Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
June 12, 2025 at 03:52 PM
Zivai mishonga nemafuta anobatsira pachena. Muhacha. Mashizha anorapa rurindi (TB) chikosoro, kudzinga mweya yakaipa. Mafuta eshumba. Kuzora anoita uvenechiremera. Kana mbavha dzinokutya kukubira. Kuremekedzwa mumabasa kana kupi zvako. Mafuta ehwai. Kurapa marwadzo, kuunza luck. Kudzinga hope dzinotyisa. Weti yegudo inowedzera libido. Unoisa muhuchi wonanzva. Mafuta egarwe, kufumurisa chidiswa. Mafuta eshato. Kupedza rush, mapundu kumeso. Uye vanoda kusmuggler zvinhu zvinopisa haubatwe nepolice. Ukaisa munzeve unoita chifembero Mafuta egora. Unoisa munzeve unoita chifembero nekurotesa zvirikuuya. Kamba. Ukudya unorarama makore akawanda panyika haufi nhando. Ndove yenzou. Kupfungaidza uchidzinga mhepo dzakaipa mumba. Kurapa mututu. Mubayamhondoro. Unopisa wotora dota racho vozora kudeedza luck. Mushamba kana kuti mumbumbu, gavi racho rinosungwa musoro gumbo musana zvinemakore zvisingapore. Derere. Vana amai varikumwedzu Unocheka woisa mumvura manheru wozonwa mangwana acho. Zvino booster ovulation ukaita mazuva akawanda unogona kuita matwins. Rinouchika zvekare vakadzi. Mahapa. Unotora nemudzi wacho woisa mumvura monwa mese nemurume. Murume anoita zemo rakanyanya, Mukadzi uchiko. Bute. Kana uchiteverwa nebvuri remushakabvu. Tora bute uende kushando unoita tsvina. Woisa bute patsvina uchidzinga mweya wemushakabvu.kunyanya vakadzi vakafirwa nevarume votandirwa mweya wemufi kuti asaroorwe zvekare atambure nevana shandisa bute. Mupunga muchena, coin R2, white wine mazai machena jira resilk reblue. Unoenda nazvo kurukova kwakudoka wokanda coin rako uchikumbira mazimba emumvura nzira. Womwaya mupunga, wodira wine. Wozopinda mumvura wozviputsira mazai mumusoro wozvinyika mumvura, unenge wakamonera jira reblue. Izvi ndezvekuvhura luck nechisimbisa shavi remumvura. Usapinde panonyudza pliz. Uye usaenda wega kana kusatoenda kana kuendeswa nevanogona dare iroro. Panhasi ndogumira pano. Ndoziva kuti hapashayi vanoshoropodza nekupikisa. Ndatenda
🙏 ❤️ 👍 👏 😂 😮 😢 🤝 🤞 169

Comments