
QUEEN ZEE NOVELS
June 6, 2025 at 07:03 PM
*🩵MARANATHA🩵*
Written by
QUEEN ZEE
Channel
https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T
WhatsApp group
https://chat.whatsapp.com/JMtqk1OS11m8BYsy5WSjuF
Book *#1*
CHAPTER *03*
*Polite*
"Popoe usatsamwe aina
kumbotsemuka zvekudaro dear"
"Ok Lee but aungazvinzwisise phone
iyi ndakazoitengerwa panetsa chaipo you know daddy vanonetsa vaiva vakanditi phone ndokutengera wapasser A level and ndakatoshingirirandikabuda ne9points vakatomboramba kunditengera phone yacho andina kana 3days vonzwa kuti yatsemuka iii"
"I know but you just have to explain zvaitika"
"Ok lemme go ndinoona Mitchell pamba pakubhohwa"
Ndaka tora macar keys angu ndikabuda ndaka driver Benz yangu iya Big bedge but yangu yaiva customized iri yepurple inema numberplates ezita rangu ndaiva ndakaitengerwa pandaka passer form 4 ndaiva ne 8 ariese but aiva maC. Daddy vaiva varamba kunditengera mota vachiti andina kunatso buda zvakanaka mhamha ndivakazoita kuti nditengerwe mdara aisada zvisina basa saka ndaitozvi peta muswe chaizvo. Taizvarwa tiri 3 kwaitanga Leon aiva ne 25 years koti Paida aiva 22 kozopedzisira inini, Lee neni tisu tega taigara nemaparents asi Lee aiva nezvinhu zvake aiti achabva pamba kana ava nemukadzi wake kozoti
Paida akabva pamba ane 20years
akadzingwa mamdara after amitiswa
Baba vemwana vacho vakatiza apa akati vakango sangana kuparty akazomuka the next day ari naked akarara nemunhu ndomatauriro aanoti akalosser virginity yake ameno Paida ndaisa muchenesa anogona ainyepa cause svaifurirwa nemagaro ameno
ikoko inini naye taisapindirana. Asi apa aiva atova neshop yake airaramawo standard life.
Ndakasvika sahwira wangu ari ega aiti
mhamha vake vaiva vabuda aingogara namhamha vake daddy vake vaiva vakashaya achiri mudiki but momz vake vaiva nebag cause mdara wachoaiva akavasira macompany.
Pamba pavo nepedu paisambova kure nakure
taigara kuChisipiti. Takatandara ndikabva ndamuudza nyaya yekudonhedzerwa phone
"Popoe unozo wanza hasha dai wataura naye zvakanaka ukunatso taura wani wega kuti akumbira ruregerero ukamupindira rough
akazokudirawo rough"
"Uri kuside rani apa""
“Andisi kuchooser side but ndikukuudza pawatadza vamwe vanhu ava gone kuramba vachikumbira ruregerero kakawanda if she said she was sorry and she really meant it
azknatso ratidza kuti ahakutye after
wamupindura zvisirizvo''
"Wakutondi bhohwa manje anga achi fanha kuramba achikumbira ruregerero not zvekuda kupindurana neni anoto ratidza kuti she from a poor life shaa andijairirwe neinda ini"
Akangodzungudza musoro bvaanyarara akatanga kutaura dzimwe nyaya achitondiudza kuti akufunga kuapplier kuNUST ini ndaitoda paUZ hangu ndaisada kure nemaparents angu ndaida kuita Law cause ndaiita maarts ndiri kuchikoro Mitchy aiita masciences ende aiva akabuda
ne15points straight.
