Ancy Cays Novels
May 20, 2025 at 08:41 AM
[2023/11/19, 08:23] Mai Ivan: https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct
*BITTER TRUTH*
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 5*
*Thomas*
Ndakashaya kuti Munana wapindwa nei kuchemera zvakadaro. Handina kumboziva kuti nguva yese iyi aiti kudanana kurara tose . Ndaimutarisa ndiine kukatyamadzwa naye . Chandaingobata ndechekuti zviri nane iwe hako utore umhandara hwangu . Paakada kuti arondedzere ndipo pasvika rimwe boys richimutora .
Ndakada kuvarwisa asi vanga vakawanda pandiri . Ndakarwadziwa ndichiona Munana achienda . Umwe moyo wakada kuti nditevere nechekure . Asi imwe pfungwa yakanditi mombe dzinopinda mumunda mevanhu ukaripa nei .
Ndakabva ndanzwa mhosva mandiri Munana anga aenda nevanhu . Ndanga ndava kuchema dai ndakaziva hangu ndangoita zvaanga achida ndaizonzwa explanation yake later .
Ndakasara ndichiita kuzarirwa chaiko ndainatsonzwa kuti ndalooser something chiri very important . Ndakaswera ndiri low low kunyangwe pandakanovharira mombe . Sekuru vakatobvunza kana zvese zvaiva boe . Ndakangoti patsvene . Apa vana boys vaizouya mangwana toenda kule vaisamboketa vaitoronga basa rekuti ndigoita mangwana .
If only they knew vaigara vadzidzisa vana kule Davy basa kwete kuvaregerera kwavaiita vachitemba simba rangu . Vaisara vakaiona zvavo nhamo yacho . Ndakangoti ehoi ndokusimuka ndaakuchienda kwasekuru baba Kudzie .
Ndakasvika vachitowanzirana zvavo nemukadzi wavo . Ndakasvika tikamborova nyaya vachibva vazonditi ...
Him: mafunga kuenda mangwana hre . Mazobudirira .
Me: Ehe tosangana kuma 3am neboys pamashops apo ..
Him; Ok rega ndikupe mari yacho uende hakusi kwekunodya mari sebenzi uko ndekwekutochengetedza mari munenge muri musango . One meal per day apa ndiri kungokupa yekuti ufane kunowana chekubata . Mari hapana asi ndatoona kuti raramo yauri kurarama yandibata .
Me: Ndizvozvo sekuru hah ndizvo zvamuchabvunza hre tave kuziva nhamo sekuru .
Vakabva vapinda mumba ndokubuda vaine mari vakandipa yanga yakatowanda kwandiri yaiva $50 ungazodei pakadai . Ndirwo rwunonzi rudo . Ndaisatofungira kuti vangandiitirawo zvakadaro sekuru ava .
Ndakavatenda chose ndokubva ndavaudza nyaya yaMunana vakaramba vakanditarusa ndokubva vanditi .....
Him: Vanhu vacho vamutora ndivanani . Kana Munana ari wako muchasanganiswa zvekare . Parizvino chimbogadzira upenyu hwako wozoenda kunoona vana baba vako mufambidzane .Ndichikupa mari iyi Thomas handina kuti undidzosere ndakupa kubva pasi pemoyo wangu. Enda unoita mari uye mari yekoko haizi yekuti ndinodya ndochera imwe . Kana watoiwana wotoichengetedza wotoita zvine musoro nayo. Ipapo pabatisise .
Me: maita basa Sekuru dai Mwari anditingamira ndanowanawo chouviri rimwe ramakore muchakohwa pamadyara apa
Him: Idzo dzinenge dzava nyasha muzukuru .
Me: Ichokwadi ini chiregai nditonorongedza kanhava kangu mangwana ndofuma ndakashaika apa ndanga ndatorongerwa kuti ndinososa garden .
Him; Aaa zvakaoma mai Kudzi chipa muzaya katsapo kaya .
Vakabuda mbuya ndokuuya nepaperbag diki raiva nenzungu dzemusvo, chibage ,chimukuyu , nyama yehuku yakasasikwa . Mbeva dzakaomeswa .
Her: ndizvo zvatakupa izvi wonowana pekutangira muzukuru wofamba munyasha dzedenga tinenge tichikunamatira kuti Mwari vakuitire zvakanaka .
Ndakavatenda ndokutora kanhava kangu ndokungoti verere neseri kwemba ndichinoisa mugota mangu . Ndokuzoenda kunodya nevamwe . Takambotandara ndokuzoenda kunorongedza zvinhu zvangu ndichibva ndarara ndakamuka kuseni seni ndokurova pasi takanosangana nana boys tikatimba netsoka paikandwa nhanho.
Zuva rakazobuda tarova matunhu takazokwira chimota tava kuresa tikabva tanoburuswa kwacho kwataiti tichafamba tainzwa kwazvo . Kuenda kumasango kwacho kwaiva kungonoti gunduru kurara . Ndiko kunonzi baba vari musango .
Kwaiwanikwa mizera yakasiyana siyana chikuru kuri kutsvaga kurarama . Takafuma tikanocherawo imi hakusi kuchera gurwe kuchera chaiko kusvika mbabvu dzarwadza . Vakomana vandaifamba navo vaiva nedzungu manheru vanga vototaura zvekuti ngatiende kumwe kwakadhuuka imwe mari.
Ndipo patakapesana ipapo nokuti ini ndakati ndombosara . Nhai kungoti topo topo pashaikwa chinhu vanhu vototi handei kumwe mungasanzwa nekufamba hre munoitawo vhiki imwe maona masango ari matema motsvaka dzimwe mhindu
.
Vakamuka vachienda ini ndokusara zvangu ndakabva ndatosara murume aiva padivi pangu akatoseka achinditi .....
Him: Mfana midzimu yako yakasimba uko kwavada kumhanyira sandi kuurayana kuri kuita vanhu. Mugodhi ichangobuda saka hakujairiki iko kuno ukangoita bamba unoinhonga mari ini ndakati umburu pano ndinotori nemota nhatu dziri kufamba muroad umu naipo pano apa .
Me: Chokwadi hre blaz .
Him: Ndiri kutokuudza kana une lucky remari chete unoibata chihande tinochera kusati kopisa.
