Ancy Cays Novels
May 20, 2025 at 08:40 AM
[2023/11/19, 07:37] Mai Ivan: https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct
*BITTER TRUTH*
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 1*
*Misodzi yangu haibude zvenhando mumoyo mangu mune hondo.....* ndaiimba ndichisuka mandiro apa mvura ichiita kunaya . Ndanga ndanyorova kuti dhabha dhabha . Ndaingozviudza kuti pamwe ramangwana rangu richachinja rikavawo riri nane asi it seems ndaisava nelucky iroro . Ndakapedza kusuka ndokutakura dish raiva rakazara mandiro ndichiita kuchururuka mvura pahembe dzangu vakaita kukwamatata vatete vangu vachinditema nechikuni chemoto .
Unopinda pai nemadhumbu ako iwayo uchizadza mvura mumba . Waregerei kuti mvura itange yamira siya pamukova ipapo iwe Tacla tora ndiro idzo . Iwe tora badza pasi pengarani apo uite zvitutu zvemabura udzvare sandi kubata kwaanoita
Ndakatora badza ndokuenda kunochera zvitutu zvemabura ichingonaya asi yanga yave kusasa . Ndakasima ndichibvapo ndakanogeza ndokuenda mukitchen maiva natete nevana vavo . Zvandanga ndasiya zviri ndizvo zvaivapo hapana changa chachinja .
Ndakarongedza ndiro ndikabila ndapedza ndivo vakapakura tete ndanga ndabika nenyams yehuku ndakapakurirwa tsvaratsvata ndakatotenda Mwaro nokuti ndanga ndapihwawo kuti ndigurugude . Hazvina kundirwadza sezvo uriwo waiva mugariro ndaitoseva nemuto kusvika dumbu rangu razara
Ndichangopedza kudya Tacla akapa mai vake foni yanga yoringer . Vakadaira asi vasina kumbosvika kure vanga votobongomora mhere . Ndakatoziva kuti pane zviripo . Vana Tecla na Ruth vanga vongobvunza mai vavo kuti zvaita sei ndipo povoti .. ...
Her: Zvakaoma kai mukoma baba Kumbie vatisiya kani hiiii nhai Jehovah chiiko chiri kuitika mumhuri medu vave vatatu vaenda gorr rino mhosva ndeyeiko changamire .
Handina kumborwadziwa nerufu rwavo bamunini vaiva neutsinye hunorwadza ndosaka vainzwanana natete mai Ruth utsinye pamusha . Usiku ihwohwo tete vakabva vati tipumbuzire nemurima imomo tichiebda kunhamo
Ndakangopfeka juzi ndokukiya magonhi toenda . Vaichema kai asi ini misodzi yangu yanga yaoma kuti gwaa . Hazvaitadza nokuti baba Kumbe vanga vane moyo wakaoma sedombo. Baba vangu ndiye umwe anga afa gore iroro ndufu dzacho mumhuri imwe zvodzoita sedzatumwa. Ndizvo zvimwe zvaibva zvazokupa pfungwa kuti zvimwe ndini ndiri kutevera
Ini ndaisatotya zvacho iko dzaityeiko iko shoko richiti musatya nokuti Jehovha unesu . Ndizvo zvimwe zvaindisimbisa kuti ndakabuda pakawanda Mwari vachingondirwira kozoti spirit of death zvayo yangaingogona kucommander yoenda zvayo.
Takasvika kuya ichingori mhandapanda magaro eanokuya . Vaimhanya kutora zvinhu mukitchen vachiisa mune imwe imba hombe . Tete vanga vaipangura mhere yekuti ndionei iya .. vanhu vanga vatowanda vanga vatoenda vanhu vave kutoimba 🎤🎤🎤 *Danga rehwai rimwe racho rarasika....* vaitaura ndivo vaitaura zvavanoda asi mukutaura kwavo maiva neka element of truth . Caz vanhu vanga vafa munhuri imwe bamunini vanga vari vetatu pagore iroro apa tisati tatobata December .
Kuzosvika muna December kunenge kwafa vangani . Hongu ndaiva ndakavamaka hangu bamunini asi rufu chirevo chinonetsa kugamuchirika . Ndainatsonzwa pain yana Kumbirai . Kufirws nemubereki chiitimo chinorwadza zvikuru fanike ukazochengetwa nemunhu akaita satete mai Ruth unoona wega kuti nyika ine maangels of the Devil .
Ndaidzorwa hangu nekunamata pavaindinyima chikafu ndaibva ndatotora mukana iwoyo kurumbidza Mwari ndaiziva kuti vabereki vangu vakanditumidza zita iro vainge vatoonw Munanawashe waiva pamusoro pangu .after so many years vasina mwana ndokuzoita inini kunyangwe mai vangu vakazokundikana havo ndave ne9 months
Kutaura kwababa vangu vanoti vakandochengeta vari vega kubva ndine 9 months . My father ndiye munhu wandakakura nduchiti mubereki .he was my friend my everything . Kunyangwe pandakatanga kugeza pasina chinoziikanwa he is the one akandiudza zvokuita .
Ndakarwadziwa pavakashaika vakandisiya ndiri palong holiday yeform 4 ndamirira maresults nanhasi haasati abuda kwatofa vanhu 3 paperiof yemwedzi miviri . Regai vanhu vataure zvavo zvanga zvatovewo nechinodaro .
Ndainyaradza Kumbie ndaisava nechitema naye plus zvagara chitema hachidzorerwe . Vakachema kai vanhu vakarara vachiimba nekudzana . Zuva raitevera vakanzi vaikasira kuchengetwa sezvo vanga vave kutobudisa mweya .
Vakachengetwa kuma 10 dzemangwanani vanhu vakati kuitwe dare remusha . Munhu wese wekwaGwenzi kunyangwe zvana zvakadanwa sekuri vaivapo ndivo vakasimuka vakati ......
Him: Vana vangu nevazukuru zvinonzi chakatanga ndechakachenjedza hazvichadi kugarira pfungwa izvi vanhu vachipera kudai tafunga kuti tiende kugumbwa tinoona kuti chiiko chaita musoro uteme . Kana pane ari kukohws vamwe nguva isina kukwana ondobatwa ikoko nokuti izvi hazvichazizvo .....
Ndaiva zii zvangu vachienda inj kana kuri kun'anga kana kumaporofita ndaida kutotsvaga nzira dzokuti ndisaende nokuti pakati pangu naMwari paisada third part.
Vanhu vese vakaita mahon'era kuti kwaitofana kuendwa vanhu vakabvumirana kuti vaizoenda kune imwe n'anga yaiva nemukurumbira kwaChecheche uko . Vakaita mudeme mudeme kuti kuzohire kombi .
