THEOS NOVELS
May 24, 2025 at 09:23 AM
https://chat.whatsapp.com/Hmobo9QRKfG73gwZJv2C51
Join our Facebook page
https://www.facebook.com/profile.php?id=100071712155222
PINDA MU CHANNEL MUNE OSE ANONSKIDZA.
https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p
*NKATEKO.*🌹
Story by Mani wa Nka
0788659793 /0784027359
Chapter 13
Ecclesiastes 3 says: " To everything there is a season,a time for every purpose under heaven.
Ndinotenda kuti hapana situation yaunopinda mairi Mwari vasina kutendera . Nekuti chimwe nechimwe chine nguva yacho. Pane nguva yekuchema koita nguva yekufara. Saka kana wasvika panguva yekuchema usati zvaitirwei kwandiri ,namata Kuna Mwari rumbidza uti Mwari makanaka in every situation you remain God. Life is like a journey ,dzimwe nguva rwendo rwacho rwune makata ,materu makomba chaiwo. Asi we keep on moving. Kana nzira yacho wákaona kuti ine matombo anyanya unochinja nzira asi haauchinje rwendo .Kana uine purpose ,kana uine hurongwa hwako ungava uri kuchikoro kana ingava vision yako ngaisachinjiswa ne situation. Try nzira dzose but try to avoid nzira dzekudimbudzira dzimwe hadzisvike.
Ainga amira zvino mukoma akuita sa bhiridha apererwa ne cement akanditarisa zvichida aida kunzwa kana kuti ndakanga ndichienda nemuninina wake here. But zvaiva nebasa rei hazvo sezvo ndakanga ndisina hukama navo vese vaingovawo mashamwari.
" Here is the money ye transport ."
" Wakandipa now vanozofunga ndaba Mari pamusika. Ozondipa mangwana unless uri busy. "
" No it's ok ,but don't go with Gaby. "
" Why ?"
" Ndozvandataura handiti. Ndaramba here kukupa Mari ye transport ?"
" No hauna ."
" Good ,so unouya mangwana pano ?"
" No handiuyi. "
" Saka ndokuwana kupi?"
" Unondifonera handina airtime. "
" Ok ,I will send airtime. "
" Ok. Thanks ,may God bless you. "
" Amen. "Takamboita chinguva pasina aitaura neumwe.
" So hausi kundibvunza kuti zvakafamba sei pana Joyce. "
" I know zvakafamba sei?"
" How do you know ?" Pakabva pasvika customer.
" Ndokumbirawo airtime ye $5 ne chingwa. Mondiisirawo madomasi edhora, ma onyeni e 0.50c ko ma king curls imarii ? Mobva mandiisirawo cabbage ne butternut . " Akataura zvinhu zvaikwana $10 . Ndakamuisira zvinhu zvake achibva aenda. Ma customers acho akanga achiita kunge akokwa. Vaitenga zvema $5 zvichikwira zvisati zvakamboitika.
" Nka ,let me go time dzangu dzekubasa dzakwana. "
" Ok doctor , eh doc ndokumbira kubvunza munogarepiko imimi ?"
" Marlborough . "
" Hoo saka munotanga ma driver kudzoka kumashure mozoenda zvenyu kubasa kwenyu ?" Ndakadaro ndichiseka zvangu.
" Kure kwegava ndokusina mutsubvu ndokuona shaa. "
" Ndokutii ikoko ?" Akanga atoenda. Gava racho ndiani ko tsvubvu haiwawo anongohumana uyu kwake kuri kuda kunzi anogona shona stereki . Ndakasara ndichi dealer nema customers angu. Amai vaya vaitengerwawo navo. Ndakanamata ndakati Mwari wese aripano ngaatengerwe zvisazoita sekuti ndakaromba . Zvaifamba zvazvo hatidi kunyepa. Staff ndoyaizowisira vanhu pasi chete but aiwa munhu wese aienda kumba aine something.
" Mazuvano business ririko ." Vakanga vakatanga kutaura neni rinhiko amai ava.
" Hoo !" Ndakadaro zvangu.
" Usati hoo vanhu vachitenga pamusika pako zvekunge vachapedza zvinhu zvese. "
" Yha ririko . "
" Ko maiguru vako vaipisirei jacket rako rakanaka kudaro ?"
