Ancy Cays Novels
June 7, 2025 at 06:17 AM
[2023/10/28, 11:42] Achihoro Ancy Cayz: https://chat.whatsapp.com/KopB5I7a3ylCvSVgJj08A1
*NYENGE*
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 24*
*Nyenge*
Vakomana vakomana ndanga ndakasaririra ko zviro zvacho zvazvinotozipa nhai imi . Mbuya vakaoma all along vachinditi bhuruku rinobviswa ka2 mutoilet nekugeza chete . Vakaoma muchembere vaiziva kuti ndaingoribvisa chete zvinenge zvaendwa iko zvaiendwa chaiko nokuti ipapa ndanga ndaakuita sendaakupenga .
Paakaenda kwavatete ndakazoona vouya ivo tete nambuya iye aenda . Vakasvika musitorina vanhu vakawanda . Ndakasiira Miriam musikana wandanga ndatsvaga kuti andibatsire . Ndakanogara navo kumarooms ekuseri . Ndakavapa chikafu nemadrink . Tete ndivo vaingotyper pafoni pavo ndakazonzwa voti .....
Her: Hii zvaita mhai vati vanouya kusweramangwana saka vakuwasha vanzi vauye musi unotevera wacho iye asvika . Tava naro date chirega nditoudza vana bamunini bva vangafara nokuti ndaitonzi tete sundai date riite pedo ndaakuda munhu wangu ini .
Mbuya: Ini ndafara ukangorerawo munhu akaita chakanaka seichi zvinodadisawo . Ko ivo vanin'ina vamai vacho madii kubva mavafonerawo vange varipo vachitora zvavo zvehumai.
Me:Aaa mbuya imimi ingotoraika zvehumai zvacho hantie vakatiramba hre pakashaika mai imi mukatambura nesu . Saka munhu ane kodzero yekudya ndimi manje . Bamunini baba Egness ndivo vati vari kuuya .
Tete: Ehe ndivo ndanga nditori nebp kuti achamira sababa ndiani .
Mbuya: Iii Nyenge hazvibviri muzukuru wangu tinotofamba tichitevedza murairo waiitwa kubva kare chishona chedu chaingotaura kuti zvamai zvinongoenda kwamai . Ipapa ndinodya zvishoma hre . Pega pega pawauyira hantie unosiya grocery nemari saka kudya zvishoma ikoko . Asi ndine chikumbiro muzukuru wangu ndaifana kutaura nemi mese nemurume wako zvisinei ndichataura nemi . Vakomana vangu vanogonesa avo itai kuti vaenderere mberi neChikoro . Simba naTafadzwa misikanzwa zvayo asi chikoro vanotema chaiko .
Me: Iii mbuya ndinovarangarira saka musatya henyu . Ndinenge ndaitei kana ndikasavarangarira.
Her: Nyenge uchiri kurangarira paya pandaikuitisa practice uchibvunza kuti mbuya ndezvei zvamunonditi ndiite ndichikuti ipractice .
Ndakaseka zvangu ndanga ndarangarira mbuya itsotsi mhoti . Kungoti havana kuziva chete kuti practice iyoyo ndakazoiita in action . Ndakabva ndangodaira nemusoro vachibva vanditi .....
Her: Ukusekei asi pane zvamakatoita kani .
Me: Kana mbuya hapana .
Ndakanyepa ini ndaiita sendaizorohwa zvangu nambuya vaNyenge .
Her : Ehe apa ndipo pawakuchifana kutevedzera zvese zvataiita paya uine murume wako muimba yemukati . Ndinovimba haundinyadzisi muzukuru wangu kana wonzi mukadzi wangu istatue haana action isu taumuka rungwana ngwana . Hantie ma11 waipota uchidhonza ka kuti arambe ari pasize hantie ndakakuudza kuti anotsva nekutevera kwatinoita .
Me: Ehe mbuya ndiri muzukuru anoterera ndaingoita zvese kunyangwe ndaisaziva kuti zvoshandei now ndave kuona Chiedza.
