Ancy Cays Novels
June 8, 2025 at 08:29 AM
[2024/04/26, 09:50] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/Ffl78gCai1m55MvI1uohRb *Vanofarira mabooks aAncy let us all join the channel link below. Ndimo mamunowana mabooks aKatsande nemachapter ebook rino . Book handipi inbox munoriwana muchannel* https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *VIRGIN MOTHER* 🌷🌷🌷 *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 1* *Virginia* "Siyanai nebongozozo nevanhu vana vangu nyangwe vakataura zvinengei isai zvitanda munzeve . Ikozvino matokura so form 3 raised by single mother . Ndanga ndisati ndambokuudzai kuti upenyu hwakamira sei kusvika tivd patiri pano . Ndakaroorwa kwaVheremu ndikagara 5 yrs ndisina nhumbu ndaifamba kumaporofita nokuti pamba panga pasingachahariki ndichisheedzwa nemazita . Sezvineiwo ndakapihwa minamato zvimwe handitauri hazvina basa nemi . Ndakabata nhumbu yenyu ndashandisa minamato murume akafara nhumbu yenyu yakanetsa ndakazokuzvarai ndatoenda kumativi mana chaiko. Mazvarwa zvekare mitauro ikawanda kuti mumhuri medu hamuzvarwi mapatya vana vakuhuriwa kumasowe . Zvakandirwadza at first murume aiva kudivi kwangu asi akazopedzisira ateerera hama dzake . Imi manga mave ne2 yrs mazvarwa baba venyu pavakangomuka vasipo nanhasi handizivi kuti varipi vamwe ndovanoti vari wenera . Hama dzavo dzoziva caz mbuya venyu chaivo vaitondidadira vachitaura navo pafoni . Pamba apa ndakaona nhamo tsvuku vachindishaisa rugare kusvika ndizouya nemi kuno kumba kwedu . Nakowo kwaiva nezvakowo vabereki vanga vafa hanzvadzi dzaroora munongoziva kuti kuita mvan kwakaoma especially uine vana vako . Ndaida kutoendawo kubasa kuti ndikushandirei but vana maiguru vairamba kusara nemi . Ndakaona nhamo pamba pababa vangu kusvika ndadzingwa nehanzvadzi . Ndipo pandakaenda kwaSabhuku vanova sekuru venyu munin'ina wababa vangu ndiye akandipa munda uno wandigere raiva sango iri ndakaritema ndiri 1 vakandibetsera handidi kunyepa ndakavaka round yangu varivo vaindibetsera . Ndipo pamakakurira pano mukazoitawo mano tikarova zvitinha ndokuvakisa imwe round iyo . Ndosaka ndichiti siyanai nebongozozo vauya pano maiguru mai Rameck vachiti marova Van muri vaviri" Ummm mhamha ukaona votaura kudai vanenge varwadziwa but kana mhani ukanyararira vanhu vanokuita chituta. Ndakatarisana naViola achibva anditsonya ndaiziva zvaaireva ndakabva ndati kuna mhamha Me: Mhamha i can take everything not insults hell no mhamha dai maziva zvataura sekuru Van wacho kusvika tamupa the beating of life maidzikama imi . According pane zvamataura hatina kuona pamati makahura . Izvozvo zvokukudanai nemazita ndizvo zvatamudhonorera and mhamha hatisi kuzomira kusvika vapinda mune vamwe . Ivo mbuya vacho vanozouya tisipo kuti zvadiiko ngavauye tiripo infact varikutidawo rumamiso navo hande Viola. Her: Yes ngativavinge nxaaa we are the voice of voiceless mirai tidzifambire nyaya dzacho . Imimi hantie hamugoni kutaura regai isu tikutaurirei . Ivo mbuya Vheremu vaya ndavamaka kudai ngavangonotaura nyoso kumushandira uko naMwari oh ndovapina muromo iwoyo . Can you imagine Van hanzi vana vekuuchikwa munonetsa . Mhamha: Virgie , Viola kana muri vana vangu ini vandakagomera garai pasi apa muti tyoo. Asi kana musiri vangu endai ikoko kwamunotaura . (Vakataura vachichema ) vanozviziva kuti hatidi kuona vachichema . Me: Emotional black mail Viola: Yah ngatigare pasi sorry mhamha hatichaendi . Me: Yah tagara mhamha sorry oyi mari iyi ndiyo yatanowana kwaMaswera kwatanga tichitimba mabed kugarden kwavo. Ndakataura ndichivatambidza mari vakapukuta maziso avo ndokugamuchita vachitenda ndakaramba ndakavatarisa zvangu ndichizviudza kuti mukadzi anofana kuzorora uyu its been long achitambura nesu kusvika tive pano kudai . Vamira mira kusvika tanyorawo grade 7 . Vakakundikanawo ipapo wainatsionawo kuti zvinhu hazvina kubalancer neshungu dzekuda chikoro takarikicha long holiday yegrade 7 tikatenga mauniform edu neshangu tikatengesa tikawana mari yeschool fees firsr term form 1 . Mwari akanzwawo kuchema kwedu tikapinda mubeam tese . Now tave maform 3 tichirarama upenyu hwehwakumukwaku . Ukasatoshanda taidya nhoko dzezvironda . Chandakangoda ndechekuti taiwirirana netwin sister yangu Viola and tese taishanda kuchikoro mateachers anga ototipa maricho . Maweekends taiendawo kuroad kunotengesa upenyu huchitoenda mberi . Kana vaiti tichadyiwa shure nekushaiwa nhumbi vakawacha nokuti taitopfekawo chose sevanhu vatori nevabereki vakakwana . PaXmass taitiendawo nezvitsva mai vedu tichivatengerawo tashanda kudero. Mhamha: ukufungei ukadaro nhaiwe Virgie ukuratidza kuti pfungwa dzako dziri kure . Viola: Mabvunza zvandanga ndichida kutobvunzawo tipirei tinzwe nhai amagumbo. Me: Aaah hapana zvangu kutongofunga kuti sei tichishandisa surname yababa asi vakatitoresa mabirth vasati vaenda Mhamha: Mabirth takamatoresa muchangozvarwa aya . Saka mari toitei nayo grocery takanotenga kumarket richimo . Imi mune zvakakwana hre mapads and staff. Viola: tingakupai mari tisina mhamha tinazvo zvakakwana chengetai mari holiday ino ndoyatinotoshanda zvavhurwa tinenge toenda kuchikoro saka zvekushanda izvi tinenge tozviona pamaweekends . Ini ndiri kutombofunga kuti nditsvage basa zvechikoro hazvisi zvangu izvi zvotoda ana Virgie vanoita chekukwatura ava . Ndoenda kubasa iwe uchienda kuchikoro tichibatsirana kuchengeta mai newewo wapedza form 4 uchada kuenda A level saka ndinenge ndomirawo newe . Me: Ayewa nyora form 4 chamhamha tichiverenga tese unowana ako aunobuda nawo sandizvo hre mhamha . Tinenge tichidai zvichitofamba . Mhamha: Yah Virgie ari right nyora form 4 izvozvi motoshanda muchindipa mari titotanga kuchengeta mari dzenyu dzekunyora . Me: But Viola wakandirovesa