Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
June 12, 2025 at 08:19 AM
Mazano KuVasikana Varikutsvaga Imba. Chekutanga varume vanezvinhu zviviri zvaunofanirwa kuziva, dumbu nemachende! Dumbu rinofanirwa kugara rakazara machende anofanirwa kugara musina chirimo. Hapana murume anehasha semurume anemachende akzara nedumbu risina chinhu. Dumbu. Murume anoda kumuka achipihwa kudya makuseni-seni asati aenda kubasa, manje zvamunoedzerwa makarara munodziisa mvura nguvai yekuti ageze uye abude adya? Zvamunoda kuona tv kusvika pakati pehusiku, kugara paWhatsApp muchaigona here imba. Mudzimai ndiye anofanirwa kugeza opa baba mvura yekugeza iye achizvinatsa asati arara, murume ngaakuwane wadziisa magumbeze, hazviratidzi hunhu hwakanaka kutangirwa kurara nemurume. Ndapota usabikire murume chikafu chaunogonesesa uchimunyima chaanoda, kana uchida imba tanga kuziva chikafu chinodiwa nemurume wako, chaakakura achidya. Varume vazhinji vanoda chikafu chavakakura vachidya kutozoda chechizvino zvino uku kunyara kusekwa nemi kuti wakasara, bvunza amai vake kana hanzvadzi dzacho kuti murume wangu anofarira kudya kwakaitasei? Vanobva vatoona kuti unokoshesa mufaro wake, kana pasina wekubvunza unotoongorora kuti shasha ndechipi chikafu chaisingasiyi mundiro, kana kuteerera kuti shasha inorumbidza chikafu chekupi, usaite shanje enda unodzidza ikoko. Chikafu chinemafuta akawanda chinouraya simba remurume pabonde. Twuchikafu twemazuvano twunopera mangoita ka#1 mozoti baba vekwangu vakangopedza vatorara, inyaya yechikafu. Hakuna murume akaroora anogeza mvura inotonhora, chero yekugeza maoko, ukatonzwa avakuti ndinofarira yakatonhora anotoona kuti unoisa uchishungurudzika usina mufaro. Itira murume basa uchinyemwerera. Muimba yekubikira ngamuve makachena, vamwe varume havadi kudya kumba kwavo nenyaya yehuchapa. Machende! Hasha zhinji dzemurume dzirimumachende, simba rake rese ndopariri. Murume mutano akangoguta chete inotomira, saka iwe ipa murume dessert yekumubvisa huturu mumachende. Mumba yekurara hamusi mekunyara. Ngamuve makashambidzika, kana mazoita mwana mutengerei mubhedha wake atokura achijaira kurara ariega, vana vese vakarumurwa havatenderwi mubedroom, zvekare hamudiwe mabhuku matv imomo haisi imba yekutandarira, mumba yebasa, nekurara. Mubedroom munodiwa chikafu chinowedzera simba mumuviri. Usamirire kutangwa nguva dzese pavhiki iva nemazuva maviri aunotoita maminimini ekuti udeure huturu. Kunyima murume bonde kutomuchatisa nemahure ake, zvemamood kunodiwa mweya wezemo nechikara. Mupe nenzira dzese muitire zvese, ndomekupfeka mamini umu Siyao like kana waverenga mwanasikana 🥲
Image from Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼: Mazano KuVasikana Varikutsvaga Imba.  Chekutanga varume vanezvinhu zvi...
❤️ 🙏 👍 😂 👏 😢 😮 💯 🔥 975

Comments