QUEEN ZEE NOVELS
QUEEN ZEE NOVELS
June 1, 2025 at 05:51 PM
*⚫️💘PPRECARIOUS LINES💘⚫️* Written by *QUEEN ZEE* Channel https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T WhatsApp group https://chat.whatsapp.com/JMtqk1OS11m8BYsy5WSjuF Book *#15* CHAPTER *16* *CHIEDZA* “Yuwii yuwiii kani wondiuraya mwana uyu yuwiii” vakadaro mbuya vakabata muromo wavo waiva wandonyera pasi Andina chandaka taura ndaiva ndasemeswa sure munhu saka aibika muriwo waaibvisa muhembe sure. Mona akauya achimhanya aiva akatobata mudumbu make “Kohanziko nhayi mbuya” akadaro ivo vakabva vamuti “Mwana wamai vako uyu andi pusher kudonha pasi” vakadaro akandi tarisa akabva ati “Nhayi Chiedza ichokwadi here” akadaro ndakamu tarisa ndikabva ndamuti “Nhayi Monalisa wakandi tarisa ndiri munhu anga ita zvakadaro here mbuya yako ndairege kundi nyepera andizvide. Ungatadza neiko kurwara uchipihwa sadza nemuriwo waiswa mubrugwa nhayi. Muchipusiswa kudaro” ndakadaro nehasha chaiko mbuya yaijairira iyi “Chiedza usanyepa kudaro mbuya avangadaro” akadaro Mona ndakabva ndamuti “Wangu I don’t blame you the time yaucha pepuka it will be too late mwana wamai” ndakadaro ndichi buda hangu mukitchne ndakaenda kuno rara appetite yaiva tatopera hayo. Pakati pehusiku ndakamuka nekuda kwenoise yaiva panze ndaka shaya chii chaiitika. Mweya wangu wakangondiudza ndega kuti ndisabude asi ndirare hangu andina kubuda ndakazvi rarira hangu. Makuseni pandaka muka ndakaona mbuya vakagara pamukova wekitchen ende muromo wavo waiva wakazvimba. “Mwana wemuroyi” vakadaro ndakava tarisa ndikabva ndavati “Ndinokupai respect cause muri munhu mukuru asi kana makusada respect iyoyo call mai vangu muroi futi muone zvandinokuitai” ndakadaro vakabva vandi tarisa vakati “Ndati mwana wemuroyi ndinoda kuona zvauchandiita” vakadaro ndakabva ndatarisa kuside ndaizama kubata musodzi waida kubuda hangu Hasha dzakatanga kubata pandiri ndaka ruma muromo wangu wepasi ndikabva ndaruma zvigumwe zvangu ndaisada zveku ramba ndakava tarisa. Mai vangu vaiva vasiri muroi kana ka1 chaiko. “Ehhh ndinoda kuona uchandiitei iwe mwana wembwa” vakadaro ndakabva ndafamba kuenda pavaiva ndakavabata ruoko rwavo ndakava simudza ndichiva tarisa ndikavati “Andisi kuzosiya muchi taura zvakaipa pamusoro pamai vangu. Zivai zveku taura manzwa andidi kurasa hangu hunhu nekuda kwenyu” ndakadaro ndakabva ndava siya ndakaenda padoor paMona ndakabva ndaknocker “Monalisa” ndakadaro ahana kudaira ndakavhura kwakuona aiva akarara “Mona asi uchiri kurwara kani” ndakadaro akabva ati “Zvava nani ndakapihwa mushonga nambuya ndiri kungonzwa hangu dzungu plus kurutsa” akadaro “Ok womwa mvura inodziya dai ndine Mari ndaiku tsvagira mapills ekumwa wanzwa” ndakadaro akabva ati “It’s ok Chiedza” akadaro andina hangu kuzogara Ndakabuda ndoenda kuchipatara sezvo mangwana taivhura zvikoro ndaida kunoona kuti mai vangu vaiva sei havo. Ndakasvika kuya zvikanzi it’s still the same paiva pasi a machanges ndakangoisa prayer ndikabva ndavaoneka. Ndakabuda kwako