THEOS NOVELS
May 27, 2025 at 06:00 AM
https://chat.whatsapp.com/IR8Y8TP0AAuKSbGsXatEkf Join our Facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100071712155222 PINDA MU CHANNEL MUNE OSE ANONSKIDZA. https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p *NKATEKO.*🌹 Story by Mani wa Nka 0788659793 /0784027359 Chapter 18 Sunday morning ndakamuka kuseni samazuva ese ndichiita basa rangu. Ndakaona sisi vahombe vamukawoo . Vakatora muutsvairo tichibva tatanga kubatsirana basa. " What time are you going to church ?" " 8.38 ndoofanira ndabuda . " " Hoo ko 8 ndewei usingangoti na 8.30. " Akadaro Ruva. Ndakabva ndaseka zvangu. " Ndanga ndichida unyatsonzwisisa . " Takaseka. " Saka ini ndinoenda ndakapfekei shaa kuchechi kwenyu unoziva handina hembe refu. " " Ungotora pane dzangu idzodzo yaunenge uchida. " " Ok thanks. " Nechemumoyo ndakafara kuti sisi vangu vakuda zvekuenda kuchechi. Ko ainga ari munhu aisamboda zve chechi ka. Tiri busy kugadzirira vakasvika tete vangu Mai Farai. " Mamukasei ko vaskana? Ko ndanga ndichikumbirawo muzondibatsirawo kutakura zvinhu zvangu zvandatumirwa na Fadzi ku growth point uko. " " Ah tete tiri kuenda kuchechi isu. " " Mese here ? " " Handizive Ruvimbo but ini na Ruva tiri kuenda kuchechi. " " Ruvimbo handiti unomuziva anoramba. Ruva mwana wehanzvadzi yangu unoenda mangwana. " " No tete ,zvaangatoita kudzoka achienda kunokubatsirai kutakura. Neni I can help kana tadzoka kuchechi. " " Iwewe unotaurira Ruvarashe ndiwe Ani Ndiwe wava spokes person wake here? Dai wanga uri sisi vake manje uri muninina wake otoda kumutaurira ." " Mhh tete ,inga Nkateko akutaaura zvakanaka wani ?" " Aiwa iwewe usaita chituta Ruva. Anokutaurira kuti ndiye ani usingagone kupindura wega ?" " Tete! Zvandataura ndizvozvo. Ruva achauya okubatsirai kana achaisa kuchechi. Munogona kumutsa hanzvadzi yenyu arere mumba umo anonokubatsirai. We are going to chechi sis Ruva zvimwe zvese ratova drama. Zuva re Sunday hatina nguva yekunyengerera munhu chero pakanzi padhuuka mugodhi wemari hatimbono chera isu ." " Mxm iyewe unomboda kuzviona saniko ? Nkateko unoda kuzviona Sani unondi challenge zera rako iroro ?" " Ndiri Nkateko muzukuru wenyu tete. Regai tinogeza. " Ndakadaro ndichibva pavaive. Ruva akanga atopinda mumba kare. Ndihwo hwaiva hunhu hwavo atete vangu . Kana irí Sunday hapana zvamaimboita vauya zvavo vachitaura zvinyaya zvavo zvisina order. Ana Ruva vakangoronga kuenda kuchechi navo vaibva varongawo zvavanoronga. Ndakangoti manje nhasi mairasa ,nekuti Ruva pakati akuda kuenda kuchechi ndakanga ndatoziva kuti pane chichamutadzisa chete. ' I had to pray kuti zvibudirire. Tete vakanga vachiwirirana chaizvo na Ruvimbo nemhaka yei vasina kuti vamutse iye vaende vese ? Ndaisavatemba amai ivavo. Mama vakanzwa noise vachibva vabuda. " Chiiko chiri kuitika vamwe tine varume zvidhakwa zvinomuka panenge papera doro patinoti tiwanewo nguva nevarume vedu makuita noise. " Mhh mama navoo zvimwe zvavanozotaura unozvishaira tsumo yazvo. Zvine basa rei zvese izvozvo. " Ndi tete vakuda kunotakurirwa grocery ravo kuma shops but ndavaudza kuti Ruva akuenda kuchechi nhasi saka ndizvo zvavari kupopota . " " I grocery hwaiko ringatotadzisa mwana wangu kuenda kuchechi nhai atete ?" " Ndiwe unofurira vana vako kuti vasandibatsira iyewe. Especially iyeyu waunoti nhingi uyu Nkateko izita hwai rawakapa mwana iroro ?" " Zve Zita rake zvakushaisai hope kumba kwenyu here ? Kana muchishaiswa hope nezita remwana wangu aiwa better ndichinje vese mazita vanyatsokushaisai mufaro. Vana venyu variko vangu ndivo vamunoda kushandisa. Izvo kwete handisi kuita izvozvo manzwa ka. Munhu ngaadzidze