Her: Uchanditenda hako
Tete: hoo ndosaka vanga vasingauyi kwatete mainini ava izvo vaiva nedenhe reruzivo pedo nhai
Takaseka nambuya chandakafarira ndechekuti zvinhu zvangu zvaifamba megwara rakanaka . Vakazoenda kumba kotonhorera ndaiva nekamari ndikatengera umwe neumwe chitsapo chake ndokuvapa vachibva vaenda .
Zuva iri ndakakasirawo kuchaisa ndokuvhara ndichibva ndabika ndakaona vana boys vasvika apa ndanga ndabika kajembi kemunhu one .
Me: sei muchifarira kufamba usiku nhaimi .
Simba: Masister chiiko takusuwa vhiki yese kana kuonana . Ndisaka tauya zvino zvamabika kajespapa ikaka tinokwana hre .
Me: Ndanga ndabika remunhu one ka mofana kubooker appointment kuti mukuuya kuno ndigare ndagadzirira ka nhai .
Tafadzwa: Kugadzirira chii unoudza vana baba kudaro iwe dai Mwari vakakutanha iwe .
Me: (ndichiseka) manje havandisvikiriri vana baba vaani musazvipa nyembe dzisina basa ana Tafadzwa . Motobika rimwe sadza usavi hurimo hwakawanda ndaneta ndinoda kuzorora .
Vakabva vatotanga kubika vapedza ndakavapakurira muriwo ndokubva tadya tichiita nyaya akati atanga hake simba kutaurisa kwake ....
Him: Zuva riya 3 mai pavaikuti Nyenge uchengete vana hantie muchiri kupaziva imi mukagutsurira hantie musaputsa chirangano
Me: Haiwa dzungu handisi kukuchengetai hre .
Tafadzwa: Tati tigare tapinda mupremier league yacho musati maenda kudhorobheni kwenyu kuti mugare muchiziva .
Me: Haiwa idyai sadza makanyarara mototenda Mwari kuti makawanikwa nemunhu ane mari dzake anotorwisawo kuti ramangwana rangu rijekewo . Hapana pandingasimuka imi muchisara pasi vana vamai vangu . Ipapa mangwana ndichatonobhara mari yegore rese ndozozviona mava form one zvishoma nezvishoma ndichishandira yekuti muzoenda form 1 .
Vakafara ndakasuka ndiro dzatanga tadyira ndokubva ndavawaridzira masatchel avo ndakamaisa mumba mandairara. Ndakarara zvangu ndikamuka kuseni zvivanhu zvatochera mvura zvichida kunogeza .
Me: Muri kuenda kumaholiday lesson hantie .
Tafadzwa : ehe fanai kubika zvinonaka tiende tadya unopererwa navo ndakavabikira vakadzoka vachidya vachichinja . Vakasiya vaoneka kuti vaisadzoka nekuno. Ndakangovapa mari yekuti vanotengawo zvokudyira dyira panotenga vana vevamwe . Ndakasara ndocleaner Miriam akauya akatora makeys ndokufano cleaner musaloon
Ndakambogara ndichitaura nemunhu wangu ndanga ndomuda ini apa otoramba zvake kuuya hanzi ndouya mangwana ndichiroora . Ndakasiyana naye zvangu nokuti panga pasina zvokuita
Ndakanoshanda kumazuva rovira bamunini vakasvika nemota yavo nana Tafadzwa vakatoshamisika vachinditi wakura . Ko vanga vakatisiya tichiri vafana . Takatengerwa madrink ndikanzi ndipinde tinorara kumba sezvo vakwasha vaiuya zuva raitevera .
Takaenda tikamuka kuseni seni kutsvaira nokungogadzira ndakazonogeza vatetewo ndikunditi ndisabude mumba apa ndanga ndafunga munhu wangu sei .ndaitonzwa kuvhita vhita kuti dai angouya apedzisa zvaakatanga .
Akauyawo zvedi ndakanzvenga ndikanomuona munhu wacho aingondiita zvenyemu nyemu chaizvo ndaamugiya manje iye obva amira . Marooro akapera tikaoneka ndokuenda munzira mese ndaimunetsa kusvika tano booker . Hah ipapo ndakanzwa kuti zvangu zvaita asi tava mumota toenda ndaiti ndikamutarisa ndotonzwa kuti dai ambopinda zvekare ...
