Ancy Cays Novels
June 7, 2025 at 06:05 AM
[2023/10/05, 18:15] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/GYkIwd5QT0HJhbLjb9qQ8y *NYENGE* *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ 📚 📘 📙 📕 📗 *#40* *Chapter 5* *Carlos* Mbuya vakatanga kuita zvavo zvekundiraira tasara . Zvambuya amana vaitoda blaz ndivo vaingoteerera zvese zvese zvavaitaura . Wainzwa mukoma Dee voti vanhu vakuru havadi kuitiswa nharo chingobvuma zvese zvavanotaura wosarudza zvinovaka wotevera zvisina basa wosiya . Ivo pachavo vaitofarira kugara nevanhu vakuru wainzwa vachiti vanhu vakuru vanovaka Ndakaudziswa ndikakwana vakandiudzisa zvana Cassandra ipapo ndakatenderana navo Cassandra mufast ndakatozviona . Kungoda kumhanyira kudya bota . Ingadai ndakatomunetsera kurara naye but ndakatoona kuti ndiye akatotanga ndikafunga ndega kuti munhu anogona akatomunyiwa nemujuru kare ini ndongonowira ipapo ndakati regai ndiite semukadzi zvangu asi ndichichengetedza utano hwangu . Ndakazviudza kuyi ndichamusiya zviri smart . Ndaida kumuratidza kuti neniwo nditoriwo King of the jungle . Munhu aitondimara ndiNyenge chisikana changa chakatetepa ichocho woti kutetepa woti kutsvuka wotizve kusareba . Aiva asina kureba asina kupfupika . Ndakazviudza kuti ndaizomufurufusha kusvika aenda . Akabhowera kuti akada kuzviita akangwara stereki. Day randakaudzwa kuti blaz vari kuuya ndakabva ndatooneka vana mbuya ndokuenda kumba ndakasvika vasvika kare takafarazve vanga vauya nefriend yavo Alfred . Tagara ndakanzwa vaakuti .... Him: Saka kuri sei kubasa kwako Chibaba ndaitoti ndinowana waroora ini ukumirira ani . Me: hah mazuvaano basa ndakamira kuroora ndaida kutoroora fani but wekuroora wacho ndiri kusangana nezvidhuura unogona kutodhuurwa zvako . Ipapa ndaitobva kuti andoonekwa amana munhu asingagoni kana kubika Alfred: Aaa ukashaiwa bby rimwe riri paden iri ukakubata boe boe uyo unomushaya uyu . Chibby chakabatana ichi chiwife material. Me: Whaaay moreva Nyenge (ndichiseka) over my dead body . Hah blaz mashayawo imi ndinyenge bby rakasara kudai haana kubatana uyu itai akaregedzana . Alfred: Ini zvangu i need to polish my woman from dust till she shines zvandoda inini . Kumugroomer to my level dai ndanga ndisina bby rangu randiri kuda kunoroora uyu ndaimutora uyu . Dee: Eeee chibaba Evangeri ripizve iri ramakuparidza takataurirana kuti kudii zuro isimbi yaDoctor iyo ndingaita dumbu zvangu nemarecipe aanobika . Me: You guys munotokonya are you for real you really need the girl who is condemned by the nature . Its a noo kwandiri plus siyai blaz vanenge vanzwa nekukwirisa netudhara twembanje kumisha uko vaakuuya kuzviita madecent enhema kuno uku kuri kutsvaga varume Dee: Chibaba hantie wati haumudi hre saka chii chikunetsa iwayo womataurireizve rega zvakadaro . Nyenge ngatimbomusiya can you tell me why usiri kuenda kubasa wakasiya basa for the why. Taakutaura dzeupenyu manje . Me: Blaz inini i dont want to be ruled i like to be my own boss. Maboss acho aida kuonererwa manhingi vasingatozivi kuti titori vanhu vane zvinhu zvedu ..... Him: Wait wait wait une chii chaunoti tine zvinhu zvedu dont use an umbrella ter 'tine' be yourself man undiudze kuti unei . And uchaita your own boss how wakangogara uchiitwa spoon feeding namdara namoms . Vanobuda vachienda kubasa iwe uchisara muno why mari yamdara haisi yako Carlos grow up unoda kukundwa naCalvin izvozvi ari paattachment akatenga mota ndine mari yake yaanondichengetesa zvokuti anogona kuto starter something iwe unei. Alfred: Dman unoudza mfana zvakanaka un..... Him: No no no step aside Alfred ndiri kuda kumuonesa mfana uyu ari mucomfort zone ipapa ati anga aenda nebby kumaintro waitarisira kuti unomuroora nei . Waimupei mukadzi wacho usatemba mari yamdra mfanami shanda yako uite zvako . Haudi munhu anokutonga isu tese takabva nepo muudze Alfred kuti sometimes taitotukwa pane maclient . Tukwa , tongwa zvikupe shungu dzekuita zvako . How can you be a boss ndepapi panouya mweya mutsvene uchingokutakura wakagara pauri ipapo wotoerekana wava boss . Mfana ukaramba wakadai uchabata tsotso uchida upenyu hwakapfava. Calvin ane mota as we are speaking yako ndeipi mota your personal car not yawakapiwa nababa namai Darling avo caz hapana asina kutengerwa mota pa21st birthday namdara . Nditendekere yako yemari yako . Ndakangoti