Takabva tabuda ndokuenda kune rwumwe rutivi ndokunochera umwe neumwe aiva pake oga . Ndakachera kusvika ravira pasina chabuda . Mukuru vaya vakandisimbisa kuti zvichaita ndisaora moyo .
Ndakatomboti pamwe inyaya yekuti handina kuoneka vandaigara navo. Asizve kana dai ndakavaoneka vainditendera unotongoona wega kuti zvakangofanana . Vanenge vaita mari mazuva iwayo vanenge vachitooneka nekunogara kulocation vachidya vachiraradza .
Vanhurume vachinocatcher and kanzvimbo kacho kanga kanue chihure chakaoma . Ikoko kusango kwatairara waitonzwa vamwe vachichemedzama nechekurutivi rwako . Ndipo paunoona kuti munhu anonzi pfambi ane chivindi chakaoma .Unoitiswa zvokwadi nemusango . Imwe miedzo yacho yaivako yanga yakatooma .
Vanotokuvinga votokuti chimbondipa iwe ndokuitira mari yakati . Umwe akanatsonditi nyangwe usina mari huya body yako ndaida unenge wakasenga zvakaoma kai zvataioneswa ikoko .
Ndaiti ndikafunga nhamo yandinayo ndovatarisa kuti saka vakagarira kuda kudya mari yangu hre .. Ndaibva ndanzwa kuvavenga skiri reko rese blaz vaya vanga vandiudza .
Ndakaita vhiki pasina chabuda ndikazowanawo dombo asi ranga riri diki ndakaendesawo ndikanowana kamari kaiva kashoma zvako asi zvaiva nane . Ndakabva ndatoenda kumusha kwangu straight . Ndakasvika ndikafarirwa Sekuru vaiva vapenyu mombe yakawa vakati ....
Him: ndaizviziva zvangu kuti uchauya wega sazita wangu . Mombe ngaibatwe vakomana iurawe vauya mdara Gwenzi vacho .
Ndaingoseka zvangu nomufaro waiva nemukuru uyu . Vakanditi ndigare pasi ndikaita sekudaro vachibva vati ......
Him: kubva nhasi chibata mari , ita zvisvinu muupenyu hwako . Zvanga zvakataurwa pamusoro pako ngazvisungurwe .
Vakabva vatora bute ravondokufemba ndega ndakatoona kuti vanoita zvemidzimu mudzimu . Heya vanga vakatoreverera zvakaipa pazita rangu ko ini mhosva yangu yaiva yei.
Handina kuda kubvunza zvakawanda nokuti ndakaona posvika vamwe madzimai anga akura nevamwe vechidiki vaine madengu vachienda pamakuyo zvaingoitika pamba apa zvaiva nane . Vachembere vaya vakauya vakandikwazisa ndokugara pasi . Vaiva vatatu
Sekuru: Ehe muzukuru ava vese ndivana mbuya vako madzimai angu . Avo vari kwekutanga uko vane ngowani tsvuku ndivo mbuya vako vakazvara baba . Eee mbuya vaAcc uyu mwana waPanganai zvingada kubvunzwa hre makamutarisa mukomana akati haadi kurova
Vakafara mbuya vangu vacho kuita kuridza mhururu chaiyo . Vakauya vachiita sevachandisimudza ndakaseka ndakavatarisa . Ndakavabvunza mashoko pakabva patosvika imwe mota sekuru vakanzi vombopinda mumatare .
Zvakandijekera kuti sekuru vangu ndigodobori . Ndakaona vakadzi vaya vachikuya mhunga zvichireva hre kuti pamba apa paidyiwa sadza rekukuya . Mbuya vakabva vatoti ndiende kumba kwavo .
Pamba pacho paiva paguta zichivanze rakakurisa pakavakwa dzimba dzinongoenda . Mbuya vangu ndivo vaiva vahosi takasvika paiva nezvisikana nezvivana zvakawanda . Ndakanzwa kuti vese vaiva vazukuru vavo . Umm paiva nevanhu vakawanda pamba apa .
Ndakagara mazuva matatu ndichibva ndazooneka ndokuenda zvangu kumakomba ndikasiira mbuya nasekuru kamari kaya . Ndakawana mface wangu uya atoriwo kumusha asati adzoka . Ndakabva ndatomuka ndichinochera handina chandakawana day iroro apa ndanga ndachera zvokurwadziwa chaiko.
Ndakanorara ndisina kana kudya ndokumuka makuseni ndipo pandakangonoti fombo fombo ndikaona kupenya ndakaziva kuti ndapinda machena . Ndakaita kurikuhumura ndokuisa muchisaga . Ndakangobuda mugomba ndakarova mabude .
Ndakanotengesa ndikawana mari ine mumvuri chaiwo . Ndakagara pasi ndichifunga kuti ndoita sei nayo. Ndakabva ndafonera bamunini vangu vandaitaura navo vaiti pamashops avo paiva nemunhu aitengesa hardware yanga yakakura . Ndanga ndatova nedzimwe pfungwa .
Vakanditi ndiuye nditaure nemunhu wacho ndichibva ndaenda .ndakanorara ndikazimuona kuseni mari yaakataura pahardware yake ndakamupa yese paine mawitness pachitori nemaform eagreement of sale
Ndakasara neimwe mari ndikabva tafambira nyaya yekuchinja ownership. Zvakafamba hazvo negwara rakanaka ndakabva ndafunga rimwe zuva pandakasangana naMunana tichibva kuchurch nditori nemabhurukwa akabooka ndichimupa mangai . Mashoko ake akabva atenderera mumusoro mangu .
"Chipavhurire achakodzwa ramba zvako wakadaro ziva kuti uri kudzvara ichasvika nguva yekukohwa and kana wokohwa zvinoita double double . I declare and decree you will prosper in your life . Uchaita mari muupenyu hwako uchafamba nemota asi kana zvaita usakanganwe kutenda Mwari"
Mashoko aya sei auya mupfungwa dzangu ndiwo munamato waMunana waita kuti ndive pandiri . Kana kuti vadzimu vangu vakandisungura ndizvo zvaita zvidai . Ndakashaiwa kuti chaizvo chaizvo ndezvipi
Munana akanditi uchafuma asi usakangamwe kutenda Mwari . Sekuri vakati enda unotora mari hezvo ndakanoitora saka ndotenda ani apa . Dai anga aripo andiratidzawo gwara ......
