THEOS NOVELS
May 28, 2025 at 06:23 AM
*NKATEKO.*🌹 Story by Mani wa Nka 0788659793 /0784027359 Chapter 21 Final free Uriel Ndakakura na baba namai mufundisi asi handina musi wandakanzwisisa the power of prayer. Ndainamata wo zvangu zvekungotiwo tinofanira kunamata. I never wanted to be a pastor nekuti ndaiona sekuti ma pastors anopemha muchechi. Zvaiitwa nevabereki vangu kuti kumba takaita ma problems anoda Mari ndiyo yainoita mharidzo kuchechi. Vaiswera vachishumira kuti vanhu vabvise Mari. Zveshuwa vanhu nekudawo kukomborerwa vaibvisa . Pandakazosangana na Nkateko ,muskana uya aitaura zvake achiita seanoseka arikutaura zvinhu zviri simple. Chokwadi ndipo pandakatanga kuona change mu life mangu. I remember vamwe pastor veku america vachiti wakaona uchiri nema shamwari achikufarira ,hama dzese dzichikufarira hausati watanga kunamata. Nekuti kunamata chaiko kune ma levels. Wakaona wava kunamata zvekuti mwàri chese chawataura anochiita unenge wava pane rimwe level. Hanzi paunotanga kunamata chaizvo chaizvo unosangana nemiedzo asi Mwari haakusiye wakadaro. Wakatarisa jobho aka lose zvese asi Mwari haana kumusiya akadaro. Akazowana zvakadarika. Pane mamwe ma situations atinopinda ,tichibuda ndimwari. Takatarisa Daniel ,mugomba reshumba. Mwari vakava naye nekutyisa kunoita shumba kuya asi dzakaziva kuvhara muromo wadzo. Mishec ,shadreck na abedniko vakanga varimo mugomba remoto asi havana kutsva . Vavengi vachiti vakukandira pakaoma votoona wabuda uri mupenyu hauna kutsva. Ndichibva kunoona Nkateko ,ndakasangana nemumwe munhu wekuchechi. Akandimhorosa zvakanaka ndakadairawo mune zvakanaka ndakanga ndisina zvangu nguva yekutsvinyira vanhu. " Mukoma ndinofarira the way you are dedicated pazvinhu zvamwari. Chokwadi you are doing great muchechi. " " Tinotenda ,kubata kwamwari kana kuchionekwa. " " Asi pane nyaya iri kundinetsa. Nemhaka yei makanga maroora Joyce ?" " Ah uyo mubvunzo unotoda baba namai mufundisi ndivo vanonyatsogona kupindura .." " Ini hangu ndakafara kuti Mwari wenyu haana kukusiyai. Munoziva uyu muskana anonzi Joyce ndakambodanana naye. Ndakanga ndisati ndava kupinda pa chechi penyu . I was shocked pandakauya ndakanzwa akanga aroorwa nemwana wa pastor. Ndakangotiwo kana akasimba mwana wa pastor wacho zvichaoneka . Muskana uyu ndava kuda kuroora ndakaita find out kuti akanga achidanana nechimwe chidhara cheku college kwavo. Zvakare akanga aitori nenhumbu handizive akazoita sei nenhumbu yake. Patova ne 2 years zvaitika. Ndakatenda Mwari vamwe ndipo pavakanga votondiudza kuti ano kechewa pa college ipapo pakataurwa zvakawanda pamuskana wandakanga ndichida kuroora. Handina kuda kuita makuhwa nekuti ndaiziva kuti kana muri muzvokwadi Pana Mwari zvichabuda zvese pachena. Ndakazongosiyana naye zvangu. " " Thanks wangu ndakanga ndapinda mumatope. Hameno ndaizochemera Ani kuti ndibudemo aizondinyurura ndiani. God is faithful. " " True . " Takazoparadzana nemunhu uya. Chokwadi pane zvimwe zvinoitika zvekuti vanhu vakawanda vanenge vachiti toda kuona zvinosvikepi. Mukadzi wako chaiye anogona kuhura asi vanhu havakuudze vachitya kuputsa Imba yako. Murume wako chaiye anohura nemunhu wepa next chaiye asi hapana anokuudza nekuti vanoti regai azvionere. Asi kana usina maziso epamweya hauna chaunoona kana kunzwa. Ndakasvika kumba kwangu ndichiona