🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
June 11, 2025 at 06:55 AM
*Ngatipindei mugroup redu tose*
https://chat.whatsapp.com/KwoZz6Lf5kCAiF0jvmGE3z
*Follow my channel for previous chapters*
https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U
*MURUDO MURUFU*
💔🏴☠️💔🏴☠️💔🏴☠️
WRITTEN BY
PRINCE WASHE
CHAPTER 05
*PRISCA*
Mandela ndakange ndamuda. Kwainge kwasara kuti auye pamba azivane namhamha vangu uye ndozomubvuma. Akange ave netwunhu twake. The following day takataura hedu kuti ave kuda kuuya uye nguva dzainge dzafamba. Aifanira kuzosvika mhamha vasvikawo.
Ndakaenda kumashops kunotenga mazai nechingwa, ndopandakaona Tongai achizhinya achiuya kwandiri.
"Babe."
"Who is your babe? Ndokunyadzisa pavanhu wanzwa! Svika zvakanaka, homwe yakabooka."
"But Prisca ruvengo rwakabva kupi urwu? Une chokwadi here kuti nekuvavarira kwandoita kuya ndozvaungandiita here izvi?"
"Unovavarirei? Uri kuramba uri munhamo Tongai. Waiti hee zvichanaka asi kunaka kwacho hakusi kana kunhuwirira. I think zvekubudirira hazvisi zvako, chingoshanda uchiwana kungodya hako. Manje inini handigarire izvozvo, Prisca chaiye nekusvika kwandakaita uku. Nadah pachiputukezi." Ndakadaro akabva ati,
"Prisca I know hangu kuti uri wehigh class but ndipoo mukana. Just give me 2 good months uone zviri kuda kuitwa naMwari. Don't despise zvandiri kuita izvi, Mwari vachapindira havo."
"Kupusha ngoro yemabanana ndokwaunoda kushamisira Nako here? Wave kuda kutukwa manje, ndakataura newe zvakanaka kuti ngatizvisiye. Usandipake mashoko mukanwa mangu."
"I'm sorry if I offended you, uri kuda kutengei ndikutengere."
"Tenga chingwa nemazai, asi hazviite kuti ndikude izvozvo."
"It's okay banana man." Ndakasara ndakamira akabva atenga zvandainge ndamuudza. Achingondipa ndakabva ndatotanga kufamba kudzokera kumba. Ndiri munzira ndakabva ndatoblocker number dzake, ndaimudii banana man. Ndakasvika ndokugadzirira múkomana wangu chikafu chake and akazosvika mhamha vasati vasvika.
"Hmm murí kunhuwira muno. Inga unogona kubika."
"Kkk zvidiki izvi. Uri sei?" Takamhoresana hedu ndokumupa zvekudya tichimirira mhamha. Mhamha vakazosvika vakakwazisana havo.
"Right mom, this is Mandela wandaikuudzai. Mandela this Is my mom. So chindiudza nyaya iya vachinzwa nekuti handidi zvozonetsa mangwana." Ndakadaro ndakaona munhu achishaya zvekuita nekunyara.
"Usanyare Mandela, sununguka hako." Vakadaro mhamha iye akabva ati,
"Hey okay, Prisca ndinokuda. Ndoda kukuroora tigarisane, ndingafare kana ukandidawo."
"Neni ndokudawo Mandela."
"Thanks."
"Wow so ndoda mukisane ndione kuti how serious are you guys." Vakadaro mhamha ndikabva ndasimuka.
"Haa Prisca ndihambuya vangu ava. Hazviite please."
"Feel free Mandela. My mother is my friend." Ndakadaro asi akatadza kana kusimuka. Ndakazoita wekudhonza akabva asimuka ndokumukisser akabva aresponder but aive nefear.
"Good, handidi kuzonzwa kuti masiyana. Newe Mandela usamirire kuudzwa kuti mhamha vanofarira mapolony uye havadi kudya zvisina basa. Dananai vana vangu." Vakadaro mhamha vakabva vaenda kubedroom kwavo.
"Haa Prisca haudaro hako. Waida ndinyure pasi nekunyara here?"