zuro tichivhara amana nyaya dzekufanana idzi . Mhamha: Saka munoreva kuti mateacher enyu haasati agona kukupatsanurai kuti uyu ndiani uyu ndiani . Viola: aaa havazivi ava imi wani mukambondidana muchiti Virgie imi makatizvara whatmore vamwe zvavo. Her: Unenge uri kure paya uri pedo neni ndotozviona kuti Viola ndeuyu Virgie ndeuyu. Viola: Nhasi ndiwe ukubika Virgie chitotanga kubika iwe unoda tidye usiku hre woti nyaya dzinonakidzazvee. Ndakasimuka ndave kubika sadza tanga tabva nematemba ndiwo andakabika nawo aisatana kuibva. Tave kutopedza kubika takanzwa kuti tisvikewo mhamha vakati svikai aiva Fortue naFiona vaiva vakabata dheka vanenge vanga vatumwa namai vacho mbuya mai Rose ndivo vamwewo ivava vaiva vakafanana namai Rameck . Vakatimhorosa ndokubva vati vatumwa upfu ndakanzwa Viola otangira mhamha kutaura Her: Upfu hatina hwatopera endai munoti hakuna upfu. Mhamha: Viola .... Her:Mhamha please oya Fortue handei tione . Vakabva vabuda akavaperekedza kubuda pachivanze ndakasara ndikaseka mhamha vachitura mafemo . Akadzoka zvake Viola mhamha vakamutarisa akaseka zvake achibva ati...... Her: Mhamha chii aaah hapasi paCare international panopihwa vanhu chikafu for free . Ukavapa havadzosi asi wati kuti vaguta dumbu razara nesadza redu vowana energy yekuti cho cho cho kutaurisa . Igore renzara rino harisi rekungogova zvokuti chipavhurire achakodzwa izvi ndeimwe nyaya nokuti ndoziva kuti maakuda kutondivhurira magwaro. Haangakodzwi ka kana asingashandi Me: Yah point mhamha tinoswera tichitsva nezuva uko vakati deya deya mumimvuri miromo uchiita seichaenda padivi vachitinyeya vachirova zvikwee vagere pamabucket tichikwasha tawanawo vouya vachikumbira . Vanotaura wanted mai Rose namai Rameck vavo kugarden uko . Dai vanga vari mbuya mai Tanatswa kai avo ndomaiguru venyu avo kwete dzimwr tsvuuramuromo idzi . One day vakandiresvera muromo muchanzwa kuti ndavakiya . Mhamha: Chiuya nesadza tidye zvedu ko ndingati kudii . Ndakapakura ndokugara tave kudya sadza vaingorumbidza sadza randange ndabika caz pakutamba nemapoto taitambawo zvedu nawo . Takapedza kudya tikaenda kunorara kuseni seni zvekuma 4 am kuchakati hunderere takatora masaga edu nemari yedu taida kunoorder chibage kuvarimi vaigara kukanara uko chaiva chinhambo . Saka takabuda kwakadero tichirova nyaya tichienda rakanoti vhoo zuva tasvika takatemerwa chibage ndokubhadhara tikaloader masaga edu ndokupinda munzira kudzokera . Takangorurama kutara takasvika tikamaburutsa ndikati kuna Viola . Me: Chienda kumba ugouya neimwe order ini ndosara ndichivesa moto ndofana kugocha chibage paunouya tochinjana ndichinogezawo kumba Her: Ok regai ndimhanye. Ndakavesa moto faster faster ndokutanga kukweva mazimbe paside ndikaisa sefa pamusoro ndokutanga kugocha. Panga pasati pave nevanhu vakawanda saka makuseni iwayo chakafamba chibage . Ndichinotengesa pamabus anenge amira . Viola akatozouya ndawisa saga 1 ndave kutogocha repiri akatoshamisika.... Her: hey nhasi chafamba wena ndaitoti mangwana atiendi kuorder tinenge tinawo . Chikafu handina kuuya nacho hantie ukuenda kunogeza wotongonodya 1 time mababa mamwe ndasiya nenamwe madomasi wozouyawo nawo . Me: Its ok rega ndimhanye ndatsva Ndakaenda kumba ndaitomhanya ndaida kukasira kudzoka kuti ndibatsire Viola zvaizomunetsa kuti Chibage madomasi mabanana . Ndakasvika kumba mhamha vachitopura beans dzavanga vanokohwa kugarden . Me: Maswera sei mhamha Her: Taswera maswerawo Ndakatora bucket ndokuenda muchinjihausi ndikanogeza imomo ndikadzoka ndichichinja nokuzora mafuta . Ndapedza ndakabva ndatora chikafu changu ndokudya . Ndakapa mai mari yandanga ndarengesa yese ndokubva ndarongedza mabanana nemadomasi ndokupinda munzira ndoenda . Ndichangoyambika rukova ndakabva ndasangana nambuya Vheremu handina kuda kuvamhoresa vaiva neumwe mukadzi ndakanzwa mukadzi uya achiti ",DNA yei vana vakatodza Pamela ava chimiro hacho ndechamai nokuti Pamela haiwa chikuru kugara" Mbuya vheremu: Ipapa mamuona havana kana hunhu kutadza nekutikwazisa kwese Handina kuzoteerera zvavaitaura vaida kuti ndigovashaira hunhu chaizvo kwete zvavo zvekupenga izvo . Vaindosvota mbuya ava vakaramba kare kuti havasi mbuya vedu . Vachinetsa vachiuya kumba vachiti vanoda mabirth edu nokuti hatisi vekwaVheremu . Ikozvono ngavazviite vaone . Ndakasvika ndikaudzawo wamai zvandanga ndasangans nazvo ndikanzwa achiti ..... Her:;DNA yeuko varege vakadaro nezimhino ravo rinotipedzera oxygen kushata sekunze kwemusha vakafita kuroya mai vaya ukaona vachizhinya mazizino acho ungati ivampire apa apera kudonha nekudya nyama dzevanhu . Chibage chapera chamhamha tofana kurara tanoorder chibage . Mangwana timuke tichiita washen Me:Taura hako . Takaswera totengesa madomasi neonion ,nemabanana zvese zvaiva zvekugarden kwedu mhamha ndiro basa ravaiita vachirima tichinotengesa. Kana tiripowo tainobatsirana hapana chataishaiwa pamba pedu nhamo takatoiona kareko tiri vadiki taakushanda kudai tanga toinzwira kwana mbuya mai Rakeck vaimukira kuchakata . Takarongedza zvanga zvasara ndokunosiya mune imwe shop yataisiya . Ndokubva taenda kuchibage takatotenga hove dzaiva fresh dzaitengeswa neumwe murume ikoko . Takabva taenda kumba kwanga kwatoti zvarara takashamisika tichiona pamba pakamira mota . Takatarisana naViola ndokubva tafamba tichipinda muchivanze mumba maiva nemoto takanzwa kutaura voice raiva rechirume richiti ........ *Stay tuned* [2024/04/26, 18:48] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/Ffl78gCai1m55MvI1uohRb *Vanofarira mabook aAncy let us all join the channel link below. Ndimo mamunowana mabooks aKatsande nemaprevious chapters ebook rino munoawana ikoko* https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *VIRGIN MOTHER* *Story  by  Ancillar  Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ Chapter  2 *William* Ndaiva ndakaroora mukadzi  wangu zvakanaka  naka ndichimida  nemoyo  wese . Kunyangwe  paakanonoka  kuita mwana  ndaisazvitsvaga  vanhu vachitaura  zvavanoda  paari . Paakazozvara  matwins  ndipo  pandakazoona kuti mukadzi  uyu  anenge  akaita  chipfambi . Nokuti  inyaya  dzakawanda  dzatainzwa  dzemadzimai  aindotsvaga  vana kumasowe  vopedzisira  varara  nemaporofita .  Ndizvo zvandange ndave  kuona  kuna  Tsitsi  anenge  akarovesa poto  yangu .  Ndakatanga  kulooser intrest  maari zvishoma  nezvishoma  zvichitowedzerwa   nevanhu pamba  vaitaura zvavanoda  hanzvadzi  dzangu   dzaitoti  vainge  vakamuona  achiitwa  mukadzi . Ndakavira nehasha   asi  kuti  ndimurove  kana  kudii  ndaimunzwira  tsitsi.   Ndakaronga     mai  vangu  vakatengesa mombe  vakandipa  mari  yekuti  ndiende  kujoni  vaiti  unozodzoka  kana munhu  aenda kumba  kwavo .   Ndakarongana  neteam  rangu  tichibva  tabuda   ndokurova  pasi .  Takasvika  kuBeitbridge  sezvo  taisava  nemapassport  takawana  vamwe  vaitiyambutsa nekunjanji .  Hazvina kumbotinetsawo . Ndaisada  kuenda  kure ndaida  kuenda  paMusina  ipapa  vamwe   vandaiva navo vakati vaida  kuenda  kunana  Pretoria  ndokusiyana  kwatakaita .   Handina  kana  wandaiziva  asi  mari  ndaiva nayo ndakaswera ndichifamba ndichitsvaga  basa .  Mukufamba  imomo   ndimo  mandakasangana  natsano  murume  watete  hanzvadzi  yamdara .  Ndakatofara  vachiti  handei kumba   takaenda  kumba  kwacho maiva muchiimba  chemazen'e  ega .  Ndakanzwa  votonditi  ..... Her: Tsano  ko  mavasiya  vari  sei vana  ambuya . Me:  hah  vanofara chose  ari  kuwanikwa  hre mabasa  tsano Him:  ndichatoenda nemi  kubasa  kwedu  munogona  kuriwana  asi  rinorwadza ndere  construction . Vakabika  tikadya mangwana  acho tikaenda kubasa . Ndakashanda  mwedzi mumwechete ndichibva  ndatanga  kugara  pangu  ndega . Ndakaita  chifo  che4  months  ndisina mukadzi   ndakazopfimbawo chimwe chaishanda kumagura   ndokugara  nacho .  Takangoita  nguva  diki  tichigara tese uchipera mwedzi  uyoyo  anga  atozvitakura . Ndakafara veduwe kuti now  ndazogohwesa  apa .  Ndakafonera  vana  mai  ndichivaudza kuti  ndave  nemudzimai  atozvitakura vakafara  chose  vakatondiudza  kuti  ndimbomira  kuuya naye  nokuti  Tsitsi  anga  achiripo .   Ndakabvumira  asi ndaiti ndakagara ndaifunga kuti  vabereki  vangu  vanga  vakavengerei   asi  ndaishaiwa  mhinduro  izere . Ndakagara    mukadzi  wangu  akapona  mwana  mukomana    achangozvarwa mwana  uya  akaramba    kuyamwa .  Ndakatombomuti  areurure  kana  pane  chekutaura  asi  aingoti  haana  chekutaura  kusvika  ndangosiyana  naye  mwana  akasvika  pakufa  ndega ndakaona  kuti  apa    ndaita  wrong   turn kana  munhu  uyu  aisava  muroyi  raiva  hure  chairo  .   Mwana  haangorambi  kumwa  ka .      Ndakabva  ndasiyana  naye  zvepajoni  hre  hapana  relationship  inolaster .  Ndakazonzwa  vana  mai  vave  kunditi  Tsitsi  akaenda  .  Ndakangoti  ndichazouya  kumba   .. Takabva  ndazobirwa  foni  rimwe  zuva ndiri  mutavern .  Ndakarasa  manumber evanhu vese .  Ndakazotenga  imwe  asi ndanga ndisisina  kama  contact  yemunhu wekumusha .  Kubasa  contract  yakapera  tikatanga  kuona nhamo  mabasa  acho  ainetsa   kuwana  ndaitota  mapiece  job  kuitira  ndiwane  zvokudya . Makore  ndichidaro  mweya  wekuenda kumusha  wakatama  waienda  nei  iwe  usina  kana  thee .  Ndakaita  makore  akawanda  basa risingatambi  vanhukadzi  ndaisanyanya  kuvafarira  ndaingoti  kana  zvandikunda  ndotsvaga  wekupedzera  havi   yese . Ndakazobatanawo  nevakomana  vaisenga  fodya  ndokutanga  kumuka  kwandakaita .   Takaita  mari  uko  ndakaramba  ndochongoshanda  ikoko kupedzisira  ndave  kutogara muBeitbridge  ndave  kuyambutsa fodya  zvisirj  pamutemo .   Ndakaitawo mari  yokuti ndakakwanisa  kutenga  mota .  Vanhu  pavakatanga  kuurawa  nemamwe matsotsi achida  kuba  fodya  iyoyo  ndakachera chikomba  ndokusiya  zvefodya .  Mari  ndaiva  nayo  ndakafunga  kuenda  kumba . Apa  ndanga  ndava  nemakore  .  Ndakasvika  kumba  vanamai  vakatoshaya  kuti  imota  yaani  pandakaburuka  ndipo  pavakazoona  kuti ndini  sandi  kufara  ikoko . Vakadana  hazvadzi dzaiva  kuvarume  vakauya vese  manheru  tikagara  pasi  vave  kubvunza  kuti zvekurova  zvanga  zvaita  sei  ndikavaudza mararamiro  andakaita kusvika  ipapa  vakanzwisisa  Nancy  ndiye  akazoti...... Her: Imi  makangorangwa neshamhu naMwari  imi   mukaona  matwins  aya  muchaaziva  hre  apa  vakafanana naTendai  kudii  . Akaona nhamo mukadzi  uya  kuraiser vana vaya  ikozvino  odya  rifa  vana vanoshanda  ivavo . Me: Muchireva  vana  vaTsitsi  hre Mai: Ehe  ndakavatarisawo  ndikaona  zvechokwadi  vakafana   Tendai  zvimwewo . Me: Mave kutaura  ikozvino  asi  maiti  akahura maimuona  achihura  how  come vana vazofana  Tendai  pamwe  inhodzera  zvee . Tendai: Ini  hangu  kwaiva  kunyepa  kuya  kwaingova  kuvenga  munhu pasina  zvese  izvozvo.  Ndakatoona  kuti  tiri  kukuputsa  izvozvi vana vacho ndakasangana  navo  ndikada  kutaura navo  ndakatukwa  navo  zvokuti ndakapererwa  havaite    and  havadi  namai  vavo .  Ikoko kwavari  kugara vemaraini eko vanototi  hanzvadzi  yavo  yakada  kurova  ivo  mai  2  vakatsikwa  big  time  nevana  vacho  .  Hanzi  uchida kuvatanga denha  mai vacho . Ivo  havatauri zve  vaya  asi  vana  vacho  svuuramuromo  dzoga . Me: Ini ndasangana nezvakawanda muupenyu ndinotovaendesa kumaDNA  test  ndokuto ndigobvuma  kuti  vana  vangu. Mai:  kungoti  hausati wavaona  ivavo  vana  vako zvisina  tsvete  enda  hako  unovaona  mai  vacho  havans kuroorwa  vanozvugarira  nevana  vavo .  