Gabriel akamira pagedhe. Aitaridza kuti akanga atova nenguva amirawo. Ndakadzika mumota ndaisada apinde mumba mangu. " Uri kubva kupi ?" You know this guy akanga aine kakudheeeera so sekuti takaenzana munhu wandanga ndakasiya ne 3 years ." " Who are you to ask me mubvunzo wakadaro ? As far as I remember handina mukadzi. I guess ndiye angava ne right yekundibvunza chete . " " Don't tell me shit wanzwa Uriel. Wakakanya program dzangu dzese ,now muskana andiramba wanga waenda kunoitei kumusha kwana Nkateko?" " Iwewe pawakaenda wakabvunzwa nani ?" " Handina akandibvunza nekuti muskana iyeye munhu wese aiziva kuti ndaimuda. " " Waimuda or waida kumushandisa ?" " Kumushandisa kuita sei chandingamushandisa?" " You know what Gabriel ,I had a long day. I don't want drama manheru ano handiti ka. " " You don't want drama iwe uchifamba uchindikanyira. Wakandikanyira pamunhu wangu wandaida. " " Iwe hauna kundikanyira ? Nkateko ndini ndakatanga kumuona ndakamuudza ndinomuda. Phone yaunomufonera ndini ndakamutengera. Be a man for once. Why uchingoda zvinoti ini ? Are you jealous I am a doctor ? What are you zviya ? We don't know. Please usada kundiisa pamiedzo. " " I am a pastor plus ndinoshanda. Ndiri kutokuudza Uriel. Siyana na Nkateko otherwise uchaona mazai enyoka. " " Ndi Nkateko upi ? I don't care andiramba zvake asi I won't give up. Kana tsoka dzichipera dzichapera ndichifambira iye. " " You shall see. " Ndakabva ndanyarara zvangu zvekuramba ndichipikisana nemunhu ndakanga ndisingade zvangu. Akanopinda mumota make yaakatengerwa nevabereki kwava kuenda. Ndakasara ndakapinda mumba . Mazuva akanga achifamba , pese pandawanira mukana ndai driver kuenda kunoona Nkateko. One day after ndatsanya nekunamata for a week. Ndakasvika munhu Ari mu good mood. Handina kumbotaura nyaya yangu samazuva ese. Munhu akabva ati. .. " Uriel ,I think we can try ." " Try what ?" " Kudanana haw handiti ndizvo zvauri kuinga. " " I don't want to try. " " What do you want then ?" " I want us kuti tidanane zvisina kuzama. Wakatongotanga kutaura language yekuzama wava kutorasika nekuti munhu anozama anogona kufoira. " Ok zvauri kuda zvacho . " " Thank you ,thank you so much Nkateko. I promise to love you and to protect you nepandinogona. I'm so happy ,eísh girl you have made my day. " " I know handina kuita wrong decision. I know I have made a right choice please don't make me regret ." " I won't . " " Now we can go home ndinoudza ma parents angu kuitira mangwana. Wagara unongosvika pamba so , handione problem . " " Ok . " Takaenda kumba kwavo. She introduced me Kuna Mai vake zvakare. " Mama ,na Uriel tava kudanana. " " Yho my girl ndafara. Atleast hazvisi zvinhu zvemuzvikona zvisingazikanwe shumo yazvo kuti uri kuita nezvei. Kana ndaziva mukomana wako zvakanaka izvo ,handidi kuzoona kamwe kakomana ndinomhanyisa munhu .." ndakanyemwerera zvangu atleast ndakanga ndine security ambuya vanhu . Ndakazooneka ndoenda zvangu ndakafonera Muriel shamwari yangu. " Man ! " Finally shaa ,ndazodiwa ." " But hauna kusvuuka tska Uriel ,nayewo Nka . Anga achifanira kuita one year mhani . Akasika kukuda .." " Ukwane wakawana nguva iwe uri busy tapping vakadzi vakasiyana siyana ." " Iwe handiti unotamba wega muriwo unenge wauya ini ndotsenga handijaidzi. " Takaseka. " Ibvapa ucharumwa nechekuchera