THEOS NOVELS
May 27, 2025 at 03:45 PM
https://chat.whatsapp.com/IR8Y8TP0AAuKSbGsXatEkf
Join our Facebook page
https://www.facebook.com/profile.php?id=100071712155222
PINDA MU CHANNEL MUNE OSE ANONSKIDZA.
https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p
*NKATEKO.*🌹
Story by Mani wa Nka
0788659793 /0784027359
Chapter 19
Mukomana akanga akagara zvake mumba Mai vangu vachikanga nzungu. Ndakamhorosana naye ndichibva ndapa ma introduction. Ruva akati akanga ava kunorara sezvo akanga asiri kunyatsonzwa mushe.
" Nhaiwe waita Seiko mwana wangu kuchechi kwenyu ikoko ?" Vakanga vatanga amai vangu pamberi pemuenzi.
" Hapana zvaamboitwa tongoti pafamba mweya mutsvene chete. " Ndakadaro ndichinyemwerera zvangu.
" Chienda unochinja uuye utangane nemapoto. " Ndakasimuka ndichibva ndaenda ku room kwedu .Ruva akanga akarara achiti akupera Simba .
" Don't worry you will be fine sis. I process ye healing. "
" Ok. " Mama vakabva vapinda.
" Ndiye mukomana wako here Nkateko ?"
" No haasi ."
" Ah ko nhema ndodzinei asvika akati mukomana wako wani ?"
" Ndipo pane shuwiro yake. Ini mama handingoda munhu nekuti akazonaka kana ane Mari . Ndine zvandinotarisira nekuongorora pamukomana. Zvino kana asvika hake achiti mukomana wangu ,ah hapana chakaipa. Imí samai vangu handina chandinokuvanzirai zvandakuudzai ndizvozvo Incase makazoona ndava kuti umwe munhu ndiye mu face wangu imi makamboona iyeye akazviti ndewangu. "
" But ndoona kunge munhu kwaye zvangu . Ini chandiri kuda mukwasha ,yes ndakakasika kuita mwana zvangu asika ndinodawo mukwasha. Zvekuswera ndava kunzi ndinoroya handisi kuda. "
" Ok soon . Sis Ruva vanenge varoorwa ."
" Ane mukomana wacho here iyeyu anongoswerera kupadaguka akapfeka tugwishu . Izvezvi kurwara ikoko haisi yava Edzi iyoyo ?"
" Ah heezvakaoma chokwadi . Munoziva mama dai mai payer attention kwatiri vana venyu muchiziva matambudziko atinosangana nawo. Zvino basa kutishoropodza chete. Vamwe vanenge vaine matamumbudziko ekuti munhu anosvika pakuda kuzviuraya chaiko. "
" Matambudziko ei aunotaura hamusi kudya muchiguta here pamba pano ?"
" Tinoguta zvedu but anyway better kuudza Mwari nhamo dzangu pane kuudza imi . Maybe ndogona kuti ndakakuudzai dzotonoswera dzava kwamai Sekai . "
" Saka uri kundiita munhu asina hana ?"
" Mashoko andataura nhasi akwana regai ndimbozorora. " Zvekupikisana na nyakubereka makati ndinombozvida here. Ruva haana kupindura . Ndakaenda mukitchen ndichinomutsvakira chekudya . Ndakadzoka mama misodzi iri mumatama. Hameno handina kuda kubvunza kuti chii . Handiti vaisuka maziso . Ndakadzokera mu kitchen Ruvimbo achitaura na Gaby akanga asiri interested zvake. Akazobuda oenda kupi hameno. Mumwe wake waifamba naye akanga achirwara. Tainga tasara tiri 2 nemuenzi wangu.
" Ndiri kuda kubata huku panze apo ."
" Handei tese ." Takabuda ndichibva ndatora chibage. Ndakamwaya paruvanze huku dzakauya dzichimhanya . Ndakabva ndabata huku yandaida. Aingonyemwerera zvake akamira.
" So ndiwo mabatiro aunoita huku ,I thought uchaimhanyisa. " Ndakabva ndaseka zvangu.
" Ndityoke gumbo here nhai akomana ."ndakadaro ndichiseka.
" Hautyoke babe ,so how was church ?"
" It was good ,eish mweya mutsvene wafamba nhasi. I could feel heaven . "
" Wow , I thought ndinosvika early ndiswopinda service nemi manje I was delayed. "
" Oh ,varisei vamwe ? "
" They are fine ,vanga vachitokumhorosa. "
" Hoo , waita basa wauya kuzondiona shuwa. "
" Manje how far nyaya yangu ?"
