
QUEEN ZEE NOVELS
June 1, 2025 at 06:58 AM
*⚫️💘PPRECARIOUS LINES💘⚫️*
Written by
*QUEEN ZEE*
Channel
https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T
WhatsApp group
https://chat.whatsapp.com/JMtqk1OS11m8BYsy5WSjuF
Book *#15*
CHAPTER *15*
*MAI GARIKAI*
“Aiwa asekuru andina rhino hangu pazvinhu zvamava kutaura izvi” ndakadaro vakabva vaseka vakandi tarisa vakati
“Rungano wava kundiona sekuti ndakapusa here ini ausi kuona here kuti uri kukonzeresa zvinhu zvakawanda nhayi. Sei usinawo tsitsi hongu ndakakupa masimba ekuita zvaunoda asi apa wakupfurira muganhu. Zvichakonzeresa zvinhu zvakawanda andidi zvisvike kuneni” vakadaro ndikabva ndavati
“Zvinozo svika seiko kunemi” ndakadaro
“Iwe ausi kuziva kuti shamhu yakakandwa munguva nemuroora wako ine chirevo here nhayi” vakadaro ndakaseka hangu ndikavati
“Munotyawo zvisina basa imi apana kana chiripo ingori shamhu yakakandwa muguva paya isina kana chirevo” ndakadaro sekuru vakandi tarisa neziso ravo rimwe chete sezvo vaiva vasina rimwe
“Rungano usade kundiitira sekuti unoziva zvese handi. Hongu mukadzi uyu ahabate mushonga asi akakanda shamhu iyi nekuda kweshungu. Ende unoziva Iwewe kuti kurara kwakaita mwanakomana wako Garikai nemwana wamukoma wake zvaka nyangadza mweya weuyu wakafa akafuratira paachadzoka uchaona hako nekuti ndiri kuona kuti une shungu kwazvo wakasiya musikana une pamuviri pake” vakadaro sekuru ndikavati
“Imi musandi tyira manzwa kana pane zviripo ndozviona kumberi hangu for now regai ndimbo relaxer zvekuvhunduka zvinhu zvichaitika kumberi uko kana ndiregei” ndakadaro
“Heya ndiri kukupa yambiro sunungura muroora mukadzi wemwana wako mushakabvu uyu ukasadaro mwana wako Garikai ahapore” vakadaro sekuru ndakabva ndavati
“Kana musisagone kuita zvekurapa nyararai ndichatsvaga kwekuenda” ndakadaro vakaseka havo ndakabuda mumatare umu ndakabva ndapinda hangu mumota yavaNhari ndikavati
“Handei” ndakadaro
“Zvaita here zvamanga mafambira” vaka bvunza ndikavati
“Zvakaoma kani hama dzamai Chiedza hanzi dziri kufunga kuti ndini ndakavaisira chitsinga zvavane strock kudaro that’s why vakatumira mhepo pamwana wangu” ndakadaro vakanditi
“Ahh very sorry henyu amai ndino vimba kuti zvichafamba nenzira yakanaka” vakadaro ndakango gutsira hangu musoro vakabva vanyarara takasvika pamba ndakaburuka ndikava woneka.
Monalisa wakafamba kuuya pamota pataiva apa svimaziso zvaiva zvakawira mukati akabva ati
“Maswerasei mbuya” akadaro
“Ndiri right” ndakamu daira ndichibva ipapo ameno vakataurirana kuti asi Mona akazouya kwandiri akabva anditi
“Andisi kunzwa zvakanaka mbuya” akadaro ndikabva ndamuti
“Kochii warwara nei” ndakadaro akati
“Mudumbu mbuya wakatanga nezuro ndaiti zvichapera asi zviri kuita worse” akadaro ndikabva ndamuti
“Iwe handi wangu wava kuonererwa uchi mhanya namai vako kuchipatara here” ndakadaro akabva ati
“Maida ndidii panguva yakadaro hongu ndine kakusa nzwanana kandinoita naChiedza asi azvireve kuti mai vangu ndakuvarasa mbuya mubereki wangu chero akatadza sei ndiamai” akadaro ndega ndakaona kuti ndikamusiya akadaro aigona kurasika zvikaita zvimwe.
“Andina kuti rasa amai vako asi kwandabva hanzi ndivo vari kutumira mhepo kuti baba vako vasapora” ndakadaro akabva ati
“Zvakaoma hazvo mbuya ini andisi kunzwa zvakanaka ndinoda kumbo rara hangu” akadaro achienda ndakasara ndakamira ndaka bata muchiona hangu ende ndakatanga kuona pamba panapa pasisina munhu ndasara ndega ini pano.