" Handizive. "
" Mhh amai vaya vanoshoresa chechi chokwadi . Ini vanhu vekwa Mwazha vandinoziva vanhu vane Moyo wakanaka chokwadi Ivo ndivo vandatanga kuona munhu ane hutsinye kudaro. Jacket rakanaka kudaro ravanopisa ndiwo hutsinye chaiwo . "
" Yha ." Ndakavapindura ndakatobata bible rangu ndakanga ndisingade zvekutaura navo.
" Zvakaoma chokwadi ko uya ndiye mukomana wako here ?"
" Haasi ."
" Hoo ,ah ndanga ndatoti wakazviwanira mukomana kwaye. Kungoti pamwe maiguru vako vakafunga kuti ndiye mukomana wako zvakare ndiye akanga atenga jacket ndosaka vakapisa. Vane hutsinye ,shuwa vanotadza kukutengerawo kana Kuma bhero uko chokwadi ?" Handina kuvapindura. Ndakaramba ndakanyarara. Handina kuuya kuharare kuzotsvaka shamwari dzekunyeya nadzo. One thing chandakanga ndakavenga pasi pano kunyeya . Vanhu vanhu tinoita zvekuti titaurwe asi ini handina nguva neku critisize kana ku judge munhu . Mwari ndiye ano judge ega ,nguva zhinji ndinofarira zvangu ku mind my own business. Anoronga zvakashata pamusoro pangu no need yekuuya muchiita semunondifarira muchindiudza nekunditapa mukanwa. Aronga achapedzerana namwari wandinonamata. Nekuti paya pandinonamata ndinoti Mwari ndichengetedzeiwo kune vanondirongera Hondo. Chero wakazouya ne second world war yako haishande kwandiri inenge yakapera kare munyika yemweya. Unenge orwa a losing battle. Ndakazochaisa ndoenda zvangu kumba manheru. Mari ndakanga ndashanda ,staff yaida kunohodhwa mangwana ini ndakanga ndoda zvekuenda kumba.
" Maswerasei ,iyi ndiyo Mari yandashanda nhasi. " Ndakadaro ndichiisa pa table Vakaitora maiguru vachibva vatanga kuverenga . Ndakaona bamkuru vakaramba vakatarisa vachiverenga. Vakanyemwerera vachibva vati ...
" Inga washanda chaizvo nhasi. "
" Yha nhasi kwanga kune business. "
" Dai kwagara kwakadaro shuwa nekuti kumusika ndiko ka kutori nemari yakawanda kudarika mu tuckshop. "
" Hoo ,maybe inyaya yekuti uko kuroad plus tuckshop vanhu havasati vanyatsoijaira. "
" Ehe ipapo haureve nhema . "
" Vachajaira zvavo. Eh maiguru na bamkuru ini mangwana ndanga ndichifunga kumbosvika kumusha. "
" Ko indava ? Unoda kuenda uchidzoka rini ?"
" I'm not sure kuti ndodzoka rini asi ndinoda kuenda mangwana. "
" Aizve nhaiwe Nkateko ,kuenda mangwana ko ndizvo zvazvinoitwa here kungoerekana wati mangwana ndava kuenda ?"
" Yha hazvisi hazvo asi ndazvifunga pane project yandakasiira panzira manje hanzi varikunditsvaka kuti ndiipedzise. So yakapera ndinenge ndoona kuti ndodii . "
" I project yei iyoyo ? Kumusha kunomboitwa ma project eiko asiri ehuku nekurima muriwo. Pava ne 4months kana dziri huku handiti dzakatotengeswa kare ?* Vakadaro bamkuru.
" No haisi yehuku ,hamungamboinzwisisa zvinhu zve pentecost. "
" Hoo saka uri kufunga unotora nguva yakareba sei ?"
" 2 to three weeks. "
" Hadzina kunyanya zvadzo ,ah zvakaoma. Ipapa tava kutoti zvava kufaya ndipo pawava kuenda. Ndakutrngera ma jacket maviri awa ongowacha wacha usatonhorwe pamusika. " Vakanditambidza. Ndakanzwa kuda kuchema .
