THEOS NOVELS
May 30, 2025 at 10:48 AM
*BLACK AND WHITE* ⚪⚫ A Novel By|| Tamara O711424200 Whatsapp Channel: https://whatsapp.com/channel/0029VaIvxiB5fM5YoNoevP3B Join our Whatsapp group as well: https://chat.whatsapp.com/Isc0h4hMePq7MdV4FWwS5C CHAPTER 1 "Mamukasei amai," ndakataura ndichityora muzura mai Patie kwave kusekerera zvikanzi, "Ndamuka mwanangu wamukaseiwo??? Vamukasei vana mhamha!!???" Ndakapindura ndikati, "Aaagh vana mhamha vamuka zvavo. Aripo here Patie, ndanga ndauya kuzomutora tiende kumvura." Ndakadaro ndichigadzika mugomo wangu pasi ndichibva ndaugarira. Mai Patie vakaseka seka zvikanzi, "Aaagh achakarara uyu. ZvaPatie handizive kuti chiiwo chinomutadzisa kudzidza kubva kwauri. 10 o'clock izvozvi haasati amuka!!." Vakadaro mai vacho vachiKnocker muRoom make. Vakabva vapinda Patie kwave kubuda achishama n'ai zvikanzi, "Hes Shamiso." Ndakasekerera ndikati, "Hes Patie." Akashama zvekare n'ai zvikanzi, "Mushee... Aaagh ndakanonoka kurara zvangu ndiri paTikTok! Rega nditore bucket rangu tiende." Akabva apinda muKitchen kwave kubuda neBucket. Mai vacho vakapopota zvikanzi, "Saka hautonyare kufamba neBucket rine tsvina kudaro. Hauonewo zvakaita raShamiso rakachena kuti mbuu." Patie akati, "Aaagh ndonorisukira mberi!" "Watakura chisukiso here!!!" Vakasheedzera mai vacho totoenda zvikanzi, "Ehe!" Akabva aseka zvake nekuti aiziva kuti haana kumbochitakura. "Hessy kani Shamiso!!! Shammmy shammy!!" Akadaro achiseka zvake ndikati, "Inyaya yazuro ichiri kukunakidza aaagh iwewewo sooo!" Ndakabvunza ndichinzwa kuzvinyarira. Patience akaseka chaizvo kwave kuti, "Haaa unotya varume iwe!!! Ukaona vakomana unobva watoita kunge waona shumba!!!" Ndakati, "Zvevakomana handisati ndoda!" Patience akaridza chikuwe zvikanzi, "Kusvika rinhi nhaiwe usingade zvevakomana! Ukatiza vakomana vacho ucharoorwa nani!" Ndakati, "Haa iwe ndisiye mhani ngatichinje nyaya!" Ndakadaro ndichitobhowekana. Patience akaseka zvekare zvikanzi, "Kkkk watsamwa! Unondinakidza zvako Shamiso... Kamutyiro kaunoita vakomana gegege haaa unondiSparker wena." Akaseka kusvika abudisa tumisodzi. Ndainge ndadonha ndichitiza mumwe mukomana ainzi Moses. Ndizvo zvaaiseka izvozvo. Patience aive munhu aiseka zvake. Akaseka kusvika aneta achibva azoti, "Ndinotoshaya unotyei! Ini nhasi ndinoda kutonoona mumwe mukomana wangu uye Neverson. Ndinoda kutonomuona tichitobva kumvura ipapa!" Akambomira Patience ave kutarisa tarisa tsoka dzake kwave kutarisa hembe yake. Akabva abvunza akati, "Kuface kwangu hakuna kunyanyonyangara? Handina kumbogeza kumeso ini!" Ndakamuti, "Aaagh hakusi kuita. Wadii wazomuona zvako kumazuva rodoka wageza!!" Akabva agezera muBucket rekunwira raainge atakura zvikanzi, "Haa kumazuva rodoka Cladison anenge adzoka kubasa! Hazviite ndizobude kunoona Neverson pachinzvimbo chaCladison! Kwave sei mumeso kwangu!!" Ndakamuti, "Kwave