Ancy Cays Novels
June 8, 2025 at 08:35 AM
[04/29, 09:54] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/Ffl78gCai1m55MvI1uohRb *Vanofarira mabook aKatsande handei tese neuwandu hwedu kuchannel . Ndimo munowanikwa mabook angu ese zvese nemaprevious chapters erino iri. Kuinbox handipi book so please join the link below* https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *VIRGIN MOTHER* 🌷🌷🌷🌷 *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 5* *William* Ndichisvika kumba ndakatombogara mumota ndapererwa kuti saka vana vaya vanga vachandirova hre kana kuti . Hongu ndakavatadzira vana vangu but zvazosvika pakuda kurova ini hre ndakaita vave panyika. Ans maitiro avo vanotoratidza kuti vane hushingi chaihwo . Ndakapinda mumba ndikaudza vanhu mafambiro andanga ndaita ndikanzwa mai vave kuti ..... Her: Hah ivavo hre vana vakaregererwa chaiko namai vacho havana kana respect . Angagona zvinganiko Tsitsi kuraira vana nekunyarara ikoko haiwa ndizvo zvinoda vana vasina kurairwa kana vada kukurova bvaa varege vakadzi vanopera munyika nemota yako iyi unoswera wadiwa watoroora . Vana vekuti nyangwe vakasangana neni mbuya vanoignire kuita sevasingandizivi vana vakakura vachiudzwa zvakaipa pamusoro pemhuri ino. Nancy: Vana ava musava blamer zvinorwadza izvi vakakura upenyu hunorwadza ava zvavaipfeka maizviona kumishandira . Vana vakakasira kuva mature nguva isati yakwana . Grade 6 or 7 ipapa vanga votoita maricho kuti zvinhu vawane kurarama . Upenyu hwavo hwakazochinja vana vaya voshanda vaya ndipo patakaona maiguru votopfekawo navowo votoisawo shangu mugumbo baba variko uko vachidya nyika rutivi ini pain yavo ndinoinzwisisa . Imi munoda kuti vakumhoresei nezvamaivaita zviya . Vana ava vanotoda rudo chairwo kuvaswededza pedo nesu chaipo kuti vazive kuti vane hama. Dziri setsika chaidzo vanadzo vana vaya bvunzai vekuraini kwacho . Ukavashaira hunhu navo vanokushaira vagokurova futi. Itotendai Mwari kuti havana kukurovai bvunzai mai Ropa (Tendai) akaudziwa kuti i will let it slide zvamanje manje ukazvipamha futi kana kuti enderera mberi nekutaurisa izvozvi ndikukwature akanyarara kuti zii vamira vese. Vakabva vaseka Tendai naNancy ndakaona kuti vairevesa haikona zvamai zvokuda kuramva vachindiondonga . Ndakavatarisa ndikabva ndavaudza kuti ..... Me: Regai ndiite nyaya dzangu ndega ndiri kuda kuti vanhu vandotema kudoro kuya nemunda uri kumusoro uko ndiko kwandiri kuda kuvakira . Mhamha: Hezvo kwese uko hre unovaka kuti une mukadzi hre . .. Me: Ndiko kwandiri kuvakira ikoko pedo nemi vanhu handidi caz munoshungurudza mukadzi wangu zviri nane tishanyirane. Mukadzi wangu uyoyo ndiye wandichataurirana naye akauya nyangwe zvikatora nguva yakaita sei ndichatomumirira . Her: Wotodana iwo mabhanditi ako evana asingazezi nyangwe basa rechirume Me: Pavakatoshanda pakakwana ndaakuda kuvashandira inini baba vavo . Ndakangodya zvokungodarowo mumaziso angu ndaitoona mai 2 chete . Kugara kwese navo ndaisaziva kuti atoriwo nemacurve . Ndaisatoziva kuti chivakashure chake chinotopfachukirawo kudaro . Ndaiti pamwe ndichamuwana asakara asi kana kutoumbila kuita chibby chaicho . Ndakarara zvangu makuseni ndikamukira kuenda kwaVaMazo ndivo vaiva munyai wedu . Ndakasvika varipo ndakatotambirwa zvakanaka kupinda mumba . Him: Hezvo ko NdiVheremu ndazonatsotarisisa ndikaona ko tichakuzivai hre mave nematumbu emari kudai Me: Hah hapana apa Sekuru ko makadiiko . Him: Tofara makadiiwo muzukuru kuoneka uku Mbuya: Hezvo murume wamai Vee hre ko ndanga ndatotadza kuziva kuti ndiani . Ndimi zvenyu madzoka vana dzangova mhandara kudai Me: Ndini zvangu mbuya ko makadii. Her: Tinochengetwa muzukuru kwakanaka hre kwatatsikwa naVheremu. Sekuru,: Chiendai munosenga anoda kutaura dzechirume nyaua inhema hre Vheremu. Me: Ichokwadi Sekuru ndimi vandatovinga kuona Vakabva vabuda mbuya vacho ndouenda vanenge vaitovaziva kuti vanotaurisa . Takasara tagara tichibvunzana nyaya dziri general dzekumabasa nedzakaitika murainu tisipo ndufu dzakaitika ndikabva ndazopinza yangu yandanga ndafambira . Me: Sekuru muchiona ndauya kudai ndauya kuti mundiudzirewo vana baba kuti ndavingawo mhuri yangu. Ndinoziva ndakavatadzira asi ndiri mwanawo ndinoda kuregererwa chero zvese zvavati ndiite ndinoita sekuru mhuri yangu ndinoida . Ndakamboedza kunotaurirana navo asi ndakadzingirirwa nevana . Ndinovanzwisisa zvangu vaba vacho . Him: (Vachiseka) Vana Vee hre hah kana uchida kukonana navo itira mai vavo mashura vana vaya havadi namai vavo shame . Vana vakakurira nhamo vaya ndosaka muchiona vaine shungu dzakawanda kudaro . Munhu one anogona kuvatsiura vakanzwa ndiSekuru vacho Sabhuku nyangwe vakarwa nevanhu kuvaranditsira kunonetsa kunze kwekuti Sabhuku vauya vanongotaura kuti Virgie , Viola vanobva vatosiya munhu wavanenge vachirova . Ihasha chete but vanhu kwavo chaiko iwewo wanga warova wotoona kuti homwe yako yakasimba nokuti vakomana vacho vanoda mari zvasiyana baba vachiri vapenyu rega ndifonere baba Rameck ndiye mukuru . Vakatora phone yavo ndokuisa paloud hah vaipenga hanzi aimbovepi nguva yese iyi vakataura zvavanoda ndichibva vakazoti vaiuya mangwana . Ndakafara kuti zvinhu zvacho zvaikasira ndakaenda kumba moyo wave pari nane . Ndakakumbira number dzamai Virgie vakati vaiva vasina . Ndaizodziwanepi nhai . Ndakaenda kumba ndikasvika ndokutora bhemba ndikaenda kumunda kunotema hapasi oese paida kungobudisa mari uchigona zvimwe unotoitawo . Ndakanotema pakakura chaiko doro ndakaridira kuti mai Vee aifarira zvokurima rima izvi aizowana nzvimbo ine mvura . Ndakazoenda kumba nokuda kwenzara ndakanodya ndokumbozorora mbichana ndichibva ndadzoka ndikatema tema futi kudoro ndakapedza nezuva rimwe ndakatozodzoka kumba kwati hunderere. Ndakasvika kumba ndikageza ndikanodya ndokurara zvangu . Mangwana ndizvozvo ndakamukira kunotema pamunda wandaida kuvakira ndikapedza ndichibva ndaenda kumba ndakawana