boi boi nazvo nokuti pandakashanda pacho handina kumboita pfungwa yekutenga mota ndaingotenga fashion nekuchinjanisa dzamdara . Him: You see hauna kana fokoro think mfana thinkb wakura iwe ndimi munozoti makaroiwa kuri kusada kushanda . Mangwana chaiwo uri kutomuka uchimhanya mhanya nema CV ushande hapana anogara pano kuda kuremedza mai nababa . I am here to stay full time in Zim saka madhisinyongoro andainzwa aya zvipere chibaba . Hausi gotwe iwewe wekuti tinoti waiyemedzwa . Vakabva vasimuka Alfred akatevera vachienda mumba ndakasara ndakagara ndichifunga every word ranga rataura blaz . And munhu wacho haasi munhu wemafunnies akanaka achiseka vakatsamwa unorohwa ukafa . Ipapa zvatonzi i am here to stay ndipo paunoona kuti ma1 chaiwo. Ndakatozosimuka ndadanwa kuti chikafu chaita ndakaenda kunodya ndiri low low ivo vaitoseka as if nothing happened ndokuenda kunorara umwe neumwe akaenda kuroom kwake ndakafonera kumabasa kwandaishanda maboss eko ndikatonzi ndidzoke kubasa kwese lucky ndaisiya basa mune zvakanaka . Ndaingoerekana ndarega kuenda . Ndakafara ndaizopona caz blaz vanga vauya kuipa maotiro avo ndeekuda kundipina chaiko . Ndichipedza kutaura pafoni ndipo pondofonerwa naCassandra ndakadaira zvangu ndiri low low . 📱 hello ko wadzoka kana kumbondiudza Carlos whats going on nhai . Are we still an item or tava kuda kungosunganidza zvisisipo . 📱 Ko chii iwe ndiwe ungatondiudza ka . 📱 Ndiri kuuyako kumba kwenyu mangwana . 📱 Nguvai caz unogona kuwana ndisipo . 📱 I will wait we need to discuss something . Ndakangoti hoo ndokurara zvangu . Kuseni ndakatomuka ndikagadzirirawo ndikapfeka formal wear yangu . Ndokupfeka munongoto weshangu ndikanatsoona kuti ndakabuda . Ndakatora hembe dzangu dzanga dzine tsvina ndokubva ndadziisa mulaundry ndanga ndava kutotanga kupinda pamission yangu yekuti Nyenge arove pasi . Caz ndiri kutoona sekuti blaz vanga vatapirirwa naye zvokuti Nyenge aite maiguru vangu it will be over my dead body . Ndakasvika ndikaenda kukitchen mablaz achitevera ndakasvika ndikamufinhura zvangu Nyenge . Ndakazopera power ndaudziswa team rakadya richiita kufa nekuseka . Kutonzi Mwendamberi . Ndakadya hangu vana mai vaiita kumubigger mdara haasi munhu anoseka asi padzakapedza kudya ndakaona dzosimuka zvadzo dzaakutoimba rwiyo rwacho rwaimbwa naNyenge . Hah vakaseka team day iri anga aita celeb wena . Patakapedza kudya vanhu takaenda kudzimota . Ndakati kana handingamboendi ndisina kumboratidza Nyenge kuti ndini ndinotonga pano . Ndakadzokera mukati ndikasvika achisuka mandiro Nyenge ndakamira ndakaisa maoko muhomwe ndakaunyanisa kumeso ndikabva ndamutarisa iye akanditarisawo ndikanzwa ave kuimba rwiyo rwababa Tensen rwekare chaiko 🎤🎤 *Wondidini and hapana hapana ....* Me; Unoonererwa neiko iwe unoziva kuti ndinogona kukupeta peta izvozvi . Wanga uchida kuonererwa nei iwewe . Her: Carlos or whatever you call yourself unotorova wako wawakazvara that is kana uchitozvara kwacho . Ndinototya vane mabhora pahuma kwete iwe . Me: Urege kudziwacha uone Her; Enda unongowana ndakakumirira ko zvine munyu ndizvinei tinoda zvinoti tapi tapi . Nguva dzangu dzanga dzandiperera ndakabva ndaenda kubasa ndakasarudza kwandaida . Ndakabva ndatonzi nditange basa . Ndokutotanga kushanda . Ndakatoona kuti ndingazokundwa naCalvin achiri kuVar ari kuita zvikuru zvikuru ko inini ndiri kuitei. Ndakazviudza kuti basa iri ndichatorichengetedza ndivake my own legacy sezvakaita blaz . He is now the youngest rich guy in town . Ndakashanda boe ndikasvika pakuchaisa ndakatochaisa kuri kuma 3pm ndokuenda zvangu paden Ndanga ndakatoneta zvangu day iri ndakasvika ndokuonawo pamba painana Cassandra heya aitorevesa kuti ari kuuya apa vanga vakangogara ndakanzwa akuti ..... Her; Honey can you imagine kubva zvatauya pano kana kupihwa mvura chaiyo kuti ndiri kuda kunozorora tiri kuroom kwako tarambidzwa neuyoyu prazi girl . Ndakada kusekera mumoyo zvangu ipapo agona nyangwe zvaro riri benzi aida kupinda mumba mangu kunoiteimo ndakabva ndangomusofter ndichienda kumba chishamwaro chacho zvavanga vakapfeka haiwa . Ndakachinja arimo akaramba kubuda ndakaona ashama muromo akavhura ziso ndikanzwa ave kuti ...... Her: Zvaune good sizr nhaiwe Carlos huh. Aitaura achitoda kuuya pandanga ndiri ndikamumisa neruoko akati unonyepa anga abva akatondirongerawo