nane asi haufanire kugezera muBucket rekunwira mvura!!" Akaseka zvikanzi, "Haa iSecret yedu tiri 2 kuti ndinogezera muBucket rekunwira! Unoti ndakafanana newe here mbuya hutano???" Takafamba mbichana zvikanzi, "Mira ndimboweta, wet yacho heyyy." Akadaro achitosiya bucket ndikati, "Iwe panzira ipapo haunyare here!" Akaseka zvikanzi, "Ndiri kuitira muchibage. Hapana anombondiona!" Akabva asiya bucket rake kwave kutopinda muchibage akatoita wiwi kwave kudzoka. Ndakaseka ndikati, "Iwewewo so!!!" Takataura nyaya tichiseka zvedu. Patience yaive shamwari yangu yemakore. Aive munhu uya aigara achifara nekuseka. Ini naPatience taive vanhu 2 vakatosiyana. I guess it's true when people say apposite attract each other. Iye aive mutema ini ndiri mushava, aive mupfupi ini ndaive ndiri musikana murefu, iye aitaura chaizvo ini ndaive ndiri munhu akanyarara. Izvozvo zvekuti iye aitaura ini ndakanyarara ndizvo zvaitoita tipindirane. Aitaura kazhinji ndichingoti hooo hooo. Aifarira zvekare vakomana ini ndaitoita vekutiza. Kukura kwangu kwese ndainge ndisati ndatomboita mukomana. Ndaitoshaya hanya navo vakomana vacho. Ndine wandakamboda one mukomana ainzi Donald asi zvakangogumira mukuchiva chete. Donald ndiye wandakatombodawo zvekungoti asi ainge akatowandirwawo nevasikana zvekuti aisatombondicheuka. Mukomana uyu akazongonyangarikawo handizivewo kwaainge ogara. Aimbogara kwedu kumaraini, kuBudiriro kudhuze nekwaCurrent uko! Anyways takaenda kumvura. Pachibhorani takasvika pasina vanhu vakawanda kwave kumira line zvishoma. Tichiripo pakasvika vamwe vakadzi vemuraini ndikavamhoresa zvikanzi, "Ko iwe Patie haumhoresi vanhusuuu???" Mumwe wavo akabvunza zvikanzi, "Munoda kutangwa kumhoreswa neni imi munenge musina kundionawo here?" Vakadzi vaivepo vakaita mahon'era munongozviziva zvepachibhorani. "Aaagh mwana asina kurairwa! Vana vemazuvano hameno maitwasei chaizvo!! Hunhu netsika hamuchatombozive kuti zviriko!!" Mumwe mukadzi akapindura zvikanzi, "Muno mese zvamo kungodaridzana navo vana ivava, kana mamukasei, kana maswerasei hapana!!!" "Aaagh zvakaoma imi. Kwangosarawo vashoma vakaita sana Shamiso! Rumwe rwese rudhende yuwiii surrender oooohhh" Vakadaro mhoms vaya vachisimudza maoko kwave kutarisa mudenga. Mumwe wavo wandaisatoziva akapindura zvikanzi, "Aaagh Shamiso is a rare breed manje! Muno mese patsika nehunhu hapana anoti pweee! Ko iyo smart chete, honha bucket unotoona kuti rakatosiyana nereuyo musikana ari kuchera mvura! Kana raPatie tsvina yacho unoshaya kuti nderekunwira here kana rekugezera, kana rekugezera racho harizombodewo tsvina yakadaro." Vamwe vainzi mai Farai vakapindura zvikanzi, "Ndipo paunotoona kusiyana kwevana ipapa. Ndipo paunotoona kuti uyu pane kwaari kuenda uyu hapana kuri kuendwa!!!" Vekutaura zveBucket vaya vakapindura zvikanzi, "Taurai zvenyu vasikana. Vamwe vanhu vakawana