Ancy Cays Novels
June 7, 2025 at 06:03 AM
[2023/09/28, 07:20] Mai Naty: https://chat.whatsapp.com/LSSONLZKXcl1WsLOouXvvB
*HELPER*
❤🔥❤🔥❤🔥❤🔥❤🔥❤🔥
*Story by Ancillar Katsande*
📱 *0778863031*
📚📕📘📖 *#37*
*Chapter 7*
*Delvin*
Ndakati ndagara pasi zvino ndaakuterera marwadzo andanga ndarumwa . Apa ndaakufunga kuti what have i done . Ndaitukiswa ndichiudzwa kuti ndokusungisa chete. Ndakatoona kuti ari serious paanga ofonera mapurisa ndakatozviona ndasungwa . Apa zvaiva pachena kuti yanga iri rape chaiyo nemavanga andaiva nawo achiriswa.
Ndega chaiko ndakatoona kuti handimugoni. Ndaisanbofunga kuti Leandra nehusmart hwake kunaka chimiro nekumeso angaita virgin. Pfungwa dzangu ndaizviudza kuti hapana munhu wemutown achiri mhandara but she proved me wrong .
Ana Rebecca vekumusha munda wanga wakarimwa kare . Ndanga ndatozvitambira kuti mhandara dzaiwanikwa kare. I was wrong yoh ndakanatsonzwa kuba attached naye Leandra not kuti ndaitya mapurisa but i am now called a man among man she gave me a gift i never had paupenyu hwangu hwese .
Ndaitoyeverwa naye achipopota. Ndakapinda murest room ndikabva ndafonera Blaz . Vanenge vanga vatorara caz vakanonoka kudaira ndakatoita dzinenge 4 missed calls kwavari. Vakazodaira kechi5 ndichingofona chete . Apa dzakatodaira dzichifemereka kuita sevambomhanya ....
📱 hello mfana iwe hindava uchifona wrong time ah ndofarirepi nemukadzi wangu.
📱 Mukutofara henyu vamwe ini ndiri panguva yakaoma blaz
📱 Your wife again what is it this time
📱 ndapara mhosva huru blaz ndogona kungosungwa .
📱Whaat ko zvautori serious usandiudze kuti wauraya munhu Delvin. Inga ndosikuudza wani kuti mukadzi haarohwi what have you done .
📱 Haisiyo nyaya yacho blaz ndaraper mwana wevanhu .
📱 Whaaaat rape oh my goodness why Delvin apa une imwe irikunetsa yemukadzi wako wono raper futi. Waraper kupi and ndiani iyeye . Zvaita sei kusvika uzoraper munhu Delvin unoda kuuraya Mai Denzel neBP chete.
📱 Imbomirai kuvaudza blaz please come munhu wacho ari kutopenga chaiko atomboda kufonera mapurisa ndikamutorera phone..
📱 hayas uri kupi munhu wacho ndiani.
📱 Regai ndikusenderei madirections acho totaura mauya itsa long story munhu wacho ndiMiss Kurima .
📱 (vachiseka) Your crush mfana dai wakateerera zvaida moyo wako pasina zvese izvo . Sender ndiuye ndofona ndava pagate .
Ndakati boe ndokukata ndokuvasendera madirection. Ndikadzokera manga muna Lea kuchema kwaisava kwenhamo misodzi yacho yaisapera kwainobva .
Ndanga ndazvipinza pama1 ndanga ndauya kuzoturawo mutoro wangu kwaari but this thing chandiparira chandakaimerera hangu. Ziso racho raaindipa ranga rakaoma . Ndakatotya kuenda paari ndanga ndangomira ndichikwira nekudzika .
Ndonguva dzakasvika ana blaz ndakamuti apfeke gown caz anga naked . Ndakapotserwa nephone ikapwanyika . Ndakamusiya ndokunogamuchira blaz. Vakati vachindiona vakatanga kuseka hameno kana pane chaisekesa apa vanga vauya namaiguru.
Him: Unotombopusawo kudai pakaipa kubva kwese uko kuuya kuno kugheto uchifambira iyo chete wanga wakazvironga mfana .
Me: amana istress ndafunga nemubhurugwa ndatoona ndadambura mwana wevanhu . Imbomirai izvozvo ndichataura zvese chimbohandei munosofter munhu .
Maiguru: Saka muchaita sei bamunini .
Me: Pakaipa gulecy i dont know ndaimuda kare Lea but ikozvino ndomudisisa .
Vakadzungudza musoro ndokufamba tichienda mumba and ma1 vakasviona ropa riripo pabed iye akanogara pacouch ndikanogara pedo naye akada zvake zvekunetsana neni kusvika ndaita wekubata .
Blaz vakamusofter vachibatsirana namaiguru kusvika adzikama . Ndakavaperekedza kumota blaz ndokundibata maoko vachiti ....
Him: Hah uri mukono but pane nyaya yakakura apa hapachina zvekuvanza apa ndotonoudza vana mdara toona way forward ndiwe wautanga musindo wotozvimiririra mfana . Kana uchimuda munhu wako wotosimba chibaba uchiziva kuti mune muchato naRebecca.
Ndakakwenya musoro panga pakaoma . Ndakavaudza kuti vatume munhu nehembe dzangu dzandanga ndakasiyako rimwe day randakararako vakati boe .
Ndakabva ndadzokera mumba ndokuwana achakagara pacouch ndakagadzirisa pabed ndokunomugezesa ainyara but ndakamunyengerera akageza . Akazora mafuta ndokunomupinza mumachira ndika refresher ndokurarawo .
Zvakaoma kani mapisiro aiita body yake so . Kungogumhana naye so ropa rakamhanya chaiko . Ndakamboshinga iye ndaimunzwa kuti arara asi ini dzakaramba kubata .
Junior Delvin aitoda zvake ndakatanga kubata bata munhu akamuka ndokundirambidza ndikazvininipisa ndakautarisa ndakarereka musoro ndichikumbira zvaisiririsa .
Ndakazoona munhu andiregedze haana chaakataura but ndakatoona kuti ndokutenda kwacho. Ndakaenderera mberi nkumubata akatanga kushinyira mwana wevanhu kunodai anga atota kudhara .
Ndakafamba naye amai kuita kudya ndakasungwa apa aiita kakushakesa body zvokuti wainzwa kuda kupenga so. Takazoregana when we both come kutomboti rabata ndokuzozvi Cleaner tichibva tarara .
Ndakada kumukira chemakuseni munhu anga abuda kare ndaakutonzwa kunhuwirira . Waal qualities of a wife that yearned to have all these years but ndakamusiya ndichinotsvaga munhu aizondinetsa kumachonyonyo uko .
Ndakati ndinogeza pandakadzoka anga achiayina hembe dzangu . Ndakamutarisa kutoyeverwa naye chaiko akandipa ndikapfeka ndakamusiira phone yangu ndokudya ndikaenda kubasa .
.
Ndiri munzira ndakasekerera ndega ndichizviudza kuti mota iya yazowana munhu. Ndisati ndaroora ndanga ndatenga mota ndichiti ndozoipa mukadzi wangu ndamuvhura ndouroora munhu akatsotsewa kudhara ..
Leandra she deserve that car zvimwe zvinoda kungotendwawo ipapa she did not only stole my heart but my stomarch as well she is a good cook her cooking reminds me of my mother. Kana ndapedza nyaya dzangu ummmm i will never eat outside caz i dont want to miss every meal she prepared .
Ndakataura neboys dzangu ndikavaudza kuti vatakure mota iyoyo vauye nayo vachitora card randaida kutenga ndinyorere bby . Vakabvuma ndakasvika kubasa ndokutanga ndaita meeting yangu ndokunotenga card ndikarinyora how special she is to me . Showing her my gratitude for such a special gift.
