THEOS NOVELS
May 26, 2025 at 05:35 PM
https://chat.whatsapp.com/IR8Y8TP0AAuKSbGsXatEkf
Join our Facebook page
https://www.facebook.com/profile.php?id=100071712155222
PINDA MU CHANNEL MUNE OSE ANONSKIDZA.
https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p
*NKATEKO.*🌹
Story by Mani wa Nka
0788659793 /0784027359
Chapter 17
" Apa uyu ndiri kumuregerera kuti chii ,I don't understand ? Kana muchiti ndimuregerere inyaya ye kuti akarohwa nemheni here ? Muri kutiiko handisi kunzwisisa apa ?"
" Aiwa haisi nyaya yekurohwa nemheni inyaya yekushandiswa na Satan . " Vakapindura Mai vake.
" Akashandiswa sei ngaambotaura tinzwe ?"
" Ah ,Uriel before muchato ,I mean before wandiroora pane mumwe wandaidanana naye manje munhu wacho ndakabva ndazosiyana naye. Later on I realize I was ....." Mai mufundisi vakabva vamutarisa neziso rekuti siyana nenyaya yawava kuda kutaura.
" Go on. "
." Saka akarwadziwa achibva ati aida kuzondiuraya. Ndakazozviona ndiri pagomo ndakatsva face yese muviri wese. Ndakazotorwa na tete. "
" Paya wakandiudza kuti chii ?" Vanhu vese vakabva vatarisana.
" Musada kundiita ma stupid panapa. Just because I'm quite it doesn't mean I'm a fool. Ini manje ndini wamuri kuda kupa marara ? Dad na mama pandakaku respectai I think pakwana. Now musapindira munhau dze love life yangu again mazvinzwa ka . Joyce I forgive you nyange ndisiri kuziva zvawakatadza zvacho. Murume achakuroora ane luck. Pfuma yakabviswa Haina basa unless muchida kuidzosa kuvaridzi vayo handiti. Anyway munogona kupa uyu asina muskana anoda zvese zvandinenge ndichiti zvangu. Initially ndiye munhu aifanira kuroorana nana Joyce not me. I'm out of here. "
" Uriel wakabuda muno usadzoka futi. "
" Ok. " Ndakabva ndabuda. Ndakanga ndakatsamwa. Vakatanga kundifonera ndakadaira.
" Come back here Uriel ! If you know what's good for you uchadzoka Kuno."
" I don't think ,I know what's good for me kz ndiri kutonotsvaka coffin rangu musare murugare kana ndafa. " Ndichifira Ani ndivo Mwari here ? Ndakatanga ku driver ndichi move around. Ndakazofonera Nkateko aitoseka zvake.
" Uri kusekei ?"
" Dzatova 3 hours. "
" I didn't check time. "
" Yha it's exactly, so whatsaapp ?"
" Ah maybe I will die. "
" Anorwadziwa ndiani kana wafa ?"
" Ah Nkateko saka kana ndakafa haurwadziwe wow ?"
" Depends nekuti wafa nei. Kana wakafa uchizviuraya chero kurufu kwako handiuyi. Asi wakafa nenguva yamwari aiwa tinenge tiriko ndini ndinenge ndichinyanya kuzvipurira pasi ndichichema. " Ndakabva ndanyemwerera.
" I know uri kunyemwerrra ,read psalms 30 vs 5. It says weeping may endure at night but joy comes in the morning. Meaning panguva yauri kuchema ndiwo husiku. Chero zvakaita sei kuchaedza chete. Kungoti vamwe mune ma nice life problems. "
" Nice life problems so you say ? Hapana nice life apa ,do you know kuti ndogona kungosara ndisina vabereki . "
" Why ?"
" Handiti vanenge vachindisundira mumadhaga mandisingazogona kubuda. Nka ,vaunza ana Joyce kumba vakuti ndimuregerere. "
" Iwewe how do you feel about that ?"
