Tanic✨ Novels
June 11, 2025 at 08:03 PM
```Tanic✨ Novels```
*_A thousand secrets_*
Story Written By Tanic✨
*0714 557 929*
*Chapter 29*
*Tinashe*
Ndakabuda zvakanaka muroom maMakanaka, hepano pakuvhara door, Ndakaita kuri banger hamenowo zvandaifunga ....mhamha vaMaka vakabva vabuda ndokutovheneka pandaiva. Ndakaramba ndaka sticker guys. Light riri muma ziso angu chaiwo. Makumbo akatanga kudedera ndakati ndimhanye ndikati kana, ndakafunga Maka ndikati haaizosara mushe kana. Aidyiwa namhamha vake ava, so I had to stand for her. Pfungwa dzakafunga zvakawanda ma seconds mashoma iwayo mhamha vaMaka vachiuya kwandaive. Ndakazviudza kuti kana vakadzinga Makanaka ndaimutakura hangu. Ndaive ndotorova ka prayer kuti kohavangangoti takuranai here. Imi uku ndiko kwainzi kuzviisa mu muromo we shumba. Vakasvika vachiita kufemera mudenga Mai Makanaka havana kubvisa light mumaziso angu apa nyadzi zvadzinoita so.
"Hezvo hausi mwana wekwa Mhizha here iwe?"
Ndakanyara ndakaramba ndakati ziii.
"Inga wakakomborerwa fani, unoita zvaunoda pano hanty? Saka urikubvepi nhaiwe? Urikuendepi? Wavingeyi? Wazviwana here?"
Yakatanga kumwaiwa mibvunzo thousand apa hapana kana 1 wandaiva ne answer kwauri. Ndakaita kuenda pa mute.
"Inga waita hako wauya, rega ndimudaidze Makanaka, pamwe ndiwe baba vechimwana chaainacho."
Paisadairika apa, asi zvavaitaura zvaisandityisa nekuti chokwadi ndaichiziva kubva kwavari futi. Ndototenda Mwari vakaita ndizvinzwire, nekuti dayi ndainge ndakangoita zvekuzoudzwa naMaka nematauriro amhamha vake waibvuma kuti mwana ndewake worse wakatanga kuudzwa na Nomsa. Makanaka aive akaomerwa chokwadi. Manje I knew the truth and that was my secret.
"Nhaiwe hautaure? Haunzwe here? Chiiko munhu asina matyira?"
Handina kana kutaura chinhu ndakaramba ndiri ziii.
"Koiye, Makanaka, Makanaka!"
Akadaira mwanawevanhu achitobuda panze.
"Nhaiwe Makanaka ndiudzewo, heyaa wakatosvinura hako handiti. Saka murikuzivana zvee. Ndiudze ndiani uyu?"
"Ndi Tinashe mhamha."
"Taura zvese Mai Mac, ...."
Ndakatoona kuti vaingoda kumuti Mai Mac zveshaisano chaizvo. Makanaka wacho akabva atonyararawo hake.
"Makanaka saka urikuita basa rekuhura pano, indava usina kana matyira. Izvozvi wakaita chimwe chimwana chirimumba icho apa ndirikukuchengetera. Izvozvi wava kutsvaga umwe kaa. Ndiudze haasi iye akakupa mimba yekutanga here, urikuda kuita chimwe futi handiti. Unoda futi kuti ndikuchengetere inini. Nhaiwe Makanaka chandakakutadzira chii? Chekuti unounza varume pamba ndiripo chokwadi maiwee hii hii mwana wangu chaiye arikudayi uyu, nhayi Mwari, nyika yorema pano, zvotoitirwa nevana hazvitsananguriki baa. Makanaka Maka kani."
Vakanga votochema mhamha vaMaka ndakashaiwa kana chavaichema ipapo asi ndaiziva hangu kuti kwaitova kuvhara ma1. Mai vaive vasina kana nyadzi ivavo. Apa busy kunyepa kuti nditye. Hanzi chimwana chawakaita, ndakarwadziwa iye Maka wacho aisataura kana chinhu. Ndakada kuvapindura ini, chembere isinganyari kuitira mwana wayo hutsinye hwakadaro. Ndakada kuvaudza ini kuti imi hamunyari kunyepa asi ndakazovanyara since ndaida kuita mukwasha wavo. Ndaiziva kuti nyangwe ambuya vari mupengo kudaro ndaisafanirwa kupindira nyaya dzacho she deserved respect yese kubva kwandiri. Vakarotomoka nhema dzavo kusvika vaneta ndokuchipukuta misodzi yavo manje.