benzi uyu . Akandibata kusvika zvaipa ndakabva ndabva ndatora condom ndikapfeka faster faster ndava kuda kutoti ndishande munhu door rakabva ravhurwa ndakapera power ndichiona ari Nyenge ndakanzwa akuti ..... Musorobhangu usafunge nemubhurugwa unoda kurohweswa nesiki ndavanzwa vachitaurirana ava kuti anesiki ari kutobuda tumhopo kusikarudzi unotanga wachecker masettings usati wapinda . Bhara chairo unotanga watori grisa usati wasunda . Ndakabva ndamhanyira kutarisa Cassandra kusikarudzi kwacho ndakarohwa nehana simba richipera mandiri sinhi ikazorora ipapo ipapo . Iye akabva abuda ndakamuka ndikamudzinga very fast ndakangopfeka short ndikatanga kumudzingirira kuenda pasi wanei team riri kupinda mumba munhu asina kupfeka achimunyaira akavhara pamberi Nyenge aiita seachaonekwa guro kuro nekuseka vachirovana maoko naTapiwa uku Vachitora video . Blaz vakatarisa vanhu vaviri ava aingoseka zvake mai ndivo vakazodaidzira vachiti ndimusiye apfeke . Ndakaona oyenda kunochinja muchicorner akabuda zvake voenda vasina kutaura chinhu nechishamwari chake . Ndakaona mdara vanditarisa neziso rakatsvuka ndikaziva kuti ma1 atanga vakabva vangoti ...... *Stay tuned* [2023/10/09, 04:44] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/GYkIwd5QT0HJhbLjb9qQ8y *NYENGE* *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ 📚 📘 📙 📕 📗 *#40* *Chapter 6* *Cassandra* Unotoshaya kuti what kind of man Nox is . Mari yaanoda ndeyei ipapo iye angonakirwawo . Ndakabva ndamutarisa ndichiti ndinatsoona kana aiva serious akabva asekerera achizvitendeka pasinhi yake achiti ..... Him; You see tanakirwa muboora nokuda kwako wanga uchingodaidzira kuti some more . Mari ndikutoida munoti ndimi chete mabby munobhadharisa kai nesuwo tinotobhadharisa tinenge titori pabasa . Unoti swagg randorova ndera Garden boy hre nepeanuts dzamunotipa dziya . Kunotori nemambuya atinorova beans achitotipa mari svinu chaiyo . And mambuya iwayo anotokurovera chikapa vakuru chaivo kwete zvenyu zvekungoita noise pasina zvamuri kuita muchiuraya varume nebasa . Kamutambo aka kanoda muchisangana pakati waiziva . Saka ita mundipe mari yangu tione madam boss ndarova matatu ari strong and you enjoyed it to the fullest . Ndipe 60 yacho tione ndiwane kuenda kune dzimwe mhene . Munoziva ndakapererwa ndakangotora chikwama changu ndokuvhomora ma20 matatu ndikaita zvokumukandira. Akamanongera akaseka zvake achibva atora phone yake ndokubaya paya akabva atanga kuridza video amai ndakarohwa nehana ndichizviona ndipombewa naye pamwe pacho ndaitombotarisa ikoko kwacho face yangu ichinatsoonekwa . Him: You see dont you ever try to suck me here. I have all it takes to rub the mud into your face Akabva aseka zvake achibuda ndokusara zvangu ndakagara pabed ndagumirwa i called my partner in crime Mia ndaida kumuudzawo mashura andanga ndasangana nawo akati aizouya mangwana kuseni . Ndakabva ndatonzwa kuguta ndokurara . My entire life ndanga ndisati ndamboitiswa nemunhurume sezvandakaitiswa naNox . Ndakatomwa mamorning after otherwise ndaizosenga gora remunhu . Ndakamuka kuseni ndokugeza ndikanogara zvangu pamushana ndichinatsofunga kuti ndoita seiko kuti Nox adeleter video raanga atora . Ndiri mukufunga ndipo pakasvika Mia akauya akatofara achindiudza zvemukomana wake waanga andoona zuro wacho . Uyuwo kana kufona kunzwa kuti takafamba sei hake . Zii ariko kumapurazi kwake ikoko . Her: Hindava kuita low low makuseni so . You were sounding so sad pafoni whats going on Ndakamurondedzera zvese zvakaitika hapana chandakasiya ko naMia taitaura zvese zvese hapana zvataivanzirana ndakanzwa ave kuti ..... Him: Hii nhaiwe ko adarirei nhai akomana achatoshandisa that pic kuku blackmailer . He id juss an exceptional sex worker ndakambokuudza kuti this guy haanzwisisiki zvaari nebass rake hazvienderani pari tricky . Saka toita seiko naye uyu . Me: you know me better Takaseka tichirovana ukaona tadaro tinenge tava kuma extremes . She managed to cheer me up tikatombobuda kutenderera . Ndakatofonerwa namhamha vachiti ndarova ndimboenda kunovaona . After 3 day ndakatanga kunzwa kusosonwa kuzasi uku apa kuchibuda yellowish discharge . Ndakatoziva kuti ndinenge ndanamurwa neSick apa . Apa yanga yaakubudiss tunenge tumhopo zasi ikoko . Mabasa aNox ese iwayo Mia akanditsvagira guchu ndiro randaimwa . Akatouya achindiudza