuzoti company yacho ndeyechii handizozive hangu mom vangu ndivo vanoita zvekunowacha kumayard kuuya kwedzimba dzekunaka dzihombe kana mumba lodge masheets emo kana kudzimba kumadale ukoo vanotozivikanwa vachitobva kuno kuMabvuku vanoita Mari nazvo ivo veko vakavawachira aiwa vanobhadhara..... Tete takatovabatsira kurongedza zvinhu havo sezvo vavarongedzerwawo tugrocery twavavapihwa namhamha zvazvisingaite kuti munhu ayende kaaa asina chaakabata iye auyawo kuzoona imi zvaisabauda vabva kure kwese uko vakatovarongedzera vakatoendawo vatonewo katsapo takatovasvitsa pabhazi ini naLinda mhamha ndivo vakatosara vaive vogadzirira havo kuenda kubasa takatovasvitsa pabustop ndokukwira isu kwakudzoka tochinanaira hedu haa ini ndaimhanyirepi kumba ndaingosviko gara hangu ndisina plan haa panenge pasina kana neyekuita kaa ndakuda kutosvika kumba ndakaona Daisy my friend achipinda mugate meduu anenge aitoda ini ndakabva ndatofambisa kuti asazobude nekuseri kwaive newire yekupoya nayo coz Daisy ndomuziva akura but haana kukwana anokubudira neipapo kusiri kusada kutenderera chete ndakatosvika achiknocker padoor nekuti mhamha vaigeza akabva atoti "Heede vasikana mototi makapfeka " "Iweee Saka ndakadii" ndakatomubvunzawo aiti ndakadii Mhamha vaive mutoilet vakabva vadairira ndokuti "Mutsuurewo shamwari yako iyoyo ahh ndakamuudza nezuro chaiye zvino naatete vake vanomujaidza ndivo kutoti musiyei apfeke aroorwa anozopfekerepi ana amwene havazvide Saka ngaapedze shungu zvino achifamba muroad nekadress ikako manje " "Iiii Lucy aka hakachaite" "Iii iwee shaa ndine wandiri kupfekera here inini ahh ende kukupisa uku moda ndipfeke sei" "Hoo ibho but haa aka hakachaite bestie" "Okay urisei " "Ndiribho hangu handeyi kubirthday bash recousin sister yangu kaa" "Heee naMary naJoseph hameno vanondibvumidza heree" apa kana ndichitiMary ndoreva mhamha vangu Joseph ndidaddy vanenge vari padhuze kana ndichidaro "Haa iwe mira mafunnies kani ndokukumbirira pluz hona Lucy kumba kwatete vanguu hakusi kuti kumwe kunhu noo kutori kumba kwatete vangu" "Rinhi" "Weekend that's why ndauya kukuudza pachine zvimazuva" "Hooo" "Yeah Saka wati ndokukumbira" "Hameno handizive but try " "Shaa babes kanii Lucy ndikutokumbirawo iparty obvious my cousin anenge ane mafriends ake but inini hangu haazondirase asi kuzongoti ndega paye akutaura nyaya nemafriends ake ndakuita kunge benzi waiona" "Okay handina kuramba Daisy but unondikumbirirawo vanogona kuramba inini" "Thnx " "Kunoendwa nguvayi tichidzoka nguvayi" "Unotanga na3 tichidzoka zvekuti na7 tetatosvika pamba" "Hoo" "Yeah kutone vanhu vakuru don't worry ndotokupa foni wotaura natete vangu kana mhamha vako kutaura navo fti" "Okay don't worry" Lindy "mukuda kuenda kuparty" "Zvimwe pfuurwa handiti Lindy" Lindy "iti nyoo ndizvivharise izvi" Ndakaangomutarisa sooo ndobva ndadhonza Daisy ruoko inini naLindy kaa toiita setakaenzana coz inini handina kureba apa titori vatedzani fti ndozvinomupa kusandirespector izvozvo anotaurisa manje inini tumiyedzo twake ndotukunda nekunyarara ndakasvikopinda naye mudinning mhamha vaive votozvibikira tea yavoo kwakugara hedu tiri 2 ndokuti zii kusvika pakati mhamha "Kwakanaka kupinda monyarara" Inini ndakaamhanya "Yeah" Daisy"mhamha ndikukumbirawo kaa kuenda naLucy kubirthday recousin sister yangu mwana watete vangu" "Asi nderevana vechidiki imi" "Aewa rine vanhu vakuru ana Tete nanamhamha vangu tese tikutoenda " "Hooo Saka iwe wakoka sahwira wako" "Ehe kuitira kuti ndogona kusvika kusina size yanguwo or iriko asi moziva usina kujairana nevanhu vacho zvogona kunetsa kuita catch up" "Hooo munoenda henyu" Hiii ndakanzwa kufara ndakabva ndanzwa Lindy achiti "Heede matomubvumidza muchinyeperwaa birthday ripii ivo vakuda kuenda kumafaro ava" Daisy "Ii Lindy handisati ndambokupindura but nhasi dakungokutsiura zvaunoita sister yako hazvina kunaka behave and respect anyways ndogona kungofonera Tete vangu right now votaura navo mhamha ava vonzwaa Mhamha"ahh Daisy iwee Lindy ndomuziva haana kunyatsokwana mwana wangu asi ndozviziva pane isina