Ancy Cays Novels
June 7, 2025 at 06:06 AM
[2023/10/12, 11:12] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/GYkIwd5QT0HJhbLjb9qQ8y *NYENGE* *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 9* *Nyenge* Ndotoshaiwa kuti kurukwa kwandakaitwa uku ndanga ndatomera muguava hre caz vanhu vepamba vaingonditarisa zvandisinganzwisisi . One munhu akabuda pachena ndiTaps akauya akati ..... Him: hah Nyenge wakanyanya dai ndanga ndiri muhombe ndaisva ndakanda shoko . Me: Manje waita mwanana plus ndaisva ndaramba handiiti ufende hwekudanana nemunhu wandinogara naye daily . Love inonakidza muchiita zvekushanyirana kwete muchionana daily . Him: Hazvisi izvo shaar love kana yabata hainei nekuti muri pedo napedo hre . Usads kuvharira vamwe panze iwe aah rega ndimbotonogeza zvangu . Carlos akabva apindira akangoramba akanditi dzvoko kuita kutarisa direct zvisiri zvekubira . Ndakabva ndatotangana naye ..... Me: Taura zvaunoda iwe unonditarisa sekuti uchandidya tokuziva nechihure hure vanhukadzi unovada manje ini handipindi muline revasikana vako . Me: Unoti kurukwa kwawaita uku kukangotondipa umwe muono hre uri village girl hapana chinochinja pauri . Nyangwe mlato wako ndewevillage unenge usitorina kathat segirl rekuno rinogeza nemasalts mafoam bath . Matosiyana by far nemi munogeza negreen bar mumvura inoyerera yemugwizi . Me: Zvino zvauchaita seuchadonhesa ziso uchitarisa iye village girl wacho wani . Plus iwe wacho wambodiwa nani chirema zvacho chine chinhu chakagonyana. Uri wondokokova saga remazai angu ukabuda naro . Handina kana dhiri newewo atori nenhamo anodanana nechirema chinenge iwe ndosaka vasikana vako vaitoto unenge gay caz unotozvosvoderawo iwe . Him: Ndokurova Nyenge wanzwa hantie waida kutoti ndivate newe hre ndosaka wakatevera unoti hatikuzivii hre vanhu vekuvillage . Munoda kuitwa magood girl sterek . Kana waifunga kuti ndosiya Cassandra ndichiuya kwauri forget and smile . Me: Haaada wagara wajaira kubhaguja mudhidho rinodhidha chero nezvanana . Iniwo ndingaudii mutswi wakagonyana muduri rangu . Ungatswei zvawo wakagonyana kudaro asi kungotswa zvepamusoro zvepasi zvisingaibvi . Akabva aridza tsamwa achienda Carlos aitozviona sekuti akanaka chaiko pasina kana zviripo . Vakanaka vana Darlington vakachilla zvavo iye otozviita bling isina basa rese neni ndanga ndisina kana chinoti tokonyo pandiri . Ndakapedza kubika pasina adzira variko kudzimba dzavo dzemudenga idzodzo . Ndakasetter table ndapedza ndipo pandakanodana vanhu tikauya tikadya . Ndaingocheckewa nemaziso nevanhu . Ndakapedzisira ndasimuka nendiro yangu ndokuenda kukitchen kwandakanodya ndakasunguka . Ndapedza ndakanzwa vanhu votaurisa ndikaziva kuti vapedza kudya . Ndakanotora ndiro dzangu ndikasuka . Ndikanorara mangwana kuseni team yakaenda kubasa asi Mai vacho havana kuenda ndakatovaona ndaakutopedza kugadzira mumba vave kuuyawo . Takamboita nyaya ndichibvunzwa zvevabereki vangu ko vaingoziva mbuya chete . Ndakavaudza zvese kuti baba vangosara mumhuri medu ndibamunini vanotogara kunze kwenyika nemhuri yavo . Zuva iri vaida kuziva ziva zvakawanda zvekumhuri kwedu . Zvandaiziva ndaivaudza vakabva. Takadya vakati vaida kuenda kusaloon ndikavati ndivaruke . Havana kuramba ndakavaruka Mambo twist pakati pemuso kumaside ndikaruka carrot zvanga zvakavafita . Navo vakapa kutenda vaifunga kuti pamwe handigoni . Vachibva kunozviona ndipo pavakandipa phone yavo kuti nditaure naDarlington . Ndikataura naye aida madetails angu ndakangofunga kuti ioffer iya yaaida kundipa ndosaka ndisina kumbobvunza ndakangomupa zvakanaka . Pandakadzosera phone ndakavanzwa vosekerera vakabva vati ..... Her: Ndezveiko zvamuri kuronga naiye mumwe wako . Ko unoregerei kumuudza kuti akutengere phone . Ndakamboramba ndakanyarara ndichishaya kuti vaida kuti nditi Darlington anditengere phone pakai. Woti munhu ada kukubetsera iwe wobva watomuti nditengerei phone nyangwe iye angasati mashura hre . Ndakabva ndangovati..... Me: iii ungatuma munhu kuti nditengerei phone hre kana munhu anongosindwa ega okuitira usina kukumbira . Her: Aaa unotomuudza asi izvozvi zvekutsvagana pafoni dzana mai . Tinozonzwa nyaya dzenyu ka tikada kuziva ziva seipapa ndikati ndibvunze kuti madetails acho ndeeyi hantie munototi Ndichibudira kumba kwangu ndakatoona mota yaipinda mugate ndikaona kuti ndeya Darlington . Ndakabva ndatopinda mumba ndokurara munhu wandanga ndafunga ndimbuya vangu nana Simba ndaitoda kuti ndikawana mukana ndigovafonera . Ndakamuka kuseni ndikawana ari pamota yake hameno kwaaida kuenda makuseni seni iwayo . Ndakangomumutsa ndichibvs ndatopinda mukati sezvo ndaimhanyira kubika . Ndakaona atevera