Ancy Cays Novels
June 7, 2025 at 06:17 AM
[2023/10/20, 09:52] Achihoro Ancy Cayz: https://chat.whatsapp.com/LVpvyNmPLo9BExWsjvo3w0
*NYENGE*
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 16*
*Carlos*
Zvikaramba toita zvimwe till i win her . Kuchurch ndakaenda hangu asi handina kumboona akafanana naNyenge ini . I begin to like maslender saNyenge . Ndaimboda zvidhafu dhunda zvine package but ndanga ndava kutomarwa navo ndava kuda ane body seyaNyenge . Ko Nyenge aitoti akapfeka maskin jean iwaya ndipo pawaitoonawo kuti ane mahips aienderana nebody yake .
Vandaiona vacho hapana zviripo makumbo enyoka . Ndakatodemba nechandanga ndaendera kuchurch kwacho . Kamwe kamudiro kacho kandaiita Nyenge ndakapedzisira ndaakutozvibvunza kuti is this love or ndava kutopenga
Eversince ndakatanga kuti ssss hapana pandakamboperera like this . Ndiri mumota kudzokera kumba imwe pfungwa yakandipinda ndeyekuti Nyenge akatishandisira Juju hre kana kuti .....
Ndopedzisira zve ndozviramba ndomene ndichinatsoona kuti this is pure love my obstacle vaitova blaz ndivo vanga votondikonesa kuti ndisvike pane huchi.
Takasvika pakudzoka kumba tikawana kusina munhu . Ndokutodzoka zvavo Blaz manheru vachibva kubasa . Ndakamhanya kukitchen wanei mutori nezimai zvaro raitobika ndakangoridza tsamwa ndichibudamo ..
Ndakanogeza ndikadzoka ndikawana blaz vakabata makeys emota yavo kuratidza kuti vanoda kubuda . Basa ravo iri vanogona kungodeedzwa kubasa anytime worse vakazoita chavo chipatara chemazino .
Vanga vave kumberi zvavo blaz interms of cash . I gathered enough courage ndichibva ndavati ......
Me: Ko Nyenge arikupi ndaona mune zimai riri kubika umo .
Him: Uri kuda Nyenge or ukuda zviri kubikwa .
Me: Inga ndataura zviri straight forward wani ndati Nyenge ari kupi.
Him: Nyenge wacho unomudii if i may ask . Mfana uchandikonewa manje manje you are beginning to piss me wanzwa . Nyenge haasisiri maid pano get that in your head . Ndikunzwe futi uchimubvunza ndokugobora dzoro iroro .
Yoh vaitova serious blaz ndakabva ndagara zvangu pavaive ndakanyarara . Mumoyo ndaitoronga kuti ini ndikasamuwana Nyenge tese totomushaiwa . Zvema threats amdara kwaiva kutamba zvako . Ipapa ndakatoona kuti kugara kwacho hakusi kugarika ndikaenda muroom mangu .
Ndakaenda paprof pic yablaz ndikaona kuti vanenge vaitove kuphotoshoot naNyenge vakamira vakatarisana . Ndakatora pic racho ndokumboramba ndichiri zoomer . Pamastatus paiva nerimwe raiva naNyenge ari one rakanyorwa kunzi the love of my life . Ndainzwa sendotsva apa Nyenge wacho anga aita kuurungana .
Ndakazviudza kuti ndichaisa like ndakamuka ave makuseni ndokuenda paBalcony ndikaona blaz vachibva kucottage nemonarch aps vanga vakamira nechimwe chisikana chimuramu chagarden boy .
Ndakatora phone yangu ndokuvatora mapic for future use . Ndakaramba ndakamira ndikaona vasunda chisikana chiya i am sure chaida hug . Ndakagaya ndikaona kuti ndika dealer nemusikana uyu ndogona kubuda bhobho.
Changa chasara kuwana number dzaNyenge nyangwe ndaibuda mari yakawanda sei ndaidzi tracker kusvika ndawana paari then ndotangira ipapo . Munhu wandaiziva aiva nenumber dzaNyenge ndiTaps namoms . Ndaida kuwana accesss to their phones . .
Ivo blaz vakabva vatobuda ndikabuda ndokuenda kucottage ndikawana musikana uya ari pasink ndakabva ndakumhoresa . Kamwe kakuzhinya kaaive nako wainatsoona kuti sisi vane dzungu ava .
Me,: Uri sei ndoitwa Carlos and you .
Her: Ndokuziva zvangu ndonzi Thandie .
Me: Ok i can see you are in love with my brother . I think i can help you to have him .
Her: Hii sure hre that guy is hot ane kastyle kandoda please help me . His body eish please do if you can
Me: Ndikuda kuti timupe drug then you will be the only anenge ari available . Wobva warara naye inini ndine ndakaisa video camera .
Her: Why video nhaiwe.
Me: Iwewe hantie ukuda blaz inini ndikuda bby ravari kuda so both of us tinenge tava neadvantage yekuwana zvatiri kuda. Saka ido me and i do you . Are you in ndifambire nyaya dzacho ..
Her: Ndirimo caz i want him so much
Me: Saka deal tochimhanya paweekend kana tiripo tese .
Takanzwa voice kuseka ndokuona ari Taps aiva akadongorera nepawindow remutoilet yeroom yaNyenge . Akabva abuda tese takamutarisa akabva ati.....
Him: I knew it you guys muri vana vaSatan chaivo zvino mairasa newe munhukadzi kuchemera kuda kurara nemunhu asina kumbokunyenga . When it comes kuna gulecy Nyenge i can protect her from you guys . Uri sewe chisikana blaz ndovatipira and count your days here vanodzingwa basa bamukuru vako and consider your self homeless idiot .