Team richisvika ndakavapa ndokuvapa house number yepavaienda ndokuvaudza kuti vasvika vaburutsa mota vandiudze ndimuudze abude that is kana ari mumba .
Vakabva vaenda ndikasara ndava kufonerwa namdara ndakaziva kuti blaz vasvitsa shoko ndichinzi huya izvozvi . Ndakabva ndaenda kumba ndakasvika ndokumhorosa vanhu mai vangu vakaramba vakati kwindi .
Ndakaziva kuti kumakata ndakagara pasi phone yangu ichiringer boys riya rakabva rati vasvika vatoburutsa mota . Ndakabva ndafonera Lea ndirimo mumba imomo ndichimuti abude panze .
Vanhu vanga vakanyarara vakanditarisa blaz ndivo vainditsonya . Ndakaziva zvavaireva pandaka dropper call ndakabva ndamwa mvura ndokugara ndikanzwa dad vaakuti.....
Him: Nhaiwe Delvin ndeipi yatiri kunzwa iyi hee . Nyangwe manga muchinetsana mumba menyu sei wada kuzvigadzirisa nerimwe dambudziko huh . Tanga tatadza hre kugadzirisa mhaka dzenyu . Handina hre kukuti tichatsvaga solution.
Me: I am sorry dad it happened unexpected zvakangoitikawo nemistake
Momy: Mistake my foot . Unexpected kudii kudriver kuenda kumba kwemusikana iyeye was a mistake huh . Kunovhurirana door kupinda nokusvikovhura zip yako imistake futi. Kuraper munhu imistake yese iyoyi huh. Ivo vasikana vemazuvaano kuvhurira munhurume usiku aiti zvigodiiko zvakaoma zvandinoitirwa naDelvin
Ndakaramba ndakanyarara nokuti yanga yatengwa naManyati . Ndakaona ndatemwa necup yavanga vakabata lucky ndakanzvenga ikanorovera kumadziro ikaputsika .
Dad: Hazvidi hasha mai Denzel zvatoitika zvatoitika taakufana kuona way forward kuti toita sei .
Her: hapana izvozvo ini muroora wangu wekutanga ndiye wandoziva hameno hake iyeye wekuvhurira vanhurume usiku ochema achiti ndarepewa .
Dad: Todii nhaiwe nyakupara .
Me: Dad inini Leandra ndomuda uyu Rebecca ndaimuda but she pushed me ndikanowira mumaoko akanaka now that rudo rwangu kwaari rwadzika handichadi kumushaya. She was a virgin dad unlike Rebecca apa oda kutondinetsa she is so special kwandiri wether you like her or not i will marry her Rebecca unotoenda kumba kwavo
Dad: Unomuendesa how nhaiwe tiudzewo pamwe iwe une ruzivo.
Me: Rebecca ari rude ane rough kubva zvaakauya makambodya sadza rake hre . Akambokushanyirai pano hre . Maiguru vanouya pano wani ko iye . Haadi hama dzangu haaudzirwi zvinhu she is full of herself . Haandinetsi siirai zvese kwandiri.
Momy: Hapana kwaari kuenda uri kundinzwa hre Delvin .
Me: We shall see mhamha .
Ndakabva ndasimuka ndokubuda panze yoh ini ndini ndaitambura vanhu voramba vachindimanikidza kuti gara naye chete . Vakabudawo panze dad nablaz.
Mhamha vakatevera phone iri paloud ichinzwika kuringer . Ndakatozonzwa nevoice parakadavira ndikaziva kuti ndiRebecca tese takavatarisa vachiita kusekerera.
📱 Hello makhoti wangu ..
📱 ummmm mirai henyu izvozvo basa kurara nevana . Makarega akarara ikoko muchiti mumbonzwa iri fresh zvino takakunzwai zvamakaitira maiguru mai Jay kuda kuvarambanisa nemurume wavo muchivata naye ini handinzwarwo manje ndinodzura munhu weave .
Mai vakatarisa phone yavo chiso chavo chasvava . Blaz vakaita kuseka chaiko . Ini ndaitova ndakatsamwa zvekuda kumurova chaiko haana kumira ivo vakangobata phone.....
📱 Manyararirei makaigutazve zuro manheru maaudzova iyo ndipo pomoda kundifonera muchida kundivhara vhata nxaa muroi wemunhu.
Mdara vanga vonzwa hasha .Vakaenda pamukadzi wavo ndokusvikotora phone yacho ndokukata vakabva vambundira mai vangu vave kuchema . Ndakanzwa hasha chaidzo ndakanzwa Blaz vapedza kuseka vaakuti.......
*Stay tuned*
[2023/09/28, 07:20] Mai Naty: https://chat.whatsapp.com/LSSONLZKXcl1WsLOouXvvB
*HELPER*
❤🔥❤🔥❤🔥❤🔥❤🔥❤🔥
*Story by Ancillar Katsande*
📱 *0778863031*
📚📘📕📖 *#37*
*Chapter 6*
📱 Sekuru munhu iyeye ngaasatombokuvharai i dont want to see his face agai . I used to love him not anymore mukanzwa mashoko aakandiudza pamberi pemusikana wake munomutandanisa pamba ipapo mega . Ngaasada kundiitira zvisina basa achitsvaga dzvene .
Ndakavarondedzera zvese zvakaitika sekuru ndakanzwa voridza tsamwa ndikaziva kuti zvichatsvurana ikoko ndakabva ndacutter hangu call yangu ndokutarisa Felly akabva akwidza mapendekete zviya zvokuti hameno .
Me: Nxaa Gibon imbwa ine muswe werata chaiko . Anofunga kuti ndiye oga muno munyika .
Felly: Ini anotondibhowa zvangu ini . Ndakamutukisa chaiko saka akaenda kuna sekuru . Hande tinorara tichimbonyeya siyana naro tsaga iro .
Takasimuka tikaenda kunorara hedu tichiita nyaya tichiseka hedu . Ndakabva ndabatirwa nehope ndokurara hangu. Ndakamuka kuseni chaiko ndikasiyw Felly atorara . Ndanga ndakatozvijaidza zvokuenda kubasa nelunch .
Saka ndaiprepare food yangu ndokuisa mulunch ndakazoenda kunochinja ave kutotsvaga hembe yekupfeka muwadrobe mangu .
Her: chommie this dress handisi kuzoridzosa iri ndarifarira .
Me: Tora but uzive kuti kwako kumba ndichauya .
Her: no problem dear .
Takachinja ndokunodya tikaparadzana mumwe nemumwr oenda kwake kubasa . Ndakasvika ndikaita basa rangu day iri boss vakanonoka kuuya kubasa .
Sakw ndaitofanira kushanda kuti ndipedze nebasa raiva padesk pavo ko ndiyo yachoka pakuita PA . Vakatozouya pabreak munhu aivw low low vaitongoonekwa kuti pane zviri kuvanetsa .
Maerror pamadocuments avakandipa anga asiri enhamo ndini ndaitogadzirisa . Ndakati handimbobvunzi ndaisava nebasa nepersonal life yavo . Ndakaita basa rangu chinyararire ndakachaisa ndokuenda kumba ndaitova lonely zvangu vaigara kuseri ndaisanyanya kutaura navo caz marooms andaishandisa aiva nezvese .
Ndakatoona hangu programme yandaida paTV ndokuzoenda kunorara zvangu. Ndakamuka makuseni and do my daily chores ndokugeza ndikatora zvinhu zvangu ndokuenda kubasa .