Isu ana Munana taive zii zvedu takatozobuda dare racho rapera tamirira zuva rainzi ndiko kuchaenda vanhu ikoko . Basa zhinji ranga raitwa saka hapana zvatainyanya kuita tanga takatogara zvedu .
Takadya zvemanheru ndokumuma kuseni vanhu vachienda kunotarisa tsoka kuguva vakadzoka vachiti kwakanaka . Takaswera ndokurarapo kwaedza tikamukira toenda kumba kwatete mai Ruth ndiko kwandaigara kwanga kwakangofanana nekuChawagona hapana .
Ndaitofarawo kana bamukuru vauya ndipo pavaitombovavhara vachindibata zvakanaka . Nyangwe vakanditengerawo hembe ndaibva ndatodzitorerwa ndonzi ukuda kutora murume wangu iyo dhara iyoyo.
Takasvika kumba vana vavo vakangogara pasina kana mvura . Ndakabva ndaenda kunochera mvura apa kwayaicherwa kwaiva nemufambo . Ndaiva nebhara nezvigubhu zvitatu . Ndakanochera apa zuva rainatsopisa zvaro . Ndava kutodzoka ndipo pandakasangana naThomas akatoisa rhekeni muhuro kepesi yakataridzwa kumashure .
Me: Uri kumbotaimira zvibby zvinouya kumvura hre Thomas .
Him: Zvibby zvacho ndimizve vana Munana apa iwe wacho unotosvedza hako unodada nekudiwa hako ..
Me: Haaa Thomas iwe neni tinotori musame whatsapp grp saka wototsvags hako vamwe vave ready ini ndichikure zvako unogona kuzofunga kuti pamwe ndokurambira situation yauri but tese tiri muchoto .
Him: Dai waingondida taingotorana tonogara kwedu tega tichiona nhamo yedu pamwe . Iwe neni tess toziva nhamo tinoita a perfect match chaiyo . Ndipe hako ndikusundire unozoti munhu anongowanza sasi achitadza kundiremudzawo .
Ndakatofara nokuti zvigubhu zvairema hazvo izvozvo . Akandisundira achitaura nyaya yake yekundida asi ndaimuramba ndanga ndisati ndava ready though ndaimunzwira tsitsi life yaairarama yanga yakatoomawo . Aivawo nherera yaishandiswa nevanhu vese vekumhuri kwavo .
Ada kubudisirwa mupfudze mudanga rake vaidana iye, ada kutimbirwa churu vaidana iye pasina muripo . Aitoita kuruvirira kudya chaiko . Kuchikoro anga akagumira form 3 vabereki vake vachivapenyu ndokubva zvatovharana apa anga ava ne23 years .
Ndaimunzwira tsitsi iye achindinzwirawo sometimes aitombondivigirawo chikafu ndanyimwa uko ndotodya . Dzimwe nguva aitobawo chibage nenzungu okanga kumafuro andiona ondipa ndotorarama . Asati afunga zvekundinyenga zvaave kuita izvi .
Akamisa bhara rake pamudzakiswa woenda kumba kwedu akabva anditi ....
Him: Ndaakuenda kunyangwe uchindiramba zvako but handizorori ndinongoramba ndichikuda. Ndiwe ukutoita ndisatize pamba apa kunoshanda ndinototyira kuti ndikaenda unofa nenzara .
Me: Waita hako Thomas gadzirisa upenyu hwako . Usatarisa inini hantie .
Him: Ndototarisa iwewe caz ndinokuda .
Me: Aaa hausi kumira rega ndiende zvangu ndokubata Thomas .
Ndakabva ndasunda bhara rangu ndokuenda ndakasvika pamba pakati mhoo mhoo vanhu vachito complainer kuti vane nzara . Nhai vangamirira kuti ini ndibve kumvura ndigouya ndobika .
Handina hangu kuneta ndakabika day iri handina kunyimwa chikafu ndakapihwa ndikadya . Ndokusuka ndiro dzangu. Zuva iri vanga vakafarisa hameno mapic aivaratidzana kuchinzi ndiye wandava naye now .
Vaifara ndapedza ndakabuda ndikambonorara pamumvuri . Panze mumoyo ndaitomeditator service yanga yaitwa kuchurch . Mharidzo yacho yanga yakanyanya yaitaurwa nezvekuti pane mamwe masituations ekuti unofunga kuti Mwari vakurasa izvo vaine zvikuru zvikuru zvavakakurongera mberi .
Saka ndaitorumbidza Mwari nesituation yandaiva nokuti ndaiziva kuti kumberi kune uchi . Ndakazosimuka hangu ndogadzirira zvekubika ndaida manheru ndakatozvirambira ndega kudya .
Shungu dzangu ndaida kuona Thomas aiva kuCorner kweruzhowa rwedu ndaitoziva kuti pane zvaari kuda . Vanhu vaidyira mumba ndakamhanya kuenda kucorner kuya ndichibva ndamuti ...
Me: Ko chiiko ukuita sei ukuda kunditukisa navatete hre .
Him: Chiiko ndakuvigira izvi ndoziva kuti pamwe watonyimwa chikafu enda unodya izvi enda unozviviga mumba mako .
Ndakatambira paperbag ndichibva ndamutenda handina kuzomira ndakabva ndanzunzutira ndichienda ndakanozviviga mumba . Ndakanogara mumba manga mune vamwe . Takazoparadzana ini ndoenda kunorara.
Ndakanovhura paya ndokuona mune malemon creams nechipeps chigubhu nerimwe bepa ndikavhura ndokuona ari mapads . Ndakaseka ndega Thomas is something else . Akabetsera ndiye ega aitonditengera everymonth aitoatenga chete .
Handina kuda kuzvidya ndakazvirongedza mubag mangu . Pandaizonyimwa chikafu paya ndaizorarama nazvo . Ndakanamata ndichibva ndarara makuseni ndakamukira kunobata line kuchibhorani nebhara rangu .
Ndakatowana Thomas aripo anga auya nengoro yekumba kwavo . Akabva atotora magubhu angu ndokunobatanidza nezvake . Takabetserana kudhaya zvese . Tikaisa mungoro takati fambe fambe ndichisunda bhara risina chinhu iye achikuza madhongi ake akabva ndakabva ndati ....
*Stay tuned*
[2023/11/19, 07:37] Mai Ivan: https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct
*BITTER TRUTH*
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 2*
*Thomas*
Ingadai ndakanzvenga kwana sekuru kwandaigara ndakaenda kumba kwedu kudhara . Hama dzangu ndanga ndatodziwana asi nokuda kwaMunana ndaiona kuti anosara akafa nenzara . Ndaibatwa rough nana sekuru vangu nemadzimai avo ndiko kwandanga ndakurira mai nababa vanga vakaparadzana vese vakazofa zvavo.