dzokera kumba ndakabva ndasangana nava Nhari vakanditi “Sorry hako Chiedza nemusi uya plus madrama akaitika asi just know you still have a place in my heart” vakadaro ndakava ignore ndaisada zvisina basa hangu. Ndati fambei ndakanzwa kubatwa zvine simba chaizvo plus kutonhora muhuro “Nyarara zvaka wanzwa” ndakanzwa voice ravo richidaro ndakapindwa nechando chisingaite Vakandi dzonzera muchimwe chidondo so “Rara pasi tione” vakadaro ndakavhunduka andina chimwe chandaka funga kwaiva kuita zvavaiva vataura ndarara pasi kudaro vakauya pamusoro pangu vakadambura pant rangu sekuti vaidhonza tambo yepachigayo chedhiziri chiya. Phone yavo yakaringer panguva iyi vaka ramba vari pamusoro pangu vakabva vaitora vakadaira ndakaisa a prayer mumoyo mangu “Nhayi Mwari ndizvo zvamada here izvi” ndakadaro musodzi yoyerera apa banga raiva pahuro chaipo vaya vakadaira phone yavo vari “Hello mandebvu ndinaye kuno musikana uya asi ndikuda kumbotanga ndapedza naye” vakadaro ameno vakanzi vakabva vati “Inopenga chembere iya ingamudii munhu achiri mhandara haiwa rega ndimu kwapure chiweti chake mhani” vakadaro vachicutter vakabva vandi tarisa vakati “Waindi dadira Iwewe dai now ndiri kutoku chengetedza so wanzwa manje wakandiitira dzungu rega ndichinzwe chiweti chawaidada nacho ichi nxaa” vakadaro akuna munhurume mulife mangu aiva akambondiona sikarudzi yangu ndakanzwa kuzvivenga kuti sure baba ava. Dai aiva kudiwa wangu Respect zvaiva Nani manje baba ava zvaiva zvisiri hazvo nyore. Ndakanzwa kugumwa gumwa kuzasi kwangu “Maihwiiiiiiii hangu mwana wemuroyi uyu” vakadaro vaNhari vachi tsvetuka kubva pamusoro pangu. Ameno vaiva vadii andina kana kuda kutarisa ndakango simuka ipapo ndiri bara kuenda kumba chaiko. Ndakasvika nekungopinda mumba ndikabva ndazvi vharira ndakabata hana yangu chaizvo zvaiita kukwata nekutya. Ndakagara pasi ndakabva ndatura mafemo kasingapere chaiko Ndakaona kubata kwaMwari vaiva vandi ponesa panguva iyi sure. Ndakaswera ndiri mumba umu andina hangu kuzobuda manheru ndipo pandakaenda kukitchen ndakagadzira tea ndikamwa hangu. Ndaiva ndakunzwa kupera simba chaiko mumuviri mangu umu nekuda kwenzara. Ndakamwa ndakubuda padoor ndakaona mbuya vachi svika pamba vaiva vakabereka maoko kumusana zviya zvemunhu apererwa ende ndaiva ndisati ndakambovaona eversince vakadaro. Vakandi tarisa vakabva vanditi “seiko une moyo waka sindimara iwe” vakadaro ameno yaiva nyaya yei andina kuda kuva terera. Ndakango enda kunorara makuseni chaiwo ndakamuka kugadzirira zvinhu zvekuchikoro. Ndakamutsa Mona airatidza kuto shaya simba chairo zvinova zvinhu zvaka ita kuti ndiende kunoku gadzirira porridge netea ndakauya ndikamupa akadya akabva amuka ndakamupa mvura yekugezq mudish aka geza ndakamu siya akupfeka uniform ndakaenda kunobika chikafu chedu ndikano geza. Takaenda tese kuchikoro musi uyu apana aitaura neumwe aiva akango nyarara achiratidza aiva Kure nepfungwa akabva anditi “Wakanzwa here vaNhari vakarumwa nechidzvinyu chiya chihombe chine mavara