Him:Matarisiro auri kundiita boe hre bby .
Me: Boe zvokuti kungoti ndikungonzwa kuti tipamhe ka1 chete ...
Him: Hezvo Nyenge ukuda kundiraramisa hre iwewe . Ko iwe hausi kuguta wakaita seiko
Me: Hah iwe waiutangirei musindo kana waiziva kuti hauzvimiririri . Saka unoda kuti ndidii .
Him: ummm zvakaravirwa nebenzi chairo aaa .
Me: Benzi rako zvee zvine basa rei ripe zvarinoda hantie ndiwe wakaridzidzisa .
Akaseka zvake akawedzera speed tichienda . Takasvika kuma around 7pm vamwe vasvika kare . Panga pane zibanner rakanyorwa kunzi Wellcomr home makhoti paine mufananidzo wangu .
Ndakanatsonzwa kuti uku ndiko kunonzi kuroorwa zvee uku . Kuita kunyorera kuti ndichaita village girl ndoita farm girl ndograduater ndava city girl ndizvibatira ngamla yangu ndini uyo mukupiwa a warm wellcome kumhuri yandaroorwa ungazodei Nyenge .
Paifarwa kai vanhu vachidya nokumwa takagara pedo napedo naDarlington aiva nejacket neni ndinarowo ndaizvivharidzira ndopota ndichimbomuti mbaa pazvakarehwa ndomudzosera mashoko ake ari iye ....
Me: Unatsokudya nokumwa uwane simba otherwise ungatiza bedroom .
Aibva aseka zvake mwana wavamwene . Ndaibva ndatoyeverwa naye even more ndaimuda murume wangu . Ndainatsonzwa kuti ndakaperera paari . Takazooneka toenda muroom maDee wangu ndokunorara hedu tichishandurana ndini ndakatozopedzisira ndaakuti handichadi iye achiri kuda kugonyerera pandiri ...
Him: Nyenge madiro auri kuita zvinhu aya boe hre .
Me: Ehe boe wani .
Him: Chimbondiuchirira maoko kuti dady mashanda hauna kumbotenda wani ....
Me: Ngatingotendana nokuti hapana asina kushanda dai ndanga ndiri flat waizipirwa hre zvawanga uchiita apa . Ndozonatsotenda mangwana ndanatsoona kuti hauna kumwa muchemedzambuya hre caz ummm wanga wakanyanya daddy .
Akaseka husiku ihwohwo kuita kugegedzera chaiko achibva anditarisa ndokuti .....
Him: Iwewe so hayas ndinouwanepi iwe wakazviwanepi zvese izvozvo .
Me: Aaa mukufamba imomu wandinetesa bae chirega ndimbozorora .
Him: Iko chimbozorora ugozondipa chimutsa chacho caz ndinotochida .
Me; Iko munamato wemakuseni ndiwo une simba .
Takabva tarara ndikamuka munhu pasisina atochena chena ndanga ndati nonoke kumuka . Akandikisa padama ndokumhanyira kubuda ndakada kumuratidza kuti handipihwi promise yechikaradhi ndakabuda ndikamutsa ana mhamha vaidya iye aiva atobuda panze .
Ndakatevera panze ipapo vana bamunini vakamira vachitaura naye paakandiona akamhanyira mumota kuda kuimutsa ini ndikamhanyira kugate zvokuti vana bamunini vakasara votevera kugate iye achibudawo mumota achiseka ini ndakamira zvangu.
Akasvika akandimbundira achiseka chete ndokundizevezera munzeve achiti ....
Him: Bby ndanonoka kumuka apa ndanonoka kubasa hauna kundimutsawo chirega ndiende kubasa .
Me; Ayewa kana Dee unoti oi oi uende kubasa .
Kuzomudaro akaseka vana bamunini vakasvika vachibvunza kuti chii ndakabva ndangovati ...
Me: Hapana havana kunamata munamato wemakuseni saka ndauya kuvatora .