Akabva afamba ndakamudana but akaramba akaomesa gotsi . Ndanga ndisati ndambomuona akatsamwa kudai Taps but apa anga adhinhiwa . Ndakangosiya ndaudza Thandie kuti i will handle him .
Ndakabva ndatevera Taps ndikaona hoyo oenda kuna garden boy ndikaziva kuti zvadhakwa . Ndakamudana aka ignore mhamha vakatobuda vachibvunza kuti chii ndikangovavhara vhara .
Akanotora nguva ariko adzoka akagara pasi akabhara 4 ndikanzwa mhamha vave kuti .....
Her: Ko chii nhai Taps matsamweiko Gono . Handisati ndambokuona wakadai boe hre mwanangu.
Him: Boe mhamha kungoti dzimwe hama dzaSatan ndidzo dzaita mood yangu idzire to zero dont worry mhamha me and mukoma Dee will put an end to that.
Her: Ichimbori nyaya yei ....
Akabva asimuka achitoudza mhamha kuti musawara . Akaenda kuroom kwake mai vakanditarisa ndakaziva kuti pane zvavanga vachifungira ndakabva ndatosimukawo ndisati ndapinzwa muinterogation room . Ipapa stress chaiyo ndiyo yanga yandiregesa kuenda kubasa .
Ndakatoudza maboss kuti ndairwara ndosaka ndakaswera pamba . Ndakaenda muroom yaTaps ndikasvika hameno chaaigadzira muroom make imomo ndakatozoona kuti iphone yaaigwejenura achiisa maparts pane imwe .
Mfana uyu anogona kutoita makanika chaiye nokuti zvekugwejenura izvi ndizvo zvaiva zvake . Ndakafara pabed ndikabva ndamuti .....
Me: Unoda kuti ndiurawe nablaz hre nhai Taps .
Him: munotoziva henyu kuti munogons kuurawa . Zviri nane mufe blaz nokuti munotodawo kuuraya blaz Dee nokuda kutora something chiri very important kwaari . Blaz vanoda Nyenge with his heart imi moda kubvanyangura rudo rwevaviri nekuda kwehustupidity hwenyu .
Me: but usavaudze shaar ndosiyana hangu nayo nyaya yacho..
Him: Better but ziva kuti i am watching you.
Takabva tamboita dzimwe nyaya mazuva rovira ndakaona Thandie nasisi vake nabamukuru vachibuda gate nebag nezvimwe zvaiva mumapaper . Ndakaona Taps achisekerer ndakabva ndamuti .....
Me: waitei mfana iwe .
Him: Hapana vari kuperekedza Thandie kumusha kwaakakodzera kugara .
Ndakapererwa ini vamwe vanhu vakanyarara nhema . Ndakatoona kuti apa ndadhirisirwa dhiri rangu nemfana mudiki iyeyu . Ndakabva ndazviudza kuti i will be carefull next time since ndave kuziva kuti i am alone ini this battle .
*NOX*
Kana mazogara vanhukadzi vakapusa chaiko . Cassandra anga ada kupindawo mubus revanhukadzi vaindiblesser . Ipapo ndaitorarama nemadhiri iwayo . Zvekushanda basa rinorwadza ndaisazvida ndaida irori riri smart kushanda ndichinakirwa neni .
Ndaichimhanya nemasugar mumy vari rich ivavo ndichitowana cash zvangu . Vamwe ndaiva blackmailer vamwewo ndivo vaitongodusa vega vatapirirwa neni . Ndanga ndava kutsvaga bby randaida kuzoroora . Ndanga ndambozama kuinvestor kubva mumasugar mumy angu .
Ndanga ndakatotenga stand ndiri kutoivakisa apa ndiri kuitirwa neimwe moms saka hapana changa chichandimisa kuroora . Ndanga ndava kungoda kabusiness kekuti ndiite ndibve ndasiyana nemambuya aya zvachose . Mdara vaCassandra vaida ndiende Bulawayo kunoshandira kumba kwavo ndini ndakatoramba .
Ndanga ndava kugara pamba peimwe moms kucottage . Yaiva nevana vayo vakuru moms yacho . Apa yaiita kunzvenga ichiuya kucottage ndichizoidamburira ikoko . Apa vaiva nemwana aiva form 6 kasikana ikako ndaiona kuti kaitodawo kuti ndimbokapumha .
Ndakazviudza kuti regai ndimbochilla ndigochirakasha ndaida kuchishandira ndigochiblackmailer zvokuti chaizobira mai vacho mari chichiuya nayo. Kundipa ndichitoronga upenyu hwangu .
Rimwe day ndakatoswera ndisina one ambondidana ndikabva ndafunga kushandira imwe friend yangu aiva musecurity . Akandipa madirection yekwaaiva aiswa that day . Ndakaenda paitova pamba pemhene zvapo paanga aenda .
Takamhoresana naSmart ndokubva ndagara pasi . Tichimboita nyaya ndakaona mumba mobuda chinyama chebby chakama bvudzi racho iro raiva refu chaiko .
Smart: Eee ko chii nanhasi uchiri kuda vanhukadzi kudaro .
Me: Aaa apa ndogona kutokanda paden ndiani uyu chibaba .
Her: Handizivi kuti ndiani ini ndatoiswa pano nhasi . Ndinosiuya pasina vanhu unoziva zvinongorema kubvunza maboss kuti ndiani
Me: Rega ndiende ndinoona kuti zvakamira sei ndinokanda chirauro changu .
Ko ini smart ndorova munhu anogona kutofunga kuti pane pandasiya mota. Smart akasara ondidana ndava kutovinga simbi iya . Ndava kusvika pedo ndakanzwa junior kuti vhai vhai caz anga akafuratira akakotama kwandiri amai zvidzva zvakatsvuka zvakaita kubuda anga akapfeka kadress kaikwira kana munhu akotama . Ndakagadzirisa voice akanhonga kamu yake achibva anditarisa ndikati .....
