THEOS NOVELS
May 27, 2025 at 11:55 PM
https://chat.whatsapp.com/IR8Y8TP0AAuKSbGsXatEkf
Join our Facebook page
https://www.facebook.com/profile.php?id=100071712155222
PINDA MU CHANNEL MUNE OSE ANONSKIDZA.
https://whatsapp.com/channel/0029VaOPGxeEquiMe90fHM0p
*NKATEKO.*🌹
Story by Mani wa Nka
0788659793 /0784027359
Chapter 20
Ndakatoseka zvangu . Munhu akanga audzwa nani pandinogara ,haana kana nekufona kuti arikuuya ongoerekana asvika achiti ndauya kuzokutora zvine musoro here izvozvo?
" You are welcome ,manje why uri kuita kunge kwawabva wanga uchimhanyiswa na Satan akabata zidemo?"
" Eish Nkateko hazvisekese shaa ."
" Baba vangu vanogara pano ."
" Eish I'm sorry nekungoerekana ndasvika. I'm really sorry . "
" You look stressed ,what's going on ?" Akabva aramba akanditarisa.
" Let's take a walk . " Ruva akaramba akanditarisa zviya zvekuti ko hausi kuti pa introduction here. Ko handiti taizodzoka here nhai akomana.
" What's going on Uriel ? I don't like nyaya dzevanhu zvangu but I think whatever you are going through, its big. And ne rate yauri kufamba nayo iyi uchaguma wa commit suicide. "
" I just think kuti maybe ndakapusa ."akadaro akatarisa ku side.
" Why ?"
" I don't know ,I'm feeling it ." I know kune vamwe vanhu vanokuita u feeler less of a human being or of a man. Pane dzimwe nguva dzaunodzikiswa level rako zvekuti kana ne confidence chaidzo unodzishaya. Asi Mwari anosimudza marombe kubva muguruva ndiko kubata kwamwari.
" One thing I know for sure ,kunyarara hakusi kupusa. Sometimes vanhu vanenge vachikuisa pamiedzo asi kunyarara hakusi kupusa. Sometimes kuita walk away ndoona kuri nani ini . "
" How can I walk away from my own parents ?" Takasvika pane kamwe karuvare tichibva tagara kazuva kaitapira kechando.
" Fill me in. "
" You know that girl Joyce handina kumboti ndinomuda. That girl used to come to our house ndaitongóitawo nyaya semunhu akanga achigara Ari pamba pedu. One day ndakangonzi ndinofanira kuroora Joyce . Nemhaka yei ndakanzi ane hunhu anoshanda plus anoda Mwari. I was not happy about that nekuti pane muskana wandaida muchechi asiriye. They sat me down vakanditsanangurira ma facts avo vakati hapana pavaimbondikandira mugomba reshumba. Mwana anonzi Joyce akabva kuvanhu. From ndichizvarwa Nkateko handina zuva kana one randaka disobey vabereki vangu. Ndateerera ,Moyo wangu wakanga usingade zvangu zvekuroora muskana uyu. Ndaingonamata kuti dai pawanika chinoitika ndasiyana nemunhu iyeye. Ndakatomboita girlfriend ,Joyce akazviziva achibva akanya . To cut the long story short ,I never loved Joyce . Asi vabereki vangu vava kundimanikidza kumutora."
" So iwewe uri kufungei?"
" I'm stressed Nka . Handingatore munhu wandinoziva kuti iguva. "
" Ok ,so you want to disobey your parents ?"
" Ndipo pane nyaya. Believe me ,I don't want to disobey my parents ,at the same time I don't want anything to do with Joyce. Hupenyu hwese ka uhwu ? I think better kufa atleast ndinenge ndisina kuva disobey. "
" Anorwadziwa kana wafa ndiani ?"
" So haurwadziwe kana ndafa?"
" Iwe kana uchiziva ndinorwadziwa kana ndafa unenge uchizviurairei?" Akabva anditarisa akanyemwerera.
" You know ,kuuya Kuno kwandaita ndanga ndichiziva zvangu kuti unotaura zvinoita pfungwa dzangu dzinyevenuke. I'm glad I came. "
" Saka hauchada kuzviuraya ?*
" Ndakazviuraya ugosara ororwa na Gaby ?"
