QUEEN ZEE NOVELS
QUEEN ZEE NOVELS
June 9, 2025 at 06:12 AM
*🩵MARANATHA🩵* Written by QUEEN ZEE Channel https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T WhatsApp group https://chat.whatsapp.com/JMtqk1OS11m8BYsy5WSjuF Book *#1* CHAPTER *04* *MARAH* Takasvika kumba ndakabika Miraaitova busy netv ndakapakura tikadyamusi uyu andina kuvhura salon ndaivandato fizuka nekubhohwekananezvaiva zvaitika mutown musikana uya aiva asina muromo hake andina kumbofara nazvo iko kuzoda kundipa threat ndaimupeta peta ndaisambozvida zvekujairirwa hangu. Tapedza kudya ndakasuka nekutsvaira bvandaenda kuroom kwedu ndaida kumbo rara hangu, hope dzakutobata paphone pangu pakabva paita call ndakatarisa yaiva new number ndakadaira bvaya cutter number dzacho dzakatanga kundi tumira maplease call me back ndakatoshaya kuti ndiani ndakasiyana nazvo ndokurara. Ndakazomutswa namhamha manheru vachindibata bata kuda kunzwa temperature yangu vaifunga kutindikurwara ameno "Kokurara kusvika this time kwakanaka here" "Kungofizuka nekubhohwekana" ndakabva ndava tsanangurira zvaiva zvaitika mutown "Inga zvakatooma Mara you should avoid zvimwe zvinhu muhupenyu even ukatukwa nemunhu zvakadii pamwe pacho unofanha kuzvininipisa azvirevi kuti unopenga or wakapusa asi vamwe vanhu vanenge vari pakukutsvaga mangwana ndogona kunge ndisisipo Mira anoda kuchengetwa saka apana kwaunosvika ukatedzera vanhu zvavanotaura nezvavanoita unopera ndiwe mwanangu kunze kune vanobata bata " "Mhamha ndapanzwa asipane pamwe pasingadi kunyararwa panotoda action" "Ayehwa mwanangu you should be strong and humble for Mira" vakabva vatanga kukosora mhamha "Enda unondi torera mvura udzoke ugare apa pane zvandoda kukuudza ndisati ndazorora" Ndakanova torera mvura ndikadzoka ndikavapa ndopa ndakatanga kuona kuti there's something wrong namhamha face yavo yaiva iri down muromo waka sheneruka vakamwa mvura bvavatanga kubvunda "Mhamha kochii" "Apana Mara gara apa tone" ndakagara vakandibata ruoko rwangu bvavatanga kuchema andizive vaichemei "Shuwiro yangu yaiva yekufa ndaona kubudirira kwako mwanangu asi kana Mwari vada kutemha ruva ravo panyika apana zvandingaita Mira anoda guidance uye protection kunze kune makava Mara that's why ndichikuti zvimwe dzora hasha dzako nekuti uchanditevera kumaziva ndadzoka ukada kutedzana nezvisinei newe my daughter " "Komhamha why mukutaura muchidaro" "Imbonyarara ndipedze " vakabva vatanga kukosora zvisingaite apa vaiva vobuda mututu ndakavapa towel rangu vakapukuta "Uchiona kukura kwese uku kwamaiita ndakakuchengetai nemusika unozviziva andina kana musi 1 wandakano kumbira mari kuna baba vako, baba vako pavakaenda vakandisiya iwe waiva wava ne10years Mira mazuva iwawo unoziva aiva ne4 and zvakaitika kuti tisiyane nanhasi andizive munhu akangoenda kana nanhasi zvinondi shungurudza andizive why akaenda taiwirirana nababa vako mumba muno maiva nerudo ndotenda kuti paakaenda akakusirayi imi vana vake imba ino, baba vako Mara ndakangokuudza kuti vane mhuri asi baba vako vari kurarama hupenyu hwehuchi nemukaka kunze uku dai vaikucheukaiwo zvaiva nani pamwe dai wakakwanisa kuenderera mberi nechikoro chandava kukumbira ndechekuti uzadzisewo shuwiro yemoyo wangu chero ndiri kuenda kusinga dzokeke asi ndichange ndinewe mwanangu" ndakatanga kuyeredza musodzi yes mhamha vaimbotaura mashoko anehu dzamu but apa ndaiva ndava neconfusion zvinhu zvacho zvaiva zvandiomera zvaiita as if vakufa mhamha ndaiva ndisisa zive zvekuita "Ndishedzere Mira" ndakamushedza akauya achiona mhamha akatoshaya kuti chii chaiitika " "Mira ndoda kana ndaenda usare uchiterera sis vako musaparadzaniswa nevanhu vanangu ivai pamwe chete munyadzise varoi akuna angakuparadzai kana mukasaterera mashoko anobva kuvanhu kunze kwerufu ndiro richaku paradzanisai" vakabva vatibata tiri tese vakanamata