*Stay tuned*
[2023/10/20, 18:04] Achihoro Ancy Cayz: https://chat.whatsapp.com/LVpvyNmPLo9BExWsjvo3w0
*NYENGE*
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 17*
*Nyenge*
Akandigarisa pasi kuita kuwira mumaoko ake . Ndakamutarisa ndichida andiregedze ndakabva ndamuti .....
Me: Ko chii nhaiwe .
Him: Bby ndave kuda kuroora ini handichagoni kugara kure newe
Me: Hezvo kuroorwa mangwanani ano hre ndisati ndambonzwa kuti nyika inodii . Hah maya shaa rega ndimbobatawo mari yangu ndichironga zvandinoda ndega ndisati ndave kutemerwa zvirango .
Him: unoda kunzwa kuti nyika inodii pakudii nhai bby huh . Ko izvo zvirango zvacho unotemerwa nani nhai
Me: Nemurume chaiye ipapa wakatotanga kutema handisisina freedom yandaiva nayo yekuwirirana nevanhurume . Kubva kuchikoro ndiwo aitova masahwira vakomana asi kungoti ngori murudo zvese zvarambwa . Inini i am ok with that caz i love you but ndikuonewo uchitaura nevanhukadzi hatizowirirani. Une ruchengera murume wangu but unofana kuvimba neni ndinotaura zvangu but hazvimo zvechihure hure mandiri .
Him: Eish ndafara sei uchinditi murume wangu . Bby ndinokuda uve wangu ndega kukuchengera kukuda bby cant you see that . Ndikangokurega uchiita yaunoita yese yese ndinenge ndisingakudi ndichingoda kukutambisa. Saka todiiko nhasi zvanhasi tombochitamba ka chigame chacho .
Me: Kana zvirizvo zvawanga uchinditi idya unozvinyengera ini apa panotopindwa nemunhu ava nepassport kana licence ukatoona uchidriver usina licence zvinotosungisa saka do the right thing .
Him: hantie ukuramba hre the right thing yacho . Saka ukuda ukuda ndiite seiko Nyenge ndinotsvaga hangu weku catcher hre .
Me: haada sinhi inoshanda ndeyako haisi yangu kana wada kuno catcher enda . Unoti zvingatondizungunusa hre izvozvo kana famba uende ini ndaakuda kutorara.
Him: Ndazviona kuti haindidi sure kunditi enda unohura une chokwadi Nyenge .
Me: Usada kuisa mashoko mumuromo mangu iwe wega ndiwe wati unoda kunocatcher kana ini ndaramba ndikati enda caz handitodi hangu . Unoti ndiri zvisikana zvamajaira kuti ndonohura ukaramba ndoto waa kuvhura makumbo angu never Darling itoitonhodza hako iti nhoo uirove musoro kana yoda kusimukira Nyenge usati waroora .
Akaseka hake ndokusimuka achiti akunorara mune imwe room ini ndichirarawo muroom imwe . Paakandiratidza ndakanatsokiya nomukati ndokusiyapo makey ndichibva ndanatsorara hope dzeumambo .
Ndiri pamutepfe tepfe webed unonatsonzwa kuti its nice to be here . Ndakamuka kuseni seni ko hubby aienda kubasa zvee . Ndakaenda kukitchen ndikanotsvaga chekubika maisava nezvinhu chero mapoto chaiwo . Ndakangoti tuzu zvekubika zvanga zvatengwa asj mapoto ndiro ndingangoti zvemukitchen manga musina .
Ndakaenda kuroom kwake ndakaknocker akati ndivhure anga akamonera towel achitobva kunogeza . Yoh vanwe baba vaitoita semunhu wewrestling mamuscles acho . Ndakaona oseka achibva ati .....
Him: Unotombotapirirwawo neni kudaro come on huya undi feeler ini handina kuomera sewe . Huya mukadzi wangu .
Me: Aaa haiwa ndauya kubvunza kuti mapoto nemandiro hapana wani
Him:Eish ndaiti muchatenga mega mai Murozvi . Ok zvandichaita ndezvekuti ndichauya kukutora palunch tigonotenga .
Me: musoro wangu unoda kurukwa uyu .
Him: Imboshinga mbichana wozondorukwa paweekend ikozvini ndine basa rakawanda .
Me: Ndongoenda ndega zve nhai .
Him: Ndodawo kufamba newe bby
Ndakaseka zvangu ruchengera umwe anofa narwo. Ndakabva ndamuti saka aidyei akati aizonozviona mberi . Akati achatuma munhu nechikafu kuno . Akafamba achiuya
Me : Saka regai ndidzokere kunorara zvangu ndoita seiko mukadzi waDentist .
Him: huya pano tione Nyenge uzondorara hako .
Me: Kuuya kuzodii watotanga Dee .
Him; Amana ndokumbirawo kani wanga watogeza kuseni so .
Me: Saka unenge uchida kuti ndibike ndisina kugeza zvingabuda hre .
Him: Chiuya pano ndikungoda kiss i know unoidawo .
Me: Usazvinyepera handiidi ini .
Kuramba nhema zvangu asi ndaitonzwa kuti dai ndambombundirwa mumaoko imomo . Ndakaenda paanga ari ndikanomumbundira zvangu akaita the same . Akasimudza chirebvu changu and planted a kiss pamuromo chaipo ndakanatsotsinzinira kuti iuye hayo ndakaona munhu andiregedza ini hezvo .
Ndakasvinura wanei munhu ari kufa nekuseka zvake ndakamutarisa akaramba achiseka ndakangotendeuka ndokufamba ndichida kubuda akandibata akandiisa pabed iye achiteverawo zvepabed ndizvo zvandaisada .
