Ancy Cays Novels
May 23, 2025 at 12:27 PM
[02/08, 12:59] Achihoro Ancy Cayz: https://chat.whatsapp.com/GYkIwd5QT0HJhbLjb9qQ8y *LOVE AND DESTINY* 💞💞💞💞💞💞💞💞💞 *Story by Ancillar Katsande* *Book number 34* *0778863031* *Chapter 13* *Kendra* Ndainatsozvinzwisisa kuti aroverwa mahara Puro . Dai aivada maiguru vake ingadai akatorara navo kare. Nehunhu hwavo ndaida kutombovaonawo chaiko . Vairatidza kuti vane moto chaiwo . Paakafona Puro akati hapana chaitika not knowing kuti mukoma wake vanga vataura kuti amurova . Ndakafara chose kuti taizoenda naye kumusha . Day rekuenda akatipa madirection . Mai vangu vakabva vauya ndokutiti..... Her: zvamurimi ndiwane huku dzangu dzafa ikoko . Munocleaner madzinomwira mvura nemuzvirugwi zvacho tanzwanana hre . Sisi Kisha : ehoi mhamha regai tichienda . Toonana mauya . Takapinda munzira kunotora Puro . Aiva kwasekuru vake aish mbuya vake kuda kuziva ziva vakatiisa pacorner kusvika sisi Kisha vataura kuti ndini musikana waPuro . Hayas chinzwa unzwe kutaura kwacho vairatidza kufara chose . Ndaimuda Puro akazobuda akachena akanatso kugerwa zvakanaka . Kuita kubuda ummm hayas ndainatsozvinzwa kuti ndakazvibatira Takaoneka ndokuenda taitaura nyaya ndakamubvunza futi yamaiguru vake haana kuda kutaura nezvayo akangoitsikatsika . Ndakamutarisa zvangu kutoyeverwa naye akasekerera zvake ndokunditi ..... Him: ukunditarisirei kudaro . Me: Puro unomboziva zvauri handidi munhu pauri hako . Her: chiiko nhasi bby hapana munhu anonditora ndiri wako kusvika wanetawo neni asi ini handineti kukuda bby . Ndototyira iwewe . Tarisa kuno tione wakanaka bby nofunga ndichazvarirwa mbama dzega dzega . Ndakaseka hangu hameno zvaaindiitisa munhu uyu . Takafamba tikanodarikira kuenda kumba . Kwavo ndakarwadziwa pandakanzwa mai vake vachiti ndozviziva ndiye akakuvinga akashama ukakundikana mwana wangu . Ndakazvibatanidza ndikaona kuti ndosaka aindivhara vhara izvo aiziva kuti akarara namaiguru vake . Ndizvo zvaakaroverwa namukoma wake . Ndakainyora messege ndakatsamwa . ... ✉️ Puro ndaikuda nanhasi ndinokuda nemoyo wese asi better tisiyane hedu caz i cant take it munhu anorara namaiguru . Ini hangu handingazvigoni puri ndinotenda nepatasvika ipapa . Ndakabva ndaiendesa ndanga ndiri zii all the way kusvika kumba . I was expecting kuti achapindura but kana hake . Kutondiita benzi it seems ndini ndanga ndakanyura murudo ndega . Ndakaburuka mumota tasvika kumba ndaitonzwa kupera simba chaiko. Sisi Kisha: home sweet home waal . Ko iwewe hindava kuita low low kudai . Zvataurika ndazvinzwa asi dont rush into conclusion you have to discuss naye Puro. Me: ummmm amana kana sisi ndatosaina mapaper chaiko . Ndatomuramba ini . Her: ( achiseka) usazvinyengera kana wamuramba saka wakasuwei ipapo . Unomuda Puro iwe asi kuti wamhanya waifana kunzwa his side of the story first . Me: zvatoitika but haasi kupindura messege yacho ango blue ticker atleast dai ataura something . Zvino kunyarara ndokuita sei. Ndaidanana ndega sisi Puro anodiwa nevasikana vakawanda sisi and haatonyengereri hake Sisi vangu vakaseka havo vachindiudza kuti mune speed mainini . Ndakasara zvangu ndikazoshingirira kupinda mumba . Ndairwadziwa ini ndokuenda zvangu kuroom yangu ndakasvika ndikambozorora . Ndakazomuka pava paya ndokutarisa phone yangu