
QUEEN ZEE NOVELS
June 9, 2025 at 06:12 AM
*🩵MARANATHA🩵*
Written by
QUEEN ZEE
Channel
https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T
WhatsApp group
https://chat.whatsapp.com/JMtqk1OS11m8BYsy5WSjuF
Book *#1*
CHAPTER *04*
*MARAH*
Takasvika kumba ndakabika Miraaitova busy netv ndakapakura tikadyamusi uyu andina kuvhura salon ndaivandato fizuka nekubhohwekananezvaiva zvaitika mutown musikana uya aiva asina muromo hake andina
kumbofara nazvo iko kuzoda kundipa threat ndaimupeta peta ndaisambozvida zvekujairirwa hangu. Tapedza kudya ndakasuka nekutsvaira bvandaenda kuroom kwedu ndaida kumbo rara hangu, hope dzakutobata paphone pangu pakabva paita call ndakatarisa yaiva new number ndakadaira bvaya cutter number dzacho dzakatanga kundi tumira maplease call me back ndakatoshaya kuti ndiani ndakasiyana nazvo ndokurara.
Ndakazomutswa namhamha manheru
vachindibata bata kuda kunzwa temperature yangu vaifunga kutindikurwara ameno
"Kokurara kusvika this time kwakanaka
here"
"Kungofizuka nekubhohwekana"
ndakabva ndava tsanangurira zvaiva
zvaitika mutown
"Inga zvakatooma Mara you should avoid zvimwe zvinhu muhupenyu even ukatukwa nemunhu zvakadii pamwe pacho unofanha kuzvininipisa azvirevi kuti unopenga or wakapusa asi vamwe vanhu vanenge vari pakukutsvaga mangwana ndogona kunge ndisisipo Mira anoda kuchengetwa saka apana kwaunosvika ukatedzera vanhu zvavanotaura nezvavanoita unopera ndiwe mwanangu kunze kune vanobata bata "
"Mhamha ndapanzwa asipane pamwe
pasingadi kunyararwa panotoda action"
"Ayehwa mwanangu you should be strong and humble for Mira" vakabva vatanga kukosora mhamha
"Enda unondi torera mvura udzoke ugare apa pane zvandoda kukuudza ndisati ndazorora"
Ndakanova torera mvura ndikadzoka ndikavapa ndopa ndakatanga kuona kuti there's something wrong namhamha face yavo yaiva iri down muromo waka sheneruka vakamwa mvura bvavatanga kubvunda
"Mhamha kochii"
"Apana Mara gara apa tone"
ndakagara vakandibata ruoko rwangu bvavatanga kuchema andizive vaichemei
"Shuwiro yangu yaiva yekufa ndaona kubudirira kwako mwanangu asi kana
Mwari vada kutemha ruva ravo panyika apana zvandingaita Mira anoda guidance uye protection kunze kune makava Mara that's why ndichikuti zvimwe dzora hasha dzako nekuti uchanditevera kumaziva ndadzoka ukada kutedzana nezvisinei newe my
daughter "
"Komhamha why mukutaura muchidaro"
"Imbonyarara ndipedze " vakabva
vatanga kukosora zvisingaite apa vaiva
vobuda mututu ndakavapa towel rangu
vakapukuta
"Uchiona kukura kwese uku kwamaiita
ndakakuchengetai nemusika unozviziva andina kana musi 1 wandakano kumbira mari kuna baba vako, baba vako pavakaenda
vakandisiya iwe waiva wava ne10years Mira mazuva iwawo unoziva aiva ne4 and zvakaitika kuti tisiyane nanhasi andizive munhu akangoenda kana nanhasi zvinondi shungurudza andizive why akaenda taiwirirana nababa vako mumba muno maiva nerudo ndotenda kuti paakaenda akakusirayi imi vana vake imba ino, baba vako Mara ndakangokuudza kuti vane mhuri asi baba vako vari kurarama hupenyu hwehuchi
nemukaka kunze uku dai vaikucheukaiwo zvaiva nani pamwe dai wakakwanisa kuenderera mberi nechikoro chandava kukumbira ndechekuti uzadzisewo shuwiro
yemoyo wangu chero ndiri kuenda
kusinga dzokeke asi ndichange
ndinewe mwanangu" ndakatanga
kuyeredza musodzi yes mhamha vaimbotaura mashoko anehu dzamu but apa ndaiva ndava neconfusion zvinhu zvacho zvaiva zvandiomera zvaiita as if vakufa mhamha ndaiva ndisisa zive zvekuita
"Ndishedzere Mira" ndakamushedza
akauya achiona mhamha akatoshaya
kuti chii chaiitika "
"Mira ndoda kana ndaenda usare uchiterera sis vako musaparadzaniswa nevanhu vanangu ivai pamwe chete munyadzise varoi akuna angakuparadzai kana mukasaterera mashoko anobva kuvanhu kunze kwerufu ndiro richaku paradzanisai" vakabva vatibata tiri tese vakanamata vakati tivabatsire kuvaendesa kuroom kwavo
