QUEEN ZEE NOVELS
QUEEN ZEE NOVELS
June 10, 2025 at 12:36 PM
*🩵MARANATHA🩵* Written by QUEEN ZEE Channel https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T WhatsApp group https://chat.whatsapp.com/JMtqk1OS11m8BYsy5WSjuF Book *#1* CHAPTER *05* *MARAH* Zvese zvaiitika zvaita sedrama mumaziso angu ndaisazvi tenda kuti mhamha vaiva vatoenda ndainzwa kupererwa chaiko. Vanhu veku churchvakatanga kuimba taipinda Methodist church pakatanga kuridzwa ngoma ndainzwa hasha vanhu vachitamba kutonakirwa mai vangu vafa, vamwe vakazotanga kudzokera kudzimba dzavo tikasara neveukama tete vakabva vati vakuenda kumba kwadad vaidzoka mangwana. Pakurara ndakakiya door ramhamha apana aipinda imomo takanorara muspare medu vakadzi vamwe vakarara musitting room varume vaiva panze pamoto. Makatanga kutaurwa nyaya vamwe ndivo vaingo dembademba mafiro aiva aita mhamha nekutisiya kvavaiva vaita, vamwe vaitaurawo zvakanaka zvega pamusoro pamhamha vangu. Hope dzakatadza kana kuuya light rakadzimwa vamwe vaiva votorara ndakasara ndichingo bwaira maziso angu murima imomo. Ndakatanga kufunga the previous day mhamha vachindiudza mashoko erairidzo ndakatoona ndega pane kubatwa batwa kwakaitika kuti mai vangu vafe nekuti zvavaiva vakaita makuseni pandaiva ndavaona zvaisafadza. Ndakatanga kuchemamuchinyararire ndakazvipa vow yekuti munhu akabata bata pakufa kwamai vangu ndaizomu tsvaga ndikamuwana aifa rufu runorwadza ndaimuuraya mbijana mbijana nekuti aiva atora ruva rwemoyo wangu andibaya panodzimba. Ndakazoyerekana ndakutomutswa mangwana makuseni ndichinzi ndigeze ndaisava nepower kana ndakaenda paiva nagogo vaiva vakagara pama blankets vakabata shaya"Mamukasei Gogo" "Chamuka inyama muzukuru asi mweya auna zororo" "Zvinorwadza gogo mhamha vaenda just like that ndaida vaone kubudirira kwangu ndaida kuvafadza ndaida kuvatengerawo mota neimba she was a heroine Gogo mhamha vakarwa kurwa kukuru vaiva gamba redu gogo" ndaiva ndotochema "Usachema muzukuru kana nenizvikundirwadza Ruramai mwanangu atoenda here weduwe" Gogo vakazotanga kuchema zvakapisa tsitsi ini ndaiva ndochemawo nekupererwa vanhu vakazouya vakavatora ndakabatsirwa kuenda mubath kunogeza ndakazvidira dira mvura simba rekugeza ndairi wanepi hangu ndakaenda kunochinja ndakapfeka dress rangu reblack refu nedhuku ndikaenda panze ndakanogara paiva naMira aingoyeredza musodzi "Mira chirega kuchema unopedzisira wava kutemwa nemusoro I'm here I will give you mother's love yes I won'treplace mhamha but I will always try my best to make you happy always" "Sis ndikurwadziwa" "I know my dear but be strong I don't think kwavari mhamha vano fara kukuona uchidai we should be strong for the sake of ourselves and for mhamha yes zvorwadza asi ngatishingei" Tea yakauya ndikati vape havo Mira ini ndainzwa kuguta chaiko iye akambodakuramba ndikazomu forcer kuti atodya akangodya 1slice netea shoma at least zvaiva nani. Hama dzamhamha dzimhanya mhanya kugadzirisa zvinhu luck mhamha vaiva nefuneral cover havo. Ava masikati tete vakabva vadzoka vakati dad vaiva vati avakwanise kuuya azvina kumbondirwadza hangu, pakazotanga kurongwa kuti taifanha kuenda kumusha ndokwaino vigirwa mhamha kumusha kwavo kwaiva kuSanyati. Kuma4pm ndopatakasimuka kumusha takasvika around kuma 7pm paitovanevanhu vakawanda sadza rakauya ndakaramba futi Mira akadya zvishoma akatosiya hake. Takazodzwa mhere mhere panze ndakabuda iyi yaiva mota yeNyaradzo yaisvika ndakagara muvhu chaimo ndakaumburuka ndichichema ndakazouya kuzobatiranwa nevanhu ndikagariswa muberere remba coffin rakapinda mumba vanhu vakatanga kuimba vachiita kutamba vamwe vaiita kubuda shavi chairo. Takazonorara mukitchen maiva necoffin ndakarara pedo naGogo naMira makuseni takamutswatakanogeza tiri 2 naMira takangozora mafuta ndokupfeka hembe dzataiva takapfeka taizochinja later, tea yakauya ndikairamba Mira ndiye akangodya zvishoma chete "Sis amusi kumbodya munoda kufa nenzara mondisiya ndega here moteera mhamha" "Ayehwa mupfana wangu ndichadya now andisi kukwanisa andisi kubeliever kuti mhamha vatotisiya""Sis musadaro" "Ndichadya Mira chiandei tinochinja" Takaenda kunochinja ndakapfeka flared skirt yeblack yaiva long nemapumps ecream nelobola top yeblack ndikaisa dhuku musoro renavy blue takaenda panze paiva nevamwe kuvarume vaivhiya mombe vamwe ndivo vaigocha ndakanogara