That day raiva a busy day vakauya vakadya food yangu kupedza kuti tsvai waitoona kuti munhu anga ane nzara . Vanga vachinja sir even hembe dzavo vanga vasingachaayini handizivi kuti kuroora kunochinja hunhu hwemunhu hre .
Vari Jaya vaiva very smart . Ndakangosiyana nazvo . Takachaisa kuma 7pm tapedza basa mangwana vaiva nemeeting so ndiyo yatai prepare. Vaka offer kundiperekedza kumba ndikaenda navo vakandisiya ndikapinda mumba mangu .
Ndaitonzwa usimbe hwekubika ndakangoita manoddles ndokuenda kunorara zvangu. Ndakatobiwa nehope ndakapeputswa neknock ndikangofunga kuti ndimai Tadisa vekuseri vanga vambondikumbira kuti munin'ina wavo kana auya azorare neni vaishandisa one room .
Ndakangoenda kunovhura only to see my boss vakamira ndakatoshamisika kuti vari kudei .ndakaona vonditarisa vachiita sevachandikumura nhumbi vakaruma muromo wepasi .
Ndipo pandakaona kuti i am not properly dressed . Ndakabva ndamhanya kuti ndinotora towel ndimonere ndakanzwa kuti pane aitevera ndakashaya kuti chava chii ndanga ndatova confused kuti sir vari kuzama kudii chaizvo .
Vakandibata padoor ndaakutopinda mumba takabva tapinda tese vakavhara door negumbo. Night rangu raiva pfupi apa richionekwa zvemukati ndanga ndisina bra ndaingova nepant chete iro raitoonekwa even necolour yacho.
Me: Sir is e....
Ndisati ndapedza nekutaura munhu anga atondivhara muromo nekiss . Ndakazama kuti ndivarwise vandirege but he was too strong for me .
Apa kiss yacho yaiva temunhu ari panzara nayo . Pandakatadza kuvabvisa pandiri ndanga ndave kunzwa zvimwewo i failed to control myself and kissed him back . Akatanga kundibata bata ndainatsonzwa kuti moyo wangu hausi kuda izvozvo but my body betrayed me.
Mashoko chaiwo anga apera muromo nyangwe njere dzakamira kushanda ipapo . Ndakazoona ndatova pabed iye ari on top of me tese tiri naked ndipo pakadzoka njere dzangu ndokuti .....
Me: Sir stop please .
Him: Its too late bby .
Me: noo
Ndakange ndaakurwisa ndikanatsonzwa kuti vave pamukova chaipo . Ndakazama kurwisa but ndakanatsonzwa a sharp pain in the process . Ndakairidza mhere .
Havana kundisiya kusvika aona kuti zvake zvaita . Asi ndanga ndavaruma ruma chest yese iyi . Achibva pandiri ndaingochema .
Me: I am going to sue you nxaa rapist .
Him: I am sorry Lea i never meant to ....
Me: Juss shut up nxaa ndiri kukusungisai chete
Ndakada kusimuka but the pain was unbearable . Ndakatora phone yangu ndichida kufonera mapurisa pahelp line but akanditorera phone iya achingokumbira ruregerero rusingaperi .
Ndakazvisvora he took my pride a married man for that matter . Ndakapopota ndichimutema nechero chandabata . Akabva akiya door nemukati ndakamunzwa ari pacall muensuit. Akadzoka ndokugara pacouch ndiri pabed ndichingochema pasina nguva ndakanzwa odaira call akabva anditi .....
Him: Lea ndokumbirawo upfeke pane ari kuuya mupurisa ndisungise hako kana uchida . I am sorry istress yanga yakandibata i can do whatever you want shaar . I can marry you if you want i love you ok.
Ndakaridza tsamwa akatora gown achida kundipfekedza ndikamupotsera nephone yangu akangondikandira ndokubuda hake .
Ndakasara ndikachema ndokupfeka gown riya kutarisa masheets angu aine ropa ndakarwadziwa henyu ndakamira kudaro ndakavhura paya paneropa ndipo pakapinda vanhu vaiva murume neumwe mukadzi.
Ndakati mumoyo mangu munhu angadana mapurisa kuti azosungwa hre. Ndakakamhina ndichinogara pacouch akauya Achida kugara pedo neni ndakamurova akapedzisira andibata zviri tight zvekuti ndanga ndagara ndakatsamhira iye .
Him: I said i am sorry Lea.
Murume waaiva naye akagara pabed zvake kuita sekuti ndepake mukadzi wacho ndokugara next to me . Murume wacho akatura mafemo ndokuti ....
Him: Mainini zvatoitika izvi ndiri mukoma wake uyu . Hapana zvekucharwa muchidii takutofana kuronga way forward . He did that out of stress but he loves you and he is willing to marry you.
Me : aah ane mukadzi uyu why kundiitira utsinye hwakadai why Dee why .
Dee: I am sorry bby ndipoo time ndigadzirise zvirikuitika . Ndinoroora kumba kwenyu .
Ndakaridza tsamwa vakandinyengerera kusvika ndave calm ndipo pavakaoneka iye akasara akabvisa bedding ndokuisa zvimwe akanditakura ndokunondigezesa ko kuzondiisa mumvura ine salt ndakayuwira but airamba achinditi ndokuti ndikasire kupora .
Ndakanoradzikwa pabed ndokurara ndisina hembe iye akauya ndokurarawo ndakapepuka usiku munhu achindibata bata ndikabva ndamubata maoko ndikati .....
Me:Ukuita sei ndikuda kurara inini .
Him:Bby i will be gentle please help me my balls will explode bby .
Ndakamutarisa ndokutarisa his thing ndikanzwa kutya . Ndakaramba but Delvin wacho akaoma haatori no as an answer kwaari he always have a way to get me .
Ndakaerekana ndatomubatirira wani this time around zvanga zvisingachanyanyi kurwadza . Ndakabva ndafunga mbuya vangu vachitidzidzisa chinamwari ichi .ndakaona ndaakutoshaker body yangu zvaienderana nezvaaiita iye handina kuda kuzvidhipisa caz ndainzwa kakuteta mbichana kuti ndozozvidzimbira .
Tapedza takanogeza ndikamuka kuseni seni chaiko iye akarara ndikabika zvangu ndikapedza ndakanzwa knock padoor. Ndakakamhina ndichienda kudoor ndokuona mumwe mukomana achinditi atumwa nehembe dzaDelvin.
Ndakatora hembe dziya dzanga dzisina kuayiniwa . Ndakanoisa muberoom mangu ndikanzwa achigeza ndakabva ndaayina hembe dziya akabuda akamonera DT .
Him: morning....
Ndikadairira pasi pasi akaramba akanditarisa ndikaita sendisingazvioni ndikaramba ndiri busy nezvandaiita ndakabva ndamupa hembe dzake ndaakuda kuenda akabva andibata ruoko achindipushira kwaari ndokunditi .....
Him: bby hausi kuenda kubasa nhasi zorora hantie .
Me: But ..
Him: Shhh no buts .
Ndakabva ndabuda akasara akachinja akazouya ndatoisa chikafu akadya achingo commenter . Apedza akabvisa masim muphone make ndokunditambidza phone yake achibva anditi ....
Him: for today fana kushandisa iyi ndichakutengera imwe maita chinya chegurwe mukaputsa phone madam .
Ndakaitambira apa haisi phone njee but dziya dzine mutupo . Akubuda akasiya andipa peck pamuromo . Ndakasara ndikazvibata muromo ndokusekerera zvangu .
