THEOS NOVELS
May 24, 2025 at 08:40 PM
https://chat.whatsapp.com/IR8Y8TP0AAuKSbGsXatEkf
Join our Facebook page
https://www.facebook.com/profile.php?id=100071712155222
PINDA MU CHANNEL MUNE OSE ANONSKIDZA.
https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p
*NKATEKO.*🌹
Story by Mani wa Nka
0788659793 /0784027359
Chapter 14
Akaenda mukomana ini zvangu mubhazi. Ndakanzwa phone yorira ndokuburitsa wanei ndimaiguru vakanga vachifona .
" Hallo !"
" Ko uripi nhaiwe ?"
" Ndabuda ,manga matii ?"
" Ko hanzi waenda wani wakambozvionepi kuti unoenda usina kuoneka ?"
" Handina kwandati ndaenda ndinoenda kupi ndisina Mari ?"
" Saka wadii kuenda kumusika ?"
" Ndanga ndakamirira kuti mudzoke pamwe mungandipawo Mari yebhazi. Manje ndanzwa kuti maenda kurufu . "
" Eh Tanga tichida kuenda kurufu asi hatina kuzoenda zvedu tadzoka. "
" Hoo ,ndazopiwa namai vekuchechi kwedu . Ndavaudza vazokufonerai movapa Mari yavo. "
" Kana waita zvikwereti ndezvako wanzwa Nkateko. Ini handizvipindi. " Vakabva vakata phone. Vaitoda kuwanza nyaya nhai akomana. Bhazi rakasimuka,handina kana chaifadzawo chekuti eish ndakasvika kumusha. Ndaingova Nkateko uya akabva kumusha ,ndainga ndatosviba futi nekuswera panze ndichitengesa. Kana ndiri kumusha kana ndichienda ku garden ndoenda ndodzoka ndogeza ndogara mumba. Handisi type inongofamba ndichipedza nyika yese. Koita moto chaiwo wekumusha haunetse nekuti tinenge tichibika nehuni dzakaoma. Manje uko taibika nema plastics. Bhazi richangobuda muharare akafona Gaby.
" Hey dude. " Ndakadaro ndichiseka zvangu.
" But haudaro Nka, ko ndeipi yandiri kunzwa kuti waenda ?"
" Pane zvanga zvichiitika saka ndatadza kuti ndikumirire. "
" Ndarwadziwa zvangu."
" Sorry kani ,I know wanga wakati uchandiperekedza . "
" The thing is ,ndinokuda Nkateko. Honestly speaking kubva zvandakatanga kukuona ndakanzwa hana yangu ichirovera iwewe. I love you . Ndanga ndisingade kukuudza paphone. I thought pandichakuperekedza ndipo pandichakuudza manje ndawana waenda. "
" Ah Gaby the thing is...."
" You don't have to answer me now ,take your time. Ndangoti ndikuudze zviri pamoyo pangu Incase mumwe munhu kumusha ikoko anozoona seatoona mukadzi. "
" Hoo!"
" Ngavakunyenge zvavo but ziva kuti pane mumwe munhu anokuda anokushaira hope. "
" Oh. "
" We will talk. "
" Sharp. " Munoziva inonzi confusion ndiyo yandakanga ndava nayo apa. Asi vakomana ava vakanga vaudzana here kuti vazame luck pandiri? Ko kana vasina kuudzana manje hapazoita Hondo here pakati pevakomana ivava ? Kana zvakanzi kuda one of them ,Ani ? Hapana type yangu pavari vese zvekuzovengws kuti ndaparadzanisa vana vemunhu ndizvo zvandinenge ndisingade izvozvo. I think I should block vese . Asi uriel ndaifanira kumuisira Mari yake ndobva ndazomu block.
.
.
.
.
.
" Zvino manje anoenda kumusika kwacho ndianiko ipapa ? Imhosva yako baba Vongai izvezvi dai tangopa mwana uyu Mari yebhazi aidzoka nekukasika. "
" Imhosva yangu papi ? Kana ndanga ndiri wrong wadii kutaura kuti ndiri wrong ? Wadii kutaura ,usada kundipa mhosva. Hapana change chichachinja apa ,anga achingoenda handiti ."
