THEOS NOVELS
June 11, 2025 at 04:29 AM
*THE RISE OF A GOD FEARING LEADER* ⭐👨‍🎨 Story by Professor and Theo Chida +27644895113 0784027359 Chapter 4 Party yakazopera Ari akange atosuduruka hake kare. Vanhu vakazoparadzana ndokuita aziva kwake aziva kwake. Mazuva akafamba Ariel ari pamba zvake achimirira kuenda kuno reporta kuOne Commando kwaakange anzi mukupera kwevhiki. Week rakazopera Ari ndokuonekana nevabereki vake. "Mama nadaddy, I'm glad ndakave pano nemi kwevhiki rose. Mazuva angu ekugara pamba apera I'm going to further my career in the army again." Akadaro Ari kuvabereki vake. "What? Are you not suppose to be working young man?" Vakabvunza baba vacho. "Furthering my career is part of my job. Handisirini ndasarudza kuenderera mberi nezvidzodzo zvearmy asi kuti ndakasarudzwa. Ndinofanirwa kuenda kunew Craneborne kuno reporta kuti ndauya for duty izvozvi." Akadaro Ari. "Mwanangu mabasa enyu aya ekuti hatiwane nguva nemwana wedu totoshuva kuti takazvara handiide iye. Saka ukaenda ipapa uchanoita six months usipo again?" Vakabvunza vaMurwira. "Inga vamwe vana venyu vakaenda kuma Universities ari abroad wani. Vamwe vari kuIndia vamwe kuStates asi hamusi kutaura zvekuvasuwa why me? This time handizive kuti tonoita mwedzi mingani it could be more than before." Akadaro Ari. "That is why I didn't like you to join army at the very first. Zvicharamba zvakangodai kusvikira muguva uchaona. Basa rawakazvisarudzira iri there'll be no peace uchaona!" Vakadaro vaMurwira baba vake Ari. "Don't worry about me dad. I was not born to have peace of mind. Anyway you're lecturing too much. Time is moving ndaakuenda ini." Akadaro Ari atobata travelling bag rake. "Aikazve let's drive you there nhai iwe Ari!" Vakadaro mai vacho vatoona kuti mukomana akange otorova pasi. "No need mom. Tiri kuenda nemotokari yekubasa ndichanoimirira kuseri kuGlern Lorne uko ndozotorwa ipapo." Akanyepa zvake Ari. "Wagara haudi zvekuperekedzwa tokuziva. Anyway, ufambe zvakanaka mwanangu goodbye." Ari akaonekana nevabereki vake kwave kuenda kwaaidiwa zuva iri. Akazosvika kuOne Commando mukomana ndokuwana kuti paive nevamwe vanhu vaakange asingazive vakange vakatopfeka uniform saye vakamirira. Akange akachena kani mauti aya akapfeka zvaiyevedza uku bhutsu dzichipenya. Nguva dzakakwana ndokubva colonel Sidewinder vaye vekuudza Ariel kuti nemusi wakati aifanirwa kuno reporta kuOne Commando. Vose vakange vadanwa vakange vavepo apo Sidewinder rakaenda mberi kwavo. "Imi vapfanha imi. Mose mauya pano madaidzwa naani?!" Vakapererwa vakomana nemubvunzo uyu, apa munhu aiubvunza ndiye akange avati zuva irori nenguva dzakati svikai. Zvino vakomana vose vaive apa vakange vachenjera, hunzi chakatanga ndoochakachenjedza saka hapana akadavira. "Mangwarisa vapfanha! Chinzwai, mose muri pano you've been selected to be the the special asset of the country. Mave kuenda pane rimwe danho pakudzidza kwenyu. Ino inonzi One Commando barracks. Mauto anowanikwa pano ndiwaya anopfeka mabhareta egreen. Paye pamaive kuMagunje maitamba. Kuno kunobikwa simbi dzoga dzoga hakuna ndonda! Kwedu kune dingindira rinoti, *'not all soldiers are commandos but all commandos are soldiers!'