" Nyaya yako ndakainzwa Gaby. I'm still praying about it. I think life yangu neyevamwe zvosiyana pakuti chese chandaita kana chandiri kuda kuita ndinoisa Mwari mberi. "
" Eish ,handizoda kukutorerwa chete babe. "
" Hahaha naniko nhai akomana. "
" Ah nevanhu ka. You know unoti ndakamirira mango yangu iibve pane umwe anenge achitobanda ne sauti ."
" Unenge unobanda ne sauti iwe manje haunyare. "
" Hahaha ,you are so funny. Handibande ne sauti Nkateko ah. Do you know I'm a pastor ?"
" Haa like seriously !"
" I'm telling you . That's why my spirit connected neyako. " Ndakanyemwerera.
" One day someone said ,ucharoorwa nemunhu anoziva nekutya Mwari. I don't know if it's you kana someone else. "
" Definitely me. " Ndakanyemwerera.
" We shall see. Do you mind if we fast for a week ?"
" What for ?"
" Kuti ti confirm na Mwari kana takasikiranwa zveshuwa. "
" Hahaha ini ndainga ndaka fast babe for two weeks ndopinda futi pama fastings ? Plus ndakatotsanya ndichikumbira mwàri kuti vanditaridze mukadzi kwaye wekuroora. Vakanditaridza iwewe. "
" Wow . " Ndakabva ndanyemwerera zvangu.
" You have a beautiful smile. Mama vako vanga vachitondibvunza kuti ndichakuroora rini. Babe ndava kuda kuroora you know as a pastor hazvizoita chimiro kana ndava kuzoti ndaita muskana apo ndaita apo zvakare hazvibude zvakanaka. "
" Yha I understand . So tell me ,iwewe unotarisira kuva nemuskana akaita sei ?"
" Akaita sewe. "
" Character wise ."
" It's for me to know and for you to discover. Uri kuda ndakakuudza obva watanga kuita saizvozvo kuti nditi yes ndiye chaiye. Kana kuti ndakuudza obva watanga kuita opposite kuti ndiramwe utorwe nevamwe ."
" Jealous here iri?"
" Of course. You know Nkateko wakatoroorwa nemumwe munhu asiri ini I don't know kuti ndichapenga ndakasvika papi."
" Aizve nhai Gaby ,ini ndosaka zvangu ndaisada zvevakomana kana munhu akundiudza kuti anopenga mhh ."
" I'm telling you ,kana batye rehu pastor ndinomboisa padivi ."
" Kana tambodanana here kana kuti ?"
" Even tisina. " Ndakabva ndangosekawo zvangu.
" What can you say. So Which book raunonyanya kufarira mu bible ?"
" The book of Genesis ."
" Why ?"
" Because ndiko kune mavambo ese ekubva pakusikwa kwemunhu. "
" Ok ,so which chapter exactly do you like?"
" Mubvunzo hwai iwowo nhai akomana ? Shuwa Nkateko ndingauya all the way from Harare kuzotaura newe nyaya dzemu bible come on babes. "
" Ok let's change nyaya . ".
" So when are you coming back kuharare ?*
" Mhh I'm not sure . But soon ." Uriel akabva afona . Pese apa ndakanga ndichitaura ndichigadzira huku. Ndakadaira phone.
" Hallo !"
" Hey ,ndakasakufonera haufone ka?"
" Wakanditumira airtime ndoswera muswere wese wezuva ndichikufonera. " Ndakadaro ndichiseka.
" Serious Nka ?"
" Ndakambokunyepera here ?"
" Ok fine I'm sending now. So uri kuitei ?"
" Ndine visitor pano . So ndozokufonera manheru if you don't mind ."
" I don't mind hangu I hope haisi boyfriend yako. "
" Ndi Gabriel. "
" Which Gabriel ?"
" Munina wako . " Gaby akabva afinyamisa kumeso.
" So ,he's there with you ? "
" Ndizvo zvandataura. "
" What is he doing there ?"
" Auya kuzondiona ka nhai akomana ."
" Pakudii?"
" Pakuti anondida. "
" Oh ,it's your choice Nka. Do what you think is right. I love you asi handikumanikidze kuti Ida inini chete. I know you are a prayerful girl . One thing l know Mwari havakupe dombo wakumbira chingwa . Havakupe nyoka wakumbira hove. "
" True . "
" I know kuti you won't make a wrong choice . Please let me know about your decision kana wazofunga kudanana na Gaby. "
" I haven't made my decision yet. And the fact yekuti muri ma brothers and you are both telling me nyaya imwechete zvinondityisa. It's scary I don't want to lie. How can you both love me ? Who should I chose ?"