no messege from him . But anga achinja DP aisa pic rangu naye akandimbundira tiri mupark . Anga akaisa nastatus zvekare rimwe pic rangu akanyora muzasi kuti You were joking right. Rimwe tanga tiri 2 zvekare ndokunyora kuti ndiwe chete wakatora moyo wangu bby . I found myself smiling ko kusanyora messege Puro asandidaro . Ndakanobetsera sisi kugadzira muzvirugu zvehuku . Takagadzira pairara zvese ndokuzotanga kubika hedu . Kwaedza ndakamukira kutsvaira chivanze still no messege from him. Ndanga ndaakuda kumufonera ini asi nekuda kwepride ndakarega hangu . Kwakasvika masikati ndikafonerwa namhamha vachinditi vaizouya kana tichida kuenda kunotambira xmas kuHarare ivo vosara pamba pavo . Zvino ini ndaisada ndaida kutotambira kuno so ndakatoudza mhamha kuti vauye nehembe dzangu dzexmas . Sisi Kisha vaida kuenda kuHarare mface wavo aiuya achibva out of the country kwaaishandira . Ndakazviudza kuti endai ini wangu ari kuno . Puro aiita kuchinja chinja mapic angu achiisa pastatus but asingatauri neni . After 2 days ndakaona Tania kachiuya kaiva kamwana kepanext pedu . Kakasvika kakanditi ndaidiwa kutara . Ndakabva ndatomuti ..... Me: kutara ndinodiwa nani . Her: umwe mukomana akanaka naka so ariko kutara uko . Ndakaziva kuti hakuna mumwe ndiPuro . Ndanga nditori smart zvangu ndokubva ndaenda zvangu kustation . Kamoyo kaiita kufara chaiko ndaiti andifuratira . Ndakasvika akatomira hake ari pacall hameno waaitaura naye achiseka achimuti ..... 📱 unoti ndikunyepa hre ibby rangu iri. Vakataura zvimwe ndasvika akaseka hake achitaura akauya akandumbundira ini handina kuda kumumbundirawo apedza ndipo pakandiswededza paari ..... Him; chiiko bby hindava kutenser kudai asi hausi kuda kutaura neni hre ndidzokere kumba kwedu . Me: Puro hauna kupindura messege yangu . Him: waitorevesa here bby handina kumborara namaiguru ini ungatevedzera mhamha hre . Akandiratidza chat raaitaura namaiguru vake . Yoh ndakaona manenji chaiwo mai yanga yakaoma hayo iyi . Me: hah saka ukumachengeteri mapic nevideo iri huh . Me: ndakakuudza kuti handirare navo kana zvandikunda ndinouya kwauri bby . Ndakasekerera ndokuenda kundombundira munhu wangu takagara paya apa ndainzwa kuda kugara mumaoko asi iye aiti akandimbundira ondiregedza ndakabva ndamubvunza .. Me: ko chii Puro .... Him: Kendra unoziva ndiri munhurume ndinotori nema feelings ndogona kuzoita zvimwe zvandinozo regretter . Ndakamunzwisisa ndokugara zvangu tichiita nyaua . Ndakamuperekedza akuenda . Taakuparadzana akandibata ruoko ndokunditi ..... Him: Kendra usateedzera zvinotaurwa nevanhu kana pane chawanzwa chinodana ini ndibvunze bby not kumhanyira kundiramba . Ndakagutsurira musoro ndokubva taparadzana hedu . Days passed mhamha vakauya sisi Kisha vakaenda . Ndanga ndavigirwa madress akanakisa . Nematrousers ndokubva ndafara chose. Apa musi wa23 ndaida kushanyira Puro ndanga ndisina kutombomuudza . Ndakamuka ndikaudza mhamha kuti ndaida kunoona shamwari yangu . Ndakatonyepa ndokubva vati ndaenda zvangu . Ndakasimuka ndikaenda ndikanoburuka pastation yavo ndakatevedza road yemota . Ndakasangana neumwe mukomana wandakabvunza Puro kuti aiva kupi akanditi ari kumunda wake kwaari kuclear munda . Ndakaratidzwa kwaiva nemunda wacho . Ndakati ndafamba hangu ndaakusvika pamunda pacho . Ndakaona munhu aidongorera aiva munhukadzi . Ndakashaya kuti ari kudongorerei . Ndakaramba ndakamutarisa paakacheuka ndakaona kuti zvavari ......... *Precious* Kana mazogara mhamha vane bag redzungu chairo . Maonero andakazviita umwe wevasikana ava anenge aiva bby ramukoma Puro chete . Matarisaniro avaiitana akandiudza kuti there us something between them . Kana kuri kwekunzi musikana wake ayewa aitoda sando chaidzo caz kamusikana kanga kakanaka ikako . Vaenda ndakabva ndati ...... Me; hiii mhamha mato concluder mukaona kuti akarara namaiguru here apa manga maakutotaura zvimwe ko kana panga pane muroora ipopaye . Her: hah iwe Puro anganyenga vasikana vakanaka kudaro . Asi unenge une dama pane muroora wangu here paya Puro. Him: mhamha amana matondirambisa handina kumborara namaiguru ini mukoma vanitokunyeperai . Vaingoda havo kundirova haisi nyaya . Her: haiwa ndakamuudzisa Peter nxaa . Chikuru wauya mwana wangu tanga tanzwa nemukanwa Bonga takabva tadya huku yenyu Him: haisi nyaya mhamha huku dzakawanda idzi . Mhamha ndanga ndichifunga kuchishandisa munda wangu wandakapihwa namdara . Her: aah shandisa hakozve baba venyu vakabatira munda mukuru kuitira imi . Hameno kuti mukoma Puro vanga vafunga kuita sei . Chete kungoti munhu wacho aisapererwa zvake . Aiita zvinhu zvakawanda ipapa vanga vane mombe dzavo dzanga dzava nhatu . Vakangochinjisa makwai avo matatu ndokupihwa mombe . Ndiyo yanga yatobereka kaviri . Saka mombe dzavo dzanga dzava nhatu. Vakatanga kuenda kumunda ikoko vachinoswerako . Vana mukoma Peter nemukadzi wavo vakatouya mukoma Puro vari kumuda kwavo . Vakaburuka nemukadzi wavo mai vangu vanga vagere pasi . Vakasimuka vakamonera zambia ravo ndikanzwa vave kuti ..... *Stay tuned* [02/08, 12:59] Achihoro Ancy Cayz: https://chat.whatsapp.com/GYkIwd5QT0HJhbLjb9qQ8y *LOVE AND DESTINY* 💞💞💞💞💞💞💞💞💞 *Story by Ancillar Katsande* *Book number 34* *Last free chapter* *0778863031* *Chapter 15* *Mai Naty* Ndakabva ndapinda mumba macho ndanga ndisina kumbovhura masinhu andanga ndapihwa naSuzzy . Ndakapinda muimba yangu ndokunanga kubedroom . Ndikakiiya door rangu nemukati . Ndikagara pasi chaipo . Ndakavhura hand bag yangu ndokuona mune different types amwe aiva matablet imwe iri powder . Ndakabva ndafonera Suzzy . 📱 hello any news ndakaona murume wako ega ndikaziva kuti wasara . 📱 not yet nhasi ndipo pandiri kuda kutoita madeals acho . But ndikuona mune different types so i am wonderig ndezvipi zviri fast . 📱 ndakatoziva kuti unoomera kufunga use that pill isa mudrink or anything liquid akangomwa chete ukanonoka kuva paarea anogona kungobhinya chero imbwa chaiyo . Make sure kuti angomwa woonekera . Iro rawaida zvinotoda mava pakati perudo wombomupa ozora . 📱 yah thanks ndosaka uripo chirega ndiite madhiri angu . 📱 pari boe . Ndakabva ndaritora pill riya ndikaisa mudrink randaida kuti rizonopihwa bamunini Puro . Ndaisaenda ndirini ndaiziva ndikaenda ini vaigona kuramba kunodya ndakasiya mumba ndokubuda panze hangu door rangu ndakasiya ndakiya kuti tete Precious vasatombopinda . Vaigona kupinda vakamwa ndikazotambura navo voda munhurume. Ndakaisa makeys muhomwe ndakabuda ndikawana munhu akatogara hake . Hameno vaifunga kuti lunch yaibikwa nani . Ndakadhinhiwa asi semunhu ane zvaaida ndakangopinda