Ndakashingirira kugadzira mumba mangu ndikageza again ndokumborara ndainzwa nyama dzangu dzakaneta . Ndakarara kudaro ndikanzwa phone kuringer anga ari Delvin aifona akati.....
📱 hello
📱hello ani buda panze bby pane vanhu vari kukuda vandatuma ikoko negift yako.
📱 oh ok .
Ndakabva ndatosimuka ndokubuda panze pacho. Ndakapererwa ndichiona pane ......
*Stay tuned*
[2023/09/28, 07:22] Mai Naty: https://chat.whatsapp.com/LSSONLZKXcl1WsLOouXvvB
*HELPER*
❤🔥❤🔥❤🔥❤🔥❤🔥❤🔥❤🔥
*Story by Ancillar Katsande*
📱 *0778863031*
📚📘📕📖 *#37*
*Chapter 9*
*LEANDRA*
Ndakapererwa chaiko ndichiona mota chaiyo vhamu vhamu . Apa idzodzi dzekubereka mavhiri zvokuti dai anga ari pedo Dee ndaiita wekumbundira . Ndakabva ndatonzi nemumwe wevarume aivapo .
Her: Miss Kurima right .
Me: Yes
Him: you have to sign here . Iyi ndiyo parcel yatatumwa nayo naMr D Bhila hope you know him .
Ndakangosekerera ndichisaina hangu ndokubva ndanzi ndiitarise ndione kana pane chakaresveka. Ndakabva ndaitenderera ndiine mufaro ndokupinda mumota ndokuimutsa ndikatombofamba ndikatombofamba nayo . Ndikavaudza kuti iri bhoo.
Umwe wacho akabva anditambidza card ndikatambira ndikavhura ndakaverenga ndichisekerera zvangu . Handina kumboziva kuti ndingazoitawo mota muupenyu hwangu. Ndaiva nezvizhinji zvandaida kuita zvekutenga mota ndaisatombozvifunga hangu.
Vakaenda vakomana vaya ndikabva ndafonera Felly ayewa hana yangu yakatadza kugadzikana i need someone wandaifara naye . Yakapinda call yacho akabva adaira ..
📱 hello chomie .
📱 where are you Felly ummm oh Chommie i am really happy .
📱 Ndazvinzwa kani ko chiiko ndiripo paden nhasi hantie ukubasa hre iwewe .
📱 Noo huya kumba kwangu right now bestie .
📱 Ok ndaakutouya yoh my friend is in good mood oh .
Ndakabva ndacutter ndokugara paveranda ndamirira Felly . Ndaiziva kuti nemadiro aanoita nyaya anouya nokukasira. Ndakada kufonera iye Dee but ndakaziva kuti ari mumeeting saka ndaizomukanganisa .
Ndakaona gate rovhurwa ndakaramba ndakagara ndichisekerera akasvika achiona mota akabata muromo ndokubva anditi ....
Her: Oh my God who is the owner of this brand new car .
Me; ndakasekerera ndichisimuka ndichinomugamuchira ndikachimuti ndeyangu akabata muromo ndokundibata maoko achienda neni kuveranda .
Her: Gara zvako apa bestie undiudze everu detail usatombosiya . Dont tell me kuti Gibon akunyengerera nemota ukabvuma that womaniser .
Me: Oh chommie comr on you know me better Gibon is out of picture now . Listen dear zvakamira so.....
Ndakamurondedzera zvese akanyarara pamwe achisekerera . Ndapedza akabva anditi.....
Him: waaal so you give it to him . Oh my God Chommie you madam holy makarara muchipengesa munhu kusvika pakutenga mota . Heee Felly nemaboss ko uyo ndiani is he not married .
I frowned kufarira n'anga neinobata mai . Yes anga andipa mota kana iri yekunyengerera kuti ndisaende kumapurisa . Aiva nemukadzi Delvin yes ko inini haasi kuda kundiita pain killer hre.
Her: Come on hauna kumbogara naye pasi kutaurirana about that hre chommie .
Me: Felly he used me cant you see that . I am juss a fool but its not like ndanga ndichidawo he forced himself on me Felly .
Ndakataura ndava kutochema akandimbundira achindibhabhadzira kumusana . Akatora card rangu akaverenga akabva anditi.....
Her: Cheer up girl he loves you but on a serious note munofana kugara pasi motaurirana . Kana achida mhuri yake then quit bby girl unozoita minba zvikadhakwa you know sekuru zvavanozokuita after all mashoko avo ese aya vachitiudza wozonzi wava nemimba naMwari oh vanokuponda chaiko.
Ndakabva ndanyarara ndaakufunga mashoko asekuru vangu ndikaona Kuti apa pafamba Satan . Ndakabva ndapinda mumba ndokugara she followed me achinditi ....
Her: You have to call him uchitendawo ka gift tinzwe yaakupa tinzwe kuti anotii.
Me: ndofona time time caz right now ari mumeeting .
Her: Ok bestie rega ndinopedzisa washen yangu ndiuye ndikubikire wambodya hre .
Me: Yes ndadya ini pandabikira Dee achienda kubasa enda hako unowacha neniwo ndikuda kutowacha zvanda spoiler.
Her: No mira kuzviwacha bestie ndodzoka soon kana wakaguta boe enda unozorora . Dont forget to call him i will be back soon.
Achingoenda ndakabva ndambogara zvangu pasi ndichifungisisa kuti sekuru vangu ndinovati kudii. Wainzwa votaura voti Lea unoziva hauna mai , hauna mbuya vana tete vako vari kure hauna anokuraira rega ini sekuru vako ndikuudze . Vondiudza zvese . Kwaingovawo kuzadzisa pane zvandanga ndaudziwa nambuya vasati vashaika . Asi waitoona kuti vanoshuvirawo zvakanaka kwandiri .
Ndakabva ndaona nguva ndikaziva kuti munhu abuda mumeeting pava netime . Ndakabva ndafona akadaira ....
📱 hess bby .
📱 ndiri boe maita basa negift yandaona .
📱Its juss the beggining my love welcome to my world bby . Ndikuuya ikoko ndine nzara isingaiti .
📱 Ok ndaakutobika ko noise ndeyei.
.
📱 vanhu vari kupisira sliding gate pamba pangu . Vakatopedza ndouya ikoko bby.
Ndakabvumira ndokuti ok ndika cutter call yangu ndokunotanga kubika idzo nguva dzanga dzafamba ndakanatsotora time yangu ndichibika Fish . Hameno kana anga asingadyi Fish. Ndakabva ndangobryer kapork incase akasadya fish .
Ndaakutopedza kubika ndipo pakasvika Felly achiti anonoka mface wake anga auya kuzomutora . Akabva anditi ....
Her: Oh Lea the cheff asi Mr Charmer vari kuuya kai caz kamenu kauri kurova aka ndekemunhu ane visitor .
Me; Ummm iwewe handisibiki so hre ah.
Her: yes bestie ko ndikunyepa unosibika zvako but zvanhasi zviri kumberu juss take a look mabream aya kumberi dear ari kuuya ka.
Me: Yes ari kuuya ati anenzara thats why ndabika inini appetite yacho handitorina zvangu .
Her: Aah yah utore mukana iwoyo kutaurirana usaitiswa toilet paper . But anokuda munhu uya ingadai uriwe waakaroora matarisiro aaikuita aya ndakambokuudza paya . Ndipe zvako Fish one ndiende kumba kwangu ndingakanganisa malove birds . Oh uyo asvika munhu haataurwi amana .
Ndakapeura curtain mbichana ndokuona zvechokwadi ndiye anga achitoparker mota yake . Ndakapedzisa kumona kasadza kadiki ndanga ndabika nerice but ndakazongofunga kuti pamwe anoda riri sadza .
