QUEEN ZEE NOVELS
QUEEN ZEE NOVELS
June 13, 2025 at 09:52 AM
*🖤INEVITABILITY🖤* Written by *QUEEN ZEE* https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T *Follow our channel for updates and garai muriko kuchannel ndiko kwamunowana mamwe machapters not inbox* https://chat.whatsapp.com/KlQiSdPoKBA3egOKvabLBr *Join our WhatsApp group* https://www.facebook.com/share/15Echedyps/?mibextid=wwXIfr *Follow our Facebook page* *Chapter 1* “Vivienne” ndakanzwa kushedzwa zita rangu izvo ndaiva kutsi kwehope ndakavhura maziso angu kwakuona vaiva mai vangu uku vaiva vaiva vakabata tray yechikafu mumaoko. “Komadireiko kuzvinetsa nhayi mhamha” ndakadaro vakabva vanditi “wanga wava nemazuva uri busy mwanangu saka ndati nhasi rega ndiku gadzirire breakfast” vakadaro mhamha ndaka nyemwerera ndaka tarisa amai vangu. Ende vakandi tarisa nemaziso avo ndakaona makazara kushushikana kukuru akuna chimwe chaiva netsa yaiva nyaya yekusa roorwa kwangu ndakabva ndavati “komukabva maita sekuti mune zviri kukudyai moyo kwakanaka here nhayi mhamha” ndakadaro vakabva vandi tarisa vakatura mafemo vakasimuka vakati “apana nyaya huru Vee inyaya yaunoziva yemazuva yese chidya kana wapedza wogeza nguva dzako dzeku enda kubasa dzakukwana” vakadaro amai vangu andina kuda kuzova netsa ndaizo taura navo ndadzoka. Ndakadya ndapedza ndakaburuka pabed rangu ndikabva ndawaridza ndakaisa tray padressing table ndakabva ndapinda mubath ndikageza. Ndakapedza kugeza ndakapinda mubedroom mangu ndikabva ndaenda mucloset mangu ndakatora mhando yesuit yangu yebrand reArmani ndakapfeka neblouse rewhite mukati ndakaisa bhutsu dzangu stiletto kutsoka. Ndakasprayer iyo perfume yangu yeGucci Bloom komari pano ndipo paiva pamusha zvee. Ndapedza ndakatora my purse nelaptopbag ndikabva ndafamba kubuda mubedroom mangu ndoburuka mastairs ndoenda kukitchen ndakaona amai vangu vaiva vandi gadzirira lunch yangu ende yaiva yakaiswa mulunchbag. Ndiwo waiva muitiro wavo everyday vaindi gadzirira breakfast nelunch yekuzodya kubasa. “Wakachena mwanangu” vakadaro amai vangu ndakabva ndava kisser padama pavo vakati “dai uchidzokawo nemukwasha zvino manje ehh” vakadaro ndakabva ndaseka ndikati “mom apana chekumhanyira ndichiripo” ndakadaro zvikanzi namhamha vangu “iwe munhu ane 27 you are not getting any young Vee know that” vakadaro ndakava tarisa ndikati “you know I’m very happy nezvandiri I love my work and getting married zvinhu zvinondi kanganisa” ndakadaro vakandi tarisa mhamha vakati “dai wawana hako weku fambidzana naye anobva pamoyo wako toziva unewo wauno fambidzana naye Iwewe zvisiri zveku sarudzirwa zvino kubva waita single kudai” vakadaro mhamha ndikabva ndati “nyaya yangu iripapi apa nhayi mhamha” ndakadaro nguva idzodzo daddy vangu vakabva vapinda mukitchen vakabata a bottle of water vakati “you are still here it’s now 7:25” vakadaro vachi tarisa pawrist watch yaiva muruoko rwavo. My father was very strict kunyanya kwandiri. He was a well respected man in our country and vaiva ivo the Minister of Finance Mr Marufu. Taiva vanhu vakabudirira zvisingaite mumhuri medu life yangu kubva ndiri mudiki it was a life of peace and pleasure chaiyo. Chikoro chandakadzidza chaicho chaidhura even University level ndaka dzidza kunze kwenyika chaiko. Zvekuti ipapa basa randaishanda raiva remhando yepamusoro zvekuti my pay yaiva a lot ende apana chimwe chandaiita nayo kunze kwekutenga hembe nemota nekuspender chaiko. I would go even kuma vacation ekunze kwenyika chaiko life yepamusoro yandairarama it was lovely. Imba chaiko ndaiva ndakaitengerwa kare ndaiva nayo asi ipapa vabereki vangu vese vaisada ndibve pamba ndigare navo sezvo ndaiva ini ndega mwana musikana wavo. Daddy vangu pandiri vaisada zvisina basa chaiko cause ndini ndega ndaiva mwana musikana mumba medu pavakomana 