mukitchen . Ndokuvesa moto . Gas ranga rapera ndakaenda mumba ndikanotora fish ndokubika . Hah idzo ndainatsogona kudzibika . Ndakaita dzekupisa ndokuisa kavegie paside Ndikabika sadza ndapedza ndakanotora drink ndikapa tete ravo ndaiitira kutivasazomwa rabamunini Puro munzira . Ndakamwa ranguwo tichiita nyaya ndakanzwa vave kuti ..... Me: maiguru ndipakurirei ndidye murongedze chikafu chamukoma Puro ndigonovasiira chikafu. Ndinoda kudarikira ndichienda kumba kweshamwari yangu mberi uko. Me: its ok tete regai ndiite sekudaro. Ndakaisa chikafu chabamunini Puro muma warmer . Ndokunotora drink ravo ndokuisa paside . Ndakabva ndapakura chedu ndokudya hedu . Yah apa ndanga ndabika apa . Mumoyo ndaiita kufara kuti nhasi vanondipa chete . Takapedza kudya hedu vakabva vageza geza . Ndokubva vatora zvinhu ndokuenda . Ndakasara ndikakiya madoor ese . Ndikatevera ndiri from a distant . Ndakavaona Tete vachisvika ndakavanda hangu . Apa chiona Bamunino Puro vanga vasina hembe yekumusoro hameno zvavaichera vakagara pasi. Ndakaona tete voisa chikafu pane umwe mumvuri. Vakabva vadarikira ndokuenda . Ivo Bamunini Puro vakaramba vachiita zvavaiita . Ndakabhowekana nokuti vaitoita sevainyumwa . Kana kumboenda kunodya chikafu chacho . Ndanga ndaakutopera Tariri ini ndipo pandakazoona vosimuka hameno zvavaiverenga . Vakabva vabva ikoko . Ndokuenda kunochera mvura patsime . Ndikaona vogeza maoko ndakafara kuti zvaakuita. Ndaingodongorera zvangu. Vakadya sadza ndichingoona hangu . Ndakaramba ndakamira paya pavanga vaakuvhura drink ndakanyemwerera zvangu . Pavakaida drink pamuromo ndakaona variti tsitsa paya ndaakuda kutobuda mugwenzi ndakasvotwa ndichiona umwe musikana i am sure ndiye wandaiona pamastatus avo . Ndakabhowekana ini ndakazviudza kuti kana vakasandiita better sinhi yacho iputike than kuti vaipe musikana iyeye . After all my effort sure vongops mumwe maya . Ndakabuda mugwenzi muya ndikafamba kuenda kuya ikoko kwavanga vari . Ndaitofambisa chaiko nokuti bamunini Puro zvinenge zvanga zvavabata ndakaona votobata bata musikana uya . Ndakasvotwa mukufunga kuti ndini ingadai ndichibatwa so . Ndakafambisa ndikasvika chisikana chacho chaitoshaya kuti zviri kufamba sei chaingoti . ...... Her: Ko chii nhai Puro zvaita seiko . Him: bby help me i dont trust drink randamwa . I need you bby . Ndakasvika ndikabva ndamira ndokuuchira maoko zvangu . Ndakatarisa chisikana chiya chaibatwa mazamo nabamunini Puro chichiramba ramba . . Chiona bhurugwa rabamunini Puro ranga raita kumira pamberi apo ndakabva ndati ..... Me: hezvo hezvo hamunyari hre ko iwe sure kubva kumba kwenyu uko kuuya kuzoda kubatwa batwa kudai . Puro: maiguru chii chamaisa mudrink umu . Me: hezvo chei nhai bamunini . Him: [vachitaura vachigomera] saka apa imi mavingei kuno . Ok ndokumbirawo muchienda henyu kumba . Me: ndichienda kunodii hangu . Her : zviripo zvamaisa mai imi sei manga muchidingorera hamunyari makaita sei chihure chiri pachena hamuna murume hre mavavarira Puro mukadaro nxaa . Ndakamutarisa ndichitoshaya kuti zvaari kutaura zviri kubvepi . Ndakada kumurova akabva anditi ..... Her: Ini ndinokudzoserai mai mwana Bamunini Puro vanga vaakungoti Kendra ...... iye achitoda zvemaoko neni . Ndakaona bamunini Puro vaakuratidza kuti zvaipa vanga vochema zvino . Ndakaenda pavanga vari vakatanga kundifukura . Chaipamama chete ndopihwa chiripo . Ko vanenge vasingachasarudzi ka . Ndakaona chisikama chiya chondisundira kwakadero uko ndichinoti kunja apa ndanga ndauya ndakagadzirira ndisina pant . Ndakaona icho chave kuenda pana bamunini Puro vakabva vachi...... ini ndoku........ *Precious* Ndakadanwa namai vabva kunogeza muroom mavo . Ndakasvika ndokubva naknocker . Vakanditi ndipinde ndakanogara pachair yaivamo ivo vaitopfeka ndakanzwa vave kuti ..... Her: ndikuda kuenda kuchurch iwe ndiwe uchasara uri ziso rangu pano . Mukadzi waPeter sudden chanje yake handina kuinzwisisa ini saka woonesa pachikafu apa anogona kungokuisirai mushonga mukafa . Kunyanya kuna Puro uko handimuchenesi . Me: ah mhamha mati vangaiteiko pamwe vari kutorevesa chaiko . Ndongosara ndichiona hangu sekutaura kwenyu . Me: kana kuti chitobika uri iwe mwanangu haufi . Zvamhamha veduwe ndini ndaingobika daily nenyaya yavo yekungotya zvisina basa . Ndakangobvumira asi mumoyo ndaitoti zvavasipo kudai ndotombozororawo . Ndakabuda ndokuenda kunogara panze ndaitofunga zvokuenda kwana Tendai ndaida kunotora book rangu remamotes eSience raanga akatora . Zvikoro zvisati zvavharwa . Ndaida kumboita go through zvangu paholiday kudai . Iko zvikoro zvanga zvasara nevhiki mbiri kuti zvichivhurwa . Vakabuda vachena chena mai vangu . Vapfeka wig yavo . Ndakabva ndavati ... Me: mhamha veduwe kubva mapurira mucheno kudaro sekuti murikuenda kuchurch service hre . Nyaradzo chete Her: hah iwe munhu ndewekungogara akachena isu vamwe zveutsvina tsvina hatidi . Inga unozviziva wani uite zvandakuudza . Makhoti wee ndoenda . Vakabva vabuda ndakasara ndikagara zvangu panze ndichitamba Candy and crush paphone yangu . Maiguru vakaenda muimba yavo ndokunoti nyaa vari imomo . Zvino kana vafunga kuti ndinobika vanozvinyepera ah everyday kungodya zvandabika vanoti ndini ndisisina ropawo hre . Ndakagara zvangu vakazobuda pava paya . Ndakaona vobika ndaingopota ndichichecker masetting zvangu . Ndakaona kuti hapana zvavaimboita kwaingova kufungirawo kwamhamha Takadya ndakaendesa chikafu . Mukoma Puro vaichera makomba nejereso . Me: mafunga kuisa fence kai Him: ehe ndinoda kuukomba hangu . Ndakatoraira munhu anouya paweekend ipapa kubva kumhiri . Me: hoo ko mari yacho makaiwanepi . Him: ari kuda mombe so anondivigira mabhobhiri matatu ebubbed wire saka ndoda kuti painouya ndinge ndatomisa matanda acho ndigoikaka . Wabikeiko . Me: sadza nehove regai ndimbonoona Tendai ndine book randiri kuda . Him: umuudze kuti haadi kuita muroora wako hre Tendai . Me: (ndichiseka) moda kumurovesa nechimusalad chenyu chiya . Him: aah anenge audzwa nani . Asi moda kumuudza kai hindava nemi tete . Me: ahh munotomuda zveserious hre ah munoda kuita vasikana vangani ..... Me: shamwari mukomana anoita mabby akawanda handisati ndaroora ka ini . Umunyengerere uuye naye kana uchitya kumuudza . Me: ah hoo ndaakuenda . Zvamukoma Puro amana ndizvo zvakashatira vakomana izvozvo . Unenge wakaperera uchiti uri wega izvo makawandisa . Ipapa chavaishora pachibby chavo chii . Tendai aisatombosvika pane musikana wavo tave kutaura zvekunaka . Ndosaka ndaisada hangu zvevakomana ini . Ndakavasiya ndikaenda ndichifambisa kwaisava kure zvako . Ndaitoziva kuti