THEOS NOVELS
May 26, 2025 at 02:16 AM
https://chat.whatsapp.com/IR8Y8TP0AAuKSbGsXatEkf Join our Facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100071712155222 PINDA MU CHANNEL MUNE OSE ANONSKIDZA. https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p *NKATEKO.*🌹 Story by Mani wa Nka 0788659793 /0784027359 Chapter 16 Days passed Nkateko akanga achiri kumusha zvake. Dzimwe nguva phone yake yakanga isingapindi sezvo aiva busy. Aimbokanganwa kui charge. " Indava kuita kunge une stress ?" " Of course I'm stressed cause Nkateko akadzima phone. " " Saka chino stress pamunhu asiri wako chii?" " What do you mean ?" " Nkateko is mine . I don't know why uri kuda kuita stress nezvinhu zvisiri zvako . " Gaby akanga a notice kuti Uriel aiwanza kufonera Nkateko . And the way yakanga achitaura nayo naye akanga Oona kuti anogona kutorerwa munhu wake. " What do you mean kana uchiti Nkateko is yours ?" " Ndewangu ndakamuudza kuti ndinomuda. Arikuzviziva kuti ndinomuda ." " Saka kana wakamuudza kuti unomuda zvinoreva munodanana here ? You just told her kuti unomuda handiti. Ini handisi kutaura zvemunhu wandakangoudza kuti ndinoda . I'm talking about my girlfriend. " " Girlfriend yako pakuitasei ? When did she became your girlfriend ? Blaz ngatisanetsanai nezvinhu zvidiki zvekuti tinogona ku solve . You married Joy ,dai muri mumwe mamuregerera madzokerana nemunhu wenyu kwete kuti takarasima nemunhu wangu . " " Uri kuzvinzwa zvauri kutaura Gabriel ? Enda unotora Joyce wacho iyewe ndiwe unomuda handiti ka. Nkateko munhu mukuru anoziva zvanoita so please usandinyangadza nezvisina basa. " Mai vacho vakabva vapinda . " Hezvo chiiko kuseni Kuno nhai jesu. Vanhu munonetsanei kuseni Kuno ?" " I'm going to work . " " You can't say ,I'm going to work ini ndabvunza panapa ,can someone answer me ." Vese vakabva vabuda vakaenda. Mai vacho vakasara vaine kunetsekana mupfungwa. Manheru ,boys rakadzoka. Baba vacho vakanga vavapo . " Vana venyu dad ,vanga vachirwa kuseni. Ndakabvunza asi hapana ada kundipindura. Please ask them . " " What's wrong vakomana vangu ?" " Ndiye Uriel ,Dad ndakazvionera munhu wangu ndega handiti. Ndakatomuudza kuti ndinomuda ava kuita take take naye. " " Uriel taura tinzwe ?" " Dad ,as far as I know handina kutanga kuzivana na Nkateko nhasi. This girl is the girl for me. Ndakamupiwa kuhope dzangu ndisati ndambosangana naye so ,I'm not going to give up. Even tisati tasiyana na Joyce ,I told her kuti she's the one for me . Meaning ndaitosvitsa shoko though asina kunditora serious panguva iyoyo sezvo ndakanga ndichinzi ndi chate na Joyce . He knows kuti ndinoda Nkateko but iye akuda kutora ma chances ." " Sekuona kwangu Uriel dai wasiya munina wako atora musikana uyu. Look at Nkateko she's a spiritual girl. Gabriel munhu akaita bible he's practical a pastor so he needs someone like Nkateko. " " What ! So dad are you saying my happiness is not important ?" " Uriel haukwidzire baba vako izwi wanzwa ka. Varikukuudza zvakanaka kuti Gabriel anoda munhu akaita sa Nkateko. Iwewe you are just a doctor and a business man. Why do you need Nkateko ?" " Let the best man win. "Akadaro achisimuka. " Uriel ! Gara pasi apa izvezvi. " Akabva agara. " Haisi competition iyi. Hapana Ari kuzoita competition. Vekwana Joyce vafona varikuuya pano mangwana you better be here. We need to resolve this issue once and for all. " " Ndazvinzwa ,but the heart wants what it wants. I will do everything in my power to be with Nkateko. Gabriel uchawana umwe wanzwa ka. " Akadaro achipesanisa makumbo ake. " We are not going to fight over Nkateko. She's mine chete. Zvakawanda wanda izvo