kunyatsoti" Daisy" mhamha iriko weekend Saturday toenda tese kuma 3 todzoka mangwanani Kuma 7" Mhamha" yuwi ndeye manheru" Daisy "eheee mhamha" Mhamha" iii anonzwa baba vacho iyi kana iri yemanheru otozonzwa baba vake zvee " Daisy" horaiti mhamha" Mhamha"ndakubuda ndatopedza ndokuonai kumazuva rovira munobika masikati rice nemchunks" "Horaiti" Mhamha "Lindy kana zvanetsa kwasekuru Addy variko" Lindy "iii mhamha sisi Lucy ndovanotonetsa ava " Mhamha" wandinzwa" Vakabva vatobuda ndokuenda havo ndakatobuditsa Daisy kumupekeredza kumba kwavo apa ini pakamari kangu kandaive ndakapihwa namhamha kangu ka10us ndaitofunga ndinorukwa musoro wangu but ndaive ndichine zvakawanda mumusoro kuti ndoita seii ndinorukwa here or ndoregera..... Ndakadzokera hangu kumba ndega ndokusvika Lindy akutobika hake ndakatogara ndatovewo zvangu paphone ndoverenga manovels ndapedza novel rangu ndakabva ndanogeza now ndandane final decision mumusoro mangu yekunorukwa zvaikwana pamari ipapo ndakatongopfeka dress rangu raitedza muviri ndakatoti ahh gendipfuure ndichitora Daisy andiperekedze ndotenga kumashops braid ndokwakachipa kaa ndakatopfuura ndichimutora ndokuenda tese takatosvika mune confusion yega yega mushop macho l think maitoiswa new stock zvinhu zvaiiswa zvaibuditswa mumota yakanaka naka yaive yakamira padoor pamberi peshop pacho ahh ndakatoti Daisy ngatimireyi panze apa coz ndoshop yega yakacheaper nekuti tikapinda vachirongedza ndokuzopihwa randisingande takatomira hedu tichitaura nyaya dzevakomana achitonditi haa handichada Pride hee akubhowa this and that apa ini ndaingoseka hangu cuz ini ndakadater ka1 kuhigh school nemukomna 1 chaiyee aitovewo mwana wechikoro moziva love yacho haaa ahh ndeiyoyo takarambana hedu but iye aive muform 6 inini ndiri form 4 but takazongorambana heduu so now lm single takatopedzisira tozembera mota nekunakidzwa nenyaya yiye pawindow chaipo ndipo pandaive ndakaisa magaro angu haaa coz yaive yaladzikira mota yacho yaisava dziye dzekukwirira apa ndandisina kuziva kuti mune munhuu ndakazonzwa kuti gugugu ahh aaaahh ndakavhunduka ndichiti sorry sorry ndipo pakabva pabuda uh uno mukomana akapfeka tracksuit yakanaka necap mumusoro akabata maphone aya kaya masamsung ekunaka aayaa ndakangotarisa face ndokuona ane ziso reblue haaa ndakabva ndavhunduka ndichiti ahh munhu hwayii iii ndandisati ndamboona hangu munhu akadaro ini meblack medu make ndomune blue iii maybe ndozvavari hake but zvakamufita hake hukaramba wakamutarisa akatonaka.......... Takatosuduruka hedu kwakumira kuside iye kwakupinda ndokushedzera vanhu vaive mukati kuti"Be quick you guys ndakuda kuenda" Ehhh kovoice haa kana nyaya dzasisi Daisy ndandakusanzwa ndayeverwa nethis guys ,,, anyways makazenge manani takapinda hedu ndakataura braid randaida mukomana wuye akabva acheuka pandakataura braid rangu ndakanyatsofeeler kuti pano ndatariswa ndakabhadhara kwakutambidzwa braid rangu ndokubuda takatodzokera hedu kumbaa Daisy akatoti "Lucy waona mutarisirwo wawanga uchiitwa nemukomna wuye" "Ehe ndazvionawo hangu" "Haa kuita senge anakirwa newe" "Haiwa ibvapa angade ghetto girls of mabvuku isu manje " "Kkkk ahhh love ine basa nekwaunobva here" "Ahhh ndisiye iweee " "Sure" "Dai ukutondiudza masasi ekuudza mdara nhasii ipapa" "Haa don't worry iyo vanobvuma chete" "Sure here iweee" "Yeah ahh ukangotaura mune zvakanaka chete" "okay" "gendiende hangu kumba ndimbonozorora ndozonorukwa " "Iribho " Ndakatofamba hangu ndega kusvika kumba uyu Daisy anga atora road yekumba kwavo ,, Daisy aive muhombe kwandiri aive akanyora form 4 yake last year toitowirirana hedu zvekudaro chaizvo friendship yedu yakasimba aitomboenda kubasa asi akasiya hake basa racho pakusanyatsobhadharwa but ane kwaakakanda futi hake maCV ake anoshuvira kuriwana ..... Ndakatosvika kumba kwakuona ehh Lindy akamira nemukomana muhombe chaiye apa achiita kunyarira kuratidza nyaya dzikutaurwa apa kaa dzine zvinyadzi ndakangosvika padhuze kwakumudhonza kadress ikako kaanga akapfeka naye mumba straight....... End of Chapter Stay tuned...........
❤️ 😂 🙏 👍 😢 😮 306

Comments