muromo mumwechete Tendai akangonyengwa namukoma Puro aibvuma caz aigara achivarumbidza chose . Ndakasvika aripo asi vaiita basa . Ndakabva ndamuti andipe book rangu . Ndokubva ndamuudza kuti mukoma vangu vanoda kukuona akaramba ramba nhema akazoti ndichavaona mangwana 6 ndichauya kumba kwenyu nhasi ndine basa Ndakabva ndatobvako zvangu . Ndokuuya kumba ndakasvika ndikati regai ndiende ndichinoudza mukoma Puro zvataurwa naTendai ndakafambisa ndaakusvika ndakamira ndichiona....... *Stay tuned* Book redu kutanga pachapter 16 raakuenda pasale . Vari kuda kuenderera mberi nerungano rwaPuro urwu nzira dzekubhadhara dziri muzasi . *1200 Eccocash panumber 0778863031 zita rinobuda Ancillar Katsande . Kana 1400 airtime pasame number . Airtime yeku scratcher $ 2 motumira card racho paapp panumber idzodzo zvekare . Or $2 innbucks panumber idzodzo zvekare .* *Vari SA munotenga airtime inojusa all networks ye30 Rand motumira panumber idzodzo zvekare vanoda kutumira nebank mouya inbox ndokupai number dzacho dzamunoisa .* *Please musakanganwe kuuyisa proof of payment kuwhatsapp . Panumber dzangu 0778863031. Moiswa kusubgroup .* *Book redu rinouya neBoom* *Hurry hurry mubate zvigaro vamwe vatoveko* *Richatanga kuuya neChina 23 / 03: 2023* [02/08, 12:59] Achihoro Ancy Cayz: https://chat.whatsapp.com/GYkIwd5QT0HJhbLjb9qQ8y *LOVE AND DESTINY* 💞💞💞💞💞💞💞💞💞 *Story by Ancillar Katsande* *Book number 34* *0778863031* *Chapter 14* *Peter* Pandakabva paden ndakabva ndaenda zvangu kuna Leah . Ndiko kwaitova nemufaro wangu . Ndikp kwandaitopihwa ruremekedzo . Ndakamusiya namai vake . Ndanga ndaakuda kuita semurume manje kwete kungoitwa yese yese. Ndakatooneka Leah ndamusiira mari yemuti atumire tete vake tigoudzwa zuva rekunobvisa mari . Ndaida kuti ndabva kunokumbira mai vangu ruregerero ndigonotaura nasekuri baba Tanya vandiperekedze kunoroora Leah . Ndanga ndatoita made up my mind kuti ndave kutoroora a second wife . Vanhu vakawanda ndaizovaudzw ndatobva kunoroora . Ndainatsoziva kuti vanhu vazhinji vachafarira Leah nokuti hunhu hwamai Naty hapana aimuda . Asi ndaida kuzongovakumbira kuti vasatora masides caz vese ndaivada. Mai Naty itsika hadzo pasina but parunako chete anga akanaka . Leah zvese number 1 but anga asina kumbonyanyonaka ndingangoti aiva pakati nepakati . Ndakasvika mai Naty akati aidawo kuenda handina zvangu kuda kumurambidza pamwe anga oda kugadzirisa hunhu hwake ayanane namai vangu . Ndaitoziva hangu kuti kumba ikoko hakuna kumira mushe naChihelele . Ko mai ndakatovanzwa pafoni kuti vanga vatotuta kare . Ndakaibata mota mai Naty achingoyema yema hanzi vhiki ino wandiuraya nenzara . Only if she knew kuti ndaitodzvora iro aizvisungirira chaiko . I was not that kind of person but she pushed me ndikawana mufaro wandaishaiwa mumba kumwe now that pava nenhumbu handingatsvinyiri mwana wevanhu Takafamba hedu tichitaura nyaya dzakasiyana siyana . Taakusvika hana yangu yanga yaakurova i knew my mother . Ndakabva ndatomuti ...... Me: wotoshinga caz mhamha vanorutsa mashoko . Usamaise pahana yako . Her: inini ndini waunoda kuti ndi tolerate mai vako ini vangu uchitadza . Mai Naty aitova nenharo dzinobhowa . Ndakangomisa mota yangu ndokubuda iye akabudawo mai vangu vakasimuka ndakatoziva kuti zvauya nokuti kamusungiro