" I feel betrayed. I feel like handidiwe. Joyce nekutarisa chaiko haachanakidza. Ane mishonga yakabata yakamupandukira. I don't know kuti aida kuzama kuita sei asi zvakaenda nepamwe. I suspect akabvisa nhumbu futi. Nekuti pakanga achitaura anga achida kutaura that line but akasika kuchinja . "
" Ini chero wakandiudza nyaya thausendi mhinduro yangu ndiyo imwe chete. Happiness is for those who trust in God . In every situation just trust God . "
" Ok thank you. Unoziva everytime when I talk to you ,ndinonzwa kudziirwa nekutonhodzwa Moyo wangu. Unodzikisa hasha nekudzora kutsamwa. Unondikomborera mwanasikana. May God richly bless you vakupe murume anoda nekuku appreciate. "
" Ndofanira kupiwa mumwe here asiri iwewe ?"
" Hee!"
" Ndiri kuchinja chechi ."
" Wakuda kupinda ipi?"
" Roma. "
" Nekuti uri kuda kuita sister ?"
" Ehe. "
" Unongondizvarira hako ka baby girl oenda ku Roma kwako. "
" Haisi problem ,saka arikuda kuzvarwa rini ndione ndamuzvara?" Ndakaseka zvangu. Takamboita dzimwe nyaya ndichibva ndazokata phone. Nyange Nkateko akanga asingandide zvake aisava róugh sevamwe vaskana vanokuchenamira. Ini hangu pama looks vaiti Gaby ndiye akanaka nekuti akanga akaenda Kuna mom's more . Ini ndakanga ndakaenda Kuna dad ndaiva mutema. So he thinks kuti any babe rinomuda nekuti akati tsvukei. Anyway he's still my brother .
Nkateko
Ndapedza kutaura zvangu nauyu anongogara achichema seasingazive address yamwari. Ndakabva ndabuda ndichienda ku kitchen.
" Tiri kudyei ?"
" Ndanga ndabika mbambaira ne tea asingade ngaarege zvinonaka ndinozviwana kupi sekuti tiri kutaundi. Kuno kumusha tinodya muriwo usina mafuta mufushwa wenyemba futi nembambaira ne teà isina shuga asvotwa ngaaende kunorutsa uko kugomba uko. "
" Maitweiko Mai Ruva nhasi ?" Ndakadaro ndichiseka zvangu.
" Vasiri ndivo baba vako ivava vanoda kudya zvinonaka zvavasina kushandira. Ndichazvitsvakira boyfriend Inova feed ." Ndakabva ndaseka zvangu.
" Like seriously ? "
" Saka vanenge vachida kudya nyama inenge yabva kupi ? Kana munhu achiziva ane mukanwa muhotera anotoshanda nesimba. Iwewe unoita zvekunamata uchiimba mahara asi shuga unotenga ."
" Zvatanga !"
" Dai waitoenda pa growth point ini ndakabata chikapu ndichitora Mari iwe uchiimba kutaura kuno tingadai tichidya zvinonaka . Manje yowe mwana wangu anoda kuimbira mahara kufadza mafundisi nevanhu vemuraini. "
" Zvamai Ruva zvinotevedzerwa here ? Asi munoziva pamuchazoona mubairo wekushandira Mwari muchakungura kuti dai nemi maibatirana neni pandinotsanya paya. " Vakabva vaseka.
" Apa hauna kana mukomana ,ini ndakaroorwa ndine 20 years. Iwe watova ne 21 still no mukomana chokwadi ndoda kumboenda newe kwanadzibaba. "
" As long asiri madzibaba wenyu uyo anorara nevakadzi vevanhu. "
" Chero madzibaba ndoda unovhenekwa. Ko Seiko usinganyengwewo?"
" Handinyengwe here ?"
" Gara pasi unwe tea tiende ndoda utange kuonekwawo. Zvako zvekuti unoita 2 days usina kudya ndezvekupenga wanzwa. Pamba pangu pano munhu anofanira kudya chero zvichishata unodya chete . "
" Ok . " Ko ama Ruva ndevekupikisana navo here ? Ndezvekungodya pandinenge ndakatsanya ndoona plan. Ah ko twavo tunosvika ka. Ndakaramba ndakatarisa zvangu amai vangu ndichibva ndanyemwerera .
" Chii chacho chaunonditarisa kunge uri kuda kundidya kudaro? Unomboziva ndiwe wega mwana wandine hope naye ?"
" Hope yeiko mama?"
" Kuti ndiwe uchaita zvidhafu chaizvo . Zvitori bho hazvo kuti unofarira kunamata . Cause dai waisafarira kunamata ungadai uri nzenza sana sisi vako . "
" Ana sisi vangu havasi nzenza mama imi ndimi munoita vazoita misikanzwa . Remember maindibvunza kuti sei ndisina boyfriend. Iko kugara muchivashoropodza ikoko ndiko kuchaita vasava chinhu ."
