Ancy Cays Novels
May 23, 2025 at 12:27 PM
[01/09, 14:49] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *TWO PERSONS IN ONE PERSON* 😳😳😳 *Story by Ancillar Katsande* 🔥 *2024 production*🔥 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 11* *Mai Nini* Ndakanzws Nadas okosora achitarisa mbuya vake achibva avati ..... Him: Mbuya kana zvichida one on one ndouya zvimwe hazvidi pajekerere Mbuya : watozviziva zvirege nokuti ukapusa uchateverwa . Mai Nini unorevesa kundifambisa kudai muroora wangu . Me: Ko mhai ndaita sei zvekare ndakufambisai sei . Ko makadii mhai . Her: Ndinofara mwana wangu . Ungauya usina kusiya yesupa iwe asi watobatana nemurume wako kuti ndisamwa hre nhai . Ndiyo yandateverera kuno zvangu itombotuma Chipenzi ichi Nadas amhanye kunotenga maviri ndimbomwa zvangu uchigadzirira kundipa yekunomwa ndava kumba . Mai hre ndakapinda mumba ndikatora mari wani ndikapa Nathan naiye Nadas kuti vandovatengera . Iko ndaitofara kana vamwa ndainzwa zvakawanda kana vamwa . And vaisatana kudhakwa mai iwayo maviri avareva vanenge vatopera . Me: Saka masiya kumba kuri sei mauya nemota hre mai zvamunenge masvika netsoka . Her; Ndakwira ndikaburukira pachiteshi . Ndaona kuti ndingapedzera fuel pasina plus driver wacho anga asipo. Me; ndanga ndichibika regai ndikupakurire sadza mudye musati mamwa doro . Mukangomwa chete madhakwa hamuzodyi sadza . Her: Unotoziva hako ita chiito chacho tione uvhurire mai vakakubekera mutakunanzva wako mvura vageze ndigonatsomwa ndiri smart . Ko ndambofamba zvee ziya rikabuda handidi zvekunhuwira varume vangu mweya . Ndakaseka zvangu ndichienda kunovaitira . Vakanogeza ndakatozopakura vapedza kugeza vana Nathan vachisvikawo nedoro ravo . Vakadya vakapedza ndokumwa zvavo . Pandakafonerwa nababa Nilsa vachindibvunza kuti ndaidei kuti vsndivigire . Ndakavaudza zvandaida ndikatovaudza kuti mai varipo. Vakangoseka havo vachiti vari kumwa doro hantie . Vainzwa kutaurisa kwavaiita nana Nadas. Takataura ndakadzoka ndikagara vanga vawisa one vaakumwa rechi 2 vachimwa vachiisa pasi ndakabva ndati .... Me: Rava mumusoro hre nhai Queen . Her: Mwana wababa ungandidii une mari zvako but ichaita Nini ine mumvuri . Mota ine munhu waNini munobatanidza mari dzenyu mese pagore Me: ummm mhai uya musatan hre nhai mhai .maakukurudzira muzukuru wenyu izvozvo . Her: ,Haiwawozve iyeye unogona kutofunga kuti akaromba asi asina mukomana ane mari dzake iyeye asi asi ..... Me: Asi kudii nhai mhai ko iye mukomana wacho makamuzivirepi . Hamusi muri kuda kugadzirisa mwana neuya musatanist Her: Aaa kuti ndinopenga here Nini ndiye wangu chaiye ndinomira naye iwe waakuda kunzwa zvakawanda chingoziva kuti Nini achagara muupfu nemagadziko kuti tende . Ndakasiyana navo mai ndaizotaura naNini apa vangoda kundiudza chete kuti Nini ave nemukomana havana kuda kundiudza in detail. Ndakavasiya vakamwa ini ndave kutoayina hembe dzangu . Ndakavasiya vaakungoimba vachibva vazorara zvavo. Ndakavamutsa ndokunovaisa mumba muroom mavo ndokuvasiya vachirara . Ndakatomhoenda kunodiridza mugarden mangu vakauya Nathan naNadas vachibvunza mbuya vavo ndikavaudza kuti vavata . Nathan: Taakuenda kunovamutsa Queen vakarara vanonoka kumuka apa isu nyaya tichidzida. Me: Evo regai mbuya vazorore imi . Ko iwewe Nadas chii changa chichitaurwa nambuya chiya . Ndotokuudza hako kana uchiita misikanzwa yako uchiona zvatiri kushanda nemurume wangu pano unozvinyepera . Unondogara kudongo uko nechimukadzi chako . Tsvee kutadza kudzidza mesimba saNini uyo ugadzire upenyu hwako kwete kuda kuita zvisina musoro . Him: Mhamha hapana kani kungotaura kwambuya uko . Me: Dzikama zvako uti tyoo chiendai mundotofano tora huku kuzumbu uko muuraye mufane kubika . Kana muchida zvekuroaster moroaster asi mbuya vanoda stew chaiyo yakanatsoibva . Saka endai tione . Nadas: Tanga tichiti nhasi ka ndimi muri kumhanya nawo sezvo mdara vachiuya . Me: Ndati endai munobika zvakanaka kwete kuda kundinyangadza . Nathan: Mazuvaano hakasi kuda munhuwi wechicken hausi kuonera hre iwewe . Hande tinotamba nawo mapoto uko . Ndakangovatarisa vana ava misikanzwa yavanayo kana .and vainatsondionera chaiko zvese zvandaiita ndakasara ndikatarisa ndikapedzisa zvandaiita ndokunogeza . Ndapedza ndakabva ndaenda kunogara paTV . Mbuya vakamuka vakauya vachiimba zvinziyo zvavo zvaifarirwa nana Nadas ipapo vanga vakutanga kuseka vachinovachingura . Ndakavapa chikafu ndokugara pasi vakabva vati...... Him: mai Nini aaaa handisi kuda sadza asi ndikuda nyama . Ko iye murume wako anosvika nguvaiko adai asati asvika . Handivati asati asvika . Ko iwe wadii kutsvagira basa ikoko kunoshanda . Me: Handingoerekani ndaendazve mhai zvinopa bit by bit . Her: Aaa nhai unoti tisu tisingadi hre kuenda muchirungu . Mazuvaano ndaakuda kumboenda kuchirungu ini ndichatokusiya ndichienda ipapa pari kuuya murume wako handisari ndiri kuda kuva pedo naNini Me: Munoenda asi uko doro motonorega munomuziva mwana wenyu haadi doro . Saka Rita anenge ouya zvake kugara pano kosara aunt zve . Her: Ehe anouya zvikomana zvingasapfumbidza nzira kumba kwangu hre . Me: Aaa anongoramba zvee regai auye ndinotoda kuti abude zvakanaka uko kure neni anenge achitamba zvino ari pedo neni ndinototi ndimupushe kuverenga. Her : hah iwe uri chikwapuro zvee ndosaka uri number 1 yangu . Rega ndidye zvangu ini Vakadya ndikatonzwa kudhuma panze vanga vauya baba Nilsa . Ndakanovagamuchira ndikavambundira ndichibva ndatora grocery ranga rauya vana Nathan vakauya vakatora zvinhu kuisa mumba . Mai vakakwazisana ndikaona vatora lunch yavanga vauya nayo ndokupa mai Billtong yaivamo . Vakafara sei mai vakati ..... Her: maita Gushungo ndosaka uripo mwana wangu . Iwe Nhata tora chicken iyi uende nayo ndimbotetena iyi ine svimhiripiri Nadas: Queen regai ndiuye tibatsirane ka . Him: Enda unogadzirirwa nambuya vechikwazhuramakwenzi chako waita ukaita muzukuru waQueen otherwise waidyiswa hako ndakavavinga mbuya vake kuti rega zvauri kuda kurongera muzukuru wangu . Mai vaitaura chokwadi tese takangotarisana nababa vacho ndokutarisa Nadas anga akunyara vanga vabuda musaga mbuya vake . Akabva abuda atoona kuti ziso racho rataimupa harina kumira mushe . Takagara mbichana ndokuenda kunorara ndakatanga kunetsa murume wangu kutoyema chaiko . Ndakazorara pava paya ndamboyema