ndezvako . Dzokerana na Joyce wake usada kupedzera vamwe space. " Uriel Ndakanga ndichimuona zvangu kuti aida babe randaida . Nguva zhinji Gabriel aiwana ma favors kubva kuvabereki vanhu. Wakataura kuti unoda chakati waisapiwa ,asi Gabriel ne two minutes aiswera anzi icho . Kana iri Mari yavanenge vasina waiona muchechi moitwa tumwe tuma program twekuti vanhu vaburitse mari apiwe. Ndakadzidziswa ne scholarship asi Gabriel akaenda kuchikoro ne fees yaibhadharwa na baba namai vake. Not kuti zvaindirwadza no. Nhasi ndazviwanira munhu wangu wandinoda ndipo paava kuti takarasima naye. He always wants what is mine ndizvo chete. Manje Pana Nkateko ndakanga ndisiri kuita give up so easily. Kana asingandide Nkateko wacho achataura ega kuti haandide. Handisi kuzoudzirwa nemumwe munhu. Ndakasimuka kana nechikafu Chavo handina kudya musi wacho. Ini ndini ndinoda kupushirwa mumadhaga mune zvakanaka handiiswewo. Bible study yakanoita for six months ndiyo yaangabva atoona sekuti akuita zvinhu zvisvinhu nhai akomana ? Hanzi ndi pastor ,so what ? Handiti akanoita izvozvo nekuda kwake akanga atumwa neni here? Ndakatoona kuti ndakanga ndava kujairirwa panapa. Zvese zvese vaingoziva Uriel akanyarara asingataure ndosaka vachitora advantage neni . Kana zvichibvira kugara ndisina vabereki vacho. Ndakanga ndatsamwa zvangu. Husiku hwese ndichizama phone ya Nkateko isingapindi. The following day ndakanga ndisingaende kubasa. Ndakanga nditori ne stress yekuti ko kana akanga ava kudanana na Gaby ,pamwe akachinja line. Kwava Kuma 9 ndakazama futi yakapinda. Kahana kaiita kurovererera. " Hallo !" Her voice rakaita kuti ndinge ndinombo sticker so. " Hi . " Ndakatoshaya mazwi chaiwo. " Hey you uri kurwara here ?" " How am I suppose to be fine iwewe usingabatike pa phone ?" " Oh ,tanga tiri kugomo tadzoka nhasi. Takanga tichiita absolute ye 3 days ." " I hope wanga uchindinamatirawo ipapo. But Nkateko wakangotadzawo kufona here uchindiudxa kuti ndisazokutsvaka?" " I'm sorry kani ,handina kumbozvifunga pressure yacho was too much. " " It's ok ,it's just I'm not fine. It's like the whole world is turning against me. " " What's going on?" " Eish ,a lot. Uchanzwa ndafa ne bp ." Akabva aseka. " No haumbofa don't worry. It's just a phase. In life hazvina basa kuti wakabudirira kana hauna . Unotombowana nguva dzako dzaunoita stress life yatanga kuita ma ups and downs. " " It's true ,another thing it hurts kuziva kuti munhu wauri kuda akudiwa neumwe munhu. " Akabva ati .... " Mhh. " " Serious ,I have hope but I'm losing faith. " " Do you believe in prayer ? I know uri mwana wa pastor but zvimwe zvacho zvinoda minamato Uriel. I can't say much ,maybe vanondiona vanoti muskana anopenga anongotaura zve prayer nguva dzese. But inini zvinondishandira . I think dzimwe Hondo dzinorwiwa neminamato. Please try and pray about every situation. Another thing ,unogona kuda munhu asinei newe ,or kuda munhu anokuda asi asiri wako. Through prayer Mwari vanokutaridza nzira yaunofanira kufamba nayo. " " Ndiri kukunzwa Nka ,while I'm praying can you please stop intertaining vamwe varume ? Ndava kutokumbirawo." Ndakadaro ndakazvininipisa . Akabva aseka zvake. " Ndogona kutofonerwa nemumwe munhu so achiti stop intertaining vamwe varume ,meaning ndinenge ndisisataure newe ?" " Aiwa handizvo zvandiri kurevera ok . " " You know ,the bible say. Ask you shall be given. Hazvina kunzi kumbira Kuna Nkateko. Kumbira Kuna Mwari ndiye achakupa. Kana Nkateko akanzi haasi wako chero wakakumbira sei haumupiwe. Uchazvinzwisisa kana wava serious nezvinhu zve mweya. Now uchiri kutamba. " " Eish ok but please phone yako ngaisandi