
QUEEN ZEE NOVELS
June 10, 2025 at 12:36 PM
*🩵MARANATHA🩵*
Written by
QUEEN ZEE
Channel
https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T
WhatsApp group
https://chat.whatsapp.com/JMtqk1OS11m8BYsy5WSjuF
Book *#1*
CHAPTER *05*
*MARAH*
Zvese zvaiitika zvaita sedrama
mumaziso angu ndaisazvi tenda kuti
mhamha vaiva vatoenda ndainzwa
kupererwa chaiko. Vanhu veku churchvakatanga kuimba taipinda Methodist
church pakatanga kuridzwa ngoma
ndainzwa hasha vanhu vachitamba
kutonakirwa mai vangu vafa, vamwe
vakazotanga kudzokera kudzimba
dzavo tikasara neveukama tete
vakabva vati vakuenda kumba kwadad
vaidzoka mangwana.
Pakurara ndakakiya door ramhamha
apana aipinda imomo takanorara
muspare medu vakadzi vamwe
vakarara musitting room varume vaiva
panze pamoto. Makatanga kutaurwa
nyaya vamwe ndivo vaingo dembademba mafiro aiva aita mhamha
nekutisiya kvavaiva vaita, vamwe
vaitaurawo zvakanaka zvega
pamusoro pamhamha vangu. Hope
dzakatadza kana kuuya light
rakadzimwa vamwe vaiva votorara
ndakasara ndichingo bwaira maziso
angu murima imomo.
Ndakatanga kufunga the previous day
mhamha vachindiudza mashoko
erairidzo ndakatoona ndega pane
kubatwa batwa kwakaitika kuti mai
vangu vafe nekuti zvavaiva vakaita
makuseni pandaiva ndavaona
zvaisafadza. Ndakatanga kuchemamuchinyararire ndakazvipa vow yekuti
munhu akabata bata pakufa kwamai
vangu ndaizomu tsvaga ndikamuwana
aifa rufu runorwadza ndaimuuraya
mbijana mbijana nekuti aiva atora ruva
rwemoyo wangu andibaya
panodzimba.
Ndakazoyerekana ndakutomutswa
mangwana makuseni ndichinzi ndigeze
ndaisava nepower kana ndakaenda
paiva nagogo vaiva vakagara pama
blankets vakabata shaya"Mamukasei Gogo"
"Chamuka inyama muzukuru asi
mweya auna zororo"
"Zvinorwadza gogo mhamha vaenda
just like that ndaida vaone kubudirira
kwangu ndaida kuvafadza ndaida
kuvatengerawo mota neimba she was
a heroine Gogo mhamha vakarwa
kurwa kukuru vaiva gamba redu gogo"
ndaiva ndotochema
"Usachema muzukuru kana nenizvikundirwadza Ruramai mwanangu
atoenda here weduwe" Gogo
vakazotanga kuchema zvakapisa tsitsi
ini ndaiva ndochemawo nekupererwa
vanhu vakazouya vakavatora
ndakabatsirwa kuenda mubath
kunogeza ndakazvidira dira mvura
simba rekugeza ndairi wanepi hangu
ndakaenda kunochinja ndakapfeka
dress rangu reblack refu nedhuku
ndikaenda panze ndakanogara paiva
naMira aingoyeredza musodzi
"Mira chirega kuchema unopedzisira
wava kutemwa nemusoro I'm here I will
give you mother's love yes I won'treplace mhamha but I will always try
my best to make you happy always"
"Sis ndikurwadziwa"
"I know my dear but be strong I don't
think kwavari mhamha vano fara
kukuona uchidai we should be strong
for the sake of ourselves and for
mhamha yes zvorwadza asi
ngatishingei"
Tea yakauya ndikati vape havo Mira ini
ndainzwa kuguta chaiko iye akambodakuramba ndikazomu forcer kuti atodya
akangodya 1slice netea shoma at least
zvaiva nani. Hama dzamhamha
dzimhanya mhanya kugadzirisa zvinhu
luck mhamha vaiva nefuneral cover
havo. Ava masikati tete vakabva
vadzoka vakati dad vaiva vati
avakwanise kuuya azvina
kumbondirwadza hangu, pakazotanga
kurongwa kuti taifanha kuenda
kumusha ndokwaino vigirwa mhamha
kumusha kwavo kwaiva kuSanyati.