Makuseni mai vakati tiende kunotora hembe dzavo baba Nini vakangonditarisa vakabva vati ...... Her: Hezvo nhaiwe ndiri kuda kuendawo dhorobheni unotarisa mukadzi kuita seuchamudya chii ichocho . Him: Mhai ndamboti chii hantie manga musina kutaura here . Saka totora naaunt toenda navo ka nokuti isu tinoswera kubasa uyu muzukuru wenyu anenge ari kuchikoro muzobikirwa nani . Her: ndinobika ndega ini zvevanhukadzi uko iwe wasiya mukadzi kuno bodo . Tokuzivai vana chingwa munonaka manamiwa . Nini anoona plan muzukuru wangu full stop uyo ndiye anosara nemusha achiona ona Him: Ummm mhai ndanyarara hangu chikwirai tiende . Takabva taenda tikanodzoka naRita nehembe dzavo . Hameno madhiri eyi avanoita naNini . Iko regai vaende pane pamwe paanenge achivada Nini wacho . Takasvika tikagara zvedu kumba tichiita nyaya neSunday vakasimuka mai nemwana kuma11 vachidzokera tikasara zvedu tega . *King* Chekugarira paVar panga pasina Nilsa wacho anga andibudira pachena kuti she moved on kunyangwe ndaizviziva zvangu . Asi ndaimuda chaiko Nilsa aisangozviona hake . Ndakabva ndatozviudza kuti handichaendiko . Ndanga ndava kuzeza kumutanga it seems aitoziva zvizhinji about me . Kana ndichirangarira hapana pandakachinja kuita imbwa iye aripo . Saka aitova nesimba rekuona zvese zvandaiita . Zuva iroro manheru takasheedzwa tese naMaster takaenda kubase paibatwa basa hameno zvavaipisa pisa vairatidza kuti pane zvikuru zvavaida kuita . Takabatana maok tichiita kugwinhiwa gwinhiwa vakabva vati tiende . Tichisvika kumba ndainzwa kuda raw meat ndakada kunochinja kudai zvikaramba ndikashaiwa kuti zvaita sei . Ndakabva ndafonerwa naRicho achiti azamawo kuchinja zvikaramba . Kureva hre kuti vanga vachitora masimba edu kana kuti .... Takazviudza kuto taizoenda kunoona Master pazuva ramangwana . Variudze kuti sei zvichidaro . Vamwe taitotya hedu kumukirwa sezvo zvainzi mweya wake une mazishungu chaiwo . Ndakatorara ndakabatira hana muruoko . Zuva raitevera kunyangwe mari dzataimuka dziripo panga pasina . Vana Richo vanga vavavinga masikati vakavashaiwa. Takasimbisana kuti taizoendako manheru Takaswera tiri pamwe manheru tikafuma tichienda takasvika vachiratidza kuti vari restless ivo neteam yavo . Takadzoserwa mapowers edu zvinhu zvikadzoka back to normal. Taakusa kuenda ndipo pavakandimisa vakati ..... Him: King ndiri kuda kukuudza kuti vabereki vako vakaramba vachifamba zvavari kuita zvinogona kuzokuipira . Havasi kuzorora vari kurwira kuti musikana uya arwise kune akamuuraya and vanoziva kuti ndiwe . Me: Saka ndoita sei . HIm: ndipe foni yako . Vakaitora phone yavo ndokutanga kuita zvavaiita vachiimwaya mwaya ndokubva vachibva vandipa vakabva vati ..... Him: Oh tora 51 iyi ukavatumira nephone iyi vakangoshandisa chete zvinenge zvatoita .. vanenge vasingachambofambi zvavanoita izvo . Ukangoona vangoitora chete vaibata muruoko rwavo wotoziva kuti zvako zvaita . Ndakaenda kumba ndichifara chaiko zvangu zvava pedyo kuita. Ndakanosvika ndikatumira mari ndaingokwenya mhino nekasiyanwa kuti vatore . Pandakaona kuti vacollecter ndakafara zvisingaiti Ndanga ndavapedzera tanga tina Master vakachenjera vaiona zvataisaona . Takagara zvedu ndokuita 2 days after Master ndipo pavakauya vachiti vari kuda kushandisa spirit yaTanaka hameno vaida kuishandisei . Ndakabvaa ndanotora kametal coffin kandaikiya ndiko kataichengetera ndokuvatambidza . Vakangoti vachivhura ndokunzwa ......... *Stay tuned* [01/10, 16:27] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *TWO PERSONS IN ONE PERSON* 😳😳😳 *Story by Ancillar Katsande* 🔥 *2024 production* 🔥 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 12* *Nilsa* Akanatsonditarisa kutoratidz kuti ari kuyeverwa neni hameno chii chaimuyevedza . Akafamba ndokuuya kundibata nemuchiuno andindiswededza paari . Achibva anditi ..... Him: Nhasi izuva guru rangu bby its another step muupenyu hwedu . But trust me bby once tabva kuma intro handichamiri ndaakuda kutokutora mukadzi wangu mari ndinayo yekuroora nyangwe ukada kuchata tochata unotii bby Me: Ummm honey kuroorwa so soon watondidzidza hre . Plus whats the rush huh. Inini handisi type yekuti ndinozokusiya no ndinokudisa Ian . Him: I know bby but handidi kukushaya shaar . Inzwa ka bby vabereki vangu mabishop saka ndiri kuda kuti vashaye chekusvoora pauri apa ndava kutaura in terms of dressing . Handisi kuti dressing yako yakaipa ndotokudisa uri mumajeans aya . But kwatiri kuenda unofana kupfeka dress or skirt netop and zvive zvakadzikamira . Me: Izvozvo ndozviziva hangu honey . Matrouse ndopfeka but nemadress too . Kungoti paunosangana neni ndinenge ndakaapfeka chete . Him: Yah thank you bby ndiwe wega munhu anondinzwisisa kwandakabva yaigona kutoita hondo chaiyo ndichiudzwa kuti haundichinjwi dressing . Saka pinda mumota tiende tinotenga . Me: Ndanga ndisati ndatombogeza rega ndinochinja tigozoenda . Ndimirire pano chindirega ndiende . . Haana kuita nharo akabva andirega ndikanogeza faster faster semunhu ari kuda kuenda kuma intro ndakapfeka jean skirt netop ndikapfeka mapumps ndakarova simple but smart . Ndakabva ndaita light make up . Ndikapfeka bracelet rangu nenecklace . Pandakaona kuti ndiri on point ndakabva ndabuda. Ndikasiya ndakiya madoors . Ndanga ndaakutyira vamwe mother vaigara kuboy sky yaiva kuback yard vaingoti kuna dad mukoma mukoma ndichivati tete . Zvino apa vanga vandiona ndakambundirwa naIan ndaitotya kuti vanouya vachiudza dad . Apa vaingomira mira kuita sekuti vari kushanda iko kuri kudongorera . Ndakaomesa musoro ndichienda kumota yabae ndisina kutarisa kuti vakanditarisa. Ndichisvika akabuda mumota akandivhurira door . Ndichienda pedo naye kuti ndinopinda mumota akadzungudza musoro achiita zviya zvekuridza muromo like madzibaba amwe ataimboona kumusha taenda kumigidhi. Akabva adzungudza musoro ndokuzvipukuta kumeso ndakaramba ndakamutarisa . Me: Chii honey . Him: I dont know ndaita sendapindwa nechando ndato feeler kuva relieved i dont know zvangoitika ipapa . Me: Its ok hande . Akandibata futi kundiswededza paari akamira padoor ndakamutarisa ndichisekerera . Akadzisa muromo wake he wanted to kiss me ndakabva ndaibata ndichibva ndaisa chigumwe pamuromo wake ndokuti ...... Me: Stop it handei tione not now . Him: But bby n..... Me: I know ukuda kiss and i