ndakamirirws vaVaMazo vachiti zvanga zvanzi ndiuye makuseni mangwana vanga vauya vana bambo. Ndakabva ndati ndinoenda ndega ndinopedza nyaya dzangu ndega . Makuseni ndakamuka ndikagadzirira ndokuenda ndaiva ndatotakura mari ndichibva ndakanotora munyai ndokuenda . Takasvika tikagara mushade vakauya vana tsano vese ndakavamhorosa ndikavabvunza mashoko munyai akataura nyaya yatanga tafambira vakatuma mwana kunodana mai Vee . Baba Rameck vakabva vati ..... Him: Nyaya iyi taiona senyore vana vako vakativhura meso what if wauya hako nechirwere chako makore ese aya usipo uchida kuzozadza mwana wamai vedu. Me: Tinotanga taenda kuno testiwa tisati tagarisana vana baba . Baba Rose: Avo vatete vosvika isu tinotevedzera zvavanoda ivo ndivo vanoziva marwadzisirano amakaita. Akasvika mukadzi wangu akanatsosunga Zambia rake zvakanaka . Akarohwa cut yake yeshort hair . Akasvika nekumhorosa vanhu achibva agara pasi . Akaudzwa zvataiva tavinga akabva angoti ," Vana baba wee aniremerwa ndeanemutoro waakasenga uye anonzwa kushinya kweshangu ndeakaipfeka . Inini kuti ndidzokere kumba kwana baba Vee hazvichabviri iko ndichadei vana vangu vakura." Vanhu vakambozama kutaura naye akaramba . Nyaya yakapedzisira yangonzi mozotaurirana muri vaviri kana tazofunga kugarisana tovaudza Ndakati handimboendi kumba patakabvapo ndakaenda kumba kwake mai Vee hantie vanga vati titaurirane havo . Ndakasvika agara panze pamumvuri achisenda madhumbe . Akasimuka ndikaona odzoka ane cheya ndikagara mberi kwake ndichitomuti ....... Me: Muri kuda kumabika hre ndinomada manhu aya makaarima akawanda hre . Her: Arimowo zvawo ndati ndiabike zvangu masikati ndidye . Me: Ok saka mai Vee ukuramba kuti tigarisane hre shaar pane akanditsiva hre . Her: Kutsiva muchirevei imimi hamungooni mega kuti hazviiti hre munoti kugara hre kwataiita kuya mumba muchiudzirwa zvese zvekuita . Nyangwe kutaura nyaya dzedu mumba wonzwa dzodiscussiwa hapana chamaiita mumba musina kuudzirwa zvino upenyu hre huya handingazvikwanisi hangu Me: I learnt from my mistakes shaar ndipoo mumwe mukana ndigadzirise pandakaresva Her: Nyoka nyangwe ikavhunura sei inongove nyoka izvozvo hazvichinje tsvagai zvenyu mumwe muroore inini handidzoki kumba kwenyu ndakatonaka ndakadai . Me: Usadaro shaar chindipawo number dzako ndichambokupa nguva yekuti ufunge . Its not like tiri kuvakira pedo nepamba . Ndonovakira kuminda iya yekuseri kwataimborima kare kuya kure nekumba toita zvinhu zvedu ikoko zvisinga involve vabereki . Ndakadzidza chidzidzo paya kuti ndakavatendera kuti vandiputse . Ndipoo umwe mukana mukadzi wangu . Vakasimuka ndokubva vaenda kunogadza madhumbe ndokudzoka nephone ndakabva ndatora number dzavo ndikasaver dzangu kuti daddy . Vakazviona havana zvavakataura . Takaita nyaya ndikamutora pic akavarairwa and haana kutozviona rakabuda sei pic racho ndakabva ndatoriisa pawallpaper ndikamutora mamwe ndikamubvunza nezvevana akati vanodzoka zuva rovira akatotaura kuti kana uchida kuregererwa nevana vako unofana kuvaratidza rodo ukasadaro hauhwini moyo yavo . Ndakaswerapo ndakatozobvapo pandaida kurohwa nechikuni chemoto yah vana vaiva nebitterness svinu chaiyo . Ndakavapa space ndichimbogadzira upenyu hwangu nemhuri yangu . Ndakarenter shop ndokubva ndaordera zvinhu ndikatsvaga mukomana aishandamo. Ndokuenda kumba ndikanoti vanhu vashoshe kudoro vamwe vachivaka 4 rooms . Basa rikatangwa kuitwa kuitwa . Ndainoswerako kumunda kumashops ndaizoendako manheru mai Vee ndaingotaura navo dziri general paphone . Rimwe day vakandiisira messege vachindiudza kuti Viola anga aramba chikoro akati onoshanda. Ndakabatikana kuti mwana arambe chikoro ndakatobvunzisisa akati aramba ega caz anotobhadharirwa neBeam . Ndakamuona aine chimbudzi ndakatora imwe phone yangu yaitove itsva ndikatenga mazigrocery angu ndokuenda kumba kwake ndikasvika ndikaburutsa zvinhu ndokumuudza kuti ndezvavo akatenda zvikuru worse pandakamupa phone . Ndakamudzidzisa kuti inoshanda sei . Ndikabva ndamuti ..... Me: Kurima unoda kurima nei ndiboorese mugodhi hre uzoita zvemapipe . Ndatososesa garden for now ndichazoita zvefence kana ndaona kuti kuvaka kwapera . Her: Munoda kuti ndinorimira kwenyu hre nhai Me: Zvandiri kuita ndiri kutoitira imimi ndimi mhuri yangu ndiregererewo mukadzi wangu Her: Asi ndimi makatuma vana mai nana tete mai Ropa kuuya kuzokumbira ruregerero Me: Evo handina kumbotaura navo ini. Her: Hoo hah maita basa regai ndiise mumba Ndanga ndisina kumbomupinda ndakatevera mumba macho ndikabva ndavhara door ndakamira ndakamutarisa akabva asiya phone pabed ndokuti .... Her: Ko zvadii ko baba Vee mavharirei door . Ndakafamba ndichienda paangac amire akaswedera kumashure kusvika adhumha madziro ndakasvikawo ndichibva ndadimudza musoro wake akada kuutizisa but zvakaramba ndakamunama nekiss . Akada kubhubha bhubha kusvika adzikama ega akuto responder ndakada kuenderera mberi akabva ati ..... Her: Umm no baba Vee hatitange tanotestwa plus nyangwe ndikada kukuregerera vana havadi Me; Vanav ndevedu iwewe ukangobvuma vanopedzisira vazvigamuchira kiyav madoors tiende paclinic apa tinotestiwa kwacho. Her: Kunyangwe tikaenda handisati ndava ready zvangu ndinoda kutanga ndambotaura nevana vangu first. Me: Unotora time yako bby ipapo Takabuda ndokubva taenda moyo wangu wakafara atleast panga pave nehope . Takasvika pachipatara ndokutorwa ropa. Ndatorwa ropa kudaro maresults akabuda tese takachena ndakafara zvisingaiti . Ndakavatengera chikafu vakati vaizonodyira mberi vaitiona pamashops hama chaidzo vaitongocommentet kuti vanhu imi dzokeranai . Ndakanovasiya kumba ndichibva ndaenda kumba ndikasvika ndichidarikira kunoona vaivaka . *Stay tuned* [04/29, 19:20] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/Ffl78gCai1m55MvI1uohRb *Vanofarira zvinyorwa zvaAncillar Katsande ngatipindei muchannel ndimo mamunowana zvinyorwa zvake pamwe chete nemaprevious ebook rino iri . Ngatipindei nelink iri pazasi our channel link* https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *VIRGIN  MOTHER* 🌷🌷🌷🌷🌷 *Story  by  Ancillar  Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter  6* *Viola* Kuparadzana  zvagara  kunongorwadza  ndakapinda mumota  ndichiti  pote  ndakanatsoona kuti  ndasiya mumwe  wangu . Pakamboita moment  of  silent  mukadzi  uya  airatidza kuti  anoseka  seka  vanga  vachinyarara vati  nduuu zvokuti  kuvatanga  aitova  makata . Ndakarambawo  ndakanyarara ndichibaya baya  phone  yangu  ndakazongonzwa  gadzi    racho  rofona  richiti  ndamuwana  bby  musikana  waita  basa .    