
Miti, Sora ,Mhuka Zvinorapa neDzidziso dzechivanhu 🇿🇼
June 13, 2025 at 05:05 AM
kwese kwamuchafamba muchaona kuti zai rinokosheswa pamiteuro nokuti rinorwisa . Zai haris rekutamba naro kunyangwe ukarota zai unofanira kududzirwa hope idzodzo nokut zai rinotaura zvakawanda. Ndinoda kuti mungwarire pamuchafambira mumaporofita vamwe vanoshandisa zai mune zvakanaka vamwe vanokushandisirai zai vachikusairirai mhepo. Vamwe kupunza kwamakaitiswa mazai pamhararano ndipo pakapunzikira zvipo. Musabvuma kuitirwa minamato yezai musingazive kuti zvinozofamba sei. Zai rinounza mhepo zai rinodzinga mhepo Munamato wezai wakanaka uchizviitira nekuti ukaitirwa hauzozivi kuti zai racho rakachena here. Vamwe makapunzirwa mazai emachongwe vamwe mukapunzirwa atinoti maturi mazai asingabereki ndokusaka nanhasi pasina chinofamba hauna chaunoita chinobereka iwe wacho zvichida mbereko yakasungwa nezai.
nhasi ndinoda kuti mutsvage mazai mana emaroad runner kwete emalayers mopinda muno muchannel timboita munamato wekudeclare zvatinoda uye kuputsa mhiko dzakaitwa nemazai paupehyu hwedu.
Tsvagai mazai enyu tsvaga wega kwauri ikoko tigoudzana mashandisirwe eback to sender toda manake toda luck kwete jambwa.

🙏
❤️
👍
❤
👏
😢
🔥
😂
😮
🐁
459