Chero Garikai wacho once ndava nemasimba ekunzi pano paiva pangu iye Garikai ndaimu dzinga zvee rombe chairo kushaya charinoita basa kutedzana nema dress amai.
Ndaisazvida hangu asi apana zvandaikwanisa kuita mwana wangu uyu aindida zvekuti ndaimu shandisa kuti ndiwane zvainhu izvi zvemwana wangu Joshua.
Ndini ndaifanha kudya mari idzi nekuti mwana iyeye ndini ndakamu zvara kumureera kusvika akura kuroora kwakaita kwakandi rwadza nekuti akaroora mukadzi wandisina kufarira izvi zvaka ita kuti ini nemwana wangu tisanzwanane asi kubva kare ndiye mwana wandaida uyu kwete benzi iri sababa vacho.
Baba vaGarikai vaindi bhohwa kwete mbijana ndaisamuda murume uyu asi zvakangoitikawo nekuda mari kwangu uku.
Ndaka tora nyama yandaida kubika musi uyu ndikabva ndaipfeka ndizvo zvandaiita. Ndaiyiisa kuti vanhu vaende pasi pangu ndakazobika asi Mona aka ramba chikafu zvinova zvinhu zvakandi bhohwa ndikano rara.
Munhu aindi temesa musoro pamba apa ndeaka kekushaya nyama kakatsonga aka ndaitadza kuziva ndoka batira papi chaiko kaindi bhohwa kwete mbijana hangu.
Ndakarara mahusiku ese ndakagara hope ndakadzishaya makuseni ndakamuka ndikabva ndakupura nekuto pfeka zvishangu zvangu ndichienda kuchipatara ndir munzira ndaka rangarira kuti sekuru vaiva vakati John aiva nemunhu wakasiya ane mimba yake waiva aniko iyeye ndaizovaona ndabva kuchipatara hangu.
Ndakasvika kuya ndikabva ndanzi nadhokotera “mwana wenyu tava kumubuditsa nyama yavo yava kushata zvekuti mweya isu atichaugone” vakadaro ndikavati
“Kana muchiti mwana wangu Ava kushata munorevei iye munhu wandakabva kuona zuro wakanaka” ndakadaro vakati
“Atina kuto nzwisisa zvakatanga nezuro madeko” vakadaro ndakaenda kunoona Garikai ndichipinda ndakatambirwa nemweya wekuora chaiko apa aiva abviswa mabandage ndakasvika pedyo naye ndaka vhara mhino paiva potanga kutoita tumakonye so tudiki.
“Amai ndiri kunzwa sekuru ndiri kudyiwa dyiwa” akadaro ndakatadza kana kuzvi bata ndikamuti
“Kana madhoti ahanhuwi kusvika pakadai mmmmm wawora” ndakadaro wakandi tarisa neziso andina kana kuvhunduka ini.
Andina munhu wandaitya ini panguva iyi ndikaona sekuti ndakukutya ndaipedza newe ndaisada zvinondi shayisa peace mulife mangu hangu.
“Amai itai something” akadaro ndikabva ndamuti
“Apana chandinoita ini apana kana chandiri kuita hangu nekuti iwewe ndaka taurirana newe zvinhu ukabva waita zvaka wega chimbogara wakadaro ndokuti uzive andidi zveku pikiswa” ndakadaro sure munhu ndaiva ndakamupa zvinhu zvekuti ashandise iye wava kuzviona kunge anogona kuuraya sterek kuda kutema vanhu nedemo. Uyu waitova nengozi mwana uyu that’s why ndaida kuzomu dzingawo kana imba ndirini ndava nemasimba nekuti waigona kuzondi ponda. Andina kugarisa umu Ndakabuda ndikabva ndagara panabenji epachipatara apa. Ndakaona Chiedza kachifamba kakabata mvura ndakango dzungudza musoro kana zvainzi kusunungura mai Chiedza ndiko kupora kwaGarikai kana ngazvigare vakafa vese zvivana zvasara azvinetse hazvo.
Ndakaona kuti zvirinani kusiya zvakadaro hangu zvaiva Nani ndaiwana zvinhu zvese kana ava vari vaviri vakafa. Chiphone changu chaka ringer ndakaona vari baba vaGarikai
“Hello kohanziko” ndakadaira kudaro vakabva vanditi
“Ahh vamancube ndafona ndikuudzei kuti ruva renyu riya rangomuka rakasvava” vakadaro ndakarohwa nehana ndikavati
“Matii chii” ndakadaro
“Ruva rakasvava ende mumba menyu mamunovata pamukova pakagara kiti ndiri kuzama kuidzinga ahisi kubva ndava kutotya ini” vakadaro ndaka cutter runhare rwangu nekuda kwehasha. Ndakasimuka kuri kubuda pachipatara apa ndiri tsoka ndibereke kuzvimota ndaifanha kumhanya kumba uku kusati kwaitika chimwe.