"Kkk ndokuti ndione serious yako, ukandisiya hamheno hako namhamha vangu."
"Handikusiye. Chindiperekedza." Ndakabva ndamuperekedza tikaenda nemota yake. Takataura zvakawanda akandiudza zvese zvefamily yake.
Baba vake vaive pastor vaive nemukurumbira. Vainzi pastor Kope. So aiti ndaifanira kunamatawo uye Aida kuzoenda neni Saka aitoda ndigone kunamata nekuti taizonamata tose kumba kwavo.
"Kkk babe inini zvekunamata hapana chozivikanwa."
"Hazvinetse, unotsvaka church yekuenda wototedzera zvinenge zvichiita vamwe unotokura."
"Hoo ndichaedza mudiwa."
"Okay, uzomhoresa shamwari yako Munamato."
"Wave kuda kunetsana neni manje! Please kana uneni usataure zvaMunamato. Anondibhowa."
"Babe, ko akakutadzirei? Inini handina munhu wandovenga, handiti ini newe tave kudanana here? Unongomuudza kuti tave kudanana usatye ndomudii munhu ave nenhumbu, iwewe ndiwe wandave kuda."
"Okay but unenge uchirwadzisa mwoyo wangu apa."
"Sorry." Akazodzoka neni kumba akandisiya, ndakanzwa kufara. Asi pakange pane nyaya, zvekunamata zvakange zvisisiri mandiri izvi. Ndakanoudza mhamha vakati,
"Aah hazvinetse mwanangu. Dzidzira zvinoita vamwe. In the name of Jesus, the devil is a liar! Fire! Uchingodaro uchifamba famba, then wozoendawo kuchurch woona vamwe. Just pretend chete kuti uroorwe handiti."
"Yes mhamha ndichaita sekudaro." Mazuva akafamba, kuchikoro ndaienda uye Muna ndainge ndamukanganwa. Handina kumboenda kunomuona nekuti akange ave kundibhowa. Ndakatanga kudzizira kunamata, and zvaiita bho. Kwainge kwasara kuzoenda kuchurch ndionewo zvakawanda wanda.....
*MUNAMATO*
Mwoyo wangu wakatanga kumira ndanwiswa mushonga nadad. Ndaisaziva kúti vaiwe mushonga wekundiuraya here? Ndakabva ndapfugama,
"Mwari ndiani akatadza kumhuri kwedu kúti ndikodzere marwadzo akadai? Now ndave kufa, ko amai varipi?" Ndakadaro ndave kuchema. This was too much esp zvichiitwa nemunhu waunoti baba. Ndakademba chandakavarapisira, kudai vakafa zvavo pane kurera imbwa nemukaka kudaro ndini ndakange ndave nyama. Pakange pasina wekuchemera kana kuudza. Ndoyakange yave life yangu. Kunamata chaiko ndaimbozama asi zvaindiremera. Ndakaita nguva pasina zvaitika kwandiri, ndakangoti dai ndikararama hangu. Dad vakazodzoka pava paya ini ndainge ndakazvirarira pasi hangu. Havana kutaura neni, hope dzakazobata ndokuzomuka kwaedza. Ndakatanga kunzwa kuswinywa kumeso kwangu, ndakangoti hamheno kuti chii? Pandakazobata bata ndokunzwa kuine mapundu akakura, airwadza. Ndakazvitarisa pamirror ndikaona face yose yazara mapundu. Ndainge ndaonei, ndakazosimudza hembe yangu ndokuona mamwe padumbu. Ndakaridza mhere dad vakabva vamuka.
"Hanzii kutinyaudza iwee?"
"Dad makandiita sei? Honai mapundu Aya heee?"
"Good, ndoda kuona kuti murume akakubvisa humhandara achakuda sei? Inini handisisina basa newe, ndoda utambure and hakuna anoroora zvakadai. Wakandirwadzisa wanzwa, dai ndakaziva ndisina kubvuma kukuchengeta."
"Muri kuti kudii? Kana musisina basa neni it's better mundidzinge henyu pano, handishaye zvekuita hangu pane kunditambudza."