kavakaita Zambia kanga kasiri kekuda kutigamuchira . Her: hezvo hezvo munoendepiko vanhu imi . Kuuya pano chaipo kuti zvadii maregerei kugara kwenyu ikoko nehure rako iri . Wakafona uchiti Puro wavata nemukadzi wangu nhasi unoti tocha tocha naye pano kuti azovata naye futi hre hee. Mukadzi wako uyoyu anehosha mutekwede kuda kundipandusira mwana wangu . Hure nehure zvaro rakati tende . Ko iwewo ndiudze waizvambura mwana wangu ndewako unoregerei kuzvambura kako kamushurugwi Naty katisingatozivi kuti ndekako . Kurovera mwana wangu pfambi here iyi . Wakafunga kuti tokona kurarama ukasatitengera zvigrocery zvako enda mumba umo uone shamwari . Handina basa nemari yako nezvinhu zvako . Enda unodya naivo ambuya vako vaunohura navo .. ... Ndakatarisa Mai Naty ndikaona achichema. Aisavaziva mai vangu ndakabva ndati ..... Me: mhamha please..... He: e e e e unoti hatizvizivi unohura navo iwe benzi remwana. Kuhura namai nemwana . Unoti hatina kunzwa kuti wakavarentea full house uchinokeburana navi kumba ikoko . Dzinza rese remahur kuzuruka semwenga wehuku . Ndakavaona mai vaya kupishuka pushikanebhuruku pamberi pemukwasha . Dai vane stood back better iwo magaro akapararira semvura iri mubepa . Iwe neupenzi ukati ...... Me : mhamha zvamuri kutaura muri kuzviwanepi . Apa muri kudaidzira nyika yese .... Her: nxaa ndoregerei 🗣️ vanhu huyai muone benzi randakazvara rinonyengana naambuya . Mai nemwana kuhura nairori zipukupuku ranndinoda dangwe . Vanga votodaidzira ndakabva ndanopfugama mberi kwavo ndichichema . Mai vaisasefa mashoko apa vachingotaura zvavasingazivi . Ndakabva ndabata tsoka dzavo ndokuti ...... Me: mhamha please ndokumbirawo ruregerero . Ndakakutadzirai chiregaiwo kuti ndiite munyama . Honai vanhi vave kumira mira mhamha . Vakada kuzvibvisa mumaoko angu ndikaramba ndakavabata ndikanzwa vave kutura mafemo ndokuti...... Her: chindiregedza Peter undiudze zvawavinga udzokere kumba kwako . Kana wavinga kurova mwana wangu woudza hure rako iri rikuzvarire umwe mwana upote uchiita boxen ipapo . Mai Naty akauyawo akapfugama achichema pana mhamha . Ndakatombomutarisa kuti ndiye mai Naty chaiye . Her: mhamha ndiregerereiwo zvese zvandakakutadzirai . Ndinoziva hamudi kundiona . Asi kuuya kuno kutodawo kuyanana nemi mhamha . Bamunini Puro hapana zvandakaita navo vakangomhanyisa pfungwa baba Naty vatouya kukumbira ruregerero. Precious anga achingomira ndakaona mhamha vagara pasi tikagarawo umwe kudivi rake umwe kune rake . Behind hupengo my mothers is also a sweet mother . Ndakabva ndarara pamakumbo pavo . Her: vachiseka zidhara rinoda kundivhiringa ndichakurova Peter . . Me: mhamha sorii please chihelele wangu . Mai Naty akasekawo ndikaona mai vamumbundira ndokubva vamuti ..... Her : usaise pamoyo zvandanga ndichitaura ndizvo zvandiri dzidza vamwene vako muroora . Mai Naty: ehoi mhamha . Me: ko Puro aripiko mfana wangu ndimbomuti sorry ndakazonzwa nyaya yacho zvizere. Mai: Puro kubva zvaakabva ikoko anoswera kumunda kwake uko . Tinongonzwa nevamwe kuti ari kuchera tsime ikoko . Vamwe vari kuti radzikisa hanzi akatobata mvura asi iye akuramba achicheta chete . Hameno zvafungwa mumusoro make . Anotouya pano zuva ravira. Me:horight Takagara kutoita nyaya mai Naty kutoita munhu kwaye kubetserana basa naPrecious . Dai