But ndakadzikamiswa nekiss yandanga ndananwa nayo . Ndikanzwa kuti hida hida kiss ndaiida and munhu wacho aindipa ainatsoigona . Neni wacho ndinenge ndaiigonawo caz munhu wacho wainzwa ototanga kufemereka ukangomusucker rurimi rwake nemalips .
Munhu wacho akapedzisira isichazi kiss ndava kutokiswa muhuro nemunzeve hah ipapo zvee ndainzwa sekuti tsinga dziri kupanana signal nedzekuzasi uku . Aaaa handina kuona kuti akaenda sei pakati pemakumbo angu chandoziva ndechekuti ndainzwa sekuti pane zvaibuda pandiri .
Ndakadzoka to my normal sense ndanzwa kubaiwa baiwa kuzasi uku munhu achirwisana nekuda kuisa pent rangu paside . Ndakavhunduka ndikakutura munhu . Ndikaona hezvo ndakatendekwa zvangu ndakangoti dhugu ndokunozvikiira muroom mangu .
Hana yangu yakarova nezvandanga ndaona . Yowe chineke ndinoponeswa hre ini gore iroro . Ndadzidza chidzidzo kiss handichaidi caz inokudriver kusvika munhu arovera bhora mugedhe .
Ndakazoti pava paya ndikanzwa knock ndakabva ndadaira .
Him: Hausi kuvhura hre bby .
Me: hausati wapedza hre uende kubasa .
Him: Nyenge chiiko unoti ndichida chaiko dzungu rako iroro ringanditadzisa hre ..
Me: hah ini ndokutura munhu shame . Simba rangu rakadarika raSamson . Ndokukutura hako Dally wangu
Him: (Achiseka) kiinura ka undikuture mfana iwewe haudi kunzwirwa tsitsi ndichakubata zvangu .
Me: Unongoti uchandibata une nhetemwawo iwe kungopotsa buri uchiriona busy nepent . Pent ndochii aaa ndingaswerera zvangu .
Him: Une sure hre Nyenge ok ndakuripaza door iri . Uone kuti hapana nhetemwa tinonanganisa . Infact rega ndiri paze .
Me: (ndichiseka) ndinotamba kani Gono iii ndingakunda imi simba hre.
Him: Chivhura door .
Me: Sorry kani Gono wangu ndikutamba ini .
Ndakavhura door anga atochena chena . Akanditarisa akanditi ....
Him: Une pamuromo hantie ndichiita hre undikuture .
Me: Sorry kani Gono hamutambwi nemi hre .
Ndakataura ndichinomugadzira collar iye akabva andibata muwaist . Akaramba akanditarisa ndakabva ndamuti .....
Me: Wakachena honey usanditorerwe kubasa ikoko.
Him: Handitorwi bby ndototyira iwewe. Ndaakuenda kubasa .
Ndakabva ndamukisa kugogumhanisa muromo ndokubva ndatora laptop bag yaanga anayo ndokubuda tadungamidzana tichienda kumota . Ndakaenda kunerimwe door ndokuisa paseat laptop bag . Ndokudzoka paanga akamira akabva avhura maoko ake ndikanomumbundirawo akandipa kiss ndokubva apinda mumota .
Ndakasara ndakamira ndichiona achidriver mota kusvika abuda gate. Ndakabva ndadzokera mumba ndokunogadzira mumba ndapedza ndikatanga hangu kuzvidudunura mumusoro wangu ndaiita rei basa racho . Ndapedza ndapedza ndipo pandakati ndinozvikama panze .
Ndipo pandakavingwa neumwe murume kana mukomana akangosvika achiti hessy beautifull ndikadaira ...
Me: Beautifull indeed so ndokubatsirai nei uye mapinda sei muno . Caz zvandoziva ndezvekuti pano hapangopindwi pindwi nana rekwe .
Him: Runako rwako ndirwo rwanditosvora kusvika ndipinde muno . Anyway uyo security wenyu mfana wake ndimakanika wangu i lost his contact pandakachinja phone ipapa .
Me: So ndiye akuti upinde muno hre . Ukudei manje ...
Him: Ndatapirirwa newe bby ndokuda wena .
Me: Unondida tione size yako handidi zvekungozojoborwa nemunhu asina zvaanoita . Saka atondinyenga wese size mberi munhu shure
Him:( achishamisika) size yei
Me: Asi yei nhaiwe asi uri benzi benzi futi . Ndinoda kuona first pamwe utori bvumbi zvaro rine mavara rakamunywa kare nesimudura woda kuuya kuzozora vamwe butter saka sizr mberi kana usingadi famba famba .
Him; Hezvo asi uri hure kai .
Me: ehe wani wanga uchiti ndiri chii. Rova pasi tione kana uchitya kuonekwa bvumbi rako .
Ndakaona aramba akashama achibva aseka .....
Him: I am player zvangu but iwe uri mberi hakuna hure rakadai . Yoh kuti ndiratidze .
Me: uri kundiona semunhu anoseka hre rova pasi shamwari usadzoke pano nebvumbi rako rine mavara .
Ndakabva ndapinda mumba handina kugara nguva ndakanzwa knock ndikatoti ndiro riya benzi ndaida kuchinomutuka manje but ndakaona ari munhu anga auya nechikafu . Ndakatambira ndikanzi ndisaine . Ndakaita sokudaro ndokuenda mumba . Chikafu chacho changa chakawanda anga atenga munhu wangu.
Ndakazvipepa ndikataimira lunch yoda kukwana ndikageza ndokuchinja . Akabva asvikawo tikaenda kunotenga mandiro mapoto nekuwedzera grocery . Hembe dzangu akati achauya nadzo mangwana.
Haana kuzogarisa akabva atoenda . Ndikasara ndave kuita zvekubika ndanga ndatomusuwa ndatopedza kudya ndakabva ndaisa audio paapp ndichimuudza kuti ndamusuwa aka blue ticker achibva afona ndikadairaa .