pasi pemuti paiva nevamwe mainini vakanditora vakagara neni vakandirarisa pamakumbo avovakatanga kundipuruzira mumusoro ava vaiva vakaita kufanana namhamha mainini vaingovawo mutsvuku samhamha asi mainini vaiva nezi body mhamha vaiva nebody iripakati nepakati. Takazonoita body view ndakatanga kuchema ndakabatiranwa "Vamutsei mai vangu vabude imomo amusi kuona vakarara here mhamha mukai kani honai vakuda kukuvigai muri mupeny""Mubuditsei muno tarisai kana Gogo vake vakutochemawo" ndevamwe Mai vakadaro Ndakaendwa neni panze ndakatanga kuchema mhamha pandaiva ndavaona she was sleeping peacefully vakaiswa cotton mumhino vaiva vakasheneruka nekuita makomba apa vaiva vakapfekedza suit yeblack mumusoro vaingova nebvudzi ravo, ndakazoona coffin rakubuda rakatakurwa ndakatoziva takuenda kumakuva vanhu vakazoenda kumakuvakwakasara vanhu vaiita zvemapoto chete, pakadzikidzwa box ramhamha ndakamhanya kumuti ndikanotemha shamhu ndakadzoka paiva nevanhu ndakanokora ivhu ndakakanda ndakabata shamhu yandaiva nayo vanhu vaiva vangonditarisa ndofunga vaitoshaya ndaida kudii ndakatanga kutaura "Mhamha ndiri kukupai shamhu iyi ndimi munoziva zvamuchaita nayo amungafira mafufu segonzo mhamha maiva musina mhaka nemunhu munhu ochooser kutora hupenyu hwenyu mhamha no! Not ndichiri mupenyundichamutsvaga munhu iyeye achafa rufu runorwadza" ndakuda kukanda shamhu iya ndakabatwa "Ndisiyei mhani imi amusi rimi mafirwa namai kaa that's why mukundibata" "Kutsiva ndekwa Mwari muzukuru Siya mai vako vazorore vakafa avana nzvimbo panyika ino kana munhu afa atofa muzukuru kurwa ndekwa Mwari akuna chokwadi chisinga bude ticha ziva nekufamba kwenguva"ndakanombundira Gogo ndokatang kuchema Nyaya yekuisa shamhu ndaiva ndakainzwa uchingotaurwa kuchikoro kudhara tichiri maform 3 neumwe musikana achitaura zvakamboitika kumusha kwavo saka ndozvandaida kuita pandakaona guva ramhamha rakufushirwa ndakabva ndangodonha..... Ndakazopepuka ndakatota zvairatidza kuti ndaidirwa dirwa mvura ndakanzwa vanhu vaitaura kuti ndamukandakaona Gogo vakuuya vakundi dyisa porridge raita kunge mvura ndakarimwa ndapedza ndakaona vauya nesadza nenyama yemombe ndakaritsika ndikamwa mvura "Wondiregererawo muzukuru ndaisa kutarisai nekuda kwemarwadzo now wanga wafenda nekuda kwenzara" "Gogo maitabasa ndaiva ndisina appetite""Zvowanikwa ini ndaitozvi manikidza kudya cause ndechida kumwa mapiritsi angu eBP" Ndakazoenda kunogeza ndakapfeka dress regreen ndakaenda mukitchen kwaiva nevanhu vamwe vaiva vatoenda pasara hama chete zvairatidza ndaiva ndava nenguva ndafenda, ndakaona makazara hama dzamhamha kwedu kwaingova natete chete pakatanga kurongwa zvemadates enyaradzo ainzi next month isu takanzi taifanha kunotora hembe dzedu dzese nezvinhuzvamhamha mangwana, tainzi takugara kumusha ndakatadza kuzvinzwisisa vanhu pandakabvunza why vakango tsika tsika nyaya yacho ndakati ndaizobvunza tete hangu vaindiudza papera kurongwa ndakaenda kubedroom kwagogo ndokwatairara ndakazobuda panze paita knock tete vaida kutaura neni "Marah wotoshinga hupenyu uchakurwadza asi ndoti shinga mwana wehanzvadzi musi wandakanorara kwababa vako ndaida kuedza kutaura navo vasiye imba munayo asivakaramba vachiti vamwene vavo vakuda kugara kuHarare saka vanofanha kuuya ipapo" "Tete saka takutogara kuno sure" "Ehe mhamha vako vakaudzwa nyaya yacho vakaramba kuti mubve baba vanga vabvuma mukadzi wavo akafonera mhamha vako wachivatuka,mai vako vakandifonera vachitondiudza kuti tete kunoku kune nyaya vakandi udza saka ini ndaiva ndavati ndouyako kuswera mangwanaor mangwana togara pasi totaurirana, mangwana acho ndopavakandi fonera vachinditi kana vafa mugosara muchigara nagogo vakataura nevanhu vese vachivaudza the same thing" "Iiiii tete saka Mai vangu vakafira nyaya yemba here or pane zvimwe" "Andichazive ipapo asi usare zvakanaka hupenyu hwenherera unoda kushinga ushande nesimba ziva une munin'ina anoda kuchengetwamukusara nambuya vanodawo kubatsirwa ndikumukira mangwana kudzokera ndati ndikuudze ndisati ndaenda cause ndogona kuzoshaya mukana newe unamate Mara shamwari yako yekutanga ngaive Mwari muzukuru ndinokudai ndichapota ndichiuya kuzokuonai ndikawana mukana" "Ok tete " vakadzokera kwaiva nevamwe vakasiya vanditambidza $20 ndakaiisa musatchel ndakarara ndakatarisa mudenga ndichifunga Stay tuned
❤️ 👍 😢 🙏 😂 😮 86

Comments