Hatinawo kumbonzwa  runyerekupe  rwekuti  vanohura . Pamwe ndosaka wakasangana nezvese zvawaisangana nazvo pamwe kunyunyuta kwaaiita . Me: Saka munozvibvuma henyu mese kuti makandiputsira musha wangu . Ndikatambisa makore 15 ese aya ndichiona nhamo sometimes vana vangu vachitambura . Izvozvi nyangwe ndimiwo ndonomutanga ndichiti chii iye mai 2 . Pamwe kugara kwese ingadai tatove nevamwe vana asi imi makanditambisira time yangu . Nancy; hag mati pane munhu anoramba mota hre . Haiwa kungovaona muromo mumwe vanobva vatokuregererai panoti munhuwi wepetrol zve apa . Me: But zvakaoma imi mukazviitirwa izvozvo kuvarume venyu zvamakaitira mai 2 ava munofara hre . Ipapa munotaura kuti wakatukwa nevana vacho do you blame them hee . Zvakaoma hazvo regai ndimbozorora . Musoro mangu manga matove neconfusion chaiyo ndakapinda mumota ndikaridzira music pasi pasi ndakaradzika seat ndakarara . Ndaiti ndikatarisa pamba ndainzwa kurwadziwa vamwe vana vezera rangu vakavaka misha dzinotyisa ini ndichingori nechiround chandairara kubva kare apa chinotoratidza kuti chakapedzisira kupfurirwa karesa. Ndichingori ndakatoona kuti ndakatambisa mukana . Kana aindibvumira kuti tigadzirisane tidzokerane mai 2 ndachera chikomba handichateereri mashoko ehama zvekare nokuti havavaki asi vanotoputsa Ndakaita nguva ndirimo mumota ndikazobuda hangu ndoenda mukitchen mavaive vagere vachimenya nzungu . Ndakanogarawo imomo ndokunokora nzungu ndichidya ndanga ndava netime ndisina kumbodzidya . Ndakazonzwa mai voti ..... Her: Asi mangouya muchifamba kai zvamusina kumbotipa grocery racho . Me: Ririmo mumota umo mati musoro wangu uchambotora zvakanaka hre kutofunga kuti Mwari vanoda kuti upenyu hwangu umire sei . Ko mombe dzangu dzave ngani. Mai: Hah dzakambobereka imwe iyi yaiva Sundu ndiyo yakafa ine mhuru mudumbu . Takazodana vanhu pave paya kuti vapindire yanga yatononokerwa . Takatozoipedzisa . Dzese zvadzo dzasara dzave 11 kana ndisingakanganisi . Mbudzi dzako ndidzo dzawandisa dzotosvika kuma 25 kungoti dzimwe taibayawo pama exmas nepatinenge tanzwira nhomba . Me: Heya zvino pamakaona kuti vana vangu makaregerei kutengesa dzimwe muchivabetserawo nemari Nancy: The thing is mai vaitukirira vana ava vasangana navo kumushandira vachiitira vanhu mabasa . Uchangotanga zviya kurimwa ndivo vaiclear mabed ekwaMaswera nekuatimba zvese . Saka pavainzi vazukuru venyu avo vaibva vadaidzira vachinzwa kuti havasi vazukuru vangu saka kuenda kunovapa chinhu zvanga zvisingatoiti . Ndakatura mafemo ndakabvunza pavaigara ndikarondedzerwa lucky vaitove pedo nenzira yaifamba mota ndaizoendako kuma late late ndaitotyawo vana tsano vacho nokuti pandakabva ndobuda baba Rose vakange vandipotsa nedemo vachiti kushungurudza mwana wamai vangu . Ndakabva ndabuda ndokumbotenderera zvangu ndichiona zvaive kudanga mombe dzanga dzabuda zvadzo asiwo iro danga ranga rakurawo kuratidza kuti mombe dzanga dzawanda . Ndakatozopinda mumba ndabva ikoko vaimhanya mhanya vana mai vakatokumba mbudzi kuti vabaye ndikati vatore zvavo . Yakaurawa ndaiva zii mai vakaperekedza umwe mukadzi anga auya kumba . Vakadzoka vachiti vainge vaona umwe wematwins vaisaziva kuti ndiani wavainge vaona sezvo aive maidentical twins . Ndakaswera pamba kumazuva rovira ndikabva ndakabva ndageza ndikapfeka short neT Shirt . Ndichibva ndasprayer ndokubva ndaoneka vana mhamha kuti ndomboenda kwana mai 2 . Ndakafambisa mota zvishoma nezvishoma ndave kusvika kumaside kwavo ndakabvunza kuti pamai 2 ndepapi vaisaziva kuti mai 2 vaivadana kuti mai Vee. Ndakaparatidzwa ndichibva ndafamba zvishoma pamba pacho paiva nemaround 2 anga akakura zvishoma . Always smart . Paiva pakachena ruvanze zvese maruva ayewa zvagara aingova munhu wesmart . Ndichimisa mota ndakaona mune imwe round mobuda mukadzi anga akasimba zviri pakati nepakati akagezeka akapfeka maTennis bvudzi riri short hair . Ndakaramba ndakatarisa ndikaona vari mai 2. Anga achinja chose ndakabuda mumota . Akaramba akanditarisa achimira zvino achibva aridza tsamwa kuda kudzokera ndakaona kuti ndikaita zvokutamba ndinozviruza . Ndakabva ndavamhanyira ndikavabatira padoor akutopinds mumba ndakatevera mumba imomo ndokupfugama pasi ndichikumbira ruregerero . Me:Please mai 2 ndiregeretewo i know kuti ndini munhu wekupedzisira wauri kuda kuona . But kukanganisa kuriko mukadzi wangu ndiregererewo i have learnt my lesson the hard way . Ndiregererewo upenyu hwedu huenderere mberi . Her: Whaaat kuuya kuno aftet how many years iwewe kusiya vana vari pamaoko wakaregerei hako kundiudza kuti haundidi pane kunditiza heee . Kuita chiseko chenyika hama dzako dzichitaura zvadzinoda kwandiri nhasi ndipo powouya zvako nekamota kako unoti ndinodyira hre unozvinyepera William pinda mumota mako udzokere kuhama dzako wakajaidzwa kurariswa pakati . Usade zvako kubudisa humhuka huri mandiri kasira buda mumba mangu imbwa iwe . Me: Usadaro kani mai 2 mukadzi wangu ndavinga kuti titaurirane kubva zvandakabva kuno upenyu hauna kumbindimirira zvakanaka ndauya mukadzi wangu ndi...... Ndisati ndataura makapinda vasikana 2 vese vakaisa maoko panzeve vakarerekera zviya zvokuti taura tinzwe vakanditarisa umwe wacho akabva ati ..... Her:Mukadzi wangu ohhhh Virgie uri kunzwa hre heee kamani simuka ipapo ipinde mukamba yako urove pasi . Me: Ndini baba venyu vanangu . Her: baba my foot chinonzi baba munochiziva hre imi . Hamusi kuda kuda kuenda kumba kwenyu muchaenda muchigweva nedumbu senyoka . Virgie game on vakabva vamanya kubuda panze vese ndikashaya kuti chava chiizve mai 2 akabva ati ..... Her: kasira kuenda usati wapunzirwa chimota chako icho . Ndakamhanya ndichibuda mbiri yavo ndanga ndamboinzwa saka ndaitoziva kuti vanozviita. Ndakamhanya kumota ndakaoba ivo vari pabakwa ndakamutsa mota fast vakauya vakabata