mukitchen . Him: Ndiri kumhanyira kubasa shaar ndanga ndava ne 2 days ndisingaendi kubasa . Ndokumbirawo undisachirewo nekugadzira muroom mangu imarii.. ndakada kutocharger ndikabva ndafunga kuti kandiro kanopfumba kunobva kamwe . Ndaibvei hangu kans ndikamueachira . Plus kufadza mutengi . Me,: Its ok ndowacha . Ndakasiirwa makey ndikangomaisa muhomwe iye achienda ini ndichisara ndichibika . Ndakavaendesera umwe neumwe achimwa achienda .Carlos ndiye akati nonoke ndakanzwa ave kuti... Him: Rega ndimboenda kubasa kwangu Nyenge vamwe manguri madriver zvikorobho kare Me:Enda zvamboita sei nhasi kundioneka . Him: Ko tiri kutukana hre amana team rekumushawo futi . Handina kuzomupindura ndava kuita zvekuenda kuroom yaDarly. Iye akangozoendawo ndakasvika ndikavhura hembr dzacho dzaiva muwashen basket . Ndakangorisimudza naro kulaundry room Ndakasvika ndikawacha hangu imwe miedzo yacho matrouse ake 4 anga aine mari mukati . Kwete svimari asi mari svinu . Ndakambopindwa nemweya wekuitora asi hana yangu ikaramba . Ndakangoiisa paside ndikatanga kuconcentrater nezvandaiita ndapedza ndakayanika ndikatora mari iya ndokunoisa mumba make padressing table . Mdokumucleaner ndapedza ndakabuda . Ndakanodziisa chikafu changu ndokunogara zvangu kushade ndava kuzvipepa . Ndipo pakauyawo Thandie akasvika akagara pane imwe chair ndikatomuedzawo chikafu akarochirambawo . Her: pane madudes hre pano . Me: Ndochii ichocho . Her: Ndikubvira vakomana ini Me: Ehe varipo 3 boys dzepano wanga wafungei. Her: Aaa ndikuda one wekufana kutandara naye ndiri kuno uku . Me: Kutandara kwerudzii ana Thandie . Kana uchida kusvaturwa aripo Carlos . Her: Saka wonditambirawo ja number 9 . Me: The thing is ini naye takatomakana rough hatitogari pamumvuri umwe chete . Unenge wotoona yekutamba wega . Ko sei wada zvekutandara une vamwe vaunoda zviri serious kani . Her; Ehe hangu ko iwewe sei uchimakana nemhene hantie ingadai wakatopinda so . Me: Shaaar zvatinoda muupenyu zvakasiyana . Ini handisi pakutsvaga vanhurume ndiri pakugadzira upenyu hwangu kuitira kana ndoroorwa ndiroorwe ndaitira mbuya vangu nevana vamai vangu something . You see takasiyana mafungire . Iwe ukutofunga zvemunhu wekufadzana naye Her: Ok but zvimwe ndezvekutongwara kutogadzira future yako .Ndanzwa kuti mukuru wacho ndidoctor haasati aroora ndinoda kumbotryer luck paari anenge ane bag . Me: Hameno zvebag izvo zvotoda imi rega ndiende kunosiya ndiro yangu mumba . Her: Rega ndimbotopindawo ndimu zoomer . Me: I am only a maid pano ukawanikwa urimo imomo inogona kutoita nyaya iyoyo. Saka kana uchida zvekuuya mumba unotouya varidzi varimo . Mabasa ari kunetsa mazuvaano unotorichengetedza wariwana . . Ndakangomusiya akangomira tanga tatotadza kunzwanana mumatama anga akanyanya . Ndakavhara door ndava kuenda kuroom yangu . Anga akangomira panze takatozobva tese ndokuenda kumba kwavo ini ndichienda kwangu . Ndakangonogara zvishoma ndokunotora hembe dzandanga ndawacha ndokuenda nadzo ndikanoayina ndokunodzisiya pabed handina kuda kurongedza ndanga ndisina kunzi ndirongedze muwardrobe . Ndikatombogara ndichiona TV mumba imomo Ndakabva ndaenda kunogeza ndikachinja ndokuzodzoka ndobika vanhu ndipo pavakazouya ndatopedza kubika ndakasvika ndakaona Carlos auya akabva andipa chigift bag ndakaramba ndakamutarisa ndisati ndatambira . Me: Kwakanaka hre iwe unondovigira zvinhu wati ndidiiko apa . Him: Amana chiiko ndangokuvigirawo ka iwe wotondibvunza munhu haadi kuitirwa zvakanaka veduwe . Ndisati ndatambira ndakaona Darlington apinda akabatawo zvake 2 . Vakatarisana naCarlos ndanga ndangomira ndichishaya kuti ndotambira chaani Darlington ndiye akazoti .... Him: Nyenge tambira magifts ako . Ndakavatarisa vese ndikangovati maita basa . Ndakabva ndaenda nazvo kumba kwangu ndokudzoka . Ndakazviudza kuti maCarlos kana mune chikafu ndaisadya ini. Munhu wacho haatembeki ka . Ndakasvika mumba vakagara vese baba nevana vavo namai vacho . Pandakapinda vakabva vanyarara Ndakabva ndanosetter table takanodya hedu asi waitoona kuti pane tension . Vanhu vaiva zii ndakanosuka ndiro ndokubva ndaoneka ndava kuenda kumba kwangu . Ndakasvika mumba ndikatanga kuvhura raCarlos ndakaona muine kabox ndakakavhura ndikaona muine necklace nemaearing nebracelet . Nechimwe chiplastic changa chiine kastring dress kanga kakanakawo nezvimasandles zvacho. Ndakagumisa paruoko ndaida kuona kana ndisina kurongerwa ko munhu kana aimbokuvenga ukaona oita nice nice kwauri . Its either ari kutokuteya kana kuti ari kutokurongera horror . Ndakanzwa kuti hapana kana unye hwaivapo Ndakabva ndaisa kuside ndakavhura kagift bag kadiki kaDarlington ndikaona muine kabox kaka