*Stay tuned*
[2023/11/19, 08:23] Mai Ivan: https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct
*BITTER TRUTH*
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 6*
*Mai Ruth*
Pandakabva kumba moyo wangu waiva kure dai sisi vasina kuzviuraya pasina zvese izvi . Pamwe ndaiwanawo wekuturira nhamo dzangu . Ipapa ndaizvibvunza mibvunzo yakawanda kuti ndaizorigona barika nemutorwa .
Munana waiva nane nokuti ndaiita zvandaida naye nokuti mwana wehanzvadzi yangu . Ndichisvika ndakatowana kune imwe yekuti ndaisazorora . Anga amwa mushonga wekubvisa nhumbu Ruth apa achingogomera achishukushira . Kumuti tiende kuchipatara wairamba aitokuudza kuti mukandiendesa kuchipatara ndonosungwa .
Nekuda kwekuzvara moyo wakarwadza ndakamusiya akadaro ndokunogara panze . Ndakazonzwa oridza mhere kunotarisa kudai paiva pazere ropa apa abudisa chana chacho chichingotakwaira . Kachishama muromo .
Anenge aisunga nokuti changa choonekwa kuti chana bvudzi rega ndiro ranga risati ramera zvimwe zvese zvanga zvavapo. Ndakanotora mvura inopisa akamwa . Manheru ndipo patakanoviga chana . Kutoendawo yaiva nyaya yekutyira kuti pamwe vaizomuradzika neside risiro akazotadza kuzvara hake . Takadzoka ndokubva tadya kudya kwemanheru zvakangobikwa zvichiitwazvekumhanya mhanya naTecla zvaimbova zvisvinu hre .
Me: ummm sadza rako kuita sewabika nemakumbo . Mapundu ari nawo hariiti .
Her: Aaa mambosiirei Munanawashe ini zvepamoto handitodi maidai mauya naye .
Me: kuuya naye kupiko Munana haachiko motodzidza kuzvishandira kuno haachauyi . Akatoendeswa kunoripa ngozi kwatakazonzwa tabvako kuti akapihwa benzi kuti riite murume wake . (Ndakadaro ndotoseka hangu nhamo serugare)
Ruth: Waaal kunaka kwese kuya waya kubenzi life yakaoma veduwe
Tacla: Ini ndoblamer vanhu vekumhuri kwana mhamha maimuda Munana baba vake vachivapenyu kungofa kwavakaita makatora mwana wacho kumuita chikorobho chaicho. Why Munana ivo vana mainini Cee vese vaya variko .
Me: Evo ndiregei zvangu zvagara kana uri nherera ndiwe unotoripiswa izvo zvatopera hazvo chitozivai kuti life yave kuzovava chaiko saka motogwinya kushanda . Kutonoita mahouse girl chaiko tiwane kurarama
Vakaseka vese vanenge vaiona sendaitamba . Iraramo yavasati vamboita . Asi ndizvo zvaitovapo upenyu ivhiri hunotenderera hapana aiziva pakati pavo kuti nababa vavo tiri kunetsana . Ndakatonzwa Ruth ave kuti.....
Her: Itonotorai mainini Cee kana kuti muri kuda kuti maspecial children enyu azoshaya mface masvinu .
Me: Kama uri sewe nyarara hako tsvee kutsvaga mukomana wekuti akuroore waakutoita zvekumitiswa uchipihwa nhumbu .
Her: Nhumbu ndiyo yashatazve asi pandaiuya nemari maigamuchira maiti netunonaka maigamuchira munoti zvaingouya mahara hre . Makainonokera colgate mazino akaora . Vechingezi vanoti lets catch them young . Zvino imi pataiva vadiki pacho ndipo pamaitotikurudzira . I blame you mhamha vana vevamwe vari kufamba negwara asi imi gwara ramakatidzidzisa ndiro rakaipa . Nhasi uno maakuda kupopota .
Munoziva ndakaramba ndakamutarisa ndanga ndaudziwa chokwadi chinorwadza . Yes i failed them but hapana pandakambovatuma kuita chipfambi . Ndakaona kuti ndikaramba ndigere navo ndaipedzisira ndamurova angokura kudaro.
Ndakanogara mubedroom mangu ndichifunga nhamo dzangu . Vari kutoratidza kuti vari kure nekuchinja kutoti danai mainini , Cee . Vachaonawo upenyu hwacho chikuru vakachekwa pakati .
Ndakazobudamo ndavanzwa vachibika . Hameno kana maibikwa zvisvinu. Ndakanogara zvangu ndakaona Tecla omhanya nephone yangu . Ndakatarisa ndikaona vari baba Ruth ndakabva ndadaira asi hana yakarova nokuti ndaitarisira kuudzwa anodzimba moyo .
📱 hello
📱 hello mai Ruth ndiri kuuya mangwana chii chakashota kumba handidi kuti mukadzi wangu mudiki apange . Ikozvino ndaakuuya ndichivabata manje vachiziva kuti vatova mukadzi wangu . Ndanga ndichifunga kuti ndigouya navo kuno mochinjana henyu hatidi godo mai Ruth.
📱 Flour , sugar , rice , masamba , ndingangoti zvese hapana baba Ruth . Makapedzisira kutenga mainini vachiuya paya munoti zvanga zvichipo hre
📱 Ok hah ndozvigadzirisa mai Ruth musatye . As long muchigara nemukadzi wangu zvakanaka . Moita muchiziva kuti ndiye wakatobata upenyu hwenyu ipapo.
📱 Toona mauya .
Ndakabva ndacutter ndichinatsonzwa kagodo zvazvinodai kuchifungwa kuti Munana aripo ko pavachaziva kuti Munana hapana zvichamira sei. Ko iko kuda kundionerera naMunana ko kukazouya mumwewo panogarika hre.
Ndakabva ndati regai vatenge grocery kana vachizotiramwa vanotiramwa zvavo tinenge tava nepekutangira. Ndakangonyarara zvangu nyangwe kudya manheru handina ndakabva ndangoenda kunorara . Makuseni ndakamuka kuseni seni ndokugadzirisa pamba kuti vaone pachionekera . Izvo ndizvo zvandaiita pese pandainzwa kuti vave padhuze kuuya .
Ndaona kuti zvava boe ndakazodya ndikabva ndaudza vasikana kuti baba vari kuuya vadzikame . Ndakazoti ava masikati vakabva vafona zvekare vachiti ....