Vese vakaseka uku vachidaidzira kuti morning prayer .aya aitovawo mapenzi zvawo . Vana mhamha vakabuda voda kyendawo kubasa . Calvin akapinda mumota yablaz vake ndokuibvisa munzira vana mhamha vachibva vaenda ivo vachingoseka chete . Akaseka Dee akapedzisira andimbundira kuti tiende mumba . Takafamba ndava mudinning ndakamunzwira tsitsi kuti aizononoka kubasa ndakabva ndamuti aende hake kubasa iye achibva ati.....
*Stay tuned*
[2023/10/31, 08:50] Achihoro Ancy Cayz: https://chat.whatsapp.com/KopB5I7a3ylCvSVgJj08A1
*NYENGE*
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 25*
*Carlos*
Ichocho chaiva chinyama chandanga ndaona kumusha kwana maiguru . Pavakandidana seri kwemba ndakasvika vakatogara seri ikoko ndakasvika ndikagara ndichifunga kuti ndokapinda neipi . Zvimabby zvepamaroots hazvidi kuenderwa mberi especially zviri cool zvacho . Unogona kuti uri kubelivisa bby rigokuudza kuti zvinhu zvaunazvo ndezvako ndaitotya kuzviitirwa. Ndakanzwa maiguru voti ....
Her: Ndivo bamunini vangu ava Pamela . As you can see vari serious newe saka be my guest uitewozve mainini vangu kwete kuda kungopaparika nhema . Ndoenda ini chisarai mupedzerane .
Pamela wacho akangoseka nyemwerero yacho yakaita kuti ndirambe ndichingonzwa kuda kumuona achiseka chete . Akatora chitanda kuchrta chera pasi . Yaiva system yavo mabby kana achinyara . Ndakabva ndatoti ndikasire kuti dyoo panyaya ndisati ndachererwa mugodhi .
Me: Pamela ndonzi Carlos incase kana maiguru vanga vasina kukuudza . Ini shaar ndakuda wena kubva zvandakuona ndatadza kugadzikana wena . Please usandirambewo Pam wangu.
Her: Aaa nhaiwe kungoona munhu pafunction nekutomuda hre zviriko hre izvozvo kana kutu ruchiva . .
Me: Vamwe vanotoonana panhamo tikabvunza misha yese yakamira iyi kuti vanhu vacho vakasangana pai pamwe pacho unotooma nokuseka asi chikuru chinodiwa rudu nekuvaka musha zvimwe zvese hazvina basa . I love you Pam i am incomplete without you i think i found my missing rib .
Her: Ndichiri mwana wechikoro ini ndakanonoka kuenda kuchikoro ndichirwara ndava kuenda form 4 .
Me: Kana wada munhu you will dih information about her usati wanyura murudo . Zvese izvozvo ndatozvinzwa kare namaiguru a d i am ok with that . Zvechikoro dont worry i will wait
Akabva aramba akanyarara ndikamubata ruoko mai vaibaikana nokunyara ivavo akabva atarisa kuside ndokuti....
Her : Because of Nyenge i love you she alwayd lead ys to the good things since childhood and in that case i know she will never lead me astray .
Ndakasekerera zvangu ndichinzwa mashoko etsvarakadenga yandanga ndakatarisana nayo ndanga ndadiwa sekutamba sekuseka . Gulecy deserves something pamwe dai ndisina kuti vatambe front pamwe ingadai ndarambwa so .
Ndakazoonekana naye ndaakunopinda mumba tava kuoneka zvokuenda kumba ndakabva ndamusiira number dzangu ndichitorawo dzake kuitira communication
Takabva taenda talasvils kumba blaz vasati vasvika vakatozouya tabetserana kugadzira zvewellcome party. Yakafadza party yacho makuseni maiguru vakatomuka vachi shooter drama . Takaita kuseka chaiko uku munhu aitova serious
Mdara namhamha masekerero avakaita vachidarika nemota yavo haasi enyaya dzavo vanenge vaitoseka zvedu ava nokuti taidaidzira kuti morning prayer vanenge vakaibata . Vakaenda pasina nguva blaz vanga vadzoka .
Calvin: Hezvo asi munonamata ma2 munutes kai mapinda izvozvi manga matosvika pakushimanda nguvai ipapa .
