Tanic✨ Novels
June 12, 2025 at 06:03 PM
```Tanic✨ Novels```
*_A thousand secrets_*
Story Written By Tanic✨
*0785505702*
*Chapter 30*
*Mr Dube*
Takapedza kudya tichibva tatooneka kuti taive toenda kuchipatara na Trevor. Mai Ralph vakazo suggester zveku private hospital vachiti pane kwavaiziva what what. Takaona zviri wise kuenda Ku private because waitoenda uchiziva kuti ndinodzoka ne good news. Ku hospital chaiko kwaisava effective sterek waigona kusvika uchinzi hakuna optician wacho. Family doctor taive naye but aive asina Ku specializer kumaziso. Ku hospital kwaiva bhoo pakuti tainoshandisa medical aid asi zvaifana kuitwa chop chop. Vakafona Mai Ralph Ku private kwacho kwavaiziva ndobva vato booka appointment. Vakaita luck nekuti vakabva vatonzi Optician weikoko aitovekowo. Takazobuda hedu inini na Trevor wacho toenda kuya. Tichibuda gate mudzimu unonzi Ralph takauona wakazviunganidza pagate ipapo. Asi Ralph aitoshura chete kana kunyara kana kuti ndaizoti kudii... aive ari ziii hake ipapo. Ndakashaiwa kana simba rekumboita hasha naye ini. Ndakangokwanisa kumuti kopinda kaa mugate. Akasimuka hake ndokufamba achipinda. Trevor handina kuda kumbotambisa nguva ndichimuudza zvehurombe hwa Ralph taifana kumhanyira kwataienda. Asika Ralph ndaisada apa angoite kunge paive pasina zvaakapara kaa he deserved to be punished but kuti inini ndi deale naye ndaisada saka ndaida mapurisa aite basa. Ndakafonera mapurisa ndichibva ndavaudza kuti munhu wavaitsvaga ainge ave pamba ndakavabvumidza kumu discipliner aah ndainge ndanetawo ini, vakati vaive votoendako. Ndakaa cutta ndikati ndezvekwake Ralph vaizopedzerana vega nepolice yacho. Trevor akabvunza kuti koyaiva nyaya yei ndikamuti ambozvisiye zvakadaro ndaizomuudza hangu rimwe zuva. Trevor akatanga kudakundiudza kuti,
"B.. but mofana kubata Ralph zvakanaka ndiye first born wenyu kaa, your heir. Aaah ndakangoseka ndikanyarara, Apa ndaida amboite zvekuti arapwe shamwari wangu uyu.
Takasvika on time akaitwa consultation yake zvakanaka naka. Then akanzi aifana kutenga mishonga hobho hobho yaakanyorerwa so omboishandisa for 21 days course yacho. The optician promised that aizoita hake bhoo Trevor. Akanzi kana course ikapera asati aita bhoo aigona kuzoita zvekuparwa. Takaenda neku pharmacy tikanotsvaga mishonga yese kusvika taiwana tikatenga. Takazodzokera hedu kumba zvakanaka.
*Ralph*
Ndakagara pagate paya kusvika pakutokanganwa. Ndakazovhunduka gate rovhurwa. Ndakabva ndato tensa hangu ndiripo. Yakabuda mota ya Dad handina kana kuitaseyi. Vakangonditi ndipinde mu gate chete havana kana zvimwe hobho zvavakarotomoka sezvavaimboita, ndakangoti Mwari wangu mupenyu ndichipinda mumuzinda waDad ndakaisa ruoko muhomwe ndichi nyatso feeler ma USA andaiva nawo. Vakabva vato driver ndokuenda havo. Ndakanyahwaira ndichipinda hangu mumba. Hmmm padoor ndakanyatsonzwa kuti wow. Ndakabva ndatodaidzira _home sweet home!_ Mhamha vachibva vaita kudzika ma stairs vachimhanya ndokusvika vachi sticker pamberi pangu vakanditarisa. Ndakabva ndatovanzvenga ndokunanga Ku room kwangu ndaida kuviga mazi mari angu mhamha vasati vatanga kutaura neni. Vakatanga mhamha,
"Nhaiwe Ralph, urikumhanyepi?"
"Imimi manga muchimhanyawo wani."
"Aizve hanty ndanga ndichiuya kuzokutambira here? Zvino huya kuno."