📱 eee mai Ruth itii mainini vandigamuchire kustation
.
📱 Ndichangouya ndirini nokuti havapo .
📱 Ko imi mazotuma munhu sei muchiziva kuti ndiri kuuya . Ndakataura wani kuti ndiri kuuya mangwana . Ko seiko muchiita sekuti muri kuitira munhu godo .
Ndakabva ndatocutter ndikatonzwa usimbe kuendako ndirini ndakabva ndatuma vasikana kuti vaende vanogarira baba vavo . Vakaenda ndikaona vadzoka vakasvika vakaita kuzvimba i am sure vasikana vanga vavaudza zvaivapo
Vakangosvika nekunditi ndiuye kubedroom . Vana vakatarisana nofunga vaifunga kuti kwaiva kutsvene . Ndakabva ndangosimuka ndokutevera ndikasvika ndichigara pasi ndikanzwa vave kuti ....
Him: Ko zvandanzwa ndizvo hre waigoendesa mainini Munana sei iwe waiziva kuti ndaivada ndicho chii ichocho chawakaita .
Me: Imi handisini ndakazvara Munanawashe manzwa une vane kodzero yekumutonga . Imi kana maimuda makaregerei kuenda kuvabereki vake makanovaudza . Vakaita zvavanoda nemwana wavo ndakambozama zvikaramba
Him: Wakaregerei kundiudza unoto ndaiuya hre . Ndanga ndavinga Munana kuno uku. Uchaona hako zvandichaita .
Ndakabva ndanyarara ndokusiyana navo ndaiziva kuti yaingova nyaya yekuda kuwana saka ndaisava nebasa nazvo chero zvavanenge vangoita . Chikuru ndechekuti grocery rauya . Ndakabva ndabuda panze ndikawana kuchinzi vabuda ndakangoti kana hanya nazvo .
Ruth: Mhamha whats going on baba patavaudza kuti Munana akaripiswa ngozi kwaiva kwakaroorwa maiguru sandi kutsamwa kwavaita . Vatoti ndinomutevera chii chaizvo chiri kuitika apa vangobuda vachiratidza kuti vakatsawa .
Me: Ndizvo zvandaireva kuti munofana kutodzidza kushanda tione kurarama nokuti pfungwa dzababa venyu vave kungofunga vanhukadzi . Munana vaitomuda kuti aite mudzimai wavo hanzi handingagumi nevana vaviri chete worst part of it muri vasikana chete .
Tecla: Saka Munana aizviziva hre kuti ndizvo zvairongwa ummm mwana uya anga agara akangorongerw horror nevanhu . Nemakuriro akaita baba vafunge kugonya pana Munana zviriko hre.
Ruth; Baba varesva kukura nxaa ko isu hatisi vana hre haiwao ko vanoita vana vasikana vega havasi vanhu hre . Zvino vakanomutora haiiti nyaya hre nana sekuru . Kana kutozotikanganisira mumhuri medu .
Me:Vanozvitemba hantie havaudziwi vasiyei vakadaro . Takagara zvedu mamheru takaibika sadza nenyama yebeef yavanga vauya nayo . Tave kuda kutopakura ndipo pavakati tucha tucha vaina .......
*Baba Kudzie*
Takamuka mangwanani tichiita mabasa edu . Ndakaseka zvangu ndichinzwa Davy achidaidzira zita raThomas . Aaa vachati baba zvavo caz vanga vajaira kuti zvese zvese Thomas aite . Dzimwr nguva waigona kutowana achibika chaiko maiguru vajati n'oo kugara .
Handina zvandakataura ndakabva ndatobuda kuenda kumatanda andaida kugadzirira mukadzi wangu chidara . Ndakaenda ndikadzoka ndave kutogadzira ndipo pandakanzwa kudaidzwa . Ndakadavira vaivava baba Davy vainditi ndiuye kumba kwavo.
Handina kutora nguva ndakazviudza kuti ndaizouya ndichipedzisa zvandaiita ndadzoka . Ndakasvika vese varipo ndikavamutsa ndokugarawo pasi ndakanzwa vaakuti ..
Him: Ndini ndakudanai Thomas angomuka asipo pamba apa tatoona kuti atora dzimwe hembe dzake hamuna . Zuro akambouya kwenyu baba Kudzie hameno kuti mungaziva kuti aripi hre .
Me: Thomas akaenda kunotsvaga mari kuri kucherwa uko .
Him: Oooh ndambozvitaura zvino kana wakanyengera mwana akandourawa kumakomba ikoko unozvimiririra .
Me: Ko kana kuchinzi adzoka aine mota ndini ndinodya mari yacho zvekare . Maida kuti adii mwana hamutofari kuti akafunga zvakanaka . Kana ainzi aroora maimuroodza hre ipapa . Maimuchengetera mhuri yake .
Vakaramba vongohumana zvevanhu vawanikidzwa ndakabva ndatooneka ndokuenda
Ndokuenda kumba kwangu zvavanga vachida kunzwa ndanga ndavaudza. Ndakasvika ndikaudza madam vakangoseka .
Nhai padambudziko ndiko kwavanomhanyira akafuma vanenge vaakuti ndini ndakamuchengeta .
Ndakagadzira chidara chavo chikabuda zvakanaka ndokuswera zvangu ndakagara ndaingonamata kuti dai Mwari amugonera awana cheuviri ikoko.
Takaita mazuva ndipo patakamzwa kuti Munana anga aripiswa ngozi . Muzukuru wangu ndaizomuudza pava paya amboti shande shande aizorwadziwa ndaizviziva caz Munana aimuda. Takagara nguva tisina kunzwa nezvaThomas . Ndakatomborohws nehana pandakanzwa kuti Aaron umwe wevakomana vakaenda naThomas kuchinzi akawanikwa akafira mumugodhi .
Hana yangu yakarova panhamo pake ndipo pandakakwanisa kubata vamwe vacho vanga vauyawo vakachena chena vakataura kuti vainge vasiya Thomas vachienda mberi kwanga kadhuuka rimwe .
Ndakagadzikana ipapo zvanga zvotondirwadza ndichibvawo kumba ndakasvika phone yangu ine mamissed call hobho ndikati ndibhipe munhu wacho haanawo kunonoka kufona ndakaona ari.....