Ndanga ndapedza zvese Felly ndiye aingodongorera achiita kusekerera hanzi ....
Her: hona mashopping bag ari kubudiswa munota . Ummm amai munodiwa imi yoh nemagift bag oh enda unomubatsira kutakura kana rega ndiende inini iwewe nhasi uri kurwara .
Ndakaseka zvangu achienda Felly ndakazonzwa zvotaura zvichipinda mumba ndanga ndagara pamasofa . Ndakasimuka ndichiti ndinomugamuchira ndakafamba ndikasvika paanga ari ndaida kutora mabags but akaaisa pasi ndokundikwevera paari neone hand rumwe ruoko ndokundibata chirebvu achida kiss.
Me: (ndichizevezera) umm haunyari Felly hre .
Him: aah kunyarei bby handitombonyare kuratidza nyika yese kuti ndazowana true love now .
Ndakada kutaura akabva atondinama muromo nekiss . Aisada kundirega kusvika Felly akuuchira achiseka Felly ibenzi chairo takaregedzana ndokumutarisa aititora zvake video .
Her: waal this video inoda kuti umwe neumwe wenyu agare nayo mopota muchiona
Ndakasekerera ndikamupa phone yangu ndokubva ndatakura zvinhu ndokunorongedza magift bag ndakanoisa kubedroom . Ndakadzoka ndokutanga kugadzirira munhu wangu chikafu .
Felly akatora lunch ndokuisa Fish nepork ndokubva aoneka . Handina kuda kumubudisa akabva amira ndokuti.....
Her: Ummm chommie kwavira uku ndiperekedzw nemota yako aah ndoigara riiniko .
Delvin: Garai ndipedze kudya tikuperekedzei hantie ka bby .
Ndakagutsurira musoro akadya ndikaona kuti hove anga opedza ndakanotora imwe handina kuziva kuti ari pacall ndakabva ndatomuti.....
Me: Waguta hre dady ndiwedzere fish hre.
Ndakabata muromo ndanzwa achitaura nemunhu zvairatidza kuti anga amuvharira madoors ari panze ndakamutarisa wanei Felly ondikwenya achisekerera asi ini ndainzwa sekuti ndini ndine mhosva yaita kuti ataure nemukadzi wake achidaro . Ndakabva ndatonyarara aatora imwe Fish ndokudya apedza akatenda ndokuti .....
Him: chihandei tiperekedze gulecy ava .
Ndakasimuka akabva anditakura ndakavarairwa zvokuti ndakascreamer . Akanditakura kusvika andiisa padriver's seat mumota ndokunogara pamother seat . Felly akapinda achibva ati .....
Her: Driver madam boss .
Ndakangomutema nechistick chandanga ndiinacho akaseka . Ndakamutsa mota ndokufambisa ndichibuda gate . Takasvika tikaburutsa pagate Felly ndokubva tadzokera taiva nezvakawanda zvekutaura .
Takasvika kumba ndokupinda mumba ndakasvika ndikagara zvangu pasi akauya akagara next to me akanditarisa ndaiva nezvakawanda zvekutaura asi ndaishaya pekutangira
Him: (achipotesa ruoko rwakekumusana kwangu) taura neni bby i can see une zvaunoda kutaura .
Me: Ok ndiri kuti ukufungei nezvawakandiita . Infact une mukadzi Dee who am i to you ukuda kundiita side chick yako, second wife .
Him : bby i want you to be my wife ndongoda kuti undipewo nguva diki yekugadzirisa zvinhu zvangu chete then it will be you and me.
Me: Ok then uchigadzirisa zvinhu zvako there will be no intimacy kusvika wapedza.
Akanditarisa ndakamutarisawo ndikaona kuti murume apererwa chaiko akabva ati.....
Him: Unoda ndikuitirei kuti uone kuti ndokuda Lea . Amana usadaro ndizvo zvimwe zvezvinhu zvandakakonanirana nemukadzi wangu iwe woda kundinyiwawo Lea usadaro bby .
Me: Aaah Dee varume tinokuzivai unoda kukokota kanonaka kose wozondisiya ..
Him: Ndonoroora hangu Lea pakuti undinyime bby .
Me: kunoroora kuti ndiende pabarika hre .
Him: ndataura wani kuti ndiri kugadzirisa zvinhu zvangu .....
Asati apedza kutaura pakabva paita knock . Akanditarisa achinditi .....
Him: are you expecting someone .
Me: no i am not .
Akabva asimuka ndokubovhura door ndakaotarisawo kuti ndizive anga auya kuti ndiani . Ndipo pandakaona achisekerera achibva abva padoor .
Ndakaona pachipinda mukoma wake . Ndakasimuka ndikanovamhorosa ndokugara pasi ndovaswedza iye akauya kugara next to me .
Ndakasimuka ndava kunovatorera chikafu . Ndakavavigira vane zvavaitaura asi pandaisvika vaibva vanyarara . Ndakabva ndasuduruka kuti vambotaura . Ndakanogara mukitchen nzeve munongoizivawo yanga yati kwangwa ndipo pandakanzwa kuti .....
*Stay tuned*
[2023/09/28, 07:22] Mai Naty: https://chat.whatsapp.com/LSSONLZKXcl1WsLOouXvvB
*HELPER*
❤🔥❤🔥❤🔥❤🔥❤🔥❤🔥❤🔥
*Story by Ancillar Katsande*
📱 *0778863031*
📚📕📘📖 *# 37*
*Chapter 8*
*Rebecca*
Ndaiti munhu achadzoka asi kana ndakarara ndichipota ndichimbomuka kutarisa kuti adzoka hre . Ndikati ndakarara ndinganyepa nokuti ndaimuka ndodongorera kuti mota yauya hre aigona kurara mumota munhu wacho hre .
Pakasvika pakuedza pasina kana chaitika . Ndakada kumboshinga asj ndakakundikana pandakaona kwava nemushana ndakabva ndakiya madoors ese ndokuti kune mukomana aishandapo andipe makeys egate . Vaisara vachipinda nechigate chidiki . Ndakabva ndaenda nawo ese . Ndaiziva kana asvika aizondifonera hake .
Ndakasvika kwamai Nenr vakatogara panze nemunin'ina wacho aingofinyama finyama apa achidya bubble gum . Kamudyiro kacho kaitosvota fani .
Ndakasvika ndikatanga kuchema ndakavatsamhira vachindibhabhadzira ndikanzwa vave kuti ....
Her: chii mai Bhila taura tinzwe ungachemedzwa nemunhurume mai Bhila aita sei murume wako nhasi.
Me: haana kurara pamba mai Nene . Ndasiya asati adzoka kuti angava aenda kumunhu aimukisa pahembe dzake .
Her: haiwa dzikama mai Bhila. Zvinhu zviya zvatotanga zvakamboitika futi kune mukadzi wamukoma waDelvin mai vacho havaiti havabvaruri machira ndiko kwaakatorara mwana kana angoroora vanototi varare nemwana wavo .
Ndakasimudza chiso ndichishaya kuti chirudzii ichocho mwana achirara namai vake vakamuzvara . Ndakabva ndatarisa mai Nene in disbelief ..
Her: Unoti ndonyepa kai maiguru vako vaya vakapotsa vaenda kumba kwavo nokuda kwamai vaya . Havaite vaya mai ungatotambura nekufunga kuti akararepi ndiko chaiko murume wangu akandiudza zuro manheru saka chill mai mwana .
Me: ndiko saka ndisina kumbobvira ndavafarira mai vaya . Ropa rangu rakaramba kufambirana neravo nxaa zvino ini handiitirwi izvozvo hangu vanondiziva kuNyajena uko.