said no shall we . Him: Ok boe unondiomesera hako i feel like holding you forever ndikunzwa sekuti ndanga ndakuruza handisi kuziva zvandiri kunzwa ipapa marry me bby . Me: Chiuya mumota sweetheart tinotenga hembe tiende kunoona kumba kwenyu kwacho ko zvandichasvika zvandakagadzirirwa navamwene vangu zvatonhora . Come on i know how you feel and i love you noone can seperate us dady i love you . Akasekerera achivhara door akabva apota kuti andopinda nekuseri ndakadzungudza musoro kumunzwira tsitsi chaidzo . Akauya akapinda mumota asati aimutsa akanditarisa achida kuuya kundigumbatira i let him be . Akamboita kanguva akadaro achindiudza masweet words ainakidza kuteerera ndakashaya mhinduro i found myself smiling . Him: Ndorevesa hako Nilsa . Me: I know honey but worry not Nilsa haasi kuzokusiya . You worry too much ivavo vaisava strong to face everything . Manje inini ndinokuda Ian and kana iri hondo yekurwira iwewe chete ndichairwa . Ndakabva ndamupa peck padama akanditarisa zvekare achibva ati ..... Him: Unoipedza hre yawatanga iyi hakusi kuda kundinyemudzawo hre . Nini ka ndokuda mhani Ndakaseka iye akasekawo akamutsa mota tichibva taenda kunotenga hembe ndakanatsosarudza one reblack rine leapard spot (Animal print). Ndikatenga zvimaheels not high heel yaiva medium size shangu yeblack. Ndakaendeswa kusaloon ndikanochinjwa zvaiva mumusoro ndakarukwa short weave . Ndakanatsobuda chaiko nyangwe iye anga ongonditarisa . Akanondisiya pagate ndichinochinja Ndakanochinja sandi kundifita ikoko . Ndakasprayer sprayer ndakabata phone ndichida kufonera mbuya . Asi number dzavo dzaisapinda . Ndakatarisisa bracelet riya raiita kuvaima zvokuti ukaramba wakaritarisa waiteyiwa. Ndakabuda ndokuona vaya mai vachitaura naIan kumota yake . Ndakadzokera mukati ndakazoenda vadarika . Ndakasvika akaseka zvake akanditarisa achibva ati ...... Her: bby tete vako ava vakanyanyawo ava ko ndizvo zvazvinoitwa hre . Me: Hanzi chiiko havasi tete vangu vangori lodger zvavo ava . Kungoti vanoda kuziva ziva zvisina basa apa zvinondibhowa sei. Him: Hanzi bamunini munojairira kutora munhu pagate chaipo . Manje tichavaudza bhudhi . Me: Iii ngavavaudze kana vachida kuona kuti ndakaipa sei. Hande zvako Takapinda mumota ndokuenda takamira pagate tasvika pamba pavo akabva ati ... Him: Relax bby tasvika apa ndopaden . Me: Hah ndiri boe ini handisi zvangu kunyanya kutya . Takagara mumota imomo ndaingorora imba yacho raiva ziimba zihombe chairo . Paruvanzi pesr panga paka paviwa . Waingoona vanhu vaimhanya mhanya nofunga vashandi vemugarden Me: You have a big house here . Ko takagarirei mumota muno hatichaendi hre. Him: Zvimutemo zvikuitika nhasi ndikushaya kuti vari kuhutira muroora hre . Ndiri kunzi gara namakhoti mumota imomo maiguru vachauya kutitora . Me: Ok saka ngatigare hedu vachatitora ndimaiguru vaya vekumbochema paya pandakafona hre Him: Yes ndivo vega maiguru vangu . Mumba medu tingori 2 vakomana inini nablaz vangu. Me: Ok my love ko avo vari kufamba famba chii. Him: vamwe vanhu vekuchurch vanenge vachida kubetsera pamba pabishop. Me: .ok pari boe . Pandakasumudza musoro pane musikana anenge mukadzi aiuya kwatanga tiri . Ndakaramba ndakamutarisa ndakashaya kuti ndikuresva kuona hre ndakazvibvunza mumoyo mangu kuti is it possible to see two people in one person . Aichinja chinja mukadzi iyeye pamwe pacho ndaiona ari munhu akabata pachipfuva pake pachibuda ropa rakazara mumaoko ake achisvimha misodzi yeropa asi anga akasungwa . Pamwe pacho ndaiona a normal human being achiuya . Ndakazviudza mumoyo mangu kuti dzikamisa hana Nilsa . Akafamba achiuya akamira asati asvika achibva angoti titambire ndokutofambisa achienda . Takangotarisana naIan akada kudana achiti maiguru ndakabva ndamuti relax . Hunhu hwavakaita ipapo hwaitomakisa ini hangu ndaiva ndakanyarara asi waitoona kuti mumwe wangu ari kuzvibvunza kuti maiguru vari kuita sei . Takafamba tichienda mukati tikanosvika tikagara mudinning manga musina kana munhu ndakasiiwa imomo ndega . Akabva aenda kunodana his parents vakadzoka zvekare maiguru vake vakatadza kusvika pandanga ndiri apa vaingoita izvozvo zvekuti sometimes ndaiona munhu aibuda ropa pachipfuva . Ukaramba wakavatarisa vaidzoka kuita munhu ari normal but vasingabwairi . Vakadzokera mai nababa vacho vakangotarisana ndokunditarisa kwechinguva vaiti vakanditarisa votarisa pasi kana kubata kumeso zviya zvemunhu ari kuteiwa . Vakabva vafambs vakauya ndakapfugamawoka semuzukuru waQueen Eriza . Ndichida kuvapa chishanu vese vakatarisa kudivi vasingadi kundimhorosa . Unoziva unopusa wasvika pamba pevanhu vodaro . Ndakatombonzwa kusvotwa zvokuda kutosimuka ndiende asi ndakazviudza kuti Nilsa achiri mavambo . Ian akauya akandisimudza ndokubva atarisa vabereki vake achibva ati ..... Him: Not this time kana maramba uyu then chizivai kuti neniwo matondiramba . Mai: Hezvo hezvo unomudiiko muroi iyeye mukuru mukuru wavo varoi . Ian: Pane vese vandakauya navo vaingoroya pamberi penyu manje this time mairasa ndinomuda muroi wanguu . Bby hande ... Takafamba mai vacho vakakwamatata vachidana mwana wavo asi zvakashandeiko aitofambisa akandibata ruoko . Takapinda mumota akangomutsa mota yake tichibva taenda aiita kuivhurumutsa mota ikapinzwa mune rimwe gate . Pamba pacho panga pakanakawo ndakavhura door ndichibuda akabuda achimhanya ndokuuya mberi kwangu akapfugama akandibata makumbo achibva ati ...... Him: Bby pliz usandisiyawo dont mind my parents iyi imba yangu togara tega tisingaendiko . Nini ukandisiya chekuraramira hapana . Ndakamubata maoko kuti asimuke ndaitonzwa tsitsi . Ndaimuda munhu wangu asi aisazviona chete . Ndakamutarisa akaita kundimbundira zviri tight achizevezera ..... Him: Hauchaendi kumba kwenyu bby ndaakutoroora . Ndotonobvisa mari Nilsa . Ndakazvibvisa paari ndatoona kuti zvaari kuita unogona kuputsa pfuko wasvika . Ndakakumutariss ndikati ...... Me: Ian i love you believe me when i say that . Handiroorwi nenzira iyi Ian. Ndinokudisa mashoko amai vako haana kana kubata ushe mandiri and haangachinji rudo rwandinarwo kwauri wanzwa hre . Him: Can i kiss you bby . Ndakamutarisa ndichishaya kuti ari kumbofungei mumusoro make . Ndakaramba ndakanyarara achibva ati..... Him: Yes bby show me kuti ukurevesa . Apa anga akaita kunditarisa mumeso chaimo . Ndakada kufamba akandibata ndikatsamhiriswa mota akanditarisa meso ake ari watery akabva andisiya ndokunogara pachair dzaiva paverandah pake . Ndakaramba ndakamira ndakamutarisa zvese zvaaiita ndaimunzwisisa hangu . Ndakafamba kuenda ikoko kwaanga ari ndakasvika ndikagara pamakumbo pake ndikamusimudza chiso ndikamupa peck pamuromo . Me: Uri kuzvinetsera pasina ndinokuda Ian hausi kundiperekedza hre . Him: Saka uda kuenda usina kundibikira hre ndine nzara ini kana kuti toenda kunotenga chikafu . Me: Ok show me your kitchen ndikubikire ndiende kumba Ian . Takapinda mumba macho anga akatengawo property yake asi mumba macho manga mune disorder chaiyo. Zvaiva zverimwe zuva ndakananga kukitchen kunobika . Ndaibika akanditarisa pamwe oda kumbondivhiringa kubika achida zvokundibata . Ndakapedza kubika kwanga kwatova kuma 5pm ndikamuti andiperekedze . Aisada kuti ndiende akazongondiperekedza zvokuti ndanga ndaramba ndichinetsa chete . Ndakatakura food yangu mulunch . Akanondisiya akaenda ndikapinda mumba ndichingopinda ndakagara pasi mumba makapinda zimhepo asi zvaisawisa chinhu ndakatarisa mudenga maibva mhepo yacho ndokuona........ *Stay tuned* [01/11, 09:09] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *TWO PERSON IN ONE PERSON* 😳😳😳 *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 13* *Ian* Pandakataura naNilsa ndainatsonzwa kuti Nilsa akafanana nambuya vake . Anga aziva sei kuti maiguru vanditi ndimurambe . Asi navo maiguru vainditi ndisiyane naye vanditsvagire mukadzi pakudii. Izvo zvekutsvagirwa mukadzi ndanga ndakagara ndisingadi. Zvinoitwa blaz izvo munhu wadoc akutoita sechituta kunyarara yes vakanyarara asi vanga vava worse . Baba vangu munhu anotaura atori nesay pamukadzi wake . Havasi kuona muroora wavo hre kuti ndiye ave kutotonga pamusha apa ndiye akutotiudzira zvokuita . Ivo maparents edu aitomukuza zvakanyanya Ndizvo zvandakarambira kugara pafamily house . Ndakagara ndichingotaura nebby rangu pafoni . Rinwe day ndaitonzwa usimbe chaihwo hwekutaura naye ndakatombonzi naFlavian one of my friend anga ave nemukadzi nemwana 1 . Him: Chibaba mabby anokusiyai caz pafair Ian hauna time nebby . Mabby aya anotoda attention nguva zhinji ndokunzwa uchidaira bby rako wapedza wototaura kuti ndarivara kumufonera . Ukaona asingachakufoneri iyeye chiziva kuti zvaendwa anenge awana anomuti early in the morning bby uri sei wandirotawo hre nhasi , masikati bby wangu waswera uchindigungawo sezvandiri kuita hre . Manheru bby undirotewo . Kwete zvako zvekuti unorivara kutaura nebby rako . Manje nemanakiro ake uya anoenda chibaba . Me: Amana chirega kundidaro bby rangu ndorinyanya ufunge hako . . Him: Kana uchimuda sekutaura kwako chigadzirisa apa. Me: Ndogadzirisa wangu . Handina kuda kutaura zvakawanda . Ndakaita madays zvaitowedzera day by day pamwe pacho ndaitomuka ndichimufunga but zvaibva zvangobuda mandiri . Ndakabva ndazodanwa namdara kumba . Ndakaenda kuya ndakasvika varipo vese namai ndikanzwa mai vave kuti ..... Her: Waita wauya takanzwa uchiti une musikana wauri kuti ukuda kuroora takagara pasi tikati uuye nemuroora timuone . Me: Kuuya naye ndinouya naye asi zvekuzotaura zvamunoda iye achinzwa zvamaiita kuvamwe vese ava regai . Zviri nane mudane ini paside kana tasara mondiudza kuti musikana wako akadai akadai ndodecider ini zvandinoda kumuda kana kumusiya . Kwete kuti mungaudza munhu kuti munhu wako ihure iri . Yes mungava munoporofita henyu but use your office nicely . Dad: Dzangova nhoroondo idzi mwanangu chingouya nemuroora timuone . Iko wadiiko kungoroora musikana hama yamaiguru vako hausi kuona runyararo rwuri pano hre . Me: Kana itori imba yana maiguru handidi zvachose kuti ndiitwe chituta zvakaitwa mukoma . Mwana wenyu hamusi kuona kuti akutoita like a down syndrome . Munhu waDoctor anonyarara zvekuita seakapusa pusa kuda that what you call peace you are ok with it . Imi ipapo pamuri muri kutotongwa nemuroora no way inini handiko ikoko . Her: Aaa zvino zvavari kutotaura nemunin'ina wake vaiti iwe wakabvuma wani . Him: Indirectly i dont know zvandaifunga panyaya iyoyo . The truth is ini ndine musikana wandiri kuda kuroora and please musandinyadzisa kana auya pano . Him: Anouya riini manje nokuti tikuda kumuona nekukasira kana achiiya uroore mfana you are not getting any younger . Me: Ok dad regai ndiende pane zvandiri kuda kunobata bata. Mhamha: Saka iwewe wakazoramba kugara pane vamwe . This house is big enough to accomodate imi mese nemhuri dzenyu . Nhai vanhu kuchurch vari kutofunga kuti pamwe iwe tinokusarudza apa iwewe kuchurch haunyanyi kuuya unoita kushanya uchinyengerwa neshamwari yako kuenda kwake kuchurch . Me: Kwese kuna Mwari zvamurimi munoparidza wani hakuna kwaasiri Mwari . Zvekugara pano bodo ndinoshanya ndichiuya kukuonai i am ok . Ndakabva ndaoneka ndokuenda kumba ndaisava nebasa randaiita. Ndaingonzwa kubhowekana nekugara pamba apa i dont know why . Ndakabva ndatoenda kumba kwaFlavian ndikasvika ariko ... Him: Titambire mukomana nhasi tatsikwa kubva zvandakaroora chibaba wakauya pano kanoverengeka nhasi inonaya chete Me:Hah iwe ndafunga kuti nhasi timbogocha hope bry stand unayo . Gulecy vachibika kasadza . Him: Good one ndanga ndichida kutombotaurawo kuti boys nguva yareba . Rega ndifonere Pride auye timbogocha Akabva atomufonera haana kunonoka kuuya takanotenga nyama takabva tachinja plan tikaita riri gango tichifara ndakapinza nyaya yangu mudariro .... Me: Vana mdara vari kuti ndiuye bby paden pafair ndikutya kuti vangandibhururutsira shiri yangu again . Pride: Inini ndiri mafira kureva zvangu handivanze . Ian ukaita zvekutamba iwewe hauroori iwewe . Vabereki vako vane fowl play yavari kuita ukaita zvekutamba uchagara usina mukadzi . Ramba mhani kuitiswa navowo mabby acho aikuramba aiva asingakudewo ah . Flavian : Pride amana chiiko you are not helping at all .Infact you are adding salt pawound . Pride: Amana ndotozviziva kuti makandimakira chokwadi . Ian wake up uroorewo sesu endawo kumapisotori uko uchibatsirwa kwete kusungirirwa mupentecoast menyu umo . Fine enda naro bby paden but what if history repeat itself . Bby roenda futi unoita sei . Me: Ummm i cant take it Him: You see if i were you vabereki vangu vaizoona ndatoroora kudhara . Nyangwe vakachada kudii zvinenge zvisingachabetseri . Unogona kungoitwa murume wezvinhu . Flavian : Iwe its not like that the thing is vari kuda kutsvagira vana vavo vakadzi . Pride: Kwaaa this time arranged marriage shaar hazviko izvo . Ukaona ukangobvuma arranged marriage yavo iyo wotoziva kuti watove musame category nablaz vako . Mukadzi iyeye anoku controller kunge ane remote . If they are ok nezvinoita maiguru vako kutonga musha wese . Chii chinotadzisa kuti wavari kutsvaga adaro . Apo pakutsvagirwa ramba mira newaunoda iwewe . Saka ivo ninez vati chii panyaya yema intro . Me: Handisati ndataura naye. Flavian: You see kuverengera zvakunoita ipapa anobva afona womuudza . Tisangoshoore vabereki vake Ian naye uyu haana rudo uyu . Mabby anoda kuratidzwa rudo chibaba . Nyangwe waroora chaiko vanoda kuratidzwa rudo ava , vanoda kuitirwa tuma surprise , communication chaiyo inodiwa parelationship . Pride ipapo udzawo mfana uyu haafoneri bby bby ndiro rinotoisa effort yekuti afone zviriko hre izvi . Flavian: Hazvisi normal ndicho chokwadi mface wangu ukutoda makanika ambokukanika ndochokwadi . My friend tora foni ufonere bby . Iko tinoda kumboonawo bby rako chibaba tongorizivira pafoni . Ndakatora phone ndikamufonera ndichimuudza zvekuma intro amana unonatsonzwa kuti ndiri kutaura nebby kasweet voice kacho . Akabvuma asi matauriro aakaita aingopindura zvawataura . Hana yangu yakarova ndanga ndava kutya kuti bby rinogona ratoita fade up neni . Flavian: Uri kuona hucool huna mainino uho hah unochema iwe enda iwewe uende nebby kushopping umbono muspoiler usati waenda naye kumba kwenyu . Be romantic kana uchida mabby aya . Me: Yah ndazvinzwa udza gulecy vachiuya nesadza uko takunzwa nzara woti imi kana motaura hamuna mabrakes . Pride: Zidzoro wava saturated nema advice edu waakutaura nyobvo . Newewo Fidza mukadzi wako achanyimawo iwe aah chinguri haatauri nei kuti apedza kubika . Type yake ndeyekuti takarindira sadza pamwe risina kutombobikwa . Him: Hah shaar wangu haadaro ano respecter privacy yevanhurume haangopesuki pesuki pamberi pevanhurume asiyana newako ingadai atori pano totaurirana nhunha dzedu pachirume sei . Ndakaseka vakomana vacho vaiudzana chokwadi chaicho. Ndakanzwa Pride akuti ..... Him: But haunyepi ipapo ndoita sei amana munhu azive muganhu . Flavian anga amira achida kuenda akabva adzoka akagara pasi ndikabva ndamuti ..... Me: ummm chibaba vamwe hatjna vakadzi tine nzara imboenda kusadza wozodzoka toivhiya ipapo ndipo patakadanwa tikadaira . Pride: Haiwa vana Ian munoziveiko usina kana experience yacho . Kurara nemukadzi hakusi iko kuroora nekugara naye mface wangu . Vari kunze uko vanenge vachiteerera zvokuti unoti ndazviwanira anoziratidza matrue colours ake ava mumba . Eee chibaba endai munouya nesadza tione kuti haanyimi hre. Akaenda Flaavian mumba akanoti nyaa arimo Pride akasara achiseka hanzi..... Him: ndambokuudza anonyimisa mukadzi waFlavian izvozvi ari kubika so . Kunyima nesadza chairo ndomuziva ndosaka ndamboita madoubts ekuuya kuno wangu anofarira hake kuuya pane vanhurume ndoweakness yakewo iyoyo but kunyima haanyime . WaFidza anonyima chaiko ndakamuona kare . Me: Pakaipa saka but audzw ndichinzwa . Him: Aaa uchazvionawo wapinda mumarriage chibaba pakadai ungatadza kuita girl friend iwe uchinyima uchishura waenda kuya wanei hama dzako nenafriends zvinobatwa zvakanaka . Ko mumba macho wapinda hre hah chapest yemukadzi . Me: Chirega kudaro chibaba anozopanduka akaita zvema girl friends unomuudza maadvice maybe kuti ambomuendesa kunana tete and staff kwete kudissana zvamuri kuita izvo . Akabva auya Pride akabva aseka achiti ... Him: zvaendwa ka ndakuudza chibaba Me: Pakaipa wangu hah zvobhowa but sometimes unombofunga kurova chaiko. Ndakatoona kuti vakomana ava vaitovawo nemaproblems mudzimba dzavo umwe neumwe . Saka hapana anga asina zvake akabvisa humwe usavi ndokunopa mukadzi wake kuti adyewo isu tikarirova pamwechete tichiita nyaya . Takazopanana maadvice ndokuparadzana toenda kudzimba dzedu . Ndakaita 2 days zuva randaida kunotora bby ndakanomutora. Akatoshamisika kuona imi ndainzwa kumuda munhu wacho kwete kungomuda chete but nenyama dzangu dzakatoreacter pandakamuona . Hameno zvazvakangoita pandakamuona asi ndakanatsonzwa kuti i am relieved . Ndichiti ndikatarisa bby wangu so ndainzwa ndichida kuva naye so . Ndikarangarira mashoko eboys ndinobva ndaona sekuti bby wangu akuda kundisiya . Takaenda tese tikadzoka tomhanya mhanya ndokuenda kumba . Ndakademba kuti dai ndakateerera advice yaPride ndisina kumboenda naye kumba . Ndaimutarisa so Nilsa ndichiona ari calm hake Ndakaenda naye straight ndiine pfungwa dzekuda kutobat munhu but husoft hwake nekutaura akadzikamira kundiudza kuti anondida no matter what . Kundiudza kuti vabereki vangu vatokutidzira moto werudo kwaari . I felt ay easy ndakamuperekedza kumba kwavo ndikadzoka kuden . Ndakafonera vana Flavian ndichivabatisa zvanga zvaitika vakati tosangana mangwana tese hapana aienda kubasa . Rwendo rwuno vaiuya kuden kwangu. Ndakadya chikafu chandabga ndanzi ndigidziisa. Ndokuenda zvangu kunorara . The following day ndakanonoka kumuka ndakatomutswa nevakomana vanga vauya . Ndakavavhurira vakapinda ndikavasiya ndichombonogeza ndakadzoka mumba motonhuwirira vachibika vakomana . Ndakanogara ndikanzwa vave kuti ...... *Stay tuned* [01/12, 12:13] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *TWO PERSONS IN ONE PERSON* 😳😳😳 *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 14* *King* Ndakanzwa vachikanuka vakatarisa mukati zvakandipa kuti ndinotarisawo. Ndaona bhotoro riya rine mutswi . Vakanditarisa vachinditi ndinotora rimwe bhotoro ndakamhanya ndikanouya nerimwe . Vakabva vavhura ndokubatanidza miromo yemabhotora waitokaona kaTanaka kari kadiki diki kachingosimudza zvioko Vakabva varivhara vachibva vanditarisa vakadzungudza musoro . Ndokumbonyarara zvavo ndokunditi ..... Him: Mweya wemunhu uyu wakaoma ane shungu dzakawandisa hazvisati zvamboitika izvozvo anga achirwa nekutoti abude . Me: Saka iri haachariputsi futu hre . Him: Hah zvatopera chisiira inini zvese ndaakuda kushandisa nweya wake ndiri kuds kuti ararame futi panyika ane imwe body . Me: munozvifambisa sei ko kana akazonoudza vabereki vangu zvese . Him: Dont worry about that ndinozvisota mweya iyoyi ndiyo yandinoshandisa