THEOS NOVELS
May 25, 2025 at 09:54 AM
https://chat.whatsapp.com/IR8Y8TP0AAuKSbGsXatEkf
Join our Facebook page
https://www.facebook.com/profile.php?id=100071712155222
PINDA MU CHANNEL MUNE OSE ANONSKIDZA.
https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p
*NKATEKO.*🌹
Story by Mani wa Nka
0788659793 /0784027359
Chapter 15
" Hallo ! Kwakanaka here kwaunofona kuseni seni kuno?"
" Mwana wangu arikupi?"
" Watii ?"
" Ndati Nkateko arikupi izvezvi tarara pa bustop takamumirira. "
" Ko haasati asvika here ? Pamwe akandinyepera kuti arikuenda kumusha achitizira zvake. "
" Mwana wangu akasasvika nhasi muchatsanangura kuti arikupi ?" Vakabva vakata phone.
" What if ane boyfriend mama ,tarara tichitinhorwa nechando mahara panapa munhu Ari kuboyfriend yake. " Akadaro Ruva.
" Wakamutsvakira boyfriend yacho? Usangohumana panapa mwsna wangu iyeye ndiye ega achaenda nemuchato vamwe vese muri mahure. "
" Ok kana ndiri hure chisarai mega pano makamirira mwana wenyu. Handiti ndiye akakosha anotivatisa panze vamwe vakarara mumba ?"
" Wangu ndichamumira pano kusvika asvika. " Ruva nemuninina wake vakabva vaenda. Vainga vatsamwa nemashoko amai vavo. Mai Ruva vakanga vagara pazuva zvino misodzi yava kungoerera.
" Mwana wangu aripaiko nhai veduwe. My only hope aripaiko Nkateko?" Vanhu vaingopfuura vachiona vakagara padombo vachisiririsa. Vakanga votya neimwe nyaya yavakambonzwa yemukoma akachekeresa mwana wemuninina zvinhu zvake zvakatanga kufamba. Kwava Kuma 3 maskati ndipo pavakaona kombi yakamira . Vakaramba vakatarisa kombi iya sezvo makombi nema bhazi aingopfuura. vakaona mwanasikana wavo achidzika mukombi muya akapfeka same clothes dzaakaenda akapfeka. Same everything ,vakasimuka vachimhanya Kuna Nkateko. Nkateko akavhunduka sezvo akanga asina kutarisira kuona amai vake . Vakasvika vachimu hug seachadonha.
.
.
.
.
Nkateko
" Hezvo nhai mama ko muri kuitei pano ?"
" Ndanga ndauya kuzogarira iwewe . "
" Kuzogarira inini ? Akuudzai ndiri kuuya ndiani yanga iri surprise ?*
" Vasiri ndivo amaiguru vako ivava takarara pano ka isu . Takakumirira ndaitya unodzika husiku. Wafamba zvako zvakanaka ?"
" Handina kufamba zvakanaka mama ,mhh something terrible happened. "
" Don't tell me warepwa !" Ndakabva ndavatarisa zvekuti are you serious .
" No mama ,bhazi redu rakaita accident. Vanhu vakawanda vakafa including driver . Vamwe vakakuvara but here I am . "
" Ndivo maiguru vako vakasimudza mhepo dzisina basa ndiri kuzviona zvangu. Chokwadi mwana wamai vangu anonyepera kuenda kuchechi ari muroi. " Vakanga vatanga amai vangu.
" Ko maiguru ndivo vanga vachi driver here ?"
" Nyange vasivo unoti muroi anoda license here kuti abheutse bhazi ? Hakuna kuroya kunodarika kuti mwana anoenda 4months dzese kana kuziva kuti agere sei. Mwana anodzoka akapfeka hembe dzakaenda akapfeka ." Ndakabva ndaseka zvangu .
" Zvamama so ,saka Maida maiguru vawane kupi Mari vachitozvitamburirawo zvavo ?"
" Iye munhu kana achiziva chitamburi ngasiyane nevana vevanhu. Izvezvi wadzoka usina chaunacho dai wanga uri Kuno iwe unomhanya mhanya ungadai wava nehembe nyowani?" Vaitaura chokwadi zvacho asi chinobhowa chokwadi Chavo. Ndakangoseka zvangu ndakafara kuona amai vangu. Vaipengereka zvavo nemumakuhwa vasingabve asi ndaiva mwana wavo wavaida .
