
QUEEN ZEE NOVELS
June 2, 2025 at 10:50 AM
*⚫️💘PPRECARIOUS LINES💘⚫️*
Written by
*QUEEN ZEE*
Channel
https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T
WhatsApp group
https://chat.whatsapp.com/JMtqk1OS11m8BYsy5WSjuF
Book *#15*
CHAPTER *17 LAST FREE CHAPTER*
*MONALISA*
Ndakanzwa Chiedza kutaura panze ende wairatidza kuti aipopota. Ndakatadza kunzwisisa kuti aitaura nani achipopota kudaro. Ndakamuka ndikabva ndaenda kwakuona aitaura nambuya ende aiva akava nongedzera zviya zveku munhu ane hasha kuratidza kuti zvaiva zvaita mbuya aiva asina kuzvifarira.
“Munondi jairira imimi nekuti ndiri mwana mudiki chete ndiri kukuonai imimi munondi jairira zvisingaite. Kakawanda muchitaura zvamunoda apa mandiendera mberi chaiko and I’m not gonna allow you kuti muite zvamunoda neni never azvisi kuzoitika. Ndiri kukuonai vanhu imimi amutodi munhu Ari soft nemi cause munomu jairira” akadaro ndaka tarisa mbuya iya kwakuona yaiva yaka minyina miromo yayo.
“Iwe waita mwana mudiki pandiri wanzwa ndinoku gadzika mudish ukada kundi farisira wanzwa” vakadaro ivo mbuya zvikanzi naChiedza
“Kaiva kare pataitya tika vhundutsirwa nemashoko aya amusi Mwari imimi zvekuti mungada kundi temesa magaro kudaro musoro wakanyarara haa izvozvo ndaramba manzwa” akadaro ndakaona mbuya vakashama muromo vairatidzq kuti vaiva vakuhunikana nemashoko ake.
Chiedza aingova munhu aka nyarara asi ukaona akupopotedzana newe dzimwe nguva waimushaya nekuti mumuromo make maibuda roger chaiyo.
Ini ndakango mira hangu ndiri padoor ndaka tarisa zvikanzi nambuya vakandi tarisa
“Ungasiya imbwa yamai vako iyi ichindituka une sure” vakadaro ndaka vati
“Pedzeranai ipapo mega the problem is muno jairira Chiedza too much imimi mbuya ndinokuonai hangu 1 day dai akambokurovai chaizvo nekuti munozvi regedzera zvisina basa” ndakadaro ndakava tarisa vakabva vaseka vakandi tarisa vakati
“Iwewe ndiwe wava kutaura izvozvo nhasi nemuromo wako uyu wakukanganwa mamiriro andaiita newe Iwewe” vakadaro ndaka nyarara hangu ndaiva ndisina energy yekunetsana navo hangu. Chiedza akabva avati
“Nyaya yangu iri pakuti amuna right yekurasa midziyo yamai vangu imimi. Nekuti apana kana chamaka tenga pano so amuna right yekurasa. Amai pavanopora muchapedzerana henyu” akadaro Chiedza zvikanzi nambuya
“Usandiudze matuzvi wanzwa amai amai chiii heee pano pamba pemwana wangu ende ndinoita zvandinoda pano nenguva dzandada aundi udzire zvekuita iwe mwana akazvarwa ndakura kudai. Amai vako avana kana kodzero pano nekuti uno musha wakavakwa nemwana wangu wanzwa amundiudzire zvekuita. Mirai muone henyu pano muchapabva muchimhanya ndinonzi Rungano ini” vakadaro mbuya ndakaona Chiedza akava tarisa akabva avati
“Kana makatadza kundi chekeresa munoti mungandigona here. Vanoti vanondigona vanhu ava Mambo avazive ndiri mutunhu une mago. Moto unobatidza murazvo” akadaro Chiedza akabva avati
“Ingori nguva nemwaka chete but yangu nguva paichasvika chero mapofu achaona, matsi dzichataura ende ichava minana kuona zvandinenge ndaitirwa naJehovha. Chichava chishamiso nekuti vakawanda vanondi tarisira pasi apa manzwa” akadaro zvikanzi naivo mbuya
“Ndakuudza iwe kuti uri mwana mudiki kwazvo kwandiri wanzwa.” vakadaro vakanzi naChiedza
“Ndasiyana ini nevamuno pusisa manzwa ini ndinonzi Chiedza ende zita rangu rine chirevo pachezvaro rega so don’t you taste my temper handi. Muri mbuya vangu imimi know your place and maboundaries andina zera nemi ende anditambe nemi. Nyarai vanokunyarai mosema vanoku semai semi handi” akadaro akabva afamba kupinda mumba medu ndakamu tevera akabva anditi
“Uno kwanisa hako kurara atisi kuenda kuchikoro nhasi ini ndava kuenda kuno tsvaga zvima piece work ndiwane zvimari zvekunoona mhamha” akadaro
“Dai ndiri kunzwa zviri nani taienda tese” ndakadaro akabva anditi
“It’s ok Mona imbozorora wanzwa” akadaro akabva abuda ndakasara ndaka rara hangu paya. Ndakamuka nekuda kwekunzwa kubatwa chaiko nemaoko emunhu ndaka vhunduka ndichi muka ndikabva ndaona vari bamunini Garikai apa vaiita kunhuwa.
