Ancy Cays Novels
June 7, 2025 at 06:04 AM
[2023/09/28, 07:23] Mai Naty: https://chat.whatsapp.com/LSSONLZKXcl1WsLOouXvvB *HELPER* ❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥 *Story by Ancillar Katsande* 📱 *0778863031* 📚📕📘📖 *#37* *Chapter 16* *Leandra* Kuenda kwavamwene kwangu zvaisambondinetsa zvangu ini . Ndakaenda ndikatoona kuti Delvin aindityira kuti pamwe Gibon angandidzokera akabva aenda tikasara naamai . Vamwene vangu vanga vakasunguka zvavo ndanga ndaita rombo rakanaka hameno kana vaizochinja ramangwana . Ndakagara zvangu maiguru vakauya zvavo ndakatofara ndanga ndava kuita basa tichifara namaiguru ndakanzwa vaakuti ..... Her: mainini munodiwa nabamunini veduwe ndatonzi maiguru endai munobetsera mukadzi wangu basa. Me: kuti kudaro hre maiguru pamwe zvichapera ko munhurume anongochinjazve wotoshaya kuti chasiyana pandiri chava chiizve Her: not ava mainini ndimi munenge matovaresva . Mainini avo vakangozviputsira musha wavo nekuda kweshamwari . Hapana wavaiwirirana naye pavanhu vese pano . Hama dzemurume dzinoda kungodiwawo nokuti pane pamwe paunovada . Me: Taurai henyu maiguru regai timboona . Her: hah imi makatohwina mukombe makawanikwa makazara chaiko zvataonawo isu . Munoti dai taiudzwa taigona kuti inhema . Me: (Ndichiseka) neiko veduwe . Vakataura kuti hanzi makanyanya can you imagine hameno sei vanhu vachiti ukagara mutown watorasa hunhu ndakabva ndatovati ..... Me: manje ini handina kukurira muno ndakatokurira kumusha ndakauya kuno nebasa . Takatandara tichitaura zvimwe takagadzira supper tatodya tapedza maiguru vakaenda kumba kwavo . Tichangogara gara vakabva vauya vana Delvin . Vakagara pasi vakutaura nyaya dzavo .ndakaenda kukitchen ndokuvagadzirira chikafu. Ndikanovapa ndakanogara zvangu mukitchen vakaita nguva vachitaura nyaya dzavo pamwe pacho vaiseka havo pakaita nguva ndakaona munhu apinda mukitchen . Ndakacheuka anga ari Delvin ndakanzwa akuti ..... Her; Wakagarirei wega bby . Me: hantie manga muchamboita nyaya dzenyu hre Him: Chiuya undimhorese zvakanaka tione tava 2 muno paya wanga uchinyara vana muchembere Me: ko kukawana anopinda nhaiwe . Him: ndiani asingazivi kuti uri mukadzi wangu . Ndakangosiyana nazvo ndikasimuka ndokumbundira munhu wangu . Ndokubva ndagara zvangu pasi abva anditi ..... Him: Its over bby its now you and me thank you nekunditendera kuti ndigadzirise zvinhu zvangu . Apa tikuita sei . Me: manga mati chii . Him: torara pano hre or toenda kwako uko kana kwangu . Me: tingatoenda kwangu kwako handidi tonorara pai . Him: Oh i get the point uchatenga wega property yacho but zvakangofanana bby . Me: kufanana kuti chii unoda kuti ndirare pairara umwe mukadzi hre . Him: But chairara neumwe mukadzi chacho uchachigura hre chigomera chako . Ndakaseka ndichimurova zvimbama . Him: saka torara pano its late kuti tifambe . Bamukuru vakabva vauya vachiti Delvin avaperekedze iye akabva ati ..... Him: hande bby togona kutonorara ikoko totoenda tichinooneka vana mhamha . Takabva taenda tikanogara pasi iye ndiye akataura ini ndinyerere zvangu ndakanzwa ave kuti..... Him: Dad namhamha muroora wenyu ndaakuenda naye mangwana ari kufana kumukira kumba kwavo remember kusweramangwana isu tinenge tichitevera. Mhamha: heya hah tava nenguva yakanaka mwanangu . Wondofarisa vamwe ikoko pamwe ndinogona kutadza kuuya ikoko . Me: Ehoi mhamha mosara zvakanaka Vakatiperekedza kumota ndokudzokera isu taakuendawo . Takasiya bamukuru ndikaona munhu onditi hande . Ndakamutarisa nekuti anga ambonditi tinorara kwana maiguru . Ndakabva ndanyarara zvangu akamutsa mota taakuenda ndikabva ndamuti..... Me: And then . Her: change of plan dear ndaona kuti ndingaita noise blaz vakaziva kuti uri kundipengesa bby . Me: (ndichiseka) iko unozonyanya ah tanga tichizongorara pasina caz ndokuziva . Him: Ndatoona kuti ndingatsanyiswa zvangu . Ndosaka ndatoti tiende kwako uko . Ndakasekerera ndakamutarisa kuyeverwa naye chaiko . Finally he is mine . Akanditarisa aona kuti ndaksmutarisa akaseka zvake akabva ati . Him: Spit it out. Me: ah i am juss admiring my man . Is it a crime . Him: Not at all tarisa hako upedze shungu . Bby wangu but bby ndikanobvisa hausari caz tinenge tine basa rakawanda. Be my helper bby company yedu isimuke . Wozozorora kana dumbu rakura . Me: Dumbu ripi nhywe . Him: uchariona hako kana usati wariona . Tasvika ndinoda kutombozorora ndakaneta wena . Takaenda kumba tikasvika nekurefresher tichibva tarara . Anga akaneta zvechokwadi takangoti kupinda mumachira nokutobatirwa nehope . Ndakamuka kuseni seni ndokugeza ndikagadzira zverwendo rwangu . Ndakarongedzera zvese zvandaifunga kuti zvinondobatsira ndichiisa mumota . Mari ndanga ndapihwa saka zvakaita segrocery nezvimwe ndanga ndiri covered. Ndakanga ndabika saka pakamuka hubby akasvika pandiri akandibata ruoko achifamba achienda kubedroom ndaingotevera ndikanzwa ave kuti ... Him: saka apa wanga waakuda kutoenda usina kumbondipa zuro ndakarara ndakaneta. Me: Iii dad ndatogeza ndatochinja hre veduwe . Ndikuda kukasira kufamba Him: bby zvekutsanyiswa handidi ndipe zvinhu zvangu dai wandimutsira pasina zvese izvi . Ndaigodii zvangu ndakangotamba inorira ndokubva ndazozvigadzira ndokuenda zvangu . Akandiperekedza mutown ndikanotenga grocery akabhadhara ndiye . Takaparadzana