*Stay tuned*
[2023/11/19, 08:23] Mai Ivan: https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct
*BITTER TRUTH*
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 7*
*Munanawashe*
I have found a mother vandanga ndisina kumbobvira ndawana rudo rwavo . Ipapa mai Derreck vacho ndaiva nemubvunzo yakawanda yandaiva nayo kwavari ndikanzwa vave kuti .....
Him: Bvunza hako mwanangu ndiri kuona kuti une mibvunzo yakawanda ndinokupindura .
Me: ko mune vana vangani ndiri kungoona Derreck iyeyu chete .
Her: Vana vangu vaviri vasikana vanotevera Dereck vakaroorwa . Kopedzisira mukomana ndanga ndapererwa nemari ndatomuti agare asi hanzvadzi yangu yakati inomuendesa kuchikoro ndiko kwaari kugara anongouya pamaholidays . Vana vangu vanokwatura chikoro mwanangu ndototyira kuti vanondishaishira zvekare iyeye .
Me: Not anymore chasara kuti vatondidzinga pano vaona kuti zvavanoda zvaramba
Her: aaa hazviiti izvozvo ndinenge ndaendepi ko iwewe why vakasarudza kuti iwewe uripe ngozi hakuna hre vamwe vasikana .
Me: Variko asi kana usisina mubereki anokumiririra unongoitwa yese yese .
Her: Zvakaoma zvavaronga vana bamunini vangu hazviiti izvi . Waifana kuroorwa hako ivo vodya pfuma yacho . Caz vana Artie vachikuona hantie uri mai vavo . Zvino Artie angazoti maiguru kuna mai zvingabuda hre .
Me: hazvibudi henyu mhamha isu ngatingoita sekuti zvavakataura ndizvo zviri kuitika . Kana nguva yaMwari yakwana yekufumura zvakavanzika ndipo pavachasara pamhene . Ok mhamha saka tobikei mhamha ndoona sekuti zuva racho rovira .
Her: hameno uchazvigona hre mune mufushwa werudhe wandakafusha hapana kana mafuta zvakaoma mwanangu .
Me: Tinoita zviripo mhamha madii kunotenga zvisipo nemari yamanzi munditengere hembe ndozonotora dzangu dzandakasiya kwatete vangu .
Her: heya hapana chakaipa ndichatokupai mangwana kwaedza mugomhanya .
Ndakatanga kuita zvekubika ivo vakagara vakatarisa mwana wavo aiita basa rekudzingirirana nehuku . Achifa nekuseka zvake achitaura nadzo huku dzacho . Dzaiita kupihwa mazita zvakaoma ndakadzungudza musoro wangu ndakamudongorera ndakangoti , Mwari ndipei simba mudzikinure mwana wenyu nemuti ndega handigoni"
Ndakapedza kubika takanomubatirana achirwisa kuda kupinda muchirugu sezvo huku dzanga dzapindawo . Kungoti kamukova kacho kaisakwana munhu aitorwisa ....
Him: Ndiregei mhani imi vana Jonas vanozondinzvenga avo varimo umo.
Mai vacho vakangobudisa misodzi vachinditi.....
Him: Ibva paari mwanangu kana atotanga kutaura mazita ana bamunini vake kudai anenge ari violent . Unokuvadzwa ipapa achatorara panze zvakaoma upenyuwo hre nhai vehama .
Me: Mhamha nguva yakwana enough is enough nhasi chaiye anorara mumba .
Ndakasvika paanga ari akabudisa ziso kuita seachandiminya . Ndakatanga kunamatira mumoyo akatanga kuchedha . Ndakabva ndamubata akaridza mhere yakavharira achibva anyarara ndakamusimudza ndikaona mai vacho vouya kuti tibetserane ndokunomuisa mukitchen.
Ndakatanga kumupa chikafu chaidyiwa kwete zvekutamba aguta akatanga kukanya kanya ndichingozadzwa masadza akandiisa kumeso oseka achinditendeka .
Ndakatofara kuti akadya ndakabva ndatanga kudyawo mai vacho vanga vanyevenuka chiso . Tapedza takaenda naye maairara isu ndokunorara kubedroom kwamai vacho.
Ndakarara ndipo pandakanzwa a faint voice richinditi," Prepare yourself for there is a great battle ahead you . 31 days fasting and praying you will see what is going to happen "
Munhu wacho aitayra ndaisamuona asi ndakagutsikana kuti its another way of communication with the holy spirit . Caz ndanga voice ndakarinzwa ndakasvinura ndisina kukotsira. Ndakazvibvunza kuti ndaizodzogona hre 31 days fasting yacho uye ndaizotanga riini . Umwe moyo wakazviudza kuti chinono chinengwe ndaifana kutotanga zuva raitevera . Ko ndaimirirei chandanga ndafarira ndechekuti havana kuda kundiitira utsinye hwekuti ndirare naDerreck .
Ndakangotenda Mwari kuti hongu vandiita muripo wengozi asi vari kuda kundishandisa ndiri muripo wengozi kudaro. Ndakabva ndajekerwa nemharidzo yeumwe Mufundisi aiti Mwari vanoropofadza pakazvidzika . Painge pamira Goliath achidaidzira kuti kuwanikwe mumwe auye kurwa naye kwakashaikwa munhu asi mwanakomana waJesse aiva kumakwai ndiye akauya kumira akawisira Goliath pasi .
Vachindidana kuti ndiite mukadzi webenzi vaiti vagona asi havana kuziva kuti vazvigokera moto muziso sezvo ndauya kumira pakakoromoka . Simba raMwari ririmo mandiri . Ndakamuka ndikatanga kunamata mashoko aiita kudururika zvokuti ndakapedzisira ndava kutaura nendimi zvandanga ndava kuona zvacho ndizvo zvaikunda ngoma kurira . Ndichipedza kunamata ndakabva ndarara.
Ndichangobatirwa nehope ndakaona zvivanhu zvitatu zvainditi ndisiyane nezvandiri kuda kutanga. Ndakatanga kunamata kuhope ikoko ndikapepuka ndichidaidzira kuti Jesus . Ndega ndakaona kuti pamba apa pakarema .
Her: Kwakanaka hre mwanangu ndaona kuti wapepuka uchinamata .