Me: Vafana imimi so ndazonzi chienda tonamata manheru
Takasara tichiseka ndokubva tatombosiya zvataida kuita ndokunopinda mumba tikawana vave kutoimba zvavo vachibetserana basa namaid anga aripo vakakwehwa naCalvin vakabva vati .....
Her: Vafana imi munenge mune gunyengu mondikweverei ipapa murume wangu achangobuda . Mafunga kuti ndinganamata nemi hre .
Calvin: (achiseka) aaa ndiani asingadi kunamata imi makatofita nekutoporofita chaiko.
Me: Nyangwe ndikaporofita murume wangu anenge ari bishop caz anonamata munhu uya musamudheerere unosara usisina kana shungu yekuda kunamata wanamatirwa neuya munhu. Ok enough neyekunamata iyi manga muchiti chii zviya ndibatsire musikana uyu basa.
Me: But ndizvo zvaanohorera ka ngaashande ibasa rake .
Her: bamunini ndakakutii chii nenyaya yekusvora vanhu . You dont know kuti mangwana anenge ari munhu akaita sei
Me: Ita ok maiguru tikuenda kubasa moda kuvigirwei .
Her: Varume vanongouya nezvakasiyana siyana ini ndosarudza zvandoda .
Calvin: But maiguru rambai kundogara kumba kwenyu uko munonakidza kugara nemi caz if you do tokuteverai ikoko .
Her: Ummm mozotevera after a week tichamboda pamutsanyo chaiwo . . Vana bamunini haisi nyaya huyai mugare kumba ndozvitambira hangu .
Takambotaura mbichana tichibva tazoparadzana naCalvin iye akuenda kubasa kwamdara ini ndaakuenda kwangu .
Ndakanoshanda manheru ndachaisa takanosvika tikataura zvezuva remuchato tikabuda nedate tanga tave kuda kuchizivisa vana mdara . Blaz vakatotaura kuti mangwana vaizoenda kunogara kumba kwavo . Vanga vamhanya chose asi hapana aipesana navo vaida kuronga vari kumba kwavo havo .
Takamboona bhora mdara vakabva vatarisa blaz ndokuvati....
Him: Iwe uchiri muno enda unoona bhora kuroom kwako makhoti asati atevera .
Takabva taseka mai vakasekawo vachiti ," Hamuna kumboita misikanzwa hre iwe Dee makhoti
ange arema .
Him: kuti kudaro hre ndichatombotsvaga pregnant test caz achinja muroora wenyu . Kuva yangu ndeyangu hanguzve musatye i am her first . Regai ndiende ndingazonyara ndateverwa .
Vakabva vaenda zuva remangwana kuseni takavabatsira kututa voenda kumba kwavo . Uyu Calvin anga oda kudzokera kuchikoro kwavo aiti aizodzoka pamuchato . Apa vanga vaenda naTaps blaz vakati he is now his responsibility ndivo vachaona nezvake kusvika azvimiririrawo.
Pamba pacho panga pava kutobhowawo ndiri ndega ndega . Paakaenda Calvin anga atova ma1 ndaitozongonyevenuka moyo kana ndataura naPam wangu . Ipapa ndaida kutoenda kumomuona this weekend .
Mdara vakatozosvika pakundibvunza nezvaPam nzeve dzavo dzainzwa pataitaura nana Calvin vakatonditi ....
Him: Ko iye makhoti wangu ari sei zvake .
Me: Makhoti ari boe dad ndiru kuda kutonomuona zvamanjemanje .
Him: Ehe muite zvinhu kwazvo ikoko usazonyadzisa maiguru vako maita mahit and run .
Me: handimboiti izvozvo dad ndinomuda munhu iyeye dad .
Takataura dzimwe nyaya muzuva raitevera ndakatenga grocery rangu randaizosvika naro kumba kwana gulecy . Ndaida kunopedza weekend ndiriko . Vana tsano ndakavatengera hembe neshangu .
Ndikarara ndakarongedzera maiguru ndakazongovaudza ndava munzira . Ndakasvika ari masikati chaiwo ndikatambirwa zvakanakisa . Vanga vakasununguka mbuya vamaiguru . Ndakatovaudzawo zvanga ndavinga vakabva vatoti.....