Handina  kuda  kuteerera  nyaya  dzaro  ini  chandaida  ibasa  zvimwe  zvese  ndaisava  nebasa  nazvo . Yakarohwa  mota  vakuridza  amapiano .    Richitozunguzikawo ndakangoti mai  vanoda  zvinhu  ava .  Takasvika  late,.  Zimba  racho ngari kure  apa  aingogara   ari  oga . Her: Pamba ndepano Virginiah ndizvo ka . Me: Ndonzi Viola asara ndiye Virgin. Her: Ok iko makafananisa hameno kuti mai venyu vaikupatsanurai sei anyway its ok rega ndinokuratidza room yako . Pano ndinogara ndiri one vana vangu vari oversea ndiko kwavanopinda chikoro. Saka moita zvebasa ukashanda zvakanaka mari ndinowedzera Ndakatevera ndokuratidzwa room yangu ndikaisa bag rangu tikadzoka vakangodziisa chikafu tikadya ndokubva vanditi basa wotanga mangwana ndikati pakanaka . Ndakanorara zvangu ndikambotaura naVirgie ndichimuudza zvaivapo pamwe nekumuudza kuti ndasvika . Makuseni ndakamuka ndikanoita basa rangu hapana kana basa rainyanya kushandwa . Ndakageza ndikachinjawo vakazomuka vatochena chena vachiti vari kuenda kubasa vakangondiudza zvekuti ndiye nezvekubika manheru vachibva vaenda . Ndakasara ndikatsvaga tsvaga zvinhu ndichizvidyira hangu . Hah pakudya ndiko kwaiva kubasa ndaifana kudzokera kumba ndava monya chaiyo . Ndakaswera ndatogara ndikataura naViny achitobvunza kuti ndaiva sei iye aiti aive kubasa ndikati bhoo . Ndakatomboenda kugate kunoita nyaya nemukomana aiita zvegarden ndiye aiita zvekuvhura futu gate . Ainzi Jacob ndakagara pasi akabva atoti ," Hah uri chinyama Viola zvino uchida kugara pabada usanyengwa nezvikomba zvamai avo . Aivapo akaita gore rese akazoirasa pakunyengwa nechikomba chavo chinova ndicho chakatlmuroora izvozvi ." Me: Aaaa ndingadanana nevanhu vakuru kuti ndadii haiwa handiite izvozvo ini . Him: Asi unoti vakomana vacho vakuru kai mazera edu iwaya vanoita zvema Ben 10 mai ava . Vanotori nemaBen 10 avo 3 andoziva but pane 1 wavanodisa iyeye vakatomutengera mota manje manje pabirthday rake . Inini kungokupawo advice kuti uite zvebasa usiyane nezvakawanda . Me: Ummm handiite ini pamari apa vanopa zvavo yakanaka . Him: Haana kuomera mukadzi uyu munhu wemari dzake nyangwe maoff vanopa vhiki chaiyo uri kuoff unotonoona vamwe ukadzoka . Takataura dzakawanda ndokubva ndaenda kunogadzirira zvokubika manheru kushandisa zvinhu zvemagetsi hazvina kundinetsa caz kuchikoro taimbotumwa kunobikira vamwe madam palunch . Ndaizviziva ndakanobika vakatosvika ndisingatombonzwi vakandidana ndikaenda kulounge kwavaive ndakusvika ndakati asi mashura kai andaiona vaiva vakagara do close naViny vachimubata bata zvindebvu zvake . Ndakarova muchinjikwa kwatatu ndikati Mwari ndibatsirei . Iye paakandiona Viny akapa excuse yekuenda kurest room handina kuda kutaura ndakangovati ndauya . Ndikanzi ndigare pasi ndakagara ndikanzwa vave kuti .... Her: Wabika zvinonhuwirira hazvisati zvaita hre ndabva ndatonzwa nenzara . Ko Viola Viny unomuziva pakudii i mean chii chako . Me: Ndongomuzivira kumaraini kwedu ikoko we have nothing in common . Her: Ok because reaction yaaita paakuona its unlike him . Iye akabva adzoka akasvika achigara pavanga vari ndikaona voswedera paari ndokubva vamufuratira ndokurara vakaisa musoro wavo pamakumbo ake ndakarwadziwa kusvika mumongo ndakazongovati regai ndinopedzisa kubika ndigokupai chikafu zvamuri kuti mave nenzara. Ndakangobva ndega ndatoona kuti mai vanoda kundishaira hunhu ava ipapo vanga vakungosekenyeka nhema ndakaenda mukitchen ndikasvika ndikabata musoro kurwadziwa veduwe saka ndizvo zvaaida ndione hre izvi Viny achinyepa kuti ihanzvadzi yake mai ava . Ndakapedzisa kubika ndikadisher chikafu hre isarura ude ndakati ndichipedza kudya ndakasuka mandiro ivo vanga vosekedzana vari kuroom kwavo . Ndakabva ndaends kuroom kwanguwo kunorara . Amana hope hadzibati uchinatsonzwa kuziva kuti munhu wangu ari kurara nembuya iyoyo . Ndakarara ndichingoshanduka hope dzakaenda kure . Ndakamboda kuudza Virgie asi umwe moyo ukati rega Virgie obvious zvevakomana izvi haazvinzwisisi anongokuudza kuti siyana naye . Ndave kutobatwa nehope ndipo pandakanzwa knock padoor ndakashaya kuti ndiani . Ndakangofunga kuti ndimai vaya . Ndakamuka ndikavhura door to my surprice aiva Viny zvake akangosvika nekutopinda . Ndakaramba ndakamira padoot ndichibvunza kuti aidei akabva ati ..... Him: Mubvunzo rudzii iwoyo Virgie ndokuda bby ndosaja ndauya . Me: Kundida kwekuita sei iwe uchihura nemai yese iyoyi ndosisi vako vacho wawaireva . Buda hako uende kumai vako handidi zvekusiiswa basa rangu ini wakaita hako ukanditsvagira basa forget about me . Him: Ukutamba hako kai Virgie shaar ino itown rega ndikutipire shaar ndikuda mari chete kune mai iyi iri clean haina chigwere takatosetwa saka apa company yangu ichidiki pane zvandiri kungoda kuti zviite ndotoidumper ndezvenguva diki Virgie ndotoisiya then ndotokuroora tinenge tatova muupfu shaar . Me: Iii buda hako muno Viny uende ayewa handingambodi tsvina idzodzo ipapa vakabuda unoda kuti ndidzingwe basa ndizvo zvauri kuda chete . Plus handisi Virgie ini ndonzi Viola Virgie asara Him: Ndapedza navo kudhara haambouyi kuno but iwewe ndiwe wandakadanana naye zve saka bhoo Viola pano ndakakutsvagira caz ndoziva kuti vanobhadhara plus panobika zvinhu magroceries aya vanongotenga