TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
TADIWA SHONA NOVELS🇿🇼
June 11, 2025 at 08:40 AM
https://chat.whatsapp.com/GxnwVxnoEhpBM26X9TiVoo Whatsapp group redu iro☝️ https://whatsapp.com/channel/0029VaPANd40wajk6Y5ndI02 *MARRY ME*💍💍💍 Read , Like & Share STORY BY TADIWA CHAPTER 15 *LUCY*🪷 Ndakatocheuka kudayi kwakuona ndiDaisy zvake uyuu apa kanga katsamwa manje kuti ndandisina kuzvinzwa paanga andishedza zvesure ini handinawo kana kumbozvinzwa kuti akundidedzaa kutoramba ndichienda hangu kutofamba kuwandirwa nepfungwa chaiko akatosvika hake pandiri ndokutaura naye takataura nyaya takamira takazopesana iye oenda kwavo ini ndoendawo kwedu hangu ndakasvika kumba mhamha nadaddy vachinetsana ndakatoshamisika nekuti ever since ndizvarwe handisati ndamboona vabereki vangu vachinetsana semunetsanirano wavaita kudaroo vaitoita sevacharovana iii l tried to calm down mhamha but vaive nehasha dzekuti havana kana kukwanisa kana kundiudza kuti imbori nyaya yei ini ndaive ndatove more confused musoro watovhiringika apa vaingonditi nxaa Raymond haa Raymond vachiita kuridza tsamwa zvandisati ndambovanzwa vachiita mhamha havashedze daddy nezita but ahh ndakatoshamisika nokuti zvaitove zvitsva musi uyu kwandiri kuti imbori nyaya yei asi. Nyaya yavo yakambonyarara daddy vabuda ndokusara ini namhamha ndakasara kuvanyengerera vandiudze nyaya yacho vakabva vatura mafemo before vanditsanangurira ini ndaive ndonyatsovhura nzeve zvino ndonyatsoterera "Mwanangu handina kana simba rekukuudza kana kutii ndikuudzee mumoyo mangu magara rimwe bunduu raita kusvika kuti zete ronda chairo chinhu chandaisafungira pana Raymond baba vako ava handina kubvira ndafunga kuti angandidaro" "Chiii mhamha chamboitika " "Una sisi kunzee baba vako ava kuita mwana kunzee" "Haaaaaa" Ndakatokanuka kuti kana vachiti sisi ivo daddy vachiti mai vangu ndivo mukadzi wavo wekutanga kana ana tete futi vanotozviziva kuti mhamha vangu ndivo mukadzi wekutanga wavo zvikufamba seiii ndakatambosticker ndichibatanidza pfungwa dzacho but hadzina kubatana kwakuzoti "Ahh mhamha how mukurevei kana muchiti sisi " "Lucy zvikundirwadza kuti baba vako vakandiitira hupombwe nekuda kwekunonoka kubata pangu pamuviri chete asi hatina kubata vana vacho here hatina imimi here vana vedu chaakangotadza kumirira nguva heree" Vakabva vatotanga kutaura vachichema ndakatanga kuvanyararidza vanga varwadziwa Mai vangu kusvika mubhonzo chaimo pasina nguva Lindy akabva asvika hameno kwaiibva tese takabva tanyarara heduu mhamha vakatosimuka kwakutomboenda kubedroom kwavo zvakaoma chaizvoo izvi asi daddy chii saka vanoreva kuti yanga iri secret kaiyi kana vachiti sisi tomboti maybe akandisiya for 3 years so 21yrs keeping this secret haaa zvakaoma ndakatosimuka hangu pasofa kwakuendesa bag rangu kubedroom Lindy akada andivhunza vhunza uyu manje ane befu makuhwa ndimai magumete ndomuziva ndakakurumidza kumuganhura akabva anyarara ndakatoendawo kukitchen ndokugadzika muriwo pamoto sezvo wainonoka kuibva ndokubuda kumboenda kumashops kunotenga maveg by the time yandakadzoka kunze kwaive kotanga kusviba Saka ndakabva ndatovhara madoor hangu ndoita zvekubika apa mhamha kubva paye vaingove vari mubedroom ndaive ndotya ndakatoti gendiende kumbonovachecker ndokakasvika vakarara havo vaitofema umm thank God