kuti aona Carlos aine mamwe maface paden pavo aito suspecter kuti pamwe mukoma wacho akauya . Ndipo paunoona kuti rudo rwanga rwofader apa tisina kumbomudya hah kana hazvidaro ndaitozomunyengerera kusvika ndamudya mari . Takamufonera tiri tese naMia tikazviudza kuti tinoendako masikati Takarara tatotsvaga maoutfit ataizoenda nawo . Takamuka kugadzirira rwendo . Mia akanotora mota yesister yake ndiyo yatakaenda nayo . Kudawo kuvaratidza kuti we are not cheap girls . Takaparker tasvika ndokuknocker door rakavhurwa ndiye dhuma dhuma nemuvengi . Vanga vasengana naye Prazi girl uyu kuuya naye kuno .akaramba akamira ndipo pandakazoti .... Me: Hey suduruka tipinde unozviona saniko iwe you are only a maid you have to know your boundaries nxaa Her: (Achiseka) Its far much better to be a maid than to be a prostitute ululu Ashawo , mabhichocho manyama pindai tione hona vana vako kupfekera kuda kuonekwa ngevarume huya uone ugodzokera. Naiwo magaro azere mweya emapiritsi Hayas vamwe vanhu unotovashaya kuti unovaisa mumupanda upi . Type yake haisi yekugara kudala dale itype yekumagaba zvayo. Takasvika tikagara pasi . Iye achiimba zvake arimo mukitchen apa zvaaibika zvainhuwirira sei . Akauya akabata plate ndikati ka tave kuvigirwa chikafu . Akasvika akabhara 4 zvake akatanga kudya . Ukaona munhu achidya zvino appetiser unongoona wotomedzerera mate. Ndizvo zvataiita takatarisana naMia ndakabva ndati ..... Me: Nhaiwe saka hautipi chikafu hre . Her ; Ndingori maid pano pamba i follow instruction vari pano pamba kana patori nevaenzi vari kuuya vanotondiudza kuti kuri kuuya munhu . Zvino zvenyu imi ana Tabvemvuma havana kundiudza . Ndakamgomirira call yavo ndotokupai chikafu . Me: Wakaoma zvako ndosaka takauraya phone yako une kamwe kakuzvida kasina basa sekuti une mari iwe uchitokwesherawo . Her: phone yanga yagara yakatozvifira iya ndosaka makaona ndakanyarara zvokuri dai yanga iri itsva ndokuudza taisvitsana kumapena . Ndosaka makarara muchitamba Alaji ndakufuridzirai unye hwehurukuru . Mia: Iiii and une utsinye mufunge ungabva wadaro hre . Dai waiziva kuti takarwadziwa sei waisambodaro Her: Saka unoti ndaitombova nemoyo hre paya ndizvo zvandinoita kuranga mapenzi anenge imimi. Akabva asimuka nendiro yake ndakasara ndikati kuna Mia . Me: Ndiri kuda kutomuzorera Muzvezve uyu Carlos . Handingamborwadziwi ndega . Akazosara orwadziwa ini ndotofona ndichimuudza kuti wakandipa sick ndouya kutotizira zvevhiki imwechete ndinenge ndaimora mari chete . Ipapa regai ndimboenda muroom make ndimbonoona kuti hapana chandinowana hre . Ndakatotaura ndichisimuka kuti ndinoona ndakaona amira pamasteps anoenda kumabedrooms ekuupstairs . Ndakapererwa nemwana uyu akabva atoti ..... Her: hamungosviki pamba pevanhu motoda kutovhevhaira nenyika dzokera unogara pasi uti tyoo uite semuenzi kwete kuda kuzviita mai Darlington . Me: Hezvo ndiri kuda kupinda muroom yemukomana wangu ini . Iwe unondirambidza kuti ndiwe ani pano iwe . Uri chii panyama yehuku iwewe Her: Nyangwe ukawawata mumba umo haupindi better udzokere zvako unogara pasi nokuti mumba umo haupindi as long ndiri chairwoman of this house Me: Chairwoman wekuita seiko iwe . Her; Of course i am a chairwoman of this house . Ndini ndinoona kuti vadya vapfeka saka ndini ndinokosha . Chaungatoita kunowacha hembe dziri mulaundry dzemurume wako kwete kungoda kudya mari yausingashandiri . Me: Haundiudzi zvekuita shamwari . Ndakabva ndatobva ndokunogara pasi .ndaitoona kuti musikana uyu kuuya pano kwake ndekwemission chete . Ndinoona sekuti mai vacho vakangwarisa vanenge vanoda kuti Carlos aroore Iyeyu zvino taizvidira jecha isu ana Cassandra . Akaita nguva akazouya ndikamuturira nyaya yekuti maid wake haana kutipa chikafu ndakamusungirira nenyaya Nduchifunga kuti Carlos achamurova but zvandaifunga sandizvo zvakaitika . Kana kumbotaura chinhu asi kutondinyengerera hake kani . Ndakatevera kuroom kwake ndikatosiya ndatsonya Mia . Ko ndanga ndauya ndakatogadzirira . Ndakasvika achichinja yoh ko zvaaitova akasenga kudziyo wake . Asi kuda kuzozviita fata munhu ari loaded kudai . Ndakaenda kunomubata ini ndaisada kuyi anyanye kundibata nokuti ndaitotyira kuti anozoona zvimhopo zviya zvikadhakwa . Pandakaona adavirira zvino apfeka condom ndakaita kutsinzira ndichida kunatsoinzwa ichipinda . Ndakaona atora nguva asina