akazviita kare munoti dai ndakamboita zvaLeah hre . Takagara hedu namhamha ndichiudzwa zvepamba . For sure bamunini vakauya manheru . Haana kumbouya kutimhorosa. Akangotora bucket ndokunogeza adzoka akapinda mumba make ndokunoti nyaa arimo . Akatozoita zvekudanwa namhamha ndipo paakauya akagara pasi asina kumbondimhorosa. Her: ko haumhorosi mukoma nhaiwe Puro . Him: mhamha mandisheedza matii taswera tichishanda vamwe toda kuzorora . Me: Bamunini vakudanirai inini . Ndini ndikuda kutoti sorry mwana wamai vangu. Ndakakasira kureactor ndisati ndanzwa nyaya . Maiguru vako ndivo vakatozoita kuti ndinzwisise . Akanditarisa ndokunditi its ok . Haana kugara ndokuenda even sadza manheru akangouya kutora ndokuenda naro kumba kwake . Takanorarawo makuseni takazomuka iye atoenda kare . Takaperekedzwa kunokuona maPrecious takasvika ari mukati . Aaa apa kudzika kwacho anga akutorongera matombo achikwira . Regai aite mamuscles Puro anoshanda . Vamwe vakadzokera kumba ndokusara ndichimubatsira rakatozovira tatoronga kusvika tabuda . Ndokumbogara pasi..... Me: wafungeiko apa Puro and pano panoratidza kuti pane mvura . Him :ndafunga kumboita farming hangu panozobuda maresults ndofana kunge ndava kure . Me:Like father like son ini zvekurima izvi hazvisi zvangu . Takavigirwa chikafu ndokudya hedu . Anga a clear munda wese Puro akanyanya regai tigoona zviri kufungwa Takaenda kumba tese ndikasiya ndapa mhamha mari yekuti vazotsvaga mukomana wemombe . Ndanga ndoda kuenda . Ndipo pandakanzwa mai Naty achiti aida kutambira chrismass kumusha ndikati boe . Anga atondigonera ndaida kutonoroora Leah . Ndaigona kushaya kuti ndobva pamba sei chaizvo iye aripo ndakapinda muroad ndakasvika Beitbridge masikati ndipo pandakananga kwasekuru Takanogara pamumvuri ndichibva ndavaudza nyaya yangu . Vakasekerera zvavo vachibva vati ...... *Mai Naty* Mai vaPeter vane machambo ndapota hangu . Ndinoti mai vangu vakanyanya asi pana mai vaPeter ndasurrender . Vanokusiya usisina nguo . Veduwe kutukirwa mai uripo kunongorwadza . Can you imagine hanzi magaro akapararira semvura iri mubepa . Ndakachema chaiko asi vaimira hre hanzi mai hure . Hayas nofunga vakamirisana namai vangu zvinopedzerana chaiko . Ndakazviita semunhu kwaye izvo ndine zvandaitaimira hangu Patakaenda kumunda kwavaive ndakafara nokuti kwanga kuchiri nemiti yakawanda wanda zvokuti kwaisanyanya kufambira vanhu . Ndikaita madhiri angu bho bho ndaingopedzerwa kumunda ikoko zvikatopera . Ndaifana kuto pluser maths dzangu dzibude . Ivo bamunini Puro vaindi avoider ndaivaona hangu . Maybe kwaiva kuda kundisvotesa vanga vaakugara vakaturika kamwe kasikana . Vakambundirana and staff. But ini ndaisava nebasa nemusikana wavo changaingoda kufadzwa nawo . Baba Naty akadzokera ega ini ndakaramba . Ndaida kutambira xmas ikoko ndichiziva kuti ndaakupihwa mazirudo . Vaenda ndakaona kuti vaivigirwa chikafu natete Precious kumunda daily ndakabva ndaronga maths dzangu . Ndakavarega vakaenda madhiri angu ndaizoita mangwana hangu . Its time to strike ndiite zvandakavinga kuno . Ndakanatsofara sei the following day mai pavakato vari kuenda kumaNyaradzo emunhu wekuchurch kwavo . Ndakabva ndatoronga ku..... *Stay tuned* *Kindly note this book is going to be onsale from chapter 16*
❤️ 🙏 😢 😂 😮 12

Comments