THEOS NOVELS
June 8, 2025 at 12:58 PM
*THE RISE OF A GOD FEARING LEADER*⭐ *Story by Professor TP and Theo Chida* +27644895113 +263784027359 *Chapter 3* Kuti munhu azonzi ave uto hazvisi nyore, you go through a lot of difficulties. Ariel ari kuarmy training akasangana nezvakawanda. Asi mukomana akanga akashinga. Vakuru vakanga vachikwenyana zvavo pese pavakanga vaine vakomana pa training. Aive leader pazvese ainga ari Ari wemberi sekuti akambopinda pa training. "This one is a true soldier." Vakadaro vamwe shef. "Who taught them ma values, traditions and fundermentals of military life?" "NdiKatsukunya." "Anenge akanyatsotsanangura zvavakanzwa. Vamwe they are good asi this one was born for this." "Anonzi Murwira, handizoziva mwana wa business man here kana kuti kufanana kwema surname ." "Ndichamubvunza." "No such information tozoitsvaka zvedu vapasa training zvakazoziikanwa tinenge tava kuita sekuti tai favor nekuti mwana wembinga. Rega aite zvinoita vamwe." Vakaenda mberi nenyaya dzavo vakomana vachifa ne training. Mazuva akanga achifamba. Vakanga vava muweek three of the month apo vakadzidziswa map reading, navigation ne first aid. Map reading yakakosha pakuti kana uri musango unokwanisa ku locate ma enemies kana kuti Uzive kune vamwe vako kana direction yawabva nayo. First aid nayo, umwe wako akapfurwa unogona kuziva kuti ndosunga papi, kana kuti ndobatsira sei kuti ropa risaramba richibuda kana kuti ropa risamhanya kuenda kunovhara kumoyo. Zvakawanda zvinobatsira first aid. Awo ndiwo akanga ari ma basic training avakanga vachiita vachangosvika. Vava pa week 4 vakanga vava pane inonzi red phase. Iyo yaiva intense training in core military skills. Apo vakanga vava kudzidziswa ma drills, weapon handling and combat tactics. Chikomana Ariel chaisatatarika zvacho zvese zvaingoita sezviri nyore kwaari. Vamwe vaiita kusadharara sevachabuda tusana asi iye zvake zvakanga zvisina dikita rekunyanya. Ma shefu anenge achingoona zvavo, munhu wekuti aiti akadzidziswa aibata ka1. Pa this phase vakanga vachiita zvakare more challenging training. Vapedza phase iyi vakazopinda pane imwe phase iyi ndiyo yakanga ine munhu pasi. Yaisada kuti unge uri tambaonga. Phase iyi yaida teamwork, leadership and problem solving in combat setting. Vamwe vakanga vari mashamwari vakazenge vosiya shamwari dzavo vachinoita team work naAri zvinova zvakaita kuti Ari avengwe neboys. Mukomana ainhonga tsono pa problem solving. Mukomana aigona kutungamirira vamwe, zva Ari zvakanga zvovhundutsa mashefu. Akava talk of the barracks. Vamwe ndivo vakanga vachifara nekuva ne such a warrior vamwe ndivo vakanga vachirwadziwa nekuti vakanga vaine godo nefungidziro dzekuti anogona kungosimuka fast mukomana. From 13 weeks vakazoita training inonzi one station unit training kusvika vachinopedza training yavo. Kwaifiwa kuchishandwa, vamwe vakazopedza vane mavanga vanga asi soja rakanga rakangwara rakabuda risina mavanga. Nguva zhinji vaigara vakanyimwa zvokudya pamwe pacho vachipihwa sadza nesadza rimwe uri chisevo. Zvese izvi zvichiitika zvaimusimbisisa kwete kumurwadzisa. Imagine wakajaira kudya breakfast kumba kwenyu inenge ine zvese ozonopiwa sadza risina usavi? Ndipo panotaridza hushingi hwemurume ipapo. Vamwe pavaitambudzika vachigara vakazhamba Ariel akange otowedzera kusimba. Nyama dzake dzakange dzoumbana zvekuti waingoona wega kuti he was born a soldier. He had mascular body with ripples everywhere. Ariel akatanga kuve neshamwari uku achiwirirana nevanhu vazhinji sezvo aifarira zvinhu zvakanaka. Team work yakamubatsira kuti ave nemashamwari. Hazvina hazvo kumisa vakomana vakanga vachimuvenga kuti varambe vakamuvenga. Vavengi vake vane pavaive vakatsika asi zvakazoshaya basa sezvo mukomana akange otova munhu wevanhu, aiva munhu wekuti hapana aiziva zvaakanga achifunga. Kana akafara kana akasuwa hapana akanga achiziva. Pese paakange ari aigara aine vaimutevera avo vakange vofara nemaitiro ake. Kudzidza kwake kwakanga kwafadza vakuru apo akapihwa ma opportunities achiri kudzidza zvekuti paazokapedza zvidzidzo zvechiuto zvekutanga akange atove munhu wevazhinji. Yakapera mwedzi mitanhatu chikwata chana Ariel ndokupihwa korona dzekukunda kunova kukepiwa kwavaiitwa nemutingamiriri wenyika. Vachipedza kukepiwa voda kuenda pakasvika colonel Sidewinder avo vakange vabva kuOne Commando Barracks. "Who's Ariel Murwira here?" Rakadaro colonel Sidewinder nezwi raityisa. Iro racho raityisa ndati. "Ndiripano shefu!" Akadanidzira Ariel achichaya sarupu kupa ruremekedzo. Hongu colonel Sidewinder spoke with an intimidating voice, vamwe vakange vadedera naro asi kuna Ariel izwi iri