mavara” akadaro ndakanzwa hana yangu kurova ndikabva ndamuti “Ehh hanzi vakarumwa pai” ndakadaro akabva aseka akati “Kumagaro wenah ameno vaiitei kusvika pakurumwa nhayi” akadaro ndakango shama muromo saka ndosaka pava vakajumper nhayi. “Saka varikudii now” ndakadaro akabva anditi “Nguva dzawanga uchichinja mbuya vauya kuzondiudza hanzi vari kuenda kunobatsirwa nekuti riri kuramba kubva riri kuramba rakanamira” akadaro ndakanzwa hana kurova zvakasimba ndakashaya kana chekupindura Mona hangu. Takasvika kuchikoro ende sezvo raiva first day rekuvhura takasvika nekunanga paAssembly. Mateacher akatanga kuuya achiti chingamidza kudzoka kwataiva taita kuchikoro ende panguva idzi headmaster vedu vakauya vakabva vamira vakati “Ndinotenda nekukuonai vana vangu nekudzoka kwamaita. Ndinokutendai henyu panguva ino ndinoda kutaura ndaka nanga maform 4 and 6 kuti term ino yatava ndiyo tekupedzisira vamwe venyu muri pano pamwe vamwe venyu vachadzoka zvee asi ndinoda kuti mushande nesimba vanangu mupasser muende mberi….” Vakadaro ende vaka taura zvakawanda havo. Takazoenda hedu kuma class edu takangodzidzawo zvishoma ndaizama hangu kuisa pfungwa dzangu pamwe chete kuti zviite. Mazuva akafamba tichienda kuchikoro pandaiwana nguva pese ndaienda kuchipatara kunoona mhamha hangu. Ende even mai vaRespect ndaienda kunovaona. Umwe musi ndabva kuchikoro ndakawana bamunini Garikai vakagara panze ende vaiva pazuva nyama yaiva yakaita kukwatuka iyi asi vaifambwa nemakonye waiita kunzwa smell yekushata kwemunhu. Chaiva chaiva chitunha hacho ichi ndochokwadi. “Makadii” ndakadaro vakabva vandi tarisa vakanditi “Pandiri kupora make sure pano uri kubva uri muroi Iwewe izvezvi vaNhari gumbo ravo rakazvimba nekuda kwavo” vakadaro ndikabva ndavati “Ahisi mhosva yangu asi ndino famba naJesu” ndakadaro vakabva vatanga kukosora mbuya vakauya vakabva vati “Iwe koukangofa hako ndizorore nhayi Garikai” vakadaro vachi taura nabamunini ahh ndaka siya zvakadaro ndichipinda mumba. Ende zvesure vaNhari gumbo ravo kubva paya raiva rakazvimba zvekuti kana kubasa kwavo kwekuenda kumashops nekaFancargo kavo zvaiva zvadhakwa. Munhu wandai nzwira hangu tsitsi hangu mukadzi wavo chete ivo vaiva vazvi wana ndiwo waiva mubayiro wavo chete baba ava. Ndakabvisa uniform yangu nguva dzaiva dzaenda saka ndakabva ndangoti regai ndiende kunoona hangu vabereki vaRespect ndakasvika pamba pavo ndikabva ndaona sis vaRespect varipo ndakava mhoresa hangu zvakanaka zvikanzi nasis vacho “Saka nhayi amai asi Respect aka shaya zvimwe here pane kutorana netuvana utu tunenge twapera tuchirarwa nababa vacho” vakadaro ndakango udyura maziso kuri kushaya vaitaura nyaya yei “Iwe mai Kupa ndizvo zvawawira pano here uyu siyana naye ahana kana chitema hake umwe wake uya kadiki ndiko kanazvo” vakadaro zvikanzi nasis vake Respect “Andisi kumboona any difference hangu nekuti vana ava vana vemunhu 1 ende zvakango fanana hazvo” vakadaro “Imi nyaya iyi amuizive henyu bvunzai isu nyaya yekumaraini ekwavo takatoinzwa