" Saka haudi ndiroorwe naye ?"
" Pane angada kusiya mukadzi akanaka achienda nerimwe bharanzi here chero zvakanzi I brother yako hazvibudi shame. "
" Hahaha brother yako ndiyo yaungati bharanzi. You know even zvangu ndichiona kuti pakati penyu pane umwe wandinogona kuda zvangu asi panonetsa. Obvious munenge musisawirirane sema brothers. "
" Ndikuudze chokwadi ?"
" The truth shall set you free. "
" Chokwadi ndechekuti ,I just love you naturally. Ndinoda zvese zvauri ,when I'm with you ndinonzwa kudziirwa zvese nekutonhorerwa muhana mangu. Handikude because pane zvandinogona ku benefit from you. I just love you ,I feel like pawakauya kuharare Mwari vakanga vakuunza for a purpose. Asi hauna kuzviona. Nkateko ,please ndinokuda zvinobva pakadzika dzika pemoyo wangu. Hazvina basa kuti Gaby akati anokudawo. Handina kumbobvira ndawirirana naye ,umwe neumwe aingoitawo zvake. Aiva favorite ya mama na dad zvakanyanya. So hatina kubvira ta click zvekuti ndingatya kuti tinoparadzana. Vanhu vanoparadzana ndivo vanga vachifamba same direction. "
" I hear you. I will pray about it. "
" How about we go together. "
" No ,I can't go with you. "
" Why Nka ? I promise I will find a job for you ."
" It's not like that. I just don't want to go to Harare especially nemukomana . Kana ndoenda ndichaenda ndega ,kana wakashinga nekuti unondida hausi wakati kure kwegava ndokusina mutsvubvu ? "
" Its ok ,I'm not complaining maybe I'm just asking too much. Kungoti chete Nka ,hausi kunzwisisa zviri kuitika. They are saying iwewe unofanira kuroorwa na Gaby. Who knows their intentions ?"
" Who is saying that ?" Akabva anyarara.
" Anyway ,pandakazvarwa namai vangu ,ndakabuda ndine njere dzangu dzakakwana. Handiudzirwe zvekuita nemumwe munhu ,chero vakava amai vangu panhau dzemufaro wangu havandiudzire zvekuita. I chose my happiness first pane kufadza vamwe vanhu. So whatever decision yandinoita mu life mangu as long ichifadza ini vamwe vozofarawo it's ok. "
" I love you for that ,kana vakuru vekudhara vaipera manyatera vachifambira kunopfimba muskana ,so be it. " Handina wandaimboudza kuti ndinomuda kana kuti handimude pakati pavo vari vaviri . Pane achaneta zvake ega ipapo. Handina zvangu wandakamboona ari bad ndingavanyepera vana vevanhu . Pane vese pane zvandaka notice zvangu. Asi ndakanga ndisiri kuzo maker decision on my own.
" So hows work ?"
" Eish ,takapikira ku save hupenyu hwevanhu. Sometimes it hurts kuti uri kuzama ku save munhu obva afa. "
" Ndosaka ndisingade basa rako. "
" Shaa zvinorwadza but hapana zvekuzviita. "
" I think dzimwe dzinenge dziri mhepo chaidzo mweya yemadzinza. Kana yakakutevera unogona kungofa usina kunyanya kukuvara . "
" Yah ipapo haureve nhema cause pane mamwe ma patients atinoona kuti uyu condition yake haisi that bad ozoona afa. "
" So you need to pray usati watanga zvema panga nezvigero zvekugera vanhu. "
" Hahaha unobva waita sekuti ndinenge ndichigera vanhu. Zvakakuomera. "
" Nhasi hauende kubasa ?"
" Doctor anorwarawo. "
" Ndozvinoita munhu anorwara izvozvo ?"
" Kurwara kuri pakasiyana siyana shaa. " Ndakabva ndaseka.
" Hoo zviya ndanga ndakanganwa kuti pfungwa dzako dzinorwadza. "
" Can I ask you a q. "
" Yes. "
" Which bk from the bible do you love ?"