" Apo pakabvaruka unongosona wo unoziva vanhu vanenge vachingobvubvudzana . " Maiguru vakaona zvakakodzera kuti ndipfeke madhende. Vanhu vekwa Mwazha vanochena munongovazivawo imi. Hapana kana mwana wavo aipfeka jacket rakaita mamvemve serandakanga ndichinzi ndipfeke inini. Kana vakanga varitenga ,kana vakanga varinhonga or vakanga vabvutira benzi chokwadi kana tazogara vamwe vanhu ka. Uone vanhu vekuchechi kwavo kana vachitaura nezvavo vanonzi vane Moyo munyoro chaiwo munhu akanaka. Anyway ,who am I to judge ? Chero munhu anoziikanwa kuti uyu ane Moyo mukukutu chaiwo ane vanhu vanogonera vanhu vanoitira zvakanaka.
" Manje dai wanga waenda next week tatsvaka Mari yebhazi netu grocery. Ungaenda uri maoko here ?"
" Aiwa next week hazviiti nekuti project iyi panopera mwedzi unofanira kunge yaperawo. "
" Hoo! Eish zvakaoma zvino iyo Mari yawashanda iyi ndiyo yawabva warongera rwendo here ?"
" Aiwa rwendo ndanga ndagara ndinarwo. " Vakabva vanyarara hapana akataura. Ndakasimuka ndichienda ku kitchen kunotsvaka chekudya. Chikafu ndaidya zvangu chero kumusika kwacho ndaisaswera nenzara zvangu. Ndakadya kuvata nevamwe. Ndakamuka kuseni maiguru vasipo ,bamkuru vasipo . Apa ndakanga ndagadzirira kuti ndiende.
" Nhai linet mama vaenda kupi ?"
" Hanzi vaenda kunhamo kubhowera pane wekuchechi akashaya vanodzoka mangwana. "
" Ok kana vachinga vadzoka ovaudza kuti ndaenda. "
" Uri kuendepiko?"
" Kumusha kwedu ,ndodzoka musi wa 23 . "
" Hoo ,saka achasara achitengesa pamusika ndiani ?"
" That much I don't know chero iwewe unonotengesa. "
" Ah inini ! Handiiti izvozvo ini. " Ndezvake . Anoita kana haaiti ndakabva ndafonera Uriel. Akadaira achibva ati ....
" Can l call you after an hour ndiri busy now. " Ndanga ndapererwa manje .
Ndakatanga kufamba ,I had hope zvangu. Ndakanamata ndichifamba ndakati Mwari,handisi kuda kurara another day ndiri pano. Dai ndisina kuzotora kamari kangu kandakaviga padombo paya handiti ndingadai ndatowedzera. Kungoti ndakanoiisa ku offering zvangu. Kana dai ndaiva mbavha handiti ndingadai ndichienda kumusha ndine mazi grocery.
Kana kuchena chaiko ndaichena. Dzakanga dzava Kuma 9. Akafona mukomana ndakagara zvangu pasi nemumwe muti padombo. Ndakadaira ....
" Where are you ?" Ndakamuudza.
" Ok mira ipapo I'm coming. " Akauya haana kutora nguva.
" I'm sorry ndanga ndakutobuda manje kwabva kwasvika vana vaita accident. So Tanga tava busy navo. "
" It's ok ,I thought ndaitwa gara ndichauya ."
" Haa kana ,vamwe vese ndingavadaro but not you. " Akadaro achindibata chirebvu.
" Ndo bag rauri kuenda naro ?"
" Yes. "
" We need to buy few things zvaunoenda nazvo kumusha ungaenda usina chawakabata ?"
" No tozotenga next time. I hope you understand. "
" It's ok , I wish I cóuld go with you kumusha kwenyu ndinoona kwaunobva . But eish duty calls. Ndonokusiya pambare handiti ndiko kwaunokwirira ?"
" Ehe. " Akandiperekedza ndokundisiya pa bhazi. Akandipa $100 .
" I will call you. Please make sure your phone is on handiti."
" Bho. Thank you so much. " Ndakanzwa Moyo wangu kunyevenuka manje . Ndakanga ndodzokera kumba kwamai vangu. Atleast uko ndaikwanisa kuita maricho kana kutengesa miriwo yangu ndichiwana Mari yekutenga zvandinoda. Kuharare kwacho kwakanga kusina mukana wekuti ndinoti ndinoita ichi.
End of chapter 13
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
436