📱 hello daddy
📱 ndiuye hre bby neni ndatokusuwawo ini .
📱 ehe huya
📱 serious hre ndouya ndorara mubedroom imomo
📱 ummm uri tsotsi iwe unorara mune imwe roomm
📱 Aa saka zvakasiyanei nekurara kuno ndikuda kuuya kurara newe .
📱 saka gara hako ikoko ndokuona mangwana .
📱 manje ndaakutouya .
Akabva acutter ndakatoti anonyepa kuma around 9pm ndakanzwa kuti mumba mune munhu hana yakarova . Ndakatozobengenuka iye apinda zvake mubedroom mangu kureva kuti aive nemaspare keys . Akauya achibva a......
*Stay tuned*
[2023/10/21, 13:03] Achihoro Ancy Cayz: https://chat.whatsapp.com/LVpvyNmPLo9BExWsjvo3w0
*NYENGE*
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 18*
*Nyenge*
Me: Ko watozouya nhai chihande ndokuratidza room yako .
Him: Aaa ndikurara muno ini ndine nzara wabikeiko munhu ari kumba uko fish dzaabika hadzina kundiitira .
Me: dai wataura ka kuti ukuda kudya ndangobika sadza shoma ini . Anyway rega ndokubikira sadza usavi hurimo zvawo .
Him: Ngatingorara bby ndozodya kuseni .
Me:Iwe une nzara hre
Ndakabva ndatosimuka ndokuenda kukitchen iye achitevera mumoyo ndaitofunga kuti ndinokunda hre paari kuramba kunorara muroom make . Ndakabva ndayeuka mashoko ambuya vangu ndikaona kuti ndinenge ndava dissapponter kana ndikangobvuma kurara naye .
Ndakabika ndikamupa akadya mukitchen imomo aiva nenzara zvechokwadi . Tapedza akandibata achiti tiende kunorara ipapo zvee ndakabva ndatoisa musoro paside ndichibva ndamuti ....
Me: Mbuya vakati chii Darlly timbomira zvekurara tese pasina marriage .
Him: Ukuda hre ndinoroora kwacho chero mangwana ndinoenda . Titotanga kufonera tete so . Yes mbuya ndizvo zvavakataura ko iwewe hausikuda hre . Hatisi kuda kuzvipunisher pano apa tese tikuda apa but caz mbuya vakati... ndozviri kukupa mabrake.
Me: No Dee handisi kuda ndochokwadi and you cant force me . If you do i dont think tinozowirirana ini caz unenge wandiratidza hubhinya hwako hwese . Kuroorwa handirambi but rega ndimbochengetawo vana mbuya vangu for only 2 months saloon yacho yaita .
Him: Nyenge ukundiomesera shaar . Zvimwe hazvidi kudaro apa ndinenge ndatovinga iwewe mufunge .
Me: Neniwo ndinenge ndatokufunga asi kwete nenzira iyoyo
Dee ndaimudira kuti aindinzwisisa ari mumwe ingadai ndatorepewa kare and pasina kwaunomhan'ara nokuti unenge uchimuda munhu iye akangoti ok ndokuenda muroom yaakamborara ini ndokuenda kwangu . Ndakamuka kuseni ndikabika ndikaenda kuroom kwake ndikamushaiwa .
Ndakatozoona mota yave kupinda achiuya nwmonarch rehembe dzangu . Ndakamukwazisa ndichigamichira monarch ndokuenda kunosiya mumba iye achiuyawo ndokupinda mubath akageza .
Ndakatora hembe dzandaida kuti apfeke naiwo madust coat anga ave kutogara mamwe kumba kwangu . Ndokuisa pabed ndichibva ndaenda kunomugadzirira chikafu . Apedza akauya akadya ndikamuisira lunch box ndokunoisa kumota .
Akabva aenda akaita 2 days asingauyi tichingotaura pafoni anga asipo achiti pane zvaari kugadzirisa . Handina kumbobatikana nazvo . Day raakazouya ndoday raainditi ndonyore list yezvandaida kusaloon .
Ndakati dzaa kunyora zvese zvaidiwa musaloon zvese hazvo hapana chandakasiya kusanganisira nema hairpiece . Ndakamupa akaenda naro . Achingoenda ndakasara ndonzwa yoyoyo kugate . Ndakabuda ndikaona ari Carlos ainetsana nemusecurity aivapo .
Me: Muregei apinde
Him: zvakanzi hapana anofana kupinda pano naboss .
Me: And i said let him in .
Akasara asina choice murume uya Carlos akapinda nemota yake . Ndakabva ndagara palawn iye akauyawo ipapo ndakanzw ave kuti .....
Him: Ko togara panze hre hamupindi nevaenzi mumba hre
Me: Imba ndiyoyi kana muchida pindai inini i am comfortable here .
Him: Hah boe hre Nyenge hande hakozve kuback yard .
Me: Inga ndati you are free here enda ikoko kana uchida hakurambidzwi munhu .
Akatora chair ndokugara akanditarisa akabva anditi ....
Him: Asi Nyenge chii newe kudada nekudiwa hre uku waunoda wacho ari busy kufliter nevamwe vasikana uko iwe wakavigwa kuno . Hona munhu wako ....
Ndakatora phone yandairatidzwa ndokuona mapic aDarlington akamira naThandi . Ndakabva ndamudzosera phone yake ndichibva ndagadzirisa voice ndokuti.....