2 ende vaiva nemhuri dzavo. Vese vaiva havo vanhu vaka budirira chaiko nelife. “I was on my way out now ndachitora lunch yangu” ndakadaro daddy vakabva vatarisa mhamha vakati “muchamira rinhiko kugadzirira musikana mukuru wese uyu lunch nhayi mbuya vaHappy. Ende pano nekuzara kwakaita vashandi munoita basa” vakadaro daddy zvikanzi namhamha “kana avawo mai veumwe munhu mwana wangu gotwe rangu ndisiyei hangu ndoda kumugadzirira lunch yake ndega” vakadaro andina kuda kuzomira Ndakabuda ndoenda kubasa. Ndakapinda mumota yangu ende ndai driver Toyota Land Cruiser Prado. Ndakapinda mumota ndikabva ndadriver ndoenda kubasa. Ndakasvika pabasa I was very friendly nema workers angu zvekuti pandaka pinda vese vaindi mhoresa. Ndakapinda muoffice mangu assistant wangu akauya nemapapers “mam you have to run through this papers” akadaro ndikamuti “ok so do we have any meeting today” ndakadaro akabva ati “yes you have a meeting with Mr Charehwa” akadaro ndikabva ndamuti “can you attend meeting iyoyo ini I can’t” ndakadaro akabva anditi “remember last time vaka popota and we almost lost him he is one of our best customers here vakati vanoda kuona imimi not inini” akadaro ndakabva ndamu tarisa ndikatura mafemo ndikati “you know I don’t like this man” ndakadaro akabva asekerera akati “but he isn’t that bad amuna kumujaira chete” akadaro ndakabva ndamu tarisa ndiri serious akabva akurumidza kukumbira ruregerero “iriko nguvai meeting yacho” ndakadaro akabva ati “before lunch at 12:30” akadaro I groaned like seriously why before lunch kuda kundi shayisa appetite here kuti ndizo tadza kudya special food yandaiva ndagadzirirwa namai vangu. Ndakati kuna assistant wangu “ok will meet him in the boardroom for the meeting” ndakadaro akabva agutsirira musoro. Ndakatanga kuita go through mapapers aya kuma 10 tea yangu yakaita naassistant wangu everyday ndaida a cup of chocolate coffee and a piece of banana bread izvi zvaizikanwa naGrace aiva assistant wangu. Ndakadya ndapedza ndakapedzisa basa ende around 12:15 ndakabva ndapinda pazoomboard meeting nevakuru vepabasa pangu taitaura serious business sezvo taizowana a contract from a well respected man aiva muZim ari based in United States . Meeting yacho yakanonoka kupera apa ndaiva nemeeting naMr Charehwa futi ndakaona door rangu ravhurwa achipinda hake murume uya achizvida Great Charehwa. Akasvika akabva agara pasi ahana kutaura neni ini ndaiva busy neku pedza meeting ichipera ndakabva ndatarisa time 12:50 iye Great akatarisa time pawatch yaiva mumaoko ake akabva andi tarisa. “Hello Mr Charehwa I’m very sorry for the delay I was on a very important meeting” ndakadaro akatarisa phone yake akabva akabva ati “ohh so I’m not important I have a deal that is worth millions of dollars here and you are telling me you were on a very important business call” akadaro here he goes ndozvandaisa mufarira mhani murume uyu aiva nepride he’s was so aggressive “andina kuti yenyu ahina kukosha please sir but ndandiri on a call nevakuru” ndakadaro akabva aseka akati “andina kuuya pano kuzo tamba Miss Vivienne Marufu vamwe tinenge tine zvakakosha zvekuita but mukutambisa nguva dzedu now can we get to business” akadaro akabva andipa mafiles ende for sure company deal ravo it was worth millions of dollars apa isu taizowana 30% of it. “This is a great deal I will have to look at it chakuudzai” ndakadaro akabva ati “good next time be well presented atisi mafriends enyu” akadaro ndikabva ndamuti “please sir I will apologize again I’m very sorry” ndakadaro akango gutsira musoro akabva afamba kubuda ndakabva ndagara pasi ndichi tura mafemo “wuu at least” ndakadaro ndakabva ndasimuka ndakano mira ndakatarisa hangu panze. Office yangu yaiva ku7th floor chaiko saka ndaiona hangu mota dzaifamba muguta guru redu reHarare