"Eeeeh manga muchida ndicheme kaaa, mafara, manje misodzi yaamai ndiyo ine minyama yese kana musingazvive."
"Masweraseyi mhamha?"
Ndakadaro ndichiombera. Vakaisa light ravo pasi vakabata muchiono ndokutanga kuombera manje,
"Mhamha? Mhamha ndiani, ndiani waurikuti masweraseyi mhamha pano ndiani?"
Ndakanyara ndikatsikitsira hangu.
"Indava usina nyadzi nekuti ndakunzwa nhasi, wavakutanga kunyepedzera hunhu handiti. Handizive kuti urichii uye urikudeyi. Ndatobuda ndichiti i mbavha manje humbavha hwacho munenge murikuita nemwana wangu. Hausati wandiudza kuti urikuita nezveyi pano nguvadzino. Ndafara chose kuti unotaura kaaa. Ndanga ndichitofunga kuti haunzwi nekutaura zvese, aaah zvino zvakanaka ndiudze zvese kana uriiwewe baba vemwana Mac....
Ndakagadzira pahuro ndokuti,
"Mhamha......
"Hezvo, hezvo usanditiwo mhamha zvee, mwana wangu pano ndiyeyu one wamurikuona apa vamwe vacho havapo havo."
Ndakanyara ambuya ava vaitaurisa kana kunyara vaisanyara kana.
"Ndine hurombo nezvaiitika, ndanga ndisingadi kukonzeresa kana kudii asi...
"Asi chii? Rombe remunhu Kurumidza kubva pano. Unofunga ndine time yekuteerera tsvina dzese idzodzo ibva pano. Ndisare ndipedzerane neyangu imbwa."
Ndakadzingwa zvinonyadzisa ini manje ndaisazobva ipapo. Worse kusiya Makanaka achinzi rega ndisare ndichipedzerana naye. Huh vanga vakuenderera manje. Ininiwo twangu twaive twotokwidza ipapo. Vaishungurudza Maka mhani.
Makanaka akazonditi,
"Tinashe enda," apa misodzi ichierera achinyatsooneka kuti airwadziwa.
"Ndokumbirawo kutaurirana nemi zvakanaka,
"Iwe ibva pamba pangu wanzwa, hauuyi kuzonditonga pano kuzondiudza zvaunoda pano. Anotonga pano ndini. Plus nxaaa, hamusi imi vemutemo here? Zvino ndiko kuchengetedza mutemo here ikoko? Une mhosva iwe urikutsvaga chii pano husiku huno?"
Huh ndakasarenda mhamha vaMaka vaitaura havo kwete zvekunyepedzera. Ndakasimuka ndokuenda. Kana kuoneka ndakanyara, Ndaive ndonzi hamusi vemitemo here. Asika vakaramba vachiita zvavaiita ndaizoshandisa mutemo panyaya dzaMaka dzavaiita idzi. Ndakaenda hangu asi moyo waita kurwadza, Makanaka ndainyatsoziva kuti ndamusiya ndamukanyira. Aigara ari wekurwadziswa chete musikana uyu. Ndakasvika kumba ndichitonopinda mugota mangu asi ndainyara nekurwadziwa kana kurara handina ini. Saka mhamha mangwana makuseni ndaivati kudii ende vainge varara vatobvunza ndika promiser kuzovapindura mangwana. Ariwo Nomsa iyeye ainge atanga zvese izvozvo.
*Makanaka*
Kana pane chinhu chinonyadzisa kumubereki wako, kuonekwa uchibuditsa mukomana mumba. Na Tinashe hapana misikanzwa yataiita isu ende ainge atongoita zvekuuya husiku kusvika pamba zuva iroro chete but kuti uchizvitsanangure huh zvaisawana anoteerera. Mai vangu vaiva type yavo vega huh ndakatya. Vakadzinga Tinashe wacho tikasara tava 2 manje. Ndakangofarira kuti havana kuita zvekudaidzira raini rese coz kune vanenge vakatomirira nhau idzodzo. Nyaya yacho taingoiziva tiri 3. Akaenda Tinashe ndikasara ndakugogodzwa kunzi taura chete,
"Makanaka haundinyararire kana ndichitaura newe iwee. Ndaifunga kuti wakarongeka ini, ko izvi ndozvipi? Handina kumbokudzidzisa hunhu hwakaora kudaro. Unonyadzisa shuwa wakuita zvekuvharira vakomana mumba, haunabasa nemuviri wako iwee. Kana kukutarisa ndirikutonyara. Manje kana yanga iri plan yekuti ubve pano wadzva, unogara pano neni hapana kwaunoenda. Ndatopedzaso,.....