Me: You know what Carlos handikuvengi infact ndinokudisa neagape kind of love . Iwewe neni tikuziva kuti therw is nothing going on between these 2 but caz of jelouse , selfishness ndizvo zvaita kuti uvatore mapic uuye nawo inini ndikonane naDarlington . Sekuona kwako ndikarambana naDarlington ndingazodanana newe hre ndinenge ndava kutopenga . Darlington mukoma wako chii chinokunakidza pakumurwadzisa . Godo raunaro harina kunaka iwewe haundidi iwe but haudi kuona ndichiroorwa nemukoma wako ndicho chokwadi. Ruvengo rwaunarwo kune mamaid rwakakura and unotoda kuti ndirambe ndiri wepasi uchindituka chikind chese . Grow up Carlos ubvise mweya wegodo newekungovenga vasina mhaka newe , kudzikisira vanhu ndokuti zvinhu zvako zvikufambire .
Him: No ndinokuda Nyenge rudo chairwo chete kungoti waisazviona chete. Ndiwe wega unoita kuti ndifambe negwara rakanaka .
Me; Gwara rakanaka unogona kufamba naro kana uchida . And samaiguru vako ukanditendera ndinogona kukuratidza gwara . Hapana pazvichachinja nditori maiguru iwewe nematricks ako haungagoni kundirambanisa naDarlington .
Him: hah zvakaoma haisi nyore zvayo to let you go juss like that caz ndanga ndakuisa pasi pasi pemoyo wangu . Iwewe unotoenderana neni blaz munhu ari cool iwe unotaurisa .
Me: Zviuya hazviwanani unoto tsumo iyoyo ichiiswa vanga vatozvions kuti hazviwanzoitika kuti munhu akanyarara aroore munhu akanyararawo . Iwe ipapo unogona kutoroora munhu ari cool .
Him: Saka ndiite sei Nyenge .
Me: First of all ndibvise mundangariro dzako caz rwaunarwo kwandiri harwusi rudo . Wapedza kudaro iva munhu ari humble asingatarisiri vanhu pasi wova nemaziso ekuona zvakanaka .
Him: Ndoona sei nhai Nyenge .
Me: Mukadzi akanaka haawanikwi nokuda kwemalooks chete asi nekuda kwetsika dzakanaka . Hongu unoda vanodonhesa musika vachidhingura chikero but vane hunhu hre . Uchitodanana naye unotoona kuti uyu anoita hre kana haaite . Zvakafanana nepana Cassandra wakanatsozvionera kuti kubika haagoni wairamba uchimuroora waizomunetsa hre kuti abike iwe wakangoona wega kuti haagoni usati wava naye .
Him: Ndakatozviona ndaenda kumusha paya .
Me: Yah ndiko kutoona kwacho rudo harwurive uye harutuke never ever try that in your life kuinsulter munhu waunoda .
Usamushoropodze musikana waunoda always support her , show her that you love her . Ini ndakatozviona kuti Darlington anondida asati andinyenga action yako ngaimupe hope yekuti munhu uyu anondida kwete kungoita sewether waimbotukirira munhu womuka uri sweet hah zviriko hre izvozvo .
Him: Hayas Nyenge saka ndaakutoti maiguru vakatodai dai hre blaz ..
Me: Izvozvo zvekuda kuziva zvevamwe ndizvo zvinozoita kuti uite godo learn to mind your own business .
Her: Hayas gulecy ndichanzw nekuiswa muforo pamwe ndinenge ndombobuda ka .
Me: Hah as long ndiripo ndinenge ndichikudzosai
Tichitaura kudaro mota yakabva yapinda anga ari Darlington ndakaona kutya kwaCarlos . Ndakabva ndamuti ...
Him: Nhasi ndorohwa nablaz ndazogarisawo amana .
Me: Kuroverwei .
Iye akaburuka mumota akasiya door rakashama . Aiuya patanga tiri chaipo ndakasimuka ndichiti ndimugamuchire ndakabva ndasundirwa paside achindobata Carlos collar ndakabva ndamhanya kunomubata ndichimuti .......
.
Me: Dee plizz uri kuitei bamunini nhai .
Him: Nyenge enda mumba now .
Carlos: Blaz tanga tichingoita nyaya hapana zvandamboita ini blaz .
Akapihwa mbama imwe ndakavhara kumeso ndakamhanya mumba kufonera mhamha vakati vave kutouya . Ndanga ndongodzana dzana ndakazobuda panze ndanzwa mota Carlos anga arohwa chaiko mai vacho ndivo vakabva vasvika vakabata .
Ummm veduwe dziriko hre hasha dzakadaro ndizvo zvandaisada izvozvo zvekukonanisa vana vanyamunhu . Ndakangopinda mumba ndikatora monarch rangu hembe dzangu itsva ndaingondonyera mukati ....
Ndakadongorera ndikaona mota yababa vacho yapinda futi . Ndikaona vese vapinzwa mumota yababa vacho ndokuenda . Ndakatora monarch rangu ndokubuda makeys ndakamaviga pasi pevace ndakabva ndaenda kunokwira matax ndokuenda kurank ndakawana bus raindisvitsa maGutu ndini uyo kumba .
Ndakazongoisira Darlington messege ndichimuudza paiva nemakey ake ndakabva ndadzima phone yangu . Ndakasvika maGutu hwava usiku ndokuhiket zvekuenda kumba ndakaburuka pastation kuma10 pm pamba panga pati dii kuratidza kuti vanhu varara .
Ndakasvika ndikaknocker door rambuya vakatovhunduka ekundiona vakatobvunza kuti kwakanaka hre ndikavaudza kuti taizotaura mangwana . Ndakabva ndarara ndakatozoita zvekumutswa nambuya kuseni . Ndakagara pasi ndikanzwa vave kuti ....
Her: Kwakanaka hre iwe ndiudze apa tete vako vafona vachiti huya vakugadzirisei nemukomana wako. Chii chiri kuitika asi akakubata hre . Saka kana akakubata unotizira kuno hre kana unotorambira kumba kwavo.