Ndakaramba ndichifamba kuenda kuroom kwangu, Damn! Ndakasvika door racho rakato lockwa haro.
"Dzoka kuno Ralph apa hauna kana kundimhoresa ipapa."
"Mhamha ndirikuuya, koseyi door rangu raka kiiwa?"
"Urikuda kupinda payi netsvina dzako idzodzo, tanga watogeza nekurasa matata awakatipfekera iwawo. ...then wobva waa....
Vakabva vaperera ipapo mhamha zvairatidza kuti mumba mainge mapinda munhu. Ndakabva ndananga hangu ku bathroom kuti nditogeza. Ndichingopinda muya makabva mapindawo police officer. Maiwee ndakavhunduka ndaive ndotofunga vaya vekumbondivharira ndabva kubirwa phone.
"Ndiwe Ralph handiti?"
Chi voice chacho so, ndakaramba ndakanyarara ini aaah. Vaindibvunzireyi aaah koinga ndaive ndava mumba medu.
"Shamwari urikutoramba wakanyarara hako nhayi. Inini ndangouya kuzokutora chete. Nyayawo newe handina hangu. Saka famba tiende"
Yoh, aida kuenda neni kupi? Ininiwo hangu ini aaah apa ndainge ndabvisa trousers rangu ndiro raive nemari yangu iya.
"Ehoyi, ndimirireiwo 2 minutes ndoda kuita wee."
Akabuda ndokuvhara door hake. Ndakabuditsa mari yangu mutrouse ndikaisa muboxer ndichibva ndaribvisa ndokuriisa mu washen basket yaive mu bathroom imomo. Ndokubva ndapfeka trouse rangu bhoo bhoo ndichibva ndabuda.
Officer vaya vakanditi ndipinde mumota yemapurisa, ndikapinda hangu. Mhamha vakabudawo panze asi hapana chavaitaura. Vakabva vangonzi anodzoka mukomana vakangoti horaiti vachitofuratira kupinda mumba. Aaah komhamha vainge vasisandirevererewo here. Mota yakabva yatobatwa tichibva tatonanga kwacho ikoko. Ndakasvika ende handina kumboita zvekuvharirwa sezvandaive ndakamboitwa kuya. Mapurisa acho anenge aitoziva nyaya yangu inini yandaisaziva coz vaingoitana ndiye wacho ndiye wacho. Vaive four vakapinda neni mune imwe room. Vachibva vatanga kundibvunza zvekukiira Aunty mumba huh ndakarambisisa ini. Vakambondisiya vachibva vaenda havo. Maybe after an hour ndakaona vavakuuya futi then ndakaita kunzwira kure vachiti........ _horaiti nyangwe kurikunyepa_ _mudhara wake aichema chema nenyaya yemusikanzwa yake even ipapa handiti ainzi aishaikwa aive arikupi? Punishment anongofanira kutopiwa saka totoita basa ratakanzi tiite varume_
Zvimwe handina kuzozvinzwa asikaa hana yakatanga kuita kunge ichabuda kunze kwehembe. Vakabva vanyatsosvika nemboma huh ndakaita kunge ndichazvinyorovesa hembe ndichiona mboma ende munhu aive akaibata airatidza kuti aive arikumashure kwenguva.
"Right, Ralph wati hauna ku kiira munhu mumba handiti."
Hamenowo chii chakaitika ndakabva ndatanga kutaura zvisina full stop. Ndakarudunura zvese zvekuti ndaive ndakakiira Aunty mu room mavo tichida kuenda Ku visit. Ndakatanga kutaura zvekwa Laura futi, ndipo pandakazonzi,
"Hey zvakwana, zvatanga tichida kunzwa tazvinzwa asi handiti wamboramba saka kurohwa hausi kurega kurohwa urikutorohwa."
Aityisa munhu akataura kudaro asi ndakakwanisa kuwana simba rekutaura kumu pindura ipapo.
"Ndi-nd- no
"Nyarara hako Mukomana zvambarara ipapo tione."