kutuma vana vake kwete kuda kutuma vana vemumwe munhu. Mungatomukira kutsamwira vana vangu vanoda kuenda kuchechi venyu vakarara kumba uko ? Come on tete. " " Saka handichatuma vana vehanzvadzi yangu here nekuti amai vacho havadi navo ?" " Ndozvandiri kuti vana tumai asi kwete ne Sunday. Munoda kutuma vana vangu nesunday vanonamata nguvai ?" " Usaita seunoenda kuchechi . " " Kana ndakatizira hazvireve kuti vana vangu vachatizira. Kana ndiri murombo hazvireve vana vangu vachava varombo. Kana ndakaroorwa nerombe hazvireve vana vangu vacharoorwa nemarombe. Saka kusaenda kuchechi kwangu hakutadzise vana vangu kunamata nekuti kudenga umwe neumwe anoenda ega. Imi endai kumba kwenyu monomutsa simbe dzenyu moenda kunotora zvamuri kuda kunotora. " " Ndiwe wakafanisa vana kuchenama iyewe . " " Hazvinetse tete ,handei zvedu tinotora grocery renyu vana vangu varikuenda kuchechi. " " Rega ndichanotsvaka Jimmy anondibatsira kutakura zvangu. " " Ndizvo zvamanga muchifanira kunge maita. " Vakabva vapira gotsi voenda zvavo tete vangu vachiita kukanyaira chaiko. Vakanga vavaguta Mai Ruva. " Gezai muende munoita ma pastor hazvifanane nekuita mahure. " Ndakangovatarisa mama ndichibva ndazunguza musoro. Takagadzirira nemwana wamai vangu, Ruvimbo akanga achinetsanawo na Mai vake nekusada kuenda kuchechi. " Ma demon edzinza rino ese akakugara nemagaro kuti teshe . Chokwadi usada kundiitira Satan pano unorega kuenda kuchechi kuti unoda kuzoroya vamwe ? Oda kuzoti vana vangu kana vabudirira wava kutanga kuvaroya ?" " Mama ndoenda next week mudumbu mangu muri kurwadza. " " Ndiri kutokuudza so ,chokwadi wakangotanga kuroya chete ndichapedzerana newe I know how to deal neturoi twenzara nzara twakaita sewe. " Zvimwe zvinhu hazvisekese chokwadi. Unosara oti munhu achiri right ipo Paine imwe inoda Jesu chaiye. Ndakasiyana navo zvangu tobuda isu. " Unoziva nhasi ndarota tete vachindidhonza handizive sei. " " Ndizvo zvavanga vachida kuita kuti usaenda kuchechi. Handidi kukunyepera Ruva ,kuchechi hakusi kwekunotsvaka varume. Hakusi kwekuti unoti ndakaenda kuchechi ndinobva ndava rich. Kuchechi tinoenda kunotsvaka chiso chamwari kuburikidza nekurumbidza nekunzwa shoko ramwari. Mukururumbidza kwatinenge tichiita Mwari wedu ,pane dzimwe Hondo dzinorwa nesu dzatisingagone kuti tizvirwire anotirwira Mwari. " " Yha ndiri kunzwa. " " Ungazoti kuchechi kunobhowa hee chino chino. No vazhínji vanosiya ma chechi nekuda kwekuti vanenge vachienda vaine tarisiro. Imagine onzwa mufundisi achiti gore rino haripere usati waroorwa ,robva rapera obata rimwe unoita sei?" " Obvious kuchechi kwacho handizoenda. " Ndakabva ndaseka. " One thing chaunofanira kuziva mwana wamai ,pasi pano tinorarama nenyasha pamwe nenharo. Zvimwe zvinoda nharo zvimwe inyasha dzamwari. Patinomuka mangwanani paya inyasha dzamwari kuzviona uri mupenyu. Kune mumwe anenge atomuka akafa. Paunokwira bhazi uchisvika kwauri kuenda inyasha nekuti kune vamwe vanenge vaita na accident. Kungofamba kuroad chaiko uchisvika kwauri kuenda usina kutsikwa nengoro kana baskoro inyasha dzamwari. Koita panoda nharo ,wanzi hauende kuchechi ah ipapo ndipo paunofanira kutaridza vanhu kuti ndiri chibaba chenharo. " Takasangana na Jumbo . " Aizve nhaiwe Ruva uri kutoendawo kuchechi ? Wakapedza nyika yese wava kuda kunotsvaka mukomana anoroora wemu chechi ka. " Akadaro achiseka. " Don't mind him sis ,let's go. " Aida kumupindura ,vanhu vakadaro unenge uchipedza mweya wako mahara kuvapindura . Akanyara ashaya apindura. Kana netsoka dzakanga dzorema ongofamba achicheuka. " So nhai Nkateko ,kuharare kwawakanga uri hauna kana kumboitawo mukomana ?" " Handina zvangu ,but pane