Me: Kwakanaka mhamha ngatirare
Havana kuedza nharo ndakazorara sekacheche ndikamuka ma4am ndokunamata . Ndaakuda kubuda kuti ndinoita hangu basa mhamha vakabva vati ....
Her: Mwanangu kana pane zvawaona ndiudze .
Me: (Ndichiseka) mhamha ndikakuudzai munoutiza musha wenyu uno . Chandinongokukurudzirai kunamata . Muchinamatira vana venyu vari kuvarume ndaona vadzoka nokuti vakatsvagirwa varume kare vasingadi kuona umwe munhurume pavari
Her: Taura hako nokuti nmdzimba dzavo kungogaro konana regai ndivati vauye umbovabetserawo nemunamato .
Me: Ngavanamate ini ndichine hondo yandada kudenhana nayo . Regai ndiende zororai mhamha .
Ndakabva ndabuda ndakanotsvaira chivanze vanhu vemuraini ndivo vaingoita up and down vachiuya vanenge vanga vanzwa kuti Derreck waroora saka vaida kuzvionera pamhino sefodya . Vamwe ndivo vaibvunza nhema hanzi ko ava ndevapi ava . Mai vaingoti mukadzi waDereck . Hameno pavaibva ipapo vaizoenda neversion yekuti kudii.
Ndakapedza basa rangu achimangwanani mhamha vakauya nemari iya yanga yakatowanda zvishoma . Vakanditi .....
Her:ndiyo mari yacho motengawo mafuta amunozorawo tozviziva kuti vasikana vanodawo aya anochenerusa kumeso ndaizvionawo nevana vangu .
Ndakangoseka zvangu ndichigamuchira vaida chose kuti ndisununguke asi ndanga ndakatozvifarira . She is like a mother to me . Nenguva pfupi yandagara navo iyoyo ndakatowana mai vangu .
Ndakageza ndokupinda munzira ndoenda pamashops pacho paingoonekwa tiri pamba . Taiva pakati pezvikoro nemashops . Ndakamhanya ndiri munzira ndakasangana nevana vechikoro vakawanda vachiti pasecondary paiva nemasports ezvikoro 6 . Ndakati dhuu ndikagaya zvimwe . Ndakasvika ndikatenga kagrocery kangu. Ndikatenga maflour maviri nemazepi mapack maviri neremaputi one . Ndakasvika havana kutaura mai vakangotarisa . Ndakabva ndabika nekukasira
Ndapedza ndakakanya flour yangu ndokubika masamusa angu ndikazadza 20 litres ivo vakangotarisa ndikabva ndati kuna mhamha .
Me; Mhamha ndanzwa apo kuti pane masports saka ndati ndimbo spinner kamari tigare tinako mumba .
Her: (vachisekerera) kuwanda kwakanaka ita izvozvo mwanangu .
Ndakabva ndatotora bucket rangu nemazepi nemaputi ndokunogara hangu vaiuya vachitenga havo haana kumira masamusa vaiita kubvutidzana . Mazepi akapera nemaputi ndikamhanya ndikanotenga mamwe matatu ndiwo akazosara mashoma chaiwo zuva ranga rovira ndakasvika mai vachitoundura huku .
Her: Titambire mwana wangu ndatobata chikuku ichi ndikati nhasi timbodyawo .
Me: Aaa mhamha matogona chindipai ndipedzise .
Her: Ndotopedzisa mwana wangu
Me: Heya mhamha ndaita mari mhai nasamusa aya apera mazepi apera ndikanotenga mamwe asara ndiwaya mashoma .
Her: Heya saka zvafamba chokwadi
Me: Zvafamba ndafunga kuti nditsvage huku chero 20 imwe totenga starter ini ndichitaimira break nelunch pachikoro ipapa ndichitengesa kuitira tiwane kurarama . Ari sei Dereck mhamha
Him: ari right uyu nenoise yaanosimboita kuvharira raini rese .. nhasi anga akadzikama . Kana uchitozvigona mwana wangu ita tinotorarama pano . Bva ivo vanhu vemuraini vaswerera kuuya kuzokutsvaga pano hanzi tauya kuzoona mukadzi waDerreck . Mashoko vanhu vemuraini muno wotovangwarira mukufamba imomu havavaki .
Me: Musandityira mhamha ndakanoisa mari mumba ndokubva ndadzoka ndichinzwa mhamha vachitaura mumba . Ndakasvika ndikaona vari bamukuru baba Ruth ndakatoshaiwa kuti vavingei pano. Ndakavamhorosa ndokugara pasi ndikanzwa mai vave kuti ......
Her: Ndivo murume watete vako zve mwanangu .
Me: Ehe ko makauya riiniko bamukuru mafamba nguva dzino.
Him: Ndasvika masikati zvino ndati ndiuye ndikuonei mumbouya kumba mozodzoka henyu .
Me: Ayewa bamukuru zvekuti ndiende kumba hazviiti ndichazouya zvangu .
Mhamha: Madii kuenda henyu sezvo iri weekend mangwana ndirevera pamadhiri aya ekuchikoro mozodzoka motonotora hembe dziya chitobikai sadza muende madya hantie mokwira zvimota hre.
Ndakangoti sezvo vari mai vataura ndaisada zvangu kunorarako ini . Ndaitofunga kuti ndaizokuenda rimwe day ari makuseni ndodzoka zvangu manheru. Ndakabika tikadya vachiita havo nyaya namai . Ndakapakura tikadya ndokuoneka tobuda nabamukuru .
Takanokwira zvipipipi ndokuenda takaburuka ratovira . Munzira vaingobvunza mibvunzo nhando hee murume wenyu saka aripi vakazondityora mabhonzo pavakanditi ..
.
Him: Saka murume wenyu anotonatsokugutsai chaiko hre anonatsoita chaiko hre mainini . Nokuti ndikuona kuti ari kukutadzai zamu richiri rakamira so.
Me: Zvichiri zvemunemo hre kana mobvunza nezvemubedroom mangu nhai bamukuru .
Him: Aaa nanhasi muchiri cheeky sepaya musati maziva muto wayo . Ndaiti izvozvi zvamakairavira makanzwa kunaka kwayozve . Kana musati mainzwa bvaa murume wenyu haagoni basa zvee..
Me: Hayas dai maimwa doro ndaiti madhakwa zvino hamuna . Izvozvo hazvo hazvina basa uye hazvinei nemi ndezvemumba mangu . Imi kana muchigona gonerai tete ndivo mukadzi wenyu ..