ndakadzokera kunopedzisa kubika nguva dzandaive ndopedza ndakanovamutsa ndakapedza vauya kwakupakura kudya kwacho vakambodya zvisvinu here haa vaive nestress mhamha state yavaive soo kaa asi daddy kaa ngavasadaro sure asii ndakatovati shingirirai asi ndega ndaitona kuti kumanikidza munhu waukuona kuti uyu ane stress isingaite kana chikafu kudzoka chikunetsa vachingogadzika plate patable kuti vaende kunorara daddy vakabva vasvika apa vakaita kuvhura door zvine simba richinorovera uko ivo vachidonhedza bhodhoro redoro ravo rakaita noise zvakativhundutsa vakavhara door havo apa vaive vakaita kudhakwa kupera nedoro zvakaoma ndofunga vakanorimwirawo kubhawa stress chete vakabva vasvikopfugama pamberi pamhamha ungati idoro iroro ravainhuwaa pamuviri wavo imii waiti vanga vachidhigidha heree mariri haaa vavakaita kupera maziso ari red vakatanga kuti "Sorry Mai Lucy mudzimai wangu ndokumbirawo undiregerewo mukadzi wangu from your bottom of your heart my dear wife please forgive me lm asking for forgiveness from the deep of my heart ndikurevesa mukadzi wangu bygones are bygones" Umm haa daddy vakadhawka ndovaziva zvee chirungu choitwa kusvisvinwaa than vari normal vakadhakwa vanochitaura zvimwe zvekuti haaa exam reenglish vanopasa Ivo mhamha vakakanuka pakanzi bygones are bygones "Unondipengera Raymond bygones are bygones kudii unofunga kuti kana zviri bygones ropa rosiyana kuti ndewako heree pane paachati sezvo ave bygones then change iwee" Vakabva vatsikitsira huso hwavoo maziso ovharwa anenge aive orema chete vachiti"Sorry mukadzi wanguu ndiregereyiwo mamoyo" apa vaidaro vabatanidza maoko "Nxaaaaaa" Mhamha vakaridza rimwe zikutsamwa rekuti kaaa umm potse dai imba yakasheka nekuti daddy panguva iyoyo vakamavhura maziso vachisimudza musoro vakatosimuka zvavo mhamha kwakuenda kubedroom kwavo takangosara totarisana tose daddy , Lindy neni Ivo daddy vacho vakabva vatodonha pasi kwakutorara pasina nguva vakutoridza ngonono haa zvakaoma aya mabasa.................... Ndakangosimuka kwakunotora gumbezi raive pamusoro pewardrobe yedu ndokuuya naro ndakangowaridza ridiki pasi rimwe raive hombe racho vakafuga ipapo kwakuenda kunokorobha zvidoro zviya nepine gel ndapedza ndakagezaa maoko angu ndokunorara hangu ndatopinda mumagumbezi ndakaona phone yangu ine mazikumissed call from Anderson l called him back akadaira hake anga akuda kuti hee waregereyi kundidaira ndangomuudza kuti family issues kumuudza kupi handimuudze zvinhu zvakadaro ndotoziva achakanganwa kana ndiko kuremerwa manje iii kututana nezvinhu zvaitika kumba kwenyu wonoudza mukomana noo that's stupidity ndapedza kutaura naye ndakatorara hangu.. The following day was Sunday haa the day was so low hatina kana kukwanisa kuenda kuchurch Lindy ndiye akangobuda ndiye kubudaa uni ndakatoswera naMai vangu tiri tese hedu pamba tichitenderera at least she was much better apa iye Lindy kuchikoro vaivhura mangwana apa akangobuda munhu ari form 3 here anoda kugadzirirwa kana kuudzirwa iii aiwa pane zvimwee pana Lindy kana zviri zvana madzitete ngavamusiye..... Apa mhamha hameno pfungwa iyoyo yakauyawo sei vakatoti ndikuenda mangwana kumushaa kwagogo mhamha vavo asi vakati vanodzoka Sunday but iii akomana kaa kusara tega haisiriyo mviro mviro dzekusiiwa here idzii hameno but vakangonditi