Kuma4pm ndopatakasimuka kumusha
takasvika around kuma 7pm paitovanevanhu vakawanda sadza rakauya
ndakaramba futi Mira akadya zvishoma
akatosiya hake. Takazodzwa mhere
mhere panze ndakabuda iyi yaiva mota
yeNyaradzo yaisvika ndakagara
muvhu chaimo ndakaumburuka
ndichichema ndakazouya
kuzobatiranwa nevanhu ndikagariswa
muberere remba coffin rakapinda
mumba vanhu vakatanga kuimba
vachiita kutamba vamwe vaiita kubuda
shavi chairo.
Takazonorara mukitchen maiva
necoffin ndakarara pedo naGogo
naMira makuseni takamutswatakanogeza tiri 2 naMira takangozora
mafuta ndokupfeka hembe dzataiva
takapfeka taizochinja later, tea
yakauya ndikairamba Mira ndiye
akangodya zvishoma chete
"Sis amusi kumbodya munoda kufa
nenzara mondisiya ndega here
moteera mhamha"
"Ayehwa mupfana wangu ndichadya
now andisi kukwanisa andisi kubeliever
kuti mhamha vatotisiya""Sis musadaro"
"Ndichadya Mira chiandei tinochinja"
Takaenda kunochinja ndakapfeka
flared skirt yeblack yaiva long
nemapumps ecream nelobola top
yeblack ndikaisa dhuku musoro renavy
blue takaenda panze paiva nevamwe
kuvarume vaivhiya mombe vamwe
ndivo vaigocha ndakanogara pasi
pemuti paiva nevamwe mainini
vakanditora vakagara neni
vakandirarisa pamakumbo avovakatanga kundipuruzira mumusoro
ava vaiva vakaita kufanana namhamha
mainini vaingovawo mutsvuku
samhamha asi mainini vaiva nezi body
mhamha vaiva nebody iripakati
nepakati.
Takazonoita body view ndakatanga
kuchema ndakabatiranwa
"Vamutsei mai vangu vabude imomo
amusi kuona vakarara here mhamha
mukai kani honai vakuda kukuvigai
muri mupeny""Mubuditsei muno tarisai kana Gogo
vake vakutochemawo" ndevamwe Mai
vakadaro
Ndakaendwa neni panze ndakatanga
kuchema mhamha pandaiva ndavaona
she was sleeping peacefully vakaiswa
cotton mumhino vaiva vakasheneruka
nekuita makomba apa vaiva
vakapfekedza suit yeblack mumusoro
vaingova nebvudzi ravo, ndakazoona
coffin rakubuda rakatakurwa
ndakatoziva takuenda kumakuva
vanhu vakazoenda kumakuvakwakasara vanhu vaiita zvemapoto
chete, pakadzikidzwa box ramhamha
ndakamhanya kumuti ndikanotemha
shamhu ndakadzoka paiva nevanhu
ndakanokora ivhu ndakakanda
ndakabata shamhu yandaiva nayo
vanhu vaiva vangonditarisa ndofunga
vaitoshaya ndaida kudii ndakatanga
kutaura
"Mhamha ndiri kukupai shamhu iyi
ndimi munoziva zvamuchaita nayo
amungafira mafufu segonzo mhamha
maiva musina mhaka nemunhu munhu
ochooser kutora hupenyu hwenyu
mhamha no! Not ndichiri mupenyundichamutsvaga munhu iyeye achafa
rufu runorwadza" ndakuda kukanda
shamhu iya ndakabatwa
"Ndisiyei mhani imi amusi rimi mafirwa
namai kaa that's why mukundibata"
"Kutsiva ndekwa Mwari muzukuru Siya
mai vako vazorore vakafa avana
nzvimbo panyika ino kana munhu afa
atofa muzukuru kurwa ndekwa Mwari
akuna chokwadi chisinga bude ticha
ziva nekufamba kwenguva"ndakanombundira Gogo ndokatang kuchema
Nyaya yekuisa shamhu ndaiva
ndakainzwa uchingotaurwa kuchikoro
kudhara tichiri maform 3 neumwe
musikana achitaura zvakamboitika
kumusha kwavo saka ndozvandaida
kuita pandakaona guva ramhamha
rakufushirwa ndakabva
ndangodonha.....