Me: Mbuya pazvese zvamataura hapana zviripo . Regai ndikuudzei
....
Ndakavaudza zvese kubva pakutanga kusvika panezuro ndakanzwa vave kunditi .....
Her: Saka apa wanga wafungei ...
Me: Kusiyana naye mbuya haatani kuhakira dai makamuona zvaaiva ka mega maisamira . Ndingaita upenzi hwekudanana nemukom nemunin'ina hre aifana kundivimba . Handiendiko kwatete ikoko
Mbuya vakatanga vaseka hameno vaisekei zvavo ndikazonzwa vave kuti ......
*Stay tuned*
[2023/10/21, 19:59] Achihoro Ancy Cayz: https://chat.whatsapp.com/LVpvyNmPLo9BExWsjvo3w0
*NYENGE*
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 19*
*Darlington*
Ndanga ndaakuda kuita zvinhu zvangu nokukasira . Ndakanzwa team rekusaloon richiti rapedza ndakabva ndatumira mazen'e nemapuranga kuti varovere roof yacho. Hazvina kumbotora nguva vanga vaoedza ndakatumira matiles kuti vachiisa ndipo pandakazopihwa list yezvinhu zvacho zvaidiwa naNyenge .
Zvimwe ndakazvi order online zvanga zvangosara kuti zvisvike chete . Mahairpiece ndakangoti auye akasiyana siyana . Ndave kubasa ndakapinzirwa call naTaps achinditi ndiende kumba kwangu izvozvi . Taps aiva munhu asingataurisi saka handina kuda kumubvunza ndakangopinda munzira ndokuenda kumba .
Ndichisvika ndakapererwa ndichiona Carlos akatogara naNyenge achiratidza kuti atozvimbirwa hake akanatsogara akabhara 4 searipamba pake . Ndakasvika Nyenge ndokuda kundigamuchira . Nehasha dzandaiva nadzo handina kuda kumu entertainer .
Ndakabata Carlos ndichimurova izvozvo zvekuda kuhwandira munhu wangu ndizvo zvandakamurovera . Aisadzosera saka ndapedzisira ndamurova nebhande chairo kuita semwanana . Mhamha ndivo vakatozouya vakandibata ....
Her: Darlington unokuvadza mumwe mwanangu ko iwewo wanga uchideiko kuna maiguru vako rohwa rohwa haunzwisisi Carlos .
Him: mhamha mongodaro henyu vabvunzei hapana zvandavaita ini maiguru Nyenge tanga tichingotaura nyaya dziri general .
Me: Waziva sei kuti ndipo paari Nyenge mission yako yanga iri yei mataura kuti kudii naye . Ndogona kutokurova futi izvozvi unondijairira stereki iwewe ndichingokusiya ndichiti uri mfana waakuda kutozviona sewakangwara . Pana Nyenge ndokuuraya iwe .
Mai: Nyarara hako Carlos ndakambokuudza kuti ucharohwa asi haunzwisisi .
Mdara vakabva vasvikawo tikanzi pindai mumota mese tiende . Paisada nharo caz vanga vakatotsamwa mdara . Takapinda mumota mavo kusiya dzimota dzedu mhamha vachitevera nemota yavo .
Takasvika kumba hatina kupinda mumba mdara vakananga kupool tikatevera . Takasvika tikagara pasi umwe kuruboshwe umwe kurudyi . Mhamha vakauyawo ndikanzwa ndara vave kuti
Him: Chiiko vana imi hee munoda kuzama kudii chaizvo iwe Carlos ndakakuti kudii . Wanga wavinga Nyenge kuti zvidii heew.
Him: Sorry henyu blaz at first ndanga ndichitogaya kuti dai ndarara navo but vandingwarira vakatozondiudza mashoko andivhura pfungwa .....
Me: Hantie momunzwa ndokukuvadza Carlos this time i am going to fight for what belongs to me .
Him: Hah Carlos chiiko mwana wangu unoda kutodza aniko iwe .
Me: Sorry dad, sorry blaz , sorry mhamha
Momy: Sorry for yourself wakapusa sterek .
Phone yangu yakapinda messege kuapp ndakatoona kuti ndinyenge ndakavhura ndapera strong yese Nyenge anga anditiza ...
Me:Ukuona zvawakonzeresa Nyenge atiza ukaona akandiramba Carlos nxu nxu nxu inoita hondo ndokuudza .
Dad : Calm down Dee ok ati aenda kupi saka todii tiri kuenda kumba kwatete vake hakuna kumwe kwaaenda ayenda kumusha . Enda unoona kuti hembe dzake dziriko hre isu tichitevera .
Ndakabva ndatoisirwa messege nevakomana vachindiudza kuti zvekusaloon zvasvika . Ndakatanga kuenda ikoko ndikanozviisa mumota ndokuenda kumba wanei chokwadi arova pasi nehembe dzake dzese Nyenge .
Ndakarwadziwa asi chokuita panga pasina phone yanga yadzimwa . Ndakagara vana mdara vakasvika tichibva tapinda munzira usiku ihwohwo takasvika kwatete kuma 2 am tikarara mumota .
Ini ndaiva naTaps , dad vaina Carlos vakatomuka vachiona mota . Ndakatozopepuka dad naCarlos vatove kukwazisa ndokubudawo ndichinomhorosa vatete nabamukuru . Ndikavapa maintro vakabva vatoti ......
Her: Kwakanaka hako kwatavingwa naatezvara nana bamunini ari kupi Nyenge .
Baba: Ndizvo zvatatovinga vatete vakomana ava vakanetsana vakarovana zvino zvaiva mumaziso amakhoti nofunga akatya akatiza saka tatotevera kuti pamwe vari kuno uku .
Vatete: Regai ndifonere mai pamwe ari kumba .