Ndaingoshingirira hameno kwaiva kupusa hre kana kudii asi Munana ndaimuda kunyangwe zvake aitsika tsika . Asi ndaingova netariro yekuti rimwe zuva ndaizove naye . Vatete vake vaiti utsinye voti makuhwa . Muraini mese vanga vazadza kuti Munana anechirwere iri nzira yekuda kuti asaonekwe nevakomana sezvo iye anga akarurama kudarika zvitikidhima zvavo .
Mazuva ekutanga ndakatomboisa mabrake asi kungomubatsira handina kumborega . Aibatwa rough ini ndaitova nani pakuti sadza ndaipihwa kunyangwe ndaishanda semuranda . Ndaingoti simba mukaka rinosinira . Hapana basa randaizeza . Ndakagara naye pasi rimwe zuva ndichimuudza zvaitaura vatete vake kuvanhu .
Ndakademba chandanga ndozvitaurira nokuti akachema zvaisiririsa . Ndakamusimbisa ndichimuudza mashoko ekumunyaradza . Akazobvuma pava paya ndokuenda kumba kwavo .
Ipapo ndakabva ndaziva kuti vaingonyepa zvavo mai vaya nokuti iye akatonditi kuti uwane chokwadi hande neni ndotestiwa ndogokuraridza maresults acho . Akabva aita close neni kutondiona sehanzvadzi yake ..
Ndipo pandakairasa caz pandakazoda kumupfimba anga akungotsika tsika achitokupawo mapoints ekuti wega waitozviona sehanzvadzi yake . Kumba vana sekuru vaipenga kuti ndomudii murwere wandaiita tsika nditsikewo naye .
Vana mbuya vaiita sevachakumura marogwe kuri kupengera kuti ndisaona Munana . Vaitopenga zvavo nokuto kungopedza kundipopotera masikati ndinenge ndotomutaimira achienda kumvura .
Vatete vake vaiva diabros nyoka chaiyo zuva richipisa kuti de de de masikati aya ndipo pavaimutuma kumvura ipapo . Ndaibva ndamuperekedza . Kubva pandakatanga kumunyenga anga ave kutooita distance kwandiri . Aimboti akandiona otondiudza kuti ndine nzara asi ikozvino anga angonyarara zvake .
Zvakaita kuti ndinomutengera drink nemabhisvo nechingwa cheupenyu chevanhukadzi ndokunomupa ndakanga ndapesana naye ndisina kumupa masikati . Kuti ndiende nazvo kumba futi zvinana mainini zvangu nana kule zvaisvika zvikati tazviwanirapo .
Ndakatoita wekunotaimira ndiri kuruzhowa rwavo. Ndakagara nguva mosquito ndidzo dzanga dzondibvunza mutupo. Ndipo pandakazomuona achibudikira kuenda kune nhanga yake . Akauya achimhanya ko kuzondituka kai .
Ndakangoseka zvangu aitya vatete vake kunge hameno hameno . Ndakamusiya ndichibva ndaenda kumba kwasekuru vakuru ndiko kwandainyanya kugara . Ndakasvika mbuya vachitoisa dovi munhopi yavainge vabika .
Sekuru: Ndiwe watova baba zve unosvika pamba nguva dzawada . Kana kukanzi kwabiwa ndiwe unotanga kunongedzwa nenyaya yekufamba usiku.
Me: Papotseka ipapo sekuru pane zvandanga ndichimbosanganisa muzviround .
Mbuya: Zvekuona iye musikana wako ari muline yekuenda kudenga hre .
Me: Gogas musangoti chese chamanzwa mochitora kuchiita chokwadi . Zviri zveline hakuna anoziva munhu wese arimo muline zvake ..
Davy: taura hako mzaya musikana uya takapinda naye chikoro ari cool pafash haana kumbobvira arwara kana kutendekwa kuchikoro kuti anomwa . Vaimwa vese pachikoro taitovaketa not Munanawashe . Aaaa hazviko kunyepa chaiko vatete vake vaya handivachenesi ini zvagara ndigossip master vaya ndiani asingazvizivi.
Sekuru : Nyangwe zvirizvo saka ungareva mwana wehanzvadzi yako uchimunyebera hre . Kutopa imi chenjedzo munoda zvinhu . Zvagara imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatovo kunyarara nhema kwaaiita uko .
Davy: Aaa sekuru ko manga mambofungawo hre kuti kureva mwana wehanzvadzi yavo vanozviitirei . Pane zvavanotozviitira avo hee haashandi asi ndiye anoita basa rese apo vana Ruth vakagara zvavo . Imi munoona sechokwadi kuti isimbe Iya .
Mbuya: Ipapowo vanonyepa aaa vavo vana ndidzo mbodza dzekutanga nekupedzisira .
Him: mazvionawo ka saka matozviona kuti haangosi makuhwa chete asi vatoriwo nenhema. Follow your heart zale munhu ari clean uyo enda naye kunewstart center .
Me: Ndoenda rungani ndakatobvako .
Sekuru: ho ho ho kana wamuda munhukadzi unoita yese yese asi mai vaya vachinyepa vaiti zvidiiko . Pamwe vanoda havozve kuti utore Ruth kai . Wototamba wakachenjera nokuti mainini mai Tawe vanondovasvitsa shoko hantie unoziva kuti vanzwanani hre..
Me: Regai tigoona kuti zvakamira sei.
Takabva tapihwa nhopi ndokuidya chaiko yanga yakanatsozara dovi. Ndakanatsokudya ndisingachafungi zvakawanda vanga vandibetsera chose pakumira neni kwavanga vaita zvimwe zvese ndaizozvionera . Chandairamba kuti vabelieve mai Ruth .
Ndakapedza kudya ndokuenda kunorara zvangu ndaiva nebasa rakawanda sekuru vekuzasi vanga vanditi ndiuye kuzodhibha mumunda mavo . Kumuka kwandakaita ndakaita line up rebasa umwe neumwe achida kuitirwa neni ndaitova bhanditi ravo .
Seipapa ndakamuka kuseni ndatopfeka hovhorosi yangu ndichida kunotora tyava . Sekuru vakabuda havo ndokubva vanditi.....
Him: Itosunga ngoro uende kumvura Thomas achiri makuseni kudai . Mvura mazuvaano inotonetsa .
Me: Sekuru baba Kudzie vanga vanditi ndiuye kuzodhibha mumunda mavo .
Him: Izvozvo ndizvo zvandisingadi unodya pano iwe kwete kwababa Kudzie . Unotoita basa repano first kwavo vozoenda .