ini ndoenda iye otora taxi kuenda nayo kumba kwavo kunotora mota yaakasiya nezuro. Ndaifamba zvangu ndichiridza gospel . Ndakasvika ari masikati sekuru vakafara pamba panga panana mainini nana bamunini ndivo vaitogadzira gadzira . Vanga vashanda chose nokuti panga pakanaka chaiko. Sekuru; watitsika nemota itsva iyi ndeyako hre muzukuru wangu . Me: ehe ndeyangu Sekuru ko tete mai Richy vauya hre . Him: Ati anosvika kumazuva rovira . Ndakaseka zvangu ndava kuwanzirana nasekuru vangu . Ndichivati varoore chembere imwe . Vaiseka zvavo vachiramba . Ndakakwazisa vana bamunini ndokumbogara zvangu vanin'ina vangu vauya kumba tikaita nyaya . Takanorara vana bamunini nasekuru nana tete vachiringa zvavairong . Vana mainini vanin'ina vamhamha vaiuya kuseni. Takamuka kuseni seni kutsvaira chivanze . Vanhu vachimhanyidzana nekupihwa mvura dzekugeza Vana mainini vakasvika ndikanovakwazisa . Vana tete vangu vaimira mira . Ndakadaidzwa natete mai Richy mumba avo tainzwanana . Ndakanogara ndikanzwa vave kuti ..... Her: mainini hatidi kuzonyara hamuna henyu kuita misikanzwa ka . Me: Iii tete mota yamuri kuona iyo ndeyekutotenda vakandibata bamunini venyu . Her: aah heya vanotoziva havo kuti ndivo vakakushaisha saka hapana zvinonetsa ipapo . Ivo vakabva vatofonawo vachiti vaakuda madirection ekuuya kumba . Vanga vatosvika pamashops edu . Ndakabva ndavapa vana tete vakatondoti iwe waakutogara muno hauhabudi kusvika tati buda . Ndakangobvumira ivo vakabuda panze ndakavapa number dzatete ndiye munhu aizoronga navo zvemunyai zvese . Ndaitotaura zvangu naDelvin paapp . Pasina nguva ndakanzwa kutinhira kwemota ndikadongorera ndikaona mashura vana Delvin zvavanoita so kwakauya ...... *Stay tuned* [2023/09/28, 07:23] Mai Naty: https://chat.whatsapp.com/LSSONLZKXcl1WsLOouXvvB *HELPER* ❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥 *Story by Ancillar Katsande* 📱 *0778863031* 📚📕📘📖 *#37* *Chapter 17* *Rebbeca* Ndakatarisa vatete vangu ivo vakanditarisawo takasanganidzana meso ndikabva ndafinyama kumeso ndokutarisa kudivi zvangu . Kusvika tisvike pamba pedu. . Takasvika tikatambirwa zvakanaka vana mai nana bans vaiita sevachatsemukira muromo nekusekerera vakuwasha . Dai vaiziva vaigara zvavo vakadumata . Ndakavakwazisa asi mufaro chaiwo ndanga ndisina. Vanin'ina vangu shena yaiita seichapinda mumuromo chaomo zvakauya zvichimhanyira ivo vana bamukuru kuita sevachavazadza shena ivo vachingosekerera vana Delvin vacho . Vakatozoita zvokunzi budai panze ndokusara vanhu vakuru chete Baba: Kwakanaka hre vanangu kwamaita kunotora vatete mukauya navo tinodzoka totya Bamukuru: Baba kwakanaka zvakowo muchiona tauya kudai hatisi kunyanya kugara . Tauya namainini ava isu tavakonewa tatadza kugara navo roora ratakaroora zvaro harina basa . Baba: Hezvo ko zvanga zvaita seiko zvokuti makatadza kutaurirana kana kudana tete vakakugadzirisai mongozoya nemunhu matorambana . . Bamukuru: Bvunzai vatete ava vakafonerwa vachiudzwa zviri kuita mwana wavo what did she do hapana . Isu tisu taigwadziwa nokuti tisu tanga takapfeka shangu inoshinya. . Baba: Vatete makaudziwa hre ko sei musina kutaura . Her: Ndakada kutaura nayde uyu akandidana nezita akandiudza nhamo yangu yese. Hazvina kuguma ipapo ndakauya kuno makuseni ndikaudza maiguru vakandishura shura navo ndikati regai ndisiyane nazvo. Baba vakavira nehasha vaiti vakatarisa ini votarisa Mai . Bamukuru:Tauya takarongedzera iyi nari yekugara kwatakaita nemwana wenyu anga asiri mhandara zvake takangodarikawo nenzira yakafambw vamwe asi semhuri ine murau tati tisiyewo mari iyoyi toenda isu mainini huyai mutore hembe dzenyu Mai: Manje muchato ndiwo wakakusunganidzaizve. Muchauya kukumbira muchigwevaira munoti hatizivi mutemo . Kungoroota chete anouya kusungisa mukadziyo wakaita kuzvisungirira paari uyu . Bamukuru vakangoseka zvavo ndokubva vabuda Delvin akabva abuda ndakatevera ikoko ndikawana vave kutobudisa mabag kuboot . Ndipo pandakaona kuti haazi mafunnies . Ndakabva ndati ... . Me: Uchandidemba Delvin uchauya uchikumbira ruregerero but uchandishaiwa Him: Maybe after rapture nxaa mupei mabag ake tiende vasare vachiita drama ravo vega pano Me: manje handimbosaini madevorce acho. Him: Iwe wakatosaina kare unoti ndakapusa zvokuti ndingatadza kudamburisa muchato . Wakasaina wega remember paya pawakasaina bepa uchiti ndere mota . Munoziva ndakapererwa chaiko ndipo pandakaona kuti ndakapusa chaiko . Kunyagwe ndisina hangu kupedza chikoro asi kuverenga ndaigona Akatotaura achipinda mumota achinditsonya Delvin . Ndokumutsa mota achibva aenda zvake. Ndakasara zvangu ndakamira paya ndakatarisana nemabag angu . Ndakanzwa ruzha mukitchen ndikaona baba vachibuda vachiisa something muhomwe mai vachitevera vachidaidzira kuti .... Her: Siyai mari iyoyo kana mune kwamuri kuenda baba Rebbeca . Him: Ndirege zvangu yapihwa iwe hre nxaa . Vaitotaura vachifambisa kuenda ndakatoziva zvangu kuti vanodzoka yapera kuti tsvai . Ndizvo zvavaive baba vangu mai vanga vachingobatira maoko muchiuno. Vatete vakabva vangobuda zvavo mumba vachisunga zambia ravo . Mai: Vatete mukunyarara sei imi muchiona kuti hanzvadzi yenyu ikuenda nemari ..... Her: mai Rebbeca ndiregei zvangu munongondida kana zvagozha zvakakunakirai nhamo yangu inenge iriyo yamunenge muchiparidza . Imi mavakonewa wani ini ndini ndingazovagona . Me: Munenge munobata mushonga imi tete zvinhu zvangu zvakatanga kunetsa ndataura nemi sei . Her: Mushonga ndiwe Rebbeca uri tsvuuramuromo iwe mharapatsetse yemwana taiti zvawaroorwa kudai unondochinja asi haiwa hauna wakazviputsira imba yako wega usapomera vanhu. Vakabva vafamba vaenda ndakatarisa mai ndikaona vanditarisa . Vachibva vanditi ..... Her: Saka wakamirirei ipapo isa zvinhu zvako mumba wotouya uyende kuchigayo nokuti hamuna kana upfu hameno kuti hauna kana mari hre pauri utonobhadhara kuchigayo kwacho baba vatoenda nemari yose . Me: mhamha inini kuenda kuchigayo tumai vana Rindai ava ndinoda kuzorora ini . Plus munoti hapana mari sei nemazimari ese aya akabviswa pandakaroorwa makaisepi . Makatadza kana kuitawo business zvaro . Her: Ko iwe zvawakandogara mumari wakaregerei kuitawo business hantie waingodya nekuvhura makumbo chii chawakabudisa nxaa ungatotiudza zvebusiness nxaa ipa vasikana mari yacho vamhanye tione . Ndakapererwa chaiko vana mai vangu zvavanoita so ndezvekushaya musoro . Ndakarongedza zvinhu zvangu munhanga mangu ndini ndakanga ndakatoivakisa round iyoyo ndiri house girl . Pamba paiva nemaround 3 chete kusanganisira yangu . Ndakasvika musingatsrisiki netsvina maitopfumbuka huruva manga makapedzisira kudzudzurwa nofunga ndichiripo chaiko. Ndakatoona kuti kwatova kutanga kurarama kwakaona . Kuita kunyemudzwa mugaro kwenguva diki now ndadzoka zvekare Iyo nyoka yangi inenge yanga yakatopusawo kana kubata nhumbu pamwe ndaizowanawo pekudyira mari yaDelvin . Ndakaudonhesa misodzi ndiri munhanga mangu . Ndikafunga kuti chokwadi mai Nene vakandiparadza . Ndakatsidza ndirimo kuti handichafi ndakaita shamwari muupenyu hwangu . Kana kuvimba nemunhu zvekare . Vanhu muraini vanga vasati vatanga nekufamba kwenguva muchavanzwa henyu . Ndakabva ndabudisa mabag angu ndokubudisa zvinhu zvese zvaivamo . Ndakanotora ndove ndokutanga kudzudzura mumoyo ndaifunga kuti ndoitei nemari yandanga ndabva nayo Akauya Rindai ndikamupa mari yechigayo yacho . Ndakabva ndatanga kurongedza zvinhu zvangu . Mumba manaka ndakabva ndanogeza ndakatanga kufunga kuti upenyu hweruzevha ma1 . Ipapa zvandatouya kamari kacho kanogona kupera kuchingonzi chakati hapana kana ndimiwo . Ndakabva ndasimuka nguva iyoyo ndokuenda kugrowth point yedu . Ndikanotsvaga imba yekurenter kwaisava nemagetsi ndikaiwana ndakabva ndambogara ndaakufunga kuti ndochiita sei . Ndakafunga zvekuorder bhero ndikatotaura neteam raideliver mabhero pamba pako wozobhadhara . Ndakabvisa mari yebhero. Ndokutenga kamin grocery kangu ndikasiya ndais muroom mangu . Mari yandaizosara nayo yaiva $5 chete . Ndakaenda kumba ndokuwana vasikana vatodzoka kuchigayo mai vakanditaris vachiti .... Her: ndanga ndichifunga kuti uchativigira nyama nechingwa kungouya uchifamba hako . . Ndaivaziva kuti vaida kudya mai vangu ipapa mari yakapera vachingotenga zvisina basa . Me: Mhamha kurambwa kutanga kweumwe upenyu ndakadzidza zvakawanda mukurarama umu . Ndikadzidza nemuma mistake angu . Handimusvoori Delvin nedecision yaakatora chokwadi ndechekuti ndaitove mutoro unorema kwaari asi ndadzidza . Ndauya kutora hembe dzangu kuti tigare pano takangotarisana hapana chinobuda . Regai ndimbobatanidza mapieces akaparara paupenyu hwangu ndione kuti handingagoni kuhumisa zvekare hre . Her: hoo ndizvo zvawafunga ita timboona kuti unosvika kupi . Ndakabva ndatoti vana Rindai vandibatsire kutakura zvinhu zvangu .ndokuenda hedu vakambogara mbichan vachindibatsira kurongedza Ndaiti ndikafunga kuti ndakangoita wekupa PA uya kuti tora hako murume ndichonuengerwa kunzi sunga makumbo . Hah musi wandinomubata mai Nene tinotorovana futi . Akandikanyira musha wangu ndakaudonhesa misodzi ndaakufunga drama rese randaisangana naro . Murume achiita seachagwesha kuri kukumbira chunhu . Munhu achivata achikubaya imwe uchiramba wakaomesa gotsi uchiti akaura . Zvakaoma ndakagara zvangu vana Rindai vaenda nyangwe appetite yekudya ndanga ndisina.. ndakatorara nenzara ndakatozomuka kuseni chaiko .. vemabhero vakatozouya mazuva rovira . Ndakasarudza bhero rangu ndakavhura ndikatoonawo riri bhoo ndikabhadhara vachibva vaenda . Kuchiedza ndakaendawo kwaiwaridza vamwe . Ikoko tichidaiidzirawo kuti🗣️ huyai muorder mabhero manyama richangovhurwa. Iro raiva nehembe dzakanaka firsy day rakatengwa zvishoma second day zvanga zvoita wena . Ndaiunganidza mari yangu pandakangoona yokwana rimwe bhero ndakavaudza futi . Ndakatotenda Mwari kuti ndakagona kuchengetawo kamari pandanga ndichiri kuipiwa . Ndakazviudza kuti zvekuroorwa ndichambomira hangu . Kunyangwe vamwe vakadzi vakaita seni vaindisekerera vachiratidza kuti vanoda kuwadzana neni . Ndaingovatarisa ndosiyana navo ndanga ndazviudza kuti kakomba ndachera handichadi kuona chinhu chinonzi shamwari futi. *Stay tuned* [2023/09/28, 07:23] Mai Naty: https://chat.whatsapp.com/LSSONLZKXcl1WsLOouXvvB *HELPER* ❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥 *Story by Ancillar Katsande* 📱 *0778863031* 📚📕📘📖 *#37* *Chapter 18* *Delvin* Pakaenda Lea ndakasara ndikaenda kubasa ndikamboshanda shanda ndokuzochaisa zvangu masikati . Ndakaenda kumba kwana moms ndikasvika pamba pane mota 2 dzandaisaziva . Ndakaburuka ndokufamba ndichisvika paveranda ndakatoona