Her: hah uyo munhu kwaye muzukuru iwe ndiwe ungatomuipisa zvake asi munhu chitobatisisa ipapo .
Me: Ehe mbuya mati ndichasiya hre ndotoroorerawo kuno mukoma vakatotuvhurira nzira .
Takaswera zvakanaka vana tsano vachisvikawo kubva kumombe vakafara chaizvo bby ndaizomuona mangwana . Ko kuda kundingwarira kuti tinosangana kwatete vake . Apa ndanga ndichida kumbosampler . It seemd anga atori ahead kudhara ndakabva ndati ndaizozviona mangwana acho.
Takarara pabed ramaiguru ndokumuka kuseni ndokumboenda kunosakura nana mbuya apa zvekusakura ndaisazvigona asi ndakangoita zvandaigona takabva tanzi tinobika nana tsano . Zvihazvanzi zvamaiguru ma1 . Zvakatora matches huni mapoto mafuta ndokuisa pasi zvichibva zvati ....
Simba: Rovai mapoto mukwasha hatingambobiki muripo .
Zvakanatsondi sizer chaiko but paiva pasina option ndakangobika mazai chingwa ndanga ndauya nacho netea ndokubva mbuya vazouya vakapererwa vachiwana vana tsano vakagara zvavo .
Her: Nhai Mwari wangu Simba , Tafadzwa ndochii kubikisa muenzi hee
Simba : Tatika timbonzwa ruoko rwutsva .
Me: Muchizvinetsereiko mbuya ndatobika ini .
Vakapererwa ndaida kutozonoudza maiguru nablaz vatsvagire mbuya maid caz kana vana tsano vasipo kureva kuti ndivo vanenge vachiti kumvura , kuchigayo zvese hazviiti . Tapedza kudya ndakarova masmart ndokubva ndaenda kumashops ndiko kwandaisangana naPam wangu.
Ndakatosvika asati asvika ndikambofona akati ave kuuya . Ndakabva ndamira paya akazouya akapinda mumota ndokutanga kundipa madirection . Ndotoshaya kuti vaitamba sei namaiguru caz Pam us oppposite of maiguru vangu .
Maiguri vanotaura and havana nyadzoi zvino mai ava ukasamutaudza haatauri. Kundipa madirection acho ndaingoapihwa nemaoko sekuti haatauri . Manje ini nokutaura kwangu mai . Regai maiguru vakati zviuya hazviwanani .
Takasvika patete vacho she is a soft spoken lady . Vaitoita as if kutaura kwacho kunorwadza . Seipapa tave mumba vakabva vati.....
Her: Maita zvakanaka mauya zvinoratidza kuti muri pachokwadi . Asizve anga akakuudzai hre kuti mwana wechikoro . Akambogara akashanda kuitira kuti azviendese mberi nechikoro nokuda kweshungu akaraiser mari yake kuzvibhadharira school fees .
Ndakanzwa tsitsi ndakangogutsurira musoro kuti zvechikoro ndaizviziva .
Her: Ehezve zvino neshungu dzake aisada kugurisirwa nzira muregeiwo apedze form 4 nyangwe mukazoendesana mberi henyu muchizadzisa shuviro yemumwe wenyu hapana chakaipa .
Me:Ndinozvinzwisisa and handirego kuva munhu anomira neumwe wake .
Her:Zvakanaka ko Nyenge ari sei hake vainzwanana vanhu ava mafunga kuvabatanidza futi ...
Me: Vari right muchato wavo uriko musi wa26 ipapa . Vaitamba vese hre ko sei Pam akanyarara maiguru vanotaura maths yacho yaibuda sei .
Vakaseka zvavo tete vachibva vazoti .....
*Stay tuned*
[2023/10/31, 08:50] Achihoro Ancy Cayz: https://chat.whatsapp.com/KopB5I7a3ylCvSVgJj08A1
*NYENGE*
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Final*
*Chapter 26*
*Nyenge*
Days passed ndave kugara kumba kwangu . Ndakabatsoona kuti mwedzi watosvika pakupera apa ndisina . Kuti nditi imimba zvakandinetsa kungoti doctor vemumba mangu ndevemeno dai vaiva vamwe ingadai vakatoziva kuti ndine mimba . Ipapa vajca kubasa ndakabva ndatomuisira messege paapp
✉️ pamuri kuuya nemaoutfit evaperekedzi mundivigirewo pregnant test .