kana kudii ndipo pandakasvinura. Only kuona Nyenge uya apa agotaura zvese zvandanga ndataura naMia Carlos akanditarisa amai kana ndakambonyara day iri ndakanyara shame . Ndakashaiwa pekupinda chaipo akaganduka semoto wemapepa ndakanongererwa kutukwa kuzondibudisa mumba ndiri barwe chairo . Ndaakuda kudzira downstairs ndakangobatira hembe dhuma dhuma nemunhu wese wemumba akamira . Chiona zvaiita Nyenge nemufana waCarlos . Uyo handimusvoori caz haana kumbobvira andifarira zvachose . Mai vacho ndivo vakaita Mwari wangu . Vakaita ndinopfeka ndakangonopfeka ndokutouya ndichidarikira kuenda pasina wandataura naye . Mia akasara otevera akasvika ndakatomira pamota akavhura door remota ndokupinda mukati ndikanzwa ave kuti ..... Her: Ko chii chaitika nhaiwe idrama rei ramanga moita . Asi Carlos ingochani kani wamukururira hembe akatadza kuita action kutokudzinga usina hembe Me: Haiwa zvaari she devil uya anzwa zvatanga tichitaura ndokusvikoti tisha zvese kuna Carlos amana apa hapachina kana mukana wekudya vanhu ava. Her:Chiona madhiri ako manje watondiporongera kumukuru wacho uya waona hre kuti munhu wemari uya . Apa pamalooks my kind of man chaiye . Me: Zvatodhakwa mai mwana handei . Takabva taenda ndokusvika kumba ndakatodhinhuwa zvangu . Ndipo pandakapinda mumba ndokuona zvaari ari mashura manga muina..... *Stay tune* [2023/10/10, 10:41] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/GYkIwd5QT0HJhbLjb9qQ8y *NYENGE* *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 7* *Nyenge* Taps paiva nebasa takaseka hedu tichiona film remahara . Ndakaona kari kavideo and kaitoda rewind chaiyo . Ndakanatsofara kuto ndamuwachisa ainyanya kuzvida zvisina basa rese. Akapfeka ndakabuda navo ndiri kumashure kwavo ndokuvhara door . Pandakadzoka vanga vave nefamily meeting ndakabva ndangorurama kubasa kwangu ndikanosetter table changu chikafu ndakaisa mulunch . Vakauya vakadya ndikasiya ndasuka ndiro dzangu ndini uyo kuden . Ndakatosvika ndokupinda mumba ndikananga kunogeza. Ndainzwa ndisina kuneta sezvo pakanga pasina basa rakawanda randakaswera ndichiita . Ndapedza ndakagara pasi ndipo pandakanzwa knock ndakanovhura ndokuona vari vanakomana vamai Darlington ndakabva ndakaramba ndakamira padoor ndichivatarisa one by one . Akaseka Darlington wacho achibva ati..... Him: Asi mumba mako haudi vanhu kai zvausingatipinzi mumba . Me: Ndiri kutofunga kuti kwakanaka hre kwamanditsika kudai caz Taps ega ndiye anouya kuno . Carlos: Uchatirepera mwana iwe handikupihwi mushe sei achifarira kuuya kuno . Me: Kuti ndiwe unenge warepewa kwacho hre . Darlington: Imi vanhu vaviri munombomakana papi pacho chaizvo . Ok tipinde hre mumba iwe Carlos behave yourself hantie she is your saviour you have to thank her kwete kurasa muromo zvauri kuita izvo. Taps : Sure . Ndakadziura vakapinda vakagara paka couch kanga karimo umwe akagara pachair . Ndikagara zvangu pabed ndakabhara 4 ndakanzwa Carlos ave kuti.... Him: Nyenge uri benzi benzi zvako asi apa wandisaver . Me; Iwe ndiwe benzi rekutanga nekupedzisira dai wakangwara waisangokaruka wapinda usina kumbochecker kuti mota yacho ine mvura hre or ine oil hre. Kungoda kupinda nekuda kutomutsa kudii ikoko. Zvino zvatave kukuziva in and out hayas benzi nebenzi zvaro chikunyanguo charo . Taps: (Achiseka) hayas imi vanhu vaviri munotomboda iri match chaiyo caz kamunetserane kamunoita kakaipa . Me: Anozvida zvisina basa uyu kuona sekuti munhu wese haasi munhu . But handina basa hangu nazvo nokuti i am proud nezvandiri izvozvi . Tazvinzwa chorovai pasi vamwe tanga tiri pabasa taakuda kumbozorora . Darlington: Chiendai vafana ini ndikuda kumbosara ndichitandadza Nyenge uyu . Carlos: Blaz mashayawo hre wekutandadza wacho . Kana musina regai ndikutsvagirei musada kudzikisa graph redu kusvika pathat extent. Darlington: Carlos enda kumba i am not a child uye handiudzirwi zvekuita . Me: Hezvo hezvo madii manoita bongozozo renyu outside . Muno umu ndini ndinotonga chibudai muno mese ndava kuda kurara . Vakabuda vese kuda kundiitira hondo yemarudzi pano . Ndakasara ndokumboona TV yangu ndalasvika pakubatirws nehope TV iri on zvayo . Ndikatozopepuka kwanga kuri kuma 10 pm Ndakamuka ndikavhara TV ndokunamata ndichibva ndazorara chaiko. Kuseni ndikamuka ndichiedako mangwananingwanani ndine zvandaida kuita . Ndakasvika ndikanotanga