Ndaka kwira chimota ndikaenda kumba kwangu ndakasvika kwakuona hongu kiti yaiva padoor ndakaziva kwaiva kutsamwa chaiko ndakaisimudza zvikanzi nababa Garikai
“Nhayiwe mai Garikai autye here” vakadaro baba raiva gwara haro iri andina kuva pindura ndakapinda mumba mangu kwakuona zvesure midzimu yangu yaiva yakatsamwa ende paidiwwa sikarudzi yemhandara munhu akauya mupfungwa dzangu wekutanga ndiChiedza ndaizomu gona here manje
*CHIEDZA*
Ndakaswera ndiri pachipatara apa musi uyu ava madeko ndakazo enda kumba hangu. Ndaka buruka pamashops kwaiva kwasviba apa nzira yataifamba nayo yaityisa. Ndakatanga kufamba kuenda kumba ndaito famba zvisina noise mukati. Ndaka famba kachi nhambwe ndasvika pane mamwe kadondo ndakanzwa mazwi kutaura zvakandi rovesa nehana kuti ndiananiko vaitaura musango nguva dzino. Ndakamira ndichida kuterera ndakanzwa paka taurwa zita rangu
“Chiedza ane nharo” ndakanzwa munhu akadaro ndakamboda kusiyana nazvo asi zvakandi kurira ndakazongo enda padhuze kuti ndinzwe kuti zita rangu raitaurwa kwaiva kwakanaka here.
Ndakaona vari mbuya vangu ndakanzwa nyora dzemudumbu kusunga nekuti vaiva vakamira nevamwe varume vaviri.
“Munhu wandiri kuda kuti mupedze naye kaa muchauya kumba manheru motopinda mumba nekuti munhu iyeye ndiko kwega kumugona. Kana mamubata mamuuraya ndinoda kuti mundipe sikarudzi yake musikana iyeye zvimwe zvava zvenyu” vakadaro mbuya vangu ndakanzwa kutya kukuru chaiko.
Kovaiva vadirei kupindwa nepfungwa dzakadai nhayi pamusoro pangu. Inga wani ndaiva ndisina kana daka nambuya ava konow zvaiva zvashata papi.
Ndakanzwa kubatwa muromo ndakada kuvhunduka
“Shiiiiii nyarara please” akadaro munhu uya ende raiva izwi rechirume. Ndakanyarara ahi hana yangu yairova. Munhu uyu akandidhonza divi randaiva ndisina kubva naro akaramba akandi bata muromo ndakaona vanhu vaya vakuenda nedirection yepandaiva zvekuti vaindibata ndikaitwa kanyama nyama.
Takamira paya kwekanguva ndipo munhu uya paakandisiya muromo akabva anditi
“Simuka tiende neimwe nzira” akadaro
“Kondimi ani” ndakadaro wakandi tarisa ndaka tadza kuziva chiso chake munhu uyu asi waiva wakapfeka gemenzi rewhite rakachena kwazvo
“Aungandizive nekuti andisi wepano asi ini ndatumwa nemwanakomana wababa vedu kuti ndiku chengetedze pakufamba kwauchaita. Ndanga ndakakuringa kubva kwese uku” vakadaro ndaka ita confused hangu andina kunzwisisa nyaya yavo.
Vaka famba neni nechimwe chisango ichi tainzwa maibatwa vanhu asi andina kunzwa any fear nekuda kwemunhu wandaifamba naye. Ndichisvika pedyo nekumba wakabva wati murume uya
“Akuna chinhu chinokunda munamato. Tikanamata kuna Mwari zvatinoda anotinzwa ende tirege kuiswa pamiyedzo nevavengi vedu. Mhinduro ingaita seyanonoka asi Unouya. Namatira amai vako vachaponeswa inguva ende zvine chirevo. Namatira munin’ina wako satan ari kumira Mira ipapo asi akuna chinokunda munamato. Pray for yourself also nekuti kuchema kuchauya ende kunoda vakasimba pamoyo” akadaro murume uya ndakatenda hangu ndaka famba naye kusvika pamba ndava pamukova ndakacheuka kwakuona kwaiva kusisina munhu ndakatadza kuziva kuti munhu uyu aiva aendepi.
Ndaka siyana nazvo ndakavhura door kwakuona mbuya vachi buda kuroom kwangu naMona vakabva vati
“Ukubvepi mahusiku ano” vakadaro
“Kuchipatara kuna amai” ndakadaro vakabva vanditi
“Ndiri kukuona uri kureba muswe pano iwewe enda unotora sadza rako randasiya mupoto” vakadaro ndaka shamisika hangu mbuya kundisira chikafu inini kwaiva kusinq kunaka chete.