kuporofita vanhu . Mweya iyi inotoona vanhu vasati vauya pandinongoti fire vanhu vachiwa haasi mademon aya but thesr spirits do the magic . Ndikuda kuti spirit yake iroorwe nemwana wangu mukomana mudiki ukaona ndikadaro ava 2 maspirits hah ndinoenda nenyika kana kutoti beyond our country kuita mukurumbira fanike Osama . Ndakashaya kuti vaitaura zvekuporofita anu futi ndakavatarisa ndichiratidza kupererwa nokuti zvavaitaura ndaisazvinzwisa . Him: King mfana dont worry everything is under control . Unoti ndini ndisingaendiwo pamission hre ndinotobata basa hombe kudarika ramunobata imi . Yah ndaakuenda enjoy the excess money . Ndakaita sign yataiita vachibva vabuda ndikavabudisa kuenda kumota kwavo nechicoffin chavo . Hameno kuti vainozvifambisa sei ikoko ini ndaisava nebasa nazvo chandaida mufaro wangu nemari dzangu . Handidi kurarama a stressfull life . Kana akaiswa mucage bhoo anonyanya kuda kuvhaira Tanaka wacho kuita sekuti ndiye atanga kufa ega ipapa vamwe vakangozorora wani vakaurawa ko iye zvake zvakoshei . Ndakatofara kuti zvandibva . Takaonekana vakabudisa mota yavo ini ndichitevera kuti ndinovhara gate rangu . Vakabva vavhura window vabuda gate vachibva vati ...m. Him:Siyana nemusikana uya nyangwe uchimuda zvakaita sei . Me: Pakanaka i am over her . Kwaingova kutaura zvako but ndaitonzwa magetsi chaiwo ndamuona. Chete kungoti kwaanotambira ndanga ndisingachaendiko saka kumuona kwacho kwaitonetsa . Ndaitofana kumurega achienda hake kunyangwe ndichimudisa . Ndakavhara gate rangu ndikamita pagate ndakaisa maoko muhomwe . Ndichiona zimansion rangu ndikazviudza kuti ndiko kurarama life uku . Chaizondirwadza ndechekuti ndiri zimugarandega . No sibling , no serious relationship . Nyangwe dai ndaroora mukadzi wacho aitozondiquestioner kuti hama dzangu dziri kupi ikazoita nyaya . Chakandifadza ndechekuti ndakatombovapa mari yakawanda vaitozobatsirika kunyangwe yaiva yekuzorodza pfungwa dzavo vasafunge zvekufamba izvi . Ndakafamba zvangu ndokuenda mumba ndakapinda mubar ndokugara pacounter pamachairs ndikatanga kumwa wine . Ndainzwa kuda bby day iri ndaingoda bby rekuti nditambe naro for that night . Ndanga ndava netime ndichirara nemunhu ndiri in form of a dog . Pamwe pacho ndaitomboshuvira kunzwa kuti yembwa inoita sei . Ndakange ndakatenga imbwa yangu nhukadzi apa yanga yapfumvura ndakazviudza kuti its now the time yekuti ndichinoishanda . Ndakabva ndatosimuka ndokunochinja ndikaita imbwa ndikanyangarika ndikanobudira mayaive . Imbwa yaipenga zvayo iyoyo takarumana imomo zvekutondipa vanga . Asi yakapedzisira yati roto ndikangoisebeda . Ndakatoona kuti kwembwa hakuna dhiri plus hazvinatsofaya saka ndakachinja zvangu ndikatoona kuti zemo rangu harina kupera . Ndakabuda ndokuenda kugirls dzekuma avenues . Ndakasvika ndika catcher one raiva nebody language vakuru chaivo . Ndakaenda naye kuden ndakanomushandira kusvika ave kucomplainer . Apa ndichinzwa kuda kuramba ndichiita zvekuti mari yangu iendere mahara ndanga ndisingadi . Ndakashandira mwana big time ndichingoramba ndiri hard zvokuti neni muridzi wacho ndakatoshaiwa kuti ko chava chii futi . Musikana akambozama kuhardira asi akaoedzisira ati anoda mari yepaashanda aende . Ndakaridza tsamwa ndaakuda kumupa ndakabva ndafonerwa naMaster nguva idzodzo ndakamuti amire ndakadaira call yavo ndikanzwa vachiti ..... Him: new mission zvatotangira pane iyeye mupe mazimari aende uchaona zvaichaita kwauri zvekuchinja kuva imbwa zvapera wava pane chimwe chidanho . Amana ndakadhinhiwa ini hakuchina zve raw meat hre . Hakuchina zvekunakirwa nevanhukadzi ndiri imbwa . Chete kungoti zvemishonga nazvo zvinonakawo sei . Ipapa ndanzwa parere moyo nehure irori . Ko sei Master vati ndimupe mari yakawanda yanga iri mission yei yatanga iyi . Ndakasara ndikarara hope chaidzo kurara zvokutoenda semunhu anga ashanda zvisiri normal . Ndakamuka zuva ratokwira Master vakandisheedza kumba kwavo . Ndanga ndisati ndambosvika kumba kwavo . I felt kuva honoured ndakanatsogeza ndokupfeka mucheno wangu ndichibva ndaenda kumba Kwavo . Ndakasvika varipo zvavo paden pavo hah ndaiti yangu imansion asi ndakaona kuti mwana pane imba iyi . Ndakatambirwa ndikatungamirirwa kuenda kwavaiva vanenge vaitova nebodyguards . Ndakasvika ndikanogara ndikazoona vouya vakanditarisa vaiva nevanga raiva padama panga pakakuzvuka kuti dhomo chaiko. Ndakavatarisa vakabva vakabva vagara pasi wainatsoona kuti mukuru vakaremerwa . Ko isu taitova natrusted servants avo ka saka vanga vaakupota vachitiudza nyaya dzavo . Vakanditarisa ndichibva ndatotanga kutaura ndirini . Me: Ko padama makaita sei nhai Master . Him: Ndosaka ndatokudana pano pane zviri kuitika . Spirit iya yasisi vako yaakunetsa kuds munhurume asi mukomana wangu ari kurambisa kuiroora Ndakambonyarara ndichifunga kuti saka inini vaida kuti ndiiroore hre zvavati mwana wavo ari kuramba kuroora . Hell no handingaroori ghost ndiri loyal kwavaru but apa ndinodzungudza musoro handingaroori ghost.. Him: munhu akamira munzira yacho musikana uya can you imagine ari kudanana nemwana wangu . Ndazama kuti vakonane zvaramba ndiko kwandabva nevanga iri . Saka ndanga ndichiti kana une mapic awakatorwa naye chero muchibatana chero waka graber ndipe hero ndipe mwana wangu . Me: Hah munhu iyeye Master she is not like vamwe vasikana vaunongoita yese yese . She is well reserved kana zvanga zvisiri zvecult ndiye munhu anoita kuroora manje . Kungoti ane masimba ari powerfull chete ..... Him: Enough of the compliments that girl is full of shit as long aroorwa nemwana wangu then we are doomed . As we are speaking she already see that mukadzi wemukomana wangu mukuri is not a human being . What is akada kumusungura she is dangerous to us so lets try our best to seperate her from my boy . Me: Handina kana picture rimwe chete randakatorwa ndiinaya ndingori nemapic ake ari one . Him: Ndatoona kuti iwewe ndiwe wakangwara ndiwe watichashandisa kuti uvaparadzanise . Unofana kutoenda kunofinhura Ian asiyane naye . Me: Upi Master kutoenda pedo naye anotondifumura ndikanyara akanatsondiudza kutu if you dare try to cross my path ndichakuratidza gwara . Ndiri kutomutyawo . Tingagona kushandisa mumwe munhu kuti amunyenge tichituma munhu kutora mapic tichipa mwana wenyu . Ko kana anetsa matadza hre kuita