kucleaner marooms aisavs nevanhu ndikabika . Ndaida kuti paienda vanhu ndosarawo ndichiwacha hembe dzangu nemachira anenge anga ava netime asina kumbowachwa . Aivs nekasmell kaya kekugarisa . Ndakapedza kubika team rikauys kudya asi Darlington anga asipo maybe aisaenda kana kuti anga ararira kubasa semunhu wachiremba . Unogona kungodanwa anytime ka . Pavakaenda vamwe ndakasuka ndiro dzangu ndokuiss chikafu changu mulunch ndikaenda kumba kwangu. Ndakanobudisa washen yangu ndichiisa pasink panze . Ndikatanga kuwacha ndichitoimba ndava kutotsiks tsika machira ndakaita kukunyira skirt mupent zvataiita kare tichitamba chuti . Ndaiitira kuti skirt yangu isanyorove . Ndipo pandakanzwa kugadzirisa kwevoice ndikamhanyira kubvisa ndaona kuti ndiDarlington . Ndakabva ndamuti ..... Me: Ko hamuna kuenda kubasa hre kana kuti madzoka . Him: Handina kugara ndaenda ndanga ndichida kumboswera newe zvino pandamuka ndakutsvaga ndikakushaiwa VaChoto ndivo vazondiudza kuti uri kuno . Me: Manga muchida chikafu hre ndasiya dai mangodziisa matorova kwete kuita zvekundivinga kuno uku Him: (achiseka) hayas uri mufree spirit chaiye handina kuvinga zvechikafu inga ndati ndikuda kuswera newe wani . Makavhurwa hre muroom mako nditore chair Me: Makavhurwa . Akaenda ini ndichiburukawo kuvhurira mvura kuti ibude anga aota machira angu . Ndakatanga kusukurudza hembe dzaiva mune imwe sink iye anga achigara zvino wainatsonzwa kuti munhu akakutarisa ndakacheuka ndikasanganidzana nemeso ake ndikabva ndatomuti ....... Me: Boe hre Darly . . Him: Boe zvangu waal i like it when you call me that . Me: Aaa kungoshortener zita renyu chibaba musanyanya kunakirwa ndizvo zvariri zita racho . Regai ndimbonika hembe dzangu . Ndakatakura ndikaenda kuline akatevera ikoko hameno chaiva chii kusurikirwa nekugara ega hre . Inga VaChoto vaivako wani kwavaigurira lawn aregerei kuenda ikoko kunotaura navo . Ndakanika hembe dzangu ndikanzwa iye ave kuti ..... Him: Nhai Nyenge wakasvika form ani . Me: Form 4 manga matii nhai Chiremba . Him: Hayas kuda kungoziva zvangu . Wakamyora hre if so wakabuda nemasubjects mangani. Me:Ndine 3 Shona , Food and nutrition neHistory Him: Ok ko wakaregerei kunyorera . Me:Aaa zvechikoro hazvisi zvangu Darly wee ndakabva ndatongosiyana nazvo kuti ndiite hangi driver wechikorobho . Ndichitoplanner upenyu hwangu kune zvimwe . Him: Ok ndiudzewo ka maplan acho maybe i can help. Me: ndinoruka zvekuti mukauya nebby renyu ndoriruka mukamukanganwa kuti ndiye . Apa ndikuda kuunganidza zvangu zvekuruka ndonorenter saloon kumusha ndototanga basa imwe ndichichengeta huku mbuya vanosara vachindibatsira pakudzipa chikafu . Him: Kwenyu kune maclient hre kana kuno ndiko kwaunomawanira . Me : Hah hobho pagrowthpoint pedu panoparker magonyeti saka mahure akawanda munongozivawo kuti vanhu vacho vanoda mucheno saka market iripo zvayo . Him: ko iwewe hauzo join hre grp racho remahure kana wavako . Me: Hah kuhura kuda kuya shaar . Him: Ndinoda kukubatsira kuti uarchiver zvauri kuda but you have to promise me one thing . Me: Chii ichocho. Him: Kuti hauzonohuri ikoko . Wondipa madirection nenzvimbo ine growth point yacho . Ndakafara chaiko ndakabva ndamupa ndikamuvimbisa kwacho . Ini chandaida kuzvishanda akasekerera achibva ati ..... Him: Anything for you but ndinenge ndichida kuti uende kunight school unyorere . Me: Ummmm Him: Ehe shaar zvese zvauri kuda ndokuitira but will you do that for me . Me: ko ndikafoira futi . Him: Kana uchidzidza nesimba uine faith yekuti unopasa unotokunda . Asi ukaita zvokuti hameno ikoko unofoira saka zvinoda kuzvipira ndokuti upase . Me: Ehoi ndoita . Him: Good saka ndichafambirs nyaya dzacho . Idzi ndedzedu tiri 2 nyangwe shamwari yako Taps usamuudze Me: Ehoe handimuudzi Ndakasukurudza jira rangu ndokubva andibatsira kurisvina . Tikanika ndapedza zvese ndakanogara muroom mangu akatevera ndokurara pabed pangu ndakavhura lunch yangu ndichida kudya akabva ati ..... Him: Hantie tapedza kuwacha hande tinodya tese kumain house . Tigoenda kutown ndimbokuratidza dhorobha . Semunhu anga andivimbisa zvikuru zvikuru handina kumboramba . Ndakabva ndatomuti tiende . Takabuda ndikakiya door rangu ndokuenda hedu . Ndaisaziva kuti Darlington anotaura nyambo kudaro . Uchimuona waisambofungira kuti ndidoctor . Ndakasvika ndikadziisa chikafu iye arimowo