repewa ndakakavhura ndokuona muine phone ndakafara shame apa phone yacho ibango paside pane chipepa cheline racho . Akandibvira nepiko mwana uyu phone ndaiida shame ndakavhura box racho ndikaona makaiswa airtime yekuscratcher . Ndikatotanga kuchargisa phone yangu ndichinovhura rimwe ndikaona muine skin jean yewhite masneakers ewhite netop yacho yewhite . Zvanga zvakanaka chaiko ndaida kuzovatenda vana vemaboss ava vanga vandigonera chose . Ndiri mukutoedza zvinhu zvangu ndipo pakaita knock padoor ndakatombofunga kuti ndiThandi . Saka ndakatonovhura door ndakapfeka skin jean rangu ndakazvivhara netop yewhite mberi ndakangopfeka bra chete . Ndakapererwa ndichiona ari Darlington . Ndakangomhanya kunopinda mutoilet ndikavhara door ndokupfeka ndikadzoka munhu akatorara nemaji zvake pabed yangu ndakabva ndamuti ..... . *Stay tuned* [2023/10/13, 11:50] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/GYkIwd5QT0HJhbLjb9qQ8y *NYENGE* *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 10* *Cassandra* Ndakapererwa ndichiona mumba muina Nox zvake apa akarara asina kana hembe sinhi yakamira kuti twasa . Anenge anga asina kutarisira kuti ndinopinda naMia . Mia akatora phone yake ndokumutora mapic . Akabva agadzirisa voice ndipo paakaona takamira tese takamutarisa . Akasimuka very fast Mia achimutora mapic chete . Akamhanya kupfeka asi anga atopedzwa naye . Hongi basa arova zvake but muzvezve waakandizvambura nawo wakabva waita kuti ndosvibe moyo naye . Wototi ndanga ndichiri munarwadzo nawo oda kutowedzera gumi pazana . Ndakaramba ndakakutarisa akabva ati kuna Mia ..... Him: Ndipe mapic awatora unofana kuma deleter . Mia: Forget it young boy mapic aya if you do anything silly nevideo rawakatora uchida kublackmailer Cassandra aya tomaisa pamhepo read my lips . Him: Ndikadeleter iwe unobva wadeleterwo . Her: Not today boy boy enda zvako kumambuya ako anokupa sick . Uchafa uchitsva pakati sekenduru . Ndikuone uchinetsa Cassandra ini nditori benzi manje hure rechirume . Akabuda tikasara tikaseka anga atamba nevakangwara Mia akagara pasi akatotaura kuti ndaakuchifanira kuti ndimudzinge basa . Ndakabvumirana naye ndaizozviita ndakabva ndazomuti.. Me: Ndikufunga kuti ndimboenda kunoona ana mhanha unondiperekedza hre . Her: Dai wazoenda warapwa shaar enda kuchipatara chaiko mwana wamai zvemaguchu izvi zvinogona zvichiramba Me: ndinoenda mangwana ndaida kumbozvitaurawo. Ko uri kuona sekuti pana Carlos zvatopfuura hre nechisikana chiya tichapedzerana chete ndanatsosimba chaiko. . Her: Dai uri umwe wasiyana nemusikana uya nokuti iwe ndiwe unongozosara munyaya iye abuda. Munhu uya ari very intelligent . Siyana naye kana wangoda kuredza Carlos unongomuredza but dont involve that girl . Ini ndikutofunga to build a strong relationship naTango wangu ndiroorwe zvemujolo izvi ndaneta nazvo i want to settle down manje . Ndakamadzeya mashoko ake airevesa tanga tambofara chokwadi . Ndakazomuperekedza ndokudzoka ndorara the following day ndakamukira kuchipatara . Ndakanotariswa ndikazonzwa kuti ndanga ndakutozvinonokera . Mibvunzo yacho ihobho kani yandaibvunzwa pamwe ndombobvunzwa kuti ndine murume hre . Wakarara nevanhu vangani wava kufungira kuti unorwara . Ndaingopindurawo zvandaida . Ndakabaiwa ziinjection ndokupihwa mapills ndokuenda kumba . Ndakaita 5 days ndichienda kunobaiwa . Rairwadza chose asi rairapa nokuti ndanga ndava kunzwa zviri nane . Ndakazoita mazuva maviri ndapedza course yangu ndanga ndava njanji chaiyo. Ndakabva ndatanga kuronga zvekuti ndiende kunoona vabereki vangu . Ndanga ndavafungawo neni . Ndakaenda ndega Mia akasara anga ave kuenda kumaintro nemukomana wake . Isu tisu tanga tasara wangu aingoti ari busy SA kwaaiva ikoko. Pamwe taitoribdiswa guyo sembwa ndiani aiziva. Unotodemba kuti dai ndakangoita good munhu pamwe Carlos iyeye atozondiroora . Ndanga ndave kumunzwira sugar chaiyo Carlos kubva pandakangomuona day riya . Ndakasvika kumba ari manheru mhamha vangu vakafara kuti mwanasikana mukuru auya . Ndakagara navo pasi ndikanzwa vave kunditi ..... Her: Ko nhai Cassandra uchauya riini nemukomana wako timuone you are not getting any younger iwe. Ndakakunzwa kuti uri kuita musikanzwa ikoko zviri nane ugare kuno freedom yakakunyanyira ikoko .. Izvozvi baba vako takakonana nenyaya yako hapasi kutodyiwa rinopisa pano nekuda kwako . Hantie unoziva mukadzi waMashanda vaya vekushaika vaiva mutevedzeri wababa vako kubasa . Me: Ehe ndovaziva but handitombozivi kuti ndakapedzisira kuvaona riini . Her: Ivavo vakatumira baba vako video rako iwe uchiita zvisina nebasa rese unodarirei Cassandra huh . Vakavaudza kuti vakamawana muphone yeboyfriend