stress. Ndiri kuda kuuya kuzokuona. " " Tanga watsanya for 3 days . " " Ok ." " Not hunger strike. " " Ok. " " Hahaha I'm joking zvangu ,ah ndaneta nekutaura. " " Haa Nteko ,after ma Kore ese awa usingabatike ozondiudza kuti waneta nekutaura ?" " Handiti ndakakuudza kuti ndinotaura zvine limit. Ozondifonera after 3hours ndinenge ndane zvekutaura . " Ndakanyemwerera. " Ok. Always remember I love you. " " Always remember to pray for something you want. " Ndakanyemwerera zvangu ndichibva ndakata phone. Atleast ndakanga ndava at peace. Unotorerwa kawakarivara uchiti zvichaita. Apa ndakanga ndava kuda kumboita zvakanga ataura zvekumbogogodzera Mwari. But I know she's mine I can feel it in my blood. I'm not going to let her go . Ndakabuda zvangu ndichinyemwerera ndichinosangana na Gaby ku sitting room. " I hope smile iyoyo haisi kubva ku babe rangu." " Babe rako handirizive zvangu anyway ah wanga watonwa tea here ?" " Handisati ,don't tell me kuti hauzive Nkateko. I know ndiye wawanga uchitaura naye. But mama na dad vakataura wani nezuro kuti Nkateko ndewangu dzokerana na Joyce wako. " Ndskangonyemwerera zvangu ndichibva ndasiyana naye. Kana akanga ari so sure kuti Nkateko ndewake stress ndeyei ? Nhai akomana zvakaoma. Takaenda ku dinning takanodya mumwe munhu akanga achingonditarisa . " Mom ,dad ndafunga ku move out. " " Hakuna ano move out. Imba ino hombe yakadai uri kuda ani asare achigara ega ?" " Ndakura manje zera rangu harisi rekuramba ndichigara nevabereki. Vamwe zvekurwa hatina kupiwa zvipo zvacho saka zvekuti tizopota tichinetsana futi na Gaby no. Ndakangotaura pa phone ndonzi ndataura na Nkateko. Ndaka smile ndi Nkateko so better ndinogara kwangu ndega." " You guys muri ma brothers. Zvevanhu vanoparadzana hukama nekuda kwemuskana kwete ." . " Haisi nyaya yemuskana,nhau ndeyekuti magara mwana wenyu munomuda zvakanyanya. So better ndinogara kwangu kusina musindo . " Ndatí hakuna zvakadaro wanzwa ." Ndakaona kuswera ndichinetsana namai vangu kwakanga kuri kupedza nguva. Ndakabva ndasiyana navo takadya vanhu ndiye gogoi vainga vasvika vekwana Joyce. Vakagamuchirwa vachinogara pasi. Ndakabuda ndichienda mu room mangu ,ndakaita ka short prayer. Ndaisaziva vanhu kwavakanga vabva . Ndakadzoka ndichibva ndagara zvangu. Joyce akanga apora asi ainga aonda . " Hatidi kupedza nguva baba namai Kutama. Tauya nenhau dzevana ndinoziva Tanga takasunganidza hukama kare. Zvino isu vekwa Kupara tauya kumbira ruregerero nezvakaitwa nemwana wedu. " " Akaitei zviya? " Vanhu ngavadzidze kutaura nyaya ichipera. Kwete kuda kutaura chidimbu chenyaya mugoita makore muchitaura same story. " Joyce anoti iye akazviona ava mugomo ndimo maakazorohwa nemheni. Asi akanga aendeswa nevamwe tete vake vanobata bata fani. " " Ini hangu personally ndinoziva kuti mhepo dziriko chokwadi . Muroora wangu uyu akanga a relax panhau dzekunamata apa. Vavengi vanorwisa michato nenzira dzese dzavanogona nadzo. So muroora isu hatina chigumbu newe tinokuregerera. " Ndakatarisa amai vangu vachihumana ndakangosekera mumoyo zvangu. Baba vangu chaivo vakati vanoregerera Joyce nekumugamuchira pamba. Ndakaona ndega kuti vanhu ava kwavo kundi push away from Nkateko manje ndizvo zvandakanga ndichida kuona izvozvo . Hapana kana explanation yezvakaitika yakataurwa apa munhu anganzi arohwa ne mheni zvakamboitika kupi izvozvo ? Achiitei ? Aripai ? Zvinyaya zvavo hazvina musoro. " Uriel mwanangu try to find a place in your heart uregererewo mumwe wako. Marriage ndizvo zvairi munotosimba pakunamata. " Vakadaro amai vangu. Ndakanyemwerera zvangu, I didn't want to sound rude. End of chapter 16
❤️ 🙏 👍 😂 😮 😢 471

Comments