Ndakazopepuka ndakatota zvairatidza
kuti ndaidirwa dirwa mvura ndakanzwa
vanhu vaitaura kuti ndamukandakaona Gogo vakuuya vakundi
dyisa porridge raita kunge mvura
ndakarimwa ndapedza ndakaona
vauya nesadza nenyama yemombe
ndakaritsika ndikamwa mvura
"Wondiregererawo muzukuru ndaisa
kutarisai nekuda kwemarwadzo now
wanga wafenda nekuda kwenzara"
"Gogo maitabasa ndaiva ndisina
appetite""Zvowanikwa ini ndaitozvi manikidza
kudya cause ndechida kumwa mapiritsi
angu eBP"
Ndakazoenda kunogeza ndakapfeka
dress regreen ndakaenda mukitchen
kwaiva nevanhu vamwe vaiva
vatoenda pasara hama chete
zvairatidza ndaiva ndava nenguva
ndafenda, ndakaona makazara hama
dzamhamha kwedu kwaingova natete
chete pakatanga kurongwa
zvemadates enyaradzo ainzi next
month isu takanzi taifanha kunotora
hembe dzedu dzese nezvinhuzvamhamha mangwana, tainzi
takugara kumusha ndakatadza
kuzvinzwisisa vanhu pandakabvunza
why vakango tsika tsika nyaya yacho
ndakati ndaizobvunza tete hangu
vaindiudza papera kurongwa
ndakaenda kubedroom kwagogo
ndokwatairara ndakazobuda panze
paita knock tete vaida kutaura neni
"Marah wotoshinga hupenyu
uchakurwadza asi ndoti shinga mwana
wehanzvadzi musi wandakanorara
kwababa vako ndaida kuedza kutaura
navo vasiye imba munayo asivakaramba vachiti vamwene vavo
vakuda kugara kuHarare saka
vanofanha kuuya ipapo"
"Tete saka takutogara kuno sure"
"Ehe mhamha vako vakaudzwa nyaya
yacho vakaramba kuti mubve baba
vanga vabvuma mukadzi wavo
akafonera mhamha vako
wachivatuka,mai vako vakandifonera
vachitondiudza kuti tete kunoku kune
nyaya vakandi udza saka ini ndaiva
ndavati ndouyako kuswera mangwanaor mangwana togara pasi totaurirana,
mangwana acho ndopavakandi fonera
vachinditi kana vafa mugosara
muchigara nagogo vakataura nevanhu
vese vachivaudza the same thing"
"Iiiii tete saka Mai vangu vakafira
nyaya yemba here or pane zvimwe"
"Andichazive ipapo asi usare
zvakanaka hupenyu hwenherera
unoda kushinga ushande nesimba ziva
une munin'ina anoda kuchengetwamukusara nambuya vanodawo
kubatsirwa ndikumukira mangwana
kudzokera ndati ndikuudze ndisati
ndaenda cause ndogona kuzoshaya
mukana newe unamate Mara
shamwari yako yekutanga ngaive
Mwari muzukuru ndinokudai
ndichapota ndichiuya kuzokuonai
ndikawana mukana"
"Ok tete " vakadzokera kwaiva
nevamwe vakasiya vanditambidza $20
ndakaiisa musatchel ndakarara
ndakatarisa mudenga ndichifunga
Stay tuned
❤️
👍
😢
🙏
😂
😮
86