"Mhamha Tinashe mukomana wangu, ndiye mukomana wangu. Akanzwa kuti ndine mwana saka ndizvo zvaanga auya kuzonzwisisa."
"Kuuya kuzonzwisisa husiku huno, haa fokofu kunzwisisa chii chacho? Akakubvisira kana kiti pano here? Saka wamuudza kuti chii, Heee. Manje MacDonald mwana wako, Uchagara naye pano."
"Mhamha kani....
"Nyarara mukomana iyeye ngaatozive kuti Mac mwana wako iwewe, vanhu vese ndozvavari kutoziva ende this is our secret tiri 2 ndakafara chose pakaenda baba vako ndivo vaiziva chokwadi. Apa anoziva chokwadi ndisu tega. Saka zvichagara zvakadaro."
Vakadaro mai vangu vachitofuratira kuenda. Ndairwadziwa nezvese zvaiitika ini. Vakadzoka futi mhamha vaya,
"Door siya hako rakadaro usavhara vazopinde mushe kana vauya."
I stood up, that was enough! I couldn't bear it anymore. I just wanted her to know the truth. Ndakavabata shoulder.
"Mhamha,
"Usandibate, urikundibatireyi?"
"Mhamha zvamunotaura zvekunyepa, zvese zvamunoita vanhu vese, zvese zvekunyararidza vanhu zvese zvekungoda kunzwikwa imimi moga nhema futi, Kwandiri Ndokumbirawo Muchirega! Am sick and tired of how you treat me here. I tolerate everything you do just because you're my mom but it doesn't mean I'm okay with it all. Rambai muchidaro, I have been patient with you all along but mukasachinja hameno. To tell you the truth am slowly losing it ........
"Iyaaa, ndinyararire iwe hure remunhu wanzwa, kuguta kwaunoita pano kunokupa simba rekuvharira varume mumba after izvozvo wotoda kundifarisira, saka apa urikuzama kundiudza kuti hapana chawatadza here? Hee? Urikutoda kuzvichenesa zvinhu zvandazvionera ndega apaa iweee.
Ndakatoona kuti hapana kwataienda mhamha vaisatombondinzwisisa I knew. So Ndaitofana kungobvuma kupusa just like mazuva ese.
"Sorryi mhamha."
"Ndizvo zvinoitwa kwete kuda kuona kunge taenzana, handidi hangu kuona mashura anenge aya futi. Kana kuri kumashops kwaurikuwana turume twekuunza pamba ndinozvivharisa ini. Ndazvinzwa zvisaitike futi.
"Ehoyi mhamha."
Vakaenda havo kunorara but ndainzwa kunge pane zvimwe zvataiva tisina kutaura naTinashe. Ndainzwa kuda kuendako kunomuona but ndaive ndisina hunhu ihwohwo. Apa kuti iye azodzoke kunge zvaaiva aita apa zvaisaita, apa phone ndaiva ndakatorerwa huh paive patoipa. Ko Nomsa chii chaitika? Kuti nditevere Tinashe hwaiva hwava husiku chaihwo so ndakangonorara. Ndakamuka ndikaita basa rese ndikapedza. Mhamha ndakavaudza kuti ndainge ndogona kuenda ndega kumusika izvo ndaitoda kumhanyisa dzimwe nyaya dzangu. Ndakageza bhoo bhoo nekutogezesa mwana. Mhamha vakatobuda neni vachifunga kuti ndaienda kuya. Vachingo kona kuenda nekwavaienda nako. Ndakabva ndatoita U turn kudzokera kumba. Ndakanosiya zvinhu kumba but Mac manje aive akasvinura kuti ndimusiye zvaisaita. Ndaida kutaura naTinashe asati adzokera kubasa chete, so ndakatakura Mac wacho kuenda naye kwana Tinashe ikoko. Hanty iye aive asvikawo pamba pedu saka kwavo ndiko kwaizoyera here? Aiwa kana. Ndakafambisa hangu ndakabereka Mac wangu ndichitoenda kumba kwavo. Ndichingosvika kudayi makuseni seni iwayo, Nomsa ainge achitomhanya mhanya payard paana Tinashe, pfungwa dzangu dzakamhanya ku pic riya ndakachizviti ndisvike here or ndidzokere kumba kwedu.......?
*End of chapter 29*
_May The Grace Of God Be With You!!_
😂
🙏
2