matanda ndakamhanyisa mota hana ichiita kurova kureva hre kuti vanga vachida kundirova vana ava . Ndakasvika kumba ndichiita kufemereka ndakatura mafemo ndasvika ndakaona ndega kuti iyi yatova world war 3 chaiyo . *Stay tuned* [2024/04/27, 11:52] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/Ffl78gCai1m55MvI1uohRb *Vanofarira mabook aAncy let us all join the channel link below. Ndimo mamunowana mabooks aKatsande maprevious chapters ebook rino munoawana ikoko* https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *VIRGIN MOTHER* *story  by  Ancillar  Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter  3* *Viola* Pahuviri  hwedu  pane  aiva nehasha  dzekupenga  chaiko  kupopota   nekutaurisa  zvese kozoti  aiva  akanyarara ukamutanga  wairohwa  senyoka  yapinda mumba . Zvino  taiti  tikazvibatanidza  taibva  taida  bad  girls  chaidzo .  Ini  zvangu  simba  raiva  pamuromo ndichiziva kuti ndine  strong  back  up  kuna  Virgie .  Hapana  airegerera mumwe   ndikatanga  musindo  munhu wacho aitozodemba  chanenge  atitangira  caz  taisarega  munhu kusvika  abudisa mvura nezasi .   Vaitiziva  vana   mbuya  vangu  nana  sekuru vaida  kuratidza  urume  hwavo  pana  mai  vedu  . Ipapo  chete ndipo  pataikiya munhu  vaitozviziva kuti  vane  masoja  avo mhamha .   Takabva  kumusika  taita  mari  tichiona  mumba  mune  munhu  aitaura  paden  pane  hagwa  rakapakwa .   Ndakanzwa munhu wacho achiti mukadzi wangu kubvira mhamha . Takaburutsa masaga  echibage  caz  zvaiva  pachena  kuti  ndoye  uya mwana  wamai  vemhino  vaya .   Takapinda mumba  mashoko  avakataura  akaita kuti ndifinge  kare  kangu  pandakasekwa  ndiri  mwanana  tichiramba  nhodo  nana   Maria  ndaresva  kugara   apa  bhurukwa  rakadambuka  chinhu chiri pamhene  ndikaudzwa kunzi  chinhu chakanyenana  sedohwe.  Ivo  variko zvavo  nhasi  vozongouya  kuti  tucha  tucha ndini baba  venyu  .  Ndakapa  Virgie  sign  ukaona ndatoto  game  on  kuna  Virgie  make  sure   wotoira  take cover  caz   unogona kuripihwa  zhaba  rekwaVan Damne . . Takabuda  panze  kuenda  kubakwa  ndakavhomora huni  ipapo ndaida  kungovazhaka  nayo  nhai munhu  kuita  senyoka  inokandira mazai  yotoenda  isina  basa  nemwana  kana kuziva  kuti  ari  kurarama  sei  wozodzoka  hako  nechimota kuda kutityisa hre kana  kuda  kutenga  moyo  yedu  wakaarembedza  sebhera  remombe   yengozi .   Vakarova kweza  murume  mukuru  vakaenda   takatarisana  naVirgie  tikaseka  tichirovana  maoko     takagara panze  mhamha  vakadaidzira . Her: Viola  huya  ubike  aaa  nhasi  ndakaneta  ini  mukutoita nyaya  makagara  ipapo . Me: Twinny  chimbochimhanya  kaa simba  rapera  nemadzibaba  abva  pano apa  ndanga  ndagadzirira kuvahaka  pamweya . Virgie: Kutodza  bambo  sekurima  ungasajaira  kubikirwa  neni  enda  unobika my friend .  Me:Hah  amana  regai  zvangu ndobika zvino  iwe  unosara  uri  pano  hre  . Me: Engine  ichambo cooler  caz  yanga  yaheater zvokuti   ndanga  ndaakuda kutopisa  clash . Ndakaseka ndichibvapo  and  airevesa  kana  akaita  hasha  akatotadza  kudziexpresser  kumunhu  amubhowa  anogona  kutochema ndokuti  shungu dzake  dzipere .  Ndakanopinda mumba  mhamha vakatoti  ko  wasiirei  mumwe ndakabva  ndatovati  .... Me: Munomuziva  mwana  wenyu  haana kuvapa  one  saka  shungu  dzinomukurira muregei  achauya .  Nhasi  mhamha  taita  bag  remari   zviri  kufamba  wena  kana muchida  chibage  mutore musaga mumbogocha zviviri. Her: Aaa  handizobviso  imwe  mari  hre  vanangu rega  ndotore  chimwe  iniwo  kuno  ndapura  beans  dzangu  ndikawana  mugomo  6  saka  ndanga ndichiti  titengese  imwe  4  tosara  ne2   ndiyo  yatichadya nembeu . Me: Horight  regai   veaccounts  avo  vauye  ndivo    vanoziva  maths  dzacho inini ndokutsvagirai mabuyer  kuvanhu vanobika  uko .  Asi  mhamha  hatina  kuvhura hombe  kuvharidzira  diki  hre  apa . Her: Haiwa matauriro  enyu  amunoita ndombomanzwa  hre  ini  itotaura  nemutauro unonzwila  kwete  zvenyu  izvo . Virgie: (Achipinda)  hanzi  hatina kudzinga munhu  muchimuda  hre  mdara  wemota  uyo . Her:  hah  kuti  ndinopenga  hre munoti  ndinokanganwa nhamo  yandakaona nemi hre munhu  ongouya  zvanaka  pataimuda  the most  anga  atiza  zvake    . Virgie: Ndikufunga  ndine  hembe  yangu  iya  yeumbrella   ndichisekwa  kuti  ndakapfeka  wet and  dry   hupenyu  soo .  Munhu  ongouya   achiti  tucha  tucha  ndiri  baba  venyu  hell  no  ndanga ndichida kuvadhonora vagona  vakatiza  zvavo .  Viola   bika  shaar  usanditarisa   takunzwa  nzara   Me: Ndikubika  kani  Twinny  chimuudzaiwo  mhamha  uyu  minister  of  Finance  and  defence  forces .  Virgie:   ummm  iwewe  Minister  of  information  and  publicity  madii  kungotaura  henyu murimi   zvimwe  hazvidi  kuti  president  vataure . Mhamha: Haiwa chinyararaizve   ndati ndakohwa beans  ndikawana  mugomo  6  zvino  ndafunga  kuti  titengese  4  imwe  yasara  2  tochengeta  ndidzi  dzatichadya  pano  nedzembeu .  Ndinofunga kuti  ndikatengesa muitewo   phone  vanangu   vezera  renyu  vongotsvaira ini ndiri  boe  nechimbudzi  changu  ichochi  Me: Pafoni  apa  magona   mhamha ndaida  kumbozvitaurawo  hangu  zvino vanoona zvebudget  yenyika vanga  vakati  timbomira   zvino zvamafunga  kutengesa beans  mhamha kuti mutitengere  its  a  yes  kwandiri  hameno  Virgie . Kungoti  Virgie  aisava nebasa nayo  pakuti zvevakomana  zvaiva  kure naye  zvino  vamwe  tanga  tonzi  sii sii taakudawo  kumbobvuma  1  timbonzwa  kuti  murudo macho mumofambiswa  sei .   