“Yuwii kwakanaka here” ndakadaro ndichiti finyama zveku semeswa moyo wangu wakamira zvekuti ndaka mhanya kubuda panze ndichienda kunorutsa hangu.
“Iwe dzokera mumba umo tione” vakadaro mbuya ndikabva ndavati
“Iiiiii ini hangu andisi kukwanisa munhu ari kunhuwa uyu chinoti pano sure kuita kuti kutuu ndiye munhu wamuri kuda ndiende padhuze naye manje mundi kwanire imi” ndakadaro ndaiva ndakabata chest yangu baba vaiita kunhuwa havo ava.
“Monalisa” ndakanzwa vachindidana ndaka tarisa mbuya ndichisvotwa kwazvo ndakaenda kunomira padoor ndikabva ndati
“Matii” ndakadaro zvikanzi
“Please Huya muno titaurirane zvino ukandisema Iwewe vamwe vanodii” vakadaro ndakabata mhino yangu nejuzi randaiva ndakapfeka ndakapinda mumba vaiva vakagara pasi vakabva vanditi
“Bviss hembe dzako ndikuda undiitire weti muviri wangu wese pese pandakatsva kana wapedza ndoda kumbonzwa ka1 2 ndakusuwa” vakadaro ndakava tarisa ndikabva ndavati
“Budai munomu izvezvi” ndakadaro apa vaifambwa netumakonye
“Ndiwe uku taura neni kudai here iwe hee” vakadaro vachisimuka vakatanga kukamhina vachiuya kwandaiva dumbu rese iri raiva rakatsva ende raiva rashata. Musana uyu waiva wakatsva pamwe zvee ndaka shaya kuti vaida kurara neni vaiva vasina kutsva here kusvika kwese uku.
Vaka donhedza chibrugwa chavaiva vakapfeka ndakapfugama kuri kurutsa ipapo straight ndakabva ndakambaira kubuda padoor mbuya vaiva vakagara pakitchen vakandi tarisa neziziso
“Iwe Mona dzoka muno tione” vakadaro bamunini andina kana kupindura ndairutsa chaiko ndakasara ndichinzwa mbabvu dzangu idzi kurwadza. Baba vaisemesa havo ava. Kuita kukwatuka nemuzvidya mese umu even panhu pavo paiva pakaita kakutsva. Mbuya vaka pinda muroom muya vakabuda nemwana wavo aiva akugomera vakaenda naye pamumvuri ndakagara pandaiva dai ndine something ndaingomu pedzisa hangu munhu uyu. Raiva rava guva chairo iri chokwadi chaicho.
“Une hutsinye wanzwa chawatadza kuita zvinhu zvawaudzwa chii” vakadaro mbuya ndikabva ndavati
“Imi vaitirei weti zvee handi mwana wenyu here musada kundi nyangadza manzwa ndokumamisai imimi” ndakadaro ndakava tarisa zvekusvotwa chaizvo.
“Mwana Iwewe unoda kumbozviona saniko” vakadaro ndikabva ndavati
“Pano pamba pababa vangu ndouta zvandinoda zvee ini ndasiyana naChiedza anokunyarai ini ndomumamisai heavy henyu. Amudi kusekererwa bweee ndiitire weti imbwa dzevanhu ndinoziva munenge muchida kuti shandisa. Imi baba pandaka bvuma kupusiswa nemi paka kwana manzwa here ndoda kuona muchandiitasei vanhu imimi” ndakadaro zvikanzi nambuya vaya
“Ana Mona muri very easy kubata amunetse saka regai kuda kufarisa nekuti mangwana chaiye unomuka wava right Iwewe wanzwa” vakadaro mbuya ndakabva ndaridza tsamwa ndichipinda muroom medu:
Ndakangoti garei garei moyo wangu wakabva wanzwa kuda kuenda kunoona vaNhari pamba pavo. Ndakageza ndikabva ndaenda ndakasvika mai Nhari vaitowacha
“Mamukasei mai Tawana” ndakadaro vakabva vanditi
“Unofara here nhayi Mona” vakadaro ndikabva ndavati
“Ndiri right hangu ndokumbirawo kuona murume wenyu” ndakadaro vakandi tarisa vakabva vadzungudza musoro vakati
“Mona une mimba kaiwe” vakadaro iiiiii ndaka kurumidza kuzviramba chaiko ndikavati
“Kana mai Tawana andina mimba ini” ndakadaro vakabva vanditi
“Ndiri kukuudza kaa zvandiri kuona hako kuti iwe watoshata imimba yawava nayo iyi hako” vakadaro ndikabva ndavati
“Haa andina hangu mimba ndokumbirawo kuona henyu murume wenyu” ndakadaro vakango dzungudza musoro vakabva vafamba kupinda mumba.