izvi ndai wanza kuzviita kana ndichida peace hangu. Assistant wangu akapinda akabva ati “zvaita here mam” akadaro ndikabva ndamuti “yes it’s done but how do you handle this man” ndakadaro akabva aseka akati “maona kaa memuchiti tuma mumuromo weshumba” akadaro ndikabva ndaseka hangu. Ndakazodya lunch yangu ende time dzaka famba kusvika ndapedza basa rangu. Musi uyu taisangana nemafriends angu saka takaenda for a drink to a fancy bar. And takagara kudaro vamwe vangu vaingowana madrinks kubva kune vakomana ndega ndakatanga kufeeler out of place kuti why ndaisawanawo. “Nhayi asikana asi ndakashata here” ndakadaro vakandi tarisa vese vari shocked vakati “why wadaro nhayi Vee patiri pese ndiwe munhu akanaka zvekudaro” vakadaro ndakabva ndatura mafemo ndikati “kana ndakanaka asikana why ndisiri kumbo wana even a gent anondi offer a drink” ndakadaro vakabva vati “zvaunoita seusina basa nazvo nhayi Vee eversince you parted ways naJack you never seemed interested in dating so apa what’s bothering you angori madrinks nothing much plus iwe yei mwana wemunhu ano zikanwa munyika ino minister of finance honorable Mr Marufu obvious magents anenge achitya kusvika kwamuri kaa” vakadaro I faked a smile ndikati “guys my life yekuva mwana waMinister do you think it had anything to do nekusa pfimbwawo kwangu. You know very well Jack akandi ramba ega it wasn’t my fault akati iye aiva awana someone aida zvekuroorwawo ini it’s not my fault I wasn’t even ready panguva yacho” ndakadaro zvikanzi naTariro “I think you should give yourself sometime Vee cause waiva ne25 and you told Jack audi zvekuroorwa waida kuroorwa when” akadaro ndakabva ndatarisa cocktail yangu ndikati “I don’t know but..” ndakadaro ndisati ndapedza kutaura akabva anditi “no buts maiita zvese wani naJack sex masleepover uchi nyepa uku enda on a business meeting kumubikira. You did the duties of a wife uri girlfriend yake akutaura zvekuda kukuroora woramba” akadaro ndakabva ndagadzirisa blazer rangu ndikamuti “it’s not even izvozvo weduwe” ndakadaro vakaseka vese Tariro naShantel zvikanzi “the problem is you are afraid of your father hako kuti vano kuudza kuti this man isn’t good enough for you like remember Anderson he was a well respected politician man but your father vakaramba kuti uroorwe naye” vakadaro ende chaiva chokwadi before Jack I dated Anderson ndichiri kuchikoro akuda kuroora daddy vangu vakaramba. So pana Jack ndaka ramba kuroorwa I wasn’t sure if my father was going to agree paissue yekuti ndiroorwe naye. Daddy vanhu only wanted the best from me plus vaisada zvinhu zvaikanganisa reputation yavo thats why vaindi udza amwe madecisions ekugadzira mulife. My mom she was a house wife and I love the way my mom obeyed my father vaiva mukadzi akavimbika ane rudo towards daddy vangu. Ende vaigara vakandiudza kuti mwana musikana anofanha kuterera baba vake yes ndaiva ne27 years but I wasn’t even sure if I was an independent woman. Girls rakazoti nyaya iyi ipere hayo asi kwandiri zvaiva zvisina. Zvekuti pandakaenda kumba kwedu ndakasvika my mom vaiva vari musitting room vakagara nadaddy vakarara pamakumbo adaddy. Out there my father vaiva a well respected and commanding man but kumba he was very sweet kuna amai vangu asi kuneni he was very hard zvekudaro and sweet at the same time. “Mom ndokwanisa kutaurawo nemi here” ndakadaro zvikanzi namhamha “ok ndiri kuuya” vakadaro ndaka mhoresa daddy ndakabva ndaenda upstairs kubedroom kwangu. Ndakasvika ndikabva ndagara mom vakauya vakabva vati “is everything okay” vakadaro ndikabva ndataura nyaya yangu mom vangu vakandi tarisa in shock vakati “Why wafunga zvakadaro zvekuti baba vako vanoita madecisions over zvaunoda Iwewe nhayi Vivienne your father wants nothing but the best. Reason why vakati usaroorwe naAnderson