action even if it means to eliminate her. Him: how asi team vamuuraye kani. But handisi kufana kuteura ropa again. Ndiri kuda kuti ndimbomufacer ndiwedzere mapowers ndosaka ndakachinja zvataiita kudhara ndichipinda nenew strategy . Ndakatoshaya kuti Nilsa akamboita sei chaizvo . Tichitaura kudaro takanzwa ruzha kugate kunotarisa ikoko kudai wanei kune munhu airambidzwa kupinda iye achida kupinda zvenharo . Mastet vakati muregei apinde takaramba takatarisa ndokuona aikaka zvaari muchembere akapfeka hovhorosi yeorange akasungira maoko ayo muchiuno takatarisana akasvika patanga tiri akafamba achititenderera Master vakatsamwa vachibva vati....... *Mai Nini* Ndainzwa hasha dzokuti Nadas ndaigona kumurova . Musikana wacho airehwa ndakabva ndamubata nematauriro akaita mai . Kungoti mai vaisada kuti vazukuru vavo varohwe ndosaka ndakanyarara . Avawo baba vacho vaakunditi taura nemwana wako . Ko mbuya ivavo vaiziikamwa nenyata yekupa vanhu mipfuhwira . Zvino zvavanga voda kupa iye Nadas svava iyoyi hantie kuda kuzvisungirira pamwana wangu. Ndakati regai vatange vaenda tigosara toratidzana nzira . Mai madiro avaiita dhorobha akaita kuti ndive nequestion mark seipapa vakati ...... Him: Tikuenda nhasi ka kana muchiona kuti hamusi kuenda nhasi ndipei mari yebus ndiende nokuti ndinofana kuti ndiende nhasi chaiye . Baba Nini: Kunombori neiko nhai mhai handiti kuenda kuenda hre. Her: And zvakaoma zvandava pakati asi Nini first . Iwe Heneri ndiri kuda kuenda kuna Nini. Iwe mai Nini pano hapafani kurara munhu asiri wepano ndapedza nemi kana mukangobvuma chete motoziva kuti zvaendwa. Vakabva vatofamba kuenda kunogara mumota . Baba Nilsa takabva tatoonekana ndokuenda zvavo . Vakomana vanga vabuda hameno kwaibviwa . Vakasvika Nadas akangosvava svava ndikabvunza Nathan kuti chii akat ari kurwara. Ndakamusiya zvangu ndaida kuona kuti acharwara kusvika riini . Takagara hedu nevana vangu pamwe pacho ndomborara nhumbu yaindirarisa zvayo iyoyo . Ndakamuka zuva ratovira Nathan otobika ndakabuda panze ndokuona vanhu vakagara pachivanze . Ndakashaya kuti zvadii. Ndikaenda pavanga vari ndokuona vari vana ........ *Stay tuned* *TO BE ONSALE FROM CHAPTER 16* Vanonzwa vakasunguka kuti tipendere rungano urwu maakufana kubatsirawo munyori wenyu nemari shoma shoma kuti tiendereremberi naro . Vamwe vakatobatira nzvimbo kudhara saka musasara . Nzira dzekubhadhara ndedzinotevera. *Zim* 1. $1,50 Eccocash 2. 10000 rtgs eccocash 3. $2 dollars airtime buddie 4 . 12 000 rtgs airtime buddie . *SA* *30 Rand all networks airtime moisa pa0027749711180 . Nevese vanobhadhara nebank or mukuru moisa panumber idzodzo.* *Zimside zita rinobuda ndi A Katsande* *Musakanganwa kuunza proof of payment kuwhatsapp* *Number dzemunyori wenyu ndidzodzi 0778863031 ndipo pamunounzira maproof of payment enyu* ‼️‼️‼️ *hurry hurry tifambe naye Nilsa*‼️‼️‼️‼️ [01/13, 11:51] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *TWO PERSONS IN ONE PERSON* 😳😳😳 *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 15* *Nilsa* Ndakatarisa mudenga ndikati mashura ndanga ndateverwa neteam baba namai vaIan . Ndakasekera mumoyo ndikafunga mashoko ambuya vachinditi usafa wakatyiswa nevanhu vakadai nokuti hapana zvavanokuita . Handina kana kuvhunduka ndakatonatsogara zvakanaka kuti ndione kuti vaenzi vanga vandivinga ava vanga vavingei zvavo . Ndakanzwa mai vacho vari kuti ..... Her: Siyana nemwana wangu i know whats best for my son . Saka siyana naye . I have come to warn you . Me: Mungatoudza mwana wenyu izvozvo kwete inini . Caz pamwana wenyu handisi kuzomusiya nokukasira unless iye atondisiya . You know whats best for you pakurooresa vana venyu zvipoko muchitovada hre vana venyu kana kuti . Because of your self intrest vana vari kupika jeri vari vapenyu nxu nxu nxu not my Ian never neniwi i am warning you siyanai nezvamuri kuda kuita paari caz if you do nxi nxi nxi . Vakatarisana murume nomukadzi ndakatoziva kuti vaifunga kuti ndinotya vakaerekana vanyuka kutouya nezimhepo ravo . Ndakaramba ndakavatarisa ndichibva ndati .... Me: surprise nhai do you think spirit yamuri kushandisa ndeyemwana wenyu musikana wamaida kuuraya . Endai munobvunza vamakatuma kuti vakauraya iye she knows everything out there and she will come back to you wicked people . Ndakaseka ndega musikana wandaiona haazi wedzinza ravo zvachosr anotodawo revenge but ari kukundikana caz she is caged . Makuva avo ariko kuholy ground kwavanoenda sometimes vachiti vari kunonamata . I Wonder why that spirit yaiappear neface yemwana wavo kwavari ivo sei vasina kuzviona zvavanoti vanoona zvese . Baba vacho vakabva vati Him: Since you know much about myself i am going to silence you forever and today is the day saka meet your ancestors young girl . Vakada kunditendekera chitsvimbo chavaiva vakabata chidiki . Ndakabva ndavhara kumeso kwangu ndichiti ndaakutofa ka ndakazoona vanhu vese vandorovera kumadziro vakadonha pasi nesimba . Murume wacho akasimuka akuvara dama mukadzi wacho anga achiyuwira akabata ruoko.. Me: You see dont try me i am going to untie those spirits and you will suffer . Live my Ian alone you might give birth to him but i will spend the rest of our lives with him . Vakasimuka vakabva vabatana maoko vachibva vanyangarika ndakasara ndikaseka ndega. Ndakatarisa bracelet racho ndikabva ndatenda mbuya vangu dai vasivo ndaiita zvokudii nhai . Inini paiita zvese ndainatsonzwa kusundwa kutaura zvese izvozvo its not like ndaitaura nokuda . Ndakabva ndaenda kunogeza ndokudzoka ndovhura lunch box yechikafu chandanga ndauya kubva kumba kwaIan ndakadya ndanga ndanatsobika zvakanaka pfungwa nemoyo zviri pamwechete kuimpresser mface ka . Ndakanzwa knock padoor ndikabva ndabuda ndichidya ndokuona vari vaya mai . Ndakagara pasi padoor step . Me: Maswera sei .. Her: Taswera wadzoka nguvai ko baba vako vakanzwa kuti ndizvo zvauri kuita vasipo vanofara hre nhai Nilsa . Me Zvandiri kuita zvei nhai aunt . Her: Kuunza mukomana pano kudzoka usiku . Me: aunt the thing is you poke your nose in other people business . Mwana wenyu izvozvi asvika pamba hre . She is out there kuma avenues but here you are preaching to me . Inini mukomana wamakaona vatete vangu , mbuya vangu vanomuziva saka handisi kuziva kuti problem yenyu iri papi . Plus mamuona pano hre . Kana kuti mamuona kugate . Her: Aaa hoo ndanga ndangoti pamwe havazvizivi . Rega ndiende . Vakabva vaenda ndakasara ndikazviudza kuti i might sound harsh on her but munhu ngaazive nzvimbo yake . Ndakagara ipapo ndikapedza kudya ndiri ipapo . Ndakagara ipapo ndikapedza kudya ndiri ipapo ndokusimuka ndoenda mumba ndikalocker madoors angu ndakawana phone yangu ine mamissed call aIan . Ndakatora phone yangu i call him back akabva acutter akafona ari iye . 