Her: Izvozvi pamwe murume wako kusada kutsvaga maid anenge achinyengerwa ikoko namai vacho nxaa ndirini ndaimbovaisa panzvimbo yavo chaiyo . Ini vangu vakada kutobuka tobuka ndikavagarisa pasi ikozvino taakuwirirana .
Me: ndiri kunzwa hasha mai Nene akauya Delvin tombozunzana chaiko akandichinjanisa namai vake ini . Kana zviri zvemushonga ndichazvifumura mirai muone
Takaswerako kwamai Nene mai vacho kuzoda kundifonera ndakavaudzisa vakaenda pavoice mail . Munhu kana akaudzwa chokwadi chaicho anoshaiwa kana shoko rekutaura .
Wandanga ndava kutoda ndiye Delvin kuti auye tipedzerane. Ndakanzwa mai Nene vachiseka vachidaidzira kuti ...
Her: wavagona aah mai vepi. Vatoziva kuti wavabata ndosaka vanyarara
Me: zvimwe ndezvimwe hazvo Delvin anenge akutopera love kwandiri handichamuoni zvakanaka . Aisada kana kundishaya but now akutosvika nguva dzino asina kufona
Her: munodiwa mai mwana kungotsamwa nhema kwake uko .
Maid akauya nechikafu tikadya tichitaura nyaya . Ndipo pakaringer phone yangu anga ariDelvin ndakaratidza mai Nene vakati ndiise paloud ndokuita sekudaro ndakanzwa akuti ....
📱 hello
📱 nhaiwe uripi ndizvo zvawaidira musikana webasa izvozvo zvokuti uswere kufamba nemaraini . Ipapa uripi waregerei kusiya makey angu unofamba nawo imba yako hre . Kasira kudzoka nemakeys angu .
Me: Hasha ndedzeiko Samanyanga lets hope wauya namaid caz mumba hamusi kuita . Handingaiti maid wako unozviziva . Pawakarara usiku hwese ndinovimba waitsvaga maid kana usinaye tinonetsana ikoko .
📱 Usafunga kuti kusuduruka pamba kwandakaita kukutya wanzwa . Usafazve wakafunga kuti unganditonga pamba pangu iwe wakauya usina kana jira. Kasira hako uuye nemakeys angu ndisati ndatsamwa .
📱Saka zvandiri kutaura inini hazvina maturo zvako iwe ndizvo zvine musoro . Bva chipinda ka mumba macho.
Ndakabva ndacutter phone munhu haadi kunyengererwa amana kutomudana nemutupo otomera zenze nhai . Ndakabva ndatogara ndanga ndoda kuoneka asi ndakazviudza kuti handiendiko zvekumhanya .
Ndakatoswera ndichisasa zvangu iye kana kuzofona pamwe anga adzokera iko kwamai vake . Ndakazooneka zuva ratovira ndokuenda zvangu kumba . Ndakasvika kumba ndikawana pasina mota yake ..
Ndikaenda kunokiinura door kunodai key yakaramba zachose . Ndikapedzisira ndadana garden boy kutia uye ambondizamira . Akauya achimhanya anga akutondiziva kuti madam havadi zvinhu zvisina basa munhu ndewekupihwa mari yaashandira kwete kupihwa yemahara. Ndiripo anga asina zuva remahara . Ndaito maker sure kuti ndamutsvagira zvokuita .
Him: ndauya ndanga ndati zvaravira hapachina chokuita
Me: Nxaa kiinura door iri tione .
Akatora makey ndokubva azama akanditarisa ndokuti .
Him: haisi kuita ndinovimba boss vadana vanhu vakagurisa key yanga iripi negrinder vaisa imwe .
Apa panga pasina imwe way kunze kwekuvhura ipapa sliding gate repaveranda ndonovhura rimwe door mukati . Saka aida kuzama kudii Delvin aida ndirare pai chaizvo .
Ndakapererwa chaiko uya gardener haana kuzomira akabva atofamba achienda kucottage . Ndakaramba ndakamutarisa achienda ndikati zvake ane pekupinda . Ndakatora phone yake ndokufonera Delvin akadaira . But ndakanzwa sevoice rechikadzi raiti maguta hre dady.
📱 hello
📱 ndiani ari kutaura pauri apo Delvin hee ndiani .
📱 Chiiko newe ukudei hantie wakaramba nekakiti kako hre usandibvunza zvisina basa .
📱 Uripi ndaiwe huya kumba hapasi kuvhurika apa .
📱 time yandanga ndichikuda kumba wandiira benzi handiuyiko wanzwa suit yourself ikoko hameno ucharara pai nxaa dont call me again .
📱 Kana uchiita zvevakadzi Delvin ka ndinomusungisa mukadzi iyeye wanzwa ndine muchato ini handiitirwi svina mberi kwangu
Akabva acutter zvake ndakagara pasi ndikachema chaiko . Ndakatanga kuona kuti ndakabhaiza . Ndaimunyima chikafu ikozvino umwe munhu akutomubvunza kuti waguta hre .
Anga agara ainaye munhu iyeye nguva shoma shoma iyoyi anga atova negirl friend nguvai . Kuti ndifambe nguva dzino zvanga zvisingaiti . Mumadhorobha umu tongomunzwa nenyaya yekupondewa vanhu .
Ndaiva ndisati ndakuda kufa zvangu ini . Ndakatarisa motadzese ndikaona dzaka lockewa . Apa chando chaivapo changa chototanga kundibvunza mutupo .
Ndakabata phone ndikada kufonera mai vacho kuti vauye kunditora . Asi ndikafunga matukiro andavaita ndikaona kuti handibudiriri . Ndakambofunga maiguru nyangwe ndakavaudzisa ndivo vaigona kutondibatsira vanga vane moyo wakanaka
📱 hello
📱hello maiguru bamunini venyu vasiya vandikiira kunze ndokumbirawo muuye kunditora handina kwekurara .
Vakamboita chinguva vakanyarara hameno zvaifungwa ipapo . Nxaa munhu kuda kunyengererwa ndiko kunonetsa manje ini nyengriton yacho ndiyo yandisina ndakabva ndati.
📱 mazvinzwa hre zvomongoramba makanyarara .
📱 ndinouya mainini .
Akabva acutter ndakaridza tsamwa . Munhu akazviona sekuti akadzidza stereki anoda kuonererwa . Vagotora nguva vasina kuuya apa ndichitonhorwa nechando .
Ndakatomboda kunodziya moto waidziiwa naGodie nechikadzi chake asi pride yandaiva nayo yakandirambira kuti ndinoutasha . Vakazouya pava paya havo ndokusvika vachiti .....
Her: kwakanaka hre mainini huh maitanaseu kusvika kuzokiirana madoors .
Munhu aitotaurisa hake ini ndichinzwa chando plus ndivo vamwe ivava . Tese tiri vatorwa chavakaregera kunditipira hunhu hwavamwene vedu chii. Ndakangofamba ndakananga kumota ndikavasiya vakamira .
Ndakasvika ndikanovhura mota ndokupinda mukati ndakaona vorovanidza maoko . Vakazouya zvavo havana zvavakataura kusvika tasvika kumba kwavo . Ndakanogara pamasofa avo ndava kuzeesa maziso ndichiona furniture yaiva mumba mavo .
Sofa racho wega waizorora asi kuita serichataura . Delvin anenge murume akanyorwa patoilet vamwe vari kuita mumba munake so iye ane sofa risina kuita seramaiguru iri .