yavo vachitoti wakavabatisa nesick unoda ndiite sei nhaiwe apa ndiwe musikana mukuru unoda kuti vari kumashure kwako vaite sei . Ndakavafonera mai Mashanda ndichivaudza kuti vaifana kutaura neni topedzerana woman to woman kwete zvavo zvavakaita izvo vakatondiudza kupenga ndichitukwa nekuda kwako iwe unodisa vanhurume . Munoziva ndakapererwa mai Mashanda wacho munhu mukuru nyangwe nekuna mai vangu . Zvichireva kuti paya paaiti ndine machembere angu aireva vana mai Mashanda ndakanzwa kumumaka chaiko haangadaro mhani Nox . Apa handichatyi kununa sezvo ndakasasikwa ndikangowana mukana chete wekudzokera kumba ndinosvika ndichimudzinga basa iroro ndigoita kuti mapic ake timahererese. Ndanga ndachingonyarara mai vangu vachiita kutura mafemo zvisingagume . Vairwadziwa shame ndaiziva pain yavo kungoti vanga vazvara jandukwa . Ndakabva ndangovati ... Me: I am sorry mhamha it was a mistake . Her: Mistake yekukumura hembe kushabura wakanenekera kuti murume auye muchitorana mavideo ndiyo yaunoti mistake iyoyo . Unoda kutodza ani iwe kumba kwenyu vana tete vako vakangoroorwa zvakanaka vese ini pano baba vako ndivo vakandibisa umhandara saka iwe wakatodza ani. Ndakanyarara ini vachipopota zvakatonaka kuti ndanga ndauya ndega dai ndanga ndauya naMia aigona kutozobatanidzirwa akatukwa naye ko mai vangu ndizvo zvavari zve worse vakatotsamwa unofira matadzo emunhu aresva Nofunga pavakazvinzwa vapfanha vangu vakapinda busy . Apa ndipo pandanga ndabondera manje vabereki vangu vaiva very strict pandakangowana kamukana kefreedom ndakabva ndanakirwa zvekupfuurikidza. Ndakanyarara pakazouya dad haiwa ndakaita sendicharohwa ndakabva ndatorambidzwa nekudzokera kwese . Imba yavo vakatoti vanga vawana murungu aida kurenter full house . Vashandi vese vaitoronga kuvamisa basa kusiya kwevashoma vavaida kuti vauye kuno . Lets hope Nox haasi wevamwe vaizouya kuno . Hembe dzangu ndivo vainotora zvese neproperty yavo . Ndakarara ndakaita kudumbirwa asi panga pasina mareverse deals yanga ndizvo zvanga zvitoripo. Ndakafonera Mia ndichimuudza hurongwa hwanga huripo akarwadziwa asi akavimbisa kuti aizondishanyira . Uye taizogara tichitaura pafoni . Ndaiziva kuti airevesa Mia ndaida kumboita munhu kwaye mbichana pamwe ndaizowana munhu kwaye . Ndaida kuzofonera Carlos ndichimukumbira ruregerero pamwe aizondinzwira tsitsi akandigamuchira zvekare. Ndaingoda one last chance ndaiziva kuti ndaizoibata zvakanaka . Ndakaita mazuva mashoma ndiri pamba vana mai ndipo pavakaenda kunobvisa zvinhu kumba sezvo murungu wacho anga ave kuda kupinda . Vana vamai vangu ndini ndakatosara ndichivaona hangu . *Carlos* Cassandra akandibhowa henyu ndaimuda nemoyo wese but akandicheka nerakagomara . Ndakatoona kuti kasaying kaya kekuti waunoda haakude anokuda newewo haumudi . But ndaakutongodzidzira kutodawo anondidawo . Nyenge anga aumbika hama dzangu kuto glower vana Nyenge mavillage girls . Pandakamuona ndakanzwa kutomuda chaiko . ZvaBlaz zvekuti vaida simbi zvaiva zvimwe izvo ini ndanga ndapenyerwa naye Kwaiva kuda kungomubhowa zvangu ndichitaura zvisina basa kwaari caz kana atsamwa kafacial expression kaaiita kaitondinakidza zvese nekunditurner . Kungoti munhu wacho aikutsikira rutomatisi zvokuti waipedzisira watsamwa. Isu tisu vaya vane banana shaped dick but naNyenge zvanga zvonzi ndomudii mutswi wakakombama amana Nyenge so . Vamwe vachitochemera masinhi edu aya asingawanikwe wanikwe iye ndipo pootoganza zvake . Ndakamusiya ndikabva ndaenda kubasa ndanga ndaakuti ndikati shande shande ndofunga mashoko aNyenge ndega ndaiseka . Ndangs ndaakutoona ndamuroora mumba macho munganakidza naNyenge. Palunch ndakadriver kupinda mutown ndikakunhongera kadress kanga kari neat nemasandles acho aimatcher . Ndikatenga nenecklace . Ndakazviisa mugift bag ndakazviwrapper . N Ndakatombozviseka ndega chaiko kuti inini kutoperera pana Nyenge wandaiona savillage girl zvake asina kana kathat . But ikozvino baba ndiye ave slender nyama zvokuti akabuda kunze uko madudes anoita seacharwa. Ndakachaisa zvangu ndikaenda kumba takatosvikirana nana moms paden . Vanga vapfuura vachitora gotwe ravo Taps . Ndakavaswedza ndikapinda mumba ndichibva ndananga kukitchen kunotsvaga Nyenge . Akatomboda kuwanza mbambo pachitehwe cheshindi apa ini ndichitomunyanya kudaro asingadi kutora gift bag rangu . Ndipo pakapinda blaz hana yangu yakarova ko ndanga ndaonekwa ini ndakambopihwa warning . Vanga vauya neyavowo ndivo vakatozoita kuti Nyenge agamuchire magifts ese . Vakabva vaenda kuroom kwavo ndokuendawo kwangu ndichingopinda kuti ndinogeza Taps akabva apinda ndokuti .... Him: Zvamuri kuita its not fair . Me: Zvei nhai Taps . Him: muri kuda Nyenge imi muchiziva kuti ari kudiwa nablaz sei hamusi kuona kuti maakuda kuto creater unnecessary hatred between you 2 . Me: Shaar bby harisati rabvuma munhu iro .i will only back off kana blazz vacho vadiwa . Who knows pamwe anoda inini haadi blaz. Him: But maifanira kumirira vorambwa ka imi mozoita take over . Mfana uyu aida kutoenda kuside raDarlington nhai ndiri kumuona zvangu mdichibva ndamuti ..... *Stay tuned* [2023/10/14, 14:21] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/GYkIwd5QT0HJhbLjb9qQ8y *NYENGE* *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 11* *Nyenge* Me: Mubhedha wangu unenge unonaka zvisingaiti unofarira kurarapo chaiko . Him: Ayewa munhu wacho ndiye anenge anonaka zvisingaiti . Ndosaka ndichifarira kurara muno. Me: Yowe unototaurawo zvinyadzi Doc bva hazvina kumbokufita kana . Him: Aaa zvine vazvinotofita nhai . Manje inini kana ndichitaura newe ndipo pazvinotondifita manje . Ko nhasi zvaita seiko nekudanana nemazita ebasa so . Me: Zita rakowo shamwari hameno zvaringori so zvinotoita sekuti pane iri kutambika ka . Kuti Darly , Darling ndichangopedzisira ndati Dee ndozvingatobuda . Him: manje ndoda kutonzi Darling newe . Apa wakachena zvisingaiti waregerei kungopfekera muno hantie ndanga ndatokuona hre . Me: Aaa wangoona musana shaar apa musana hauna kana basa zvakakosha zvacho ndanga ndakavhara saka hapana chawaona . Him: Aaa mazamu hre auchangobudisa waakuyamwisa mwana wangu hre ayo . Ndakamutarisa mataurisiro aaiita nhasi ndeemunhu amborova one . But munhu wadoctor angatomwawo nhai ivo varivo vanosvora zvinodhaka . Ndakaona anditarisa ndakabva ndagara kumakumbo kwake iye akabva agara akanditarisa . Me: Wambovingeiko usiku huno nhai veduwe vamwe tomukira ka kushanda . Ko chindiudza kuti madetails angu waimadii paya . Him: Its a surprise uchazoziva soon . Me: Aaa inini zvema surprise ndombozvida hre ingondiudza kani . Caz ndenge ndava kutonon'onwa nzeve kuti inzwa kani Nyenge . Him: Wototanga wandinyengerera ndokuti ndikuudze . Ayas zvanga zvakaoma ndaimunyengerera chirudzii munhu mukuru wese iyeye . Ndakamutarisa ndikaona akanditarisawo ndikaseka zvangu achibva ati ...... Him: Kutamba zvangu ndaona kuti watopererwa kunyengerera kwacho hautogoni ndakuona . Ndanga ndichida kungoona kuti waswera sei izvo siyana nazvo uchazviona zvaita . Waakuda kurara hre ndichienda . Me: Pane munhu ari kukuda zve iwe gara ndikubatise dot com racho apa chibby unodya namambo . Akanditarisa akaseka zvake hameno kana ndanga ndataura zvisingaiti . Ndaida kubetsera Thandi aisatogona kugara achida munhu waasingazivi . Ndakanzwa ave kuti..... Him: muudze munhu iyeye kuti moyo wangu uri pana Nyenge kwete zvake izvo . Me: aaa Nyenge wepi .... Him: Nyengeterai Munikwa ndokuda Nyenge ndochokwadi ndinoda iwe kwete munhu iyeye . Ndakapererwa nemashoko ndakangomutarisa ndichishaya kuti ndomuti kudii . Mashoko ake akauya sechibhakera chandakatadza kuvhika kana kudzosera . Chandakangoita kusimuka ndichinovhura door ndichibva ndamuudza kuti ndaakuda kurara . Akasekerera akanditarisa achibva ati ..... Him: Its ok ndoenda but wozondiidzawo mhinduro yangu handiti . Take your time handisi kukumhanyisa chingoziva kuti Darly wako anokuda . Handina kupindura akabva abuda mumba ndikavhara door . Ndokugara pamukova kutura mafemo chaiko . Ndiko saka aiva nice nice kwandiri izvo pane yaaiteya . Ndosecret iripo pamagift andiri kupihwa aya. Kuti Carlos pane yaari kuteyawo hre why sudden change kutotanga kuda kutaura neni zvakanaka ummm handisi kuzvipihwa mushe ini . Kana iri nyaya yekuda kutaimira ini vese zvichibuda hre . Ndakarara ndazviudza kuti tichaona kunowira tsvimbo nedohwe . Ndichimuka kuseni ndakageza ndokuchinja ndichibva ndaenda kubasa kwangu ndatobairira line rangu muphone . .phone yangu ndakaiisa muhomwe . Ndakasvika ndikaita basa rangu yaiva weekend and vanga vasingaendi kumabasa vese ndosaka ndisina kutanga ndaita zvekubika . Ndichitopukuta pukuta mukitchen Carlos akabva apinda akananga pafridge akatora mukaka ndokuisa mubowel ndakanzwa ave kuti ..... Him: Zuro vakarova manganiko blaz . Ndakaramba ndakanyarara ndaiziva kuti aida kutodenha makuseni iwayo ndakanzwa ave kutaura .... Him: Ndobvira iwe Nyenge ukuramba wakanyarara iwe uchiona kuti tiri 2 chete muno mumba hre . Me: Zvinei newe izvozvo zvaunobvunza waregerei kunobvunza ivo blaz vacho unouya kubvunza ini . Plus hazvinei newe hazvo. Him: Haaada ndakanguri ndazviona kuti uri kadecent crook iwe kungopihwa gift pamwe ndiyo phone iyoyo nekutovhura shame on you . Me: Nxaa ko iwe warwadziwa nei caz handivhuri yako. Him: Manje uchamitiswa ukasiiwa munhu atori nebby