" Ndini ndega here ndinotaura nezvavo even vemuraini unongonzwa vachitaura . " Vakabva vapinda vaskana vaiwirirana . Vaifamba vose that's the good party kuti vaiva ma friends .
" Chaibva here chekuisa mukanwa ." Akadaro Ruru .
" Ndizvo zvamunigona kuswera muchipinimidza ruskirt . Iyewe Ruvarashe watova tsikombi panapa . "
" Mhh mama mamwe mashoko enyu anozadziswa nekuti mataura . Mungwarire mashoko enyu nekuti mangwana zvikaitika sekudaro hazvizonakidza. Ndimi munenge makunzi makazodai zvinobva zvichakurwadzai ." Ndakadaro .
" Iyewe unozviti unonamata why usinganamatire ana sisi vako varoorwe. Ini ndini ndinoda kugara nechembere simbe dzakadai. " Vana sisi vangu vaibva va mudhura. Ndakanyemwerera zvangu. Vakabuda hanzi ndakunotsvaka ma gemenzi ku bedroom. Vaitova serious nekuti tiende kumasowe ndaisazovapikisa zvangu.
" Waona amai vako ka ,ini hangu handizvifarire zvavanoita . ""
" Nemiwo ana Ruva munonyanya ana sisi vangu. Dai muchiendawo kuchechi dzimwe imhepo chaidzo . You are now 25 ,manje manje unenge usisiri pa market wakunzi tsikombi. I'm not saying huyai kuchechi kwangu chero kwamunenge maenda it's ok . "
" Toenda tese ne Sunday. "
" Cool . " Vakauya amai vangu nema gemenzi avo . Ndakangonyemwerera zvangu vachibva vati tiende. Takabuda toenda tava kusvika takapfeka ma gemenzi . I know vamwe vachashora kuti ndakapekerei garment ndainga ndichiziva zvandaiita .
" Madzimai makadii?' vakandikwazisa madzibaba vaya. "
" Ndinofara zvangu kana makadiwo ."
" Tiripo " ndakaramba ndakavatarisa mumaziso chaimo ivo kunditarisa vaisanditarisa zvekudaro .
" Madzimai ndiri kuona kuroorwa kwenyu kwanetsa . Mune mukomana here ?"
" Hongu ndinaye ."
" Hakudei anoda kutamba nemi chete okusiyai ."
" Madzibaba haana mukomana uyu ndosaka ndatoita kuti ndinzwe kuti chii chakadaro mwana atokura ka uyu asina mukomana ?" Vakabva vatanga kuimba. Ndakanga ndosekera mumoyo zvangu .
" Ndiri kuona paina tete vake ,tete ava ndivo vane mweya wakagara paari . Madzimai dai matanga kunamata ndokuti mweya iyoyo itaramuke. "
" Ndinokumbirawo kundiso ." Ndakabva ndapiwa nhombo dzangu nhatu. Takasimuka toenda. Ini matombo rasirei kure kure uko.
" Saka wakarasa minamato wacho toti taingei pano ?"
" Tauya zvedu ka kuzonyeperwa tingaingei ? Ini kuroorwa ndiko kwandiri kuzoitwa not zvemaporofita zvekufungira vanhu zvisina basa. "
" Ah chinoitika mwanangu maporofita zvimwe vanoona zvimwe havaone zvavo. "
" Hoo inga."
" Tichisvika tiende kunotsvaka huni . "
" Ehoi . " Takaenda kuhuni namai vangu patakasvika kumba. Vaingotaura nhau dzevanhu vemuraini. Hanzi aniko akazobatwa akarara naniko ndakanga ndisina kana shungu nazvo. Zvinei neni izvozvo zvinondipa sadza here ? Instead yekutsvaka Mwari ndotsvakana nemakuhwa handina nguva yacho. Ndakasvika kumba phone ichirira ndichibva ndadaira.
" Hey babes ,ndanga ndichida kuziva ka kuti ndofamba sei ndoda kuuya kuzokuona. " That was Gabriel . Ndakamupa ma directions ndaizoona kana achinga auya .
End of chapter 17
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
407