Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
June 12, 2025 at 06:07 PM
*ndangariro* *Kurumwa nechokuchera* *part 1* Chekutanga ndinoti kusimba kumhuri yeZimbabwe. Ini upenyu hwainge hwandiomera zvekusvika pakuti kufamba pane vamwe ndaitonyara hama dzekwangu dzese apana akamboda kundibatsira. vaitondiseka vachiti akadzidza asi haana chaari kuita. Zita ndinoitwa Kuda Mu***ve. Rimwe zuva ndakazofunga kubata mishonga. Nekuti ndainge ndaona kuti zvehupenyu hwangu hazvisi kuzombofa zvakaita zvakanaka. kushanda ndaitoshandawo. Asi apana chaibuda. Mari yacho inenge isingakwani apo ndaigara kumusha KwaGutu kwaNerupiri. saka ndafunga kutsvaga munhu aizondipa mishonga sezvineiwo ndakasangana neumwe pafacebook..akaisa post yake mucomment section papage ratete Tilder. Saka ndakatora number yake ndikatanga kutaura naye kuwhatsapp..Munhu uyu anogara kuMocambique. kunonzi kuInhambane. Saka akandipa madirections. Achit ndikangotevedzera mhiko chete zvese zvinofamba nemazvo Akatondipawo mascreenshot evamwe vaidzoka nematestimony.. Saka ndakatsvaga mari yekuenda Neyekuzodzoka. Ndokukwira zvangu mabhazi maMutare ndichienda . Zveshuwa ndakasvika panzvimbo yandainge ndataridzwa. Yacho. Asi ndichibva ndapihwa matombo matatu ndikanzi rekutanga ndaizoripotsera murwizi repiri ndakanzi ndinoisa mudengu kana kuti tswanda. rinofanira kugara riri imomo. Retatu ndakanzi ndinonoisa paguva chero asi iri hama. So ndakazodzoka ndikaita sokudaro zvose zvandainge ndaudzwa ndakaita. Mari yakatanga kuuya ndakatanga nekuvhura kaecocash cabin maive muna 2017. Vanhu vaigara vakazara pacabin pangu asi ndakazoona kuti handchasi pazera rokuita zve ecocash ndakatanga kurenter mapremises mutown muguta reGweru. Ndabvaipapo ndakatanga kuita zvemagonyeti. zvese izvi zvaifamba pasina chipomerwa. Rimwe zuva ndaitofara zvangu kuLake yekuNorton. ndakanzwa phone yapinda ndichibva ndadavira. kwakunzwa kuti amai vashaya vangodonha. Ndaka rwadziwa ndikachema one of my friend kusvika pakuti akaramba kuti ndidriv range rover yangu akandidrivee from lake. to Gutu ndakasvika amai vafugidzwa vasati vatomboenda kumortury. *end chaptr 1 tapihwa yose ndangariro asi taidimburira panzira timboona kuti muri kuverenga here zvichida tosenda ivo vanhu vacho vasingaverenge uchinge waverenga isa emoji 🍓🥰🌟💔🤲😭reaction chero yawada kana maisa ndoisa part 2* vari kuda part 2 pindai muchannel ino
Image from Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼: *ndangariro*  *Kurumwa nechokuchera*  *part 1*   Chekutanga ndinoti ku...
❤️ 👍 🙏 😢 😭 😂 😮 💔 🥰 890

Comments