tikagara mukitchen pama kitchen chairs . Taidya ndichibvunzwa zvekuti unozorei kumeso and staff ndichipindurawo kusvika tatopedza kudya ndikanogeza nekuchinja hembe dzangu dzandaiti bestie iye anga atove kumota pandakabuda kumba kwangu anga akachena zvake godo pasi . Ndakazvitarisa ndikaona ndisina kodzero yekufamba naye . Akanduvhurira door ndikapinda mukati . Mumota macho mainhuwirira . Akabva amutsa mota ndokuenda akatanga kuenda neni kune imwe saloon ndikanzwa akuti kune vasikana vaivamo ..... Him: Rukai munhu wangu uyu zvinomufita ndodzoka soon . Akabva abuda ndakabviswa magodi angu ndokublowewa musoro . Vakazonditanga kundiruka . Ndakarukwa carrot yanga yakanakisa akatouya ndatopedza achibva abhadhara ndokuenda mune shop yehembe apa dzaidhura dzaishura Ndakagara pachair yaivamo iye achisarudza hembe dzaaiida . Akandipa imwe trouse rejean netop yepeach ndikanoedza sandi kufitwa ikoko . Ndakabuda akaramba akanditarisa ndokunditi ..... Him: wakafitwa chipfeka shangu idzi dzawanga wakapfeka hembe tora tinobhadhara nedzidzi tiende . Ndakapfeka achibva anobhadhara takapinda mumota munhu wacho aiti padiki padiki anditarisa. Takapinda mumota achibva ati .... Him: Yah wakafitwa can we go for photo shoot Ndakabvumira ko ndaimboziva hrr takaenda kuya ndikanotorwa mapic ndiri ndega mamwe tikatorwa tiri 2. Rimwe anga akamira mberi kwangu pedo neni chaipo akaiss maoko muhombe . Rimwe ndanga ndakagara iye akaisa akagara pastool yaiva hombe kune yangu akandiisa pakati pemakumbo ake . Rekupedzisira ndiro raakazoda kundiitira utsotsi husina basa . Ndanga ndakamufuratira iye ari mashure kwangu akabva aisa ruoko rwake padumu pangu ndichida kutaura zvanga zvatoendwa ratotorwa iye akanditarisa akaseka . Vakataurirana nemurume uya tikabuda . Ndokubva tadya tikasvika ndikaenda kumbonozorora kuroom kwangu. Semunhu anga aneta nekufamba ndakabva ndatobatirwa nehope ndakapepuka ndichiona ........ *Stay tuned* [2023/10/11, 11:23] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/GYkIwd5QT0HJhbLjb9qQ8y *NYENGE* *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 8* *Darlington* Vamwe maziso edu anoona zviri beyond haatarisi zvakatikomberedza . I saw a wife material pana Nyenge the very day i set my eyes on her . Ndakazviudza kuti ndaizoedza nepandinogona napo kuti ndidiwe . Ndaitonatsoona kuti dzungu raanaro nderemunhu asina kana kugumiwa zamu chairo . Munhu anga akuda kutondibhowa ndiCarlos ipapa ndanga ndave kutodzongwa paya . Handina kuda kuedza nharo . Ndaisada kuita munhu anokakavara . Pandakabuda tava kuenda ndakabva ndamuti ...mm Me: Shaars mind your own business wanzwa haundiudzi vanhu vekutamba navo nevekusatamba navo undidzikamire handizvidi zvawaita apo . Him: I know kuti munogona kutoda Nyenge ipapo ziso ramunomupa harina kujeka . Me: Zvinei newe nyangwe ndikamuda anoita mukadzi wako hre kana anoita wangu . Ayewa we have different taste when choosing a wife ini ndinotomuda Nyenge wether you like it or not ndiri kuzomuroora and handirooreri iwe ndozviroorera . Taps: Ndizvo zvandanga ndichida kutaura she is not that bad Nyenge kungoti munhu anozvimiririra asingabvumi kuitiswa chete otherwise ukasamudenha munhu boe zvekuti . Nezvamamuita zviya dai ari mumwe aigona kungokusiyai makakambura sick . Munhu atori nerudo uyo .. Carlos: Haana future uyu momudio mukadzi anochenama saNyenge. Me: Anochenama ari mukadzi wako hre iwe . Takabva taenda kumba ndikasvika ndikazvirarira muroom mangu . Ndakazviudza kuti mangwana ndaisazoenda kubasa ndaizoswera nahubby naNyenge . For sure zvakafamba sekudaro tikaenda akarukwa ndikamutengera hembe Ndokuenda kumba umm anga aita kubuda Nyenge maslender manyama . Ndaitomboyeverwa naye iye aibva atarisa kuside zvake. Takasvika kumba akabva ati akumbonozorora kucottage . Ini ndikaenda ndikambono refresher . Ndokumbogara asi moyo wangu waiva pana Nyenge ndakabva ndaenda kucottage ndakasvika munhu akarara anga ageza achinja apfeka kaskirt kari flared nestring top pane zvandanga ndamutengera . Apa kaskirt kanga kakwira uchiona tight apa skin yacho yepazvidzva apa kuita kutsvukisa kudarika kumeso . Ndakayeverwa naye akarara kudaro ndikabva ndaenda kunorarawo padivi pake . Ndikaswededza muromo wangu padivi pake ndikabva ndamunama nekiss malips ake aonakidza kukissa pandakada kupamha akabva amuka akanditarisa