* I believe kuti mose muri pano muri simbi. Kwamave kuenda uko kunonzi kuWafa Wafa Wasara Wasara. Uko ukafa there's no burial place for you in your family. Unovigwa kusango ikoko uye handikuvanzirei kunofiwa. Mose mave kuenda kuKariba kunodzidzira zvidzidzo zvenyu zvekuva maCommando. Vazhinji venyu nhoroondo yekwamave kuda kuenda munoiziva, tisati tabva pano pane anoti inini ndibvisei ipapo handina kukodzera ndiri ndonda? Kana aripo wakadaro simudza ruoko tikubvise!!" Rakadaro colonel Sidewinder. Zvino mwana wemubhoi haabvume defeat kaa, anotosarudza kudyira poison mukunyara ofa hake. Ipapa kunenge kuchingofungwa kuti mukana wekuita mari wawanikwa. "Hoo manyarara muri kufunga kuti mberi kwamuri kuenda uko unozono kavha kavha sezvamaiita kunana Magunje, Rusape, Bulawayo nana Hwange. Uko there's only one way out, whether you strive hard and sweating blood or you die. Mukadyira poison mukunyara chimota chino chikasimuka kubva pano chete handichina reverse, kana hundonda hwako hukanobuda kumberi uchafira ikoko kuno haudzoke, ndiko kune guva rako unovigwa ikoko ndosaka takakupai maform kuti vakakurerai vasaine. Kana ukafira ikoko mubereki wako haauye kuno achitinetsa. Now that everything I said is clear, munhu wese muAshok!" Ashok yacho yairehwa zvimotokari zvemauto zvegreen zviye zvavanofamba nazvo. Dzaive dzakawanda motokari idzi saka mumwe nemumwe akapinda maaida nezvinhu zvake ndokubva motokari dzapinda munzira dzakananga kuWafa Wafa kuKariba. Vose vakange voenda kuKariba vaive more than 300 recruits avo vaifanirwa kunotanga kudzidza zvidzidzo zvakakomba. PaMauto ose anowanikwa muZimbabwe, Commando ndiyo chibaba chavose. Commando rinokwanisa kuenda kuhondo risina pfuti mukanopera mose ikoko. Chikwata chakazosvika kuKariba Waf Wafa pakati pehusiku. Vachingopinda munzvimbo iyi kuti gedye vakazvinzwa kuti haa muno tave kune imwe nzvimbo. Mainhuwa rufu kwete zvekutamba. Motokari dzakamira dzichangopinda muterritory dzakabva dzamira. "Ok! Fun time is over! Hatisati tatanga. Pane interview yenyu, wese anenge aipasa ndiye ave kutenderwa kuramba achienderera mberi nekudzidza huCommando. Wose achafoira we demote you! Munhu wese get ready for your interview!" Vose vakatanga kugadzirira zvino kuti vachitanga interview iyo yavakange vasingazive kuti what was all about it. Vose vakanzi vaungane apo mumwe nemumwe akatanga kupihwa chibag chaive nezvidhinha. Makange muine zvidhinha 4_ 4 muchibhegi icho wainzi ubereke. Vakabva vapihwa zvekare pfuti yairema 2-3kgs. Chikafu chakauya mumwe nemumwe kwave kupihwa gaba rebhinzi nekabhotoro kemvura. "I hope munhu wese awana mbuva yerwendo. Muchafamba 100km in 3 days. Vose vanosvika in time nezvinhu zvako wakakwana, you'll automatically be eligible to further on with your career. Vaye vanenge vafoira maudzwa zvamuchasangana nazvo. Hapachina nguva takanonoka saka ngachitsve tione!" Vakadaro Commander Commando Madyamoto avo vakange vave new trainer wana Ariel. Yakange isina kucheaper interview iyi. Usadheerere muhu paunonzi famba 100 km in 3 days uku wakabereka four bricks on your back and tined beans and a bottle of water zvikanzi ndiwo mbuva yerwendo. Hakuna interview yakadai kana wazogara. Vaiita kunge vari pa walking race ana Ariel nechimwe chikwata vachifamba. Kwavaienda kwaive nema marks aivatungamira saka maingofamba muchitarisa nzvimbo dzakatarwa. Hanzi kutanga race munotanga makawanda asi pakupedza ndipo pane nyaya. Zvagara pakufamba kudai nzendo refu dzine vanosara nevanoita soldier on. Ariel nevamweo vashoma