" That's why I said ,nzira yauchataridzwa namwari ndiyo iyoyo. Go there ,i won't have a problem nazvo. Zvingani zvataishuwira muhupenyu zvakakona kuitika. "
" Yha it's true. "
" I will be waiting for your call . " Akadaro achibva akata phone. I felt so bad sei . Zvakanga zvava kuita sekuti ndakanga ndadana Gaby kumusha kwedu .
" Ndiani wawanga uchitaura naye ?" Akabvunza sekuti akanga asina zvake kunzwa kuti ndimukoma vake .
" Ndi Uriel ."
" Asi anokuda ?"
" That's what he said before you ."
" So what are you saying ? Uchamuda ?"
" Like what I told him ,same applies to you. I need to pray about it. Ndingagona kukupesanisai maybe pamuri hapana kana wangu ipapo. So the best kumbozvinamatira. "
" It's ok . I do understand ." Ndakabva ndanyemwerera zvangu atleast kana vachiti vanonzwisisa vese zvaitova bho. Ndakabika ndapedza ndakapakura takadya tichiita nyaya. Akazooneka vana mama vakanga vatodzoka.
Uriel
Ini hangu handisi munhu we competition. I see kuti Gabriel aripa kuita competition neni. Manje handisi zvangu ipapo ndoda kumusiya akadaro. One thing I know ,Pana Nkateko I won't give up. Ndiri kungozvinzwa muropa mangu kuti she's someone I need. Sunday akanga asiko kuchechi. Ndakabvunza mudhara akati akanga aenda kunopindira kune imwe chechi. Mom vakanga vasingatonditaudza zvavo. Anyway ndakanga ndisina basa nazvo. Ma projects takanga tichienda mberi ,vanhu vakanga vachiuya kuchechi. Mazuva akanga achifamba nevabereki vangu takanga tisiri kuwirirana nekuda kwekuti vaida ndiregerere Joyce. Ndainga ndichigara zvangu kumba kwangu kwandakanga ndiri lonely. Zvinova zvimwe zvezvimwe zvakaita kuti vandivenge. After chechi vakanditi vaida kundiona. Ndakaenda navo kumba.
" Bible chairo rinoti regeeera anokutadzira so what's so special about you chiri kukutadzisa kuregerera Joyce ?*
" Ko kana muchimud ka nhai dad madii mangomutora maita mukadzi we mfhi two ? Why kuda kundipa zvandisingade ?"
" Saka uri kufunga kuti tingati uroore munhu asiri kwaye here ?*
" Kuva kwaye kwake kuri mumaziso enyu. I never loved that girl from the word go. Ndakati ndiri kuda kutanga business rangu ,I asked you for money makandiudza ma statements. Asi Mari yekunoroora Joyce makanga muinayo. You know what ,kana muri kurwadziwa nemari yenyu ,ndinokupai all I want is peace mu like mangu. Zva Joyce handisi kuita izvozvo . Ipai mwana wenyu kana muchida.
" Fine kana wati hausi kuda Joyce chisiyana nemuskana wa Gaby wazvinzwa ka. I don't want to see you padhuze nemuskana wemwana wangu anoteerera ." Vakadaro mama .
" Mwana wenyu anoteerera ? Muskana wake ndeupi ?"
" Nkateko ,ndakakuudza kuti Nkateko ndewa Gabriel. "
" Kana asingade Gabriel.wacho imhosva here ?"
" As long asingade Gabriel ,you are not going to date her . "
" Matii?"
" Ndati ,hausi kuzodanana na Nkateko even akaramba Gabriel . "
" We shall see ." Ndakadaro ndichisimuka .
" Try me Uriel . " Vakadaro amai vangu vakndivhurira ziso rekunge vachandidya. Ndakaona kuti ndakaita zvekupusa nekutya zvisina basa panapa ndinenge ndiri kutambisa nguva yangu . Hanzi na Nkateko pamwe pacho panoda hasha ,pamwe panoda prayer . Goriath pachake akaona kuti pane mamwe ma problem asingade kunamata asi anoda dombo . Ini ndakanga ndichiziva mashandisiro andaizoita dombo wangu . Nkateko is going to be mine ,by fire by force .
Nkateko
Monday ndakamuka ndakaneta ndaingotenderera pamba zvisina order. Mama vakatombondishaudha kuti urikungoita sewakadya mudzengerere hameno chii ichocho. Ndakatoona kurara kurinani pane kuswera ndichitukwa. Ndakazomutswa na Ruva achiti pane muenzi akanga auya . Ndakabuda wanei ndi Uriel .
" Uriel !"
" Ndauya kuzokutora. "
End of chapter 19
❤️
🙏
👍
😂
😮
😢
412