
Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
June 12, 2025 at 06:30 PM
Tsanga yemumvura
vazhinji tinoiziva tsanga idzi ASI ñhasi ndinoda uzive kuti tsanga dzinoshanda basa rakakura sei Uye tsanga idzodziye dzabatsira vanhu vakawanda sei?.....
ukaenda pamasowe unoona tsanga!
muchivanhu tinoshandisa tsanga!
pamba unoona pakadyarwa tsanga!
tsvimbo dziripo dzetsanga!
midziyo yakaita sema rukukwe.....rusero...hat.... basket..... nezvimwe zvakawanda ZVOSE zvinobva pa tsanga.
amwe makuva anodyarwa tsanga paside.. etc
ukaenda kunowanika tsanga unofamba pakati padzo ahuwane kana nyoka nyangwe ka 500m musango retsanga ahuwane nyoka.
Rega ndikuudze zvinoshanda tsanga nhasi izvi vanhu vazhinji vaisaziva kuti sei vanhu vachiisa tsanga mudzimba mavo or unoona itori pa display uchiita semaruva
#... dzimba chaidzo kuti dzimire dzisimbe tsanga inobatsira....... maybe musiyano wemarudzi ASI pachivanhu chedu mudzimai wega wega anonzi ngaave nebonde (rukukwe)rake pamusha kunyangwe akafa panonzi bonde rake riripi???
# Wawana basa simbisa basa rako uchishandisa tsanga pabasa usangopomerwa ....usadzingwa pabasa utobve wega nekuda....simudzirwa pabasa....
..1...munhu anorondwa nemunhu akaipa akashandisa tsanga hapana munhu anomuronda...
..2..tsanga ahidi muroyi kana munhu ane chikwambo .....
..3.. ukaona Kuti ZVINHU zvako zvarema muhupenyu ukatora tsanga ukaipisa uchikumbirira wapedza wogeza nayo unoona kubata kunoshamisa ,kupisa kwandiri kutaura apa ndekwekudaiso unotora tsanga woisa paside pemoto uchiitenderedza ichidziya kusvika yapisa uchitaura woisa mubucket rekugeza naro..kwete kuzopisa tsanga Kuita dota.......
4.... ukaona Kuti ukurota zvinotyisa hope dzichienda dzoga,kukanganwa tora tsanga Isa pasi pe pillow...
5... mbereko yanetsa tsanga inobatsira kuunza mbereko....
6...mhopo chaidzo dzinorapwa nedzanga....
zvakawanda zvinoitwa netsanga handingataure ZVOSE ASI tarisa pamba pevanhu vane hufumi kuti tsanga ahuiwaane here ?pane zvazvinoreva zvinoitwa netsanga idzodzi....
ukabvunza munhu wese ane tsanga pamba anokuudza kuti dzinochengeta pamba kuti pasarohwa nemheni kana aye atinoti mashenjere or bamboo akada Kuita setsanga futi akakosha ...
hakuna nyika kana nzvimbo isina tsanga or bamboo.....kubvira kare mubhaibheri tsanga tinoona padzakashandiswa pakawandisa nanhasi dzinoshanda
ndichauye nechikamu chekutaura mashandisiro etsanga pamatambudziko akasiyana siyana

🙏
❤️
👍
👏
😂
😮
❤
😢
🌹
🔥
309