nemacartoon unoba uchindipa ndichitonopa vana mai vako kumusha uko . Panongoda musori chete ngatitambe tese uone kuti tinoita mari nenguva diki . Me:Iii kana Viny handichadi nezvako buda uende Him: Unotamba hako kani haundirambi Viola caz iwewe ndiwe wandakatosarudza kuti uri mukadzi wangu . Haiperi iyi dear inenge ichingoripo ndiri kuda kutokupa izvozvi . Me: Ndirege zvangu . Akandibata achida kundisundira pabed takabidiritsana aiti akati gare gare otarisa time . Pane pamwe paakati shit 10 minutes left . Hameno airevei akabva achiita zveumhuka chaizvo ndakadamburirwa zvinhu zvangu akanatsondiita zvine urough mukati ndakaridza mhere but ndainzwika naniko muzimba rese iroro zimai racho kana kuuyawo to my rescue zvanga zvatoendwa veduwe kungouya nekutobviswa umhandara hre veduwe . Ndakamutarisa iye akabva pamusoro pangu ndokubva abudisa mari $100 Us ndokukanda padressing table achibvs ati ..... Him: thanks bby wanga wakazvichengeta wotenga zvaunodawo handisi kukubhadhara but ndiri kutenda . Time dzotopera bby i love you ziva izvozvo and i am going to mary you this is juss a phase inopfuura . Akabva atobuda achimhanya ndokuenda ndikasara ndakagara pasi zvangu ndichingochema ndiyo town yacho hre veduwe Viny haadaro angandibata apa abva kuzimai riya ndakanzwa kurwadziwa . Ndakabvisa masheets anga aresveka ndokutub muroom mangu imomo maiva nedoor raiva netub netoilet . Ndakabva ndatarisa time kwaiva kuma 1pm chaiko ndakabva ndarara ndasetter alarm . Ndakarara ndikamutswa nealarm ndokugeza ndichibva ndazoshingirira kufamba kuenda kuno cleaner mari iya ndakangoisa mubag rangu . Vakazomuka zvavo malove birds vakabuda vatopenya penya havana kuda kudya vakabva vaenda umwe neumwe ari mumota yake . Ndiri mukitchen phone yangu ndakainzwa kuringer mulounge mandanga ndaisiya . Ndokubva ndanoitora aiva Viny aifoma ndakadaira . 📱 hello 📱 hess bby wamuka sei nhasi usafunge zvisina basa Viola hantie ndokudisa wanzwa wakandikoshera mukadzi wangu 📱 Une utsinye 📱 thats the only thing chandaona chingaita kuti urambe uri wangu . Ndiri kuda kutosiyana naro zimai iri iwe wavapo kudai zvatoita pakauya mumwe munhu asiri ini tell me ndiko kutoti ndisiyane naye one more thing number dzangu dziise mumusoro usadzi saver caz anozoda kupenengura phone yako ari kususpecter kuti tinodanana . Anything chaunoda unotaura bby. Ndakangobvumira achibva acutter ndikaisa number dzake mumusoro ndokudeleter conversation . Ndikaita basa rangu fast ndokunowacha masheets aya ndikanika ndikarara hope chaidzo . Takaita madays anenge 6 naViny taingotaura tichiita izvozvo. Mai iya yakauya neumwe mukomana zvekare wechidiki ummmm mai vaida zvinhu ivava ndapa kutenda zvangu ndosaka vakada kugara vega vachiisa vana vese kunze kwenyika. Ndakamirira vaenda kunorara ndikabva ndaudza Viny akangoti hoo. Achibva anyarara zvake . Ndaiti ka achauya but ndakatosvika pakubatwa nehope ndikazopepuka neruzha rwaiitwa mamai vaya neumwe murume ndanatsozcinzwisisa kuti mumba mapinda vanhu . Ndakaramba ndakati kwatu door rangu rakarohwa richivhurika ndikabva ndatendekerwa banga munhu achiti buda . Apa zibanga racho raiita kuvaima vaima . Ndakabuda ndikanogodama paiva nanamai vaya nanagateman anga auyiswawo nemhuri yake imomo . Vakarova mai vaya ndakanzwa tsitsi vairohwa nekumagaro kwepfuti vachinzi tipe mari vakashinga mai ava kuramba . Chikomba chiya chikarohwa chikapedzisira chati irimo musefa make umo. Akanzi aende nemumwe marume aivapo vaisvika 5 2 ndivo vakaenda nemurume uya vakaenda vakadzoka isu tanga takangotarisa pasi . Sefa yacho yaiva yeglass ime mapoka mapoka yakaitwa zvekupwanya pasi maiva nezvakawanda zvimwe zvaitaima taima vakanongera zvese vachibva vasiya vati munhu wese vata wakatarisa pasi ukasumudza musoro wafa . Takatara ini ndanga ndongobvunza zvangu takazosara tomuka mai vaya vakabata gotsi vakachema chikomba chakaita kurohwa mbama chichinzi wataurirei . Hapana anida kurohwa chatotaura kuti saka wanga uchida ndife hre Ndakabva ndaenda kuroom kwangu vakati vaimukira kumapurisa saka tisawana chatinobata vamwe nevamwe kuroom kwavo. Takaenda kunorara ini ndaisava nezvaindinetsa caz mari yacho yaisava yangu ndakanatsodzipfodora . Mangwana makuseni ndakamuka ndigere zvangu mapurisa akauyiwa nawo tikabvunzwa bvunzwa mibvunzo yandaiziva ndaipindurawo mapurisa anozonyanya vangabvunza kuti rudzi rwebanga rawakatendekerwa irudzii ndikangoti handizivi . Hapana asina kubvunzwa . Vakabva vaenda ndokusara ndocleaner day iri havana kuenda kubasa nofunga istress nyangwe chikafu vakaramba . *Stay tuned* [04/30, 15:04] null: https://chat.whatsapp.com/Ffl78gCai1m55MvI1uohRb *Our channel link iri pazasi vanofarira zvinyorwa zvaAncillar Katsande ngatipindei tese imomo* https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *VIRGIN MOTHER* Story by Ancillar Katsande 0778863031 Chapter 7 Virginia* Pane team raida kutondidenha maybe vaifunga kuti ndaivimba naViola hre hameno . Akazotiza musikana iyeye ndamupa 1 chete yepaziso apa tave kuenda kumba . Its not like ndiri munhu weviolence noo but handigoni yep yep ndinongopedzera shungu mumaoko . Takafamba zvedu road yese vana Fungai vachiseka kuti vatovinga munhu anorova wacho . Ndakatozovanyaradza ndakuisa yediscussion yatanga taudzwa kuti tinoreseacher nezcetopic yeweathering kuGeo . Takatozoparadzana tava nezvakawanda zvinobatika ndichibva ndaenda kumba karoad kacho ndaizokafamba ndega ndipo pandakasangana nehanzvadzo dzemdara wangu vachiyambuka chikova ini ndichitoda kutochiyambukawo ndakaona umwe wacho amira mberi kwangu caz ndanga ndichida kutovadarika ndanga ndisina pfungwa dzekuti ndivamhorese infact i hate them with passion . Nancy: hevoizve vamagumbo ko muri sei . Me; Magumbo inini do i have a toterm ummm i berg handisi kuda zvehondo nemi let me pass tichiri kunzwanana caz mukandishaira hunhu ndokushairai . Hamusimi hre maitsigirana namai venyu kuti