“Horait ndoridya mbuya” ndakadaro chero ndine nzara hangu zvaiva Nani kurara nayo. Ndakaenda kubedroom kwamhamha ndakabva ndawaridza hangu pasi ndakanamata ndikabva ndarara hangu. Kuma 1 chaiko ndaka pepuka ndaiva ndabatwa nemudumbu ndakatora phone yamhamha ndaida torch Ndakabuda ndikabva ndaenda kutoilet ndichingo pinda ndakanzwa mafootsteps evanhu ende mudumbu makabva manyarara.
Ndakamira paya mutoilet ndichida kunzwisisa chii chaiitika ndakabva ndarangarira dhende randaiva ndarongerwa nambuya ndakagara mutoilet hangu kwekanguva. Ende vanhu vaya ndakazonzwa kuenda
“Imi mbuya inoti jairira iyi apana munhu” vaka taura vanhu vaiva panze ameno ndakazonzwa kuenda ende ndakagara mutoilet umu ndakazo buda kuma half 2 chaiko. Ndakaenda mumba ndakapinda mumablankets hope dzakaramba kubata kusvika makuseni ndipo pandakazo kotsira. Ndichango batwa be hope ndakanzwa munhu kupopota
“Anondi jairira Chiedza saka ahana kaa kurara pano” vakadaro mbuya vachi uya kuroom kwandaiva vakasvika nekuvhura door vakaona ndakarara vakabva vanditi
“Waivepi iwe manheru” vakadaro
“Muno mbuya ndingaendepi hangu Kowhy mabvunza” ndakadaro vakabva varidza tsamwa vakati
“Waka waster chikafu changu futi kana kumbodya hako mwana uyu anondi bhohwa” vakadaro vachi taura ndakava tarisa hangu
“Ipai Mona adye hake chimunya ini andina appetite andisi kunzwa zvakanaka” ndakadaro vakabva vanditi
“Ukwane” vakadaro vachiridza tsamwa vachi buda
Ndakasara ndakarara hangu ndakazo muka nguva dzati fambei ndakamuka ndikabva ndageza andina kuita basa hangu ndaiva ndisina simba iroro. Ndakapfeka ndikabva ndati ndiende kuchipatara hangu ndiri munzira ndakangonzwa mweya wangu kundi rambira kuramba ndichienda ndakabva ndachinja kwakutoenda kugomo ndaka tsvaga kwangu ndega ndakaswera hangu ndichi namata ndakagara ndega.
Kuma 6 manheru ndkaburuka ndikabva ndafamba kuenda kumba ndichisvika pamba ndakaona mbuya vaiva vasina kana mufaro vachindi tarisa. Monalisa aiva aka nyarara ndakaona kuti waiva uchiri kurwara ndakaenda paaiva
“Wava sei” ndakadaro akabva anditi
“Siyana neni Chiedza ndanzwa nambuya ndiwe uri kukonzeresa zvese izvi why nhayi” akadaro ndakatarisa mbuya ndikabva ndamu tarisa andina chimwe chandaka taura ndaka famba kupinda kumba ndikabva ndagara hangu; ndakazo buda kuenda kukitchen ndakasvika mbuya vachi bata muskirt mavo vakabva vabuditsa nyama
“Ahhh” ndakadaro chete ivo vaka vhunduka zvaka ita vasvetuke vachino ndonyera pasi nemuromo.
*Stay Tuned……*
Please note that this book is going to be on sale from chapter 18‼️ So 2 free chapters left.
Mitengo yedu ichange yakamira yakadai kune vanoda kugara vatenga book redu kugara tabata nzvimbo kusub.
ZIM SIDE🇿🇼
$1.50 EcoCash 0771969067 G.Mangena
$1.50 Innbucks 0783015697 T.Dzingirai
80 zig EcoCash 0771969067 G.Mangena
$2 airtime Buddie or Netone scratch cards
SA SIDE🇿🇦
R30 one For you voucher
R30 Kazang
R30 Blu
R30 Ott
R30 All network airtime
Vari kune dzimwe nyika you can send airtime through world remit or mukuru on 0771969067 ye$2
KANA WAITA PAYMENT YAKO APP +263771969067 NEPROOF OF PAYMENT YAKO THEN WOENDA KUSUB
PLEASE NOTE THAT BOOK REDU RINO VERENGWA NEBOOM READER OR BOOM STORY USATI WATENGA BOOK MAKE SURE PHONE YAKO INOBVUMA BOOM READER OR BOOM STORY
HUYAI TIZONZWA KUTI CHII CHICHAITIKA🔥🤌🏾
❤️
🙏
😂
👍
😢
😮
116