Ndaifunga kuti vaitamba ini ndakaramba ndakamira hangu. Vakabva vaita kundibatirana 2 vacho ndokundirarisa pasi nedumbu. Imi ndakatanga kuramba ndichingotaura chete zvimwe zvisina zvazvaireva. Ndakazonzwa ndanzi one pasi petsoka ndakarwadziwa kusvika mubrain ndichibva ndanyarara kuti ziiii. Ndakanzi imwe ipapo mudumbu mangu makaita kunge maiva nemwana. Koini shamhu ndaiitya kaini, guys kana vanhu vaya varipabasa ravo vanenge vachitorevesa. Ndokuzonzi imwe futi huh ipapo ndipo pandakajamba kusimuka kudayi apa pasi paisatsikika pasi petsoka pachiita kunge paiva nemoto ndakabva ndatodonha nekurwadziwa. Ndakanzi gadzikana ukasadzikama dzinosvika 20. Ndakanyatsoteerera ndoku tensa hangu, vakandipa dzimwe 2 vachibva vati vaive vapedza. Ipapo maziso angu akaita kuoma apa ndaida kuchema asi huh zvakaramba. Ndakabva ndanyarara kuti ziii ndobva ndanzi simuka. Imi Huh ndakatadza kutsika ndichibva ndaita kugara ndakatandavara hangu. Vakanditsiura tsiura kuti hanzi ndikazonetsa futi vaiita zvinodarika ipapo. Ndaive ndisisanzwi kana zvavaitaura pain ichinzwika mubvudzi chaimo nemunzeve asi ndainge ndarohwa pasi petsoka hameno zvaifamba seyi.
Ndakazoita kuzunzwa ndikavhunduka, vakanditi ndiende kumba. Ndaive ndakanganwa ndokuedza kusimuka kudayi ndikadonha futi. KO handiti ndivo vaive vauya neni here? Saka vainge voda ndiende kumba seyi. Ndakavaudza INI kuti handisikugona. Vakanditi enda kumba izvozvi. Ndakakambaira kubuda muya ndakasvika padoor ndokugara hangu. Vakatevera zvikanzi tidarikewo zvee. Ndakasuduruka vachibva vadarika. Ndakakambaira futi ndokunogara panze. Vakanditi ita zvekusimuka uende. Mmmm but ndakakoniwa. Vakazondisiya hangu ndiripaya. Ndaiita ndichiedza kusimuka asi ndairwadziwa ndakazongokwanisa kukambaira kuenda pamumvuri ndokuzvambarara hangu. Hope dzichibva dzauyawo.
*Mai Dube*
Ndakasara hangu pamba apo vaDube vakaenda na Trevor kuchipatara. Ndakatotsvaga tsvaga kwekuti vaende naye kunorapwa kuma friends angu ndichibva ndatowana help. Zvekuti Trevor aite bofu mmmm ndaisamboda hangu. Ipapa ndakasara ndichifunga kuti koivo vaDube vaienda riini kupraz vaive vagarisa aaah, ndaitoda vamboende ndisare naTrevor ndimuudzewo good news dzeka Ralph kadiki kandainge ndakatakura. I knew kuti aizofara coz ndiye aive akauya neplan yacho. Zvino oita bofu huh kana zvaisashanda kaa izvozvo. Ralph akabva apindawo nekuita noise ndakatosiya zvandaiita ndokumhanya kunomuona zvee. Moyo wakaita kufara kuona mwana wangu asi Ralph wacho kana kundimhoresa akabva atondinzvenga hake ndikasara ndotaura ndega. Pakabva patopindawo mupurisa achimutsvaga. Huh ndakabva ndanzwisisa kuti kusagadzikana kwa Ralph ainge abva kwaaibva maybe achidzingirirwa. Ndakangobatanidza nezvekuti baba vake vainge vambondiudza the previous night kuti vainge vaudza mapurisa saka ndakangosiyawo zvakadaro achibva atotakurwa akaenda. Ndakatosara ndichida kutevera kunomutora nekunotora aunty because basa racho raitondikurira. Ndakazongoona kumurira vana vaDube kurinani ndisati ndateverawo kumapurisa but futi aaah ndainge ndisina mota saka kwaisatoendeka. Ndakabva ndatorara hangu pasofa, ndokuzovhunduka ndichinzwa kuti gumbo rangu rainge rabatwa. Ndakatarisa kudayi ndokuona ari Trevor asi vaDube vainge vasimo. Ndakabva ndatoda kumuudza nyaya yedu ndichibva ndanyatsogara iye akagarawo Pa same sofa ipapo. Ndakamu hugger ndokuisa muromo panzeve pake ndichida kuzevezera, vaDube vakabva vavhura door........
*End of chapter 30*
_May The Grace Of God Be With You!!_
❤️
1