Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
June 12, 2025 at 02:23 PM
*KUZVITESTA KUTI UNESARI OR NOT* - - - - - Ichi chinhu vazhinji vanovhiringidzwa nacho nekuti vamwe avanoti isari harisi. Sari rinoita pasikarudzi yemunhukadzi pamuromo or nechomukati zvasiyana nemaPiles (chero zvazvo kuchirungu unonzwa sari vachiti ma-piles) aya anobuda kunobuda netsvina watinoti musana. Masari munhukadzi anogona kuwaita iye asingazive kuti ave nawo. Iye murume anogona kunzwa kuti mudzimai wake anawo nenzira yandichatsanangudza.Kana unesari unogona kuona (1)mrume anotanga kusafarira bonde nemukadzi asingaite chihure asi kuti mkadzi anenge asisangoite ska vakadzi paya pamunoti mrume agutira kunze hachisi chikonzero nguva dzose nekuti imi wacho ndimi munenge muine sari (2)Murume dzimwe nguva after bonde anonzwa nhengo ichivava mberi nechemukati achikwenya (3) mvura dzimwe nguva inowanda panguva yebonde zvekuti at times munotombomira mukadzi apukute (4)mukadzi kashoma kuti azvione kuti anaro nekungozvitarisa kunze kwengunge atariswa neumwe munhu aniriziva. Angazvitesta sei kuti anaro?? Nzira iri nyore ndeyekuti mkadzi paanotota anonombora kuzasi kwake staff yekutota iya tushomanana oisa parurimi kana akanzwa kuvava kuda kuita kunge gavakava rinenge riri sari asi akanzwa kakuvavira kunge tumunyu nekure haana (5) anesari dzimwe nguva imbwa inomunhuwidza sure kana mberi kwake coz a dog inoona cancer yechibereko nesari. Kune kufembedzwa nenbwa isingakuzive zviya zvekuti yakuda kuti muzivane ibozviita kutsoka kusvika kumabvi asi ukaona yoti nechemberi pakutaridza sari kana cancer yechibereko. (6) at times anesari anoita hwema unonzi hunzi hwekuti iwe muridzi hauzvinzwe ndopaunoona vanhu vasisade kugara pauri uchishaya kuti chii vachinyara kukuudza...... SARI RINOPEDZWA SEI :---Apa panoda kunzwisisa nokuti vamwe vanofunga kuti kungochekwa ndokuti rapera kwete asi kutoti acheka wacho achiziva. Anoziva haamhanyire kucheka sari riripamusuo nokuti kungochekwa riya repamusuwo kurwadzisirwa mahara nokuti kunze kunotaridza kuti kune ari mukati. Ska panochekwa zimai racho iroro rikachekwa zvivana zvinobva zvaoma. Munyevhe muto wacho unozoshandiswa sebetadhini kupodza pachekwa. Muti kadiki kanonzi munyoronyo kanoshandiswa zvakare...... SARI rikasabviswa rinouraya mwana pakubereka, rinogona kukonzera mota/boil mu-tube, unosvika pakuteverwa nenhunzi, rinouraya iye mkadzi anaro asi chakuuya chiri chimwe chirwere asi zvakonzerwa nesari, mrume anogona kufa zvakare.
🙏 👏 ❤️ 👍 😢 😮 😂 😭 🌹 79

Comments