" Manje Doreen ndamuudzisa anga achida kukuchekeresa. Asi havazive kuti unonamata ?"
" Hahaha mama nhai akomana vachindichekeresa kupiko handei kumba ndine nzara ini. "
" Aiwa kumba tiri kuenda saka wafamba sei ?"
" Besides accident ,ndazonorsrw zvangu kuchipatara vachititarisa I was ok saka ndaburitswa. "
" Wanga ugere zvakanaka here namaiguru vako ?"
" Ehe tanga takagara zvakanaka ,handina kumboona problem . Let me call her ndivaudze kuti ndasvika. " Ndakadaro ndichiburitsa phone.
" Une phone yakanaka."
" Eh ndivo vakanditengera ."
" Saka wasiirei grocery ?"
" Oh mama handina kuziva vanga vatenga grocery maybe vanga vachida kuita surprise zvavo. Cause vanga vachimbochema chema kuti mari sezvo vakanga vachangobva kuvakisa tuckshop. "
" Iwewe ndinoziva kuti une ma blessings ndosaka kwese kwaunoenda vanhu vachibudirira. Nemazungairwa akaita sana Doreen vatova nema tuckshop. Unomboziva ...." Vakabva vadaira maiguru.
" Nhaiwe inhema hwaiko dzaunoudza amai vako chokwadi kundifonera vachiti ndinoroya ini ?"
" Maswerasei maiguru ndanga ndichida kukuzivisai kuti ndasvika. Ndatoona mama vari pa bustop handina kuziva manga mavaudzs ndiri kuuya. Ndakazoita accident ,vanhu vazhinji vakafa but I survived ndosaka ndakanonoka kusvika kumba. But anyway ndasvika zvakanaka zvangu . "
" Yuwi bhazi rainzi raita accident ndimo mawakanga uri ?"
" Eh ndimo ."
" Sorry zvako mwanangu ,ah amai vako chokwadi vanga vachindituka kuti ndakakuchekeresa. "
" Ah zvamama hamuvazive here nhai akomana ?"
" Zvakanaka mwanangu. "
" Ndipe nditaure navo. " Ndakavapa phone.
" Hallo ,eh asvika muskana asi hazvichinje kuti vanhu kana vachiziva vanotambura ngavatambure nemhuri dzavo Vega. Mwana haangaende nehembe dzakanga akapfeka odzoka nehembe dzakapfeka iye achibva kuharare ? Manyanyotambura zvinengeiko zvekutadza nekutengera mwana hembe ?"
" Hezvo nhaiwe ama Ruva uneni here ?"
" Kuda ku take advantage nekuti Nkateko akanyarara ,izvezvi maipfekedxa mwana wangu mazihembe makobvu kobvu marefu. " Pane hembe ikobvu here nhai akomana.
" Mama ndipeiwo phone yangu kana makuda zvekutukana nemukoma wenyu munotukana pama phone enyu. Zvese zvamuri kutaura hapana zvakamboitika ndipeiwo phone yangu. "
" Doreen iwewe pandinokubatira hapamere huswa kungoti Nkateko munhu we peace. " Vakadaro vachinditambidza phone yangu.
" Don't mind her maiguru. "
" Chokwadi kana sadza rinopinda here ?" Ndakabva ndakata phone zvangu. Ndakanga ndisisade kuramba ndichitaura nhau imwe chete.
" Chavakagona kukutengera phone nekukupa mari yebhazi. " Phone yakabva yarira aiva Gaby.
"Hey. "
" Hallo wena ,zii kana kuzofona kuti wasvika. "
" On my way home izvezvi kubva pa bustop. We had an accident . "
" Haa bhazi randakaona pa social media wanga uri imomo ?"
" Ehe ndimo mandakanga ndiri otherwise urisei ?"
" Ndakachengetwa nedenha. Manje hauna kukuvara ?"
" Aiwa handina. ,"
" Atleast. I just miss you zvangu. " Hoo ndina mama vangu varara pa bustop vakandimirira. "
" Unodiwa ,newe unodika mhani. " Ndakabva ndaseka zvangu achibva ati achazofona. Mama havana zvavakataura takusvika pamba akafona Uriel.
" My angel ,wakafamba zvakanaka ?" This one aitaura zviri cool. Gaby aiva nekakutaurisa.