tiri kuma village ekwedu uku nekuda kwambuya vacho kaa ava handi vanofamba here andiva nzwisise vanenge vano bata bata” vakadaro “Amai nababa ini ndakuonai regai ndiende” ndakadaro zvikanzi namai vake Respect “Zvino wakuenda usina kana kudya here mwanangu rega kuterera zvino taurwa natete vako ava mwanangu” vakadaro ndikabva ndavati “Ayiwa mhamha regai ndiende hangu ndanga ndati ndingoku dongorerai hangu” ndakadaro zvikanzi naivo tete vacho “Iwe Respect ahambofe akakuroora as long ndichiri mupenyu akuna zvakadaro wanzwa. Ende paanodzoka munenge matosiyana mastandarnds anofanha kuroorawo mukadzi akadzidza saye” vakadaro I couldn’t stand it hangu ndakabva ndavati “Regai ndiende hangu tete Maitabasa” ndakadaro ndichitooneka kuenda ini zvekuudzwa mashoko ezvinhu zvandisina kuita ndaisada hangu: Ndakaenda kumba ndichisvika ndakaona mbuya vachinetsana naMona “Iwe simbe iwe suka maplates wanzwa ndasiyana namai vako vakaku regedzera” vakadar zvikanzi naiye Mona “Munoda nditaure nepaiko kuti andisi kunzwa mushe nhayi mbuya apa mai vangu vapindira pai nhayi” akadaro ndakango tarisa hangu ndaiva nditori nestresa dzangu saka zvevaviri ava ndakasiya zvakadaro. Avawo bamunini vaingoti semesa nemuviri wavo. Ameno zvakazodii ndakaenda kuroom kwedu ndaiva ndakurara ikoko nekuda kwaMona airwara. Manheru mbuya vakauya vachida makey ebedroom ramhamha “Mukumadii” ndakadaro vakabva vanditi “Ndoda kuisa baba venyu ava imomo” vakadaro ndikavati “Haiwa kana munhu akaora kudaro pabed pamai vangu” ndakadaro zvikanzi naivo “Iwe usandi farisire wanzwa” vakadaro ndakava ignore ndichitono rara mahusiku aya andina kurara ndaiita kunzwa sekuti pane mombe yaikuma padoor peroom redu Mona aiva akarara ndaisada kumu kanganisa makuseni mbuya vakamukira ndakaona vachigadzira gadzira zvinhu zvedu zveku chikoro “Mamukasei” ndakadar vakabva vanditi “Mutsa Mona mugeze muende kuchikoro” vakadaro “Ahh nhasi atisi kuenda hedu” ndakadaro vakango simuka vakatsamwa vakabata poto yaiva neporridge vachienda kunorirasa nepoto yacho vakabva varidza tsamwa “Midziyo yamai vangu yamuri kurasa iyoyo muchavaripa” ndakadaro ndichito famba kudzokera muroom medu. “Hunge vachiri vapenyu kaa” vakadaro *Stay tuned………* Please note that this book is going to be on sale from chapter 18‼️ So 1 free chapter left. Mitengo yedu ichange yakamira yakadai kune vanoda kugara vatenga book redu kugara tabata nzvimbo kusub. ZIM SIDE🇿🇼 $1.50 EcoCash 0771969067 G.Mangena $1.50 Innbucks 0783015697 T.Dzingirai 80 zig EcoCash 0771969067 G.Mangena $2 airtime Buddie or Netone scratch cards SA SIDE🇿🇦 R30 one For you voucher R30 Kazang R30 Blu R30 Ott R30 All network airtime Vari kune dzimwe nyika you can send airtime through world remit or mukuru on 0771969067 ye$2 KANA WAITA PAYMENT YAKO APP +263771969067 NEPROOF OF PAYMENT YAKO THEN WOENDA KUSUB PLEASE NOTE THAT BOOK REDU RINO VERENGWA NEBOOM READER OR BOOM STORY USATI WATENGA BOOK MAKE SURE PHONE YAKO INOBVUMA BOOM READER OR BOOM STORY
❤️ 🙏 😂 👍 😢 😮 74

Comments