Ndanga ndamira pakati zvino uku sekuru baba Kudzie vanga vondidanawo . Ndakabva ndangovati ndatumwa kumwe vakauya vachipopota ndikavasiya vachitukana pachavo ndichienda kumvura . Ndakatonobata line pakasvika Munana paiva neline risingaiti .
Rakaita bongozozo pachibhorani asi vaigodiiko takangochera tikaenda . Ndaitochaira madhongi achisunda hake bhara risina chinhu . Pandakaburuka mungoro madhongi ave kufamba zvakanaka ndokunofamba naMunana ndakanzwa ave kuti....
Her : wakaita hako unombopota uchindirangarira .
Me: Asi waindituka wani iwewe futi .
Her: Iii dai ndaionekwa yaiita imwe nyaya inga unoziva situation yangu wani .
Voice: Situation yei hee.
Takaona vari vatete vake vaibuda mugwenzi . Vachiita kuvava mhiripiri nyoro chaiyo .
Her: Une mashoko iwe ukumuudza kuti kudii iyeyu asina kana hembe . Agochinjei paakati mhaaa ipapa . Ndakazvinzwa kuti munodanana ndikaziva kuti ndichakubatai anokupei iyeyu ane nhamo inonhuwa . Vabereki vakafa varambana kare murambiwa iyeyu anofamba nehembe dzine mavuri .
Ndakanzwa hasha asi ndakakurumidza kuzvidzora iye Munana wacho aiva zii hake kana kudaira . Vakamukweva nzeve akanorovera pabhara . Vakamurova mbama ndakanzwa moyo wangu uchienda kure .
Her: Dununu iri waakutondiita benzi ndoita sendinotaura ndega manje inini zvandinotaura hauzvinzwi hre iwe mwana wembwa.
Munana: Handidanani naye ini tete munotarisira kuti ndingadanana nani muno muraini imi makafamba muchiudza raini rose kuti ndinomwa mapiritsi echirongwa muchinyepa nhema dzakadaro .
Akaupihwa mumwe mucheka achibuda ropa mumhino . Ndakavatarisa ndichibva ndavati ......
Me:Zvamava kuita izvi ini ndonokusungisai ndatora video renyu muchimushungurudza kakawanda . Ndava nemavideo enyu anosvika 5 mumbogara muchitokisi
Ndakataura ndichiburusa magubhu ake ndichiisa mubhara ndakaona vamira vakangoti tuzu . Akasunda akaenda ndikasara ndikavati ....
Me: Munomuvengerei inga ndiye mushandi wenyu wani saka chanetsa chii?. Ko munomuroverei akutadzirai chii zvanyanya izvi mune utsinye mai imi. 5 mavideo enyu muchishungurudza nherera hamunyari .
Ndakabva ndafamba zvangu kuchaira madhongi ndoenda kumba ndakangovasiya vakamira hameno zvaifungwa . Ndichisvika kumba ndakavaona vachisvika pambuya mai Tawe bhururu wavo . Ndakabva ndaziva kuti pane zvavari kuda kuronga . Ndakatora phone yangu ndokunobetsera Sekuri baba Kudzie kurima . Ndivo vaitomboita semunhu kwaye . Ndivo vaiva vekupedzisira dangwe ravo ranga riri grade 1 . Ndakatowana murume achichaira mukadzi akabata geja . Ndakasvika ndikabva ndatorera mbuya jega vakabva vanzi nasekuru ....
Him: Zvapauya murume kudai wotonouraya jongwe riya tidye titombobatsirwa naThomas kudai .
Mbuya: Ehoi chiregai ndimhanye .
Vaenda sekuru vakabva vati....
Him: Ko nhai Thomas unosvika riini uchingoitiswa pano uri kukura hausi kudzokera shure manje manje unenge woroora unomupei mukadzi wacho .
Me: Sekuru ndinotodawo kunoshava asi chinhu one chiri kundimisa munhu wandinoda anobatwa rough anonyimwa chikafu ndikabva anozodii . Kuti nditize futi naye ndonosvika ndichitangira pai .
Him: Iye Munanawashe hre hazvinetsi ndotaura namai Kudzie vopota vachimupa chikafu wonotsvaga chouviri wozodzoka uchimutora . Ndiri kunzwa kuti kwamuka zungura uko unogona kuita rombo rakanaka ukawana ibwe remari .
Me: Ndiri kungoona vakomana vari kuda kutoendako ndinogona kutaura navo ndikaendawo but parizvino handina kana kobiri .
Him: Ndinokupa padiki wonowana pekutangira . Vana sekuru vako hapana pavanombokuti enda kubasa vakanototi uri mushandi wavo wake up boy boy . Chimwezve woyanana nehama dzako kuno unouya asi kuhama dzako pota uchienda . Wasvika ikoko usavimba nemunhu wachera ukabata usaudza munhu kunourawana uko takamboendakowo zve uko ndikazorega zvangu.
Ndakatoona kuti sekuru vaitaura chokwadi ndakatenderana navo ndanga ndatoda kuenda changa chasara kuti ndigooneka Munanawashe pamwechete nekuronga nerimwe team tigoenda . Vamwe vana sekuru ndaisavaudza vaizongoona ndabaya.
Takapedza kurima makandiwa maviri ndokunodya sadza nenyama yehuku . Ndakazooneka masikati chaiwo ndakabva ndadanwa nambuya mai Tawe ndakaenda ndikanzwa vave kuti ..
Him: Ko mdipoo ka phone yako pane zvandiri kuda kuzvisendera mangu mufoni unozodzoka wotora .
Me: Mbuya phone handisii chamuri kuda chacho chii ndikusenderei.
Her: Hezvo ndobva ndatoreiko ndipe mhani .
Me: Kana matumwa murambe ndaenda ini .
Ndaimbozvida hre zvemunhu anonyepera kungwara iye asina . Ipapo pamwe zvanga zvanzi ndini ndotora usawara . Ndakasvika ndokumbogara pasi ndichiveza mupini dzangu pane vamwe mai vaiida ndaida kutoenda nayo ndinowana chekutengera Munana .
Ndakaipedzisa ndaakutoenda ndakanzwa nevamwe vafana vachiti Munana ainge aenda navatete vake hameno kuti kupi . Ndakangoti ndaizomuona adzoka takagara 4 days asina kudzoka ndikazoti rimwe day ndichitotemera imwe chembere huni dzebakwa ndakaona munhu asvika maziso akatsvuka ndakamira akasvika nekungotaura zvandakatopererwawo nazvo hanzi .......
*Stay tuned*
[2023/11/19, 07:37] Mai Ivan: https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct
*BITTER TRUTH*
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 3*
*Mai Ruth*
Upenyu hunorema hamawe kuita vana vasikana chete kwakangooma zvako apa ndazvara wekupedzisira Tacla ndikati ndiiswewo jadel ndaakunzi chibvisa tiite mwana ndikanzwa kuti chashaikwa vakazama zvikaramba n'anga murapwa achida .