Mumba macho manga makanaka makarongedzwa zvemhando . Vakasvika vakadarikira kuenda kukitchen ndokuuya nechikafu . Vakandipa ndikadya zvangu ummm kune vanobika hama imi . Ndaisatevera pana mai ava.
Me: ko maitorevesa paya pamaiti hamuna maid
Her: Ehe handina .
Me: kushaya mari hre kana kuti mutori neshavi rekusada kugara pasi henyu .
Her: mari iripo mainini remember inini nababa Jay tese tinoshanda . Asi kuti zvinobva nokuti unoda zvipi . Dzimba zhinji muno dzaparara nokuda kwemamaid amunoda iwayo . Pamunozoona hubby wenyu ari pamusoro pake ndipo paunoona kuti Jesu idombo ..
Me: umm kuti kudaro hre ini manje ndinotomuda by ginya chaiko hapangagarike pamba pacho kana Delvin akasatsvaga maid . Ko imi hamuchandiudziwo zvinoitwa mumhuri matakawanikwa musadaro maiguru .
Her: Zveiko mainini.
Me: zvekuti vamwene vedu muroi hanzi vanorara nevarume vedu hantie imi makamboda kuenda nokuda kwaizvozvo hre . Zuro chaiye vakavata vachishandurudzwa naDelvin.
Vakaseka maiguru kuita sekuti ndataura zvinosetsa ini ndanga ndakatovatsamwira vakabva vanatsogara ndokunditi .....
Her: Mainini dambudziko renyu nderekuvimba nemabhururu . Munozviputsira musha wenyu nemanzwira nzwira aya . Akakuudzai izvozvo ndiani nhai mainini.
Me: good samaritan hanti imi makati hamutauri. Mukati regai azvionere oga makaoma zvenyu askana but hamupfuti
Her: Handinei zvangu neakuudzai but regai ndikuudzei . Shamwari mainini dzinofurira manga matova nevanhu vanokuudzai zvinhu nguvai . Ini handina kumboramba murume ini handina kumbosangana neizvozvo zvamuri kutaura . Zvitori zvitsva kwandiri makavaona hre vachishandurana nabamunini vacho tinoda kutaura zvine evidence.
Me: Haiwawo maiguru munenge mune dzvenewo imi . Munenge munoda kudiwawo stereki imi . Makapusa imi ndikutokuonai makadzidza zvenyu asi mune kamwe kakudzungaira kamunako so . Munopatiswa nevanhu ava mai vaya muroi chaiye anokudya uchifamba r.....
Ndisati ndapedzisa kutaura takanzwa munhu akagadzirisa pahuro . Takacheuka ndokuona vari bamukuru apa vanga vakaunyanisa kumeso zvekuratidza kushatirwa zviya . Vakasvika vakatitarisa tese ndokubva vati.......
Him: mainini mauya pano kuti muzodzidzisa mukadzi wangu mashoko hre imi . Wamuri kumboti muroi ndiani ipapo .
Me: Inyaya dzevakadzi bamukuru seiko mangosviko ganhira . Torega kutaura hre nokuti kune madziro commiteee inouya ichiteerera zviri kutaurwa nhai nhai ah .
Vakanditarisa nerimwe ziso risingaiti ndakabva ndavati .....
*Stay tuned*
[2023/09/28, 07:22] Mai Naty: https://chat.whatsapp.com/LSSONLZKXcl1WsLOouXvvB
*HELPER*
❤🔥❤🔥❤🔥❤🔥❤🔥❤🔥
*Story by Ancillar Katsande*
📱 *0778863031*
📚📘📕📖 *#37*
*Chapter 10*
*Mai Nene*
Ndakamuudza zvandaida kuti aone sekuti hama dzemurume wake dzakaipa . By the time i am done with her anenge asisina munhu mumwe anomuda kumhuri yemurume wake .Hilda aingonditarisa achibaya baya phone yake zvake hameno kuti magame hre kana kuti chii chaaitamba paphone pake ..
Ndaitoda kuwacha hembe dzemurume wangu but ndakazowacha hre iye mukadzi waDelvin aswera kumba kwangu . Maid day iri akati eke caz ndaingomutuma tuma kuti benzi uyu ayemure kalife kangu kunyangwe ndainypera zvangu .
For sure it worked caz paanga ave kuenda ndakamuperekedza kunokwira tax on our way to taxi rank ndipo paakanditi ....
.
Her: ummm vamwe muri kurarama kalife kemaboss chaiko . Ndiri kuda kutosvika ndichinetsana naDelvin ndotoziva kuti tinondonetsana ikoko caz ari panze nanhasi kubva nguva iya woti yazuro yekusarara pamba naMwari oh ndofa naye nhasi .
Me: Aaa varume havasi vekuratidza kuti unovada stereki vanokutambisa bhora risina mweya uchingoti yes Nkosi. Gara wamuratidza the real you watoti ichi no ngaive no usamunzwire tsitsi kusvika aita zvaunoda . Usambomupa chinhu you will turn into a maid in your matrimonial home . Fanike iwe wakachata haambokuhurire anongodzoka chete anototya kuti unosungisa hure .
Me: Hah woti ini ndine chitambi zve kuita kupinda nechitambi mumarriage ndiani angandizungunusa hapana . Rumai rwake ndinotorwuda face to face nxaa Fokofu .
Me: Nyangwe mukazofarisa sei askana musataure kuti ndini ndinokuudzai naMwari oh handizokuudzii zvakawanda
Her: hah ko ndimi sahwira mukuru wechidhaka mati ndingataura kunobva neruzivo hre . Ko ndimi wacho denhe reruzivo zvatanga tisingazivi ndimi muri kundiudza . Maiguru vangu vanongodada dada nhema nofunga vanoti kuenda kubasa kunoshamisira . Zvino isu tiri kurarama wani life yatinoda kunyangwe tisingashande
Me: Taura hako chipinda mumota iyo uende ndimbomhanyira mwana wangu mamaid haasi ekutemba pamwana aya .
Her: ok toonana .
Akabva atopinda mumota ini ndava kufambisa kudzokera kumba . Ndakafamba zvangu zvishoma nezvishoma ndichipinda mugate . Ko ndaimhanyirei zvangu ndichiziva kuti zvangu zvese zviri sorted .
Ndakambomira pamaruva angu ndichiona kuti anga akuda mvura ndanga ndisina gardener saka zveyard yangu ndaiita ndega .
Ndakabva ndatotora hosipipe ndokubaira kupombi ndikaisa muflower bed ndikati ndimbopinda mumba ndiswedze murume wangu sezvo ndanga ndaona mota yake panze .
Ndakati ndichipinda mudinning Hilda anga asimo ndikafunga kuti ananga kuroom kwake sezvo these days anga akufarira hope ndiye aitanga kuenda kunorara.
Ndakabva ndaenda kubedroom ndokuona vakamira semachongwe nababa Nene . Pandakapinda Hilda akasekerera achibva ati kuna bamukuru vacho .....
Her: Mundipe zvandareva bamuru nhasi manzwa hre. Akabva abuda hake ndokuenda .
Ndakatarisa baba Nene ndichigara pabed .ndokubva ndavati .....
Me: Chiiko chamanzi mundipe naHilda .
Him: Aah zvamainini zvinotevedzerwa hre hantie paya wakavanzwa vachiti vari kuda hair piece iwe ukaregawo kumutengera hona manje wondinetsesa .
Me: Hilda anopenga ndakamuudza wani kuti ndichamutengera anyway regai ndizomupa mari mangwana agonotenga . V
Him: You better be ok ndingatsamwira zvangu . Oh pane nyaya yandiri kuda kubvunza mai Nene lets hope hausi involved nokuti ndikazvibata munobaya kwenyu KwaMuchekayaora kwaGutu uko.