vakaramba vachiita soldier on vachienda. Vakange vatanga interview yemazuva matatu ari makuseni, zuva richinyura Ari nevashoma vaye vakange vafamba 47km. Kufamba kwasiyana nekumhanya, kumhanya unokurumidza kusvika asi kunoda uchimhanya 10km uye usina chawakatakura. Zvinhu uku kwemamonya kwana Ariel kwaifambwa wakasenga zvidhina, pfuti inenge ichirema woti shangu. Chikafu kana mukatoshaya michero yemusango mapisira nekuti gaba rimwe rebeans nekabhotoro kemvura hazvikubatsiri chinhu. Husiku hwezuva rekutanga ana Ari vakambogara vachizororera apo vakadzvuta kanyautsa huro netwu beans twushoma shoma kungoti vawane simba. Nzvimbo yavaifamba yakange iri a dry land with white thorn trees. Miti yaiveko yaive minzwa iye yakachena kuti mbuu inenge huka yechirauro. Mhuka maive musina kana imwe, mvra waisaiwana zvekare. Mushure mekuzorora chikwata chakasimudzira asi vamwe vakasarirapo vakati vaida nguva yekuzorora. Ariel akazosimuka nevamwe vakomana 9 ndokuenderera mberi. Chikwata chakafamba husiku hwese kwave kuswerera chichifamba pasina kumira. Husiku hwaitevera vakange vasara vave vatatu vamwe vasara vakati tichatevera. Ana Ari vapedzisa twuchikafu twakange twasara vachidziya moto. Midnight ichikwana vakaenderera mberi nerwendo zvekare apo vakange vopendera. "Varume ini zvandikurira ndichasara pano kana ndikashingirira ndichatevera." Akadaro mukomana vakange ari wetatu aive nana Ariel. "Kuno varume takauya kuzobikwa tarisa interview yacho. Inga tave kupedza ngatishingirire tongosvika tiri vatatu kani." Akadaro Ariel achikurudzira mumwe wavo. Vakazogara mamwe ma hr zvekare ndokuzo simudzira. Chikwata chakazenge chofambisa too bad. Kunze kwoda kuchena vaisvika padestination point apo vakasvika vachisvikotambirwa nezvimweo. Kunze kwaitonhora chando chichirova zvekuenda. Vakomana vakange vaziya asi chando chakava svasvanga too bad. "Masvika nguva dzatisina kutenderana kaa vapfanha!? Musati magara pasi kumirira vamwe venyu handei tinogeza! Kuno hatigare netsvina tinogeza. Hatidi kuti zita redu riende mbiri kuti masoja haageze nekuda kwenyu. Handei kurwizi tione!" Rakadaro Commando Commander Madyamoto apo kwacho kwavainzi vanogeza maive muna Zambezi sezvo vaive pedyo naye pavakasvikira. Maive mune June apa kuseni ikoko chichirova chando apo vakomana vainzi kunogeza. Vakaenda chando chichicheka maoko ayo. Vakasvika parwizi voga kukurura. "Munogeza zvakanaka sei musina sipo? Come on pindai zvese nebhutsu nebhutsu mubvise dikita ririkunhuwa todzokera mozodzoka zvekare!" Rakadaro Madyamoto apo vakomana vakazvinyudza mumvura apo vakazobuda vogwagwadza nechando, munhu akarwadziwa kwete zvefake! Chando chakange chapinda poss pose. Vakomana vakadzokera kuye ndokuwana pasvika mwe vaviri. Vose vaiuya vainanga kumvura kunogeza. Munhu akarwadziwa kwete zvekutamba. Nguva yaidiwa yakazokwana, kubva pa 300 mauto akauya, 150 chete ndiwo akange akunda apo akange ochizoenda mberi. Munzira imomo vachiuya kunonzi kune vamwe vaviri vakange vafiramo, sezvo kwainzi afa ari uku mutumbi haudzokere, vose vakanga vafa vakavigwa ikoko. Uku kwakange kwakaoma zvekuti vasina kusimba vaipera. Vakomana vakange vochiratidzwa kuoma kwakaita nzvimbo yavakange vasivika, iyi waive mupata werufu, kana pakasafiwa vhiki roga roga potoshatisa... End Of Chapter 4
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 248

Comments