kuti mumba maiva nemavoices akawanda evanhu vaitaura . Ndakashaya kuti ndiani . Pandakavhura door ndipo pandakaona kuti vaiva munin'ina wamdara nematwins avo maviri . Taingova vesame age kutaurwa kwazvo kunzonzi mai vangu vakazvara ini sanhasi ndokudarika zuva rimwe mainini vachizvarawo Kingsley naKing . Tainzwanana chaizvo pandakachata naRebbeca vaisavapo vainopedzisa dzidzo dzavo kuSA . Pavakandiona vakaita kuscreamer vachiuya kuzonditambira ..... King: haaa chibaba kuonekwa hre amana . Ndimi muri kudai kuposter simbi pabook ndatoti kana ndikuuya ndikutorerei simbi iya blaz .... Kingsley: hey hey King babe nderangu iwe . Better vatonotora tsvuuramuromo yatangonzwa nembiri. Me: iyoyo ndiyo inoenderana nemi vapfanha ko masiyepi vana mainini vangu. Kingsley: Itai mainini nokuti King angoita semi haasisina mukadzi akatizwa . Apa aitaura achiseka ndakatombosekawo takamira kudaro . Blaz ndivo vakazodaidzira .... Him: hey huya umhorese vamwe nyaya dzenyu dzopera hre vapfanha imi Ndakaseka zvangu ndichienda kunomhorosa vana bamunini . Ndokuswedza vana mhamha nana mdara . Ndipo pandakanzwa kuti mdara vanga vavadana kuti tiende kunoroora . Ndakafara chaiko caz taizoenda takawanda . Mari yanga iripo and inini i want to impress my love . Takarara tichironga ndokubva ndaudziwa kuti taizoenda nemota nhatu. Takaronga zvese zvaidiwa ndokubva tazoparadzana ndaakumbonowaya waya nana Kingsley . We had to catch up tanga tava netime tisingaonane . Takanotaura about lifs and staff . Takazodzokera kumba zuva ratovira ndanga ndisina kunzwa kuti bby wangu afamba sei . Ndakabva ndatomufonera ipapo ipapo akandiudza kuti afamba zvakanaka . Takadya ndokunorara muroom imwe tiri 3 hah imi mairohwa nyaya imomo . Takanonoka kurara zvokuti takatozoita zvekumutswa kunotarisa kudai kwaiva kuma 2m . Me : Yoh ko hanzii kutimutsa nguva dzino . Blaz: mukai mugadzire pane mufambo kumusha kwamainini tinofana kusimuka pano by half past 2 saka get busy vafana . King : endai munogeza henyu ini handigezi kukutonhora uku plus ndakageza late . Me: Kaskiri kekuzvisimbisa kuti usageza my friend simuka tinogeza unoda kuzononhuwidzira my inlaws dikita . Kingsley : taurai henyu aaa apa ndiwe wanga uchida kubata brief case. Takanetsana naye kusvika taenda kunogeza naye . Takadzoka ndokusvuta ayewa team racho taiziva fashion . Taisada kuudzirwa tanga takachena blazz vakauya tatopedza vakabva vati..... Him: hah pamasmart makatodza blaz . Chiitai tiende madhara atova panze . Me: nhasi i am a king . Kingsley you are going to drive me . Blaz: And you king lets go you are my driver today . King: Amana yekuita mwana mudiki iyi pakaipa . Handei but handidi kuona ano complainer caz ini ndinomhanya chaiko handinanairi . Hameno ava vada kudriviwa naKingsley anofambira mu40. Kingsley: ingoti wanga uchida kuuya medu maunoziva kuti mune nyaya dzinopisa . Enda unoudzwa ngano naBlaz uko . Takaseka hedu tichibuda panze. Takatowana madhara atomutsa yavo mota takajambira medu ndokumutsawo tikatevera yana mdara vana Blaz vachitevera . Vanhu vaifamba kwete zvekutamba takatowana vana mdara vaparker pamashops pacho paaiti ndipo pavanotenga . Ndakasvika ndichibva ndamirawo ipapo vana king vachisvika kwanga kuri kuma 7 am . Panguva dzacho tanga tafamba . Ndakafonera iye Lea ndichibvunza madirection akadaira achitirondedzera ndichibva pafoni ndakaona King naKingsley zvorovana maoko aya aitova mapenzi chaiwo . Vana mdara navo vakavatarisa vakaseka zvavo. King: Ukunzwa hre voice racho unopinda mumweya usati watombodii hako . Nekungorinzwa chete . Vana mdara vakangoseka zvavo ndikabva ndatosekawo . Iko Lea airi tuner voice achitaura neni so . Ipapa aitotaura achiyemerera zvake. Dai anga ari pedo dai ndatombopinda pane chimwe chikamu. Takabva tapinda munzira ndokuenda hedu tichitevedza zvaanga ataura takabva tazobvunza tava muraini pacho ndpkuradzwa pamba pacho . Tanga tave kutaura natete vacho manje . Takamira kuroad vakauya Takavakwazisa takaona mumwe murume otevera achimhanya . Takabva taudzwa kuti ndiye aiva munyai wedu takabva tanzi tipinde mukati . Takafambisa mota ndokunopinda mukati . Ndakasara zvangu ndiru mumota vakabuda vamwe vese ndokuenda kwavaitungamirirwa . Ndakabva ndatofonera bby wangu nevideo call. Akabva adaira anga akatogara zvake apa akaisunga dhuku rake zvakanaka . . Me: Hess bby i miss you . .. Her: I miss you too asi wasara kai ndaona vamwe vabuda iwe wanga usipo wani . Me: ndiripo bby ndasara mumota huya mumota iri pakati iyo bby umbondipawo muromo ... Her: Ndaita zveku kiirwa chaizvo mumba muno honey . Me: Ok chakuona wasunungurwa kwacho but remember tiri kuenda tess hausi kusara Her: iii ndambosaea kwacho hre ndikunzwa kutokuda chaiko honey i juss want you inside me ... Me: Really sure hre bby hande ndokupa kusvika pawadira . Akaseka zvake mwanasikana ndikabva ndacutter . Ndakambotanga ndichatamba nefoni Kusvika ndarara zvangu . Vakazouya vondimutsa vanga vapedza vachiti ndaidiwa . Ndakazvigadzirisa zvangu ndokubva ndabuda . Vamwe vaiva panze ndaiona vachirebesa huro . Nofunga kwaida kuona murume waLea . Takasvika tikarova gusvi tichipinda mumba . Takasvika tikagara parupasa Lea anga arimo akagara pakati pevamwe vakadzi . Anga akaita kufitwa nedhuku vakaita maintroduction tikazivana nehama