rake kuChando uku simbi yaari kuda kutoroora imi ndimi vekungotambawo navo muchirohwa muswe mosiiwa . Me: Rega ndirohwe neni nditori neari kuda kutondiroorawo iye ndewekungondipa munyati chete tichifambisa time . Infact takatoudzana kuti tiri kupusher time tese tine vadiwa vemoyo vedu . Usazvinetse hako neguhwa Carlos totozivana . Him: Kungoti vanokuda chaivo hauvaoni unoda vasingakudi . Unogona kutofunga kuti Carlos akandimaka but maya ndokuda Nyenge . Kunyangwe warohwa mlato ndokuda wakadaro kuda kutokuroora kwete kutamba newe. Wakandiponesa pana Cassandra ndakaona kuti you really care for me chindipawo mukana tiroorane Nyenge . Kutotaurisa kuya kwaiva kurwa nemafeelings andaiva nawo kwauri. Ndakatoona kuti apa pakaresveka kucherana chete kwemadzikoma. Ko zvino ndichaita sei . Ndakamutarisa Carlos kunzwisa tsitso dzenhema svuuramuromo iyi . Ndakabva ndamuti ...... Me: You know what enda unotora tambo uzvisunge ufe caz handifi ndakakuda hako kana uri sewe . Kana zvirizvo zvawaiteya pazvigift zvawakatenga uchiti pamwe ndingadyira saver mari yako zvako nokuti inini handinyengereke zvakapusa kudaro. Ndakabva ndatobuda ndokunocleaner mamwe marooms . Ndakazobika vakauya vanhu kudya vatochena chena . Tiri pakati pekudya ndakanzwa Darlington akuti ..... Him: Mhamha ndikukumbirawo Nyenge ndiende naye kwandiri kuda kuenda ndodzoka naye . Sezvo iri weekend hamumupiwo off hre . Hezvo anoda kuenda kupi neni futi . Ndakabva ndamutarisa kana ari saCarlos anga aita kuvhura ziso hameno waaida kutyisa ndakanzwa mai vacho vave kuti ..... Her: Aaa munoenda henyu munongosiya mandisukirawo ndiro ka nhai muro..... oh Nyenge . Me: Ok mhamha Ndakapedza kudya asi mumoyo ndaizvibvunza kuti Darlington akuda kuenda kupi neni futi . Kuti kutown hre . Hameno taizongoona ndakatora maplates ndokubva ndanosuka Taps akauya achisekerera achibva ati..... Him: mondivigireikowo kwamuri kuenda uko . Me: Tiri kuenda kupiko hapana zvandiri kumboziva ini . Him: handizivi ini ko whats going on between you two . I am your friend ndiudzewo mazuvaano ukungoita zvinhu zvako wega ini ndokuudza madhiri angu uchitonditsiura pamwe but iwe ako uri kuworker wega . Me: hapamborina nyaya apa its only that mabrothers ako anenge anomwa Brongo caz vese vari kundinyenga can you imagine . Him: Oh i see saka iwewe ukuda ani pakati pavo . Me: Hah Taps handisati ndadecider plus zvikaramba zvakadaro ndogona kuvasiya vese tione kuti vacharwira ani. Him: Umm if i were ndaotevera panoda moyo wangu ipapa vachacherana vachinyepera one another vachida kungosvibisana mazita follow your heart choose one waunoda between them . Me: Its ok ndinenge ndichiona hangu angatochera umwe ndiCarlos not Darlington kubva zvandataura naye haatauri nyaya dzemumwe . Iye akabva atopindawo ndave kutopukuta maplates akabva ati .... Him: Upfeke hembe dzewhite dziya . Me: Ukuda kuenda neni kupi Him: Somewhere uchakuona taenda . Me: Usanondichekeresawozve iwe kunyarara nyarara kwako nhasi uku ndekwemunhu ane kaubhinya mukati . Him: (Achiseka ) you always know how to cheer me up . Ndikakuuraya ndosara nani manje . Me: Watanga ndava kuenda kunogadzira kwacho tiende . Ukandiuraya goritoto rangu rinonetsa zvaMwari kudai. Vakasara vakaseka ndokuenda kumba ndakasvika door rangu richiratidza kuvhurika . Ndakabva ndatovhura ndokupinda ndakaona munhu obuda mutoilet aiva Carlos zvake . Ndakapererwa ndichiona maoko ake akanyorova . Ndakabva ndapinda mubath wanei hembe dzangu dzese dziri kuita kumwira magotwe dziri mudish remvura . Ndakamutarisa ndapererwa ..... Me: unopenga hre iwe ko wanyikirei hembe dzangu mumvura Him: kana inini ndikasakuwana then noone will have you . Ndakadhinhiwa ndakamutukisa infact takatukana mumba imomo . Ndakazoona apinda Darly mumba akarova all white akatarisa Carlos ndokutarisa ini achibva ati ..... Him: Wadii Nyenge . Me: Anyika hembe dzangu dzess mumvura Carlos uyu . Him: No worries hande wakadaro. Me: Ko hembe dzangu rega ndinike . Him: And you buda muno tione . Aioneka hasha but he was pretending to be calm but anga akakwana nehasha maziso ake anga aita kutsvuka iye Carlos haana kumira akabva angoti sverere ndokurova pasi. Ndakabva ndatora hembe dzangu ndokunika ndokuzobuda toenda . Takapinda mutown akanditengera dzimwe futi but dzakasiyana nedziya ingori all white . This time around ndakatengerwa short yewhite yaisvika mumabvi umu . Nestring top yewhite yaiva netop yenet yewhite yekuisa pamusoro . Mutsoka ndanga ndine mapush ewhite zvanga zvakandigara ndakaona akabva atenga grocery rake akaisa mumota . Ndokubva tapinda munzira kwataienda ndaisakuziva Him: vatete vako vanogara kupi Nyenge . Me: Kumaraini