“Huya vari kuno” vakadaro takaenda kubedroom kwavo ndakasvika kuya murume wavo aiva akarara pabed apa gumbo raiita kupenya kuri kuzvimba uku.
“Mamukasei” ndakadaro ndichi sekerera moyo wangu waiva wafara zvisingaite kungoona chiso chavo.
“Mai Tawana uyu akudei pano” vakadaro zvikanzi nemukadzi wavo
“Anga achida kukuonai saka manga muchida ndimuti nhayi” vakadaro zvikanzi naivo
“Next time andizivide ngaaende kumba kwavo andidi kumuona “ vakadaro ndakanzwa kurwadziwa zvekuti musodzi yakango erekana yakuyerera kwaiva kurwadziwa hangu.
“Hande Mona” vakadaro takabuda umu vakabva vanditi
“Usanyanye hako kubatikana ndizvo zvavari mazuvaano kubva varware. Chiri kunetsa kwese kwatiri kuenda vari kunzi vareurure vakareurura vanobva vapora ivo avasi kuda. Chidzvinyu chaka kwaniswa kubviswa asi pavakarumwa pacho parikuita ronda” vakadaro ndakabva ndavati
“Dai vaita zviri kutaurwa vapora havo” ndakadaro vakabva vanditi
“Pane zviripo hazvo asi ameno” vakadaro ndakaenda kumba uko kwandaka svika Chiedza adzoka asi aiva akabata huku. Isu pamba pedu taiva tisina kana zvipfuyo baba vaizviramba vaisada kana huku ino chengetwa.
“Huku ndeyei” ndakadaro akabva anditi
“Ndeyangu ndiri kuno tsvaga jongwe ndoda kuchengeta huku hangu” akadaro zvikanzi nababa
“As long as ndiri mupenyu apana zvakadaro” vakadaro zvikanzi naiye Chiedza
“Muri mupenyu here imi” akadaro akabva aseka hake akanditi
“Muriwo wedu uyu” akadaro akandi tarisa akabva anditambidza
“Sara uchigadzira huku iyi tione” akadaro ndakatora akaenda ndakasara hangu ndichi gadzira mbuya vava vakandi tarisa
*CHIEDZA*
“Maitabasa henyu” ndakadaro ndaka tarisa tumbwanana nehuku zvandaiva ndapihwa pandakashanda piece job rangu. Ndakatora I huku ndikaendesa kumba imba ndakadzoka ndotora imbwa dziya dzaiva dziri 3.
Ndakasvika kumba Mona aiva apedza kugadzira muriwo ndakabva ndaisa kabox kaiva neimbwa dzangu ndichikaisa pasi.
“Chii chiri imomo nhayi Chiedza” akadaro ndikabva ndamuti
“Tuma puppies utu Mona” ndakadaro akabva anditi
“Iiii Chiedza watuwanepi nhayi” akadaro ndakango seka hangu ndakabva ndamuti
“Ndatupihwa kwandaita kapiece work uku” ndakadaro akango sekerera hake
“Pano apana ano chengeta imbwa” vakadaro mbuya ndikabva ndavati
“Isu pano apana ano chengeta chitunha” ndakadaro ndichi famba kuenda kwaiva nechirugwi chakambo vakiswa namhamha vachida kuchengeta huku bamunini vaka ramba.
Problem yemudhara uyu ndainyatsa kuishaya kuti yaiva yei chaizvo kubva nakudhara.
Ndakaisa tumbwa twangu imomo. Ndikabva ndati kuna ambuya
“At least now mawana wekutuka kuti imbwa” ndakadaro hangu.
“Siya waisa muriwo imomo kubedroom kwamhamha uko makey aya ndingasara ndikaisirwa muriwo mubrugwa hangu andidi” ndakadaro ndichienda kunogeza ndakapedza ndakabva ndapfeka iye Mona aiva akagara saka takangovhara madoor edu nekubuda.