hatisi vekwenyu . Hamusimi hre maiti mai vangu vakahura kumaporofita hmmm . Dont start askana hweeee caz if you do nxu nxu nxu . Tendai: Mainini takatadza hatikodzeri kuregererwa hre . Yes we mislead our brothet but takaona kuti takatadza mai venyu vakatiregerera kwasara imi yes tingakonana hedu asi ngatisiye pehukama muri hama yedu izvozvo hazvichinji . Me: Look at this one ooooh Ndaitaura ndichifunda zvibhakera ndainzwa kuda kuvaregedzera one one . Ndainzwa kuda kuvapa mugove wavo vakabva vafamba vachienda ndikasara ndakavamira ndichibva ndarova mhepo ndichiridza tsamwa sekuru Von hameno vakabudikira nepi vaine magumboots vakabata tyava hameno vaifudza mombe hre. Vakatanga kuseka zvavo vachibva vati ..... Him: Ihasha hre Zale hah iwewe nyangwe murume achakuwana akasasimba anogara akarohwa Me: Bhoo hre vandibhowa mhani . Him: But ihama dzako tetes tatovaona vakadya window mumota yatsano iwe uchiri wakasunga chigumbu vanhu vaviri vave kutowirirana . Usapindira nyaya dzevabereki zale iwewe uri mwana allow that man to take carw of you zvavakatadza makore ese aya mutendere akuitirei . Me: Matangawo imi regai ndiende hangu ko muno mumasango muri kutsvageiko muri kutaimira ani . Her: Pane imwe chukas yakapinda muarea muramu waJokonia hah iyeye Zale chizimbe chinobvira kuti bvrrrrriiii. Ndomudisa waibata ndamuona achidarika apa nebucket vanenge vanga vaenda kuborehole i am sure ikozvino vodzoka . Me: Hah ok good luck . Ndakavasiya ndave kuenda zvangu ndichikweva makumbo angu ndaiva ndatoneta zvangu nekufamba . Ndakasvika kumba ndikawana door remubedroom rakavhurwa ndakasvika mhamha vaine bango rephone rapenengura penengura vachisekerera . Vakatovhunduka caz i jusa budge ini paisava neneed yekuti ndigogodze caz mumba medu . Vakaisa phone paside pavo ndikaita zvangu sendisina kuiona ndikavaswedza vakadaira . Ndakachinja uniform yangu ndikaisa muwashen basket mauniform ndanga ndave nawo atowanda ekuti ndaichinjanisa kubva Monday to Friday caz aViola ese anga ave angu zvese nemasocks . Her: aaa nhasi makasira kubuda . Me: Eee izuva rekutanga hapana zvanga zvichinyanyoitwako . Ko zvinhu zvese izvi zvakazara zara muno zvauya nani . Ndezvaani . Her: Zvauya nababa venyu igrocery rekuti mudye vatoti kana pane zvaunoda zvekuchikoro uvaudze . Me: Aaa kare kese aka ndaimboudza ivo hre ndozvionera ini Her: Chienda unotora chikafu uuye nacho udyire muno umu ndine zvandinoda kutaura newe Me: Kana zviri zvababa 2 venyu ini handidi kuzvinzwa mhamha . Ndazvinzwa kars kuti maonekwa muri mumota muchipengesana but i inini i am not ready to forgive him . Kana mada munogona henyu kunogara nemurume wenyu ini ndosara pano . Vakasara vodana zita rangu ndatobuda kare i respect my momy very much but baba ava vanongonyuka vanhu vave pedo kuda kutoroorwa vaivepi nguva dzese . Hakusi kuda kudya zvausakarima hre ikoko ndakapinda mukitchen ndikatora rice yange yabikwa nesausage ndikatora cup yemvura ndokubuda panze ndikaona vouya mai neimwe cup vakasvika vakagara pedo neni mucup maiva nedrink . Her: Handina kubika tea ndaona drink rauya nababa venyu iri . Diluter umwe nerice iyoyo. Handina kumbotaura ndakangotora ndikadiluter ndichibva ndanatsozviponda zvokuti zvabva kunani handiba kuzviisa mumusoro izvo chandaida kuzadza dumbu rangu zvizhinji ndanga ndisinei nazvo . Vakada kuedza kuuyisa topic iyoyo ndikasimuka . Havana zvavakazotaurazve ndakaita zvandaiita kusuka kunochera mvura ndiri zii. Ndakabika ivo vari ziii runyararo rwanga rwavapo rwanga rwaakutobhowa. Ndakazvibvunza kuti ndaresvera mai vangu hre zvovoita sevatsamwa . Ndakabika ndikapedza vakaramba kudya ndikangovasiya vari mukitchen ndichibva ndanowadza vakazouya ndatofuka musoro vaingotura mafemo ndaivanzwa zvangu . Ndaitaura naViola handina kuda kumuudza kuti mai vake vadyira murume wavo ndakanyarara ndaida kuona kwazvaisvika . Iye aitiwo kubasa kwake kuri boe akatondivimbisa kuti akawa mukana achandiisira mari pamukuru kana paeccocash. . Ndakatobvunza kuti mari ainge aiwanepi iye achangoshanda akanditi ndapihwa half pay kuti nditengewo zvihembe ndipo paachatumira ndakada kutomuti atenge hembe dzake since mari yatainge tashanda yaivapo . Akabva aramba achi insister kuti anotumira ndikapedzisira ndangoti bhoo. Ndakatozobatirwa nehope ndikamuka kuseni kunoita basa rangu ndisati ndaenda kuchikoro semazuva ose . Ndakavamutsa mhamha vakaramba vakanyarara ndakatotaura ka2 kese vari zii zvavo ndakachinja uniform ndikabuda ndikaenda kuchikoro Ndakasvikirana nebhera kuchikoro ndikaenda paassembly ndini ndakato addreser assembly yacho. Ndiri prefect headmaster vakauya vakataura zvavaida concerning nyaya dzemaschool fees vaida kutodzinga vana vechikoro day iroro . Vanhu vakaenda mumaclass hameno isu veBeam taisadzingwa hre . Ndakaenda kuclassroom after vamwe vaenda ndikaenda kunogara pasi ndaladanwa kustaff room ndikaenda ndakasvika mateachers akagara ese ndikabvunzwa kuti ndini ani Pakati paViola naVirginia umwe teacher weShona aitova student teacher akabva ati ..... Him: Let me guess kuti ndiani . Senior teacher: Hah ini handimbozivi zvangu ipapa what i know is Virginia anogona fast learner whilst Viola i slow learner anoda patience chaidzo caz anonoka kubata Taura tinzwe Masukume ndiani uyu Him: Ok seka tione Kwanga kobvirwa ini mateacher ese aivamo akaseka neni ndikapedzisira ndaseka vakabva vati.... Him: NdiVirginia uyu . Mamwe mateacher akabvunza kana ndaive Virgie ndikati ehe vakachitanga kubvunza kuti sei wati aseke chii chaunoona kana vachiseka kana ari masaka vese vanawo. Him: Virginia ane madimples 2 Viola ane 1 ndomazivire andakavaita . Asi kana vakamira apa vese vakanyarara vasingaseki kana kusmiler zvako handizivi kuti uyu ndeupi uyu ndeupi Yoh vaitoongororavo ava ini ndaisatozvitarisa zvese izvozvo valabvunza kuti umwe aivepi ndikavanyepera zvangu kuti akupinda chikoro kuHarare . Vakabva vati ndiende