" Vana vako unovaziva havabvume kuenda kumusika. Izvezvi ndini ndava kupinda busy nekupusha chingoro ndichienda kumusika. "
" Kana uchida kubatsirwa kupusha unongoudza vana vako kuti vakubatsire usaswera uchiita kunge wakambotaika njere. "
" Munomboendawo kumusika kwacho. Ini ndosara mu tuckshop. "
" Chinonetsa chiiko ndinoenda. " Mumba makanga musina mufaro . Yaingova yowe yowe .
Vakasunda chingoro vachienda kumusika. Vakadzoka vakabata $5 .
" Eh haa hakutengwe uko pa tuckshop parinani. "
" Parinani isu tangotengesa 100 rand nhasi kwanga kusina business ."
" Linet ngaamboita achienda kumusika zvavo zvekuswera vakagara pano ngazvipere . Kana Nkateko aizvigona iye angatadza nei vakangoenzana ?" Vakadaro maiguru.
" Ah zva Nkateko anoziva ndiani kuti Mari yaiuya nayo yaisabva kuvarume vevanhu ndiani ?"
" Ah izvo ndinoramba nekuti Nkateko ndaimboswera naye ka ini. Aigona kutaura nema customer nekuma convince kuti auye azotenga. Manje Linet nekuchanàma kwake ikoko angazvigona here ?"
" Anotofanira kudzidza kutaura zvakanaka. Kana odxokera kufamba achitengesa ma mats. " Ne one day aenda Nkateko vakanga vonzwa kuti pava ne difference. Vakadzishaiwa nharo dzacho kuti dzakanga dziri dzei. Vakatora phone vakafonera amai va Nkateko.
" Eh sisi ,kundifonera uku ?"
" Eh zvee ko zvinoshamisa here ?"
" I remember makafona muchiti munoda musikana wangu werunako uyu. Kubva ipapo hamuna kuzofona zvakare . "
" Nhamo chaiyo mwana wamai unenge uchitoshaya yekutenga airtime . Zvino kwakadiiko kumusha ?"
" Kutsvene zvako ,I hope hamusi kuendesa mwana wangu kuchechi kwenyu. Mwana wangu haapinde iyoyo musiyei aende kwanoda kuenda. "
" Hehehe ah chokwadi ama Ruva unotopenga. Saka kana ndatora mwana zvinoreva kuti ndanga ndichida kumuendesa kuchechi kwangu here? Nkateko anga achingoenda kuchechi kwake uyu. "
" Gudhu ,I hope zvamuri kutaura ndizvozvo haasati ava ne phone here ?"
" Ava nayo ndakamutengera zvangu ndakati awane chekushaandisa sezvo ku chechi kwavo aiti kune nhingi iyi hanzi project yavari kuita saka aida kuva ne phone. "
" Inga makaita basa. Saka airtime yacho munomutengera futi here kana kuti ?"
" Airtime dzimwe nguva ndotenga zvangu. "
" Mozondipawo number dzake. "
" Ah musikana akwira ati ava kuuya ikoko. Ndakangomupa Mari yebhazi nezuro saka nhasi tamukira na bamkuru vako tichiti tinotsvaka grocery rekuti auye akatakura. Tasvika achinzi aenda. Ndipo pandamufonera ndichiti ko mwanangu unongobuda usina kuoneka here achibva ati anga asina kuziva taenda kupi. Apa bhazi ravo ranga ratodarika pa tolgate ."
" Hoo inga mune chido fani ,kutitengera grocery. Aiwa isai henyu pabhazi chokwadi maita basa timbodyawo zvine mafuta. "
" Zvino anoenda ku bustop kwacho ndiani ? Ini handikwsnisi kutakura plus Mari yacho yekutumira zvinhu zvacho hapana. "
" Zvakawanda here ?"
" Ehe zvakawanda. "
"Regai nditsvake munhu anouya kuzotakura ."
" Ndoisa pa bhazi mangwana ndichakuudza mangwana. "
" Horight . Ranga riripo zvaro grocery racho ?*
" Saka muri kuti ndinganyepa here?"
" One thing I know for sure kuti makashandisa mwana wangu. Manje Nkateko ndeimwe type . Haasi munhu anotaura ndakambokuudzai wani ,munhu wefungira mumoyo. Wakamuona ataura mhh panenge pane hondo dziri serious. "
" Kumushandisa ndizvo zvakataura here ."