Yakaita nyaya chaiyo yakasvika kuhama dzese dzemurume . Yakatsviriridza murume kusvika pakuti anoda kuroora mumwe mukadzi . Yakanetsa nyaya pakashaika baba Munana ndipo pavange voti vanoda kutora Munana aite mukadzi wavo .
Ndipo pakatangira ruvengo rwangu kuna Munana kunyangwe aisaziva kuti ndizvo zvaitaurwa nabamukuru vake . Kutoudza vanhu kuti Munana ane chirwere yaiva nzira yekuti asaonekwe nevanhurume .
Apa taingonzwa kuti muzukuru wekwaGambe ndiye waaidanana . Chandaida kungovabata vari 2 ndomupedzera aibva amusiya zvachose . Zvisinei rimwe zuva ndamutuma kunochera mvura ndipo pandakafonerwa namainini Kumbie kuchinzi tiuye tirarire kumba kwavo sezvo kwaChecheche kuya kwanga kwanzi tinofamba . Ndakabva ndati nditevere Munanawashe tifambe kuchakachena .
Ndipo pondomuona atori naThomas ndakamurova ndikaudzwa naye Thomas kuti ane mavideo andaishunguurudza Munana . Ndakabva ndafunga kumuratidzawo kuti neniwo nditori mukuru wemakasa
Ndakaenda ndikanotora ndikanotaura namai Tawe kuti vadzime mavideos acho mufoni make tione kuti achandityisa nei . Ndakaenda kumba ndichofara chandaitotyira kuti rinozoratidzwa baba Ruth ndikaita sendichadzingwa nokuti maitiro avo Munana vaimuda chaiko. Apa vanga vasati vamubata vaiti regai pachipfuva pambowedzera kukombodza.
Ndakasvika tikadarikira kuenda kwana maiguru mai Kumbie ndipo paizorara munhu wese . Takasvika zuva rorereka munzira mese hapana aitaura neumwe ndanga ndave kutoona achishandurana nemurume wangu. Ndosaka ndaizonyanyopedzera shungu dzangu paari .
Takasvika vakatimhanyira vana mainini Clara nevamwe . Nofunga Munana aitoshamisika kuti sei ndaifarira vamwe vese kunze kwake . Anga akangogara zvake akanyarara Kumbie ndiye anotombonoita nyaya naye maiguru vangu vanga vakatomumaka hameno neiwo asi kuna mai vake Munana vaienda vachibatsirwa zvinhu zvakawanda . Asi pakanzi Munana ochengetwa nani hapana akada kutaura asi mombe dzababa Munana vakaita kugovana dzese ndidzo dzavakada kuchengeta .
Handina hangu kuzoramba ndofunga zvakawanda ndaitova nezvakawanda zvaindinetsa mumusoro . Uyu Ruth anenge anga ava nemimba hameno kuti anga aiwanepi . Kumubvunza airamba chaizvo . Ndakabva ndatowaridza rupasa rwangu ndokumborara ipapo .
Ndakatozomutsirwa chikafu takadya tikapedza akandosuka Munana . Manheru ndipo pakauya vamwe vese hapana anga asipo . Mota yakauya yaiva chiCaravan . Vanhu vakapinda tanga tawandisa musingachakwani vana vadiki vakanzi vasare .
Ndakaudza Munana kuti andimirire tigoenda tese ndadzoka . Takaenda vanhu vaingotaura zvaiitika mumhuri ipapa vanga vangofuratira Ranga ainzi airwara mwana wamukoma baba Evans . Takasvika ikoko kumasikati zuva rorova nhongonya . Takasvika pamba pacho pen'anga yacho panga paine vanhu vakawandisa .
Takagara kumirira chijana chedu kuti chikwane ndipo patakapinda takatowana n'anga yakasutswa kare apa yaitaura mutauro wekuMalawi ichiturikurwa neumwe murume apa vakangosvika nekutaura kuti anonzi Emiliar ndiani ....
Tese takatarisana nokuti Emilia vaiva sisi vedu dangwe remumba medu vakashaika nemurume wavo same day vainzi pane akavaisira mushonga muchikafu . Vakabva vadaira baba .
Him: (vachiuchira ) Emilia mukunda wangu changamire ndiye dangwe rangu ...
N'anga : Emilia akakuparirai ngozi yapedza musha wenyu hapana zvandinoita kunze kwekuti munoripa akauraya murume anonzi Eriya mushure mekuzozviurayawo iye . Zvino Eriya wacho aramba kurova ndiye wapedza dzinza mukaita zvekutamba munopera kuti dhuu .
Hezvo zvazvakaoma Eriya ndibamukuru kureva kuti sisi vakauraya murume vaona kuti vauraya munhu ndokuzviurayawo.
Munhu wese akapererwa chiiko changa chamboita kuti munhu afunge mweya wakadaro . N'anga yakaenderera mberi nekutaura ....
N'anga: Zvandakuudzai ndizvozvo mushonga wengozi kuripa zvamuchaita kuenda kumhuri yaEriya motaurira mondidana tosimudza mweyw waEriya wogara pahama yake wochitaura zvaanoda kuripirwa imi mozoripa madaro munenge mapedza. Moita muchikasira mukanonoka munopera . Chiendai ndapedza nemi .
Zvakaoma takabva tatooneka ndokuenda hedu hatina kuda kutora nguva takabva tapinda munzira kudzokera. Tiri munzira kuenda ndakanzwa baba vaakuti ....
Him: Simbi inorohwa ichapisa tadii kuti tichitonanga iko kwanga kwakaroorwa Emiria . Apa sekuru vacho havana kutaura kuti kuvasimudza ikoko vanodei tichasara tisina kana mombe mudanga .
Mukoma baba Evans: Yah mapedza chinjai route akomana tave kuenda nekwanga kwakaroorwa vatete and zvinhu zvacho vanhu vaiganza parufu rwatete muchicharger zvekupenga . Ikozvino tinondopobeswa hre vanzwa kuti mwana wedu ndiye akauraya wedu . Zvaingova pachena panhamo paya zisekuru riya richiisa bakatwa mucoffin remukwasha richiti enda unobaya mhuri yevakuuraya
.
Ndanga ndave kuona chiedza takaenda tese kuya tikasvika ikoko zuva rorereka hatina chatakataura takapihwa pekurara ndokurara vakarara vakokorodzana sezvo taive tavaudza kuti taive nezvekutaura
Makuseni kwakaveswa zimoto kwaiva nesvichando ndokuti unga unga pamoto ndipo pakasvitswa nyaya vakapenga kai vechidimi vemhuri iyoyo apa vane matumbu emari vana bamunini James vataingoziva vari vana svari havo. Vanga vototambisa makeys hameno .