dzosr dzaivamo mumba . Takachonjomara tokwazisa vanhu vese vaivamo . Tikanzi tasununguka . Takanogaraa mune imwe imba ndokuvigirwa chikafu imi ndakaonerera musi iwoyo paiva nemhando nhatu dzesadza . Rimwe ranga rakatsvuka , rimwe ranga rakaita greyish like . Rimwe ranga rakatsvukuruka rakashaina . Apa ranga rakaburwa mumwe kuburirirwowo . Kuita kurongwa rongwa riri mumandiro vana mdara vakasekerera zvikanzi..... Him: kuno kuchiri nechivanhu chaicho . Nhasi toridya sadza rezviyo neremupunga Bamunini: Ini ndinotoda remhunga iri nenyama yehuk iyi zvofambirana takakura tichifarira kuenda kumba kwambuya ndiko kwatainobikirwa sadza rerukweza . Vakaratidza kufarira sadza iroro . Takaridya kudai umm rainaka chaizvo and ranga rabikwa zvemandorokwati . Tapedza vanamdara vakabva vabuda zvavo kunotandara nasekuru vaLea. Vatete vakabva vapinda vakasvika vakagara ndikanzwa vave kuti ..... Her: vana bamunini isu hamutioniwo kani basa redu takaita wani asi makawana takafambiwa kani . Team yakaseka zvayo blaz vakabva vati .... Him: tanga tichakuonau vana tete zvaiita hre kuti tikuonei munana baba . Hongu nzira yanga isina kana kukurwa tisu takatotanga kufamba nayo . Her: mudaro zve tanga toti pamwe wedu akatinyepera . Takabva taibudisa mari ndokuvapa vakafara chose . Takavaudza kuti Lea ngaachiuya tiende . Vakamhanya vachiti vaakunomutora . Takaoneka kumazuva rovira takazoti tosekana tava kuenda kumba. Vana Kingsley vanga vaswera vakadzikamira . Chinzwa unzwe noise yaakaita pandanga ndoda kukisa Lea i. Him: Hey hey stop aah ndoparker mota kana zvakadaro aaa kana kuti huyai mumbo driver ndimbogara namaiguru ini . Me: aaa unopenga driver chiiko usatarisa kumashure drivet wakatarisa mberi Lea: regai ndiuye pamother seat zvenyu bamunini imi ndikuitisei nyaya munhu anodriver haafani kunyarara anozonzwa hope akatikutura Akabva atomisa mota Kingsley achisekerera . Lea akabuda ndokunogara mberi vaitaura vachiseka ikoko ndakabva ndaisira bby wangu messege akaiverenga akabva ati..... *Stay tuned* [2023/09/28, 07:23] Mai Naty: https://chat.whatsapp.com/LSSONLZKXcl1WsLOouXvvB *HELPER* ❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥 *Story by Ancillar Katsande* 📱 *0778863031* *Chapter 20* *Leandra* Finally ndanga ndava mai Billa . Ndakabvisirwa zvakafadza sekuru vangu tisati taenda vakandidana ndikaona vosekerera vachibva vati...... Him: Muzukuru wangu nyangwr ndikafa ndaakuziva kuti muzukuru wangu agere zvakanaka ava kushanda uye aroorwa zvakanaka . Murume wako anoratidza kukuda mwanangu chidikawo kwete kuita zvisina basa ikoko . Wonoita maduties ako semukadzi hazvinei nokuti unoshanda . Wongwarira vasikana vebasa . Kana kutorega kuita vasikana vacho uzviitire wega . Vanhu vabvisa mari ine mumvuri avo handidi kunzwa zvisina basa ikoko . Me: Hamumbofi sekuru muchatorarama kuona vans vangu . Saka mosara zvakanaka . Takaparadzana ini ndave kuenda kumota . Ndakanopinda yaDelvin nabamunini Kingsley . Vainakidzwaa zvavo bamunini vangu . Munhu anotaurisa havanyarari . Delvin ndakamusiya nokuti ndakatoona kuti haatodi kundirega and anga asinganyari munin'ina wake . Ndikapedzisira ndaenda kunogara nabamunini . Him: vamwe baba vonzwa sevotsva variko kumashure ikoko. Ndakaseka zvangu iye akabva arara hake achibaya baya phone yake . Isu tichitaura nyaya nabamunini achibva aisa messege ndakaseka zvangu ndichiverenga . Hanzi saka wasarudza Kingsley over me. ✉️ Iwewe wapera rega timboona vachambozvinzwa ava ✉️ ndouraya munhu Lea wanzwa . Ndakaseka zvangu ndokurega kupindira akabva andibhipa ndakatoziva kuti kuda mhinduro yake ndakabva ndangomuti..... Me: ndokuda murume wangu ndikufara kani. Nezvaunondiitisa Dee ndigofunga mumwe munhu hah maya . Ndakamutarisa ndikaona achisekerera takabva taenda zvedu nyaya dzaakutsva takasvika usiku chaiho . Takananga kumba kwana Dee . Takasvika takagarirwa navamwene vaiva nemufaro wakawanda . Her:Ko mafamba zvakanaka hre basa mandoribata zvakanaka hre . Baba: Hah basa taribata zvakanaka . Mabikeiko torai sadza redu ratabva naro muridziise tirove sadza . Kingsley : Whaaat you guyz mazotora sadza riya makanyanya . Bamunini: Hezvo taribhadhara riya tatoti tete tirongedzerei sadza redu . Itai tione tidye ini ndikutonzwa kurida . Ndakaona mai vosimuka ndikabva ndasimuka ndokutora bowel resadz riya ndokuenda naro kukitchen . Ndakanoridziisa mhamha vakauya vakandibatsira kusetter table . Tikadya ndikasuka ndiro dzangu ndapedza ndanga ndonzwa hope ini. Me: mhamha ndonorara kupi ndaakunzwa hope ini . Her: huya ndikuratidze room yemurume wako kubva achiri mukomana kunyangwe pakaita function pano wotongoziva kuti ndiyo room yenyu mwanangu . Ndakatevera kuya ndikapinda mumba macho wardrobe yaivamo ndimo mainzi mune machira. Ndakabedder bed ndokubva ndanogeza ndikadzoka ndokurara zvangu . Vaisapedza kutaura nyaya dzavo saka handina kumbozvitsvaga ndakatobatwa nehope ndanga ndatoneta zvangu . Ndakatozoita kupepuka ndabatwa nemunhu ane maoko aitonhora . Me: Eish Dee shaa ukutonhora iwe ndikuda kurara ini. Him: Ndidziisewo bby nyaya dzazowandisa . Akabva aisa maoko ake pamazamu andi achidzika nekudumbu uku . Him: ukumboonawo machanges arikuitika pabody pako hre bby. Me; Aa hapana machanges apa . Him: Bby mazamu ari kukura aya bby . Wakapedzisira kugeza