" The book of Jeremiah. "
" Which chapter ?"
" Chapter 29 ,especially vs 11 and 12. I also love palsm. Unoziva mapisarema inodzidzisa kunamata chaiko. If yu want to be a prayer warrior read psalms. " Ndakanyemwerera.
" So you are a prayer warrior ?"
" Not yet ,but sezvo ndinewe mu life mangu so ,I know kuti manje manje ndinenge ndava prayer warrior like you. Unoziva ndaimboti kana ndichinamata ndaisvika pandinopererwa nemashoko. When you came into my life ndinozoti ndava kutarisa time ndapedza kunamata ndotoona kuti yowe zvandapedza gore rese ndichinamata. "
" Yoh ,saka im going to be a good wife Kuna someone. Mukadzi akanaka anobva Kuna Mwari. "
" Akashata anobva kumba kwavo. " Takaseka.
" Unoziva Nkateko ,pauri handife ndakaita give up. I won't give up I'm telling you . Better kufira kukuda shaa. " Ndakamutarisa ndichibva ndanyemwerera zvangu.
" Ana Uriel ndimi munotiita kuti tinzwe kuda kuva ma sisters imi . "
" Ndafunga kuti uri kuda kuti ndinzwe kuda. "
" Hahaha ,une mind yakaora ukwane. "
Takaseka. Phone yangu yakabva yarira.
" Hallo ."
" Why are you doing this to me ?"
" Doing what Gaby ?"
" Ndafonerwa ne sister yako achiti waenda na Uriel mugomo. What for ? "
" Mhh ,first of all sister yangu hameno upi anga asingafanire kukufonera. What is she trying to achieve? Second ,Uriel is my guest sezvawakangoitawo pawakashanya nezuro. So I don't see a problem ipapo. "
" The thing is ,Uriel arikukudawo. So I don't want kurwira muskana ne brother yangu. I am a pastor for goodness sake. "
" Zvekurwa zvava zvenyu muri two nekuti hapana wandinodanana naye pakati penyu. So kana makada kurwa mugobayana nemapanga it's up to you. Makaurayana anenge aita loss handisi vabereki venyu. So don't worry na Uriel tiri ma friends same newe. "
" I love you Nkateko. I want to be with you. Ndingava pastor vakaita sei kana ndakasiya mukadzi akaita sewe achienda ne brother yangu ?"
" You hate your brother handiti?"
" I don't hate him asi akada kundiitira ka skiri kekutora babe randakatembawo kuti ndorangu togona kungovengana zvemu firimu chaizvo. "
" And you say you are a pastor ?"
" Pastor munhu. "
" No pastor haasi munhu chete. Kana uchivenga brother yako what about neighbour yako ? The bible says love your neighbor as you love yourself. Saka kana uchivenga brother yako chero zvakanzi ndakuda nhasi ndakakutadzira chero mbama unondirova ka iwewe ?"
" Ndiwe zvako wava ku twist nyaya ,I was just saying. "
" No Gaby ,ah you are a fine pastor ,handsome but one thing that I don't like about you ma highlights auri kundipa. I think handingambozvigona. Handikukwanise. "
" So what are you saying ? "
" I'm saying ,I can't be with you. I'm now scared nezvawataura. "
" Hazvinetse ,if you don't love me make sure you do the same Kuna Uriel. Cause I won't take it lightly. Better ,we both lose ." Yha ,kana wakati Mwari ndipeiwo maziso emweya chokwadi unochiona chese chakavanzika chiri panyama yemunhu . Mama vaitoti this guy munhu ari cool chino chino ,asi ndakangovati ndichanamata nezvazvo. I didn't want to make my decision ,judging nekuti anofamba step yandoda ndiani. But Gabriel pamunhu wandinoda haa qualify. Uyuwo mukomana murefu handisati ndaziva denga harisati randitaridzawo ma true colors ake. So ndombo sticker ndakadaro . Akazokata phone yaiva pa loud ndichitaura naye. Ndakaona Uriel angopererwa.
End of chapter 20
❤️
🙏
👍
😂
😮
😢
391