Havana kutambisa nguva vakabva vati N"anga yacho ngaitonotorwa zviitwe vemabasa vachipowo. Kwakabva kwaenda vakomana vekwedu nevakomana vekwavo. Tikasara tiripo ipapo takararapo kuseni vakabva vasvika vaine n'anga yacho . Takaungana ndokubva munhu wacho atanga kugadzira zvake yaitova nemota yayo . Vaimbiri vayo vachiimba vachuridza ngoma iyo yakagara pagwava yakafunya chisero yakabata bute mumaoko richipota richipfonyerwa mumhino.
Yakaomba vanhu vachiuchira tikazonzwa chimwe chikoma chauya ndokugara pasi chichitaura neinzwi rabamukuru chichiti
Him: eeee ndaizviziva kuti muchauya manje manje ndanga ndichibaya umwe zvekare . Ndinoda kuzorora kana mabvisa zvandinoda sevanhu vakandizvarira vana handichakuurayii ndinoda mombe makumi maviri nemhandara pamusoro icharoorwa nehama yangu kana kuti icharoorwa hama dzangu dzingodya roora rese. Mobika nedoro rerukweza richamwiwa mahara pano mweya wangu unobva wazorora .
Vanhu vakauchira vachitenda akasimuka ndomutomhuka achidonhera pasi akaita nguva akanyarara ndokuzomuka pava paya . Vana baba vakabva vatovaudza kuti taizovapo kusweramangwana .
Vakomana vepo hameno kuti vakafarei asi vakaratidza kufara zvavo. Takabva taoneka ndokuenda kumba . Takasvika kuchidanwa ana mbuya vasikana vese vachitariswa mashura padunhu vakaita vasikana vakakwana vakaita vatatu chete kusanganisira Munana umwe ndiClara na Cee zvino vamwe vakati tana nevana vavo
Ndakambozama kuramba naMunana ndichiitira murume wangu asi baba Evans vakabva vati ....
Him: Munanawashe ndiye ari kunoripa uko full stop . Iwe ipapo hautomudi guhu rafamba kuti uri kumubata serei kweruoko. Tinozvinzwa kuno saka usada hako kuita semunhu kwaye .
Ndanga ndambozamawo kumira naye asi zvakakona n'anga murapwa achida . Vakadanwa vanhu vese vakaudziwa zvaivapo pakataurwa kuti Munana ndiwe ukunoripa ngozi akachema veduwe zvaitonzwisa tsitsi . Akabva angosimuka ndokutiza
Vakambozama kumutevera asi munhu wacho nyangwe kuchikoro aipepereka chaiko vakamutadza . Vanhu vanga votyira kuti pamwe angaita something baba Evans vakakarara .
Him: Kasirai kunomutsvaga ndiye akatobata upenyu hwedu pano .
Baba : hezvo zvavakawanda wani akashaikwa kunongoenda Clara kana Cee .
Ivo vaisada izvozvo nokuti vaiva vana vavo . Vanana vakabva vaenda kunomutarisa. Takasara hedu takagara direction yekwaanga aenda hameno kuti aiendepi . Kana ndiri seni ndaingokwenya mhino nekaseyamwa kuti dai vakamushaiwa.
Apa tanga tavimbisa kuti kusweramangwana chaiwo ndipo pataizoenda nezvinhu tichino surrender .
Baba: Ko mombe dzacho 20 ndiri kuona kuti makangonyarara .
Baba Cee: Mombe dzababa Munana hadzisi 15 hre tozongobvisa ini 2 baba Evans 2 mozotipawo 1 .
Baba: Munopenga vana imi izvozvi muri kumanikidza mwana wake kuripa ngozi . Maakuda futi kutora nemombe dzake dzese . Hakuna zvakadaro Tongai haasiye akauraya munhu mombe idzodzo makazvinzwa imi achitaura kuti ndidzo dzichachengeta mwana wake maakuti mombe dzake dziende munopenga imi . Umwe neumwe mombe 5 ini dzaTongai dziri kubva i5 chete ini 5 unwe neumwe wenyu 5 ipapo ndatopedza so.
Vakachema chema umwe akati ndikabvisa ndinenge ndasara ne1 umwe akati ndinosara ne2 . Asi mdara vanga vatotema vakabva vatoti .....
Him: Kana musingadi morega zvekuripa zvacho zvoregwa pane kuda kuita undyire nezvinhu zvemufi musingachengetedzi zvaaida iye .
Vanga vangoti shoyoyo kushaya zvokutaura . Ndakaseka zvangu ndichingoita munamato wekuti dai Munanawashe akashaikwa . Vakavava baba zvokuti munhu wese akasara akanyarara baba Evans ndivo vaiva nenharo vakabva vati .....
Him: Vaidaro havp asizve hantie akuenda kunoroorwa hre . Plus Munana haasi mwana wemukomana wekuti tingachengetera pfuma . Tingamuchengetera pfuma yekuti azondopfachura hake nemurume wake hre .. Chingotipai mombe zvinobetsere kuti tosara tisina mombe kuchinzi ndedzaMunana .
Baba: Munoziva mukaramba makadai munoroya masikati machena dai ndakanyarara makapedza kuparadza mombe dzake dzese asi ndimi makamuuraya hre isu tichiti ingozi iyi . Kana makamuuraya taurai vana venyu vakasara vachinzwarwo zvamunoita Munana izvi zvinokufadzai hre. Keresenziya wakamutora tikati pada moyo chena mwana ari kufemeswa moto uko newe.
Yanga yandidzokera nyaya iya iko vaisvitsawo nyaya dzangu kuno kwese uku ndivanani nhai ndakabva ndavati ....
*Stay tuned*
[2023/11/19, 08:23] Mai Ivan: https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct
*BITTER TRUTH*
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
Sponsored by 💖 mai Lau 💞
*Chapter 4*
*Munana*
Munamato wangu wakanzwika mota yaita diki ndaisada kuenda kun'anga zvamuchose . Ini hondo dzangu ndairwa nadzo nemabvi . Asi vakaenda handina kuvasvoora hangu nekuti ivo vaiva nekutenda kuti ikoko ndiko kwaiva nedzikinuro yavo . Ndakafara ndichiona mota ichienda ndakafara nokuti ndainamata Mwari vanonzwa minamato .
Moyo waitoda kuenda kumba asi kwatete asi vanga vati ndivamirire plus kwanga kwakangofanana nokuti ndaizoita slave girl wevasikana vaya . Ndakanzwa Kumbie akudaira phone yake achibva aseka nemunhu waaitaura naye . Apedza kutaura akabva ati.......