" Ndichazvionera ndega kana auya nyange akasataura zvake zvichangooneka zvega. "
" Problem yako ndeyekuti unoda kutsvaka nyaya nepasina nyaya. Unoda kutaurisa ama Ruva . Handina chandakatadza pakutora mwana wako ndichiti andibatsire naye abatsirikane. Iye achiti anoda kuenda haana kumbotaura zvakashata kana kuti anoda kuenda because pane zvakaipa. Ati pane project yandiri kuda kunopedzisa ndodzoka after 2 weeks. So mwana ndakamutarisira after 2weeks dzaareva ."
" Asi iyemi rimbori basa reiko ramunoda kubatsirwa chaizvo ? Ibasa hwai ramuri kuda kubatsirwa na Nkateko risingagonekwe nevana venyu?"
" Zvandakangotaurawo wani ndakati repamusika . Vana vangu vakafunda here sa Nkateko ?"
" Makarambidzwa nani kuendesa vana kuchikoro vamwe venyu vekwa Mwazha vanoendesa vana kuchikoro Mai Vongai unozviitisa iwewe. Inini ndinonyatsokuudzisa. Haungatore goridhe rangu panapa oenda nari kana kundifonera kana zuva one zvaro. Now nekuti mwana afunga kudzoka wava kuda kunzwa kuti ati chii kwandiri. Unfortunately Nkateko haataure dai aitaura aindiudza chaizvo zviri kuitika and taipedzerana. 4 months kana kunzwa kuti mwana muhupenyu ? Izvezvi uchati mwana wangu akwira bhazi iye abiwa kana mamuchekeresa. "
" I know unotaurisa asi mashoko Ako awava kutaura anorwadza. Chokwadi ndingachekeersa mwana wemuninina wangu here ?"
" Ndichazvibvuma kana asvika pano Nkateko wangu. " Airtime yakabva yapera .
" Ah zvakaoma chokwadi atanga futi Mai Ruva. Ipapa akuti mwana wangu akasasvika unenge wamuchekeresa. "
" Maybe Nkateko ane zvaaudza Mai vake. "
" Kana ,anga asiri kutoziva kuti arikuuya. Anga achi complain kuti kubva zvakauya pano haana kuzobvira afona kana kutaura navo. "
" Eish yha ipapo pakakanganisika zvapo. "
" Zvakaoma chokwadi. " Mai Ruva vakanga vamira negumbo hwani. Mwana wavo vakanga vachimuda zvakanyanya vainga vamirira kuti asvike. Zuva rakasvika pakudoka no munhu. Nguva dzakanga dzava Kuma 8 no munhu. Ko akanga aripai?
" Iwe Ruvarsshe nhasi hapana munhu Ari kurara panapa munhu wese ku bustop . Mwana wangu akadzika husiku akadyiwa nevaroi munondipa mwana wangu ."
" Aizve nekuti Nkateko arikubva kunhingi uko kuharare saka tese tava kufanira ku suffer? Ane grocery here ?"
" Chero asina grocery rine basa rei grocery ? Pane pamakamborara nenzara here ? "
" Hapana hapo but mama kuri kutonhora uku. "
" Takurai magumbeze ,mutsa Ruru tione . Anorarei maskati ano munina wake asati asvika. " Baba vacho vakabva vasvika vakatodhakwa zvavo .
" Mabika nyama here panapa ndiri kuda kudya sadza nenyama. Iwe ama Ruva wakaita basa rekundidyisa sadza nemiriwo yako iyoyo ndichakubamura wanzwa ka. Uchapabva pano ndiroore mukadzi anoziva zvanoita. "
" Eh vaskana itai changamu changamu. " Vakadaro vachi ignore murume wavo. Vakabuda vachienda vachisiya baba vacho vachitsvakana nenyama yavakanga vasina kutenga. Vakanosvika pa bustop ,mashops akanga avharwa pangosara zvidhakwa zvaifamba nousiku.
" Mama ticharepwa pano chokwadi mazvidei izvozvo ?"
" Makarepwa imimi magara munoziva varume zvirinani pane kuti mwana wangu asina chanoziva arepwe pano. " Vakabva vati shoyoyo. Mhepo yakati yotanga kuvhuvhura. Chando chakanga chonaya vanhu vakarohwa nechando hapana bhazi rakaonekwa. Kúnze kwakasvika pakuedza Mai Ruva vakati vaiva nedzakadambuka ndokubata phone vofonera mukoma wavo.
End of chapter 14
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
410