ndizvo zvega zvavanga vandidanira . Mateachers aya aitopenga kutonditadzisa kuverenga zvangu vachibvunzana zvisina basa . Ndakasvika ndikagara mucorner mdimo mandaigara kwekupedzisira nadesky wangu mukomana ainzi Tafadzwa ndiye akauya kugara neni kubva zvichivhurwa maybe anga aona kuti Violet haapo . Saka ndaiti ndikabata book reScience ndikaenda patopic yeReproduction in human ndipo paaiendawo ndaibva ndauta senge ndaisamuona ndikabvapo ndikaenda paScience in industry ndiri pamastrokes iye akabva aendawo . Ndakazomurega ndikatoverenga ipapo since first 2 lessons aiva mafree period . First lesson yakapera tave musecond ndipo paakazoti .... Him: Desky pamatopic ataverenga regai ndikuudzei zvandabata zvandinenge ndasiya monditsanangurirawo tichitoenda timboita discussion . I like the idea kune munhu anoda zvekudzidza zvake i will help zvangu . Akataura zvaanga abatawo ndakachizomutsanangurira zvaaisanzwisisa kusvika anatsogutsika akuti yah ndanatsonzwisisa . Him: someone told me ukadyidzaba nevanogona nyangwe uri paaverage unopedzisira wogonawo zvinoda shungu tave kuda kundonyora ka next year tinenge tatove macandidates saka hazvichadi kurelaxer manhingi Me: Taura hako . Takaverenga ndokubva kwauya teacher veMaths tikaita maths kusvika pabreak . Ndanga ndatova nenew friend yangu Tafadzwa . All along ndaisava nefriend Viola neni tanga takatokwana takadaro . Nhamo yakazouya tachaisa ndave kufunga chimiro chekumba kuti mai Vee vaisada kutaura neni juss because ndaramba kunzwa nezvemurume wavo . Ndakasvika kumba ndikawana vasipi makeys aingova pavaiisa mazuva ese . Vakatozouya ndave kuda kutobika ndipo pavakaburuka mumota namdara . Handina kuda kutaura ndakaramba ndichi concentrater nezvandaiita vakapinda mukitchen mandaiva vaine satchel yavanga vakabereka ivo mdara nepaperbag . Him; Magumbo wangu uri boe hre mwana wangu . Ndakaramba ndiri zii ndichitokutidzira moto mhamha vaiva vakagara pabench vakangotarisawo baba vaya vakaenderera mberi voti ..... Him: Mwanangu ndoziva ndakakutadzira ndiregererewo nditendere ndicorrecter pandakatadza ok . Ndakuvigira mabook andatenga pandaenda kuorder these books anokubatsira mamwe ane maquestion nema answers . Matext book ari musatchel umu . Umu mune chikafu chatakuvigira mhamha vati havana kubika zvemasikati . Ndakangovatarisa ndichibva ndabuda panze ndikaenda mubedroom ndaiva neshungu dzakawanda kuti shuwa mhamha varegerera munhu uyu so easily ndikafunga pataitambura tisina aimira nesu vongomuregerera juss like that . Chiiko nhai munhuwi wepetrol hre chii chaizvo . Vanga vatovavimba zvokuona kuti vachinja hre ndakachema kubuda misodzi chaiyo zvakatondibetsera caz dai ndaramba ndiri mumba imomo ndaiita zvimwe vakatozonditsamwira worse . Ndakabva ndatowadza ndokurara ndakarara nenzara yangu mhamha handina kutombonzwa nguva yavakauya even kutaura naviola day iri handina. Days passed kusvika muweekend pamba paine mamoods kudaro . Mugovera ndichida kutonotengesa ndipo pakauya mainini Farisai vachiti ndaidiwa naSekuru sabhuku . Mhamha vakange vakagara zvavo pamushana . Ndakabva ndatoenda aaa sekuru kundidana kwanga kwakatonaka hre . Ndakasvika vachiveza mupini ndikasvika ndichitowanzirana nambuya Me: Vauya varidzi vepamusha hantie maona kuti tadanwa isu hre imi muripo mbuya kuratidza kuti isu tinorema Her: Hah mati ndichadei zvangu kudhara iyoyi ndotodawo svava dzichine energy takatosiira imimi munoda zvapera muto. Ndakaseka zvangu mbuya vaisashaya chekutaura vaida Viola ndiye aivagona ini zvekutaura zvaindinetsa . Ndakabva ndanzi nasekuru ndiuye kwavaiva ndakavamutsa ndikagara pasi mbuya vakauyawo nechitehwe chavo ndikanzwa Sekuru vave kuti ..... Him: Mubible mune mutemo wekutu Kudza baba namai vako kuti mazuva ako agowedzerwa panyika ndizvo zvauri kuita hre uri kuvakudza hre vabereki ? Umwe muimbi akaimba hameno kana muchimuziva wechitendero akaimba akati , 🎤🎤🎤 *Pfuma nenhaka zvinobva kuvabereki asi mukadzi akanaka anobva kuma Mwari.....* ini ndiri kuda pekuti pfuma nenhaka zvinobva kuvabereki zvino ndinoda kuti iwe muzukuru wangu undiudze kuti zvako zvichabvepi iwe usingavadi vabereki vacho . Baba chinonzi baba chinhu chakakosha muupenyu hwemunhu uya wemubhaibheri wekuda fuma baba vari vapenyu akandoiparadza akadzoka ochemera kunani havasi ivo baba hre . Hanzu baba ndakatadza kudenga nepanyika ndiitei muranda musandiita mwana wenyu anga aona kuti aresvera baba vake zvakanyanya sababa vakamutora semwana . Ko iwe yako imhaka rudziiko isingaregerererwe munhu vari kuzama wani baba vako muzukuru havana kuti nditore undione sababa vako now but effort yavari kuisa hauioniwo hre . Pamwe iwe hako ipapo hautadzi Mwari vekudenga vokuramwa hre paunenge waresva paya munounamatirei munamato uya paya pamunoto ndiregerereiwo sekuregerera kwandinovaita vakanditadzira . Iwe wega ndiwe unoda kuregererwa iwe usingagoni kuregerera vacho vakakutadzira . Vakambomira kutaura vachikosora ini ndakaramba ndiri zii kwaienda nyaya yavo ndanga ndakuona ipapa ndaidzeya each and every word raraurwa nemusharukwa uyu . Mbuya vakabva vagadzirawo pahuro pavo ndikanzwa voimbawo. Her:🎤🎤* Chisungo chekudenga nhai vana vaMwari chakasungwa pasi pano nekudenga chasungwa.....