Him:Munana hanzi nasekuru ufanogara kumba kwavo . Vatoti ubate jongwe remusvuu umbodyawo .muzukuru wangu ndizvo zvandanga ndichiseka kuti vafunga kuspoiler muzukuru wavo.
Ndakafara chose ndakademba kuti dai mbuya vanga vari vapenyu ndichitogara zvangu nasekuru nambuya ipapa . Ndakabva ndatoendawo ndokunopedzisa hope dzangu imomo
.
Ndakazomuka kuseni ndave kutsvaira tsvaira chivanze nekugadzirisa pamba . Munongozivawo pamba panogara munhurume chete . Hameno sei sekuru vaitadzawo kungowana chichemberewo chaizovabatsira basa nekugara nacho . Ndakaita kukokora chivanze chacho kuzoti mumba hatichatauri .
Ndakaisa hembe mudish dzaiva netsvina ndokubva ndaenda kunowacha hembe dzese mumba mukasara muri fresh muchiita kunhuwirira . Ndakabva ndabika zvangu mutakura wenyemba ndokubika netea ndikanatsokudya zvangu ndakadekara .
Manheru ndipo pandakauraya jongwe riya sadza ndakanoridya ndakasasika imwe . Ndakabata chidya chehuku ndainatsoti ndini hre Munana ndiri kuvuvunura chidya chehuku kudai . Zvaitoshurawo izvi nokuti isu vana Munana tanga taakutoziva kuti pahuku dzedu itsvaratsvata . Ndakadya kunzwa kuti dumbu rangu razara .
Ndakaswera ndakarara zvangu pamumvuri . Ndakatombobiwa nehope ndokutorota baba vangu vakamira asi vaidzungudza musoro vachiyeredza misodzi . Ndakada kuenda pavari ndichida kunzwa kuti vaichemei . Asi pandaifamba ndichienda kwavaive vaidzokera kumashure ndakatanga kuchema ndichivati musandisiya endai neni ikoko kwamuri kugara ivo vakangopindura kuti, " handingakutori nokuti uchinebasa rakawanda rekuita ikoko "
Ndakabva ndatoti pepu ndakashaya kuti chii dzaida kurevei chaizvo . Ndanga ndava netime ndisingaroti baba vangu . Ndakangoti pamwe ihope dzekungorarawo masikati sezvo ndaisamborara masikati . Ndakamuka ndikanotora hembe dzasekuru dzanga dzaoma zvadzo . Ndakadzirongedza zvakanaka ndikabva ndatotora bucket ndokunochera mvura .
..
Ndakazogeza zvangu ndikabva ndangodziisa sadza manheru ndokurara zvangu . Ndakamuka kuseni ndokuita my daily chores . Ndakaita 3 days ndichirarama kalife kemaboss kuita basa panguva yandada
Vakazouya vanhu tikagariswa pasi ndipo patakanitariswa nevamwe vataiti vana mbuya . Ndakashaiwa kuti tautarisirwei takamboita nguva ndipo patakazoudzwa zvakandibaya panyama nhete . Ndakange ndave kuona kuti sei ndakarota baba vangu vachidzungudza .
Ndakachema veduwe ndikabuda ndichimhanya misodzi ichiita kurwisana kubuda . Ndakanatsonzwa kuti pane vaindifemera mugotsi ndakabva ndanatsokanda nhanho kumhanya zvangu chaizvo zvandajaira . Ndakaona gap richiita kuvhurika ndikazoona ndave kuvaonera kure . Vaiita sevaimhanya makarimwa . Ndakavanzvenga ndaingoenda hameno kwandanga ndakananga .
Pandakaona kuti vanhu vaya vasara ndipo pandakagara pasi ndichichema chaiko . "Nhai Mwari seiko miedzo yacho ichindiwandira . Ndizvo zvamandisarudzira here izvi tenzi" kana ndadaro ndoita kuwedzera kuchema ndichiumburuka chaiko . Ndakasimuka ndikatanga kufamba ndipo pandakabudira kumwe kwandakaziva kuti sango iri ndoriziva .
Ndiri mukufunga kuti nderipi ndipo pandakaona Thomas achitofamba anenge aifudza mombe ndakafambisa ndichienda paari paakandiona akasekerera akanditarisa achibva avhura maoko zviya zvekuti mauya uya . Handina kufunga ruviri ndakangosvikowira mumaoko ake ndichibva ndatanga kuchema.
Akapererwa akandogadzika pasi akagarawo achibva atanga kundinaya nemibvunzo ....
Him: Munana Chii ? Apa uri kubva kupi nhai ? Ukuchemei ndiudzewo kani ukadaro unondirwadzisawo moyo waitwa sei nani? .
Ndakaona kuti ndava kumurwadzisa moyo ndakabva ndanyarara hangu ndokubva ndamuti .....
Me: Thomas unondida hre .
Him; Yes inga unozviziva wani Munana kubva riini ndichikuudza kuti ndinokuda .
Me: Kana uchindida nemoyo wako wese rara neni nhasi and izvozvi .
Yes ndanga ndatoona kuti umhandara hwandaiva nahwo ndiyo yaitova passport yekuti ndiripiswe ngozi kana hwabva zvinenge zvadhakwa . Zviri nane ndiitwe chikorobho nedzinza rose pane kuita mukadzi wengozi . Akanditarisa Thomas achiratidza kuvhiringika .
Him: Nhai Munana ko chii zvauya sei izvozvo . Handina kuti ndinoda kurara newe shaar kukuudza kuti ndokuda hazvirevi kuti ndikuda kurara newe chete . Ndiri kutokuda zvekuvaka musha newe . Yes kurara newe chinhu chidiki diki ndogona kuzviita . Asizve zvine maresults ko ukaita mimba nhai tinomupei mwana tisina kana pekutangira nhai Munana . Ndaitokutsvaga kuda kukuoneka kuti ndimboenda kuzungura kunoenda vanhu zvichida Mwari vanotinzwa ndikawana something ndouya ndichikutora ipapo bby
Me: Zvinogona kuva too late Thomas kani juss do it ndiwe wega unogona kutondibudisa munyatwa mandiri ukangobvuma kurara neni chete tora umhandara hwangu Thomas.
.
Ndanga ndotoita sekuti ndini mukomana ndiri kunyengerera mukomana . Asi munhu wacho aitoratidza kuti akavhiringika chaiko nokuti akanditarisa achibva ati ....
Him: natsondiudza kuti whats going on chaizvo Munana . Caz zvese zvauri kutaura kwandiri ritori drama kana wanga uchida kundi tester please stop it .