Kahana kangu kakarova nokuti ndaishaya kuti ingava yei ingandidzosere kwedu uko ini ndakatobva ndichiti ndabudamo . Ndakamutarisa ndichida kuti vataure ndikanzwa akuti ...
Him: Ummm mukadzi waDelvin anowirirana newe asi ndiri kunzwa kuti ashura shura vamwene vake . Delvin ari kufungira kuti pane ari kumu feeder nemanyepo . Zvino shamwari yako ichenjere kuti imba inoparara caz Delvin i know ummmm haadzokeri shure kana atsamwa.
Me: Evo ndingazivirepi zvekumba kwana Delvin kuti shawari yenyu ishamwari yangu hre. Munhu anenge angogara aritsvuuramuromo . Ndinotomboedza kumudzidzisawo uya asi haateereri .
Him: ok rega ndimbonotsvaga one ndiuye ndimwire zvangu pano mangwana handisi kuenda kubasa .
Me: ok endai munotodzoka chikafu chaita.
Vakabva vabuda vakadzoka vaine 2 maHeinken . Vakasvika tikkasetter table ndokudya . Day iri ndakakurumidza kunorara ndainzwa kuda munhu wangu .
Ndakanogeza ndokupfeka sex lingerie yangu nemaheels ered . Ndokugara zvangu pabed ndamirira kuuya kwadady . Ndakabva ndamuisira messege kuti ndakamumirira .
Haana kuita 10 minutes anga auya neglass ranga rine juice akasvika akamira akanditarisa ndokundipa drink riya achiti .
Him: I am going to devour you bby ummm you are looking good .
He was sweet akatora drink ndokundimwisa . Ndakanga ndaakunzwa hope ndaakungoshama n'ai .. ndaisada chose kurara asi hope dzacho dzakauya nesimba ndikaerekana ndarara. Ndakazopepuka pava paya baba Nene vachitodzoforoma hope . Ndakada kuvamutsa asi vaiti vakaneta .
Ndakavasiya zvangu zvinhu zviya zvinongoda mese muri fit . Ndakabva ndararawo ndakatononoka kumuka sezvo murume wangu aisaenda kubasa . Tese takanonoka kumuka ndakabva ndati kuna baba Nene.
Me: morning my King .
Him: i am fine my queen how was your night .
Me: yairwadza hantie manga makaneta hre .
Him: Eish kungoti ndanga ndakaneta mheni .
Me: Baba Nene .
Him: hmmm .
Me: ndanga ndichifunga kuti zvamuri kuti imba yeshamwari yenyu inogona kungowa caz of his wife maregerei kutorongera mainini venyu ava munhu wekumusha asina zvaanoziva hazvitoshamisi akazara ipapo she will be a good wife to him cant you see that.
Him: ummm aaa kungoti Delvin is haasi wekutemba uya . He is my friend but sometimes ndogona kutadza kuziva paamire chaipo. Ko wadireiko kupa Delvin a virgin yet ini ndisina kumboinzwawo taura navo ka vaite second wife your co wife .
Me: Whaaat are you out of your senses. ....
Him: Ndikutamba kani bby i never meant what i said .
Ndakamutarisa ndichibva ndanyarara ndanga ndava kutofunga zuro. Pandakavawana vari muno mubedroom vese asi imwe pfungwa yangu ikandiudza kuti Hilda haangambondidaro mwana wamai vangu .
Ndakanogeza akauya kundi joiner ndipo pandakapihwa rudo rwese handina kumbozofunga zvakanaka ranga rauya jikiseni rinodzora ndangariro . Iye akatochena chena achiti ari kuda kunoona Delvin pane madeals avaida kuita .
Ndakabuda navo ndichienda kumota ndokusiya vakwira ndichibva ndadzoka ndikawana Hilda akagara pasofa. Ndakanogarawo akabva aturikidza makumbo ake ndokuti....
Her: ummm ndatora number dzaDelvin wenyu muphone mabamukuru ndikamusendera mapic apa akunditi ndomaisa pasocial media can you imagine
Me: ngaaise hakezve ko pic rine basa rei.
Her: Aaa sisi haangosiri mapic njee manudes i have to go an extra mile kuti anzwe kundida but yoh munhu wacho akangoomawo zvake .
Me: hiiii nhaiwe tigonyarirepi and Delvin anogona kuzviita uya . Iwe wazozviitirei without informing me .
Her: Aaa zvatoitika sisi oh ndikuda kumboenda kunoona shamwari yangu akauya kuno saka regai ndinogeza ndimbobuda pamwe ndingapera stress
Me: ummm shamwari yako ipi yacho Nhaiwe zvatotanga zvekuda kufambisa . Hakusi kumusha kuno mutown umu .
Her: hiii kuti ndava musungwa hre sisi ndofana kumbofurwawo nemhepo ndodzoka kai chill .
Ndakangoti hoo ko ndaigodii asi kuti ndanga ndine kakufungira kandaiva nako . Ndakamupa mari yetax yekuenda nekudzoka . Ndakasara ndakanga ndakachena kare so ndaida kuona kuti zvedi ari kuenda kushamwari hre .
Umwe moyo wakanditi haa hazvidi kuita overprotective akura akuziva zviri right nezviri wrong ndakabva ndatogara achingobuda Tsitsi our maid akabva auya ndokugara pasi achibva ati .....
Her; ummm ko masarirei dai maenda mese.
Me: umm kuenda nani nhai Tsitsi . Ndingateverera vari kupindana nedzavo hre ndine zvekuita zvakawanda enda unoita basa rako Tsitsi asi unoda kupinza chikomana pano tabva tese kai.
Her: umm kana regai ndiite basa rangu.
Akabva aenda zvake ndikasara ndichifunga kuti anga achida kuedza kuti kudii . Ndakabva ndasimuka ndokunogara mubedroom mangu zvangu kutomborara ndaiita rei basa .
Ndakazomuka zvangu pava paya ndakatomboda kunzwa kuti mukadzi waDelvin azoita sei nemurume wake . Ndakabva ndarega kufona ndaiva nezvakawanda zvekuita aizondiudza nyaya dzake ega . Phone yangu yakaringer dzaiva new number ndakabva ndadaira
📱 hello
📱Hello makadii .
📱Tinofara inzwaika mai imi makabudirira kunyengera benzi ndakatozoona kuti munyika mune vanerudo but let me tell you mukaramba muchinyengerana nemunin'ina wenyu i will expose you both . Ndinawo ma V11 acho bewarned .
📱 Ndikutaura nani .
📱Kana musingandizivi garai makadaro but soon murume wenyu ndichamuudza mukaramba muchiita zvamuri kuita . Iko ndinozvinetsereiko makarwa kurwa kwakanaka asi zivai kuti ukaita chakaipa wazviitira mark my words woman.
Akabva acutter ndakaramba ndakamira ndakabatira ura mumaoko . Apa baba Nene vanga vambondipa chenjedzo vakazvinzwa zvaizodii.
Kwaingova kubvunza nhema asi ndanga ndatoribata voice racho. Ndakabva ndagara pasi zvokupererwa chaiko kutya kuti yangu ingapararawo . ZvaHilda zvemanudes ake hameno hake .
Ndiri mushishi kufunga ndipo pandakadeedzwa natsitsi achiti ndiuye . Ndakashaya kuti kunei ndipo pandakafambisa kuenda kudinning ndikasvika kune mashura chaiwo ndakatarisa vaiva mumba vanhu ndokubva ndatarisa ......
*Stay tuned*
❤️
😢
😮
5