riini . Ndakambonyarara ndichifunga kuti ndakapedzisira riini . Ndipo pandakaona kuti mwedzi wanga watopera ndisina kugeza . But i was not convinced kuti i am pregnant . Pane pamwe pandaimbopota ndichidarikira . Me: zvaukufunga hazvizi Daddy . Him: Ok mangwana tonotenga pregnant test wotester kana rikabuda iri positive unondipei lets bet. Me: Aaa ndokupa zvese zvauri kuda dady Him : ok neni ndokupa zvaunoda are you ready bby caz i am horny. Ndanga ndava ready kare caz zvaainditisa munhu wacho ndaitomboita sendinopenga chaiko. I really enjoyed ndaitimboita wekubata muromo kuitira asaite noise . Semuroora ndakamuka kuseni seni ndokugadzira mumba kucleaner yard . Vanhu vakazosara vamuka ndatopedza ndakamutsa vanhu Dee akamuka atochena chena achinditi..... Him: bby tikuenda kubasa saka hande unochinja tiende kubasa . Momy: musina kudya hre vana vangu Him: Dont worry mhamha tava nemazuva tisingaendi kubasa . So kunotori nebasa rakawanda kutaura tichatsvaga food dont worry . Her: mukudzoka kuno machaisa . Him: yah todzoka tichazonogadzira kumba kwedu paweekend mai mfana vari kuda furniture yavo not yaivamo mumba saka tichanotenga for the mean time tinenge tiri pano . Vamwene vangu vakafara ndakaoneka ndokuenda naHubby . Ndakasvika ndikachinja nokukasira ndokuzvigadzirisa kumeso kwangu ndikaisa laptop mubag mayo ndokubuda . Him: Ummm bby wakachena chimbouya pano tione . Me: Ayewa Delvin hande kubasa . Him: Uchandiremekedzawo riini bby unoti pane chachinja hre uri mukadzi wangu iwe . Me: Kutojaira henyu sorry dady handei . Akaita kundikochekera tichienda kumota . Ndaida kupinda mune yangu but akati tiende nemota one . Ndiye aidriver takasvika kubasa vamwe vatovepo vachiri panze . Ndakaita kuvhurirwa door remota . Ndikabatwa ruoko ndichibuda vanhu vanga vatarisa kwatiri iye Delvin wacho kuda kuita show off . Ndakada kuenda kune vamwe but he pulled me ndikawira mumaoko ake ndokundipa peck pamuromo chaipo achibva ati..... Him: tosangana kuoffice bby . Achitofamba achienda ini ndichienda kunomhorosa vamwe . Shoko rinofamba veduwe vanhu vaingondikorokotedza hameno vanga vanzwa nani kuti Delvin akanoroora . Vanhu yaingova madam boss , madam boss . Umwe mukadzi ndiye akazoti...... Her : Vanhu imi maidanana kare makazorambana umee akanoroora umwe . You belong together zvakatadza kufamba mukadzokerana futi . Me: Aaa tanga tisingadanani paya hamungazvinzwisisi . Regai ndinoshanda totaura pabreak . Takabva tatomhanya umwe neumwe kubasa kwake . Ndakatodarika nemuoffice mahubby ndoenda mangu . Anga akati tsikitsiki nebasa . Ndakatanga kuona kuti taiva nemameeting mangani that week . Ndichiona time yawo nezuva . Ndichiprinter mapapers acho. Ndapedza ndakaona maemails ndichions macompanies aida iur services ndichizvironga ndapedza zvese ndakanopa hubby . Ndikadzoka ndava kuita paperwork murwi waiva padesk pangu . Break ndakatadza kubuda nebasa Ndakatozoona Delvin opinda muoffice mangu break raakutopera . Akabata paperbag raiva nechikafu ndokuti ...... Him; Busy busy but iri fast hako chimbouya upe mwana wangu chikafu tione . Me: ndipe ndidye ndanga ndaakuda kutofa nenzara ini . Hantie ukuziva kuti une meeting na2pm matoigadzirira hre . . Him: ndaigadzirira what do you think neveku H and H holdings should we consider their request Me: lets give it a try caz we need capital besides that its a well known company working together with them zvinoits tiwane mbiri pamwe chete nemukana wemari yakawanda kwatiri . Him: I thought so too vana H and H macompanies akudhara aya . Regai tigoona kuti tozvifsmbisa sei . Takabva tatanga kudya hedu tichiita nyaya tapedza hatina kuwana nguva yekugara tanga tava busy nebasa . Takazosvika kuma 12 ini ndapedza basa ndanga ndave kuto prepare zvamangwana hangu. Lunch hour ndipo pandakashanyirwa naFelly ndakamutambira akabva agara pasi ndikamuti .... Me; How did it go kuma intro kwamakaenda . Her: iwe pakaipa zvakazomboita hre hameno akaudza number 1 kuti tiri kuenda kumusha kuma intro . Takatowana variko imi ndakatiza neupenyu hwangu. Ko iwewe wakanoita sei Me: umm ma1 ini zvakandofamba traditionally i am mai Bhilla . Her: But wakaoma wakashinga kubvisisa munhu uya pamurume wake uchisiya vana Gibon vasina vakadzi . Me: If i were you warepewa nemunhu oti anokuroora anokuda . Its not like ndini ndakamubvisisa pamurume wake i came in the picture vachitori nema issues avo . ZvaGibon zvave zvako mude zve iwe hantie uko zvakanoramba hre . Her: Iii bestie kudada nokuti mava mumba hre askana. Ndanga ndichingokupawo advice seshamwari yangu handina kuti igamuchire ndiwe unotoita zvaunoda. Me: Apa ukutaurisa hubby ari munext anozvinzwa chii newe . Kana washaiwa nyaya nyarara shaar . I am married izvozvo hazvichinji gara neadvice yako. Her: Eee ndinoona ndauya wrong time let me go. Akabva asimuka ndokubuda handina kuda kumutevera aaah nhaimi chii ichocho chinenge ngozi . Ndakaona Delvin apinda iye achangoenda ndikaziva kuti pamwe anzwa conversation yangu naFelly akasvika akagara akanditarisa ndokubva ati..... Him: Bby zvemashamwari chisiya unoziva hre kuti ndizvo zvakaparadza first marriage yangu . Now zvaakutotanga neshamwari yako iyi . She is not a good friend to you . Wanga uchizviziva hre pandaida kukunyenga ndisati ndatomboroora Rebbeca