Zvinyaya zvacho zvanga zvaakutondibhowa . Lucky tanga takutosvika vakangoseka nhema tichisvika takawana vanhu vachida kutopakura kuti tidye . Ziso randakapihwa natete raiva nemunhu pasi even vana vacho ndakavamhorosa vakaramba vakangoti tuzu bamukuru ndivo vakazoti .......
*Stay tuned*
[2023/11/19, 08:23] Mai Ivan: https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct
*BITTER TRUTH*
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 8*
*Munanawashe*
Him: Munogoramba makanyarara wani hamugoni kudaira mwana hre imi . Mai huru inongoita sechanana . Mune godo rakasakisa kuti nyimo dzifukwe zviri paiko mukadzi mukuru . Munonzi makadii nemwana imi munoramba muri zii semuroi ari pabere .
Hezvo ko zvakwanga kwava kutotukana nhaimi . Nechandanga ndichauyira zvangu ndakabva ndati ......
Me: Ndauya kuti kutora hembe dzangu handisi kugara zvangu . Ndinogona kunorara paChurch apo musandityire henyu .
Bamukuru: muchiendepiko mainini hapana kwamuchaenda vanga vasina kukuudzai hre vatete venyu . Ndatouya kukutorai kuti tiende tese kubasa kwatinoshandira uko . Mungaitwa mukadzi wengozi apa mopihwa benzi zvekare
Ndakavatarisa ndichida kuona kuti vairevesa hre . Kuenda neni kupi futi , ko kuti tete venyu vakakuudzai hre chii zvekare ndakabva ndangotora bhutsu yandaida kurongedza ivo vachifamba vachiuya pandiri. Ndakanatsokuzamudzira chaiko ndichirova ipapo pasingadi kudzikama munhu angokura . Ndakabva ndasvoca ndikavasiya vachibararadza varimo mumba .
Aaa munhu wepi Ruth chaiye atori mukuru kwandiri asi anochiva munhu anofanira ari mwana wake . Ndakabva ndadyiwa nerima kwanga kwatosviba . Ndakananga kuchurch ndikasvika pasina vafudzi vemweya yedu paiva nevana chete.
Vaindiziva zvavo saka hapana chakambonetsa ndakabva ndatorara ipapo mangwanani ngwanani ndokumuka ndoenda kumba waiva Mugovera ndakatodarika ndichibookisa zvitiyo nekutenga imwe flour nepakiti rimwe remazepi .
Ndakabva ndaenda kumba ndakasvika pamba paine mai nevamwe vakadzi vechidiki vaviri . Ndisati ndavamhorosa ndakangoona chinhu chakabuda pamukadzi umwe wacho ndakanzwa voice rakanditi .....
" Namatira mvura umupe amwe ndokuti abatsirwe mimba yake yadarikidza mwedzi akanonokerwa anofa" vese vanga vachinditarisa nokuti ndanga ndasticker ndichida kuvamhorosa pandakazonzwa inzwi riya . Ndakatarisa padumbu pake ndikadzungudza musoro.
Me: Makadii henyu ...
Both: Tofara makadiiwo .
Me: Mhamha mamuka sei regai ndiise zvinhu mumba izvi ndinoda kuzovaka chirugu apa .
Her: Ndokugona mwanangu asi isa umbouya pano .
Me: Zvakanaka ari sei zvake Derreck .
Her: Iii ndosaka tati usai muuye zuro zvanga zvakaoma ndatozofonera vasikana ava ndichiti pamwe hamuuyi. Zuro aitoda zvekuuraya munhu imi zvakaoma ..
Ndakangodzungudza musoro ko seiko vanhu vachishungurudza vamwe . Ndakasvika ndikarongedza zvandanga ndauya nazvo ndokudzoka ndogara pasi takambonyararidzana ndainzwa paine force yaindituma kutaura asi ndichirwisana nayo ndakazongoerekana ndati ....
Me: Anonzi Eneres ndiani ....
Vakatarisana vari vatatu asiri wemimba akabva adaira kuti ndiye ndakabva ndati ....
Me: Unoda murume wako hre ...
Her: Ehe ndinomuda .....
Me; Ummm namata mweya uri pauri ubve ndava ndiwo uri kukutuma kuti uite zvevava baba vandiri kuona ava . Tsveta pasi imbwa inonge kana uchiri kuda imba yako..
Vakatarisana zvekare uya anga ongoti bwai bwai . Ndikabva ndatarisa wemumba ndikamuti .....
Me: Else Mimba yako yadarika 9 months saka uchazvara riini .
Her: Iii ndibatsireiwo maiguru handizivi henyu ndafamba ndaneta apa mwana wacho azorora haachatambi .
Me: Munoda kuurawa askana ndiri kuona bepa rakanyorwa nechinyoreso chitsvuku zita renyu ririro rikutevera raEgness asi raEgness rakadzimwa kuratidza kuti akapfuura . Namatai muchiri kufamba kutsvaga rubatsiro kuvanhu muchitadza kuzvinamatira . Zvino manga mauya nepreparation hre nokuti taakuda kubreaker every yoke which was set against you . Asi ndinenge ndotokwinya nokuti pane zvanga zvavimbiswa nyama uye gare reropa rave gama .
Mhamha: (Vachieredza misodzi) mubetserewo mwanangu regai vafonere vanhu vekumba kwacho vauye nepreparation yacho chipatara chiri padhuze apa. Tomumhanyisa .
Ndakabva ndambonyarara ndichifunga zvandakaona day riya randarara pano for the first time . Zvichindirwisa ndakatoona kuti ndinokunda hangu asi ndaidawo spiritual guidance fro. Vazodziwa vaMwari .
My Pastor vaigarondiudza kuti i can see the great prophetess on you ndichototi baba ava vanopenga now ndava kungoona zvakawanda who will guide me . Ndakazviudza kuti i need to find him . Ndakaona ndazungunuswa namai vemimba vaya ndakabva ndati.......
Me: Oh ndanga ndarasika ndiri mupfungwa ok torai mvura ndiinamatire sekuudzwa kwandaitwa mubatsirwe chikomana chenyu asi motosunga dzisimbe nokuti ipapa ndichisvika pano pane chabva pamuri zvatosvika kare kune vakazviisa kuti hakuchagariki hondo yacho ihombe zvava kuda kurwa nemabvi muchinamatawo nekwamunenge muri kuitira tigone kukunda .
