THEOS NOVELS
June 6, 2025 at 11:16 AM
*THE RISE OF A GOD FEARING LEADER*⭐ *Story by Professor TP and Theo Chida* +27644895113 +263784027359 *Chapter 2* Pakapera bongozozo nevakomana vaida kumuvhiringa vakaona kuti paita zve ndimba ndimba apa, Ariel haana kuzomira. Akatsvaga michovha yaienda kwavo kuShawasha Hills asi achishandisa Enterprises road inoenda kwaMutoko. Akauwana muchovha iwo maPro box adai kunetsa mazuvaano. Akange akaita kupakirwa hake kubhuti sezvo vakomana vemishika shika vaaisa vanhu mudzimotokari sevanopakira masaga. Semunhu akange asina basa nezvakawanda, Ariel akagara hake akatsokotedzana nevamwe kumashure ikoko. Akange akanyarara hake asi mumoyo make aizviudza kuti maringe nenguva dzinouya zvaifanirwa kuzopera. Asi kuti azive zvaizopera sei haana kunge aziva zvake. Yakafamba motokari apo vakapinda muGlenlorne. Vakange voda kusvika paTolgate rekubuda muHarare uchisiya mugwagwa weShamva wotarisa weMutoko. Sezvo Shawasha Hills neGlenLorne zvaive pedyo nepedyo, mukomana aifarira kushandisa exit kana entrance yekuseri. Uchimuona hawaifungira kuti kwaanobva vane chibhanzi, dzaive mbinga dzisingadade kwete zvigananda zvadai kutekeshera neHarare izvi. Ariel akafamba hake netsoka achimhanya kwave kupinda muShawasha Hills. Akapinda pinda dzamara asvika pamansion yavo. Semugariro akangosvika achipinda mumba make. Semunhu akange aita apply kuarmy, aida kugugula zvizhinji azive zvezvimwe zvaiitwa mberi asati aendako. Akange azvipira apo ainzwa achiita zvekusundwa. Baba vakange vagere zvavo muimba yekutandarira nemudzimai wavo Jocy. "Mwana wako Ariel ndanzwa kuti aenda kunoona Chitsa adzoka here?" Vaibvunza mudzimai wavo. "Princess ange achiti adzoka munongomuziva mwana wenyu mugariro wake anofamba senyoka. Hunhu hwaAri hauna kusiyana nehwenyoka haana shamwari haana nyaya nemunhu mamukanganwa?" Vakadzungudza musoro VaMurwira vakazvidemba kuti vakange vazvara dambudziko. "Ari achatinetsa pamusha pano! Enda unonzwa kuti afamba sei kwaabva. Munhu Chitsa ati kudii." Vakadaro VaMurwira. "Dai mambomusiya baba Ari. Kana tikatoramba tichidai acharamba achiita go against zvichida kumurega anochinja mafungiro. Madii mambotaura navaChitsa vacho munzwe kuti vataurirana naye kuti kudii." "Aaah mira ndifone, it's too late vabva vafona ivo zvichida vanoda kutaura neni nyaya yemukomana iyeyu!" Vakadaro VaMurwira vachidaira runhare. " Chitsa zvirisei wangu ?" Ndi vaMurwira apo. "Ndinosimba elder kwakadiiwo kumba nemhuri? Muri kuitirw zvakanaka here neshoko raMwari?" "Hahaha zvingori funny kana wava kuda kuva formal uchitaura neni so. Tiri kuitirwa zvakanaka mufundisi tichitenda Mwari nguva dzose."Vakabva vaseka. "Zvakanaka, ndafona kuti timbotaura nhau yemukomana Ariel. Asvika kuno tikataura saka ndamuvimbisa kutaura newe." Vakadaro mufundisi. "Maita chinhu chakanaka baba2 kana mataura naye. Ari anga atinetsa zvange zvotoda imi munhu waMwari ane power. Saka azotenda hake kaa kurasa pfungwa yake yekujoina chiuto mabasa asina musoro?" "Ummm handione sekunge kuva uto ibasa risina musoro nekuti you'll be serving the nation. Nyika inoda vanoidzivirira saka inoda varwi. Hatitarise divi redu toga kana mumagwaro zvirimo tinotonzwa wani kuchinzi David nehondo yake vakatizira paRamah. Harina kumboshata basa iri kana kuri kuti wacho ari sarudza chinangwa chake ndechei. " "Hapasiripo pane nhau yangu. Makange mambozviona here kuti decision yemukomana uyu ine kamwe kakusanzwisisika mairi. Imagine of all your children ndiye oga asarudza kupinda muchiuto why? Hakuna kana mumwe asarudza kuenda kuchipurisa kana kune mamwe mabasa muhurumende asi iye sei zvichidaro?" Akaudzosa mubvunzo munhu waMwari. "Handina chandati