vakati tivabatsire kuvaendesa kuroom kwavo "Ndipei pen nepaper "ndakavapa "Chiendai kunorara ndakuda kuzorora" Takaenda kunorara takatanga tanamata takamuka makuseni yaiva Sunday ndakaita basa ndikabika tea Mira akazomuka pava paya ndakaenda kuroom kwamhamha ndichida kunova shedza kuti vamwe tea ndakapinda kuroom mavo ndakasvika pabed ndakavhunduka ndichiona face yavo yaiva yakaita kusheneruka matama maiva nezvikomba zviya zvemunhu akawonda ndakashamisika ndakavabata ndichida kunzwa kuti vaiva sei ndakanzwa chiri chando chega ndakati Mira anoshedza Mai Mufundisi ndivovaikwanisa kundibatsira ndaiva ndafunga kuenda namhamha kuchipatara Akaenda kunovashedza akadzoka vakapinda mubedroom pavakaona mhamha vakavhunduka vakabva vava bata nechepa huro vakabva vadzungudza musoro vachitaura "Nhayi Mwari madireiko kutora ruva renyu panyika vana vake vachiri vadiki vanoda Mai vavo" ndakashaya kuziva kuti vaizama kudii "Mara ngatibudei muno iwe Mira enda unoshedza mai Rudo sahwira wamai vako mhanya" Takabuda muya takanogara panze Mai Mufundisi vaingo dzungudza musoro Mira ahana kutora time aiva ato dzoka vakaenda paside namai Mufundisi ameno zvavakaudzwa ini ndaiva ndongo mirizika semweya ndaida kuziva chaitora nzvimbo takagariswa pasi namhamha mai Rudo vakatanga kutiudza mashoko enyaradzo "Ndozviziva zvinorwadza asi rufu inzira yedu tose Mara naMira matokura imi kana zvadai kutsiva ndekwa Mwari akusi kwedu isu vanhu isu tinorwa hondo naSatan atirwe tiri tega panyika apana zororo tinokwanisa kukunda nemunamato chete" ''Morevei kana muchidaro" "Mai venyu vatisiya akuchina" Mashoko aya akauya sechibhagera mumoyo mangu ndakabva ndanzwa dzungu andizive zvakasara zvichiitika ndakazomuka ndiri mumba time dzitoratidza kuti dzafamba aiva atova masikati kana ndisina kurasika ndakabuda mumba ndikaenda panze paitova pazara vanhu ndakatanga kuseka ndega vanhu ava vaitopenga mai vangu vaiva vasina kumbofa kunyepa kwese ikoko. Ndakauya ndikatorwa pandaiva ndakamira nemainini mai Thabiso ava vaigara kuChivhu zvaitoratidza kuti vaiva vatoudzwa vakauya vakandigarisa paiva naMira uyu aingo chema uyu aipengawo zvii zvaaichema ipapa "Sis saka mhamha akusisina" "Ndokurova iwe mhamha varipo kungoti vakarara chete" "Kana mhamha vafa sis vatouya vakatorwa vakaendeswa ameno kwavaenda" Ndakamu ignore ndakatanga kuona vamwe veukama vaisvika hama dzamhamha vamwe ndaivaziva vamwe ndaisava ziva kuside kwedu kwakauya vamwe tete vangu vaimbouya apo neapo kunotiona inyaya yekuti vaigara Kure chete KuLupane vakasvika patiri vakatanga kunyaradza Mira "Tete udzai Mira kuti avana kumbofa" "Mara mhamha akuchina kuzvigamuchira kana kusazvi gamuchira avachadzoke " Kuzodaro ndaka tanga kuridza mhere pfungwa dzaiva dzodzoka paposition "Mhamha vandaitaura navo nezuro vongomuka vachinzi akusisina musanyepa imi " Ndakaona mainini vakuuya naGogo ava vaiva mai vamhamha Gogo maziso avo aiva akaita kutsvuka seropa vakasvika pataiva vakatimbundira vakatanga kuchema ndakaona kuti munhu mukuru arwadziwa ndopandaka natsoona kuti zvesure mhamha vanenge vaenda kusinga dzokeke ndakatanga kupfikura gogo vakatanga kutaura vachichema "Ruramai aiva asina chitema nemunhu vadireiko kundi gura kunorira vanhu ava kusvika pakundi cherera hura hwangu guva kumusveta ropa rake kusvika asara akaita semunhu adirwa dota kudaro" Ndakashaya kuti Gogo vaiedza kutii ndakaramba ndakavambundira ndichichema, vakazondisiya vakagara nesu pasi Mira uku aichema kana neni gogo vaingoyeredza musodzi vamwe ndivo vaitibata maoko ndaiva ndotanga kuona kuguma kwenyika my mom was my mentor my everything ndaivada mai vangu muhupenyu kwangu. Kwakunoita manheru chikafu chakauya raitova sadza nemavegie ndakariramba ndainzwa bundu chairo pahuro andaimbo medza sadza iko mai kusisina Stay tuned
❤️ 😢 🙏 👍 😂 😮 55

Comments