" Yes doctor ,how are you today ?"
" I just saw bhazi rakaita serawakakwira riri kutenderera on social media ." Ndakamutsanangurira.
" My angel wakabva watadza kufona ,I would have come ndaka assist. " Ndakanyemwerera zvangu.
" Ah I'm ok. Ndakachengetwa nenyasha dzedenga. "
" Atleast . I miss you ."
" Hoo . "
" Yha when are you coming back ?"
" Ndichangosvika. "
" Ok fine wakasadzoka ndichakutevera ikoko. " Ndakabva ndaseka.
" Ok huku tinadzo will just slaughter one ndobika ndowanza muto obva waita umwe wekunwa. " Akabva aseka.
" You are crazy haikona. Ok I will call you later. "
" Ok sharp. " Vakomana ava hameno kana vakanga vari pa competition yei. Ndaivaona zvangu manje ndaida ku play cool navo. Havangamboti vanondida ma brothers zvigobuda here ? Zvimwe zvinhu so ,unobva watoshaya kuti zviri kumbofamba sei.
" Phone wazoti wakatengerwa nani zviya ?"
" Na maiguru. " Vakaseka amai vangu vakaoma mbabvu.
" One thing I like about you Nkateko ,haugone kunyepa. I know ndinonyepa ,ndinonyeya nemakuhwa handibvire zvese izvozvo ndinozviziva asi my baby chandofarira about you chinonzi kunyepa hachi exist mu life mako. I know you. "
" Zvamafunga mai Ruva ndizvozvo ah ,futi pandataura pakwana handichada kutaura. "
" Kuda ku defend maiguru vako zvisina basa mukoma wangu ndakakura naye ndinomuziva ka inini . "
" Horight saka kana muchimuziva zvakanaka. "
" Haudzokereko futi basa rekuda kukushandisa. Iyi phone yakatengwa nevakomana varikufona ava. " Ndakabva ndanyarara zvangu. Ah zvekuswera uchitaura namai vangu kupedza nguva. Takasvika vaskana vakarara.
" Hii Nkateko wauya thank God. Chokwadi amai vako kutirarisa pa bustop imagine. Hanzi tiri mahure saka tinofanira kurara panze takakumirira iwewe wega ndiwe uchaenda nemuchato. " Akadaro Ruvimbo.
" Hahaha sis amai vako hauvazive here? Hameno iwewe unovatevedzera ."
" Mama vanosvota Nkateko. Vanofunga tino feeler sei kana vachitiudza zvakadaro ?"
" Don't mind her handiti ipapa vauya vachindituka road yese kuti ndati ndanga ndakagara zvakanaka zvangu kwamaiguru ."
" Hauna kumbotsvukirawo zvemunhu anga ari kuharare "
" Handiti ndaiswera pamusika. "
" Anotsvukira neiko Ruva kuharare here kwamaiguru ? Hakusi kuharare kuya vanogara kusina magetsi vachigeza nemvura yechibhorani vobika nemoto saka chavangati varikuharare chii?" Vakaseka vaskana. Ndakaramba ndakavatarisa zvangu vachitaura .
" Vane hutsinye amai vaya kana wakavatarisa unoti Mwari wa Mwazha anovada amai ava. Kana usati wagara navo haufe wakaziva mavara avo . "
" Manje ini ndinonyatsovakwapaidza vakada kuita zvisina basa . " Ndakasiya vachitaura nyaya dzavo dxekupenga amai vakamborohwa kupiko. Ndakaenda kuseri kwemba ndikanotanga kunamata. Ndakatenda Mwari ne protection . Paya patinonamata tichikumbira kuchengetedzwa na Mwari ,unozoona kuti Mwari haakusiye wakadaro. Vamwe vanofa vamwe vokuvara asi ini ndino survive. We thank God for that.
" Nekuti Makati ,Dana. Kwandiri ndichakudavira ,ndigokutaridza zvikuru kuru zvausingazive (Jeremiah 33vs 3. ) Muri Mwari ,ndinoramba ndichidana Zita renyu Mwari. Moyo wangu unokurumbidzai , ndichiti mutsvene makatendeka . Kubva zuva richibuda kusvika richinodoka munoramba muri Mwari. You remain the same God ,same today ,tommoro and forever . In Jesus name we pray amen.
End of chapter 15
❤️
🙏
👍
😂
😮
😢
535