anovaroora minana chaiwo, saPatience wenhu uyu haa marabishi chaiwo, asi Shamiso haa ndirini vamwene vake ndinomubata sezai chairo!! Hapana chaunoshora! Humble this one!!!" Ndainge ndotonyara nekuCommentwa ini. Ko nei vanhu vaida kundifananidza naPatie isu taive vanhu 2 vakasiyana. Nyaya dzakataurwa zvichingonzi Shami Shami. I was an example to many, the most admired one. Ndaitoshamisika kuti vanhu vakawanda vaindiziva. Ndaizivikanirwa mabasa angu akanaka. Vechidiki ndivo vaiita godo asi vechikuru vaigara vakandiyemura. Vamwe vabereki vaiti kana vorova vana vavo wainzwa zvonzi chinokutadzisawo kuita saShamiso chii? Ipapo ndipo paibva godo revakawanda. Sezuva iri Patience aiita kunge abatikana. Takatofamba kaDistance asina kana kumbonditaudza. Ndini ndakatomutanga ndikati, "Aagh nhai vasahwira, ko mangonyararisa wani?" Patience akanyepedzera kuseka zvikanzi, "Nditori bhoo ini!" Ndakati, "Haa Unonyepa! Ndiudze, ukuratidza kuti wabatikana! Chii?" Akangoti, "Hapana," kwave kuwedzera speed yekufamba nayo. Ndakatanga nekumutaudza ini ndikati, "Usatombotevedzere vanhu zvako iwe! Vanhu vanongotaura hauzvizive here?" Ndakadaro ndichizama kumuComforter. Akatura befu kwave kuturunura bucket rake zvikanzi, "Asi nei vanhu vachida kundiCompare newe kuita fanike tiri vana vemunhu mumwe chete! Vanodii kukuCompare naChenai munin'ina wako kana naInnocent hanzvadzi yako!!" Ndakapindura ndikati, "Vanhu hauvazive here? Vanodaro nekuti tinotamba tese. Usazviise mumoyo!" "Haa and vanhu shuwa! Ngavasiyane neni vatsiure vana vavo. Uone mhom's yanga ichitaura zveBucket rangu, mwana wavo Faith wakamboona zvaari?" Ndakati, "Aaagh vane pamuromo vaya! Siyana navo!" Patience akaridza tsamwa zvikanzi, "Nxiii ndiko saka vana vavo vachingomitiswa mhani!! Vanoda kutaura nezvevana vevamwe ivo vavo zviri zvimajoki zvinonzi zvinoonekwa kumabhawa uko!!! Vanoda kundifananidza nevana vavo inini! Hatina kana kumbofanana! Ngavandisiye!!" Akapopota Patience ndikati, "Siyana navo! Chandinoziva uchatoroorwa zvakanaka wochata wotonogara zvakanaka! Uvanyadzise vanokushora!" Patience akagutsurira musoro zvikanzi, "Vachanyara!" Ndakapindura ndikati, "Tichavanyadzisa vanotaura zvisina basa!" Patience akapindura zvikanzi, "Iwewe it's obvious! Ini ndini wavane doubt naye. Iwewe it's obvious!!!" Akadaro ave kusimuka kwave kutora mugomo wake. Ndakaitawo zvimwezvo zvikanzi, "Imi ndimi vacho vanotarisirwa kunzi vacharoorwa nekuchata zvakanaka. Panotoverengwa michato yemuno muraini wako hautombosiwe. You have 100 percent probability of getting married zvakanaka." Ndakaseka ndikati, "Aaa iwe usade kundimeresa zenze uchindiisa paLevel randisiri." Ndakadaro zvikanzi, "Aaagh nekudzikama kwawakaita ndimi type dzinotoenda nemichato chete!" Ndakaseka ndikati, "Iwe mhani! Muchato weiko ini ndisina kana mukomana." "Vakomana unovaramba hakozvee asi kwauri