ikoko asi kwavo unotokwira $2 kuendako . Unovadii vatete vangu . Him: Ndoda kuvaona *Stay tuned* [2023/10/16, 11:24] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/GYkIwd5QT0HJhbLjb9qQ8y *NYENGE* *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 12* *Carlos* Ndakamutarisa Taps ndichibva ndagara pasi ndaida kumuudza zvaibata nzeve dzake . Kungoti zverudo izvi aisazviziva anga achiri mupfanha inonzo survival of the fittest . Inini ndaitozvitemba mabby ndailiner ko mukamwa mangu munobuda sugar . Handina bby randakambokanda shoko rikaramba nyangwe ane mface aimusiya achimhanya neni Mhenyayemwana . Hongu pamalooks ndaibvuma zvangu kuti blaz chibaba but pamatalks ndiri chigono kwavari Me: Mufana zvauri kutaura ndiri kuzvibata but Dzadza ndiblaz vangu hapana patingakonana over a woman . Siya so mfanami adiwa adiwa handipikisi kana blaz varivo vadiwa hausi kuonawo zvandiri kuona pana Nyenge kani . Nyenge ibullet iro chihot chinoda kubatwa nedish towel kuti usatsva . Ndiani asingadi zvakanaka nhaiwe ipapa dai wanga uri munhu mukuru ipapa uchitokwikwidzawo pamamonya ipapo. Him: Its ok muri kudiwa downstairs uko namdara . Me: kwakanaka hre ndomuzivaka holy man pamwe atosvitsa kunana mdara . Him: Hameno endai munonzwa. Ndakabva ndatombopinda mubathroom ndikageza ndokuchinja ndokuzoenda . Ndakasvika moms vakagara zvavo namdara blaz vari kune rimwe side ndakanzwa mdara vaakuti ..... Him: Chii chiri kuitika nhaiwe Carlos . Me: Muchireva pai dad . Him: pamusikana anodiwa namukoma wako ndipo pandiri kubvunzira . Me: hapana iri kutambika is it a crime kuvigira maid some gifts . Ndizvo zvaitika nothing much . Plus Nyenge achiri musikana ane right yekusarudza waanoda . Mhamha: Carlos usada kuvhiringira mukoma vako zvinhu wanzwa hre iwe . Hatidi zvinotinetsa ndiwe waiva naye nguva yese iyi hapana pawairatidza kuti unomuda but you kept on insulting her . Why wangochinja waakumuda now . Une ruchiva Carlos hapana rudo rwakadaro rwekuti munhu waunoshura shura ndiye waunozoda . Vakada kuramba vachituka asi ndipo pakazosvika Nyenge achuratidza kuva fresh akapfeka kafalala skirt keblack netop yeyellow mugumbo akapfeka maangle socks shangu dzinenge dzanga dzasiiwa pamukova . Ndakaramba ndakamutarisa zvokutosvika pakunanzvira chaiko . Pandakadzosa meso kuvanhu ndakaona blaz vakanditarisa neziso raitaura vese namoms mdara ndivo vaida kuseka havo . Ndakabva ndatosimuka ndokuenda kuroom kwangu ndakazodzoka vanhu vaakudya . Pakaenda Nyenge ndakaona blaz vabudawo ndakadongorera ndokuona havo kucottage kuseri obvious kuroom kwaNyenge . Ndakada kubudawo kuti ndinonyangira ndakanzwa mdara vandidana . Handina kuziva kuti zvese zvandaiita zvaiva mumeso avo ndakaenda asi ndaida kunonzwa nekuona kuti vaiitei ipapo . Ndakanzwa mdara vaakuti ..... Him: Siyana nezvauri kuita mukana wakava nawo mukoma wako asati auya what did you do wakautambisa . Wakarasa ngoda ichiti idombo vane maziso ekuona vakaona dombo iroro riri ngoda vakaduster dombo riya kusvika razoonekwa kuti ingoda zvedi. Ndipo pawava kudawo siyana nezvauri kuita . Achimbori calm zvake Darlington but when he lose it ziva kuti tese tinomutadza and newe unozviziva izvozvo usaite uchikanganwa izvozvo nokuti hondo yaDarlington haipere zvenhando usada kuzvitsvagira mavanga wakura . Vakabva vabva pandanga ndiri ndokuenda zvavo. Ndakasara ndakamira ndichizviudza kuti papi pacho paangazorova inini munin'ina wake . Yes ndaimuziva kuti anokiya pazvibhakera apa aitoda ndimba ndimba dzacho haikona isu zvedu . Ndakabva ndatoenda kuroom kwangu kunorara apa handina kudziti chwaa mumeso mangu ndaiona Darlington vachiita kudya garitosi racho . Apa Nyenge kaportable kakafita kari kauchi chaiko . Ndakazorara ndanzwa mafootsteps aBlaz . Ndakamuka kuseni chaiko ndikabva ndaenda kuna Nyenge . Ndakaedza kutaura naye asi ichokwadi chiya kuti chakachenjedza ndicho chakatanga . Dai ndisina kumboita zvekumutuka but ndaiziva kuti ndaimuda Nyenge ini vamwe vangati ruchiva harwo asi ndaitoti ndikamuona Nyenge nyama dzangu dzaiita kumira chaiko . Saka tingati harwusi rudo hre irworwo . Tava kudya blaz ndokukumbira Nyenge amana murume uyu hakusi kunyarara chete aitoronga maths dzake chinyararire . Amana kuda kuenda naNyenge only God knows where . Ndakadhinhiwa ndikaenda kunonyika hembe dzaNyenge ndaida kuona kuti aizoenda nei . Ndakazopererwa manje blaz pavakauya . Pandakanzi buda muno ndatariswa neziso ndega ndakaona kuti panogona kundishatira ndikatiza . Ndanga ndave kudongorera ndakatoona kuti plan yangu haisi kushanda caz vakangoenda zvakadaro . Ndakarwadziwa kusviks mumongo ndakangonopinda mumachira nebhutsu . Zuro ndizuro