Ndaakuda kutaura ndipo pandakanzwa kuti uyo uyo . Ndakacheuka ndokuona vari vana Kumbie . Ndakamhanya ndichibva pana Thomas . Ndakasvika ndichibondera pana Moffat mumwe mukomana wemuraini .
Thomas anga otoshaya kuti zviri kufamba sei . Akada kundirwira asi vanhu vacho vanga vakawandisa . Ndakaita zvekukwehwa ndichienda ndichichema chaiko . Ungazoti ndiKumbie hre wandaitoona semunhu kwaye pahama dzangu dzese .
Apa ndipo pandakachizoona matrue colours ake manje . Ndaiita kukwekweredzwa semusungwa akatove nani futi. Ndaingochemera mudundundu misodzi ndiyo yaiita kuyerera zvayo kuita senzizi .
Dai baba vangu varipowo handiti vaindirwira hre . Takasvika kumba usiku chaiwo ndakarara ndakaita kusungwa . Upenyu hwenherera hwakaoma unoitwa bhora unoitwa yese yese . Kuda kuitwa saJesu akafira mhaka dzevanhu vese .
Ndizvo zvandanga kuti nditi ndakadziti chwaa hope ndinenge ndichinyepa nokuti pfungwa dzangu dzaive dzatovhiringika . Sekuru vakauya makuseni ndokupinda mumba mandanga ndiri ndikanzwa voti ..
Him: Muzukuru unomboziva tsumo iya inoti kukava datya kuriyambutsa . Ndiani anoziva pamwe ikoko unondosvika ukagara zvakanakisa kudarika zvawaiitwa naKeresenziya .
Ndakashaiwa kana mashoko ekuvapindura mumoyo mangu ndaingozvibvunza kuti why me. Ndanga ndave kutoona sekuti munhu wese muvengi wangu . Manheru ezuva iroro vakarara vachirongaronga zuva raitevera mangwanani ngwanani takamukira necheusiku kuendako . Ndaiva zii zvangu munzira macho vakaita kundikomba zvekuti ndisambogara ndatiza Takasvika mwana wepo akagarwa vakavapa mombe dzavo sekuru ndokubva vati .....
Him: Mombe ndidzodzi musikana ndiyeyu chasara idoro mukomana uya achibva ati .....
Him: Zvinhu ndazviona ndafara ndava kuchizororawo . Chasara idoro rekuti ndichiwana kuzorora zvangu hamuchaonizve rufu rwunokonzerwa neni kumhuri kwenyu zvekare chiendai munozorora .
Vakaombera maoko kufarira zvanga zvataurwa . Ndakachizochema vekwangu vandisiya vave kuenda kumba . Ndakanzwa vese vakagara varume vairatidza kuti ndevemari ndikanzwa mumwe wacho oti .....
Her: Hah basa raitwa rapera nesu tomuka tichidzokera zvino tanga tati musikana uyu oroorwa hake naDerreck maiguru mai Derreck . Ndizvo zvatakawirirana nezuro .
...
Her: Aaa zvinoita hre necondition ina Derreck iya mukadzi anomudii hantie kudawo kundiwanzira basa ipapa akaita mimba hantie ndini ndinotambura kutsvaga iwo manap
Man 2: Aaa musanetseke panyaya yemanapkins maiguru ndosaka tiripo zvinoti Derreck zvese tokubatsirai ndosaka tiripo .
Ndakashaya kuti condition yacho yaimbova yei yokuti murume akasvika angatadza kushandira mhuri yake . Ini kutodawo kuziva ziva zvinhu ndichitori panguva yakaoma kudai. Mai vaya vakangoratidza kuti vageza maoko . Asi wakavatarisa vaisaenderana nevamwe vese vaivapo ivo vairatidza kutambura tambura hameno pamwe kwaiva kuona kwangu .
Varume vaya vakabva vati tiende kumba kwamai Derreck vacho . Uku ndanga ndangouyiswa ndine hembe mbiri chete . Vakabva vapa mai vaya mari yekuti vazondotengera hembe . Takasvika ndokugara pasi .
Apa pamba apa paidefiner chinhu chinonzi poverty . Panga pakatosiyana nedzimwe dzimba . Ndakangoti ndezvameso muromo zvinyarare . Vakabva vandovhura door ndakapererwa ndichiona muchibudiswa murume wechidiki aitoratidza kuti anotopenga .
Pachinhambo chekuti ndiridze mhere ndakatoseka mashura andaisangana nawo . Zvimwe zvaitosimudzira chinamato changu nokuti painenge yotowanda miedzo yacho Mwari vaisimudza chiyero .
Akasvika vakabva vamugadzika pasi ndokumuti .....
Man 1: Derreck takuvigira mukadzi uyu ndiye mukadzi wako kubva nhasi.
Iye akangoseka achiti mukadzi mukadzi akanditarisa ndokuzhinya zvake . Vakabva vaenda asi vakatorana namaiguru vavo ndokumbonoti n'unu n'unu vari padivi .Iye Derreck akabva anditarisa ndokuti "Mukadzi" akadaro oseka zvake
Me: Derreck unoziva kuti unogona kuzonaka zvekare hre .
Aibva azviuraya nekuseka . N
Me; Unongoda minamato ine simba kuti udzoke uite munhukwaye again .
Mai vacho vakasvika ndichitaura naye vakasvika vakabva vagara pasi ndokunditi .....
Him: Kana uchizvigona mwana wangu bvaa ndingakutenda . Ipapa vanga vandidanira kuti urare muroom yaDerreck . Ndangobvumira mudenga asi hatidarozve ndiri kuvafungira vana bamunini ava . Tashanda Derreck aenda kuuniversity atograduater ndipo pakangodonha baba vacho ndokutofa teverere Derreck otopenga ivo ndokutotangawo kuita mari kana ndiwewo mwana wangu .
Me: Mhamha munorasa mari muchizama zvese zvese asi Mwari varipo vanoti huyai kwandiri. Kana zvakaitwa nemhunhu chete ndinotori nenharo mhamha anonaka Derreck wenyu .
Her: (Vachisekerera ) Yah ndafara nekutaura kwako mwanangu unopinda church ipi ndigofambirana newe tirwise zvakaiswa pamwana wangu . Pano ndipo pamba feel free mwana wangu zvokuti umanimidzwe pamunhu wausingadi hazviko . Kana anaka modanana mega that is kana mabvumirana .
Ndakafara nekuronga kwamai ava . Ndaida chose kufambirana navo zita raMwari rigokudzwa . Ndaiziva zvangu kuti machallanges ndaizosangana nawo ndakangosekerera zvangu ndakavatarisa ndichibva ndati......
*Stay tuned*
❤️
🙏
👍
😮
😢
🥹
39