Takaenda kuchipatara takasvika kuya takabva taenda kunoona mhamha ndaka shamisika kupinda ndakaona mhamha vaiva vakagara ende vaitodya sadza
“Mhamha” ndakadaro ndichienda kunova mbundira Mona akauya tikadya hugger vakaseka vachiti
“My girls” vakadaro takazova siya.
Ndaiva ndava ne3 days ndisina kuona mhamha saka ndakatadza kuziva kuti izvi zvaiva zvaitika rinhi hazvo.
“Mhamha makapora rinhi” ndakadaro vakabva vandi tarisa vakanditi
“Mwanangu Mwari vane kuita kwavo tinaye Mwari wezvishamiso mwanangu. Ndakango muka pakati pehusiku ndainzwa izwi rainditi ndimuke ndakamuka and everything happened so fast kwakaita chiedza chakandi vhenekera ndakanzwa kubatwa makumbo angu chiedza chakabva chaenda ndakanzwa muviri wangu kuita free wega” vakadaro mhamha vakandi tarisa ndakanzwa kufara zvisingaite nurse akauya akabva ati
“Mauya vasikana aiwa Mwari wamuno namata mukuru taiva takusaona hupenyu asi Mwari vakaratidza hukuru hwavo ende mai venyu it’s a living testimony pachezvavo” vakadaro takasekerera mhamha vaka tarisa Mona vakabva vati
“Mona” vakadaro vachiratidza kusafara paface yavo ndakaona nurse akatarisawo Mona akabva amuti
“Muviri wako uri right here” akadaro zvikanzi naMona
“No ndiri kuchaya poo ine ropa plus kurutsa nekupera simba” akadaro ndakaona mai vangu vabata kuface vakati
“Please Mwari zvandiri kufungira ngazvisave izvo” vakadaro mhamha nurse akabuda naMona vakanoita nguva vari ikoko. Doctor akauya akati mai taibuda navo kudzokera kumba ndakafara hangu asi andina kuona mufaro pachiso chamai vangu.
Mona akapinda padoor maziso ake aiva akaita red ende aiita kushaker chaiko kubvunda nurse akatevera kumashure akati
“Tarisa condition ina amai vako vachinzwa mashura akadaro unoda vadii” vakadaro nurse zvikanzi namhamha
“Ichii?” Vakadaro nurse akatura mafemo akati
“Chinhu chino rwadza kuona mwana mudiki akadai kwazvo achisangana nezvinhu zvakadai. Semubereki zvinhu zvinonetsa kugamuchira chaiko” vakadaro vakabva vanyarara vakatura mafemo vakati
“Mwana wenyu ane nhumbu yava ne2 weeks ende pamusoro pazvo abatwa nechirwere ichi cheAIDS” vakadaro nurse ndakaita sekuti munhu akaiswa pamagetsi shock yandakarohwa nayo ipapo yaiva isina kumira zvakanaka.
“Monalisa imimba yani” vakadaro mhamha iye akabva ati
“Andizive pakati pabamunini navaNhari” akadaro achichema mashoko ake akauya sechibhagera pandiri chandaka pedzisira kunzwa vaiva amai vangu vairidza mhere
“Garikai wandigona” ndiwo akabva mashoko andaka pedzisira kunzwa ndisati ndaona rima.
*Stay tuned………..*
🔥🔥🔥🔥🔥TO BE CONTINUED KUSUB GROUP. HUYAI TIZONZWA KUTI CHII CHICHAITIKA MAI VACHIEDZA AVADZOKERE PASITUATION YAVO IYA HERE NEKUDA KWAMONALISA SURE MWANA ANE 15 ATOVA NECHIRWERE NEMIMBA HERE. CHIEDZA ACHADII HUYAI HUYAI TIZONZWA
NGATIVERENGAI TINZWISISE ZVINO TEVERA
*PAYMENT DETAILS*
ZIM SIDE🇿🇼
$1.50 EcoCash 0771969067 G.Mangena
$1.50 Innbucks 0783015697 T.Dzingirai
80 zig EcoCash 0771969067 G.Mangena
$2 airtime Buddie or Netone scratch cards
SA SIDE🇿🇦
R30 one For you voucher
R30 Kazang
R30 Blu
R30 Ott
R30 All network airtime
Vari kune dzimwe nyika you can send airtime through world remit or mukuru on 0771969067 ye$2
KANA WAITA PAYMENT YAKO APP +263771969067 NEPROOF OF PAYMENT YAKO THEN WOENDA KUSUB
PLEASE NOTE THAT BOOK REDU RINO VERENGWA NEBOOM READER OR BOOM STORY USATI WATENGA BOOK MAKE SURE PHONE YAKO INOBVUMA BOOM READER OR BOOM STORY
❤️
😢
👍
🙏
😂
😮
39