"Kkk hausi kuzobva pano. Uri kuti handisi kuziva pfungwa dzako here? Uchakuvara hako. 16 years kukuchengeta iwewe."
"Handiti muri baba vangu here? Ko Maida ndichengetwe nani? Apa mandiremadza, why dad? Why? Chingondiirayai kana mave kusandida sezvo ndiri ropa renyu!"
"Handína ropa ronhuwa ini. Imbwa!"
"Ndivhurirei door ndibve pano!"
"Hauna kwauri kuenda. Kusvika ndapedza zvandiri kuda newe." Vakadaro vakabva vagadzirira kuenda kubasa.
Ndakasara ndega hangu, kwekuenda pakange kusina nekuti ndainge ndakavharirwa door. Utsinye hwacho ndaishaya kuti hwakabva kupi chaiko. Zvainditemesa musoro, ndaidawo kuziva chokwadi kuti kana ndine chandakatadza ndogadzirisa. Hakuna chinhu chorwadza sekubatwa zvakashata nemubereki esp to that extent yekuti kurarama kwangu kwakange kusina basa kwavari. Unomboti dai vakandizvara asi dzimwe pfungwa dzoti Mwari vane chinangwa. Hongu vaive nechinangwa asi ndaingoti dai chakasika kuitika phase yandaive ipfuure zvayo. Ndakange ndave munhu Ane bitterness, kunamata chaiko ndaizvinyepera kuti ndainzwika. Zvaitoda kutanga ndagadzirisa mwoyo wangu ndoregerera dad ndizonamata kwete nguva iyi. Ndainge ndongotarisawo hangu kuti zvichasvika nepi. Amai vangu dai vari vapenyu zvimwe dai kusina tsekwende yose iyi. Rega vakuru vati kusina mai hakuendwi, baba chaivo vanokupandukira. Kana Mwari vanga vaine zvavaindidzidzisa Kaa lesson racho raifanira kukasira kupera iri.
Ndakazoswera ndega and handina kana kudya ndaizodya manheru. Hapana chaindivaraidza saka kwaingove kufunga nhamo dzàngu nekuti ndaizovei apa zvedzidzo zvainge zvaramba.
Dad vakazodzoka kubva kubasa kwavo, havana kumira kundirara asi vakange vave kundirara vakavhara maziso uye kupfeka mask vachindisema. Zvaindirwadza, kuitwa a s£x toy inini nababa vangu. Upenyu hwangu hwainge hwaparara. Kana shungu yekutiza ndakange ndisisina. Ndainotambirika sei chero kubasa nezvandakange ndave nekuti mapundu angu akange ave kuburitsa kamwe kasmell so.
"Dad I'm sorry nezvandakaita. Ndaisaziva kuti muchazondida semukadzi wenyu. Ndiregererewo, ndirapiseiwo mapundu ayaa ari kurwadza nekuirritator."
"Ndoda tose tirwadziwe. Pese pandokuona ndorwadziwa nemari yandakaisa pauri kuti uzova mukadzi wangu iwe wodamburwa hako nemumwe murume."
"Manga musina kundiudza nenguva, dai ndisina kurarwa dad."
"Zvave zvako izvozvo." Kana maziso angu akange ave kubuda panze panguva yekushama n'ai. Nyemwerero ndaiionera muzviroto. Chipfuva changu chainge charemerwa nemarwadzo. Pfungwa dzainge dzokurirwa nendangariro. Mwoyo wakange waputirwa nebitterness, baba vangu ndaisafa ndavaregerera. Vakandiratidza kuti munhu munhu, chero hama yako inopanduka.
Mazuva akafamba kusvika mumwe musi, Ndakatanga kuita morning sickness, pandairutsa zvaisanzwisisika. Muviri wangu wainge wangoneta and ndakange ndave kuenda kunorasa mvura padiki padiki. Mazamu angu ainge aita kakuzvimba uye ndakange ndave nestrong craving for mapotatoes akagochwa. Zvinhu izvi zvakaitika ndikangoti maybe kurwara nemapundu but ndakazojamba period hana ikatanga kurova.
End of chapter
Stay tuned 💋
❤️
😢
👍
🙏
😂
😮
🎂
🔥
😭
🥺
58