achibva amuka .. . Her: Aaa Darly ko wauya kurara pedo neni kuti zvadii apa wakanatsonditarisa kumeso chaiko boe hre . Me: Wakanaka Nyenge unozviziva hre . Kutoyeverwa newe chaiko . Her: Darling weee ndozviziva kuti ndiripo . Watoita wandimutsa nguva dzanga dzapera apa ndisina kubika eish wongondiyevs uchitadza kundimutsa . Me: Hande ndinokubatsira kubika kwacho Akabva amuka ndokuenda kumain house ndaifambira kumashure kwake ndichiona munhu wangu. Takasvika akatanga kutarisa paroaster akabudisa usavi . Ini ndanga ndakagara munhu wacho aishanda shame munguva pfupi anga atoisa mapoto 3 pastove apa ave kugadzira chicken yacho ndakatomuteva Her: Uchadonhesa meso naiko kuda kunditarisa wati uri kuda kundibatsira wani huyaka ucheke mavegies aya ndaona kuti hauna basa . Ndakasimuka ndikamubetsera achipedzawo kubika team richipinda mumba . Mdara vakapinda mukitchen vachida mvura vakangonditarisa vakasekerera vachibva vati..... Him: Son huya timbotaura tione . Ndakabva ndabuda ndikavatevera ndikaona vaenda mubedroom mavo . Ndakaknocker ndikapinda ndokuenda paBalcony tikanogara pamachairs aivapo ndikanzwa vave kuti ...... Him: Ndizvo zvamafunga hre Gono . Me: Ok hah dad ndizvo zvandafunga i see a wife in her. Hameno kana ndarasika imi ndimi makagara naye nguva . Him; Kwete nguva yakakura zvayo but munhu ari boe chaiko who stands on her ground . I support you on that though ndaida kuti aroorwe naCarlos ndiye munhu one agona kutwasudza Carlos zvisinei mese muri vana vangu you have my blessings . Me:Thank you dad maida kuti ade munhu waasingadi hre . Moms: (vachisvika) Yoh ndianiko arukisa Nyenge ko zvaari chibhamu chaicho . Vakadzi vanongoda kumantainer chete i am happy son apa waratidza kuita gentleman . Ndaitoti vana vangu vanoona zvakaora but you proved me wrong . Me: Ndomuda mhamha . Her : Go for her my son you have my blessings . Me: Its ok regai ndimboenda kunozorora hangu . Her: Aaa maswera muchifamba zve nhasi . Ndakangoseka zvangu ndokuenda muroom mangu ndikanozcambarara pabed ndikaona Taps chapinda smile iri kugotsi ndakamutarisa ndaiziva kuti ane nyaya akasvika nekungoti.... Him : Hah apa maspaka blaz ndiri kungoona bla Carlos vari kungotarisa simbi . Me: regai atarise hakezve Nyenge ndewangu uyo handimhanyi mhanyi . Akabva atopindawo Carlos wacho achiseka . Ndakamutarisa ndikanzwa ave kuti ..... Him: aaaa blaz ndiri kutombofunga kukanda CV nyenge kaportable chaiko arukwa nekupoda poda kwaakaita umm ndatenda zvangu . Ungazoti ndiNyenge farm girl hre . Me: zvese izvozvo wave kuzviona nhasi nokuti ndamurukisa nekuita zvese ndipo pawakuona kuti ibby riri boe . Wakatambisa mukana mafana bby ratorwa nablaz and ukada kundiitira chisick chako you know me better Haana zvaakataura akangobuda ndokuenda ndikatonzwawo kudeedzwa raiva voice raNyenge ndakanyarara nhema ndikanzwa kugugudzwa akabva ndakamuti apinde akangodongorera achibva ati ...... Her: Huya udye wakatogara hako pabed ipapo ndichikudana . Me: Pinda muno ndine basa randoda kukupa . Her: Basa reiko unongozondiudzs vanhu vakatomirira iwe kuti vadye . Ndakabva ndatevera tikanodya tikambotandara ndokurara ndakamuka kuseni seni ndokuenda kumaraini kwana Nyenge . Ndaifambisa mota ndisati ndasvika ndakakwidza mumwe murume ndokutoita nyaya ndakafara achindiudza kuti aishanda kucouncil mastand eko aitengerwa kucouncil kwaaishamda iye . Ndakabva ndatozoenda kumaoffice mastands anga akazara . Ndakawana hepano pakunoda madetails echitupa ndanga ndauya ndisina . Ndaida kusurpriser bby . Ndakabva ndafonera mdara vakati moms vari kuden . Ndakazovafonera ndikataura naNyenge ndipo paakati anosender madetails ake pafoni yamoms . Ndakapa team iya vakabva vandipa mareceipts ekuratidza kuti ndabhadhara . Uye kundipa mapapers angu . Ndakaenda ndakabva ndavapa mari yefuel yekuti tiende vanondiratidza . Takaenda tese ndokutoenda . Ndakasvika ndikaratidzwa vakasiya vapegger ndikatozviudza kuti ndaida kukasira kuvaka . Ichokwadi kuti paiva nevasikana vekupfeva ava . Aizoita mari munhu wacho ane njere . Ndakasiya ndatobhadhara munhu aiita plan yesaloon yacho . Ndokudzokera ndakasvika kumba manheru chaiwo vanhu vatorara . Ndikanodya ndokunorara makuseni ndakamuka ndokudya nevamwe ndokuenda zvangu kubasa *Stay tuned* *Muchandiregerera guys vhiki ino ndakabatika zvisingaiti*
❤️ 👍 6

Comments