ndaona. Handiti iye ari kuti it's his choice here. Ndiye oga a rebellious child pavana vangu uyu. Basa rechiuto harina kushata i know asi status yedu manje I don't think zvingabuda kuti ave uto Chitsa ." "Hapana chakamboshata Murwira having one son serving the country seuto. Izvozvo zvino protecta legacy yenyu. Chimwe chinhu chandanga ndichida kuti nditaure nemi ndezviri pamukomana. Ariel haasi munhu akareruka wekuti tingamufananidze nevamwe vana. Mukomana uyu zvaanoita haazviite iye oga omene asi unoita zvekusundwa soo. Pane zviri paari mukomana uyu zvinofanirwa kuzo manifesta nenguva dzinouya. Chimbopindurai, kubvira kare aida kuita musoja here?" "Kwete! Aiti anoda kuita pilot uyu. Zvekuita musoja zvatanga manje manje. Akatomboda kusiya chikoro hanzi ndinoda kudzidza history neGeo ndiko kune passion yake. Zvimwe izvo akange asisade kudzidza kana form 6 yacho akatopedzera kushinga. Hongu akakura ari munhu asinganzwisisike asi zvaive nani. Ikozvino onyanyisa kana kunditeerera haachanditeerere pamusha pangu!" Vaivava vaMurwira. "I know asi imi what are you going to do about it? Mukada kurwisana nezviri paari hamungakunde, ndosaka ndati pane zvakamugara zviri kumusunda kuti aendeko. Isusu let's respect his decision tione how it ends. Musiyei aende tototambira kuti ndizvo zvaari kuda. Hatingati mwana wedu haateerere Ariel ndomuziva hunhu hwake. Tinogona kuzama kuda kudzivisa chikuru chiri paari mangwana tikazozvidemba. Musiyei aende ndapota." "Sezvo mataura imi mufundisi ndave kusiyana nazvo. Maitabasa nenguva yenyu regai aite hake." Vakadaro vaMurwira. "Thanks nekunzwisisa . Tichazotaura zvakawanda taonana swerai bho. " ndiwo akave mashoko amufundisi okupedzisira vachibva parunhare. Pose paitaura baba vaAriel namufundisi panhare, iye Ariel akange atoona zvakawanda nekuziva zvakawanda. Kwakange kwodoka apo akanzwa notification pa phone. Akavhura ndokuona iri email. Akaenda paemail, zvaakaona ipapo zvakamufadza. "Yeeeeeees!!" Akafara akaita ruzha mukomana achirira email sevaIsrael vatora Areka kuenda kunorwa neva Firistiya. Email yaakange atambira yakange iri reply yeapplication letter yaakange atumira kuZNA inova Zimbabwe National Army achitsvaga basa. Akange audzwa kuti aifanirwa kuuya kuzoita report the following day kuZNA Headquarters ozoudzwa zvaitevera. The following day Ariel akamuka mangwanani ndokudressa bhobho kwave kupinda town . Akanenda paHq yemauto kwave kunanga kuhofisi yaakange anzi asvikire. Mukomana akaudzwa kuti aifanirwa kutorwa ropa roongororwa pamwe nezvimweo ozodanwa. Avanoti na medicals . Ariel akaita mazuva matatu asati afonerwa apo akazofonerwa. "Congratulations Ariel you've qualifed kuenda kunodzidza zvidzidzo zvechiuto kuMagunje Training Depot. Siya waonekana nemhuri yako nekuti mangwana na8am unofanirwa kunge wasvika moenda." " That was so fast !" Akadaro achitaura ega . Ariel achibva kutaura narecruit officer vaye akaenda kunoona vabereki wake nekuti avazivise kuti akange oenda kunodzidza zvidzodzo zvekuva uto. Sezvo vabereki vakenge vamiswa kurwa nemwana saka vakange voteedzera zvaidiwa nemwana. " Yha they called me ,vati mangwana ndinofanira Kuno report ku Hq . " Akadaro achiudza vabereki vake. " So soon !" Vakadaro baba vake. " Yha ,ku army havamire. " " But Ary ,are you sure ndizvo zvawada wanyatsosvipira ?" Vakabvunza baba vake. "Yes dad ,I want to be a soldier. Not just a soldier anotambira Mari asi akapikira kuchengetedza nyika yedu ,nyika yemadzitateguru edu ." " That's good ,I support you my boy. Please be safe ,handidi kuviga mwana wandakabereka. Instead ndiye anofanira kundiviga. " Vakadaro baba vake vari worried. " I will try dad. " " Ok ." Zuva raitevera mukomana