havo ndodzoka havasati vamboenda vachinogara kudaroo pamwe ndokutosiiwa zvagara hazvo futi pane anoti handisi kudzoka here kwandikuenda ameno vakatorongedza havo hembe dzakatiwo kakuwandira semunhu akunogara zvemazuva vakatorara vagadzirira Daddy pavakadzoka havana kana kumbotaura vese iiii vanhu ava kaa kana ivo Daddy vakazvinyanyawoo but nyaya dzevabereki hadzipindirwee ndanyarara vakatoenda havo kubedroom kwavoo mhamha ndakangovaswedza Daddy ndokufpuurira havana kana kudya inini zvekunyangadzwa nenoisee idzii handidi ndakatoenda mumagumbezi ndokufuga ndokutryer kutsvaga hope hangu semunhu anga asina kujaira kurara kuma7 hope hadzibate zvee pasina hapo zvee nguva Lindy akatanga kundizungunutsa "Chiikoo iweee" ndakatomudaro "Iwee Lucy mhamha vakuenda kumusha ichokwadi vakudzoka Sunday heree coz inini....." Akabva anyarara "Ehee vakudzoka Sunday" "Hoo kwakanaka " "Ehee" "Kodakuvhunzaa kaa iwe ndajamba period rangu this month is it normal tatopinda mumwedzi wechi2" "Wajambaa" Ndakatomudaira ndichimutarisaa kuface nekuti pese apa ndandakatarisa kuside and ndakashamisika mwana uyu kaa "Yess takamboudzwa kuti kuchikoro inenge iri nhumbu but how come" "Usati how come kaaa iwe uchiziva kuti wakarara nemukomana hauna kurara nemukomana heree iwewe" Akabva atsikitsira "Usatombotarise pasii madam mutone nhumbu zvenyu ma1 aya hauti ndajamba period iwe ukuiziva reason" "Usataurisee kanii taurira pasi uda kuti ani anzwe mhani" "Whether l speak at which angle shaa it will never change kuti Lindy is pregnant une nhumbu " "Ma1 Lucy ndoita sei ndibatsirewo sisi" "Nhasi ndasisi enda zvee kumuridzi hanty ukumuziva hako" "Yeah," "Saka ukutyei enda zvee kwaari shaa" "Ndichamuudzaa mangwna ndandisina kumuudza" "Kumuudzaa unopenga unototi ndauya unofunga kuti daddy vakazviziva pano unopagara unobva wane mbonje iwee" "Yeah l know hangu" "Saka ukuti l know wakanaka iwee gendirare zvangu" Ndakabva ndatoradzika matama angu pasi kwakudzifodogora hope ivo vakagara.. Ndakatozoita zvekumutswa mangwana acho makuseni chaiwoo namhamha ndakuvaperekedza pabustop ndakatobuda mumagumbezi ndokuvaperekdzaa ndakavasiya vakwira kuenda kumbare uko kwavaizonokwira bhazi rekuuenda kumushaa... Pandakavasiya vakwira kombi ndakatodzoka kumba hangu ndichisvika ndaitoda kupfeka mapush angu aive mubedroom akavharika ndokuona Lindy ahamo ndakatoti pamwe akutsvaira izvo kupi handina kumuona panze pachoo eeh ndakatoshamisika kuti asi azomukira kuenda kuchikoro kanii or pane kwaaenda ameno ndakatozvitsvairira hangu chivanzi changu kwakuchena ndakutosanozunza chimat chepadoor ndonguva dzaakabva asvika achifamba kunge munhu akanaiwa hake akaneta anga achipusha mabhara ematombo ndakatomumirira asvike pedyo ndokumuti "kwakanaka here" "Noo" "Wawaenda kupi" "Akatama mukomana wacho handisi kuziva kwaakugara futii" akataura neface yonzwisa tsitsi ndakabva ndaziva kuti ndiko kwaanga aendaa "Watiiiii" "Umm taurira pasi kani daddy varipo" "Ehoo saka ukuti hausikuziva kwaakugara here asi aizviziva kuti wane mimba" "Ndandakambomuudzaa hangu ndichiti l missed my period chete nothing much" "Ahhhh unopenga iweee nxaa unofunga ndopaimira kutotizaa uku kwaaita akatozviziva handiti akura akuziva wakairasa mfana mukomana anotoda kuti wakangoziva ndozvaitika enda ikoko" "Saka anga akuzviziva " "Ehe obvious anga akutozviziva Lindy apa hauna kana newaunoziva zvake hama or shamwari yake unaye heree" "Yeah ndoziva sister yake inogara kumusoro uko kwaMaganza ndichiri kupaziva ndakamuperekedza achida kuisa phone pacharger" "Ahh wotonobvunza ikoko kwaakugara watombowanawo wehama zvirinani atleast" "Yeahh coz nhasi ndatryer phone haisisiri kana kudairwa kubva nezuro manheru" "Ahh zvakaoma matizwa mai nhanha chitoitai muende kwasisi vacho muvanzwe" Daddy vakabva vabuda mubedroom mavo takabva tanyarara nyaya dzacho ndokupinda havo mutoilet mavaida inini ndakabva ndatotanga kugadzira mumba iye oita zvekusuka pasina nguva tatapedza basa redu daddy vakabva vatisiira marii yekubika zvemasikati ndokubuda havo but vanenge vaisaenda kubasa coz nedressiing yavanga vakaita kaa kupfeka tracksuit trouse ne t shirt pane kwavaitoenda ava ... Ndakatozoswera hangu pamba naLindy for the first time kuswera tesee inonzi mimba kana yakapihwa munhu inokudzikamisa munoita kunge moto wamadzimurwa kana maipisa imii zvese zvekuda kupimimidza izvoo zvoperaa ezvino mane kadumbu eehh tanyarara hedu tozonzi tave ana sorujena Ndakatozomusiya hangu kumba ndoenda kumashops kunotenga chicken kwandakati ndakuda kusvika ndakabva ndashedzwa naDaisy ndokucheuka akabva anditi ndisvike padhuze paanga akamira pamota nemukomna umm heee ndofunga ave murudo sisi but pasina kana madays ipapa ngavasadaro kana kuzivana zvako zvanezuro here ndakatosvika pedyo hangu ndokuvakwazisa vose ndakaona mukomana wacho aramba akanditarisa akazonditi "Do you know Anderson" Ndakavhunduka ndichinzwa zita rake ndokumuti "Yess but unondiziira kupi" Him : ndakakuratidzwa naAnderson back view ndakamuwana muchangobva kupesana soo ipapo wakacheuka iwewe but ka1 handina kuzonyatsokuona apa ndatoita kakufungidzira " "Oohh okay l see so you are friends right " "Yess " "And Daisy is my friend also " "Wow so cool " Daisy : you guys subs me Me : nooo ndikutoda kutokutizai ndasiya munhu ega kumba ndikumhanya kumba Daisy ndokuona mangwana hanty ndizvo kaaa ndine zinyaya pane zvikuitika Him : haaa vasikana imimi kaaa Daisy : tadii saka ndouya ikoko ndorara ikoko kaaa Him : kunorara ikoko??? Me : kokutadza neii" Him : akuuya kwangu Daisy : iiiii ndisiyee "Guys bye Daisy totaura bestie" "Yepp " "Bamukuru batai vakoma mushee muvatengere machocolates" Ndakadaro ndakutofamba hangu kuenda ndichitoseka vakasara vakutoseka ndakatotenga zvandandafambira kwakuenda hangu kumbaa kwandakasvika phone yangu yoringer ndakatodaira ndichigara pasofa he was Anderson hake "Hello" "Babe" "Hesi" "Good Umm voice rako randitekenyedza ndabva ndanzwa kukusuwa" "Sure here" " asi iwewe ahunaNdakusuwawo babe " "Saka ngatisanganei tomorrow " "Why were you beating around the bush lm not busy ini dai wangoti dakukuona Lucy tomorrow chete " "Yess Soo ndouya ndokutora hanty " "Yeahh" "Thanks " Ummm kahappy kakaitwa apa bho heree ndakatomuti "Bhoo here wafarireyi kudaro" "Kubvuma kwako kwawaitaa" "Umm there is something ukunyepa " "Nooo handisi but kungoti l was thinking kuti unoramba Soo ndafara dakunokuratidza nzvimbo yakanaka mangwana " "Okay " blushing hangu Akabva azodisconnector call ini kwakusimuka ndonogadzika muriwo pamoto nguva dzandaive ndoda kutanga kubika ndakaona Lindy achisvika ndakatoshamisika kuti ahh kouyu