📱 Hello bby 📱 sei sei dady 📱 ko kusadaira phone bp yangu yanga yaakutosimuka . 📱 kufunga hako zvisina basa handikusiyi honey wasara boe hre . 📱 Kungofunga chete hantie waramba kurara kuno ivo mdara hantie havapo hre . 📱 ndichirara ikoko ndichiitei zvangu kana waakuda kuti ndirare ikoko you know what to do . 📱 Are you serious Nilsa i am ready even now . Togona kufambira nyaya dzacho . 📱 Tamba hangu iwe rega ndimbodzidza 2 years left . Akangoseka haana kudaira pa2 years akabva atotaura dzimwe nyaya achiti ndigotsvaga day randaizove free tigoenda kwatete vangu . Ndakabvumira ndaizovafonera tete ndovaudza tete vaisanetsa zvavo. Ndakakacutter ndichibva ndaenda kunorara ndakasvika ndikanamata ndokurara . Ndakatomuka zuva rakwira ndikaenda mubedroom madad ndokunotora hembe dzanga dzakasviba nedzangu ndikanosocker panze . Ndakadzokera mukati ndichinotora dzangu ndokudzoka ndikagadzira mubedroom mavo nemba yese . Ndakachizoenda kunowacha mumba mangu machena . Ndaiita basa rangu ndichiimba . Ndakapedza ndava kunzwz nzara ndakapinda mumba ndikageza Ndakachinja ndichibva ndabika ndikadya ndakanotarisa phone yandanga ndabairira pacharge kana yanga yazara . Ndakanoona ichotori nemamissed call adad vangu . Ndakavabhipa vakabva vafona . 📱 Nilsa bika chikafu chakawanda tosvika manje manje ndikuuya nambuya vako ava . Vari kuramba kuti timise mota . 📱 Yeees mukuuya nambuya ok ok chiregai ndibike . 📱 ava vari kuda kutaura newe . 📱 ok Queen Elizabeth hello . 📱 Hess Nini une nyaya neni handiti nemibvunzo yakawanda . 📱 Zvisingaiti magona mauya mbuya . 📱 Mwana wababa ndiri munzira bika gobvu rinenge dete waibata nyaya yacho hantie . 📱 Ndaibata mbuya Ndakaseka vachibva vacutter zvambuya ukabika sadza dete uru kwambuya wainzi handidyi ukabika gobvu wainzi handidyi ukazobvunza kuti saka munoda rakaita sei vaikuudz kuti gobvu rinenge dete vachireva medium . Ndakati ndaitozobika vapinda mutown . Ndakabika muriwo chete ndikaisa paside dad vakataurawo vakati vasvika mutown ndipo pandakabika sadza vakasvika ndichangopedza ndakabuda ndichimhanya kunombundira mbuya . Vanga vauya good time ndaiva nezvakawanda zvandaida kubvunza nekuvaudza . Ndakabuda ndichinomhanyira vakati ndaakusvika .... Her: Ndatosunga netsinga dzose dzekuchikungaduzvi caz ndokuziva kuti unogona kutondiurukira ipapa . Ndakaseka ndichibva ndavarova maoko dad vakangoseka vachindikandira makeys emota yavo vachiti ndigotora zviri mumota . Ndakambundira mbuya ndichibva ndavakwazisa .... Her: Mangwenya wangu ndati rega ndimhanye chihande unondipa chikafu ndidye moyo wangu wanga wave kuno . Ndatonetsana naivo bambo vako voda zvekuti timbokona . Ndakatakura bag ravo ndokubata chimwe chisaga chaivamo . Ndakaenda navo mumba ndikanoisa kubedroom ndiko kwandanoisa bag ravo muroom mangu . Ndakadzoka vagara ndichibva ndavapa chikafu ndokunotora zvanga zvasara mumota ndokuzouya kugara pasi nambuya vanga vave kupedzisa kudya . Vapedza ndakarongedza ndokubva mbuya vati tinogara panzd kushade . Takanogara ikoko ndikanzwa vave kuti .... Her: Saka ari sei iye mukomana wako munaku uyu. Me: Asi ndine umwe hre ingoti mukomana wako chete . Her: Iwe watozvinzwa usada kungwara ngwara sehuku yanyengwa . Me; Ok mbuya ari boe . Her: Mukazodii paya usamirira kuti ndikubvunze . Ndakavarondera zvese zvakaitika vakanyarara vakaunyanisa chiso vakabva vati ...... Her: Mwana wababa mwana waani iyeye anotambwa iyoyo . Mangwana kuchiedza tiri kuendako hantie unokuziva kumba kwavo Me; Ehe ndokuziva mbuya Her: Mangana kuchikoro kwako kwakamira sei unoenda nguvai . Me: Ndinoenda masikati saja ndokuperekedzau makuseni . Him: mbuya ndakaona vanhu vaviri mumunhu one . Asi zvakazondijekera kuti chipoko chiri kushandiswa nevabereki vaIan . Her: hah wapasa iwe saka ndafirei kuuya kuno . But tiri kuda kuita tsoro yekuti tisungure mweya yevafi avo nguruve izvikange nemafuta ayo yega . Me: Yah hapana zvavanotiita mbuya vana vadiki . Takagara tichiita nyaya dzakasiyana siyana nambuya . Kusvika ravira zuva . Takanobika ivo vakagara zvavo takadya ndokunogara pasi ndakazonzwa mbuya vave kuti ..... Her: Ndava kuda kukudzidzusz zvimwe wakura iwe . Asi ndakudzidzisa handina kuti chiinda unopractiser . Tete vako pane zvavakandiudza saka ndinofana kuti ndigokudzidzisa nguva ichipo . Ndakangobvumira zvambuya hre hameno chii changa chafungwa . Ndakadisher chikafu ndokupa vanhu tikadya . Ndokurara ndasuka ndiro . Ndakamukira ndikagadzira mumba ndikabva ndakabika . Mdara vakauya vakadya ndokuenda zvavo kubasa kwavo . Mbuya vakamuka ndikavati vageze . Vapedza ndavati vazodya chikafu chandaisa patable ndichiendawo kunogeza ndakachinja ndakaseka ndichiona mbuya vakapfeka hovhorosi .... Me: Mbuya ko ndoipi iyi . Her: Iyoyi yauri kuona tora makey ababa vako emota tiende hatisi pakutamba handikwiri public transport inini Queen Elizabeth . Zvambuya hre ndakanotora makey emota ndikachecker kuti mune fuel hre ndikaona irimo tichibva taenda nambuya vangu ndakanomira pagate mbuya vakati sara muno vaida kupinda vega . Ndakasara asi ndaitoziva kuti mbuya vainoita drama imomo . Moyo waida kunoona asi vakanditi ndisabuda . Ndaivaona zvangu vachinetsana nemaguard pamukova wegate vakapinda mukati . Mainzwika kuti maitaurwa imomo caz gogo kana votaura havatauriri pasi . Ndakanzwa umwe aiva pagate ave kuti ...... *Stay tuned* *Book redu rava pasale huyai tisangane kusub grp . Vari kuda kufambirana nevamwe nzira dzekubhadhara ndidzodzi .....* *Zim* $1,50 eccocash 50 zig eccocash Kana airtime 50 zig kana ye$2 buddie . *Mari zvese neairtime munoisa pa0778863031 zita rinobuda A Katsande.* *Maproof of payment enyu munoisa panumber idzodzi zvekare .* *Vari SA munoisa 30 Rand all networks airtime pa0027749711180* *NB : book redu rinouya neboom story* *Richatanga kuuya neChina kune vari kuSub grp*
❤️ 😂 👍 🙏 🤣 9

Comments