it’s becuase aida kukuroorera mari and for fame chete thats why. Mukoma wauri kutaura uyu wawaka ramba kuroorwa naye wakazvi itira decision yako wega mwanangu. Yes your dad cares about his reputation but he also loves you zvekuti avana problem nemunhu wauchada” vakadaro mhamha ndakabva ndasekerera she rubbed my back vakabva vati “good geza upfeke zvinodziya I will tell aunty to heat up your food” vakadaro vakabva vabuda ndakasara ndichienda kunogeza. Ndakaenda kunodya hangu ndapedza ndakabuda panze ndaida fresh air kugate kwedu malights aiva akaita kubaka kuchiita sekuti masikati. Ende paiva paka mira masoldier taigara taka chengetedzwa. Kusangoda hangu kugara ndine security asi ndaifanha kugara nayo. Ndakazono rara ende makuseni ndakamutswa namhamha like always ndakadya hangu ndapedza zvese ndakuda kuenda kubasa daddy vangu vakabva vati “manheru pauri kudzoka ndinoda kutaura newe” vakadaro andina kuita hangu problem nazvo. Ndakasvika kubasa I checked file raMr Charehwa ndakazoita meeting navo ende musi iwowo ndaka kurimidzawo ndakati assistant avaigire tea akandipa pakuva tambidza ndakaita mistake ikabva yarasika pahembe yavo vakabva vanditi “uri mwana waMinister yes ende baba vako vane mari zvekuti chero uka rasikirwa nebasa une back up. But don’t disrespect me in this way I’m not your friend young lady” vakadaro ndakabva ndava tarisa ndikati “I’m very sorry sir” ndakadaro akasimuka akati “call me kana wava serious about business kwete joking around” vakadaro ndakaenda pamberi pavo ndikati “please sir hear me out it was a mistake” ndakadaro vakabva vandi tarisa vakati “you call this a mistake young lady ukwane wanzwa do you know how much money this suit costed me” vakadaro ndakava tarisa ndakabva ndamedza chigodo chaiva pahuro zvechokwadi ndaiva ndaita nemistake kwete ndichida manje munhu wacho aisa nzwisisa. Sure zvaiva zvebasa cause munhu uyu aiva 1 of our great dealerships we had secompany kumu loser tairasikirwa nemari yakawandisa. Saka apa all I was doing kwaiva kuto nyengerera chaiko. Akabva andi tarisa akati “you come to my work mangwana I’m not coming here cause unofarisa” akadaro akabva afamba kubuda ndakatura mafemo kuti at least aiva asina kuti ahachade kushandidzana nesu hake. Ndakatora mapapers angu ndikabva ndaenda kuoffice kwangu. Manheru ndakazo enda kumba tapedza kudya daddy zvavaiti vaida kutaura neni ndakagara vakabva vanditi “nhayi Vivienne unoda kuroorwawo zvaita sei nhayi” vakadaro ndikabva ndati “daddy ndicha roorwa kana ndawana the right person” ndakadaro vakabva vandi tarisa vakati “just a reminder know that you are not getting any young but uri kukura” vakadaro ndikabva ndavati “I know daddy” ndakadaro vakabva vati “good if you know kana zvanetsa I will find a suitable partner for you” vakadaro ndikati “ahhh” ndakadaro vakanditi “anything wrong” vakadaro ndikati “yes how can you say muchandi tsvagira” ndakadaro vakabva vati “you have to know that you are not getting any young and worse nemukore uno munhu pa35 akutoguma kuzvara apa iwe uri kuita hako zvekutamba” vakadaro daddy zvikanzi namhamha “imbomupai nguva sekuru vaHappy I’m sure anowana” vakadaro mhamha Happy aiva mwana we brother yngu hombe daddy vakabva vati “it’s ok in the next 5 months tikaonawo pasina action toku tsvagira hako” vakadaro ndakango dzungudza musoro wangu. Haa ini hangu zveku tsvagirwa murume ndaisada ndaingoda kudanana nemunhu ndichi ziva zvinhu zvikubva pasi pemoyo kwete zvekurongerwa hangu kana ndaisada hangu. Ndakazo enda kubedroom kwangu ndakagara ndichi funga mukomana wacho ndaimu wanepi hangu ini ndaisa nyengwa hangu. Ndakazo rara hangu ndaiva ndava nepressure yeku funga kuti mangwana ndaienda kuno sangana naMr Charedzwa kubasa kwavo haa zvaiva zvakaoma. *Stay tuned…….*
❤️ 👍 🙏 😂 🌷 🎉 🙋‍♀️ 74

Comments