vana vamufundisi vakanditi vanondida. " " Ma brothers ?" " Yes. " “ Hauone I recipe for disaster here iyoyo ?" " Handina wandinodanana naye zvangu kungoti ,I don't think pane wandinoda ipapo. Ndichiri kuvazoom zvangu. " " Saka uchaita sei ?" " Ndichanyora zvangu pasi ma characteristics emunhu wandinoda. Akaitawo 8 out 10 zviri nani. " Akaseka . " Eya . " " Ko iwewe how far ?" " Don't tell anyone. Kana mama chaivo handisati ndakambovaudza zvinoitika mu life mangu. I think ndakapiwa murume wechikwambo . Vakomana vese vandodanana navo hapana anoda kuroora. Kana ndakuda kurara naye unongoona apfeka hembe dzake oridza tsamwa nekundidzinga. " " Yho ,apa unenge uchipiwa pressure uchinzi ucharoorwa rini ? Don't worry my sister ,God is in control. Satan atoirasa ipapa pakukutendera kuenda kuchechi. Haana kungwara. "Takasvika muchechi ,that was my first time kutoitawo conversation na Ruva. Ndakamutaridza pekugara ndichibva ndaenda ku praise team. Obvious taikasika zvedu. Pandakadzoka paya vanhu vakafara zvekuti . Even mufundisi wangu vakafara kundiona . Chechi yakanga ichiri yakazara ,vanhu vaiuya kuzotsvaka chiso chamwari kwete kuzotsvaka voice ra Nkateko. Ndakatanga kuimba ,ko vamwe vanosvika pachechi vogara zvavo panze vachidziya mushana ka. Ini kana ndasvika pachechi ndinoita zvandinenge ndainga muchechi. Ndakaimba vanhu vachipinda ,team yakanga yakwana tichichinjana kuimba tichinamata. Takanamata musi wacho mweya mutsvene waiita kufamba muchechi. Takanga takabva kugomo kunonamata as praise team. Takazoti toimba dzekufara mumba mashe ah makafarwa chokwadi . Munhu wese aiita kuzunza ma demon achitamba zvebasa. Dzimwe nguva kutamba mumba mamwari pane dzimwe mhepo dzaunenge uchitozunza ipapo. Takazopinda nguva yezviziviso nema items. Ini handina kuita item zvangu. Vanhu vakapinda nguva ye offering takapa nezvataiva nazvo. Kwedu kwakanga kwakanaka kuti chero ne 2kg yenzungu wainopa offering. Vamwe vaitouya nema banana mambishi chaiwo ,kana pakazoita anoda kumatenga zvaingoita futi . Takazotanga kunamata ,tichiimba. Ndi Ireen akanga achiimba ipapo ,ndakanga ndakatarisa mwana wamai vangu akangodonha . Ma usher vakamubatirana voenda naye mberi. " Ngatirambei tichinamata. Mweya wetsvina uri kutsva uchatama wega . Nkateko tiimbire tisvike patinonamatira hama yedu. " Vakanga vari mufundisi. Mufundisi vainamata newe kana waenda kumba kwavo dzimwe nguva une ma issues Ako. Kana kuti vaizonamatira munhu kana vatoona kuti iyi nyaya ihuru. Nguva zhinji vema demon ava taingonamata tese se chechi. Waiona rotama zvaro demon rakadzokera kwarakabva. Ndakaimba zvandakanzwa ndega kuti apa ndava kutaura nedenga. Sis Ruva vakatanga kukwenya ,vakasimuka vakada kutiza vodzoka vakambochema kusvika vazotanga kurutsa. Veduwe ndakamunzwira Tsitsi mwana wamai vangu. Airutsa zvinhu zvakaita kunge zvinyana zvakaomeswa. Kumba kwedu takanga tava nemazuva tisina kudya nyama. Ndakazomhanya kunotora bucket ndakakorobha . Ainga afizuka zvino . Ma usher akamubata Ndobva vanomukarisa kune door raiwanzoshandiswa ne praise team. Vaida afurwe nemhepo. Chechi yakazopera tava kuenda kumba. " Nkateko ,mhh kuchechi kwenyu ndava kupota ndichiuya every Sunday. Ndosaka vanhu vakazara muchechi menyu. Ndanzwa kunge pane chinhu chabuda mandiri. " " Obvious pane zvamuda mamuri. Zvinyama zvakawanda wanda zvabuda manga makadyiswa sis. Zvimwe ndizvo zvinenge zvichikupai munyama wekungonzi hure nevanhu. " " Yha true. " Ndakafara kana kutaurisa akanga asingataurise musi wacho. Takasvika kumba ndichiona Paine mota ya Gabriel yakapaka mu yard. Saka akanga achitorevesa mukomana uyu shuwa ? End of chapter 18
❤️ 👍 🙏 😂 😮 😢 384

Comments