vakasebedana. Ndaisava a loser kare kese but this time it seems blaz ndivo vane chimuti Hakusi kekutanga tichiita clash pamusikana one but kare vainzwisisa vaibva vandisiira bby . Asi yoh Nyenge anenge arema uyu caz vanenge vaitoda zvekundirova chaizvo . Ndakabva ndabatirwa nehope ndikazomuka pava paya phone yangu ichitonyangadza . Ndakatarisa kudai ndakaridza tsamwa ndichiona ari Cassandra . Ndipo paunoona kuti vamwe vasikana vane zvivindi zvekubata nyoka chaizvo . Ndakairega kusvika yacutter ndokumuka ndoitora ndave kuenda kumain house kwandakasvika mdara vagere nebby ravo . Ndakanogarawo vaingonditarisa ndakabva ndati ...... Me: But dad cant you see kuti Nyenge completely changed me . Why is it matendera blaz kuti vatore Nyenge . Moms: Ko iwe wadii kungozvigamuchira kuti Nyenge ndewaDarlington . Sei uchida kungosiirwa paya wakada uya musikana wekuchurch aidiwa naDarlington akakusiira what did you do . Wakamubonderedza naCassandra wako uyoyo akakuramba . Une muchiuno iwe Carlos ipapa tikati Dee akusiire Nyenge anokurambazve wahura . This time around ndina Darlington . You are not responsible at all . Dad: Mfana ndaitodawo kuti uroore Nyenge asi ndakatoona kuti haumudi ndicho chokwadi but you are jealouse of your brother . Rwendo rwuya Darlington akaita zvekuramwa akadzokera kuChando nguva yake isati yakwana takureverera pane iyeye wekuchurch . Tsvaga umwe boy caz Nyenge atove waDarlington and dont do anything stupid caz if you do unopinda mujere chaimo. Vakabva vasimuka mai vangu vakasara vakagara . Mai vaigotukirira mdara vaingotaura once zvino yoh namoms ndakaudzwa godo rese . Ndakabva ndatosimuka ndokuenda ndokubuda panze . Ndakaenda kunogara kupool ndichizama kudzeya nyaya pamwe ndsimboseka ndega ndaona Nyenge mumaziso mangu achindipopotera . Ndakabva ndatofunga kumbonospender time nemafriends angu . Pamwe ndaisazofunga zvakawanda . Ndakabudawo zvedi ndokuenda tikambonogocha ndokuzodzoka manheru . Ndakasvika mota yaDarlington isipo ndikabva ndapinda mumba . Mhamha ndivo vaitomira mira kusetter table . Ndakabva ndabvunza ..... Me: Ko maid aripi muri kumira mira kudaro . Whats the use yekutsvaga maid imi muchingoshanda . Mdara: Mfana ukaramba wakadaro uchatadza kugara nevamwe zvakanaka . Pamba pako hapangagari munhu . Maid munhuwo anoda zororo iwe handiti uri paoff hre unoregerei kuramba uchingoenda kubasa kurura . Plus zvemamaid zvinei newe zvinoonekwa nevanhukadzi . Eish mdara hapana zvavakabudisa kutaura kwese ikoko ndaida kunzwa kuti vana Nyenge varipi . Ndakabva ndangonyarara . Kumwe kutaura kwangu kwaisava kwekutuka bodo asi ndaishandisa mutauro iwoyo kuda kunzwa information . Zvino vanhu vanga vasati vandibata vaigona kufunga kuti ndotsvinya otherwise nditori munhu ari boe . Ndakaenda kuroom kwangu ndikasangana naTaps mupassage ndakabva ndatoti regai ndimubvunze ndiye shamwari yaNyenge . Me: Ko Nyenge arikupi nhai younger . Him: Vangobuda tese tichiona paya hatizivi kwavari but mdara namoms vanoziva caz blaz vambofona ndangonzwa moms vachiseka vachiti Dee unopenga chinditsvagirai imimi ikoko . Me: kutsvaga chii . Him: Blaz is it not obvious musikana webasa ka . Nyenge waenda nablaz . Me: Aaa umwezve maid amana Blaz vaita seiko nekutora musikana webasa izvozvi kunouya imwe type inotidyisa tsvina pana apa . Tanga totonakirwa nemameal aNyenge . Him: Oh really mainakirwa but each and every meal maicomplainer kuti salt yawanda , mafuta aita mashoma zvakawanda ndiri kutoshamisika muchiti mainakirwa munofana kutofara kuti pamwe anouya anogona kumeter your standards . Mfana uyu nekukurangaridza zvawataura zvese inumber 1 . Ipapa zvanga zvatouya ndakabva ndangofamba ndichienda kuroom kwangu . Ndanga ndatoloser Nyenge zvemachokwadi hre ? Kureva kuti haachadzoki kuno hre ? Handingawani only one chance hre bva kana ndaiwana ndichatoishandisa . Ndakanogeza ndokugara muroom mangu ndikaona kuti mangwana kwaiva kukeras ndanga ndava netime ndisingaendi . Ndakatanga kutsvaga hembe dzandaida kuenda nadzo . Ndadziwana ndakangodzi presser presser neiron. Ndikatsvaga kabhutsu kari boe ndokuisa polish . Ndichibva ndazoenda kunoona zvangu bhora . Ranga ratanga ndaigona kuona ndega muroom mangu but rekuona wega rinobhowa rinoda makawanda muchiitisana nharo zveteam inohwinha neino looser . Ndakasvika mdara naTaps vatogara ndakanovajoiner . Moms vakauya nemapopcorn nema snacks tikatanga kudya tichiona bhora . Team yamdara ndiyo yakahwinha vakafara shame . Ndipo pakaringer phone yamoms vakadaira ndakaona nyemwerero pachiso chavo pavanga vabvunza kuti ndiani munhu wacho akataura vakasekerera mhamha vachibva vati....... *Stay tuned*
❤️ 😂 😢 🙏 7

Comments