Akanditarisa Virgie  akaseka  ko ndanga ndavhura  hombe  iye  asingazivi  azongoona  akunzi  bby  neumwe  mukomana  aiva   form  6  paneibouring  school   wandanga ndamboda kupa mukana  manje  haana  kuziva kuti   waari  kuti bby  haasiye  . Apa  akabva atomuramba mukomana  ambozama kumira mira  achimuti  inga  wani  wakandida  marimwezuro  iye ndokumuti  zvaiva  zvamarimwezuro  nhasi  ndakukuramba . . Paauya  akandiudza ndamutsamwira  akatoseka  kuti  wakaura  next  time  unondiudza ukangonyarara chete ndikamuona ndoibhururutsa  shiri  yacho . Ndakapererwa ipapa ndanga ndatova  boyfriendless  nekuda  kwake . Akaseka  achibva  ati ..... Her: Ko  ndingatii  zvangu  zvakangonaka motoudza ivava  Minister  of  information and publicity   nyaya  dzacho havatani   kudzifambira  zvavo  ipapa  vanotouya  vachiti  vatowana buyer . Me: You know me better . Ndakataura ndichipakura sadza ndokudya zvedu semhuri . Makusenu tikamukira kugarden tese . Takatanga kudiridza ndokuzowacha tiri pakati takazwa kutaura kugedhe vaiva vana mai Rose namai Rameck vsnga vauya. Ndakatsika Virgie gumbo mhamha vanga vakagara padombo vachidya zvavo nzimbe . Mai Rameck: Hezvo vatete muri kuno tanga tauya kumba tichiti pamwe muriko izvo muri kuno kugarden . Mhamha:;Eee ndambomukira kubatsirwa kudiridza nevasikana ava vasati vaenda. Mai Rose: Heya ko munofara hre vana Vee . Me: Aaa nhasi zvamboita seiko tokuzivai mavingei mangwanani ano ndotoziva zvamavinga mamuka kuda kupublisher mapapers enyuzve nhasi source riri kunozve ndiro ramuri kuda kujuruja kuitira muwane kuzofamba negossip. Mhamha : Violaaa Virgie: Mhaaa musangoona zvakakumberedzai chete mhamha cany you kutu vauya kuzotsvaga nyaya vakambuuya kuno riini showing love to us . Remember they used to call us tiri cursed nhasi zvaipira papi tave vanhu . Mhamha mavingei machembere taurai nyaya yenyu musangoti tete tete zvisina basa . Ndakatarisa Virgie ndichishaya kuti ndiye hre ataura caz Virgie haangotauri zve. Mhamha vakangotitarisa vapererwa ivo vana mai Rameck vanga vachingomira sevanhu vatumwa misimbiti . Vakangoseka seka nhema vachibva vatofamba vachibuda mugarden ndakasara ndichiseka . Mhamha: Viola mwanangu newe Virgie musadaro vana vangu kunyadzisa vanhu vakuru . Munoti neni ndanga ndisingazivi kuti vavingei. Ndinovaziva ndivana maiguru vangu ava ndanga ndichava handler my way . Me: Mhamha mhamha ndokuzivai mhamha you too soft for my liking . Manga muchavadururira zvese vapedza vofamba nemi vaisa nezvizukuru nezvizukuru . Ndivana judas ava havasi vekuisws padhuze ava . Vakaramba vachida kuita poke their nose on our business again tiri kuzovapa overdose yeupenyu hwavo. Mhamha: ndakanzwa kuti ivo vana sekuru venyu vari kuuya vese hameno kuri kunei . Me: Regai vauye havozve pamwe pane zvavari kuda nhasi handisi kuda kuenda kubasa ndiri kufeeler kuti something might happen tisipo. Virgie: Haiwa kubasa tinoenda hapana zvavanoita avo vanotoziva kuti ndikavapa 1 ichi vanomukira kumakuva . My friend sukurudza hembe tiyanike . Tigeze tiende tigomaisepi chibage chataka order zvikoro zvovhurwa izvi you know very well kuti mari tinenge toibata paweekend iwe haudi zvemuenda nemazepi kunotengesa kuchikoro saka ndiwe unotofana kundipa pressure yekuti tiende kubasa caz inini chero pakati ndinoenda kuchikoro kunotengesa mazepi masamusa zvese. Mhamha: Munoenda mese hapana chinondiwana ndokuzivai munozopedzisira motukana pachenyu ipapa Viola nyarara usukurudze hembe . Me: Sorry Virgie Her: handina kumbotsamwa i am just saying my mind . Takapedza kuwacha ndokuenda kunoyanika hembe dzedu. Tichibva tageza kugarden ikoko mhamha vaititarisisa tichigeza ndikanzwa vave kuti ..... Her: Zvinotsva izvo rambai muchiita basa muri kunguva zviya . Me: Ok mhamha chiregai tipukute tiende kubasa . Takaenda kubasa ndokunotengesa kwaiva low low zvako . Zvinhu zvakatozotanga kutengwa kuma 3pm . Takatengesa kumanheru ndokuenda kumba takasvika mhamha vasipo pamba its unlike our mother . Takaenda kugarden vanga vadijo zvekare takazoona vana Fortue zvouya chichiti mhamha vaiva kumba kwavo . Kwababa Rameck kwaiva nechimota chavo kureva kuti vanga vauya . Fortue: Hanzi huyai kuno natete variko kumba uko Virgie akabva atogara akati endai munopihwa makey naivo vatete muuye nawo . Zvilamhanya zvichienda ndakagarawo muberere ndikanzwa Virgie akuti .... Her: Hah uko handiendi zvangu vanhu vaya vane moyo wakaipa kuda kutiswededza pedo nhasi chii . Hakusi kuda kutichekeresa ikoko tovaziva vana Bhiriyati . Me: (Ndichiseka) taura hako aaa regai vataure nemwana wamai vavo ikoko . Dai kuri kwaSekuru kwaSabhuku kai uko taienda caz vakatida kare tisina chinhu ndivo vane rudo chairwo kwete ava vane plastic smile ava Takagara zvedu vana Fortue vakauya nemakey tikapinda mumba ndokutanga kutobika hedu tichitaura nyaya ndipo patakanzwa kutinhira kuroad chaiva chimota chasekuru baba Rameck chaitopinda pano takabuda ndokumira kusvika vamira vakabuda mhamga nehanzvadzi dzavo nhatu . Takatomhanyira sekuru vadili yah ndivo vaivawo nerudo than dzimwe ngongoni dzese idzi takafamba nasekuru takavakochera tese mai vakandikwenya ndaiziva kuti vaida kuti timhorese dzimwe ngirozi dzaSatan idzi ivo Sekuru baba Rose vane murono semudhungwe vakabva vati....... Stay tuned [2024/04/27, 19:12] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/Ffl78gCai1m55MvI1uohRb *Vanofarira mabook aKatsande hande tese neuwandu hwedu kuchannel . Ndimo munowanikwa mabook ake zvese nemaprevious chapters ebook rino kuinbox handipi book join link riri muzasi* https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *VIRGIN MOTHER* *Story  by  Ancillar  Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter   4* Virgie "Motoita  muchitimhorosawo zve  nhai  askana  zvino  mukaungana  pamurume  1  mati  isu  hatidiwo vakadzi  hre "  , vakadaro  baba  Rose  vachitoseka  havo  waiva munemo  zvino  vakabva  vapindurwa naViola ,  "  Tinenge  tichionaka  kuti  murume   wacho ndiye  ane  genuine  love  vamwe  ndevekuzongoda  zvinhu.  