* iwewe ipapo pauri kana wakatonyorerwa kuti uchamitiswa munzira yako yeupenyu nyangwe ukava carefull sei panosvika chete paunomitiswa hapana waunozvirambira . Ko ivo mai vako munzira mavo kana panga pakatonzi vachasiiwa nemurume agodzokazve vagogarisana unoda kuzvirambira ani . Chimwe chaunofanira kuziva ndechekuti ungangwara ngwara sei asi pane pamwe panongoda baba ivavo vaunoramba . Hatirambi kuti baba venyu vakaresva haiwa ipapo tinotomusunga nenyaya . Ukaona baba vozvirereka kuti ndalatadzira mukadzi wangu nevana ndinovaripa zvangu vandione sababa vavo . Iwewe uripise baba iwe . Kuripa mai honfu vanoripa asi iwe haizvioni muzukuru kuti kushaina kusina basa rese . Sekuru: Yah une nzeve iwe Virgie une pfungwa iwe dzekufunga .zvatakuudza izvi funga kaviri. Baba vakuda mhuri yavo mai vari kuti havangabvumi imi vana muchipokana nazvo . Ivo moyo wavo unoda murume wavo asi nokuda kwenyu vanotozvi panicha . Usakwidza mwana wangu bp kumupa punishment yakadaro. Unoti vakura hre mai vako hee muzukuru usade nditaure zvisina basa vanodawo munhurume pedo navo unoda kuti vahure hre woona mumba muchibuda chikomba ndizvo zvaunoda hee . Enda unofunga muzukuru wangu ndizvo zvandakudanira chete handidi mhinduro yako enda kumba unofunga kana uchigona kuita action woita ndapedza newe . Ndakabva ndaoneka ndokuenda kumba munzira mess ndaifungisisa handina kumboona kuti kumba ndasvika sei . Pandakasiya mai vakagara ndipo pandakangovaona vari . Ndakapinda mukitchen ndikatora chigaro ndichibva ndabuda nacho ndokunogara pavanga vari ndakafunga kuti ndaive ndavashungurudza zvakanyanya vhiki yese pasina kutaudzana ndakachema ndakaisa musoro pamakumbo pavo . Vakangondibata vachindipuruzira ndakachema kusvika shungu dzapera ndichibva ndazoti ....... *stay tuned* [05/01, 12:27] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/Ffl78gCai1m55MvI1uohRb *Our channel link iri pazasi vanofarira zvinyorwa zvaAncillar Katsande ngatipindei tese imomo nevanoda maprevious chapters ebook irori ngatipindei tinonzinzwira ikoko* https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *VIRGIN  MOTHER* 🌷🌷🌷🌷 *Story  by  Ancillar  Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter  8* *Viola* Pain  yekubirwa ndoiziva mai  ava ndainatsovanzwira mari  yese iya  yakawararika  pasi . Zvanga zvakaoma  plus  vaitove nemafindifuza  ekurohwa. Kungoti munhu zvake  ane nyama dzakawanda matako  ndiwo  ainyanya kurohwa .  Vanwe  chikafu  taiita  chokuranga  vamwe vachichirangarira zvagara  kufa  kwemujoni  kamba  haivharwe . Ndapedza basa rangu ndakatoenda  kuna  gateman  uya  Jacob  ndine  zvandaida kunzwisisa . Ndakanogara  iye  akabva  atonditi ..... Him: Ummmm  mbama  yandakachekereswa nezuro  ndakatorara  namadam apa  titori  pamatch  hah zvigaro  zvopetana  izvi  wanatsokiiwa chaizvo  iwe  hauna  kurohwavo hre . Ndaisada kuseka  asi ndakaerekana ndaseka ndosaka  akange  apfeka  kabudura chete    raitoratidza kuti mukati  hamuna chivharangozi  caz  sajeni  vaingoti  ngwera ngwera ndakazvifunga  paakasimuka  achimhanya  kuenda  kucottage kwavo matsotsi  aenda.  Me: Pakaipa  kani  ini  ndakaiswa   banga  pahuro   chaipo  ndikabva  mumba  ndichiita  sendichazviwetera  ndakazongoona  munhu  wese  agadzikwa  pasi ndipo pandakangoti  tiri  tese  munyatwa  saka  muri  sei . Him: Tichataura  dzipiko  ivo  madam  vakatindingurwa  sengoma  vari  kutogona  kugara  hre . Me: Vari  kugara  but  utsinye  hwacho  ndiani anga  akavataimira  kudaro . Him: Madam  munhu wemagame  ava  hausati  wavaziva   regai  vabhoshiwe  vakambobhosha  mumwe mdara  company  yake akaita  seachasiya mhuri ongoti  take  take  navo . Vakazomuramba  angova  svari  ko  vanovhura  hombe  zveava.  Vane  maopponets akawanda  kuti  vazive  chaiko kuti zvabva  kunani  havazivi  ipapa  vanogona  kungofungira munhu  wese wese . Me: Inga  zvakaoma  apa  varamba  nokudya  chikomana  chavaiva  nacho  chadzingwa  sembwa  vakarohwa  nestesss  shamw  unotovanzwira  tsitsi . Him: So  far  watoona  vaviri  zve  mazuvaano ndivo  vari  kurira  ivavo  vaviri . Wavakatengera mota  akaroora  musikana  aishanda  ipapa  vakabva  vatomublacklister . Me: Zvakaoma  henyu . Zvandanga  ndichida kunzwa ndanga  ndatozvinzwa  ndakabva  ndambogara zvishoma ndakazoenda mumba  ndonzwa  kudeedzwa .  Ndakaenda  ndikanogara  paSofa  pavanga  vari  vakabva  vati ..... Her: Hauna  kukuvadzwa  hre  pawakavingwa  kuroom  kwako . Me: handina  only  kascratch  kebanga  raanga akandiisa  pahuro .  Ko  imi  mave  kunzwa sei .  Her: Ndosaka  ndatokudana  ndokumbirawo  unditovewo  ndiri  kutogara  neside  hapasi  kugarika  zvakanaka .v Me::Ok  ko madii kuenda  kuchipatara chaiko mandoonekwa  pamwe  makakuvarira mukati . Her:  Ingadai  ndaenda  asi  kuti    doctor  wangu  ari  kuKadoma  ari  kuuya  mangwana  ndiye  atotaura zvekuti  nditovewe  kana  pane  ,pane   ropa  radunduvira   rinzwe  heat  rigone  kufamba  zvakanaka . Ndakabvumirana  nazvo  ndichibva  ndaenda  kunoisa mvura mucattle  yaboiler  ndichibva  ndaisa  mubucket  ndokuchienda  kunovatova  tova .    Hah  munhu  akasimbisa  kudai  akaipirwa  nemuviri  asina  nhumbi  veduwe uchimuona  akapfeka  unovati  hevanoi  vakadzi  vakaumbika .  Ndakapedza  ndichibva  ndaenda  kuroom kwangu    ndikanogara  pasi  ndakabata  mari  iya   yaive  yasiiwa  naViny  ndichifunga  kuti  ndoita  sei  nayo .  Ndakabva  ndafunga  kuti  nditoendesa  hangu  kumusha   kunana Virgie  ini  ndaizozviona papay  ndakabva  ndatotaura  naye  akada kumbobvunzisisa   ndikangomuti  ndeye  pay .  Ndakada  kumbomuudza  zvaitika  kwandiri  asi  Virgie  hre    nokuudzisa .  Unogona  kutoudzwa  kuti  ndizvo  zvawaida  deal  with  it Ndakati  regau  ndinyarare  ndakatora  phone  yangu  yanga  ine  2  mamissed  calls  eprivate  number .  Ndakangosiyawo  zvakadaro  ko  ndaifona  back  sei.  Ndakatarisa messege  yaivamo wanei  yaive  messege  yeEccocash  ndanga  ndaisirwa  mari  naViny . Ndakabva  ndaenda  kuwhatsap zvekare  ndikazoona  kune  number  dzaViny  anga  aisa  messege  achibvunza  kuti  handina  kukuvara  hre .  Ndakatoshaya  kuti  shoko  ranga  ratosvika  kwaariwo  ndakatobva  ndamupindura  kuti  ndaiva  pasafe  side  bby  rake  ndoraive  risingagone  kugara  akabva  atopindura n ipapo  ipapo. ✉️  shaar  bby  rangu  ndiwe  iwewe  kana  uri  safe  saka  zvese  bhoo.  