Takataura tigotaura kwakuda kutodoka
ndopandakazoenda kumba ndakasvika
vanhu vakuda kutogara padining table
kuti vadye ndakangosvika nekugara
andina kuzviona kuti paiva nevamwe
vanhu
"Konhayi Princess aumhorese vanhu
here" ndakatovhunduka hangu
ndakatarisa ndokubva ndaona yauva
mhuri yekwamu Sonzi vaiva mashamwari amhamha ndakamhoresa vose bvandaona pane face yaiva nyowani ndakangomu mhoresa mukomana uya ndikabva ndasimuka andizive why but ndandakusa feeler comfortable kuramba ndiripo mhamha
vakandishedza ndikaramba ndichienda
upstairs ndakanogeza ndokubva
ndatorara ndakazomutswa namhamha
the next day vaipopota"Zvii zvawandiitira nezuro iwe "
"Mommy I'm so sorry yesterday
ndakatanga kufeeler dizzy that's why
ndakabva" ndakatonyepa
"Ohh my princessare you ok now dai
wakandiudza asi andiufarire hunhu
wawakaita nezuro upagadzirise""Ok mommy"
Vakabva vabuda ndakazomuka papaya ndakakwesha mazino nekugeza maziso hangu ndabva ndaenda down stairs kwaiva
namhamha chete vaiva vakagara vari
paphone ndakasvika kuenda kukitchen
kwaiva naaunty
"Prepare something for me "
"Sorry ma'am Polite right now I'm busy
can you please do that your self"
"AHH aundishurire here nhayiwe ndizvigadzirire chekudya inini just because iwewe ukuda kunoyanika washen basa rako panapa hnty ndere kuita zvatoda"
"Ndiri munhu mukuru kwauri taurawo
neni zvakanaka first born yangu chaiyo
yatova nemhuri"
“Hezvo zvineyi neni izvozvo endai
munoshanda kaa kumba kwefirst born
yenyu ikupei mari kaa " ndaiva
ndatokwidza voice mhamha vakabva vapinda mukitchen
"Chii chikunetsa panapa"
"Ma'am Polite vauya vakati vakuda
kugadzirirwa something ndikavati
vagadzire cause ndikuda kunoyanikahembe idzi nekunowacha zvisingadi washing machine"
"Unokwanisa kumira kumboyanika woita zvikuda mwana wangu wozopedzisa tikunzwanana panapa you are a maid "
Vakabva vatobuda mhamha aunty Julie vakasara vakamira ndokubva vangonditarisa nekudzungudza musoro vakanosiya hembe panze vakadzoka vakandibikira havo
vaingova zii havo. Ende sure vaitovamunhu mukuru even kunamhamha vangu chaivocause vaitova vava nevazukuru vakabvira kushanda pamba pedu kudhara vainyanya kuwirirana naPaida ini zvekuwirinana nemamaids ndaisazvida ngavazive zveku driver chikorobho chete
"Julie be fast ndine nzara"
Avana kundipindura vakapedza
kundibikira vakapakura vakabva vaenda kunoita zvavaida kuita ameno ndakadya ndikangosiya plate ipapondokuenda kwaiva namhamha ndakasvika vari pacall vapedza
vatanga kutaura neni nyaya vakazofonerwa ndokubva vadaira vakaridza tsamwa vabva pacall
"Paida anondishurira hanzi muchauya
when kuzoonawo mwana wangu
mhamha"
"Asi amusati mambomuona"
“Kuti ndashaya zvekuita here
akandibhohwa zvisingaite kuwaster mari yangu munhu ativa musecond year akumitiswa hake"
"Hoo imari yenyu here kana kuti yadaddy"
"Iwe ndibvire apa "
Daddy Paida vaimuda havo asi pakudzingwa kwaakaitwa ndakaonakuti mhamha ndivo vaiva vakakonzeresa daddy vaiva
vamuregerera mhamha vakakuchidzira
Moto panyaya dzacho Paida was very humble asi ini aiva nekakuda kundibhohwa kuda kuita
sister holy iye achiziva hake zvinhu
nxaa.
Daddy naLee ndivo vega vakanoona mwana wake. Ini daddy vaizondiitira chinhu mhamha vatova nyengerera asi Lee kana Paida ipapo
ipapo vaiitirwa mhamha ndikada kuvabvunza kuti why vaingonditi siyana nazvo vanokuda asi kuti vanoda kuti uzive kuti mari yavo ayisi yakodzidza nesimba uite zvako Vaindiitira havo zvinhu pakukura ndaitoona mhamha vaitisarudza Paida naLee vaisanyanya kuvada vaida inini sezvo ndaiva gotwe that's why asi Lee naPaida tichikura vaindipa love yasis
nabro pakaenda Paida, Lee akasara
achingoita zvaaisiita ahana kuchinja
Takazotanga kutaura hedu nyaya
namhamha vakabva vati vaida tipindemutown vanondi tsvagira hembe dzimwe ndakafara ndakageza ndikapfeka boyfriend jean nekahalf
jersey hangu takaenda nemota yamhamha vaiva neGD6 takatanga taenda kunoiswa manails ndakabva ndarukwa weave yangu Brazilian ndakanatsonzwa kuti ndachena apa
kuti kunaka ndaivawo parinani hangu ndaiva ndakafanana namhamha hangu takazopinda muimwe boutique ndikanonhonga hembe
ndaisambotarisa maprice tags kwaiva
kungotora mhamha vakabhadhara
tikabva taenda paRainbow Towers
hotel we ordered something tikadya
takuda kuenda kumba ndakabvandaona.....
Stay tuned
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
68