hameno zvako . " " Kudhara kwacho ,I'm happy for you pastor ." " Wakanzwikwa na Gaby uchidaro anoenda chiguro kuro pahuro ." Akaseka . " Mupfanha wako akasaroya achaumba hari uya. Handimufarire zvangu." " Haa siyana naye uya ane dzungu chete kuramba kukura kuri maari ." Takamboita dzimwe nyaya. Mumwe musi ndakabuda ndichienda kunoona babe rangu ,ndakasvika pa garage ndobva ndapaka mota. Ndakapinda mu shop kwava kufonera babe . " Ngirozi yangu huru." " Huru ndi Gabriel ." " But still uri ngirozi yehondo . Gabhurere wwekumba kwenyu ingirozi ye horror ." Ndakabva ndaseka . " But unondiitisa zvako babe. Dai wangobvuma kuuya kuzogara Kuno .." " Ok ndouya but handigare newe . Eish ,Ue pane hope dzandakarota nhasi. Ndarota waita accident nemota yako. " " Mhhh pamwe pane vanhu vakuda ndiiite accident. Let me see what I can do. " Ndakakata phone handina kutaura naye nyaya dzakawanda. Ndakaona bhazi raipfuura ndichibva ndanopinda. Ndakasvika kumusha ndakaona munhu wangu ndakanzwa ndava kufonerwa nema purisa vachiti mota yangu yakanga yaita accident. Ndakaseka ndega kuti mota inoita accident mota yandakanga ndangosiya yakapaka here nhai akomana . Ndipo pandakarangarira hope dza Nkateko ,pane vanhu vari kundironda. Nkateko Ndakaona ndega kuti Uriel akanga Ari serious . Aiuya nguva nenguva achizondiona . Ndakazoguma ndabvuma kudanana naye . Zvino mumba medu makanga maita nyoka Ruvimbo . " Asi iwewe Ruvimbo unomborwei neni chaizvo ?" " Ndaita sei ?" " Why uchifonera Gabriel uchimuudza zvese zviri kuitika Kuno?" " Shamwari wakati Gabriel haumude handiti. So tatova kudanana. " " Ko makadanana musingaise Zita rangu mukati ? Musada kundiisa pamiedzo ." " Iwewe uri kureva kuti uri kuda kutangira Ruva neni kuroorwa here ?" " I'm not complaining am I? Indava uchingotaura kwausina kuswera iwewe Ruvimbo? Hai mhani zvine basa rei kana Nka akatanga kuroorwa handiti anenge awana anoda kuroora wacho. Une godo rinosvota mhani." " Manje whatever zvamuri kuronga ,you won't succed. Haundiudzire zvekuita Ruvimbo." Chakabva chatsamwa nhai munhu anoda kuita sekuti akanhongwa kumarara muitiro wake. Ainga akurwadziwa nekuti Ruva akanga oramba kuenda naye muzvikona mavo. Pandaienda Kuma prayers takanga tichienda tese. Bible tai study tese ndingoti mwana wamai vangu akanga atendeuka zveshuwa. Uriel akauya kuzondiona paakadzokera akandifonera achiti mota take yakanga yaparara. Kana zvakafamba sei handina kuzobvunza. Ndakangomuti as long as iye Ari mupenyu hapana chakaipa. Akanditi ainga ava kumbobuda kunze hameno ma purisa aizosara achizvinetsa nenhau yacho . As long aitaura neni ndakanga ndisina zvangu problem. . . . " Hai ah Ruva mhaniwe uri kundinonotsa kana wanga uchiziva kuti unononoka handiti ungadai watanga kugeza na 5am ?" " Hahaha zveune pamumoromo nhaiwe ? Ah zvakaoma ndapedza handei. " Takabuda tichienda ku growth point zvedu. Taida kumbono shop shoper sevanhu vakanga vaine kamari . " Ndiri kuda make up. " Ndakabva ndaseka. " Between me and you ndiani akanaka ?" " Obvious inini. " So why do you need a make up. " " Ndoda kuzonoimba ku praise team. " " Ne voice rako rinenge rababa kana vadhakwa iroro ?" Ndakadaro ndichiseka . " Ndokumganyisa Nkateko haw . " Ndakabva ndatanga kutiza achindimhanyisa ndichiseka . " Ndichakubata ." " Waremerwa nemagaro ka . " Akabva aseka . Takasvika pamba shops achingondimhanyisa. " Mhosva yako Nkateko yakakura hona ndatsva ipapa uri kutondirengera drink chete. " " Çhete ?" " Nema chips ." Takapinda mushop . " Ndipeiwo ka drink kadiki diki kekupedzisira kasingagutisi . " Ruva akabva andirova kambama pamusana . " Kwana ndipeiwo drink hombe rekupedzisira kana muine ma 5ltr ndipeiwo maviri. " Akadaro achiseka. " Unorwara handina mari ah . " Takatanga kuitisana nharo tiri mushop muya. Makabva mapinda vamwe bhudhi ,vano VA giant vatema. Vakanga vaine ndebvu dzamagerwa zvakanaka. Ruva akaramba achindimara nekuda drink hombe. " Udza uyo kuti akuita noise ." Akadaro mu face uya achitaura neni . " Makangomutengera drink raari kundinetsera anobva anyarara . " Akaseka mu face uya . " Asi anomwa doro here?" " Zvekupiko haanwe anoda drink nekuti Aneta nekundimhanyisa. " Ndakadaro ndichiseka . Ruva anga akanditarisa achiseka zvake. " Danny ,IPA muskana uyu zvese zvaari kuchemera asatiitira noise. " Akazóshopa zvee Ruva uya ndakaseka . Takabuda tava kudya tese . " Iwewe haufanire kudya ." " Nekuti ndaita sei ? Handisi ndanyenga murume uyu here ? " We laughed . " Asi iwewe uri benzi. Handina kumboziva unomboita wo kahupenzi so. Ndoda kumuudza Uriel. " " Uyo anofunga ndiri pastor Gabriel." Takaseka . " Chiya chikomana ah chakanakira pasina. Chine pfungwa here ?" " Only God knows . " Takaseka. Musi wacho tainga takafara kani . Takagara padombo takatanga kuita nyaya tichiseka tichiwanzirana. Ndipo pandakaona kuti zveshuwa I needed a friend. Not any other fríend but sister yangu akanga akatokwana akadaro . Ndakacheuka wanei muface wekutitengera grocery akagarawo kwakadaro achititarisa . " Handei tisati tachekwa musoro . " Takaseka . Ndakafamba muma fleemarket tichitenga hembe dzedu. Takazoenda kumba tine maplastic edu . Takasvika ndokupawo Rue zvatakanga tamutengera . Veduwe mwana wamai vangu akaita kunditema nechi plastic kumeso akati haapfeke madhende . Gabriel aizomuigira. Ndakabatikana handidi kunyepe . Rúva akangomutarisawo akasiyana naye . The following day taibva Kuno feed huku dzekuchechi ndipo parinosvika pamba Paine mota yandakafungira ndeyamufundisi. Takapinda ,kwakanaka vakanga vaingeiko vanhu ivava . Ndakakwazisana navo vaifamba na Mai mufundisi na Gabriel . Vakabva vati .... " Tauya kuzokutora takanzwa uri kudanana na Uriel zvino manje Ashaya . Munoziva haupererwe ,hauseke . Now ndakanga ndava kuona kuti kusakwana Kwa Gabriel kuri hereditary . Ashaikirwa anosiya chitunha achimboita zvema trip asina musoro ? Ndakanyemwerera zvangu ndichibva ndati ... Mhhh plan yevanhu avo ndeyei? End of chapter 21 Bk redu Rava pa sale .$2 ecocash to 0788659793 t chidamusiya. 90 zig pa same number . 40rand voucher pa 0784027359 . $2 buddie airtime .pa same number. Confirmation pa 0784027359. Vane zvichemo munouya inbox not pa grp . Vanoda kukwereta chimbomirai.. Thanks kune vachasapota munyori wavo . Akapisa mota ndiani?. Ko.mu face wekutengera vaskana akuita nezvei . Ko sei vafundisi varikuti Uriel afa. Ko.kana afa sei vasiri kuchema mwana wavo . Varikuzama kuita sei nekushanya kwavaita .. Is there a secret behind this? Vaviri ava vanoperera papi. Ko.ruvimbo arikufungei Ruva acharoorwa here . Only God knows. Bk redu Rava kutanga pane muongo wenyaya chaipo ndipo patava kupinda.
❤️ 👍 🙏 😂 😮 😢 274

Comments