Ungangoti  mukadzii  usingamuratidzi  kuti  mukadzi  wako  hre"  vakangoseka seka  nhema  tichipinda  mumba  vachigara  pabench .  Takangovamhorosawo  pakuti   vanga  vasvika  pamba  neutsinye  hwavo  kana  dai  takasangana  munzira  ndaidarika  ini .  Ipapa  ndanga  ndakatovamaka  kuti  kana  vavinga  nyaya  yekurova  Van  yatakaita   ndaitova  ndakavarongedzera  mhinduro   . Baba  Rose: Aaa  vazukuru  tauya  kwamuri  ndimi  vana  mune  kodzero  yekuziva  vabereki venyu . Nofunga  mune  chido  chekuzivawo  baba  venyu  .  Kuuya  kuno  takadeedzwa  nababa  venyu  shoko  rakasvika  nemunyai  vachiti  vanoda  kutaura nesu  maererano  nokuda mhuri  yavo  zvino mai  venyu vari  kuramba  saka  tati  tikuudzei  mutaurirane  namai  vadzore moyo  musha  chinhu chakanaka  uye  kuti  mukure  vabereki  vari  pamwe  zvakanaka  futi  vanosvika  kuno  mangwana. Me: Zvino  munoda  kuvamanimidzirei  kana  vasingadi  havadizvee  pane  kukura kunodarika  kwataita  hre . Patime  yataivada  pasina  kana  umwe  aimira  nesu  mai vedu  vachitambura  vachidzingwa nehama  dzavo  baba vacho  kunyangwe  nemi  hama dzavo  muchivadzinga  vakange  vasipo baba vacho . Ikozvino   takura vaakuona  tichichengeta  mai  vedu  voti  tuturu  tuturu  kuuya   ndokudii . Nyangwe  nesu  hatina  basa  navo  baba  vacho .   Saka  maita  wrong  turn caz  we  support  our  mother  in  every  decision  she  took Viola:  Plus  imimi  kutouya  kudai muchizama  kuda kuti  mai  vadzokere kumunhu  akavatiza,  vachivengwa  nehama  dzose  hakusi  kuda  mai   uko  asi  kuda mari .  Maona  kuti  paita  mukana  wokuti  muite  mari   ndosaka  maita  kuuya mese  kudai . Dai  muri  vamwe  pavakafona  pacho  makatoomesa moyo muchiziva  nhamo  yakaona  mwana  wamai  venyu . Kungoti  hakutoziviwo  nokuti manga  musina  basa  navo .  Regai  ndikutipirei  ana  kule  we  are  ok  takadai.    Mhamha  rambai makadzvanya  i hate  that man  very  much   i  hate  him . Vana  venyu  vaitiseka  tichifamba  tisina kusimira zvizere  because  of  him  now  tave  bhoo  taakuita kusarudza kuti  topfeka  zvipi msi vedu  tovaitirei  ndipo  pouya  munhu zvakewo  atambura nenyika   anzvonzva munyika anzwa  ouya  nechimota  chinotipei .  imi ndipo pomoti hanzvadzi enda mambotarisawo hre kuti nyika yava nemeno iyi ko kana vakarumwa nechekuchera ikoko maakuda kuti vakuturire mhamha guruzuzu rese and you claim kuti mwana wamai venyu munomuda . Vakatarisana vana vemunhu ndikaona kuti zvataurika vazvinzwa sekuru vadiki ndivo vakangoseka vakati, " Yah vakadzi vangu vakura vave kureasoner ndazviona regai ndimboenda kumba zvangu ini toonana mangwana " ndakaseka vese vooneka rumwe rumwe vachitoenda . Tikasara tiri tega mhamha vakangotura mafemo vachibva vasekerera . Her: Manga matobika hre kutonzwa nzara zvangu . Me: Kubika tabika tanga tave kutomirira kuti muuye saka ndizvo zvamanga madanirwa izvozvo . Murume wenyu anoda kumbobatwa maparts after all he had done ari kuda kungoti zvinhu zvimuitire nyore nhai . Kana ariye akaisira vana sekuru fuel kuti vauye regai ambodyiwa munhu wepi. Viola: Mari yatawana iyi ndawana vanhu vanoda beans vari kuuya mangwana makuseni . Apa ndanzwa mai Maswera vachiti vari kuenda KuMussina vachararira mubus kuendako mangwana . Saka vakatobvisa bag yotonotengwa hayozve phone hapakwami mbiri hre hantie mugomo iR500 hre . Mhamha: Dzinokwana ndakataura navo mai Maswera movigirwa umwe neumwe number yake maline motenga pamarket apo muitewo sevamwe vanangu kurima uku kwatinoita kuda kuti tiwane zvatinoshandira . Ndakapakura sadza tikadya ndikarara ndasuka ndiro ndanga ndaneta saka handina kutana kuenda kunorara . Vakazouya vana mai ndatiwaridza ndarara ndairara pafoam rubber mhamha naViola ndivo vairara pabed . Ndaiona kuti taizorata takambandidzirana ndosaka ndakasarudza kurara zvangu pasi . Plus pasi ipapo ndaiwana nguva yekuverenga seipapa kubva holiday ichitanga ndanga ndisina kumboverenga . Chete kungoti vamwe tine natural intelligents . Ndaisanonoka zvangu kubata . Ndakarara zvokuenda tikamutswa kuseni chaiko nemunhu aiti gogoi . Ndakafuka musoro kusada kubuda mugumbuzi . Vakabva vabuda mhamha ndikanzwa todaidziwa takabuda ndokunokwazisa vakadzi vaya tave kutomhanya mhanya kubvisa madota nekuvesa moto . Unoshaya kuti vanga vamukirawo neusiku utema ihwohwo kuzodii . Viola akandiudza kuti mabuyer ebeans. Takatsvaira chivanze vachitaurirana namai mumba. Tapedza ndipo patakatumwa kugarden kunotanha madomasi . Takaenda ne2 mabuckets takatoitira ataizoda kuenda nawo kuroad . Takaenda nawo kumba redu bucket tikaisa mumba rimwe riya ndokunopa mai . Takabva tawana vachipimirwa beans vakatengeserwa nemadomasi vakabva vaenda mhamha vakatuma Viola kunopa mai Maswera mari wakava muromo mumwe . Ndakasara zvangu ndichibika pakadzoka Viola takabva tageza taenda hatina kuda kumirira dare ravo risina basa . Caz taitozoita zvimwe padare racho ipapo . Takasenga zvinhu zvedu ndokuenda ndakanzwa Viola akuti ..... Her: but paserious chaipo unovada hre baba vako Virgie zvinofadza sei kungoti baba zvausina kumbobvira wakaita kweupenyu hwako hwese . I am not saying mhamha vabvume mdara kungotaurawo my mind after all kunogara nehama dzaSatan dziya handidi . Vanhu vaya mukati havaroyi mbuya iya yakamama moyo ichiti iduzvi . Me: Shaar inini handina zvandinoshuva nguva yataitosuwa kuti munhu baba yakatopfuura . My mothet ndivo baba vangu ndivozve mai vangu handitombovanzwiri kana tsee fanike mbuya vacho vaya . Tarisa mbuya Maswera zvavanoita kumwana wavo uya akaramba mukadzi vazukuru vavo vanoita kuvavigira chikafu kuvatengera hembe . Unotongoona kuri vabereki zvavo vakatadza kunzwanana asi mbuya vanoda vazukuru vavo . Haikona