Ndiri  kutsvaga  kuti  ndokuona  kupi  bby  timbotaura  but  ipapo  unenge  wambobva  sei. ✉️  maybe  kana  vadzokera  kubasa ikozvino varipo ko iwewe wakanzwa nani kuti pakabiwa pano . ✉️ Shoko rinombomira kufamba hre pawakafona paya ndaitova kubasa saka ndisina kuzouya ndakatofamba naMwari pamwe ndaizouya ndikarohwawo ikoko . Kana iwewe uri bhoo pakanaka ndafara wozondiudza paunoona voenda kubasa kwacho ndizokuona i miss you . I am sorry kuti ndakatora humhandara hwako nenzira yakadaro but i really appreciate it ndakakugadzirira zvikuru bby ✉️ ko ndikaita mimba nhaiwe . ✉️ hantie inenge ina baba zvayo ko ndafa hre nhai bby . Unoti uchiri nenguva uri ipapo hre ndaakutokuda pedo neni maplans akabuda company yangu yave in shape so ndaakungoda kusiyana nembuya iyoyo pakangouya umwe mkomana ndiudze ndiuye ndichipedzerana naye ✉️Its ok woswera bhoo Ndakabva ndacutter call yacho ndanga ndapedza kutaura naye ndaimuda Viny zvokuti ndakatozviudza kuti zviri nane asiye chembere iyi aite zvangu inini chete . Zvaiita sekuti ndakadyiswa asi ini ndaitoona sendaiva bhoo. Ndakabva ndatosiya zvandaiita ndokutanga kugeza zvangu ndichibva ndachinja ndokuenda kunogadzirira zvokubika zuva rovira vakambobuda madam hameno kwavaienda . Havana kuita nguva hameno munhu wavaive naye mukadzi vairatidza kufanana asi . Ndakanovamhorosa ndipo pandakazonzwa kuti munin'ina wavo . Ndakavapa chikafu vakadya ndaivanzwa zvangu vachitsiurana kuchinzi sisi munozozvinyanya . Hameno zvii pamba apa paisava nebasa rakawanda . Musi wandaitowacha ndiwo musi wandaitoti ndashanda basa . Ndakanogara zvangu muroom mangu ndamirira kuti vapedze kudya ndigonorongedza . Vapedza vakandidana ndikaenda kunotora ndiro ndokuenda kunosuka ndikacleaner mukitchen mangu . Ndichibva ndaenda kunorara ndakabatirwa nehope zvokuenda handina wandakataura naye . Days passed madam vasingaendi kubasa ndakatombobuda rimwe day vakanondosiya mutown ndichitenderera nemukadzi waJacob . Ndipo pandakatotumira mari iya neeccocash kuna Virgie ndakabva ndamufonera kuti ndimuudze kuti mari ndatumira . 📱 hello 📱 hess Viola sei ikoko . 📱 kuno kuri bhoo vari sei mhamha phone yavo haisi kuita. 📱 vabate pawhatsapp maybe pavari hapana network vaenda kunoona kuri kuvakwa uko imba yave kutopera iyo ndiko kwavanoswera everyday mhamha . 📱 uri kutiiko iwe kuri kuvakwa kupi imba yacho iri yaani. 📱 (achiseka) yevabereki vakozve mhamha vakafunga kuregerera murume wavo . Ndakatoona kuti handingavarambidzi moyo wavo uchivada. Ndakatofara kuti vakaenda kunotestiwa vakabuda vakachena vese . Wotogadzirira vapfanha soon pamwe Mwari vachavapa another set who knows . . 📱 oh ndizvo zvavakazofunga aaah kana vachifara vainavo who are we kuvarambanisa. I am happy for her caz ukaroorwa pane pamwe panongoda baba so saka varege Virgie mari yandatumira waiona hre . Mongobatsirikanawo ikoko ndichatumira hre pana mdara businessman manaka imi . Ndiri kuuya pachrismass ndipo pandichauya nehembe dzexmass . 📱 ok saka ndirege kutsvaga kuno hre plus pamwe ivava vachatenga vanogoti ndibaba pakudii . 📱 Aaa taura hako nofunga uri kuita kuspoiliwa . 📱 Chido vanacho handisati ndangovapa mukana chete ipapa ndakatengerwa mabooks madrink kuita kutenga nemazepi semwana mudiki . 📱 ok vari kufara hre mhamha . 📱 yah she is happy ari sei Viny wako . 📱 ari bhoo akutotaura zvekuda kuroorwa maybe next year caz gore rino hazvingabudi ndikuda kuuya kuxmass pamwe nekuona malovebirds. 📱 hezvo kuroorwa izvozvi hre nhaiwe 16 yrs waakutofunga zvekuroorwa . Do you think marriage is that easy you know what Viola ndotokuziva kuti zvandinokuudza hauteereri but ndinoziva kuti uchademba zvako mangwana ita zvauri kuda waita zvako basa mari ndaiona ndonotora mangwana wova nezuva . Akabva acutter kunge ndiye afona ndizvo zvaibhowera Virgie she is too controlling . Kuita sekuti mukuru kwandiri isu takangoenzana kutaurwa kwazvo ini ndini ndaitonzi ndini mukuru futi . Ndakangokasira kuzvibvisa musoro nokuti ndaiziva kuti ndizvo zvaatori Virgie inyaya yekuti haasati afunga kuva in a relationship and hapana zvaanoziva zverudo . Mai Tadi( mukadzi waJacob): muri kuwirirana hre apo . Me: Yah hah itwin sister yangu iyi ndizvo zvaari iye ari kuchikoro so ari too protective . Takaenda kumba madam vakaita chivo chemwedzi vachishandira pamba . Ndakatohorawo ndikanotenga hembe dzangu nedzake Virgie ndaisagona kutenga hemve yangu ndega ndaibva ndatomutengerawo . Mhamha ndaitaura navo paapp vese namdara taitotaura zvokutoenda chaiko navo naViny taitaura and mbavha dziya vanenge vaitova maexpert chaiwo caz havana kumbowanikwa chete kungoti zvinonzi mhosva hairovi vachabatwa zvavo . There is this day pakauya madam nechimwe chimurume ndakamhanya kunoudza Viny and vanga vakurumidza kuuya day iri vakanovharirana mumba . Takaita maminutes angangosvika 30 ndipo pakasvika Viny . Akasvika akangoenda kuroom kwavo ndikanzwa zvotukana ikoko. Viny achitodeedzera kuti chisiyana neni iwe. Uone munhu ainzi iwe wacho kukura . Vanenge vaida Viny nokuti vanga votosiya wavanga vauya naye vomhanyira Viny wanei ini ndobatwa nekagodo . Viny wacho akavazunzira kure uko ndomuvati .... Him: Usachandifonera futi imbwa iwe hure remunhu akataura achitofamba uya wavanga vauya navo akabva avapa mbama ndokubudawo achipopota hanzi pfambi yemunhu . Ndakaseka zvangu mumoyo vanga vadhumanisa mai ava vakaenda zvavo vakadzoka vachibva vanditi ndipoo phone yako . Lucky nderekuti ndanga ndadeleter zvese muphone mangu . Vakatora vakavhura vhura vakatora nguva vachipenengura ndikanzwa vave kuti ... Her:Ko Viny aziva sei kuti pano pane munhu hausiwe wamuudza hre. Me: Viny akangonditsvagira basa anzwa ndichitaura zvokuti ndaida basa handina nyaya naye nyangwe kumusha kwacho hatitorina nyaya tese vanotogara chinhambo kubva kumba kwedu . Handina kana number dzake ini . Vakatura mafemo vachibva vaenda mumba aaa ngavasandipengere kusuwa kwavo ini kwaitondifadza caz Viny anenge ave wangu ndega . Yaiva shuviro yangu kuti asiyane nembuya iyi . Phone yangu yakaringer varivo vakaibata vakanditarisa ndaitoshaya kuti ndiani afona vakabva va....... *Stay tuned*
❤️ 👍 😢 4

Comments