✉️aaah unoidii pregnant test yacho
✉️Aaa nhai mubvunzo hwai iwoyo hamuzivi basa rayo hre .
✉️Unoda kuona zvinhu zvaunazvo hre nguva yese iyi wanga usingazvioni hre unayo . Waiti madiro aunouta zvinhu ari normal hre aya . Waiita kuitevera nekubasa chitotanga kuverenga kuti 1 cazu unayo bby. Unoda kuti ndikuvigorei wamboenda kuma rehearsal hre handidi kuzonyadziswa tapihwa dance floor kuti titambe wonditambira muchongoyo.
✉️ Haa shaa ipapo patakatoenda ndakabva ndaakutogona zve ini ndiri fast learner usatye bby .
✉️ its ok mai Murozvi rega ndipedzise zvandiri kuita ndibve ndauya .
Ndakabva ndagara zvangu ndichisekererera kuti ndava nepamuviri . Ko ndizvo zvinongoshuvirwa nemunhu wese achangoroorwa kuitawo pamuviri . Zvekuzodanwa nemazita zvinorwadza zviya moyo wangu waiita kufara chaiko kuti ndiniwo hre Nyenge ndava kuchata .
Mbuya tangatavatsvagira musikana webasa vaitoti vana Egness vainge vauya kuzoona muchato wasisi . Kungoti vanga vanonoka zvavo kubatidza muchato zvanga zvisingachaiti . Vana Tafadzwa ndivo vaibatidza kuvabatidzi vechidiki .
Sandi kufara kwavaiita kuva mutown iko zvanga zvatochinja . Ndaizovaseka zvangu nenyaya yekuenda kubhodho. Taiseka chose taizochatira kuno saka kwanga kwasara mazuva mashoma kuti muchato wacho uitwe .
Team yekumusha yakatumirwa bus rakanovatora . Vakauya Pamela ndiye aiva best girl wangu Carlos ari best boy waDarlington . Vatete vake vanga vaita kundirairisa chose kuti ndichengetedze muzukuru wavo . Iye muridzi ndiye aitozvichengetedza nokuti kwavaindoswera vachitamba masteps ndinenge ndisiko .
Ndaitozvinzwira nungo ddzekuendako . Mbuya vachiona pandaiva ndakagara vakafara chaizvo . Kwakauya vanhu vakawanda chaizvo . Zuva racho rasvika vanhu vakaita besanwa vachienda kuchurch ndiko kwataibatanidzirwa ikoko
Ini ndakasara ndichipfekedzwa gown nekuitwa make up . Team rakatozouya vachiti tichienda tanonoka . Takanopinda mumota mbishi naPamela wangu . Tichisvika pachurh panga pakazara taburuka tichifamba pared carpet . Ndakapinda ndakabatwa nabamunini baba Egness
Vakasvika vakanotambidza hubby vambotaura mashoko avo. Zvesr zvakaitwa zvikapera tikazoenda kuvenue yaiitirwa ceremony muchato wakanakidza zvawo iwoyo chikafu nezvimwiwa aiva mavhu nemarara
Takafara zvipo zvakabviswa takatozozviona muchato wapera . Paisadaidzirwa . Zvimwe zvanga zvapfuura ndanga ndava Mrs Murozvi legally . Vana mbuya vakaend tikasara tingori 2 .
Ndaipota ndichienda kwana mhamha maweekend . Ndombonoswerako ndozodzoka time time .
Rimwe day hubby abva kubasa dumbu rangu rotoobekwa ndipo pandakanzi ndoda kukutsvagira
Mateacher ugonyorera . Ndakatofara pamwe ndaibuda zvakanaka . Handina kupokana nazvo . Mateacher acho akatsvagwa vaiva vanhukadzi chete . Baba vacho vaiita kufa neruchengera.