Vakabva vafona iri paloud tikanzwa akasvika kumanheru . It seems anga asati audza mbuya nokuti vaitobvunza kuti chii chaizvo zvaitika . Takamirira toita nyaya akanonoka zvake kuuya Nyenge akatozosvika tichangopedza kumwa tea nemupunga une dovi .
Taps ndiye akatomumhanyira zvikambomira kugate zvichiita nyaya zvichiseka hameno vaisekei . Vainzwanana vanhu ivavo akasvika Nyenge akatimhorosa ndokumhorosa bamukuru natete akagara pasi. Tete vakamutarisa vachibva vati .....
Her: Mainini matiza vana vanyamunhu vachirwa boe hre nhai askana saka mauya kumba kuzodii .
Nyenge: Iiii Tete vakuudzai hre kuti vairwirei . Plus kuno hantie ndokumba hre handisati ndaroorwa zvokuti mungatoti ndavingei . Ndauya kumba handingazvikwanisi zvekurwisa vana vaNyamunhu.
Baba: Mwanangu iyoyo nyaya takaitaura nevaba ava tikapedzerana handifungi kuti zvichaitika ini .
Her: Ndizvo hazvo baba asi kudzokera handichadzokeri .
Me: But are we ok .
Her: Yes we are .
Dad: Zvakanaka vanangu kuwirirana kwenyu ndiko kwatinoda chete .
Bamukuru: Hah ndizvozvo masimudza vatezvara mainimi marema . Chidikaiwo kurwa kunowanika mumhuri asi hatingakonani nekuti vanhu varwa . Maita zvakanaka mauya regai ini navatete tibude musare mutaurirane pane zvimwe zvemhuri zvamunogona kuita sort out nemhuri yenyu nemuroora .
Vakabva vabuda ndipo patakasara tikataurirana baba vachiudza Nyenge Carlos akakumbira ruregerero again . Takabva tatanga kuwirirana takabuda panze Taps naNyenge zvaitorova nyaya zvakagara . Ndakabva ndaenda pavanga vakagara ndokunogara pedo naNyenge ndokupotesa ruoko rwangu kumusana kwake .
Her: Haunyari hre pamba pevanhu plus vana bamunini varipo vese nadad
Me: Saka ndinganyara kubata mukadzi wangu hre. Hande kusaloon kwako yapera now ndatouya nezvekuisamo mangwana wototanga hako kuita basa . Saka unenge uchitraveller everyday hre .
Her: Asi hamuna kuvaka marooms kumashure kwayo hre .
Me: aripo 2 rooms chete netoilet yeblair iri kumashure ikoko . Ndosaka ndabvunza ka .
Her: Ndonogarapo caz ndikaenda kumba daily ndinenge ndichitambisa mari yekugadha .
Me: Ok saka hande tinoona kuti zvakamira sei
*Nyenge*
Ndakabvumira tikabva taparadzana iye achimboenda kunana baba vake . Ini ndichinooneka tete nabamukuru avo vakatoseka vachiti .....
Her: Unodada nekudiwa mwana wehanzvadzi yangu . Sure kusimudza atezvara uzvirege zvako izvozvo zvekuti kungokanganisika padiki wotomhanya kumba . Unotozojairira zvimwe unomira semukadzi mosolver nyaya zvotopera kwete kuda kutiza .
Bamukuru: Chokwadi vamwe vakatozosiiwa zvamuchose kutopihwa mazita kuti pengaudzoke .
Ndakaseka ini takabva taenda kwaiva nevamwe vakabva vatooneka vanhu ndokuparadzana tikasvika pamashops tese ndokuratidzwa saloon yangu amana yanga yakanaka yakatonyorwa kunzi Nyenge hairsaloon . Ungazodei ndakafara shame
Ndikatokorokotedzwa nababa vese nana Carlos . Vakabva vati votungamira but team rakaramba kuenda baba vakazoenda vari one . Zvaifadza sei kuona vana vanyamunhu vachiwirirana . Ndakatengerwa grocery zvesd zvekushandisa .
Machira nematress zvese Carlos naTaps vakatombobuda tikasara tiri 2 muroom yacho . Ndikabva ndaenda paanga ari ndanga ndamusuwa munhu wangu . Ndanga ndatova netime pasina kana kiss iya . Ndakasvika ndikabva ndaisa maoko angu muhuro make akandibata muchiuno ndichibva ndati .....
Me: Thank you my love handizivi kuti ndokutenda sei . Let me show you what i can do when i am happy .
Akasekerera ndakabva ndadadamira ndikamunama muromo iwoyo akabva aita kundikisa chaiko achibva akaregedza achibva ati ....
Him: Usafarira kunyanya kundibata stereki kana uchizondinyima hona zvawandiitisa .
Ndakabata kumeso nemaoko maviri kunyara chaiko ndakabva ndanogara pamatress yangu akanditarisa akabva ati ....
Him: Kumba kwacho kunotobhowa kuenda usiko .
Me : unotofana kujairira usaita musikanzwa ikoko
Him: ndokumbirawo kurara kuno bby
Me: ummm zvichiita hre .
Voices: yes zvinoita isu torara munext room tomuka tichiita official oppening bills on me isnt it blaz .
Him: Good idea bika bby tikunzwa nzara tikurara kuno .
Me: munondorara mese munext room .
Him: Ehe ...
Ndakabva ndasimuka ndokunobika ndikabva ndafonera mbuya ndichivaudza kuti ndaisauya kumba ndiri kushop vakati vaizouya mangwana voiona .
Team rakaseka hanzi vanouya havo tichigocha gocha . Ndakabika vakadya takanzwa nawo madrink . Hepano pakurara ndakavaaaridzira but mwana wavamwene akarambisa kurara kuroom kune vamwe takazongo.....
*Stay tuned*
❤️
👍
🙂
4