"Ndipei pen nepaper "ndakavapa
"Chiendai kunorara ndakuda kuzorora"
Takaenda kunorara takatanga tanamata takamuka makuseni yaiva Sunday ndakaita basa ndikabika tea Mira akazomuka pava paya ndakaenda kuroom kwamhamha
ndichida kunova shedza kuti vamwe tea ndakapinda kuroom mavo ndakasvika pabed ndakavhunduka ndichiona face yavo yaiva yakaita kusheneruka matama maiva nezvikomba zviya zvemunhu akawonda ndakashamisika ndakavabata ndichida kunzwa kuti vaiva sei ndakanzwa chiri chando
chega ndakati Mira anoshedza Mai
Mufundisi ndivovaikwanisa kundibatsira ndaiva ndafunga kuenda namhamha kuchipatara Akaenda kunovashedza akadzoka
vakapinda mubedroom pavakaona mhamha vakavhunduka vakabva vava bata nechepa huro vakabva vadzungudza musoro vachitaura
"Nhayi Mwari madireiko kutora ruva renyu panyika vana vake vachiri vadiki vanoda Mai vavo" ndakashaya kuziva
kuti vaizama kudii
"Mara ngatibudei muno iwe Mira enda
unoshedza mai Rudo sahwira wamai
vako mhanya"
Takabuda muya takanogara panze Mai
Mufundisi vaingo dzungudza musoro Mira ahana kutora time aiva ato dzoka vakaenda paside namai Mufundisi ameno zvavakaudzwa ini ndaiva ndongo mirizika semweya ndaida
kuziva chaitora nzvimbo takagariswa
pasi namhamha mai Rudo vakatanga
kutiudza mashoko enyaradzo
"Ndozviziva zvinorwadza asi rufu inzira
yedu tose Mara naMira matokura imi kana zvadai kutsiva ndekwa Mwari akusi kwedu isu vanhu isu tinorwa hondo naSatan atirwe tiri tega panyika apana zororo tinokwanisa kukunda nemunamato chete"
''Morevei kana muchidaro"
"Mai venyu vatisiya akuchina"
Mashoko aya akauya sechibhagera
mumoyo mangu ndakabva ndanzwa
dzungu andizive zvakasara zvichiitika
ndakazomuka ndiri mumba time
dzitoratidza kuti dzafamba aiva atova
masikati kana ndisina kurasika
ndakabuda mumba ndikaenda panze
paitova pazara vanhu ndakatanga
kuseka ndega vanhu ava vaitopenga
mai vangu vaiva vasina kumbofa
kunyepa kwese ikoko.
Ndakauya ndikatorwa pandaiva
ndakamira nemainini mai Thabiso ava
vaigara kuChivhu zvaitoratidza kuti
vaiva vatoudzwa vakauya
vakandigarisa paiva naMira uyu aingo
chema uyu aipengawo zvii zvaaichema
ipapa
"Sis saka mhamha akusisina"
"Ndokurova iwe mhamha varipo
kungoti vakarara chete"
"Kana mhamha vafa sis vatouya
vakatorwa vakaendeswa ameno
kwavaenda"
Ndakamu ignore ndakatanga kuona
vamwe veukama vaisvika hama
dzamhamha vamwe ndaivaziva vamwe
ndaisava ziva kuside kwedu kwakauya
vamwe tete vangu vaimbouya apo
neapo kunotiona inyaya yekuti vaigara
Kure chete KuLupane vakasvika patiri
vakatanga kunyaradza Mira
"Tete udzai Mira kuti avana kumbofa"
"Mara mhamha akuchina
kuzvigamuchira kana kusazvi
gamuchira avachadzoke "
Kuzodaro ndaka tanga kuridza mhere
pfungwa dzaiva dzodzoka paposition
"Mhamha vandaitaura navo nezuro
vongomuka vachinzi akusisina
musanyepa imi "
Ndakaona mainini vakuuya naGogo
ava vaiva mai vamhamha Gogo
maziso avo aiva akaita kutsvuka
seropa vakasvika pataiva
vakatimbundira vakatanga kuchema
ndakaona kuti munhu mukuru
arwadziwa ndopandaka natsoona kuti
zvesure mhamha vanenge vaenda
kusinga dzokeke ndakatanga kupfikura
gogo vakatanga kutaura vachichema
"Ruramai aiva asina chitema nemunhu
vadireiko kundi gura kunorira vanhu
ava kusvika pakundi cherera hura
hwangu guva kumusveta ropa rake
kusvika asara akaita semunhu adirwa
dota kudaro"
Ndakashaya kuti Gogo vaiedza kutii
ndakaramba ndakavambundira
ndichichema, vakazondisiya vakagara
nesu pasi Mira uku aichema kana neni
gogo vaingoyeredza musodzi vamwe
ndivo vaitibata maoko ndaiva ndotanga
kuona kuguma kwenyika my mom was
my mentor my everything ndaivada
mai vangu muhupenyu kwangu.
Kwakunoita manheru chikafu chakauya
raitova sadza nemavegie
ndakariramba ndainzwa bundu chairo
pahuro andaimbo medza sadza iko
mai kusisina
Stay tuned
❤️
😢
🙏
👍
😂
😮
55