Vakambotanga vachidzoka basa vasina kutaura vongoona kuti ndiri ndega vakapedzisira vangoneta . Vaiuya mateachers during the week . Ivo kana varipo maweekends ndombodzidziswa . Ndaisava dull zvangu apa ndanga ndatova serious. Kuroorwa naDoc iwe wongoita zuva rese pamba haisi nyore . Anopedzisira aenda murume nevanoshanda saka ndaitodzidza neshungu . Patakanyora dumbu rangu ranga rakurisa asi ndakangoshinga . Last paper rangu ndichitobva kunonyora ndiri mumota ndipo pandakatanga kunzwa kubatwa pasi peguvhu apa nemusana uchipisa .
Handina kuzotoenda kumba ndakabva ndaendeswa kune imwe private hospital . Vakanondisiya vachimhanya kumba kunotora zvinhu zvemwana . Veduwe ndakatsvukira ndakaita nguva ndichingorwadziwa .
Pamwe kurara kwandaiita zvakazoti zvanyanya ndipo pandakavatsirwa hubby arimo achiona . Ndakapona mwana wangu musikana sandi kufara kwakaita murume wangu .
Ndaka cleaniwa iye atobata mwana ndokiendeswa kuzororo . Ndipo pakazouya vana mai vakafarira chimuzukuru chavo changa chiri cute chimwana changu . Kunyangwe pandakayamwisa zvairwadza but nekuda kwekuti mwana ndakashinga kumeso ndiko kwandaisunamisa .
Hubby: Asi zvinorwadza kuyamwisa hre mai Nolly . Ndisati ndapindura ndakavatarisa ndokubva ndati ....
Me: Anonzi Nolly kudii zvinorwadza .
Mai ; Ndafara ndanga ndichida kuti atotumidzwawo zita iroro. Anonzi Nolleen mai Nolly . Izita ratete vake pakati paCarlos naCalvin paiva nemusikana ainzi Nolleen akashaika ari grade 3 .
Me: Ok zvakanaka mhamha kanomwisa kamwana kacho aka . Apa zviri kurwadza woti nejeko remuno muchipatara unonzwa sewotsva . Ndakararamo one day rechi 2 ndichibva ndatoenda kumba kwangu .
Takapedza vhiki vana Baba Nolly vachibva vaenda kunoroora Pam vachiperekedza bamunini Carlos . Ivo vanga vachinja vave munhu ari focused . Imba yavo yaitoiswa roofing . Zvanga zvave pane pavakadzoka vaitoti vanga vauya namainini vaitoveko kumba kwana mai .
Zvekuchata vaiti vaizozviona caz vaiva nemaprojects avaishanda . Vana mainini ndivo vakatozouya kuona mwana iye aingonzi akafanana naDee . Nhai veduwe mwana musikana kutodza baba zvakadaro .
Ivo vainzwa kufara chaiko kukura kunongodiwa zvako . Ndanga ndave kugara as a happy family nemurume wangu . Pakabuda maresults ndanga ndakapasawo chose handina kuda kuenda mberi ndakabva ndaenda kunursing school .
Ndikapasawo ndikawana certficate rangu basa handina kumbotambura kuriwana . Ndanga ndava kushanda mwana wangu ndaisiira munhu wataitobhadhara kuti aone zvemwana chete . Vaiva mai vechikuru .
Team yako by that time yanga yave kusecondary chikoro vairova . Ndaitotenda Mwari nemurume anonditsigira sewangu . Pamwe waitozonzwa mbuya vofona vachinditi utitenderewo muzukuru akatumira zvakati .
Wega waingotendawo pakadai rudo chairwo rwaitowedzera mumba mangu Nolly kane 3 yrs baba vacho vanga votonetsera kuti ngatiite umwe mwana . Ndakabva ndatosiya maporitsi ekuronga mhuri .
Nyoka yacho yanga yakapusawo ndakabva ndatobatawo pamuviri ndikazozvara mwana wangu mukomana akabva anzi Junior Darlington . Vaidiwa vana ivavo ndega ndaingorumbidza Mwari nazvino ndinongotenda musiki nemhuri yandakapihwa naMwari .vamwe vachiti kana wangozvara chete rudo rwunoderera ini mumba mangu rwaitowedzera
*The End*
❤️
👍
😢
🙏
🔥
23