vanomhanyidzana wani! Ndiwe usingatode zvako zvekuti kana woda hazvimbokunetsa, unonyatsoChooser waunoda kwete vamwe vanoChooser anenge aripo." "Nekutya kwandinoita vakomana here!! Aaagh iwe ndisiye!!!" Patience akabva aseka zvikanzi, "Wabva wandirangaridza zuro haayaaas" Akamboseka zvikanzi, "Asi imbondiudza?" Akadaro ave serious. Kana ave serious anenge achida kutaura zvine musoro. Ndakabva ndasimudza nzeve ndikati, "Kukuudza kutii?" Zvikanzi, "Asi mauri hauna kana maFeelings here 20 years hautombonzwe kuda vakomana?" Ndakati, "Haa kana ufunge?" "Kana kana kana," akabvunza amira ndikati, "Ufunge hako handina kana shungu dzacho." Akatura befu zvikanzi, "Wadii wambofamba nhaiwe! Kumboenda kumasowe unonzwa kana zvisina mweya yetsvina mukati!!" Ndakaramba ndakanyarara zvikanzi, "Wanyarara???" "Aaagh ndichafunga nezvazvo!" Patience akapindura zvikanzi, "20 years hadzisi dzekutamba nadzo ka!! Ini ndakatotanga kuita mukomana ne15 years. 13 years ndainge ndave kutonyorerawo vakomana tsamba... Tsamba dziye dzainzi 'Kiss before you open.' Ndakambotanga zvangu ndichiramba kwave kuzobvuma ndave ne15 years." "Aaagh ndichafunga nezvazvo." Ndakadaro zvikanzi, "Funga nezvazvo." Takazoparadzana iye ave kunoona mukomana wake ini ndikananga kumba. Ndakasvika kumba pfungwa dzangu dzichipishana pishana. Pane chaive pandiri here chaiita ndisade vakomana? Mufunge ndaisatoda mukomana pedyo neni. Ko kana pane chainetsa pandiri? Ndakanetsekana zvisingaite. The following day racho ndakamuka kwave kuita basa rese repamba ndikageza geza fast fast. Ndakabva ndatora foni yangu kwave kuSendera mumwe mukomana aitondipfimbawo ainzi Ben ndikati, "Huya tisangane kumashops kuma5." Mukomana uya ainge asina kuzvitarisira nekuti kumwe kwese uku ndaimupindura rough. Akabvumira mudenga zvikanzi, "Ehe unouya tosangana." Kumasikati ndakabva ndageza kechi2 kwave kutora paperbag rekunoisira muriwo wandainge ndatumwa. Ndakasvika Ben aripo pandainge ndataura, akabva ataura zverudo rwake kwandiri ndikati, "Neniwo ndinokudawo!" Ndakabvuma ndisina chokwadi chaicho nezvandaitaura. Handina chandaimbomunzwira mukomana uyu. I just wanted to prove to myself that there was nothing wrong with me. Pandakabvuma Ben akapindura zvikanzi, "Thank you for allowing me to be part of a beautiful and the most admired girl. I'm humbled to date someone like you Shammy." Akataura kudaro ndikangoti, "Cool." Ndakadaro chete asi mukomana uya akabva andisekerera. He tried kunditaudza but i wasn't interested nenyaya dzake, ndaitongopindura ma1 word answers kuti zvindibve. Tasvika kumba he wrote a message to me zvikanzi, "Shamiso i had never imagined kuti one day uchandibvuma. Munhu wese aikuda, i never thought kuti pavese ndini ndichaWinner Jackpot." Ndakamupindura ndikati, "Une luck i guess." *End Of Chapter* Stay Tuned 🖤🤍 Follow for more
❤️ 👍 🙏 😢 😮 😂 53

Comments