raitapira. "Une vhiki imwechete yekuzorora. Uchibva kuzororo nanga kuOne Commando Barracks uno reporta ikoko. Rwendo rwako harwusati rwapera uchiri pedyo!" "Yes sir!" Akapindura Ariel achichaya sarupu zvekare. Colonel Sidewinder havana kuzomira vakangotenderera nekutodzokera kwavakange vabva. Zvinhu zveku army zvine protocol. Haungotorwe from nowhere wotonzi chienda pakati. Uko maranks anoshandirwa soo soo hard. Kudanwa kwaAriel nacolonel Sidewinder hakuna kufadza vazhinji vakange vadzidza naAri, havana kumbobvira vakanzwa nezvazvo kuti itsika yawo macolonel kuuya vokutorai 1 1 muchangobedza, actually zvakange zvatanga naAri, and the other colleagues envied him. It was too soon kuti anzi ava kuenda panext stage, ndiyo yaiva promotion chaiyo iyoyo. Vanhu vakanga vodzokera zvino kudzimba dzavo. Ariel akadzokera kwavo kuShawasha Hills mushure nekupedza zvidzidzo zvekutanga. Aida kunozorora ozoenda kwaakange anzi aende after a week. Chikomana chakapinda munzira haana wakaudza kuti akanga achiuya. Aitova asina phone, ainga akasiya kumba. Vese vaimutsvaka vakanga vachifanira kutova vanhu vanofamba pamweya. Vanonamata zvekuti vamuone kuhope vagotaura naye kuhope. Akasvika pagedhe ndokumira zvake. Gedhe racho raiva ne sensor yekuti wakaswomira intercom inobva yarira mumba kutaridza pane munhu even usina kubaya chibhatani, neuyo ari mumba aikwanisa kuona kuti ndiani ari pagedhe. Amos akati achiti baa, aone I brother yake, akavhura gedhe nekubuda achimhanya sebenzi. Vamwe vake vachiona achimhanya semunhu akanga achidzidzira kupenga vakatevera netambo yekumusunga vaizotsvaka kana vamubata. Ndipo pavanoti dhuma nemutwin wavo achidzoka. "Haa you guys are still here?" Akadaro Ariel akarova zvake serious. "Watogona wadzoka dai wanga wazouya mangwana waiwana tarova pasi." Akadaro Amon. "So you are going tomorrow? Haa guys, I thought I would spend sometime with you." "Ari, iwewe chaiye? You are always in your room bro, unoita sekuti we are not brothers!" Akadaro Antony. "Ndachinja now." "Nuh bad man, we are going." Akarova cool zvake. "Chembere dzaguma ura dzirimo here?" Akabvunza Ari. "Hahaha ndoda kuvaudza. Vanenge varikugeza vasina kupfeka hembe handina zvangu ruzivo." Akadaro Austin, akanga asinganzwe zvekuti. Boys rakaseka, Ariel akangodzunguza musoro. "Let's go inside man." Vakapinda mumba vachiseka. Mai vake pavakamuona Ari vakaita kumhanya chaiko sevachadonha. "Jasper rangu my precious stone radzoka!" "Haa mama ko isu tiri chii?" "Matombo, futi muri ma vhinga evanhu, kana zvififa. Handina kukutii musapinda mumba nemadhaga?" Vakomana vakabva vanyarara zvavo. Vabereki vake vachimuona vakafara chaizvo vakatenda Mwari. "Baba vako vaitokutyira ka kuti pamwe unonofira ikoko. But inini ndaiziva kuti uri gamba." Vakadaro Mai vake. "Haa mama, mudhara anoita kunge asingandifarire ini ndiri favorite yake ndiri kuzviona zvangu." Vakabva vaseka. "Pane munhu anoda kuti mwana wake afire musango here nhai akomana?" "Only muroyi nekuti ndiye anozodya nyama nemashamwari ake." Wakanga uri mufaro wega mumba. "Ndakatombopinda pama fastings ka ndakati Mwari chengetedzai mwana wangu." Vakadaro baba vaAri. "Hmmm baba Jaden unonyepa, izuva ripi rawanga wakatsanya?" "Ko kutsanya kunoda zuva rese here kuti muone kuti tatsanya vamwe? Even ne 2hours dzemaskati plus 12hrs dzemanheru.." Vakaseka. Ari anenge asingaseke zvake. Akafara anongodzunguza musoro zvake kana ada. "Mangwana Party." "Haa mangwana ndoda kumbozorora." "Unozorora kana wasvika kudenga not tomorrow." Vakadaro mai vacho. "Mama, ok Sunday not tomorrow." "Ok fine. Let me call mai Chitsa and team." Vakabva vafona. Vakafonera vanhu vakati wandei vachivazivisa kuti chikomana chakanga chadzoka saka vaizoita ka party. The following day vakaswera vari mubishi kugadzirira party yakare. Sunday after church vanhu vakauya. "Murwira apa wakazvara rume chairo, ko vamwe vakomana varikupi?" "Avo vakasimuka nezuro." "Ndanga ndichifunga kuti akaroora zvake kamwana kangu kasIkana kaya zvirisei hameno unopaona sei?" Yakanga iri shamwari yababa Ari yemu business akanga achidaro. "Hapana kana chakaipa, apa. Asi vanchiri vana vadiki." "Ehe ndipo pane point kuti kana vakaziva vari vadiki havaswere vachitambisa nguva kuita zvisina basa nevamwe vanhu. Vanotongokura vakaziva kuti uyu ndiye wangu." "Ndichaedza kutaura newangu, akaoma musoro hake asi." "Zvakaoma chimbozama." Vanhu vari busy kutamba vamwe vachidya, Ari akanga akagara zvake akatarisa kamwe kasikana. Akangoerekana adzunguza musoro achibva asimuka akaenda kuroom kwake. *End Of Chapter 3*
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 309

Comments