akandiudza kuti wakabvisa mimba dzakawanda hauiti and staff . Ndikasiya pandakazouya this time ndiye akandifonera achiti uchiri kudanana naDelvin. Ndikaisa zvitanda munzeve aona kuti zvaramba ndiye akaudza vana Gibon kuti auye kuoffice zuva riya nevabereki vake. Ndiyezve akapa Gibon house number yepandaigara vakaronga naDelvin kuti auye naRebbeca kumba kwako that day . Chasara kukuudza kuti ndaona murume wako ane munhu kungoda kucreator maproblems mumarriage yedu. Bby siyana naye Felly uyu . Ndakanyarara ndichifunga zvaaitaura . Ndakafunga kuti Felly aiita semunhu kwaye wani ko izvo zvese Delvin azviwanepi . Ko kufonera Delvin aizama kudii nhai imi. Me: Iwewe wakanzwa nani zvaGibon Him : You dont trust me right . Me: No i do kungoti zvinhu zvacho anenge achirwei nhai . Him: Tora foni iyi conversation yangu naGibon iyi. Ndakatora phone iya ndikaona mashura chaiwo and Felly ka . Ndakazviudza kuti ...... *Stay tuned* [2023/09/28, 07:23] Mai Naty: https://chat.whatsapp.com/LSSONLZKXcl1WsLOouXvvB *HELPER* ❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥❤‍🔥 *Story by Ancillar Katsande* 📱 *0778863031* 📚📕📘📖 *#37* *Chapter 19* *Mai Nene* Ndakanga ndisina kutarisira kuti pangaita bongozozo rakadaro . Mai hameno kuti mai vakasimuka nguvai ndakatoona vatomhara pana baba Nene . Vachipenga chaiko pakaita bongozozo kuti tivatakanure . Hanzvadzi yangu ndiye akatozobata mai achivati.... Her: mhai nyaya haitongwi nebopoto garai pasi titaurirane sevanhu vakuru . Her: Haiwa kure vangatora mwana wangu kuti amuite mukadzi kuno uku . Pamwe ndiye akatomuti bvisa mimba zvino wangu akafa unomudya nematoto ake fokoro . Iye baba Nene anga amaranzurwa maranzurwa . Kumeso kwakutosinina ropa . Ndaisava kana nesimba rekuchamurwisa baba Nene nezvaanga asiya ataura . Sekuru vacho ndivo vakagadzirisa voice ndokuti.... Him; baba nemi mhai ndineurombo nezvakaitika takakutadzirai asi ndaikumbira kuti timirire mainini vatange vanaya nokuti hatidi kuita zvemashoko munhu ari muchipatara . Mukomana ane zvaanoda kutaura kana mainini vapora navo mainini vacho varipo .... Mai : Hapana zvaanotaura apo achatovaroora vess mukoma nemunin'ina hatijaidzi makudo neanokamhina . Vatete; mhai pamusoroi ndaona mataura nguva yakareba takanyarara asi regai ndikuudzei kuti.... Sekuru vakada kunyaradz tete vaMax asi hey vakabva vatoti... Her: Kana sekuru regai tivaudze chokwadi ayewa zvaakuita sekuti wedu ndiye muipi pano apa . Hakuna anoroorwa pano kana zvirizvo zvamakabva maraira mwana kuti enda unoita uroorwe maka presser wrong button. Wenyu mwana ndiye akakumurira mwana wehanzvadzi yangu nguo pano apa maida adii pamwe mimba iyoyo haisi yake pamwe akabva nayo ikoko who knows . Pakaita bongozozo vanga vasangana vanhu vanotaurisa nyangwe ivo tete vacho vaitoti handinzwarwo . Her: Kure uko regai mwana wenyu apore agare apa ndizvo zvamakajaira kukumurira vanhu nhumbi dzinza rese mahure iyeyu ari pano akadii ndicho chitori chiskiri chenyu zvino this time takuona makajaira . Tsano: zvataurwa nasekuru ndinoona zvine musoro ngatimirire ari kuchipatara anaye . Tozogara pasi totaura zvebopoto izvi hazvina kwazvinotisvitsa. Mai vakabva vanyarara vakati vaienda kumba kwehanzvadzi yavo vaisarara pamba pangu vanga vakatsamwa chaiko . Neni ndaiinzwisisa pain yavo. Ndakavaperekedza vese nehanzvadzi yangu kubuda gate. Takambomira ndikanzwa vave kuti ..... Her: hantie munoona kujairira kwavanoits hantie munozviona paakaona Hilda wacho adaro akaregerei kutaura . Nhema dzakasviba kuti tsvaa . Regaika apore Hilda wacho naMwari oh tinosvitsana kumapena . Fanike uyo mukadzi uyo anoita sekuti aivapo pazvakaitika mirai muone . Vakanyaradzana namukoma vachienda ndakasara ndakamira zvanga zvakangoomera inini veduwe . Ipapa vaiti Hilda anoroorwa nani . Ini ndigoita pabarika naHilda . Vaitorwara zvavo ndaitova neshungu naye regai apore ndimbomutsika big time . Nhai munhu anganditira mashura akadaro. . Regai vanhj vati tsitsi dzinotsitsirira munhu wandakazivisa chirungu akuuya kuno akushaburira murume wangu . Tsitsi aitoita seakagarwa neshavi rekuimba zvinziyo zvisina basa . Ipapa aiimba hanzi *ndiwe wakazvikanyira wega . Nyaya yako yekuzviedz gamba* Apa aiimba achipukuta mawindow pedo nepanga pakagara vana baba Nene . Nene akabva mumaoko ake achiuya kundimhanyira . Mwana anotosenser kuti paita tension pakati pevabereki . Nokuti aitondikweva achiti hande kuna dad . Anga ajaira ka mazuva atafara tiri pamwe . Handina zvandakataura ndakasvika ndikapinda mumba zvangu . Ndakananga kubedroom nyaya yese iyi yaitondi confuser . Ndakasvika ndikazviwisira pabed ndainatsonzwa kuti musoro wangu uri kurwadza pamwe kwaiva kufungisisa . Ndakamuka ndikatira mapain blocks ndikanwa ndikabva ndati kuna Nene .... Me: Enda kuna dad mwanangu ndimborara . Hakana kuramba kakabuda kachimhanya kachienda zvako . Ndakasara ndikatanga kufunga zvandaiitira Rebbeca . Kutofunga kuti akatorambwa all becausd of me . Asiwo naye anengw zoom zoom chairo ko iye aingoudzirwa zvese achikona kusafer nhai munhu ungaita gumbakumba hre hantie unosera zvimwe uchirasira kure zvisina basa . Hameno kuti aizochemawo nani ipapo akanyanya kudzungaira . . Ndakakandira pfungwa yaRebbeca kure ndikabva ndafunga phone yangu . Ndakavhura ndikaona pand muraba raba wemessege . Yanga yabva kuna Rebbeca . Ndakaridza tsanwa ndichiiverenga yaiti . ... ✉️ ndinotuka zuva randakatanga kukuziva . Hazvikuitiri muupenyu hwako nekundiparadza kwawakaita marriage yangu . Wakaita hako wakaita ndive neumwe muono pahupenyu hwangu . Ndakangoridza tsamwa ndokubva ndarara zvangu ndikatobatirwa nehope ndikapepuka kuchinzi vana baba Nene vanga vaenda kuchipatara kunoona Hilda . Ini ndanga ndatotadza zvangu kunomuona Hilda wacho. Ndaitonzwa kuremerwa nekunomuona . Ndaimuonerei munhu akandocheka nerakagomara . Vana mai handina kuzovaona zvangu . Baba Nene vakatodzoka zvavo ndatorara zvangu ndakapepuka ndichinzwa kuti pasid pangu pane munhu ndakangorawo ndikamuka makuseni ndikanzwa achiti ... Her: Munin'ina wako ari kuuya nhasi nezuro asukwa chibereko tichipedza nyaya iyi once and for all . Ndinotenda kuti ndakakutadzira i am not proud of my action but the truth is i am also a victim here . She pushed me to the edge. Me: dambudziko renyu riri pakuti dai wakandiudzawo kuti ndizvo zvaakakuita . So madrink ese awaindipa waiva wakaisa tablet kuti ndirare ugowana kuenda kuna Hilda why Max why . Him: handisi perfect zvangu and noone is perfect iwe unotoenda navo vana Hilda ndosara ndichimbozvidzikamisa . Then i will decide kuti ndokutora hre kana kwete . Izvozvi my childhood friend akanditsamwira becausr of you . No one came between us and go juss like that kubva tiri vana vadiki . Iwe zvako Mafikizolo wondiparadzanisa naDelvin. Akadzungudza musoro ndokubva abuda amana nhai kuwiriran kwacho zvokoita sekuti vakaromba kuti vasaparadzana . Ungaisa shamwari mberi kudarika mukadzi wako . Chii ichocho chinenge ngozi . Handina kumupindura ndaizoona kana pogarwa dare racho . Aaa nhai zvingaendesa munhu kumusha kwake hre izvozvo. Akabva abuda akabata macar keys ake ndokuenda asina kana ndkugeza . Ndakageza zvangu ndokupfeka ndikabva ndazvigarira pamushana ndichifunga nhamo dzangu . Ndakagara kudaro ndipo pandakaona tsitsi achibuda akabata Nene kunomirira mota yeku cretche . Apa aiimba achiti , 🎤🎤🎤 *Vanoda kutsvaira kumba kwangu nemashoko kwavo kuzere nemarara* Ndakamurega zvangu achienda handina kuda kumumhanyira . Ndakaramba ndakagara paakazodzoka ndipo pandakamudana akauya akagara pandanga ndiri ndikabva ndamuti ..... Me: Nhaiwe ko zvekuimba imba izvi zvakabvepi nhai . Katsika kawava kuita kekuimba aka wakakawana kupi unenge uchirevei nenziyo dzako . Her: Kungoimbawo ndisingazivi imi kana muchizvitora neimwe nzira . . Me: Heya saka iwewe zvaiitika pano waizviziva ka hauna kana kumbondiudzawo. Her: Chete kungoti vashoma vana madam boss vanoteerera isu vana driver . Ndakamboda kukuudzai rimwe zuva mukandichenamira ndikaregera kure . Ipapa bp yamunayo ndiyo yandinayo caz kuenda kwenyu zvoreva kuti ndiko kupera kwebasa rangu . Me: Akakuudza kuti ndinoenda ndiani. ... Her: ndanzwa vaya tete venyu vachitauriraba nababa Nene . Ndakapererwa chandakangoita kunyarara zvangu . Ndakabva ndamuti anoita basa rake zvake ini ndachingogara paya . Ndakagara nguva ndikazoona popinda imwe mota pagate . Ndakazoona yasvika kuti vaiva sekuru hanzvadzi yamai . Makaburuka sekuru , mai , hanzvadzi yangu naHilda . Ndakanzwa hasha kuungana mandiri nxaa munhu wepi kana kutombonyara hake . Kana simba rekunogamuchira ndakarishaiwa ndakaramba ndakagara zvangu . Vakauya pandanga ndakagara sekuru vaitosekerera ndakaerekana ndamunhamukira ndichimudira mbama ndakabva ndadamwa nehanzvadzi yangu . Him: Mai Nene dzora hasha akatadza asi haasati asimba uyu . Regai timirire vauye avo tipedzerane tione kuti toita sei . Iye Hilda anga angoboira zviziso achichema ari kumashure kwamai . Ndakademba nechandanga ndomudanira dai ndakangomurega zvangu . Ndokugara pasi mota yakasvikawo yana Baba Nene . Vakasvika vakamhorosana tikanogara mumba nyaya ikatangwa nasekuru vekudivi rangu vachiti ..... Him: Mati tinogara hre makati tichataura kana musikana uyu anaya mutiudze zvamuri kuronga . Sekuru va Max: Ndizvozvo mhosva haiendi pamuti mhosva inoenda pamunhu . Nhau iripano ndeyekuti hongu Max akaresva but anga asina pfungwa iyoyo mainini ava ndivo vakamuseducer tinonyepa hre musikana taura zvawakaita bamukuru vakp kusvika nhumbu izobata . Vanga vobvira Hilda akangoramba akati mungu sembeveve . Ndakanzwa vatete vaakuti ..... Her: Hantie mukuzviona kuti wedu haanyepi wenyu uyu muti wemusango . Chimubvunzau kuti nhumbu akanzi abvise nani. Akabvunzwa akaramba akanyarara zvekare zvaitonzwisa hasha . Vatete havana kumira zvekare vakatoseka zvavo ndokubva vati ..... Her: Mazvionera zvino isu pano hatiroori mhondi , pfambi zvayo inenge mwana wenyu . Chatingatoita kuripa asi pasina chatoripa pamunhu akazviwisira pamwana wedu . Mai : Motoripa zvisvinu ndokuti tiende naye uyu Vakambozevezerana Kukabudiswa 300 Us ndiyo yavakapihwa ikatsinhirwa nemashoko hanzi naiye mbune baba Nene .. Him: mari ndiyo asi ava mainini handifi ndakada kuvaona futi . Mundoudza vana tete ikoko kuti tikutevera . Vana sekuru vakabva vatoti Hilda andotora hembe dzake aende . Vakarongedza vakaenda . Ndakasara ndikatoona kuti imba yangu yave patambo chandakangoita pakadzoka baba Nene ndakanopfugama pavanga vari vakaramba vakanditarisa . Ndakavakumbira ruregerero ndichiita kuchema chaiko ndikanzwa ave kuti ...... *Stay tuned*
😭 1

Comments