akasenga mornach yake kwave kuperekedzwa nemadzikoma ake sezvo akange oenda kwakamboperera vazhinji. Areil akapinda mudhorobha kwave kunomirira ari panzvimbo. Nguva dzakatekaira vamwe vaaienda navo ndokuuya. Vamwe vakanga votoita sekuti vakanga vato qualify kuchisoja kwacho. Ary ainga akanyarara zvake akamira pake ega. Vakauya vakatorwa ndokuendwa navo . kuMagunje Training Depot kunana Hurungwe uko. " Ndava kunzwa kutya ,mhh ndakanzwa kuti tinorohwa ." Akadaro mumwe mukomana akatarisa Ary. " Are you talking to me ?" " Yes. " " Why usingaende kunoita nesi anobaya vanhu magaro nejekiseni kana zvekubaya nepfuti usingazvigone ?" " Ah iwewe une pamuromo. " " I'm stating ma facts here. Uri kuda ndikufadze nenhema here . Zvimwe zvinoda kutanga ma google musati mangonhanyira kuti ndoda kuita this course. " " Taura zvako shaa ,ah munhu anotya chii Kuno kuri kudiwa na soldiers kwete anamainini vanenge vakapfeka mapitikoti. " Akadaro mumwe vachibva vazonyaradzwa nemukuru wavo akasvina. Hana dzainga dzoita sedzinoda kubuda kuhembe manje. Vakaziviswa mafambiro avachanga vachiita murwendo rwavo .Nevatungamiriri vacho vachange vachizoshanda navo. Ary akanga akadzikamira zvake akateerera vachi addresswa. Umwe musikana ndiye akanga ofemera padenga ,akazongoerekana adonha pasi. " Whats going on apo ?" Vakabvunza mukuru. " Ndeuyu adonha. " Akadaro mumwe mupfanha. " Wabvunzwa nani ?" That mubvunzo wakapa vakawanda ka fear neka clear view kemararamiro avaizoita kuchiuto. Hapana akaziva kuti musikana uya akazoita sei .Mazuva akanga achifamba ,team rakanga rava serious ne training. Training yechisoja yakanga isina kucheap seuri ku trainer ka train kebhora . Kwaiva nema activities akawanda aiitwa aisanganisira kumhanya pamusoro petambo ,kukwira nekudzika ne tambo ,kuhumburuka mujecha . Dzimweni dzenguva vaitumwa kuenda kunoba chikafu chaunenge wabika onzi enda unoba. Failure to steal paitsva mbiti. Izvi zvaiitirwa kusimbisa ,nekuti munhu anzi muroi anotobikwa nemishonga zvakasimba kuti ange asinganzwiri Tsitsi. Ndizvo zvakanga zvakafanana nemasoja. Kuti munhu anzi musoja aitobikwa chaiko kuti chero akatarisa amai vake achinzi pfura haafunge ruviri kana rutatu. Hakuna soja rehondo raienda ku training achinodzoka Ari soft . Izvo zvakanga zvisingaitiki ,kana wava pabasa paiitwa zvebasa. Kutuhwina chaiko kana uri soja waifanira kugona kutuhwina. Two days dze training dzaiita kunge 2years chaidzo . Vakuru vacho vakanga vasina nguva yekusekerera munhu ,paishandendwa ipapo . Mumwe wevakomana akatanga kunzwa mu chest nezvimasaga zvavaitakuriswa . Ariel akanga Ari gamba chairo ,comrade Rial ndiro Zita ravakanga vamupa . Training yese yavaiitiswa yairwadza vamwe iye aitoona zvake sevari kutamba. Aizvitora nyore nyore ,ndipo vakuru pavaiona kuti chikomana chakanga chine potential. Zvese ku strategize akanga ari number one ,izvo zvakapa kuti ave nevamwe vasina kunge vachizomufarira . " I feel like ndakapiwa pfuti ndongonyepera kunge ndaita mistake Ndobva ndamudhuura mu face uyo.handisi kumuona zvakanaka anenge ane mishonga chete kuti haana kubikwa nemishonga iyeye ?" Akadaro mumwe mukomana akanga achirwadziwawo nekuona Ariel achingoitwa good boy . " Mhh shaa ngatisiyane nazvo ,tozomuonera plan tapedza training . Imagine obva wamudhuura ofira pa sport kana kuti orega kufa chii chichaitika ? Unogona kuzourawa Kuno hazvizivikanwe kana kuendeswa kujeri. Ngatimboitai zvatakainga ." " You are right ,but that guy ,I swear I will get him chete ." Akadaro akarova face ye soja chaiyo. Ari akanga ava threat yevakawanda aizorarama zvakanaka here kuchisoja uku. End of chapter 2
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 257

Comments