Vakabva vasimuka ndokunouya nemvura ndakaimba worship song vachibvumira . Ndakaimba kusvika ndanzwa ndega kuti ndava panumber . Ndakabva ndatanga kunamata ndakabata mvura iya . Munamato wedzikinuro Mwari vamuitire zvakanaka .
Ndakabva ndamupa akamwa tikagara tichiita nyaya after 1hr ndakaona vosekerera vachiti mwana ave kutamba teverere yatova mhere yekurwadziwa takatozobvapo toteka teka munhu tichienda kuchipatara . Zvinhu zvakatozosvikira kuchipatara . Ndakavasiya vaveko ndichienda kumba ndakasvika ndikanamata ndiroko ndichitenda Mwari .
Ndakabika sadza nematemba aiva mumba .ndokupinda muroom yaDerreck akamhanyira kucorner kuita sekuti ainditya . Ndangosiya sadza pasi ndokuvhara door ndava kuenda Kuchipatara kunopa vanhu chikafu ndakawana vachifara ainge azvara zvakanaka mwana wake .
Mai; Mwanangu uri blessing mumhuri yangu. Uchiuyiswa paya ndaitotii vari kuda kundiwedzera mutoro but now ndaakutoona kuti uri chiropafadzo muupenyu hwangu . Wakauya kuzodzikinura mhuri yangu handizivi kuti ndokutenda nei .
Me: Musatenda ini mototenda musiki saka ari sei mwana zvake .
Her: Ari boe and azvara zvakanakisa .
Me: ndakuvigirai chikafu ichi mudye .
Ndakanoona mwana vaifara chaizvo mwana wacho ngaakure . Vakatonditi ndinamatire mwana wavo . Ndakamunamatira tikambogara tichitandara kusvika tazodzingwa sezvo lunch yanga yatopera . Takabva taenda hedu kumba namhamha namai Eric ndivo vekucheater murume ava vanga vaiswa demon rekuhura
Takasvika kumba ndikapinda muroom maDereck apa ainyangadza . Chikafu changa chadyiwa usavi hwega sadza anga apushira kumadziro emba . Apa anga akaungana kucorner . Ndakarwadziwa ndikamucleaner ndapedza ndakabva ndaenda kune vamwe panze.
Mai: Anga ari sei zvake Derreck huya ugare apa unzwe hayas mashura chaiwo.
Me: Ari boe uyo (ndichigara pasi) abvepizve mashura mhamha ndatozogara pano kukanganwa kuvaka chirugu changu .
Her: Zvavari bamunini baba Carol (James) hanzi hausi right kuna Derreck ndikabva ndavati uri perfect chaiyo ndavapedza mongo vakabva vacutter . Aaa vanhu vepi ini ndivo vandiri kufungira hangu kunyangwe zvako usati watiudza kuti ari kukonzera zvese izvi ndiani .
Me: Nguva yaMwari ichasvika pamuchaona zvese zvakavanzika zvichibuda pachena .
Ndakabva ndasimuka ndokunochera makomba angu andaida kumisa matadza echirugu changu . Ndakaita 4 makomba ndikatora bhemba rangu ndokunotema matanda angu ndikasenga mashoma mashoma
Ndikatanga kumamisa ndichivaka zvishoma mhamha vakauya kundibatsira chakabva chatobudawo chirugu chedu pamusoro takabva taisa uswa ndokugara zvanga zvatova bhoo .
Mai Eric vakabva vanditi ndimbozorora ivo vachibika . Vaifara vachiseka zvavo tete vakabika tikadya kuseni mhamha vakafonerwa naaunt vemimba vachiti murume wavo auya aizoenda navo kumba . Vaifara chose tete vakabva vaenda ivo ini ndakaramba kuenda ndaida kugadzirira kuti ndizoenda kuchurch .
Ndakaita basa rangu rese ndokuenda mhamha vakadzoka ndatobata bible rangu ndaakuda kutoenda kuchurch vakabva vatomhanya kugadzira kuti tiende tese .
Takabuda tete ndivo vakasara vachiona Dereck munzira ndaifunga kuti hausiwo mukana hre wandazarurirwa naMwari kuti ndisaroorwe nemunhu wandisingadi . Asi umwe moyo wainditi ndakanzi uchaona zvichaitika pa31 days fasting and after .
Zvichireva kuti zvanga zvatotanga kumavambo emazuva acho . My mission was to rescue this family from bondage . Kutangana naDereck ndanga ndichiri nekafear . Ndiri mukufunga kudaro ndakangojekerwa nemashoko ekuti Fear not the lord is with you .
In deed the lord is with me ndikatarisa kwandakabva ndinoona Munana waMwari . Ndikatarisa kwandiri kuenda ndiri kuona basa guru raMwari kuti richaburitsa mamiracles hre ? Come on Munana dont be a doubting Thomas you can do it with God of cause .
Ndakatoona kuti pano paakuda vasimbi vanomhanya vasinganeti Mwari achandipa simba ndichabhururuka semakondo . Kubwinya kwewedenga kuchaonekwa pamusoro pangu . Ndakabva ndatonzwa kugwinya mandiri
Takasvika kuchurch namhamha takasvika tikagara pasi takatosvika devotion yatopera praise and worship team yave kutotanga. Ndakarwadziwa devotion ndaiida chaizvo ndiyo yaindisimudzira zvisinei next time ndaizokurumidza kuenda .
Kuchurch kwandakaenda yaisava yangu yandanga ndajaira aingova machurch aimuka iwaya mhamha vakangoti ikoko vanonzwa kuti kunorira founder wacho aigara pagrowth point . For sure sekutaura kwavo manga makazara kuti paa ko vanhu neMinana ndizvo zvavozve .
Yakaitwa praise and worship vaiimba zvainakidza chose . Takaimba tikanamata vakati kwave kuparidzwa ndakangosvoora mumwe murume akasimuka akati regai ndikure nzira dzaJesu . Akati paridzei paridzei ndokuzouya umwe murume aiita kukomberanwa nevanhu achingobata mic ndakaona......
..
.
*Stay tuned*
❤️
🙏
😢
👍
😮
🥹
31