chifunhu chataiitirwa nambuya Vhengere mumushandira paya . Kuita kutitorera mabed aiva amai avakapihwa mumushandira muya vachiri muroora kumba kwavo . Can you imagine kutorerwa muine zvinhu mubindu racho . Paya ndanga ndisati ndakura ingadai paripo pandakavarovera mai vaya. Takasvika nenguva diki ko nyaya dzaitsvazvee ndakanitengesa kuma 1pm ikoko takaona tavigirwa machips nemadrink nevamwe mai vaitengesa apa tanga tisina kumboti toada takangotarisana zvikanzi nemukadzi uya hanzi ndikupei nemukomana uyo ane mota . Takaisa meso ikoko iye achitodzisawo window and winked us . Viola akabva atambira ndakamutarisa akati ...... Her: Iwe tora tidye ko tambomutuma hre haiwa rega tidye zvemarema kana akangotinyenga torambazve kuti hatina muromo hre ndivana madyiwa ava Mukadzi wacho akatoseka achitsigira Viola ndakabva ndatambira ndakasara ndikatarisa Viola neziso raitaura ko ndomuziva zve uyu anogona kuvhura hombe ndisingazivi. Akaseka ndikaziva kuti ndamubata ndakabva ndamuti ...m Me: Taura tinzwe ukusekei mukomana wako hre . Her: Ehe but dambudziko riripo akandinyenga achiti Virgie manje . Me: Nxaa unopenga wakaregerei kumuti hausiwe. Her: Ndakaziva kuti iwewe waizomuramba he is handsome cant you see. Me: Ndezvako nemunhu wako usazondibatanidzira munyaya dzako . Ini akandiitira mashura you know me better . Izvozvi anongotisekerera tese haatozivi munhu wake. Takashanda iye akaenda kunoona mukomana wake akadzoka tave kuenda kumba . Takasvika mhamha vavesera moto panze paine anga akagara pachair izvozvo zvokuda kuzvipa chigaro pamba pedu ndizvo zvaindimara zvangu ini . Takasvika ndokumira takatarisa wacho aizviti baba wacho Viola akatarisa mhamha ndokuti ...... Her: Kasi mhamha matokanganwa chazuro nehope Mhamha: Munondiziva wani vanangu vabvunzeiwo kuti vavingei . Me: VaVheremu madii zvenyu kungosimuka ipapo makananga kumba kwenyu musazvinyadzisa zvinozoda hre kunzi vana vakarova baba vavo vakavaramba vachiri vacheche . But zvoita ka Viola kumbovarovera upenzi hwavo in her next life vazive kuti vana havarambiwi. Viola: You have a point . Him: Ndirovei zvenyu vana vangu kana zvirizvo zvinoita kiti shungu dzenyu dzipere muzondionawo sababa venyu . Asi yaisavawo mhosva yangu . Kunyengerwa chaiko vana vangu ndaiona sekuti hama dzangu dzaisanyepa ndaiudzwa zvakawanda pamusoro pamai venyu vanangu . Me: Saka izvozvi maudziwa futi kuti dzokerai vana venyu hre zvokuti rovai izvo mati zvinotitadzisa kukurovai hre . Munhu wepi asingagoni kuzvimiririra mama's boy nxaaa shiit . Ndakataura ndichivhomora huni mumoto vakasimuka vakatiza ndakapotsera chitsiga chehuni vakanzvenga ndokutiza chaiko . Takabva taenda kunogeza tiri ikoko Viola akabva atoti .... Her: Ini handichatodi kuenda kuchikoro ini ndatotsvagirwa basa pamba pasisi vaAdam kuguta saka holiday ino ichipera ndotoenda kubasa . Me: Watoshinga kuda kusiya chikoro munzira Viola inga kwasara term 1 iyoyi yatatarisa kuti tiende form 4. Her: Hah kana mwana wamai vangu ini ndini ndoziva kuti kupedza mari mahara ini chikoro hamuna kungoenda kuchikoro kunokura . Ndikatonoshanda ndichikutengeraiwo magroceries nehembe zvinotofamba ndinenge ndichibatsira nedivi kunyangwe iwewe ukaenderera mberi nechikoro zvinenge zviri nane . Ndokubetsera nepandinogona napo . Me: Aaa hameno wotoudza mai vako shaar ndingati chii kana waramba kubatsirwa ipapa unogona kunyeperwa nhema kuti ukuenda kwasisi uchitonogara nemurume mhai . Wanga watovimba naye zvenguvai ipapa nezuva rimwe. Her: Tava nemazuva tichidanana hazvisi zvekuti ndinoenda kumba kwavoka sisi vacho ndivo vanotouya kunditora pano pana mhamha Me: Kana uchiona zvichikuitira unoenda hako. Takapedza ndokuenda kumoto akaudza mhamha nyaya yake vakada kumbomuonesa asi kuti munhu wacho ane nharo chaanenge atotaura atotaura . Vakabva vangopedzisira vamuti tichazoona vanhu vacho vauya . Vakabika tikadya ndokumbotandara zvedu tikazoenda kunorara . Mhamha vaiva nenguva yavaimbonyarara wainatsoona kuti vari kufungisisa . Takagara madays aya mdara aisauya taingonzwa kuti ari kurenter shop pakashops ipapo taitomuona zvedu tiriko tichiva ignore . Vaizama kuisa effort yekuti tivaone asi wavaiisira vacho vanga vasina basa navo . Umwe neumwe anga ave nefoni yavo . Zvikoro zvoda kuvhurwa takaona pasvika mota pamba makaburuka mukadzi anga akawanda kusimbisa achiti ndiye aida musikana webasa aiseka zvake mukadzi iyeye . Vakatorongedza hembe dzavo mumonarch sisi vave kuda kuenda . Kubva tichizvarwa tanga tisina kumboparadzana naViola ndakanatsonzwa kurwadziwa ndikachema akuda kuenda iye akachemawo achiuya kundimbundira . Mai ndivo vakazotiparadzanisa vachiti ndimurege aende . Day iri handina kuenda kubasa ndakaswera ndichigadzirira zvokuenda kuchikoro . Ndakaswera ndiri low low pamba pacho paitondibhowa ini . Ndakapedza zvechikoro kugadzira maholiday work ese kunatsoona kuti zvave boe ndichibva ndazoenda kunoita zvokubika ndakanzwa mhamha voti ..... Her: Zvino baba venyu manga mavaudza hre kuti umwe aebda kubasa Me: Aaa mhamha zviri necessary hre izvozvo kuvaudza vakamira sani kuti zvadii ayewa ndiregei zvangu Her: Virgie izvozvo hazvichinji kuti ndibaba venyu vakauya vana tete vacho namai vacho mbune kukumbira ruregerero. Me: Mukavaregerera zve imi ini handina Vakatura mafemo mai Vee vachibva vangonyarara ndakabika mbuva yangu ndokunorara . Makuseni ndakamuka usiku utema kutsvaira chivanze kusuka kuti mhamha basa rizovarerukirawo ndakatsvaira, ndikasuka , ndikanochera 3 buckets kumugodhi kugarden ndikadzoka ndogadzira mukitchen ndichibva ndazogeza kuenda kuchikoro . Ndakaoneka mhamha ndainatsoona kuti uniform yakandigara . Takasvika kuchikoro hapana zvizhinji zvaiitwa day iri sezvo raiva zuva rokuvhura. *Stay tuned*
❤️ 👍 🙏 🤣 11

Comments