anga abudaa nguvayi futi Ndikuti pamwe akarara kaini "Wanga waendepiko wanga wabudaa" "ehe ndandabuda ndandaenda kwasisi vake vandataura kuyee" "And then " "Hanzi vakenda kumusha kunhamoo" "Heee the end " " haa ma1 " "Saka vanodzoka rinhii" "Hapana kana vane idea pamba pacho patone dust hanzi nevepanext door vakaenda marumwe zuroo" "Hooo haa vanodzoka havo" "Maybe ndongoisawo faith kudaro" "Saka chingomirira " "Haa ndendakutoenda kuchikoro manje ndingaitesei nadaddy ndingapagare pano pamba hazviite ndogoenda kuchikoro kwacho but mari yeschool fees ndoyandisingazovanetsi chete" "Yeahh" Haa zvakaoma life soo kaa musatambe nehupe uyu munhu ari form 3 ndakatotarisa hangu time kwakuona dzatove 5 zvaive zvatove zvemanheru izvi ndakatopedzisa hangu kubika Daisy akasvika achiita kufara heee vanenge vanga vave murudo sisi Daisy ndakatoti "Mavemoo kaaa" "Iwee kaaa nyaya yako yemachocolates iyii ndanyarara" "Chimbondiudza haunyarari kaa " "Lucy ,, Miracle anondipedza power zvandaiitwaa mumotaa ndaiita sendicharivhura gumbo iri " Ndakabva ndaita kuseka tichirovana maoko akabva ati zii kwakuti "Daddy havapo namhamha" "Yeahh daddy vabuda mhamha vakenda kumusha" "Kuri right" "Yeah apa inini mangwana Anderson ati akuda kundiendesa out" "Haa iwee kana Miracle futi anditi akuda kundiendesa out tichispenter time nekuzivana tesee" "Yowee ngatimbodzionesweyi nzvimbo shuwa kokufara kwaaitaa" "koMiracle ukumuita mushoma here iweee" " Sahwie musadaro zvee asi vakomana ava kaa but iwee Daisy Miracle haasiriyee heree mukomana anga ana Talisha muzukuru wakoo mwana watete vako pabirthday rake musi wuyee kufanana here ndatozvifunga ezvinozvi hauna pic rake here tione kuti maybe lm mistaken " Akabva abatidza phone yakee kwakuti let me check randatorana naye nhasii akarizoomer takatanga kuritarisisa kwakuona ndiye uyuu , Daisy akabv afungisisa anga akukanganwa................. *PLEASE NOTE down 🗒️* Makadii vaverengi vaTadiwa masupporters manyama vanosupporter munyori wavo vanonakidzwa nemanovels akee come support your dear author handiti heree let's support munyori wedu *book redu is going to be onsale on Chapter 16* zvichireva izvo kuti rasara ne1 chapter chete free then amwe ese anoteera tosangana nawo kusub group kwaunoiswa uchinge wabhadhara ndokumbirawo tiuye nehuwandu hwedu tisupporter munyori wedu book rinonaka irt Lily, Lidny , Lucy, Andy, Felix ,Agnes Ba Andy William , Raymond Ba Lucy mozodeyii book rine moto iri apa riri cheap zvaroo.. *RABVA RATANGA NEPROMOTION BOOK IRI MUNHU WESE NGAUYE AVERENGE* *PAYMENTS* *Zim Side*🇿🇼 $1,20 Ecco $1,50 Inbucks ZIG 50 ecco Mari yacho moisa panumber idzi 0️⃣7️⃣7️⃣5️⃣6️⃣2️⃣2️⃣8️⃣9️⃣1️⃣N.MAKUNDAMHUKA *Scratch Cards* Buddie $1us Netone $1us Promotion iyi kusvika musi wa 12 June tinenge tave papondo hurry up ugare wabata nzvimbo.... Payment proof munoisa apa scratch card or eco yawaisaa unouya panumber dzemunyori idzio⃣7️⃣7️⃣7️⃣5️⃣2️⃣5️⃣7️⃣3️⃣4️⃣ *SA SIDE*🇿🇦 R20 Voucher types acho ndiwo anotevera Ott Voucher Blue Voucher One for you Kazang Ndomatypes acho screenshot panumber yaTadie iyoo👆 *Varikudzimwe nyika munouya inbox apa 07⁷7⁵25⁷³⁴ or munosender airtime via mukuru or World Remit panumber idzoo dzine Zita rinobuditsa Makundamhuka* Thank you guys please support your munyori ❤️❤️❤️🙏
❤️ 👍 😂 🙏 😮 😢 125

Comments